Kurapwa Kwezvirwere🇿🇼
63.8K subscribers
About Kurapwa Kwezvirwere🇿🇼
Your health is our priority.
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
BATA HOPE IDZO *Ukaona wakurirwa kuhope ziva kuti panyama zvotozadziswa*. Hope idzi ndedzevanorota hope sezvazviri ....zvichizoita sekurota kwavaiita .. Zvisiri. Zvemadimikira Ukaona uchirota uchitevererwa nemapurisa kana imbwa zviri pachena Kuti mweya wejere unenge wakasundirwa pauri .....Ukazorota uchiiswa njema kuhope ziva kuti wakurirwa ...zvoreva kuti panyama zvakutozadzisa ....Ukatoona zvatodaro geza mhepo mhiko mweya wejere ubve pauri ... Kurohwa kuhope nevanhu vakawanda ...kubaiwa nemapanga ...Ukaona wazorota uchirohwa nevanhu vakawanda wobva wafa kuhope ikoko ziva kuti wakurirwa ....Panyama zvogona kuzadziswa mweya wekufa uchipondwa unenge wakukurira ......Dzimwe nguva unenge watourawa Mweya unokurwira hondo .kududza kukurirwa.....mweya wehurwere... Mweya we Tsaona unotanga kuurota kuhope ukaona kuhope .Uchiita Tsaona kana kutsikwa nemota ziva kuti.Panyama zvogona kuzadziswa kumhepo vanenge vapedza newe vanenge voda ukutuke panyama ... Kurota rota uchida kuwira mugomba ndochiga cherufu chenge chiri mberi kwako ....Ukaona ukawira mugomba kuhope ziva kuti panyama unogona kufa .Asi. Vamwe vanozorota vachifushira Gomo. Chiga cherufu chechazorodzwa Iko Kurota uchinhongera mumabin ...Kurota uchiteverwa ne benzi ...Ihope dzinenge dziri pachena ...Kuti panyama unogona kuzongo penga ....unenge uchisundirwa mweya wekupenga Hongu Kurota uchidya kuhope kudyiswa ...Asi neimwe nzira usadya mudzimba dzevanhu ...unenge uchipihwa chenjedzo yedare rekuzodyiswa panyama Kurota uchipihwa zvipuka zvinotyisa nemunhu nyoka mazizi wobva wagamuchira kuhope ikoko ..unenge watogamuchira huroyi ...Vazhinji vakagamuchira nyoka dzekupihwa nevanhu kuhope nekuda kwekuti vaifunga kuti mudzimu ....Nyoka yemudzimu hauipihwe kuhope kuita sekuti chingwa Kutorwa nenjuzu chaidzo chaidzo kuhope uchiinda pasi pemvura ....Zvine mukana wekuti panyama utorwe Zvemanjuzu zvinana Queen mother nemaring mukati ndezvechi satanist ..kuchivanhu njuzu dzinotsvakwa nekuunzwa nemudzimu kwete nemunhu .... vazhinji marombeswa nekusaziva nekuda kwezita rekuti njuzu Vazhinji mapinda muhusatanist nekuda kwezita rekuti njuzu Njuzu dzatinoda ndedze chivanhu dzinofamba nemudzimu dzisinei nemaring kana musangano .... Vazhinji vanouya kudare takavarasisa machira Avo nekuda kwekuti vaifunga kuti vane njuzu izvo vava joiniswa nemasahwira akaipa Kurota muchimwa nekudya muchiinda pasi pemvura muchinosangana nevanhu vakawanda ipapo muchinoudzwa zvekuita ...Ziva kuti chisatanist ... Zvinenge zvangosara kuti zviitike panyama kuhope mweya wako unenge wakato joina kare Unoroterei mufundisi wako achikupa ring ??? Unoroterei mufundisi wako achiinda newe pasi pemvura ??? Kupfurwa nepfuti kuhope kurwiswa zvakanyanya Kuposherwa nematombo .kuzorwa mavhu kukushiwa mavhu Unenge wakandwa nekuiswa zvipotswa Hope hadzisi uniform asi pane hope dzisina dimikira dzinouya semarotero awadziita ...Kune vanhu vanorota Madimikira ....Koti vanorota sezvazviri ... Ukakurirwa kuhope ziva kuti panyama wakurirwa ...Hope dzinokutaridza Hupenyu hwako hwese kwahuri kuinda nako ....Hondo ukadzikurira kuhope ziva kuti panyama wakuto budirira Wakarota watenga mota kuhope ziva kuti zvasarira panyama kuti uitenge zvikunonoka asi uchafamba nayo Imba kuhope wakavaka zvasarira panyama Wakorota uchiporofita wakarota uchibudirwa zvasarira kuti zviitike panyama nekuti kuhope wakato kunda kare Ukurota uchiuraya zvunhu zvavo kuhope zvareva kuti ukuvakurira pahondo dzavo Asi hondo iyo yekurarwa ukaona uchiri kurarwa kuhope ziva kuti panyama zvakutono vhiringa Hupenyu Ukaona wakuramba kuita bonde kuhope kana kuti ukaona wakuda kuita bonde kuhope wobva wamuka ziva kuti wakukurira chikwambo chenge chava pedyo nekuoneka Hongu warota uchirumwa nenyoka zvodudza kuiswa nyora asi zvine mukana wekuti panyama urumiswe nenyoka Kurota uchitungwa nemombe tsvuku zvizive kuti wakurirwa Unotamba naye asi kuhope anokurwisa siyana neshamwari yakadaro Ukaona ikakukurira kuhope ziva kuti panyama ..Yakutoku torera murume kana kukudzingisa basa Zvinotangira kuhope zvekubirwa chipo zvozongo zadziswa panyama asi kuhope unenge watokurirwa ..kuhope .Kubirwa mucheka wako wematare Kuputsa mazai kuhope Zvinokutaridza zvega kuhope kuti hupenyu hwako huchaoma ....Iko Kurota rwizi rwusina mvura Panyama hauibate mari Urikukunda here kuhope kana urikukurirwa ??? Ndoramba ndichidzika ne Gejo here nezve nyaya yetambo dzamoiswa muchiuno ...mumakereke *Nhuka* moisawo malike murambe muchiwana dzidziso yehope mangwanani ega ega
HOUSE LIZARD ( DZVINYU) Dzvinyu iri rinowanzotambira mumba richimhanya nemadziro kana roof yemba. Vamwe vanozivisisa nezvaro vanoti rinoshandiswa nevakaipa kukonzeresa kusashanda kwemari yako zvakanaka, kugara mumba mune mhirizhonga, kusadanana zvakanaka nevaunofambidzanana navo kana wawakaroorana naye. Zvakawanda! Ungaita sei naro? Tora garlic wosanganisa nemunyu wemagodo nemvura inodziya womwaya mwaya mumba mako. Chitora makanda emazai woisa mumacorner eimba mukati. Hauzomaoni zvakare. Isaiwo ma likes❤️🙏🏻👏🏻✅🥰

*NATSA KWAWABVA KWAUNOENDA HUSIKU* Zvimwe zvinhu hazvinei nen'anga kana maporofita izvi. Panguva yako waizviona seusinga batike uchifambira mudenga kaaaa. Ko nhasi misodzi nemhere mhere zvaa zvei nhasi?? Vangani vari kuchema nezita rako iwewe wega?? Saka unoyambuka sei ruzhinji rwuchichema newe?? Ndiudze zvikwereti zvingani zvaunazvo iwewe?? Vangani vawaka rwadzisa iwewe?? Wakapiwa mudiwa akakuda nemoyo wese akaperera chaiko , mwana wevanhu aive aka vimbika chaizvo kwauri iwewe, nekuvimbika kwake waka muita benzi ukamutambisa ukamuita munhu asina basa. Ko nhasi uku chemei?? Vangani vawaka vhara iwewe? Heya zvainakidza kaaaa zviri kwevamwe nhasi zvorwadza kaaa. *Inzwa vamwe misodzi yavo ine hondo mukati chiona nhasi zvawave?* *Nhuka❤️*

Arimo here akajambwa nedzidziso yekukumbirira kuvadzimu? Unoda here kuziva kuti vadzimu vanokumbirirwa sei? ❤️ 🙏🏻 👍🏻 😯 😢

*Kukumbirira kumidzimu* Pamusoroi varidzi venzvimbo ino yandigere Pamusoroi varidzi vematunhu ano atigere Ndauyawo mudare renyu rino ndini **** mwana wa***** muyera **** Handizive, ndiri pwere ndinochemawo zambuko pakurarama Handizive maishandisa bute here kana upfu Asi ndauyawo pano nebute iri ndichiremekedza dare renyu Pamusoroi mhondoro dzedzimbahwe Pamusoroi makombwe edzimbahwe Ndakumbirawo kutaura nevemukati memusha wandakaberekwa. Pamusoroi madzitateguru angu vaera **** Pamusoroi madzisekuru angu akanaka vaera *** Pamusoroi ana baba vangu vakanaka vaera *** *Zvakanaka kuziva kudetemba mitupo yedu chikonzero kana uchida kusofta mhene kuti isiyewo something inoda kuudzwa mazwi matete anokodza moyo* Chekutanga kumbirai ruregerero pane zvose zvamunotadxa zuva nezuva mukurarama kwenyu. Kumbiraiwo bvumbamiro, ruchengetedzo kubva kumhepo dzakaipa dzinosimudzwa kubva kumativi mana. Mweya yemabvuri zvikwambo nezvidhoma aewazve midzimu yekwababa ndoinorwira saka irambei ipapo. Mochikumbira zvimwe zvamungada ipapa. Chiregai ndiendewo kumachembere agere mukati memusha wandakaberekwa. Pamusoroi ziteteguru remumusha rakanaka muera *** Pamusoroi madzimbuya angu akanaka neukuru hwenyu vaera ***** *vakabereka baba* Pamusoroi madzimbuya angu akanaka neukuru hwenyu vaera ***** *vakabereka amai* Pamusoroi ana amai vangu vakanaka neukuru hwenyu vaera **** *mutupo waamai* Zvimwechetezvo kumbirai ruregerero, mokumbira bvumbamiro neruchengetedzo. Tendaiwo dzimba dzamakapihwa kureva haranga/hombarume kunyangwe nepwere dzamuinadzo nedzinouya nezvose zvamungade. Mopedzisa nekuvashavi vakasiyana siyana vagere patiri. Kumbirai kuti vabatane vose vamadana padare iri vaite sungawirirano imwechete. Kuvakadzi toitawo mupururu katatu uri pasi pasi, varume tichiuchirawo. _moisawo malikes❤️🙏🏻👍🏻😢 tirambe tichienderera mberi nefzidziso_ *Nhuka*

1. *Mombe yehuredzwa* kana makachengetwa namai vasiri venyu inoda kubviswa kunyange makunamata. 2. *Muroora akagezesa vaMwene vachirwara* vachibata tsvina nekuvawachira achivapepa anofanirwa kubhadharwa. 3. *Mombe yehumai* hazvina basa kuti mukadzi wacho wakamuwana isiri mhandara kana kuti arinevana vake inoda kubviswa chete. 4. *Makuva anoda kuvakirirwa* kuisa matombo kana cemende uye zvinoda kuitwa ne order yazvo chaiyo chaiyo kwete kuti tete vafa nhasi ndivo vamakutanga kuisira dombo ambuya vakafa kare musati mavaisira izvozvo hazvibude 5. *Mbatya dzevafi* hadzifanire kurega kugovewa kunyange zvodini zvinhu hazvifanire kupararira mumusha zvisina kugovewa uye zvinoda kugovewa nenzira kwayo 6. *Roora rinogoda kubviswa* kuvanhu vese kunyange kumukadzi wawatora aguma kubereka uchiti tavakungochengetana anoda kubvisirwa pfuma 7. *Mushonga weNgozi kuiripa*vamwe munoshandisa vanhu musingava bhadhare vasiri hama dzenyu muchizovadzinga zvechisimba musingazive kuti zvinopa dambudziko mumusha nevanhu vanoshanda kusvikira vafira mumusha menyu mari dzavo musina kuvapa dzakakwana 8. *Vabereki havanongedzwe huroyi* 9. *Vabereki havatukwe uye havarohwe kunyanya baba munzwa urimuropa hautumburike* 10. *Musabate mari dzineropa mukati kana kuti dzemushonga* Zvinhu izvi zvino kanganisa mhuri dzakawanda vanhu *vachihwanda nekuti tavakunamata Zvinhu izvi zvinoda kugadziriswa nemi kuti zvirege kuramba zvichikonzeresa muwanano yenyu nevana vevana venyu *Nhuka*

*Remedy yekurutsiswa* - kurutsa hudyiswa uye zvipotswa zvakasimikirwa mudumbu - panyama yako, iko kunzwa mudumbu muchirira ,kufufutirwa nguwa zhinji kushaya appetite ,kunzwa seuno fambwa fambwa mudumbu sewakatakura chinhu . Mix 3 table spoon salt yemagodo ,3 table spoon tanganda tea ,6 lemon ( unobvisa makanda wocheka cheka),500mls fresh milk [ kwatisa pamoto until boiling point womwa zvichidziya within 1hr unenge warutsa . Or mix 3 table spoon fembo rehondo ,chifumuro ,chin'ai ,300mls weti yako yokutanga tanga yemangwanani womwa ,within 45 mins unenge warutsa zvekare Zvinoitwa kumunhu mutano kwete murwere anofa. *Nhuka* ❣️

*Vanorota hope vachikanganwa* Mukai kuseni mogeza kumeso nedova, munogeza muchibva pachirebvu muchikwidza kuhuma muchitaura ngandisabirwe makope, ngandimuke ndichiziva zvese zvandarota, muchikwiza mumhuno zvese nemunzeve nedova racho Kana kutora munhenga wehanga yemusango morara mazvipumha kumeso muchikwidza nekuhuma muchitaurira zvekare morara makautsamira pasi pepiro Or pisai goko king onion matsito acho morara makaisa pasi pepiro Kana kurara makwiza mafembo ematare kumeso, mototesa netumvura, mokwiza muchikwidza zvekare kubva pachirebvu muchitaurira Moregawo kudya zvimunya zvinoita mukanganwe makope *Ndipeiwo malike🙏🏻❤️👍🏻*

Dzidziso dzirikupinda here vazukuru? 👏🏻 Mamboswera sei ,kwanga kurisei kumachechi?🙏🏻 Nheuro dzabatwa here?❤️ Makakomborerwa henyu vazukuru makaziva Mwari nguva ichiripo nemi vakaponera kumakereke vakasatuka/kushoropodza chivanhu nekuda kwekuti mapora kuvhurch❤️ ,ndisingakanganwe zvekare vasina kubvira vakatuka machurch nekuda kwekuti vakaponera kuchivanhu?❣️ ,mumwe mutauri akati denga hamuripindi nekugona azi nenyasha🙏🏻 ,ngatiramvei tichirumbidza Mwari nemidzimu yedu zvitichengetedze👏🏻👏🏻 Take just a minute to thank Lord for life👏🙏🏻🥰❣️
