Kurapwa Kwezvirwere🇿🇼
February 10, 2025 at 05:05 PM
Mudzimu kana wauya pauri unenge watsvaga pakugara uye pekuzorora uri. Mudzimu kana wauya unoda kugadzirwa wodzoswa mumusha. Kana wagamuchirwa unoda kugadziriswa mudzimu unoda kupfekedzwa nemachira kana kuti micheka kana kuti mapfuko. Mudzimu ndiwo unokuudza rudzi rwemicheka inodiwa kwete kuudzwa nemunhu. Mudzimu unodawazvakare tsvimbo, zvuma, gano, imwewo midzimu inotoda matehwe emhuka dzakaita sembada shumba nedzimwe dzakadaro imwewo inoda dehwe reshato imwewo inoda zvakare ngundu pfumo uta nemiseve. Ngwanda dzinodiwa nemudzimu dzakawanda uye dzinosiyanasiyana. Zvakanaka uyezvakakosha kuti iwe semugarwi utenge zvese zvinodiwa nemudzimu wako pasina chaunosiirira nekuti izvozvo zvinoita kuti makware ako asitambanuke zvachose. Kana wanga usati wapfekedza mudzimu wako upfekedze. Mudzimu unoda kupota uchibikirwa ukarwa (doro kana masvusvu) uchidira pasi senzira yekutenda kana kuupembedza. Mudzimu unodawo bute saka semugarwi garawo une nhekwe kana dende rako rebute raunopota uchifemba. Gara pedyo nemudzimu wako uwuitire zvese uchaona upenyu hwako huchitambanuka uye makwara ako achivhurika
🙏 ❤️ 😢 6

Comments