ZICH Media
January 30, 2025 at 03:47 AM
*ESSENTIAL SHONA LESSONS :FOR SCHOLARS AND PARENTS AT HOME*. Join our community for more updates https://whatsapp.com/channel/0029Vai0FQJ11ulJHRRO3r0l *Misambo Part 3:Musambo Wekunyarana* Vanyarikani pakutaura vanosiyana - siyana. Pane rurimi nemaitiro zvinova misambo yakasiyana yatoshandisa pavanyarikani vakasiyana. Regai titange ne musambo wekunyarana pavana.Musambo uyu unowanikwa pakati pevana voga sehanzvadzi nehanzvadzi kana pakati pemukoma nemunin’ina. Kunyarana kwavo kwakareruka zvokuti kunonovatendera kufara vachitaura vose. Kana vari vakomana voga kana vasikana voga vanogona kurerukirwa zvakanyanya asi paine cherechedzo yekuti vana vemhuri imwe asi umwe ari mukuru. Kana vava hanzvadzi nehanzvadzi pane kunyarana kwakareruka zvishoma pane kwemukoma nemunin’ina. Musambo umwechete unoshanda asi une udzamu hunosiyana nekuti vana vapi vari kushandisa musambo uyu. Maitiro avo nemiviri yavo anofanirwawo kucherechedza chinyarikani chiri pakati pavo. Mapfekero evanhu ava mumusambo uyu akareruka asi anofanirwa kuve akatsiga zvinopindirana netsika nemagariro epamusha. Musambo wekunyarana pavana nevabereki Kana takangotaura sematauriro atinoita neshamwari dzedu nevabereki vedu panova nekusawirirana. Musambo unoshanda pakati pevana nevabereki une ruremekedzo rwakadzama kukunda rwematauriro evabereki kuvana vavo. Mapfekero evanhu ava anofanirwa kucherechedza kuremekedzana nekunyarana uku. Vana vanofanirwa kupfeka zvakatsiga pane vabereki vavo zvisingavakanganise meso. Zvipfeko zvinongwerevera nezvinosiya miviri pachena hazvikodzere pane vabereki. Vaberekiwo havatarisirwe kupfeka zvisina kukodzera pane vana vavo. Musambo wekunyarana pachinamato Uyu musambo wekunyarana watinoshandisa muzvinamato zvedu zvakasiyanasiyana. Muzvinamato muzere vatorwa avo vanofanirwa kuve nekunyarana kwakasangana nekukudzana pakati pevanamati kuti chinamato chigone kubudirira. Munamati anofanirwa kunyara vamwe vanamati kuti pasave nezvinokanganisa chinamato. Kana pakasava nekunyarana pakati pevanamati, kutevedza zvitendo zvechinamati kunonetsa nekuti vanhu vanenge vasina chinovamisa kuita zvavanoda izvo zvinozokanganisa chinamato. Chinamato chine mapfekero anotarisirwa kuti kunyarana kurambe kuripo. Vanhu vanofanirwa kupfeka zvinoita kuti pakati pavo parambe paine ruremekedzo rwemitemo inosunga chinamato. Mune zvimwe zvinamato vanhu vanofanirwa kugara vakapfeka zvirefu zvinovhara miviri yavo kuti vanhu vasaone zvinozovakanganisa chinamato chavo. Kana kuri kugara pagungano rechinamato vamwe vanamati vanogara vakapatsurana vakadzi kwavo varume kwavo kusimbaradza musambo wekunyana pachinamato. Musambo wekunyarana pavakuwasha nevakarabwa. Uyu musambo unoshandiswa pakati pevakuwasha nevabereki vomudzimai. Chinyarikani mumusambo uyu chinosiyana zvichibva nekuti ndiambuya here kana kuti nditezvara vaanotaura navo.Chinyarikani chakanyanya pakati pemukuwasha naambuya vake kupfuura pakati pemukuwasha natezvara. Ambuya havatariswe kumeso kana kubatwa maoko. Kana kuri kukwazisana, vanokwazisana vari parefu neparefu vachiuchirana kusimbaradza ruremekedzo rwuri pakati pavo. Havagari muimba imwe chete kana kusvika pedyo nepedyo. Kana zviri zvipfeko, vanopfeka zvakatsiga. Ambuya vanotarisirwa kupfeka zvakatsiga zvisingatosvore maziso emukuwasha. Iye mukuwasha anofanirwa kupfekawo zvakatsiga pana ambuya vake zvinotaridza kuti anovaremekedza. Musambo wekunyarana pachitorwa Tinotaura nevanhu vakawanda chose zuva nezuva. Vanhu ava vanogona kunge vari vatinoziva asi tisina ukama navo, tichivaziva nokuda kwebasa kana zvimwewo zvingasanganisa vanhu. Vatorwa vanhu vatisingazive navo zvachose vatinenge tasanganawo navo kekutanga panguva iyoyo. Ava tinotaura navo nemusambo wekunyarana pachitorwa une kunyarana mukati. Kunyarana kuri apa kuzere ruremekedzo rwatinofanirwa kupanana tichicherechedza kusazivana kwedu zvisinei kuti munhu akaita sei. Musambo uyu unoshanda zvakanyanya patinotanga kutaura nemutorwa watinenge tichitaura naye. Kana takaramba totaura nemutorwa uyu mhando yemusambo inoshanduka ichitevedza ukama hunenge hwava pakati pevatorwa ava. Mutorwa haarambi ari mutorwa kwete, hukama hunoumbika zvichibva nezvamunenge mokoshesa zvinenge zvava kukuunzai pamwe chete. Musambo uyu haunyanye kutarisa mapfekero evanhu vari mumusambo uyu sezvo vanenge vangosangana. Mapfekero anozotanga kuve nechekuita kana tava kuda kuve nechekuita nevatorwa ava zvokuti musambo unenge wava kutoshanduka. Musambo wekunyarana pachikurungai Musambo uyu unoshandiswa pakati pevabereki vevana vakaroorana. Ava vane hukama hwavo hunobva mumatauriro avo hune kunyarana kwakawandira mukukudzana kwevabereki vane vana vari muwanano. Ava vanoedza kuve nemaitiro anoita kuti vamwe vavo vasasare vaine kushamisika nemaitiro avo. Vanogona kutaura zvakasununguka asi paine kunyarana kwakasangana nekukudzana ikoko. Zvinotarisirwa kupfekwa zvinofanirwa kuva zvisingashorese muroorwi kwaakaroorwa kana muroori kwatezvara vake. Musambo wekunyarana pachiroora Uyu musambo unoshanda pakati pevaroora nevabereki vemurume nehama dzavo. Mumusambo uyu mune kuzvininipisa zvikuru kwevaroora kuti vagonzi vakarairwa kana kuti vane unhu. Varoora vanozvityora nguva dzose kana vachitaura nehama dzevarume vavo kunyanya vanatezvara navamwene vavo. Havafanirwe kungotaura vasina kucherechedza zvavanenge vachitaura nekuti zvinoshoresa ivo sevaroora uyewo kwavakabva. Kunyangwe vangade kudzinga imbwa chaiyo yepamusha, muroora anofanirwa kushandisa mazwi asingakanganise varidzi vemusha. Mapfekero avo anofanirwa kutaridza kuti vakaroorwa uyewo kuti vari pamusha pevanyarikani. Zvipfeko zvavanopfeka zvinofanirwa kuve zvirefu zvinofukidza muviri wose. Vanotogona kumonera mucheka unotsvaira pasi unozivikanwa nokuti zambiya, mumusoro vakasunga dhuku.Muroora haatarise vatezvara kumeso kana kusvika pedyo navo. Anofanirwa kutaridza kuvanyara nekufambira kure navo kana kugara kure navo. Kana muroora achikwazisana navatezvara kana vamwene anofanirwa kutyora muzura kana kupfunda tsiva kutaridza kuti anozvininipisa mumusha wevaridzi uyu. Kana kuri kugara muroora anogara akapfunya chisero. Kana ave kupa vatezvara zvokudya anopfugama pasi. Kana ave kutaura navatezvara, muroora anofanirwa kutaura akatarisa pasi kwete kutarisa vatezvara. Zvose zvinoitwa nemuroora mumusha maakaroorwa zvinofanirwa kutaridza kuti akabva kune vanhu. *Rambai muchiteera chirongwa chedu chemusambo. Muchikamu chinoteera tichanyora musambo weku Gunun'una*. #no CULTURE NO FUTURE *NB : LET'S PRESERVE OUR LANGUAGES,NORMS AND VALUES. LANGUAGE IS CRITICAL INTANGIBLE CULTURAL HERITAGE* Follow us on:- *FACEBOOK* *@Zimbabwe Intangible Cultural Heritage* https://www.facebook.com/share/17zXZ2WNmG/?mibextid=wwXIfr *INSTAGRAM* @ *ZICH TV MEDIA* https://www.instagram.com/zichtvmedia/profilecard/?igsh=d3N3ZmlkbTZ4a3E= *TIKTOK* *@ zichtvmedia* https://www.tiktok.com/@zichtvmedia?_t=ZG-8srTiO9lFYH&_r=1 *YOUTUBE* *@ ZICH TV* https://youtube.com/@zichtvmedia?feature=shared 🔄🔄🔄Share our Articles and documentaries with Family and friends
❤️ 2

Comments