ZICH Media
January 30, 2025 at 01:11 PM
*TEACHINGS FROM TATEGURU CHIBATAMATOSI*
Follow our Whatsapp Channel for more updates https://whatsapp.com/channel/0029Vai0FQJ11ulJHRRO3r0l
*Kutura Mwana akarerwa Kunze kwemusha*
Pachivanhu chedu kana mwana akarerwa kunze kwemusha anoturwa kana kuti kusvitswa ku Dzinza rake.
Hondo dzose dzino gadzikwa pasi nemashoko ane hungwaru.Nhasi vana sikana vedu vava nevana kunze kwewanano.
Vamwe vakarambwa vakadzoka mumusha nevana.Vamwe vane vana Vashanu vanana baba Vashanu.
Vana ava vari kurerwa mumusha medu. Kunyange Amai vavo vachi zvishandira kana kuva nepavo pokugara Tsika dzinoti vari mumusha maAmai vavo.
Kana vana ava vabva zera tino fanira kuno vatura kumusha kwavo.
Varidzi veMusha vano tsvaga munyayi.
Vosuma mumusha kuti nhasi pwere dzekwa Ngana dzatarera takuno dzitura kuvene vadzo.
Mwana kana asvika mumusha make, shoko rekuturwa rarehwa, varidzi vake kana vachi gutsikana kuti zvedi mwana wavo , vano bvisa chirigo chekuti vatambira .
Chiringo ichi ndicho chino dzokera nemunyayi kune vakamutuma.
Mwana ano siyiwa mumusha make.
Tete veMusha vano mushambidza tsoka nekumuzora mafuta.
Varidzi veMusha vosuma kuVadzimu vavo kuti mwana ava mumusha.
Hwedza vaizo famba kuti vazive kuti mwana auya mune zvakanaka here.
Kwapera mazuva mwana uyu ari mumusha make paibikwa pfuko yekumutambira.
Vene veMusha vaituma shoko kumusha kwaAmai vemwana kuti vauye kumabiko aya.
Garegare Musha waizoronga pfuma yekuno roora mwana wavo.
Nhasi pwere dziri kupoya kubva kwadzarerwa zvisina gwara neTsika.
Izvi zviri kukonzera kuti pave nekurwisana kumhepo.
Hupenyu hwemwana iyeye hotanza kururama.
*Chisi chako hachi kungirwe hata.*
Tikaregera kutevedzera tsika dzedu nekuti taka tadzirwa tinenge taroya vana vatarera.
Midzimu yavo ino ramba ichirwisa kuti vauye mumusha mavo.
Mudzimu yekwa Amai ino rambawo ichiti hatizive kuti ane Musha.
Taka rera asi hapana chatakaitirwawo.
Dambudziko iri rino remera mwana iyeye.
Makakatanwa Aya ano tadzisa hupenyu hwake kupenya.
#no CULTURE, NO FUTURE
NB: *TATEGURU CHIBATAMATOSI IS WELL KNOWN FOR BEING INSTRUMENTAL IN RETURNING OF TATEGURU MKWATI’S WALKING STUFF (TSVIMBO YAVAMKWATI) FROM BRITISH GOVERNMENT*.
Follow us on:-
*FACEBOOK*
*@Zimbabwe Intangible Cultural Heritage* https://www.facebook.com/share/17zXZ2WNmG/?mibextid=wwXIfr
*INSTAGRAM*
@ *ZICH TV MEDIA* https://www.instagram.com/zichtvmedia/profilecard/?igsh=d3N3ZmlkbTZ4a3E=
*TIKTOK*
*@ zichtvmedia* https://www.tiktok.com/@zichtvmedia?_t=ZG-8srTiO9lFYH&_r=1
*YOUTUBE*
*@ ZICH TV* https://youtube.com/@zichtvmedia?feature=shared
🔄🔄🔄Share our Articles and documentaries with Family and friends
❤️
🙏
8