ZICH Media
February 6, 2025 at 11:45 AM
*ESSENTIAL SHONA LESSONS :FOR SCHOLARS AND PARENTS AT HOME*. Join our community Channel for more updates https://whatsapp.com/channel/0029Vai0FQJ11ulJHRRO3r0l *Misambo Part 4* *Musambo Wekugunun'una* Musambo uyu musambo unoshandiswa patinoratidza nemazwi kuti zvataitirwa hazvina kutifadza kana kuti kana takanganisirwa. Kugunun’una hakusi kupopota kwete, asi kuti kubudisa pachena kusafara kwedu nezvatakaitirwa, saka budiriro yemusambo wekugunun’una inovepo kana takacherechedza kuti ukama hwatinahwo nevanhu vatinenge tichigunun’unira ndihwo hunoita kuti tisiyanise mhando yemazwi ekugunun’una atinoshandisa. Kana iri shamwari yangundinogona kugunun’una nemazwi akareruka muushamwari hwedu asi anotaridza pachena kuti zvakaitika hazvina kundifadza. Kana pari pabasa, ndinogona kugunun’unira vakuru vebasa nemazwi ane remekedzo asi achitaridza pachena kuti handina kufara pane zvakaitika.Mapfekero edu kana tichigunun’una ngaaenderane neukama hwatinahwo nemunhu watiri kugunun’unira. Kana tichigunun’una uso hwedu hunofanirwa kutaridza kudzama kwekugunun’una kwedu kuti muteereri anzwe nekuona kudzama kwezviri kugunun’unwa.Kana paine zvawakaitirwa zvisina kukufadza unogona kutaura uchiti;‘Ndine urombo nezvakaitika asi ini handina kufara nezvakaitika…’ *Musambo wekupopota* Musambo uyu tinoushandisa kana tichida kuita ruzha pamusoro pekutadzirwa kwedu tiine chinangwa chokutyisa muteereri angave nechekuita nenyaya iripo. Mumusambo uyu munotaurwa nezwi riri pamusoro zvikuru zvokuti vanhu vasineyi nenyaya iyi vanobva vaziva nyaya yose iripo kunyangwe iri nyaya isingaite. Vanoshandisa musambo uyu munotorwa mazwi anopindirana nekusimba kwebopoto rinenge riripo. Kana rakanyanyisa kudzama mazwi anoshandapo ndeekurwadzisana chete.Musambo uyu unoonekwa nekuvhiza maoko kunongedzera kana kunongedzerana kana kufinyamisa uso. *Musambo wekuganza* Uyu musambo wekutaridza kuti iwe ndiwe munhu ari pamusoro-soro pavanhu vose, uya munhu anganzi akaoma pane vamwe vose. Musambo uyu tinoushandisa kana tichida kuzviisa padanho repamusoro-soro. Izvi tinozviita tichishandisa mazwi nekuita kunotaridza izvi. Vanoshandisa musambo uyu vanogona kutotsvaga zvipfeko zvinotaridza kuti vari pamusoro pevamwe vose zvechokwadi zvokuti ivo vacho vari kuganzirwa vanotendeseka nekuganza kwake. Musambo uyu unoonekwawo nekufambisa muviri kune kuzvida nekuzvikudza mukati. *Musambo wekudemba* Musambo wekudemba unoshanda kana pava nedambudziko kana kuchema. Mutauri anenge achitaura achichema ngwavaira kana tsaona inenge yasanganwa. Anodemba anotaura nezwi rine kunzwisa tsitsi mukati, munhu achiita kunge ari kuda kuchema kana kutotaura achichema nhamo inenge yamuwira. *Musambo wekushorana*. Musambo wekushorana musambo wekutarisirana pasi. Mumusambo uyu vanhu vanotsvaka mazwi nekuita kunotaridza kuti kuita nekufunga kwemumwe kwakashoreka. Muviri unofambiswa zvokusvora ari kutaurwa naye. Munhu anogona kunongedza munhu neruoko achiruzunza zvokushora ari kutaurwa naye. *Musambo wekukakavadzana*. Uyu musambo unoshandiswa kana paita kusawirirana pakati pevanhu. Panoitwa sarudzo yemazwi ekukakavara zvinoenderana neudzamu hwemakakatanwa anenge aripo. Kana vanhu vachikakavadzana vanogona kuonekwa nekukwidzirana mazwi kuzunza maoko, kunongedzerana kusvipirana kumeso kana kufinyamisa kumeso. Vamwe vanorova zvinhu zvinenge zviri pedyo navo. Vamwe vanogona kutosvika pakurovana chaiko kutaridza kuti pane makakatanwa ari pakati pavo. *Musambo wekubata maoko* Kana kwafiwa tinoenda kunobata maoko. Kubata maoko kunyaradzana nevafirwa.Parufu panoshandiswa musambo wekubata maoko. Mumusambo uyu vanhu vane mazwi avanotaura anotaridza kuti vari kubata maoko. Vanewo zvinhu zvavanogona kuita zvinozadzisa musambo wekubata maoko.Tinobata maoko sei?Kana takasvika pafiwa tinokwazisa vashaikirwa nevose vanenge vauya kuzokuta hama dzomufi. Tinotaura navo kana tavakwazisa tichiratidza kubatikana kusuwiswa kwedu nechiitiko cherufu ichi tichiti;‘Tine urombo nekushaikirwa nehama’, Kana ‘Nenhamo dzatiwira.’ Kana ‘Nedzoi nedzekuparadzika Mashoko aya kana mamwewo zvichienderana nekwatinobva anogona kuteverwa nehurukuro yekunyaradza vafirwa. Pakubata maoko tinofanirwawo kuita zvinotaridza kuti tiri kurwadziwa nechiitiko ichi zvinoita kuti kubata maoko kuzadziswe. Tinogona kuratidza kuti zvaitika izvi zvatirwadzawo nekutaura mazwi ekurwadziwa kana kumbochema zvisinei kuti unoda kuchema here kana kuti kwete nekuzunza musoro kana kubatanidza maoko kana kurova maoko uye tichitaridza kusiririswa pauso hwedu pakutaura nehama dzemufi kana mamwewo maitiro anoratidza kurwadziwa zvikuru nezvaitika izvi. Tinogonawo kuita mabasa eparufu anosanganisira kunochera guva remushakabvu nezvimwewo. Zvipfeko zvinofanirwa kupindirana nechiitiko ichi. Vamwe vanobva vapfeka zvipfeko zveruvara rutema runoratidza kusuwiswa nechiitiko ichi. Madzimai anopfeka zvipfeko zvirefu vakamonera micheka yemazambiya nemadhuku. *Musambo wekukumbira* Uyu musambo watinoshandisa kana tiine zvatinoda kuti tiwane kubva kune mumwe munhu. Tinogona kukumbira kubatsirwa kana kukumbira mari kana kukumbira kuti tipiwe chose chose chatingade. Munhu anokumbira anofanirwa kuzvirereka oenda pasi petsoka dzemunhu waari kukumbira kuti zvaari kuda zvimufambire. Kuzvininipisa kwacho kunogona kusiyana zvako hudzamu hwako nekuti munhu ari kutaurwa naye ndiyani panguva iyoyo. Kana kuri kukumbira ruregerero taona kuti takanganganisa tinofanirwa kugona kuona kutadza kwedu tokumbira ruregerero tichishandisa musambo wekukumbira uyu. Uyu musambo une kuzvirereka mukati zvokuti zvinova pachena kune atadzirwa kuti munhu anzwisisa kutadza kwake. Mienzaniso yekukumbira ruregerero;‘Ndine urombo nezvandakaita…ndinokumbirawo kuregererwa kutadza kwangu..’kana kuti ‘Shamwari ndakagara pasi ndakaongorora zvandakataura ndakaona kuti zvakaipa chose. Ndizere nenyadzi nhasi uno ndichikumbirawo kuti undiregererewo'. Handichazozviiti zvakare..’ *Musambo wepadare* Padare panoshandiswa musambo wepadare uyu. Mumusambo wepadare tinofanirwa kuzvininipisa pavanhu vari padare tichivaratidza kuti tiri pasi petsoka dzedare rinenge richititonga. Kana tichida kupa pfungwa dzedu padare tinotaura kuburikidza nemukuru anenge aripo zvichienderana nekuti idare rakaita sei. Panogona kuva namambo kana riri dare redunhu rose, kana kuti rinogona kuva dare diki remusha rina sachigaro kana sabhuku. Kana ari matare enyika kune mamajisitiriti, majaji nevamwewo vatongi vakuru. Ava vakuru vanofanirwa kuremekedzwa chose mumusambo uyu kunyangwe ivo vakuru vedare vasingatikudze nekuti tinenge tiri pasi peutongi hwavo. Kana tiri padare hatingotaura tisina kupiwa mukana kana kutaura ivo kana vachitaura. Unofanirwa kutaridza kuti unoremekedza dare nekuita kusingashore dare.Ukashandisa musambo usiriwo padare kana kuita zvisingadiwe padare sokudaira nharembozha yako, kutaurawo zvako neumwe munhu mudare, kudya zvako mudare kana kuuya wakapfeka nguwo dzisina hunhu unonzi watarisira dare pasi. Izvi zvine mutongo wazvo zvoga zvichienderana nedare racho.Kana tichitaura padare tinotanga nekukudza vadare sokuti;‘Pamusoroi changamire, munyori, makurukota, nemi mose makateerera….’Kana,‘Pamusoroi sachigaro, munyori nemi mose matikuta….ini ndasimuka kuti….’. Izvi zvinotaurwa tichiuchira maoko kana ari matare echivanhu. #noculturenofuture *NB: LANGUAGES ARE CRITICAL INTANGIBLE CULTURAL HERITAGE* Follow us on:- *FACEBOOK* *@Zimbabwe Intangible Cultural Heritage* https://www.facebook.com/share/17zXZ2WNmG/?mibextid=wwXIfr *INSTAGRAM* @ *ZICH TV MEDIA* https://www.instagram.com/zichtvmedia/profilecard/?igsh=d3N3ZmlkbTZ4a3E= *TIKTOK* *@ zichtvmedia* https://www.tiktok.com/@zichtvmedia?_t=ZG-8srTiO9lFYH&_r=1 *YOUTUBE* *@ ZICH TV* https://youtube.com/@zichtvmedia?feature=shared 🔄🔄🔄Share our Articles and documentaries with Family and friends
❤️ 🐗 3

Comments