HoTalk Zimbabwe
February 8, 2025 at 06:13 PM
Please hide, ndokumbirawo kubvunza nhai veduwe ndoitawo sei nehama dzemurume dzisina matyira ekungopinda mumba mangu dzichitora chero zvadzafunga ndisina kuvapa mvumo,apa ndikatumira Mari kumba ndichiti ichengeteke kunavamwene ,vanatete vanonotora Mari iya vachiti timbospiner tozodzosera ,nanhasi Mari iyoyo havasati vadzosera ,kushinga kupinda mumba mangu kusimudza TV yangu hombe nemaspeaker kunotengesa here,apa hembe vana vachipinda mumba vachingotora vachipfeka,machira chaiwo andaifuga kutora here, uuuummm ndirikurwadziwa,Mari yekuvakisa yose yandaitumira vaitora vachidya,imba yakavakwa nevhu roga irikutsemuka,ndasvika pakuzorora, ndokumbirawo mazano Hama,moyo wangu unebundu kwazvo Mondizivisawo kana maposter https://whatsapp.com/channel/0029VaKtlJHCcW4ifLOV8i3y
😢 💔 😮 😂 ❤️ 🙏 ⚰️ 🏃‍♀️ 👍 😀 41

Comments