ZIMBABWE JOKES 🇿🇼😂
February 15, 2025 at 08:44 AM
*KANA JEHOVHA VAKURANGARIRA*
*Wakamboona here zvinoitika muupenyu kuti panguva dzaunenge uri pakutambudzika or panguva dzekunetsekana muupenyu pane vamwe vanenge vachifarira zvauri izvozvo? Uchikumbira kumbira kwavari vanoseka,vanoda kuti ugare uri zvauri?? Rega unzwe...*
*Muedzaniso👉Pamba penyu imimi pakasvika mota inogona kuita gore rose iripo yakamira .Imbwa dzepamba penyu dzichiiona dzinotombovata pasi payo nekutomboswerapo zvekuti dzinotojairira nekuiona but zuva rinosimuka mota yava kuenda dzinotanga kuhukura senge dzanga dzisingaone kuti pane mota yakamira*
*Zvoreva kuti panguva dzaunenge uri pakutambudzika vanhu vanotokujairira. Kungokuona vanoti ndeuya wekukumbira ndeuya wekusaroorwa, ndeuya wekusaroora, ndeuya wekutsvaka basa,ndeuya asina chaainacho but pakusimuka kwako pachava nemutauro mukuru chaiwo. Uchanzwa konzi akazoromba ..akazoroorwa but haagari chete, anorambwa ..akazoroora but vanosiyana chete,akazoriwana basa but anodzingwa chete ..akazomubatawo mwana but hapana zviripo mwana anofa chete*
*Teerera unzwe kuDenga kuna Mwari uko anonzi anosimudza marombe kubva muguruva.Zvako iwe hazvipere zvakadero.Nezuva rimwe chete Denga richakurangarira. Mwari havana kukusikira kuti utambudzike.Hauna kusikirwa kuti zvako zvisaita but kuti simba raMwari riratidzwe.Zvauri izvozvo mangwana uchamuka zvachinja.Bible rinoti kuchema ndekwemadekwana mufaro unouya mangwanani ...Zvikanzi vanofara vaya vanochema nekuti vachanyaradzwa. Mwari vekuDenga vacharatidza Simba ravo*
*Pane dzimwe nguva apo mukadzi aibuda ropa ava nemakore ari mukurwadziwa zvekuti pakanga pasisina tariro but Mwari nezuva rimwe chete vakamurangarira. Kune vanhu nhasi uno vari kupupura kunaka kwaJehovha zvekuti ukabvunza Sarah anokuudza kuti ndakanga ndava chembere ini but Mwana ndakamubata ..Iwe mbuya Hannah vaisekwa iwe but nerimwe rezuva vaiseka vakanyara ..ndiMwari anonyadzisa vanokushoora iwewe.NdiMwari vanonyadzisa vavengi vako*
*Ramba uri pana Mwari.Zvako zvinoita.Zivikanwa nekutambudzik
🙏
❤️
👍
👏
😂
37