MITI🌿NESORA💐ZVINORAPA💊
January 18, 2025 at 01:10 PM
*KANA WAITA DAKA/MHOSVA* *Tora midzi yemusekesa, nyora Zita remunhu waune mhosva naye pajira Jena wosunga wakaisa midzi yemusekesa wonokanda muguru remajuru uchitaura Kuti ngazvipere *COURT CASES* Tora badza enda kusango votsvaga pane tsvina yemunhu, ndati tsvina yemunhu. Bvisa nebadza tsvina iyoyo, PASI petsvina uchaona kamudzi, tora kamudzi kacho vogeza one day raunobva kunochera iwe ukuenda kucourt uchitaura Abt yo case. Vapedza voturika kamudzi Mumba mudenga. Zuva rekuenda kucourt gezazve kuseni vobva varasa mudzi uya, uchiti iwe mhosva yangu uritsvina inoraswa hapana anoda tsvina, tsvina inoraswa uye kusemesa. Naizvozvo, raswa iwe mhosva URI tsvina kucourt ukonraswa, nyaya yangu raswa zvachose ugoora usamukazve. *COURT CASES* Tora midzi yenhanzva iri pakati pematombo Isa mumvura, Tora upfu nechimera vosanganisa, Wash hembe yemunhu wachi uchitaura Zita rake Kuti iwe Zuze ndoda kuti uuye kuno ugozodya sadza pano pamba kwete rekujeri. Nyaya Yako ngaitsvedze sekutsvedza kunoita nhanzva iyi.
❤️ 👍 👏 🙏 🥰 5

Comments