MITI🌿NESORA💐ZVINORAPA💊
13.6K subscribers
About MITI🌿NESORA💐ZVINORAPA💊
*KURAPANA NEMITI🌳YEMUSANGO OR🎋PAMBA UYE MHUKA🐗 NEZVIMWE ZVATIINAZVO MUDZIMBA🥑DZEDU PACHENA🥰*
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
Varume vane nhengo dzisingamire, dzakaneta or vanokurumidza kurasa mbeu, Tora 3 cloves zvegarlic cheka cheka isa mukapu woisa salt yakati wandei asi inonwika zvidire mukachigubhu chero kepepsi chukucha wonwa once, thank me later
*Mubhubhunu* Chifuva kana chanetsa kurwadzaa kunyanya vanosimudza zvinorema Kufema huruva Vanombopisa kana kuputa fodya Vaye vanoshanda nguva refu vakagara chifuva chikakurwadza Kwete ane asthma kwete Kunzwa chifuva kurwadzaa zvikuru manheru kuzarirwa kuye usanetseka tora muti unonzi mubhubhunu unoita tuvana tunodyiwa um Tora mashizha ayo boilisa imwa mvura yacho kana kuchera midzi yacho omesa wokuya kuita powder yacho uchimwa or kuisa muporidge
Kusimbisa muviri *Kusimbisa muviri* Kune vakaperezeka miviri kunwa mudzi wemupangara unosimba bonzo nenyama even musana nekuisa muguchu unogwinyisa futi Musana Tsvakai mutarara midzi yacho monwa, kana kutsvaka vanhu vanochera makuva morara pasi vokutsikai Chibereko Kune vaye vane problem yechibereko 1. Tora onion dzema shallots mashizha acho womakwizira mumaoko ako womaisa zasi mukati mesikarudzi chaimo tsvina yese inobuda zvaunotoona 2. Tora mashizha emuzimbani womakwizira mumaoko ako anoshanda sema onions zvakare Musakacha nedombo pliz tumatombo tunogona kuzokukanganisai 3. Torai bute, fodya yemhino iya iya motora chijira chakachena moputira moipfeka zvakare inoshanda Tingazive sei kuti chibereko 1. Chibereko icho pachiri chinorwadza zvekuti ukapinza chigunwe ukabata unorwadziwa 2. Chinogona kurwadzisa musana uchiita kunge muchiuno makasungwa nebhaudho kana kuita kunge unonzwa bayo 3. Chinogona kurwdzisa pasi peguvhu asi zvinorwadza zvekuti unogona kufamba wakakotama 4. Gumbo rinorwadza kubva muchiuno kusvika kutsoka richiita kunge chiveve asi richirwadza rinogona kutokutadzisa kufamba Shandisai mishonga iyo muchaona zvichipera
Guchu rebonde rinoita kuti murume asakurumidze kurasa mbeu uye rinoita kuti murume kana mukadzi asafunge zvekuita small house. Zvigadzirire woga guchu iro mozondipa maresults kuti moto urisei mumba. Muroro mukuru - midzi Mubvamaropa - makwati Murumanyama - makwati Changamire - midzi Murwiti - midzi 👆🏼Munotswanya tswana mozviisa muchigubhu mopota muchinwa henyu asi ndapota musanwa kana urikure nemudiwa wako nekuti munozopara mhosva. Guchu iro rinonyatsovhura tsinga dzinofambisa ropa panhengo yemukadzi kana murume kuti anzwe magetsi ekuda bonde uye unogeza mudumbu uye unoita kuti usanete pabonde. Kuti uzive kuti zvaita unonzwa body yako inoita kakureruka yega obva vaziva kuti zvaita
*dohwe for PERIOD PAIN* Ukanyika makwati emutohwe mumvura wonwa anopedza period pain zvachose tora hapa mashizha Acho boilisa anopedza jeko tora mudzi wemuzambinga nyika mumvura imwa unopedza jeko zvekare NB..unouchika zvekare tora huswa HUYA jeka Cheka Isa mumvura woboilisa womwa unopedza jeko tora muti UNONZI musukavakadzi boilisa unopedza jeko or kumwa powder muporridge NB usaite bonde usina kudzivirira unobata pamiri..
MAZISO ANOTSWINYA, ANOVAVA UYE AKATSVUKA...............tsvaga nhoko dzetsuro yemusango. Wana dziri nhatu then chipota uchiti pazuva womedza imwe kusvika mazuva matatu akwana.... OR tora nhoko dzetsuro yemusango wotswanyatswanya woisa tumvura then isa pakajira kakachena wosvinira mumeso acho.
*DARE UNARO ,ASI USAMHANYE ,CHIMBODZIDZA MATARE* Usazviise muchoto wega ko achakudzimhra ndiani? Unozvitosvora wega nekuda kuonesa risiri rako. Gutsikana nepauri uye nenhanho dzauri kutora kana wakadzi uchasvika kumhiri chokwadi unosvika chete ukaramba washinga. Ndinorevera imi makuzviti mhondoro kana svikiro kana gombwe ekumadhorobha. Neiwo micheka yamakuzviturika enhundurwa kana matema kana esirivhera muchiti mune matare makuru. Hondo nemadzudzo anoberekana nemicheka iyoyi munoiziva here? Hatirambi hedu kuti dare racho rinenge rakarehwa kuti une mhondoro pauri kana kuti une matare enyika kana rezvicherwa. Kududza chete dare remberi asi ka hazvicharewa kuzvitutumadza nekuzvigadza humhondoro husati hwakwanira. Kutozvisosera jambwa neminyama. Zvinhu izvi zvinofamba nemironga uye nenguva hazvipoperwe zvinouya zvega nekukwanira kwenguva. Danho huru nderekugonera midzimu yako kuti uzogona kusvika matare emberi uye hazviitike nenguva pfupi zvine mwaka yazvo uye nezera. Midzimu inoziva kuti kana usati wafamba gwara rawo rakakwana pasina kutsaudzira inokusvitsa matare emberi. Mukarangarira rungano rwebhaibheri yana Moses nevamwe wake kuti nyangwe hawo wakanga wanzi wachasvika kunyika yehuchi nemukaka. Wangani wawo wasina kubvira wayi nhuhwa asi wari iwo watakuri wakuru wematare. Zvakafanana nerandiri kureva nhasi ungadzi mumasahwira ndaona udare rejira renhundurwa iwe tsoka ndibefeke wakatono shava mucheka uyu. Iwe kana kuzvicherwa zvacho hautoriko kana musika wemadomasi hauna kuratidza kushava kwacho. Saka toti uri kuitei? Kune mamwe machira asingadi kupembedzwa usati waroora kana kuroorwa nekuti kunozonetsa. Sekuti mucheka we blue wemachembere kana remadziva repink kana silver kana evarwi wehondo. Matare hamhanyirirwi itai pore pore zvichidzikamawo mauri.
*Hombarume* Hombarume ine ungwaru inogara ichirodza rodza matemo, mapakatwa, mapfumo nemapanga. Kuitira kuti akazonzi hero bonde haatambure Uye kuita service yeengine kuitira kuti motokari imhanye zvakanaka. Vakasadaro imba yemukati inenge isina mufaro uye bonde. rinodzikira zvekuti vanotofunga kuti vakasungwa kana kuroiwa. Hezvinoi zvinoita kuti murume adzikire pabonde:- *Chiropa/liver* Kana chavharwa nemafuta uye chisisashande zvakanaka nekubonde zvinodzikira nekuti ndicho chinobika simba rese rekutamba mitambo uye kuti munhu ararame. *Itsvo/Kidneys* Dzino filter nekubuditsa tsvina muropa kuitira kuti ropa rirambe rakakora zviripamwero. Pamusoro pazvose dzinogadzira ma Hormones (testerone hormones) anoita kuti murume aite ushingi uye atambe mitambo yebonde zvakanaka. *Ropa* Rikawanda mafuta mariri kubudikidza nezvatinodya rinokora kudarika zviri pamwero. Harifambe mutsinga richisvika nhengo dzaka siyana siyana nenguva. Pamwe pacho mafuta aya anonamira mukati metsinga dzeropa zvinova zvinoita kuti dziite diki. Pakadai ropa rinonyanyo shomeka kuchombo chahombarume nemumusoro nekuti nhengo yemurume inomiswa neropa. Zvinoita kuti vagare vachitemwa nemusoro uye kuwedzera hanganwa. Kubonde nhengo yavo haimire zvinesimba. Vanotambura nenhengo yakadai kuti basa ribatwe nekuti oxygen nechikafu zvinodiwa pamutambo hazvisvike nenguva. *High Blood Pressure neSugar Diabetes* Mukabatwa zvirwere izvi zviri zviviri zivayi kuti nekubonde zvayendwa. Nekufamba kwenguva zvebonde zvinogona kutovharwa. *Prostate* Hombarume kana mave me 40 years zvichikwira mukawona mavakuti munorara usiku hwese no bonde kana kumukira kuita weti motangira chombo chenyu kumuka zivayi kuti prostate yadhakwa. Uye pamunoyenda kunoita weti kekutanga makuseni inofanirwa kubuda iine pressure. Kana isiri zivayi kuti prostate yoda makanika iyo zvichakanaka potse potse Police Ahead - munobatwa Prostate Cancer pamberi apo.
*DZIDZISO YEMANJUZU🧜♀️, MAGARA DZIVA, TSUNUNGU, MACHEMBERE EMADZIVA.** *Chekutanga ndoda kukukwazisai mese kunyanya imi munozviti mune manjuzu🧜♀️.* Vazhinji vanoti vane manjuzu hamuna kana chinhu muchazviona mushure mapedza kuverenga zvandichatsanangura. *Chinonzi njuzu chii??.* Njuzu hushavi unotsvakiwa ne madzitateguru edu chinangwa chiri chekushavira homwe. Njuzu haina mutupo uye hadzisi njuzu dzese dzinotaura chirungu. Dzimwe dzinotaura ne ndimi zvichienderana nekwadzinobva. Kune mhando dzakasiyana dzinosanganosira Tsunungu, Garadziva, etc .Kune Njuzu dzechirume nedzechikadzi. Asi chakakosha pamaNjuzu hapana Njuzu inoda kusvibisiwa kana kutanyangirwa matare. *CHINOTANGA KUTEKAIDZIWA IDARE RECHIVANHU KOTEVERA MANJUZU*, uye hapana Njuzu inotanga kubuda mudzimu usati wabuda nekuti Njuzu yakatakurwa nevadzimu zvimwe chetezvo ne mashavi . Iwe kana uri shamwari yangu ndikaenda newe kumba kwamukoma wangu kana uri munhu akabva kuvanhu ngintroduction, ini ndaenda newe ndini ndinopa introduction Kuna mukoma wangu kuti uyu ndingana. Same applies manjuzu is controlled nevadzimu vedu, so Njuzu njuzu haitangi kubuda mudzimu usina kubuda. Ukaona Sahwira wako achitanga kudaidza njuzu asina kudaidza vakauya nayo Ziva kuti pane chitsotsi chavakuitwa. It's either haana kupoterwa ava kushandisa experience yechi n"anga. *Njuzu yakamboita seiko ?* Njuzu is a supernatural creature it appears in different forms and dimensions depending ne dare riripo. Hongu vazhinji tinoziva njuzu or mermaid ine half munhu half hove or nyoka. Its present can be determined by nature around . Dzimwe nguva inogonha kuuya sechamupururi ,dzimwe dzenguva sehore yemvura. *Njuzu inovenga tsvina here ( chihure, makuhwa, kuroya, kuba, kuvenga etc) ?* HONGU Njuzu inoda hutsanana haidi tsvina , kana une Njuzu chaiyo tinokuona nekugeza kuvenga tsvina ,kusema tsvina, kugara uchizvipukuta pukuta, kugara uchitsvaira tsvaira mumba.kuwacha wacha; Manje imi netsvina dzenyu idzo mava kutoona nechekare kuti hamuna manjuzu hantie🤣🤣. *Njuzu inosema varume (bonde).* Njuzu chaiyo kana ikagara pamunhu kadzi inotokumbirirwa ne machembere kuti murandakadzi awane weTsvimbo nekuti chaiyo inosema bonde. KOSEI imi vanozviti vane manjuzu muchifarira chihure uye vazhinji vacho muri pfambi dzinorara nevarume 20 and more per day pamwe chete ne varume vanoita chihure. Sei muchidaro. Ingohurai zvakanaka vanasikana ne vanasikana vambuya neHanda kwamuri uko🙈😭😭😭😭😭😭. Njuzu inosema chihure ndikunzwe futi uchiti ndine manjuzu iwe uri hure, kana mhondi kana munhu ane ruvengo; munhu anoita makuhwa😭😭😭😭 *SAKA KANA NDISINA NJUZU NDINEYI ?.* Une mweya yevanhu varungu vakafira mumakungwa kana mumvura panguva dzehondo. Tese tinoziva kuti varungu vaifamba nezvikepe or mavessels vachiuya muAfrica . Vazhinji vacho vakafa vasina kusvika vamwe vaipisiwa madota avo okandwa mumakungwa .Mweya yavo iyoyo ndiyo yakagara pavanhu vazhinji vanoti vane manjuzu. That's why wakaita ma dinner kasingaperi asi chabuda hapana nekuti uri kupembedza zvinhu zvisiri izvo. I think apa wava kuona kuti hatorina manjuzu ende vamwe makapembedza mweya iyi mukaitengera mafuko. *Tichidzidza tichifemba Bute* Siya kaPride kaunako ako; ane chipo chaanacho Haadadire vamwe; Ukaramba wakadaro vamwe vachapona sei ???????? _Somabhiii usandikanganwe somabhiii_ 🗣️🗣️🗣️🗣️ *ZVAKO NGAZVIITE* *#ZVANGU NGAZVIITE* Handina sahwira anoita rombe Dhe -nhanha dhe Kusvika zvako zvaita CHETE. Pano pupura vamwe iwe pupurawo. 🧎♂️🧎♀️🤝🪘🪇🔥🔥🔥 BUTE mumhino BUTE pasi
*Castor oil is very useful* Madzimai nana baba kana une bundu chero pai shandisai castor oil Castor oil is the only oil inopinda pakadzika it can penetrate deeper than any other oil, unozora pabundu every morning and evening Vane maziso anorwadza ane tsanga kwizai castor oil pamusoro pema eye lids every evening you will find kuti kana wanga usisanyatsoone eye site yako inotanga kuimprover Vane jeko zorai pasi peguvhu everyday kusvika musisarinzwe Vanonetseka ne constipation zorai castor oil paguvhu evry night musawanze isai 2 drops chete mukawanza munoita semakuita flue but inenge ichitoshanda Zorai castor oil musoro pa sculp chaipo for hair growth ipapo inege ichipwanya mamwe mapundu anoita mubrain aya nekurelaxer pfungwa Vakadzi vane macyst muchibereko isa castor oil pa pad uswere wakapeka you will thank me later