MITI🌿NESORA💐ZVINORAPA💊
February 10, 2025 at 05:54 AM
*DZIDZISO YEMANJUZU🧜‍♀️, MAGARA DZIVA, TSUNUNGU, MACHEMBERE EMADZIVA.** *Chekutanga ndoda kukukwazisai mese kunyanya imi munozviti mune manjuzu🧜‍♀️.* Vazhinji vanoti vane manjuzu hamuna kana chinhu muchazviona mushure mapedza kuverenga zvandichatsanangura. *Chinonzi njuzu chii??.* Njuzu hushavi unotsvakiwa ne madzitateguru edu chinangwa chiri chekushavira homwe. Njuzu haina mutupo uye hadzisi njuzu dzese dzinotaura chirungu. Dzimwe dzinotaura ne ndimi zvichienderana nekwadzinobva. Kune mhando dzakasiyana dzinosanganosira Tsunungu, Garadziva, etc .Kune Njuzu dzechirume nedzechikadzi. Asi chakakosha pamaNjuzu hapana Njuzu inoda kusvibisiwa kana kutanyangirwa matare. *CHINOTANGA KUTEKAIDZIWA IDARE RECHIVANHU KOTEVERA MANJUZU*, uye hapana Njuzu inotanga kubuda mudzimu usati wabuda nekuti Njuzu yakatakurwa nevadzimu zvimwe chetezvo ne mashavi . Iwe kana uri shamwari yangu ndikaenda newe kumba kwamukoma wangu kana uri munhu akabva kuvanhu ngintroduction, ini ndaenda newe ndini ndinopa introduction Kuna mukoma wangu kuti uyu ndingana. Same applies manjuzu is controlled nevadzimu vedu, so Njuzu njuzu haitangi kubuda mudzimu usina kubuda. Ukaona Sahwira wako achitanga kudaidza njuzu asina kudaidza vakauya nayo Ziva kuti pane chitsotsi chavakuitwa. It's either haana kupoterwa ava kushandisa experience yechi n"anga. *Njuzu yakamboita seiko ?* Njuzu is a supernatural creature it appears in different forms and dimensions depending ne dare riripo. Hongu vazhinji tinoziva njuzu or mermaid ine half munhu half hove or nyoka. Its present can be determined by nature around . Dzimwe nguva inogonha kuuya sechamupururi ,dzimwe dzenguva sehore yemvura. *Njuzu inovenga tsvina here ( chihure, makuhwa, kuroya, kuba, kuvenga etc) ?* HONGU Njuzu inoda hutsanana haidi tsvina , kana une Njuzu chaiyo tinokuona nekugeza kuvenga tsvina ,kusema tsvina, kugara uchizvipukuta pukuta, kugara uchitsvaira tsvaira mumba.kuwacha wacha; Manje imi netsvina dzenyu idzo mava kutoona nechekare kuti hamuna manjuzu hantie🤣🤣. *Njuzu inosema varume (bonde).* Njuzu chaiyo kana ikagara pamunhu kadzi inotokumbirirwa ne machembere kuti murandakadzi awane weTsvimbo nekuti chaiyo inosema bonde. KOSEI imi vanozviti vane manjuzu muchifarira chihure uye vazhinji vacho muri pfambi dzinorara nevarume 20 and more per day pamwe chete ne varume vanoita chihure. Sei muchidaro. Ingohurai zvakanaka vanasikana ne vanasikana vambuya neHanda kwamuri uko🙈😭😭😭😭😭😭. Njuzu inosema chihure ndikunzwe futi uchiti ndine manjuzu iwe uri hure, kana mhondi kana munhu ane ruvengo; munhu anoita makuhwa😭😭😭😭 *SAKA KANA NDISINA NJUZU NDINEYI ?.* Une mweya yevanhu varungu vakafira mumakungwa kana mumvura panguva dzehondo. Tese tinoziva kuti varungu vaifamba nezvikepe or mavessels vachiuya muAfrica . Vazhinji vacho vakafa vasina kusvika vamwe vaipisiwa madota avo okandwa mumakungwa .Mweya yavo iyoyo ndiyo yakagara pavanhu vazhinji vanoti vane manjuzu. That's why wakaita ma dinner kasingaperi asi chabuda hapana nekuti uri kupembedza zvinhu zvisiri izvo. I think apa wava kuona kuti hatorina manjuzu ende vamwe makapembedza mweya iyi mukaitengera mafuko. *Tichidzidza tichifemba Bute* Siya kaPride kaunako ako; ane chipo chaanacho Haadadire vamwe; Ukaramba wakadaro vamwe vachapona sei ???????? _Somabhiii usandikanganwe somabhiii_ 🗣️🗣️🗣️🗣️ *ZVAKO NGAZVIITE* *#zvangu NGAZVIITE* Handina sahwira anoita rombe Dhe -nhanha dhe Kusvika zvako zvaita CHETE. Pano pupura vamwe iwe pupurawo. 🧎‍♂️🧎‍♀️🤝🪘🪇🔥🔥🔥 BUTE mumhino BUTE pasi
👍 😂 🙏 ❤️ 😮 12

Comments