MITI🌿NESORA💐ZVINORAPA💊
February 10, 2025 at 05:54 AM
*Hombarume*
Hombarume ine ungwaru inogara ichirodza rodza matemo, mapakatwa, mapfumo nemapanga. Kuitira kuti akazonzi hero bonde haatambure Uye kuita service yeengine kuitira kuti motokari imhanye zvakanaka. Vakasadaro imba yemukati inenge isina mufaro uye bonde. rinodzikira zvekuti vanotofunga kuti vakasungwa kana kuroiwa.
Hezvinoi zvinoita kuti murume adzikire pabonde:-
*Chiropa/liver*
Kana chavharwa nemafuta uye chisisashande zvakanaka nekubonde zvinodzikira nekuti ndicho chinobika simba rese rekutamba mitambo uye kuti munhu ararame.
*Itsvo/Kidneys*
Dzino filter nekubuditsa tsvina muropa kuitira kuti ropa rirambe rakakora zviripamwero. Pamusoro pazvose dzinogadzira ma Hormones (testerone hormones) anoita kuti murume aite ushingi uye atambe mitambo yebonde zvakanaka.
*Ropa*
Rikawanda mafuta mariri kubudikidza nezvatinodya rinokora kudarika zviri pamwero. Harifambe mutsinga richisvika nhengo dzaka siyana siyana nenguva. Pamwe pacho mafuta aya anonamira mukati metsinga dzeropa zvinova zvinoita kuti dziite diki. Pakadai ropa rinonyanyo shomeka kuchombo chahombarume nemumusoro nekuti nhengo yemurume inomiswa neropa. Zvinoita kuti vagare vachitemwa nemusoro uye kuwedzera hanganwa. Kubonde nhengo yavo haimire zvinesimba. Vanotambura nenhengo yakadai kuti basa ribatwe nekuti oxygen nechikafu zvinodiwa pamutambo hazvisvike nenguva.
*High Blood Pressure neSugar Diabetes*
Mukabatwa zvirwere izvi zviri zviviri zivayi kuti nekubonde zvayendwa. Nekufamba kwenguva zvebonde zvinogona kutovharwa.
*Prostate*
Hombarume kana mave me 40 years zvichikwira mukawona mavakuti munorara usiku hwese no bonde kana kumukira kuita weti motangira chombo chenyu kumuka zivayi kuti prostate yadhakwa. Uye pamunoyenda kunoita weti kekutanga makuseni inofanirwa kubuda iine pressure. Kana isiri zivayi kuti prostate yoda makanika iyo zvichakanaka potse potse Police Ahead - munobatwa Prostate Cancer pamberi apo.
🙏
😎
5