MITI🌿NESORA💐ZVINORAPA💊
February 10, 2025 at 05:55 AM
*DARE UNARO ,ASI USAMHANYE ,CHIMBODZIDZA MATARE*
Usazviise muchoto wega ko achakudzimhra ndiani? Unozvitosvora wega nekuda kuonesa risiri rako. Gutsikana nepauri uye nenhanho dzauri kutora kana wakadzi uchasvika kumhiri chokwadi unosvika chete ukaramba washinga.
Ndinorevera imi makuzviti mhondoro kana svikiro kana gombwe ekumadhorobha. Neiwo micheka yamakuzviturika enhundurwa kana matema kana esirivhera muchiti mune matare makuru. Hondo nemadzudzo anoberekana nemicheka iyoyi munoiziva here?
Hatirambi hedu kuti dare racho rinenge rakarehwa kuti une mhondoro pauri kana kuti une matare enyika kana rezvicherwa. Kududza chete dare remberi asi ka hazvicharewa kuzvitutumadza nekuzvigadza humhondoro husati hwakwanira. Kutozvisosera jambwa neminyama. Zvinhu izvi zvinofamba nemironga uye nenguva hazvipoperwe zvinouya zvega nekukwanira kwenguva.
Danho huru nderekugonera midzimu yako kuti uzogona kusvika matare emberi uye hazviitike nenguva pfupi zvine mwaka yazvo uye nezera.
Midzimu inoziva kuti kana usati wafamba gwara rawo rakakwana pasina kutsaudzira inokusvitsa matare emberi. Mukarangarira rungano rwebhaibheri yana Moses nevamwe wake kuti nyangwe hawo wakanga wanzi wachasvika kunyika yehuchi nemukaka. Wangani wawo wasina kubvira wayi nhuhwa asi wari iwo watakuri wakuru wematare.
Zvakafanana nerandiri kureva nhasi ungadzi mumasahwira ndaona udare rejira renhundurwa iwe tsoka ndibefeke wakatono shava mucheka uyu. Iwe kana kuzvicherwa zvacho hautoriko kana musika wemadomasi hauna kuratidza kushava kwacho. Saka toti uri kuitei?
Kune mamwe machira asingadi kupembedzwa usati waroora kana kuroorwa nekuti kunozonetsa. Sekuti mucheka we blue wemachembere kana remadziva repink kana silver kana evarwi wehondo.
Matare hamhanyirirwi itai pore pore zvichidzikamawo mauri.
👍
🙏
❤️
7