Chihelele Stories
February 5, 2025 at 01:58 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
Follow our channel for more books.
Our WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa
*Follow me on Facebook👇🏿
please and like.
https://www.facebook.com/profile.php?id=61553577806405&mibextid=ZbWKwL*
*Chimurenga Cherudo*
Story by Nita Chihelele
263 786615997
27 785221582
Chapter 1
Yeukai
"Iwe wanaka iwe, tioneyi vamaMpofu kuti imi maishanda here murikubhodhini kwenyu uko." Ndigogo vaitaura nesu naJulie mwana watete. Vaititarisa kuti taidhonza here sekutidzidzisa kwavo. Ini ndaizviita daily sezvo ndaigara navo. Ainzi vamaMpofu ndiJulie aidzidza kuboarding school kuFatima Mission. Akabva ajamuka Juliet hanzi,"maya gogo hazviite kuti ndikuratidzei my private body parts . Munoziva kuti private zvinoreva kuti hazviratidzwe umwe munhu vaManjex!" Taingovati vaManjex in short yaManjenjenje. Julie ka vaisamugona kana. Akabva atobuda mubedroom magogo achiti ndirikudzoka manje manje kaYeu tichienda kucomplex ka? Udye fast!" Akabva atobuda. Gogo vakasara vachiti,"chirungu hachishandi muzukuru varume vanozvida izvi usafurirwe. Mwana watete vako apindwa nechirungu." Sometimes I would feel stupid nezvandaidzidziswa kuita nagogo.
Ndakanopakura sadza kukitchen. Kwakutanga kudya nagogo. Ndaidya ndichikanda makanda ehuku yataiseva nayo andaibvisa panyama mut-shirt yandainge ndakapfeka. Ndikavhunduka ndanzwa gogo vachiti,"Iwe Yeu! Usafunge kuti handisi kukuona ba! Watanga rinhi kusadya ganda renyama yehuku?" Vakabvunza vanditi ndee vatomira kudya.
Ini ndaifunga kuti havasi kuzviona. Vakapamha futi ndokuti,"nhai we mwana waEriot? Ndirikutaura newe ka!" Vaive vatosunga chiso zvekutoda mhinduro. Ini wacho kwakumedza mate ndichiedza kutsvaka mhinduro yavo. Kwakuzoti,"gogo makanda enyama yehuku anemafuta stereki handimade."
"Watanga rinhi kunzwa kuti anemafuta akawandisa?" Ndakanyarara nekuti huku ndaiifarira stereki hapana chandaisadya pahuku. But zvakangotanga pandainge ndajamba mwedzi wekuenda kumonthly period. And I knew I was pregnant. I was trying making it a secret.
"Ndirikukubvunza ka! Tauraka ndisati ndakubanzaura netsvimbo yangu iyi." Vaitaura vachiisa mavara echiKore kore vaive muKore kore. Ndakaicheuka iyo tsvimbo yairehwa yavaifambisa. Yaive nezimusoro rekuti kurikuti vafunga kundibanzaura kwacho ndaifira ipapo.
"Ndinongonzwa kusamada gogo,"I responded vachibva vatokandira musuva wavaive vakabata mundiro ndokuti,"babwangu Mbizi iwe! Hauzi unenhumbu mwana waEriot?!"
Ndakabva ndangonyarara ndangotsikitsira. Asi ziso raitaimira tsvimbo yavo kuti isasumudzwe yaigara mujinga mavo nguva dzose. Ruoko rwavo haruna kuenda kutsvimbo. Kwakubva vatotura mafemo ndokusundira ndiro yesadza kure vachidhonza dhishi rekugeza maoko.
Vakageza kekutanga kwavakumira kugeza maoko arimumvura ndokuti,"ndiyani muridzi wayo?"
Ndakaramba ndakatsikitsira nekuti muridzi wayo aitove mukomana wemwana watete vangu iye Juliet. Though gogo vaisazviziva havo. But it was hard for me kuzvitaura easily.
Vakabva vatsvanzvadzira tsvimbo yavo vasati vapedza kugeza hanzi,"ndakuzokurova manje! Unetadza kuziva munhu wawayikumurira bhurukwa!?"
"NdiStanford," I quickly said vakaitora tsvimbo iya kwakuisimudza hanzi,"ndomuzivirepi Stanifodhi wacho ini? Ndewekwani?"
Vaingoda havo kuziva but vaisatomuziva chero kuvaudza kwacho. "NdewekwaManomano."
Vakatsveta tsvimbo zvekupererwa. Vakataura vaita kudzikamira still maoko arimudhishi remvura ndokuti,"asi nhai Yeukai mwana wemwana wangu?! Ko inga ndakakuti ukaita mukomana unouya naye pano wondiratidza? Ndinogara zve ndichikuudza kuti vakomana vemuno mutawundi vanongoda kutambisa vasikana. Dai wakaita sekureva kwangu ndaitomuona kuti uyu chikerema siya muzukuru wangu!"
Taigara tirivaviri nagogo vangu amai vababa vangu kumba kwedu kuMagwegwe muguta reBulawayo. Yaive imba yavo nasekuru. Sekuru vaive vatove ne3 years vashaya. Gogo vaive vaita vana vaviri chete. First born yavo vaive baba vangu. Kuchitevera tete vaigara imomo muMagwegwe mai vaJuliet. Vaive vashayikirwawo nemurume wavo. Akavasiira imba nevana vatatu. Ini ndainge ndahunziwa pamba pagogo vangu nehanzvadzi dzamama ndichiri ne5 years. Mama nababa vaive vangotorana zvenguva diki mushure mekunge vaita pamuviri pangu. But zvinonzi havana kugona kugarisana nekuti baba vangu vainzi vaidhakwa stereki uye vachirova kana vadhakwa.Mama kwakuenda kwavo neni kwavakazonoshaya. My father later on died ndatove grade seven. Vaive nekakudenha kana vadhakwa. Saka vainge vabayiwa nebanga kudoro ndokufa kwavo. Vaive nechirombe rombe nekuda kwekudhakwa stereki. Zvinova zvakaita vatadze kuita vamwe vana or kuroora zve. Vaitogara ipapo pamba pevabereki vavo.
Ndainge ndasara nagogo nasekuru. Sekuru vakazoshaya havo nekuda kweshuga. Kuzomitiswa naStanford zvinhu zvakangoitikawo. Asi ndaitove nemukomana wangu. Ndaive ndisati hangu ndave ready kumuratidza gogo. Ndaingotya kuti vaizomushora.
Musi wandakarara naStanford mukomana waJulie. Ndaive ndatumwa natete kuendesera Juliet zvaaida kuFatima Mission. Yaive boarding school yaaidzidza. Tete vangu was well up. Murume wavo aive avasiira mari. Vakatanga mabusinesses akatofaya. Vaitomboenda kunana Tanzania kunohodha. Saka kundituma kwavaive vandiita kuFatima imhaka yekuti vaive vaenda kuTanzania. So ndini ndaivepo vamwe vana vavo vakomana vaigarawo kumaboarding schools avo. Ini ndaiita form 6 yangu ndiri day scholar paMagwegwe high. My grandmother couldn't afford kundiendesawo kuzvikoro zvinodhura. Ndaitodzidza nemari yemaroja neye NASA yavaihora gogo. Things weren't a bed of roses. But ndaisashaya hangu zvakakosha. She tried kuti ndiwanewo sevamwe vana. She loved me so much zvekuti kusavepo kwevabereki ndaisakuona.
Tete vaive nehutsinye vaisatipa chero chii zvacho vaingoitira vana vavo.
So day rekuenda nezvinhu zvaJulie kuFatima mukomana wake Stanford has promised kuti taizoenda tese. Aidawo kunoona babie rake. Neniwo ndainge ndafarira kamari ketransport kuti ndaizokatyorera muhomwe. Takanomuona Julie akafarawo kuonana nemukomana wake. Stanford aivewo musalad saJulie. Aibva ku rich family. Imba yekwavo yaitotaurika nekunaka muMagwegwe imomo. Hameno yaive nemarooms mangani nehukuru hwayo. Yaitenge imba yekuma dale dale. Aive ari mechanic kuDelta kwaishanda baba vake. He was driving his father's car.
Pakudzoka mota yakambofa munzira tatopfuura St Lukes tavakutovavarira muBulawayo. Kwaive kwatosviba. Pakugadzira mota paye he ended up kissing me. Neniwo kwavakudairira. Akazondirarisa kubackseat akaita fast sezvo taive munzira. That's when I lost my virginity nekutobata nhunhu iyoyo. The next day after that incident aive andivinga kuchikoro and apologized achiti,"sorry sha i was under influence of beer zuro paye. That shouldn't have happened,im sorry Yeukai . Please zvisasvike kuna Julie naSimba." Simba was my boyfriend. Neniwo I regretted everything ndaisatodawo kuti zvisvike kuvaviri ivavo. Aimuziva Simbarashe wangu.
So takazoita sekudaro kuita sekuti nothing happened. Until ndajamba mwedzi. Ndaitotya kuudza Stanford wacho kuti ndashata. Infact I just wanted to die hangu. Ko iye Julie aizotii? Ko Simba wangu?
Ndakazodzoswa ndangariro nagogo pavakati,"saka anoziva here iye munhu wako kuti ndizvo zvavapo?" Ndisati ndadaira vakarovanidza maoko vachisundira dhishi ravo kure ndokuti,"haa yeah wandigona mwana waEriot! Shuwa shuwa nedzidziso yandinogara ndichikupa pano mazuva ese? Ndaiti zve zvawatomirira marisati ako echikoro zvanaka ka ini." Marisati vaiedza kuti maresults, ndainge ndamirira aform 6 tainge tatovhara.
Ini ndaive ndakangobata musuva masadza atoomera muruoko. Ndisisazive whether to continue eating but kwaisadyika kani nemabororo andainge ndakoromora.
"Ndotomirira maiJuri manheru kana abva kushop kwake ndimupire shura iri. Ndiye achakupereka kumunhu iyeye akukanganisa. Ndekupi?"
"Kuma 19 uko," I said vakarovanidza maoko hanzi,"urirombe fani mwana waEriot!"
Julie akazosvika tisisina nyaya nagogo. Tavakubuda gogo vakati,"iwe marujata ndiwe munhu wandaiti uchaita misikanzwa. Hezvo iye wekunyarara iyeyu vamumitisa. Unangwarira muzukuru wangu usaite saivo amai vako ivava vanongoremerwa nemazinzeve asinganzwe chiro."
Julie stood akawinyanidza face ndokuti,"what vaManjex?! Did you just say kumitiswa?! Tell me you're joking guys!"
Vakaridza tsamwa gogo ndokuti,"iwewo mwana waRavhunesi chirungu hameno wakachinzweyi. Ndizvo zvamunodzidziswa kuMishoni kwenyu ikoko kutitaudza nechirungu?"
Akarasa rasa maoko Julie achiti,"aah vaManjex!" Kwakutarisa kwandiri hanzi,"is it true here cuzzy?Are you?" Akabvunza achitoita sign yemimba.
Ndakafambisa tichibuda yard ndakazongobvuma ndichigutsurira apamha kubvunza. She exclaimed hanzi,"yowee azviita Simbarashe! Iih ini hangu zvemwana maya! Ipapa Stan arikunetsera sex.Handiti ndainge ndamuti ndinoda kutanga ndapedza chikoro. Now ndapedza iiih akushupa. But anditi tinopreventer kuitira kuti tisaite mwana. He's not ready for a baby achirikuda kumboshanda. Saka arikutii Simba?"I didnt respond akatoona kuti I didn't want to talk about it .Aingotaura ega hake ini my mind was out of this world.
Ndakazonzwa avakuti,"tirikuzotakurwa naStan ngatimumirire pano. KuComplex netsoka bodo." hana yakarova. It was going to be my first time kuva navo vese ndinenhumbu.
Haana kunonoka Stan wacho. Yakasvika mota yake volume iripadenga denga. He was driving golf musi iwoyo. Julie hopped kumothers' seat. Ini ndokunopinda kumashure. Julie lowered the volume ndokuti,"yooh hatinganzwanani ka!"
"Urisei babe? "Akandicheuka ndokuti,"ambhuya vangu madii?"
"Bho,"I responded in a low voice. Vakatanga dzavo dzevanodanana. Hameno akatii Julie akapihwa kiss padama she giggled ndikashaya pekupinda hangu. Vaingoita nyaya mota ichifamba. Julie akazondicheuka ndokuti,"sha mainini vangu vari stressed wena! Simba akavazadza ufunge." Zvakandibhowa kusvika kumagumo. Stan wacho akabva aita kuvhunduka hanzi,"heee?!"
"Yes ende if he dares to give mainini vangu hard time ka tinomuendera as a family! Family yedu titori Mafia rakakwana. My mom doesn't take nonsense newewo uzvizive ukandidadira." She joked poking Stan mbabvu. Stanford wacho kwavakuti,"Babe ini I don't like trouble. I always stay away from it."
Stan akatanga kupota achiita kubirira kunditarisa nepamirror. Ndaibva ndatizisa maziso angu. I regretted that stupid day I let my hormones control me.
Stay tuned.
Chihelele❤
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
29