Chihelele Stories

9.5K subscribers

About Chihelele Stories

You're at the right place! We teach,inspire,motivate and offer stress remedies through our story telling. Come let's gather and enjoy!!

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Chihelele Stories
2/25/2025, 5:01:19 AM

https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 13. Selma. Ndakanzi ndiende namai vaFarai kumusha. Handina hangu kufara nazvo. Kubva zvaiva zvabviswa mari kumba kwedu mhamha would text me vachindibvunza kuti ndiri sei. Kutsamwa kwaiva kwapera. Tichaona paakangonzwa ndichiti ndakumusha kwana Farai akabva atosiyana neni. Farai aisanditaudza kana zvake pafon. Vaiva munhu anemoyo munyoro maiFarai. She was patient with me pakundidzidzisa mabasa ekumusha andaisaziva. And she would tell me the truth as it is hanzi, " apa mwanangu kungogarira kuti vekwenyu vasvike pakunyevenuka moyo vabvume kuti udzokere kumba kwenyu. Farai mudiki handingakurudziri kuti aite abarika. Akatosarudza wake." Neniwo ndaitoonawo kuti zvaFarai hapana hapana kungomirira kuita mwana ndoona zvimwe. Tete naivo vaindifonera everyday vachinditi," ndiro lucky iroro kutoendeswa kumusha kwavo. Advantage unayo Selma. Munhu ngaadzikame ikoko. Uzive zve pamba ipapo. Mai vake vape respect zvese nehama dzake usazvitarise kuti haana basa newe. Ukagona kuita izvozvo unenge watopedza." mhamha vaiisawo message saying the same thing. Mota dzaibva kuHarare dzaipfuura payard chaipo dzichienda kwaMurambinda growth point. Rimwe zuva mhamha vakanditumira mbatya dzangu. Dzaiva dzimwe hombe soo. Ndaiva ndavaudza kuti dzandaive nadzo dzakundishinya. Mhamha maiFarai vaiva vanditengera maternity dress 1 kumazitye. Ndaive ndabatana nzira nevamwe tete vaFarai vechikuru vaigara murayini imomo kunotenga drezi racho kwaMurambinda. Vaindifarira zvekuti tete ivavo. Pambatya dzandakatumirwa namhamha ndakanovhura ndava kuroom kwangu. Ndakafara vaiva vaisa dzakati wandei. Amwe aiva marokwe avo avaiva vandipa. Pandaive ndakuyenzani rimwe raiva nema pockets kwakunzwa munekanhu muhomwe. Ndakaburitsa ndokuona karikagaba so kaiva nemvura mukati. Neka note muhomwe muya. I read the note hanzi, "Selma mwanangu gaba iri urichengetedze zvakanaka pasina achariona. Munemvura imomo utsvake chigubhu idire mvura yacho wowedzeredza kuzadza chigubhu chacho. Unyore zita rako ne remunhu wako iyeye usunganidze neshinda yandaisa muhomwe imomo. Woisa chipepa chacho mumvura imomo. Wogeza nawo muteuro iwoyo every day. Uchaona wo wega kana nguva yekurega kushandisa yakwana. Hakusi kuroya mwanangu asi yekuti uzvariswe uzodzoka pamba haibudi. Wobva wabatsirawo muteuro iwoyo nekupfugama zuva nezuva uchizvikumbirira kuti Mwari vakupe imba iyoyo. Utungamidze ruremekedzo kuhama dzemunhu wako iyeye. Uchazonditenda mwanangu rimwe zuva. Please usaise pachena zvinhu izvozvo. " Ndakaita kugara pasi rereading ka note kaye. Yaitova iyo handwriting yamai vangu. Kubva kuzvarwa kwangu handina zuva randakaona mai vangu vachiita zvemaporofita kana. Baba vaiva vashaya tichiriku primary level chaiko. Ndakazoita kuvhunduka ndichisheedzwa naWadzanai kamnin'ina kaFarai kachiti, " Ma Ndlovu usakanganwe ka kuti tanzi namhamha tinonhonga nyemba kumunda!" Ndakapetera chigaba changu chaiva nemvura pahembe dzangu fast kwakuti, "OK Wadza ndiriku uya!" Takanonhonga nyemba naWadza tikazadza saga ndokudzoka mhamha vasati vadzoka kubva kumusangano. Vaiva vasina kutisiira usavi. Pana Farai aiva Fedelis aitevedzana naFarai but mazuva iwayo aiva aenda kunotsvaka basa kuKwekwe naWadzanai gotwe. Ndakafunga kutopura nyemba dzeusavi ndokutokwatisa. Huni dzaisava dzenhamo saka hadzina kunonoka kuibva. Ndaive ndaisa dzakati wandei nedzemutakura wekunwisa tea makuseni. NedzaWadza dzembuva mangwana acho. Wadza paaiva busy kuita zvemabook zvake ndakaenda kuroom kwangu. Kwakuwedzera mvura muchigaba changu sekureva kwamhamha. Ndakasunda door and tried kunamata kwacho kwandaisatoziva kwekutangira. Kwakungoti, " Mwari baba ndirimwana wenyu. Mai vangu ishirikadzi inozvitamburira zvayo. Ndokumbirawo muitewo kuti Farai achinje pfungwa andiroorewo. Ndaikumbira kuti mvura yandatumirwa namhamha ishande sekushuvira kwavo." I laughed at myself ndatopererwa nezvimwe zvekutaura. Ndakazongosimuka ndichiti,"aah ndizvo zvasvika mupfungwa dzangu aah . Handigoni kunamata kwacho ini." Mhamha vakazosvika takumona vachiita kufambisa hanzi," ende zvimisangano zvemuno zvisina kurongeka izvi! Taswera takamirira ivo Sabhuku vatombotanga havo vanodhakwa kwaMurambinda uko. Ndauya ndakunzunzutira ndichifunga kuti handina kukuudzai panemufushwa." vakatoburitsa mafon yangu neyavo. Vaiva vaenda nawo kunomachagisa. " Inga mangwara fani mukatofunga kubika nyemba vanangu. Iwe Ma Ndlovu ndokuziva haudzifarire. Ndanga ndatenga kagaba kehove uchatoseva." Ende nyemba ndaidzivenga vaiva vakutozviziva. Ndakafarira tin fish dzangu ndichiti, " maita basa mhamha." Wadza ndokuti," toseva tose Mandlovu. " Akabva anzi," Iwe mandlovu usavi hunomunetsa mhani. Ipapa ndirikutotarisira kuti zvaririhombe gaba racho achasevawo kaviri. Unonakidzwa achitadza kudya umwe shuwa?" Akangobwayira bwayira Wadza wacho. Tapedza kubika ndakamupakurira wo fish mhamha vasiri kuona akafara zvekuti. Takunorara I had my own room mu3 rooms dzamai Farai. Yainzi ndeyevayenzi. Farai naFide vaiva negota ravo raiva rakazvimiririra kudhuze negedhi. Ndakaita on fon yangu yandaiva ndasuwa ndazvambarara pamagumbezi. Message yandakatanga kuona yaiva yamhamha. Vaibvunza kuti ndadziona here mbatya. Neyekurayira kushandisa kwandaizoita muteuro wangu. Vakakomekedza hanzi, " mwanangu hapana umwe muitiro wandingaite. Asi kutoedzawo kuti uwanewo panoti iwe. But please usafe hako wakaita kuti kagaba ikako kaonekwe ikoko. Vanenge vakufunga kuti huroyi. Please ugeze every day nemvura iyoyo inemazita enyu akasunganidzwa. Usarivare kunamata please Selma ndateterera. " I smiled kunge ndaitovaona mai vangu using that word ndateterera. Waiti ukanzwa vakukuti ndateterera vanenge vachitokumbirisa. Ndakapindurawo thanking her mbatya dzavaiva vandiisira. Nekuvavimbisa kuti ndaizoita sekureva kwavo. I was surprised nekuvasuwa kwandaiva ndavaita mai vangu. But ndichirikuHarare taisawirirana kana. Ndakamuka ipapo ipapo kwakunyora zita raFarai in bold letters neranguo in bold letters ndokusunga. Ndokuisa muchigubhu chandakaisa mvura Iya. Ndakanogeza ipapo ipapo and came back praying exactly the same words dzandaive ndataura masikati. Ndaishaya zvimwe zvekuwedzera. Ndakatarisa message yangu yandaiva ndaisira mhamha ndikaona yangoita 1 tick kwakumbombeya pawhatsapp ndichishaya zvekuita. Ndakanowira pacontact yaFarai ndikapotsa ndafenda. Aiva akaisa mukadzi wake paprofile picture. All along I thought I was over Farai but apa ndopandakaona kuti ndaimuda zvekudaro. Izvozvo zvakaita ndiwane mashoko ekuudza Mwari. I prayed hard zvekuti ndega ndakanzwa kuti apa ndanga ndichitaura naMwari wangu. Ndakazorara moyo wangu wavakutorwadza ne profile Pic yaFarai. Days passed ndichingoshandisa mvura yangu. Yaiti ikapera ndowedzera. Ndaiva ndatongojaira kuishandisa zvekutokanganwa kuti ndeyeyi. Ndakazomuka rimwe zuva ndizere mapundu muviri wese. Amwe aiva mumukanwa ndichitadza kumedza chaiko. I told my mother pafon vakanditi, " ngavakuendese zve kuchipatara. Kuti uuye kuno hazvibudi Selma. Hama dzababa vako dzinotaura mushonga chaiwo." mari yaisavepo yekuti ndikwire kuenda kwaMurambinda kuchipatara . Tete vaFarai maiTaka vakati kunamhamha, " mai Farai imbomudeedzai mukomana azobatsira shuwa. Handiti mabasa ake? Shuwa kutambura nemunhu wemunhu muridzi achishanda? Ngauye hake Farai asunge ngoro aende naye kwaMurambinda or amukwidze kana akauya nemari." nekutsvinya kwaFarai ndaisafunga kuti angauya. To my surprise akatomuka avapo pamba. Ndakamukira kunzi namhamha," akasvika warara Farai muka ugeze ndabika porridge udye mukwire akuendese kuchipatara. " Ndakangonanayira kunanga kuroom kwangu sezvo ndaive ndakurara namhamha kubva kurwara kwangu. Ndakangonogeza nemvura yangu iya musikana nekumeso chete. Ndainzwa kupera simba probably yaive nzara. Sezvo kudya kwairema nekuda kwemapundu. Ndakawana Farai agere mukitchen. Paakandiona akaridza muridzo uya wekushamisika achiti, " amana ndozvaari munhu uyu?!" mhamha ndokuti, " ehe ko wanga uchiti ndirikunyepa?" Akati, " eish! Ndeipi?" "bho," I responded akati, " sorry hako tirikuenda kuchipatara unopora hako." I nodded ndichiedza kudya porridge rangu. He seemed genuinely concerned. Kudya kwacho kwairamba mhamha vakaita zvekundimanikidzira. Takubuda kuenda mhamha ndokuti, " wasiya juzi wani munogona kudzoka kwakutonhora ka" vakaita kusheedzera tatova kugedhi. I turned kuti ndidzokere kunoritora ndikanzi, " it's okay hande you will wear mine." End of Chapter.

❤️ 🙏 😮 👍 😢 😂 120
Chihelele Stories
2/25/2025, 7:45:21 AM

/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 Chapter 12. Ratidzo. Pandakaziva kuti Farai akamitisa ndakanzwa Kuzarirwa pachest. Kunzwa kutsva chaiko. Munhu aiva andiudza ndimai vaFarai. The way she broke the news to me yakaita ndiedze kuzvishingisa. She said it in a very nice way. Assuring me kuti ndini chete muroora wavo. Ndakaita sendisina kubatikana nazvo. Pavakangobuda chete ndakasara ndichiita kuzviponda nekuchema. I cried my lungs out. Ndakazogeza geza Farai akuzouyawo. Handina kuda kumuratidza kuti ndambochema iye wacho confirmed zvaiva zvataurwa namai vake. Shungu dzekuchema ipapo dzaiva dzaserera so I managed kutofara as if handina kubatikana nazvo. Pabonde ndakamupa zviye zvekuti chero akaenda kumukadzi iyeye wenhumbu asi asakanganwe chitsidzo chedu. Zvekutsamwa nekuramwa zvaisatomboita nekuti ndaizvizivira yangu nhamo yematorokisi evana. Kunyangwe ndiri ini ndatadzirwa ndakaita kunyengerera. Paakauya rimwe zuva Farai achiti, " babe vekwanaSelma varikutsika madziro wena. Havasi kuda kuti adzokere kumba kwavo. And pakaipa shaa. Apa mari yandanga ndichifanirwa kupihwa nasekuru Sam. Yavakauya nayo kuSA yakunzi tinovhara magap kwana Selma nekuti vanhu vacho varikutoda zve violence chaiyo." I swallowed hard ndichinyatso kuti that wasn't fair. Why kuzoroora munhu asvika zuro chaiye. I couldn't say it out loud. I couldn't control myself kwakuita kuchema chaiko. Farai hugged me achiti," it's okay babe, kungoitira kuti vanhu vacho zvavarikuda musindo vaudzimure. Otherwise handitomude hangu Selma iyeye. Haamo mumoyo shaa inini ndoda iwe. Chero akanobvisirwa chikuru kudiwa neni handitika babe?" Honestly tarisiro yekunobvisirwa  kwangu yaiita ichingodzikira. I tried kubvumirana nezvaandiudza asi kuchema ndakatadza kumira. Farai ndiye akatozobika zuva iroro chero kudya ndakatadza. Hapana akatozodya zuva iroro. He tried kundinyengerera. Kuseni akamukira kubasa ndikasara ndichifonera Joy shamwari yangu. Ndakamuudza zvese akandisimbisawo achiti, "izvo hazvina basa shaa as long murume achida iwe. Iwe itongochangamuka uwedzere kuratidza murume wako rudo chete." Mai vaFarai nambuya vake sezvo vaiva vabuda muchipatara vakazosvika kumasikati ikoko. Ndaive ndakutonzwa hangu hunani. Vakandisimbisawo ndikatoonawo kuti zveshuwa there's nothing to worry myself about. Vhiki rakapera damage ikanobviswa kwana Selma. Rimwe zuva iri weekend Farai aiva adeedzwa kwasekuru akauya achiti, " eish shaa ma1 Selma sekuru vati havagoni kuramba vakamuchengeta. Pano pacho hapaite i1room. Saka mhamha vazongoti vachaenda naye kumusha. But achingobatsirwa mwana arikudzokera kwavo zvavo zvemusindo hameno ikoko. " Ndakangoti, "pakanaka," izvozvo futi zvakandirwadza. Selma was the first kunosvika kumusha wekwa naFarai semuroora ini ndisati. Chekuita paive pasina ndakangoshingira pakuti murume aida ini. I tried nepese pandaigona napo kumufadza Farai. And he appreciated kumufadza kwangu. He tried kupota achindipa kamari ndichitumirawo mhamha vangu nevana. Taiva tatotanga saving up zvekuti December ndopataizonanga kwedu. Taiva muna September ipapo. Kupera kwaOctober mai vaFarai vakafonera vachiti, " Farai mhanya huya kuno munhu wako uyu angomera mazipundu. Akumuvhara huro akutadza kumedza." Farai ndokuti, " muendesei kuchipatara mhamha." vakati, " anoenda nani ko kwaMurambinda kwese Kuya kunotoda ngoro. Ini ndingazvigone ndega shuwa? Ndakutya kufirwa nemwana wevaridzi pano." Akamboda kutsika tsika Farai kudzamara azobvuma. Akanditarisa with begging eyes ndikatura mafemo ndokuti," enda shaa mhamha vanoda help yako. " Deep down ndaisada aende asi paiva pasina zvekuzviita. Akabva ati," sorry hako just know kuti ndoda iwe." I nodded ndachiboira boira trying to fight tears which were threatening to fall. Mataurirwo azvo zvaisaita arare. Akatapudza pakamari kataichengetera kuenda kwedu. Ndakasara ndikazviponda nekuchema. Apa kuudza mai vangu tuma drama twese itwotwo ndaitotya kuti vaizoti watanga kubvuma kupusiswa. Wakuda kutivigira umwe mwana asina baba. So I would lie ndichiti, "mari zvese zvavapo mhamha but problem kubasa kwacho kuti awane ma off days zvinonetsa." she would respond vachiti, " haa achamawana hake chikuru aripa chokwadi uye mari dzababa vako kana anadzo." hana yaizorova after lying to my mother kuda. Husiku hwezuva raenda Farai handina kutomborara zvakanaka. There was this dream which always came. I guess kaiva kechi2 musi iwoyo dreaming it again. Ndakarota maoko angu azere ropa ndichidzingirirwa nemazimbwa kwakumuka ndichiita kuvhunda. The dream always came vividly. Ndaisaona zvese in that dream. But pandaizoona zvakajeka ndepandinenge ndazara ropa mumaoko ndakudzingirirwa nembwa. Kuti zvinenge zvatanga sei ndaisazviratidzwa. I decided kuudza Joy kuseni about it. In fact ndaitoda zvekunoswera naye ndichimuudza wo nhamo dzangu. Kwakutonzwa achiti, " Iwe zvandaitirwa naMunetsi uya. Munhu kundikiyira here kuenda ne makiyi kubasa. Ipapa ndirimumba make aenda hanzi watova mukadz wangu kana ndiwewo ndozvinoitwa here?" Despite my problems ndakatoseka kugegedzera ndichiti, " aah zvakaipei isu vamwe wani tirimo mudzimba dzacho? " " Hii askana ini handidi. Ndirikuda kuroorwa zvekukumbirwa ini. Aah kana achidzoka chete ndirikubuda muno. Besides shaa ndichirikuda kuti mwana wangu amboti kurei zvekuroorwa izvi ngazvimbomira. Dai achitaura hake zvekunokumbira better. " " Hii vasikana bvumai kudiwa kani ini wani ndigere nezero deposit. And by the look of things zvichatodhonza kuti tibudirire kuenda kumba kwedu. Ndichatozosvika pakuita mwana ndakangoti vava pano. " she went on and on again comforting me. Ndakazomuudza about my dream akati," ini hangu I don't believe in dreams. I believe they mean nothing at all. Ini ndofunga kana uri in a bad space you tend to dream bad things." Neniwo hope idzodzo dzaingouya pandinenge ndirimukushungurudzika. Ndakamuti, "but why is that the dream always repeats zvinhu zvimwe chete all the time?" akaseka hanzi, " imbonoona vanaMikoro kuzvisango uko." VanaMikoro vaaireva ndivamwe maporofita atakambonoona ndichirikushanda. Taiva tawana off day same week kwakushaya zvekuita kudzamara taona mapostori aiva akaungana musango. Takanangako ndiye futi Joyce aiva atanga achiseka achiti," hande kumasowe tinopihwawo mvura yekubvisa munyama tiwanewo varume vari serious." Zvatakaudzwa pakupotofitwa neumwe ainzi Mikoro zvakaita tiseke mwedzi wese. Aiva ati kwandiri, "vahanzvadzi ndaona machemberera mujeri nemhosva yekuponda. Munotoda kushandirwa zvakasimba. Musvike kumba kwangu manheru tibatsirane kutsanya zve 3 days chikamu ichi chipfuudzwe." Mikoro wacho aiva netsvina achitonhuhwa dikita zvake. Chakazoita tinyanye kusamutora serious aiva nechirimi. Pese paaitaura taicheukana naJoy towondomoka nekuseka. Takati tabva pasowe racho Joy kwakunditi," endai mainhanha kumba kwamadzibaba Mikoro munobatsirana kutsanya." aitaura nechirimi imitating madzibaba Mikoro. Ndakamuti, " enda iwe." akati, "haa maya zvekuzopihwa muteuro wekuti ndizoroorwa naMikoro bodo. I know those guys ipapa kunyepa watochiviwa. Aah kuuraya munhu anga aurawa newe zvako Ratidzo anenge arimunhu chaiye chaiye kana kuti anenge ariwedhaga. Anodhomoka muporofita uya nxaa." Takaseka pafon paye recalling kadrama kaMikoro. Takazoitirwa shanje nemari mufon yakabva yatopera. But after talking to Joy stress yehope dzangu yakabva yapera kuti hwaa. End of Chapter.

❤️ 🙏 👍 😮 😢 😂 105
Chihelele Stories
2/26/2025, 5:56:02 AM

https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 17. Ratidzo. "Usade hako kundiitira miyedzo. Inini manje ndigare nemunhu atorarwa nezana revarume? Ko kana vakusiira chirwere ukuda ndife ka?" 2 days dzaive dzakwana kubva kurepiwa kwandaiva ndaitwa. Ndaitombodemba kuti dai ndisina kumuudza Farai kuti ndarepwa pamwe zvaigona kuita nani. Manje paakapinda ndakabva ndatochema ndichitaura zvese zvaiva zvaitika. Chero kupolice kwacho ndakatokuenda ndega munhu asiri kutoda kundinzwisisa. Hapana ka chake chaive chatorwa. Mbuya nasekuru vakamboedza kumutsiura explaining to him kuti itsawona wo yaiva yandiwira. He has to support me asi hazvina kushanda. Mbuya vacho wo kwakuzonditi tava tega. "Aah zvakangooma kuti murume akude or kugara newe achitoziva hake kuti wamborarwa." it was like they had taken his side. Joy ndiye ega munhu wandaingoturira nhamo dzangu. Akatombouya kuzondiona. Nyaya yacho mapurisa aive ati ndi describe vanhu vacho. Manje vanhu vacho vaive vakatopfeka mabalaclava saka ndakangoedzawo nepandaigona napo kudescriber kwacho. Ipapo Farai aitopopotera kuti ndararireyi pamubhedha. Akawedzera achiti, " waridza pasi Rati handichakudi pamubhedha wangu. Chihure chako ndochaikonzeresa kuti uzvariswe uchisiiwa ndazozviona. Hapana murume anedzinodhonza angaroora munhu akaita sewe. Shuwa shuwa dzimba dzese idzi vakaziva sei kuti pano hapana kukiyiwa? Uye uriwega? Hausi kuona kuti ritori drama zvaro? " Ndakawaridza pasi pacho kwakurara iye aingova busy pafon. I guess aitaura na Selma chete. Husiku hwacho handina kurara. Everytime pandaibiwa nehope ndaipepuka ndichiita kufemereka. Ndaingorota mazimbwa achindidzingirira ndizere ropa maoko ese. Dzemusi iwoyo dzaitotyisa nekuti rimwe zimbwa zidema dema raiva nemazizino Kunge wolf. Randaigara ndichirota randaitotya pakati padzo dzese imbwa dzandairota. Rakabva randibata gumbo iri rikaita kundibvarura. I woke up panting zvekuti Farai akati, "Iwe ka! Ndirikumukira kubasa ini usandiitire noise." Kubva ipapo handina kutozomborara nekutya. Kuseni seni akamukira kuenda kubasa ndikasara ndakagarwa bhobho namhamha pafon . Ndaiva ndamukirira kunzi, " Ratidzo huya utore mwana wako ukundinzwa?!" I cried ndatopererwa. Ndakaenda kunambuya vaFarai kwakutonyepa kuti mwana arwara kumusha. Vaiziva wo vakomana matwins aitaurwa naFarai Mazuva ataiwirirana. Vakabva Vatoti, " hii mapatya ndomaziva anonetsa kani. Aah kana Farai anofanirwa kukupa mari unoona mwana shuwa." Manheru akatouya atopirwa nyaya yacho yekurwara kwemwana nambuya vake. Anenge aive apfuura neko. Ndakakandirwa 20usd kwakunzi, " utende mbuya vatonditsiura kuti wakatakura mwana wangu. Otherwise ndanga ndichitoda uendere tuu kwenyu. Anyways enda unoona mwana kwacho." aisatoziva hake kuti mwana wacho atodzingwa ndaifanirwa kuuya naye. Pamari yandaiva ndakandirwa yaive yekungoenda nekudzoka no change yekusvikawo ndakabata kasipo. Ndakangoitora ndokutemutenda ndichiti," waita hako Farai. " ndikanzi," paunouya uchapfuurira kunogara kwaMurambinda. Selma ambouyawo kuno. " Ndaiziva hangu kuti Farai haachandidi but zvaakataura ipapo zvakaita misodzi yangu iyerere. Ndakachema ndikazvirega. Mangwana acho ndakaswera ndichiwacha wacha. Kwakunooneka mbuya vaFarai. Ndokuzooneka Joy pafon. Kuseni Farai akatonditi," Buda ndikiye makiyi angu ndozomawanepi?" ini ndaive ndaronga kunomasiira mbuya vake. Handina hangu kupikisana naye. Ndakanobata bhazi rekwedu kuGuruve makuseni iwayo. On my way I tried kumuisira message Farai ndichimunyengerera but ndopandakatoona kuti ndablockwer. I cried all the way kunosvika kumba. Bhazi racho raiira seraibhururuka. Kuma1 ndaive ndatoburuka. Apa bustop yedu paive pama shops. Ndakasangana nevekuziva Vega Vega. MaiTino muvakidzani wedu ndiye wekutanga kundiona. Vakarovanidza maoko hanzi, " hezvo hezvo ndiRatidzo uyu?! Ko hauna kuuya nevakwasha wani isu takagadzira pamba kuita pachirungu kudaro?" Unodemba kunyura muvhu chaimo. Ndakangozhinya trying to act cool ndichiti, " ehe varikuuya vayenzi. Panezvakakosha zvandavinga." "Haa unotyora maiRati musana uchiuya usati wabvisirwa mhani." Ndaiita kudedera ndichishaya kuti ipo pamusha waMusavengana ndainopapinda sei. Ndakangoshinga kuenda ndaida kuti kana vairevesa mhamha zvekundidzinga. Ndaida kunorara ndatowambuka kuenda kwavamwe mbuya kunotsvaka pekurara. My heart bled ndichiona kugadzirwa kwaiva kwaitwa pamba pedu. The effort my mother had put was just too much. Ndakamboda kurova u-turn but imbwa dzekwedu Muchazvirega naDira-Rizare dzaive dzatondiona. Muchazvirega yairuma yaishura. Dira-Rizare ndaive ndasiya kachiri kambwanana chaiko. Makuriro ayaive yaita akandiratidzawo kuti ndaive ndagarisa ndisipo pamba. Lucky Muchazvirega ndakabva ndatoideedza nezita hasha dzayo dzichibva dzatopera. Yakangondinhuhwidza kwakundinhanzwa nhanzwa. Ndakabva ndatoona Takawira my brother wandaisiira mukaka achitarisa munhu aihukurwa nembwa. Instead of welcoming me sezvo aive andiona akafuratira going back inside the house. Ndakabva ndatoziva kuti pakatsveyama. Ndakasara ndopinda chivanze ndatove mudzimu zvawo. Munhu akabva atobudikira ndibaba vakabata tsvimbo yavo. Ndakadedera ndakuita kudhanayira ndichipinda pachivanze. Mhamha vakabva vabudikira nanaTwo avo vakauya wo ndokundimhanyira. Mhamha vakaramba vamire parutivi rwababa. Kamwana kangu kadiki kaDiana kakangomira kakayeva. I guess kaiva kasisandizive. "Hatisi kukuda pano Ratidzo tora mwana wako muduku ubude. Mapatya anosara akura akugona kufudza mbudzi. Aka kaduku tora zvako hatidi kukuona. Tichakuona pano gore rauchauya nemunhu akakupa mimba iyoyo achizoroora. Ndofunga kukugamuchira uchingouya nevana ndipo patirikuresva. MaiRati mupei kabag kemwana wake pano handisi kutoda kumuona." vakadaro baba vangu pandakaedza kuda kutaudza. Mhamha havana kana kutora 5 minutes kudzoka vakatakura chibag chandaimboshandisira vana manappy. Ndaive ndakachipihwawo nevamwe mai. Kaiva kasisina zip kabag kacho. Vakanditambidza bag riye ndokunongedzera Diana wangu vachiyererdza misodzi hanzi, " Ratidzo mwanangu asi chii newe? Haa wandiworora hako. Tora mwana wako uende zvimwe ungadzidzawo chidzidzo." "Ndineurombo mhai nababa. Ndaitarisirawo kuti munhu wangu anouya kuzoroora asi zvinhu zvacho zvakangobhenda...." baba vakandidimbudzira vachiti, " maiRatidzo makutoda kuita nyaya ka nemwana wenyu? Ndati Ratidzo ngaanyangarike nemwana wake or else munopabuda mese pano!" " Ratidzo enda kani uchengetedze mwana iyeye ikoko! "  my mother said that vachiyeredza misodzi. Ini panguva iyoyo hapana kana domhwe remusodzi rakabuda. Ndakasumudza kaDiana kakangonditarisa looking back at gogo not sure what was going on. Kanenge kaifungidzira kuti ndiri Ani nekuti hakana kumbochema. Vana Two ndivo vakazochema vaona ndakubuda vakatyisidzirwa netsvimbo nasekuru vacho. Ndakachinja pfungwa dzekuenda kwambuya mudzimai wehanzvadzi yamhamha. Ndatofunga kuti ndaitogona kunokudzingwa vachitya baba vangu kundibvumidza kurara. Ndakafunga wo imwe shirikadzi yaigara kudhuze nechigayo. Yaigara yega nemwana wayo musikana aivawo nemwana pamba. Vainzi maiMakoni, ndiko kwandakangofunga kunokumbira kurara ndofuma hangu ndichidzokera kujeri kwangu kwaFarai. Asi kamwana kandaive ndakatakura ndaitofunga kahobho hobho kuti ndiite zvekudii nako. Ndiko kaizowenzera kuti ndirambwe naFarai. Imwe pfungwa yakamboti siyana nezvaFarai unotsvaka basa. Asi ndaizoshanda sei nendumure nezidumbu. End of Chapter.

❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 191
Chihelele Stories
2/25/2025, 5:01:02 AM

https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 Chapter 11 Selma. Ndaiva ndazongodanana hangu naTichaona ndatoona kuti hapana umwe aizondida ndiri zvandaiva ndaitwa naFarai. But moyo wangu waizvidira hangu Farai. After a month ndakatanga kungorwara kwakuudza sisi vangu. Akatonditi," hii Selma kana wakaita misikanzwa ka hameno." ndakabva ndatoziva zvavakafungira. Hana yakati bhaa bhaa kwakuedza kuzvishingisa ndichiti, " aah misikanzwa inenge yeyi zvangu?" "Yekurara nevakomana ka! SaTich wako uya anekamwe kahunhu kandisingafariri. Uya achakumitisa hako mira uone." she said. Tichaona aizozviwanza pakungosvika pamba kana ndamuudza kuti mhamha havapo. Lucky Sonia haana kuzoda kuramba ari take take nenyaya yacho. Akabva abuda. I sighed hana yakutorova. Ndakatora fon yangu kwakufonera Tich. Akaidaira akafara fara hanzi, " ndiuye here nhai Selma?" "Noo mhani Tichaona! Hauna here zvimwe zvaunofunga iwe?" Ndaitonzwa mazihasha akati," Ko ndatadzei nhai babie? " Ndikamuti,"Tich I think I'm pregnant." akaita zvekudaidzira achiti, " heee?" I repeated ndichiti, "I think I'm pregnant Tichaona." akaseka kwavakuzoti, "ooh you think? Hauna chokwadi nazvo?" ndakatombonyarawo nekuti ndaisave sure kuti ndichaona here Mazuva angu ekumwedzi. Kungoti ndagara ndaijamba imwe mwedzi. Akapamha kutaura achiti, " waziva sei?" ndikaboira boira ndatopererwa Achibva andinunura hanzi, " ndirikupfuura nditsvaka kapregnancy tester mutown tone." the way sounded yakaita ndidzikamirewo. Kuti kana kurikuti yaivapo he was definitely going to marry me. There's no way someone could spend his money kutenga pregnancy tester. NaTichaona wacho taingonwira mumugomo. Handina kutombofungira kuti ndeyaFarai kana. Kunyangwe hangu ndisina kuzozvinwa zvimapiritsi zvake. Besides naFarai 2 and a half months dzaive dzatokwana tasiyana. Ndakatoswera ndawedzera kurwara imwe yatova stress. He came as promised Tich. Mhamha vaiva vasipo akatozomira pagedhi. He took me to his place uko kwatakatanga tambofadzana kwakuzoita zvepregnacy test. It confirmed kuti I was indeed pregnant. "Selma remember ndakawana watobvongodzwa naFarai. Saka zvinogona irinhumbu yake iyi." ndakabata chifuva ndakunzwa kuzarirwa ndokuti, " Tichaona ka! Farai weyi ini ndakasosiyana naye kudhara ikoko?" "2 months idzodzi kudhara kwarinhi?" takatanga kukakavadzana kudzamara ndavakutochema. Akazondinyengetedza achiti, "OK ndichatsvaka mari toenda kunadoctor. Achatiudza kuti yakura zvakadii Handiti? Kana iri yangu inofanirwa kuva ine 1 nehafu." he was right ndipowo pandakatanga kurara naye. But it didn't make me feel any better. Zvakatondidya wesi. Mazuva akafamba ndatopusa. Sonia aimboda kuda kubvunzisisa ndaibva ndatomubuda. Akazouya Tich achiti tiende kwadoctor. Surprisingly nhumbu ikatodeedzera 2 months. Ndakaona Tich achitura mafemo ekurerukirwa chaiko. Takati tabuda paye akati, " don't stress I have a way of finding out kuti muface wako akugarepi." Ndakamucheuka with begging eyes ndichiti, "please Tich mutsvake." "I'll definitely find him but just promise me kuti hausi kuzondivharira kunze." I knew what he meant kwavakungobvumirawo nemusoro. Sezvo ndaidisa kuwana muridzi we nhumbu. Takabva tatonanga kumba kwaTich akanozvimorera hake. He kept his promise nekuti within a week akatouya ne address yekwaiva kogara Farai. Akanditi," you see I'm a good guy ndakutsvakira munhu wako. Saka dhiri redu harimire pano. Pandinenge ndakudira unouya toita chivanhu chacho uchindibhadhara basa hombe randabata. Iwe just make sure haafe akazvibata Farai. Uya akaoma musoro akangoziva kuti ndanga ndichikulambasta aah dhakwasi. I hope you don't want me to tell him. Ini I have nothing to lose hangu. Handineyi nekushamwaridzana na baby daddy vako. " Ndakangobvumirawo izvozvo nekuti akabva ati," Hapana chekutya futi nekuti haiiswe pasikero. Haambofi akaziva kuti neniwo ndirikudya." Handina kutozomirira kuti mhamha vadzoke ndakanotura nyaya yangu kwatete. Ndaitya kurohwa namhamha. Pandakanosiiwa kwana Farai ndaiti sezvo Farai aive ati anemukadzi. Uye vekwavo vaiva vati aizobvisa madamages chete. Vakazofona tete vadzokera kumba vachiti, " tagara pasi semhuri Selma. Taona kuti kumujaidza mukomana iyeye kuti iwe akudzore asare nemukadzi wake. Noo newewo handiti urimukadziwo. Saka achatokutorayi mese. Iwewo wotosimba nekuti murume ndewakowo. Hakuna kwauri kuenda utogomera. Haungatadzi kugara nekuda kwemumwe mukadzi. You'll have to fight ugarewo. " Ndakashaya kuti ndaizorwa sei iye Farai wacho aisatondida hake. Stay tuned.         

❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 53
Chihelele Stories
2/26/2025, 5:33:00 AM

https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 14. Farai Hatina kunonoka kuwana malifts ekunanga kwaMurambinda. Aitonzwisa tsitsi Selma. I felt bad nezvaaiva ava mwana wevaridzi nekuda kwangu. I tried kuitawo nyaya not sure kuti ndaizodairwa here after kumudadira kwangu. Ndikatopindurwa zvakanaka naka. "saka wakatanga rinhi kurwara?" waiva mubvunzo nhando. Mhamha vaiva vandiudza zvese. Dzaiva nyadzi chete akati, " ndavane 1 week." "Unopora handiti?" I assured her Kunge ndini ndaiva chiremba. Jacket ndakarikurura tichirimumota kwakumupfekedza pamapfudzi. Kunyangwe kwaisatonhora hako. I was just trying to make her see kuti handisi mhuka. Icho chirokwe chaaiva akapfeka chaiva chakachenuruka zvekutosakara chaiko. Ndakati, " wadii wapfeka rimwe rokwe nhai Selma?" "Hembe dzedu zhinji dzakasviba hatina sipo yekuwacha." ndaiti ndirikutsvaka nyaya nyambisirwa ndakutozvinyadzisa kwakungobwayira bwayira ndatarisa kunze ne window. Takasvika tichinanga kuwindow kwakunobhadhara nekudhindisa. Akapinda mukati akatariswa. Ndokupihwa injection ipapo ipapo. Akazosara agarira mapiritsi mamwe ini ndokunomutsvakira sadza. Aive akuchema nzara. Ratidzo akabva afona ndirikuzvima caravan zvaibikwa sadza achiti, " uribho?" "Yes babie ndiribhoo. Wamuka sei?" akati, " aah daddy shuwa kumuka ikezvino? Hadzisi dzatova kuma1 here? Ndaedza kuisa whatsapp messages kakawanda ndichibvunza kuti mafamba sei kuchipatara but no response. Arikuto ticker 2 saka ndazoti better kufona chaiko. " Ndaive ndaguma kutaura naye Kuseni ndichigadzirira kuenda kuchipatara. I got all busy naSelma zvekuzotadza kutaura naye. " sorry maimwana kungoti munhu wandiinaye pano arikutorwara zvekudaro. So ndini ndirikutofamba ndakamubata balancing her. " I realized kuti ndabhaiza kutaura izvozvo paakapindura achiti, "aaah ko mhamha varipi?" "Mari yekuti tikwire tiri3 haipo shaa. But trust me ndiriwako. Kungomubatsira I feel bad kungomuyeva." akabva ati, " Hapana kuipa hapo my love." Takatombokurukura dzekudanana kwedu tichiudzana masweet nothing ndokuzo cutter. Actually ndaida kumuudza kuti mari yandaiva ndatapudza pamari yeroora rekwavo yaiva shoma. I wanted to buy sipo nezvimwe zvandaive ndaonawo vanamhamha vasina. Ndaive ndisisatumire zvekudaro nemhaka yekuedza kuchengeta mari yekunoroora. Mhamha ndivo vaiva vandisimbisa vachiti, " isu tichaedzawo kurara nezvatiinazvo kuno. Purizi Farai unganidza mari unoroora mwana wevaridzi. Akaona chaanoona tonoreva kunani? Plus munhu akarema anongotyisa kugara naye usingataudzane ne vekwavo." Ndakaenda nesadza ndikatowana agara panze achiti, "ndatopihwa mapiritsi kwasara kuti tichienda." "How are you though?" I enquired akati, "Better injection yavandipa iri strong." ndakamutambidza sadza rake ne spoon yacho Munhu akadya kusvika adikitira. Ndakapotsa ndaseka achidya fast but kuseni chaiko porridge aiva atadza kuridya. Chinhu chandakacherechedza ipapo ndechekuti tunonaka twaidiwa. Ndakasumuka chinyararire kwakuuya necascade iro rakanwiwa rikasiiwa pahalf hanzi, " ndasiira Wadzanai." "Ndomutengera rake iroro nderako." rakabva ratodhudhudzirwa rese. Chero kufamba aiva agwinya zvekugona kuzvifambira. I needed money badly but kuti ndiudze Ratidzo zvaisatoita. Kutapudza pane Iya yeroora futi. Apa the situation was bad kumba. Kuti ndingofuratira zvaisatoita. Of course ndaida kuroora but ndini zve ndaiva ndaita Selma ave musituation yaaiveri. Takananga kwaChoppies nekamari kangu kebhazi kandaiva ndasara nako. Kwakuti kunaSelma, " nhonga zvamusina kumba." akanhonga sipo, shuga mafuta ekubikisa neekuzora nemunyu ne matches. Kwakuti, " ndatora." munhu anenhumbu ndaive ndakutomuziva from Ratidzo. Saka ndaiziva kuti zviripo zvaitodiwa nemoyo wake. But aive nekakunditya kuti azvitaure. Zvinhu zvaaiva atora zvaiva zvemumba chete. "Ko iwe hauna here zvaunoda, zvisiri zvekushandisa mumba. Zvako zvaunofarira." akanyara nyara ndokuti, " tin fish nemabiscuits." ndakanhonga magaba 5 nezvima packets zvemabiscuits 4. Nema cascade matatu. "macascade ndeyako yekunwa kumba imwe ndeyamhamha imwe ndeyaWadza. Mabiscuits amwe ndeamhamha mamwe ndeaWadza . 2 ndeako." akafaririra ndikanzi, " thanks waita hako." Takabuda tatotakura chaizvo. Tavapamisika paye panomira mabhazi I noticed kuti makumbo ake aive aita kuzvimba mutommy. Paitengeswa zvima push. Ndaiona Rati aive akufarira kutenga mapush. I felt bad kwakuti," haude here mapush apo?" Shyly she said," ndomada." "Sarudza aunoda tiende." akatobvisa matommy fitting kwakuzotora eblack. Akabva atopfekwa ipapo ipapo ndikaona shasha ichisekerera. Ndikanzi, "waita hako Farai." "pleasure." I responded. Takasvika kumba Wadza akutobika usavi hwemadeko atobva kuchikoro. Tunonaka twakafarirwa kani. Mhamha vakazosvika kwatosviba vachibva kunyemba kumunda. Vakatenda zvandaive ndatenga but tava tega Ndakanzi, " Farai shuwa ucharoora neyi mwana uya arikutawundi? Isu hatifi nezvatirikudya pano. Wanga wagona kundiendesera munhu uyu kuchipatara. Zvizhinji zvekutambisa mari izvo mwanangu dai wamira." " Don't worry muchembere kamari kangu kandakangoitawo ka piece work paweekend. Yekunoroora handimboibati kana. December uno chaiye tirikuenda kunobvisa without fail. " I lied ndisingade kuona mai vangu vachishungurudzika. Vakangobvumira but vasiri convinced hanzi," please Farai undibatsire hako usaitapudze tipedzerane nazvo. " Manheru ndava kugota kwangu ndakamboita nyaya naRati. Kwakuzotaura neumwe muface wekubasa kwedu ainzi Digo. Aigara anemari yaaikweretesa chimbadzo. So ndakataura naye kuti anditumire painnbucks ndaizonoitora Kuseni kwaMurambinda. Haana kutombonetsera zvakawanda akandipa yandaida. Kuseni seni handina wandakaudza ndakangomukira kwaMurambinda. 12 dzakachaya ndadzoka. Ndakangotora mari nekutenga usavi chete. Mhamha complained ndauya neusavi hanzi, " Farai unotambisireiko mari? Wakagona ukatengera Mandlovu magaba ehove. Isu tinodya chero mwanangu.". "Aaah mhamha amana nyama ye5usd inotora mari ngani ko?" Ndakanozvivharira mugota kwakumbotaura naRati. Aitobvunza kuti Selma ava sei ndikatomuti, " ava bhoo uyu mangwana ndirikuuya babe." Manheru ndakatayimira mhamha vasirikuona kwakupa Selma 20usd ndokuti," it's for you kana pane zvaunenge uchinzwa kuda handiti?" akatenda kunge achandibereka. I hugged her ndikatozovhunduka ndatomumbundira ndokuti," sorry. " Instead she smiled akatarisa dumbu rake hanzi," mwana abva atotamba nhai?" I looked closer padumbu racho ndichida kuona akati," shuwa! " ndakabata dumbu riya ndokuti, " ngaatambe tinzwe." haana kuzotamba kwacho ndikati, " kanemanyemwe nhai. Karikuda kuti ndikumbundire futi katambe handiti?" she smiled achindisiya ndimire. Ndakasara ndikasekererawo. Ka episode kacho kakangondiitira funny nekundinakidza zvese. Madeko acho we had supper pakazosvika tete maiTaka vachitsvaka munyu. Sezvo kwaiva kwasviba ndakazovaperekedza kunovasiya kudhuze nemusha wavo. Ndakudzoka ndakanzi, "Farai hongu mukadzi uya haumude unaye wauri kuda kuroora. Asi ziva kuti akatakura mwana wako. Mwana wako wacho unoti anosimbiswa nani? Uchazvarirwa chirema iwe. Simbisa mwana wako semurume kwete kuzosimbisirwa nanaPaurosi vanongoswerombeya nemombe mumafuro umu. " Havana kumirira kuti ndipindure vakabva vatobvuta munyu wavo wandaiva ndakavatakurira hanzi," dondipa munyu wangu ndiende zvangu. " vakanopinda pachivanze pavo ndikangosara ndapusa. Ndakadzokera kumba ndakutoda kusimbisa mwana kwacho. Unenge utori kure nekufunga zvimwe zvinhu umwe munhu ongokuita uchitange kuzvifunga. Tete vaiva vaita sekuti pane button ravadzvanya mubrugwa mangu. Ndaiva ndakutozvidisisa. Ndakawana vanhu vatopinda mumain house ndikashaya pekutangira kukumbira Selma wacho. Ndakazobatsirwa naRati wandakaita naye nyaya pawhatsapp kusvika kwatova midnight. Kuseni Ndakaonekana namhamha vachitobudawo kuenda kumunda. Wadza aiendawo kuchikoro. Selma ainzi asare achibika. Ndakabva ndatoti ndiwo mukana. Handina zvandakataura naye ndakangomumbundira nekutomunama kiss. Nekufemereka kwandaiva ndoita akabva atoiziva nyaya yacho ndokumuti, "shaa ndirikuda kusiya ndasimbisa mwana wedu." She didn't argue ndokumubata maoko ndichinanga naye kugota kwangu. Ndakangorisudurutsa brugwa rake nekutopinda. Iyewo anenge aiva akatokuvara kare. Ndakamupa 2 rounds dziri strong and kissed her ndokuti, " thanks hako. Kana une zvimwe zvauchasara uchida undifonere handiti ka?" she nodded shyly ndokunzwa, "Mandlovu!" Hana yakarova ndikaona naiyewo akutya. Hameno vaiva vadzokereyi mhamha. Takaramba tiri zii vakapamha kusheedza. Vakazosheedza kechi4 coming straight kwataiveri. Probably vaiva vatsvaka kwese ndokuona door rekugota risina kunyatsovharwa. Ndakaona kuti hapachina kuhwanda kwakuzvigadzirisa fast ndichibuda ndichiti, " Muchembere!" ndichiedza kungwara ngwara. Vakanditarisa ziso richimhanya mhanya ikoko kwaiva kwadya muchero ndokutaura semunhu arikufungisisa hanzi, "uchiripano? Uchiri kuitei?" "Ndanga ndakanganwa something muchembere ndakurova pasi." I responded ivo ndokutarisa kudoor regota hanzi, " Mandlovu aripi?" iye Mandlovu wacho kuda Kutya or kuremekedza akabva abuda ndokumira kuseri kwangu hanzi, "mhaaa." "Farai ka! Ndati Farai urikumboda kuita sei chaizvo? Ukuda kundiuraya nebp here? Barika ungarigona zera rako iroro?" vakadaro vaita kundinongedzera kumeso chaiko nechigunwe chaiita kubvunda. Zvekuti for a second ndakambofunga kuti ndoipihwa mbama chete . Ndakangosekenyeka ndichiedza kuactor cool. End of Chapter.

❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 66
Chihelele Stories
2/26/2025, 5:33:31 AM

https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 16. Ratidzo. Ndakaita kupera simba. Misodzi yakatanga kuyererera ndakarara facing the wall. I had suspected kuti Farai achinja somehow. I had also suspected kuti ariku communicater na Selma chete. Just that I didn't want to sound like an insecure woman. Ndaive ndazvicherechedza kuti fon yake yava ne password zvinhu zvaaisaita Farai. Sometimes I would find him staring into space zvemunhu arikufungisisa. Aiva asisanyanyi kuda kuti titaure nezvekuenda kwedu kunoroora. Ipapo Mazuva acho aiva aswedera kwaiva kwasara 3 weeks kuti tiende kwedu. Uku wo I was busy lying to my mother ndichitaura amount yemari yandaiita kufungidzira kuti iripo Vaiita kufara kani. Vaigara vachindipawo maupdates ekugadzira kwavaiita pamba kuitira vayenzi. Thinking of how my parents especially my mother were going to be disappointed  shattered my heart. I cried iye munhu akutoridza ngonono. It was my first time kuona akadhakwa kudaro Farai. Ndadzikamira ndakatora fon kwakuisira  Joy message ndichimuudza zvese. Including kunyepera mai vangu kubva na kubva. Aitova offline ndikatoita WhatsApp call kudzamara avhura message yangu. Akandinzwira tsitsi sahwira wangu kwakundisimbisa simbisa. She promised kuzondiona mangwana acho. Kurara kwakanetsa ndikaisirawo tete vangu kwandaimboshanda message telling her my story. Havana kunonoka kudaira havo. Ivo vakabva vatoti, " Rati dambudziko rako ndirikurinzwa ufunge. Asi ka kunyepera mai vako wakatokanganisa. Ndiye munhu waurikufanira kuudza chokwadi chizere akubatsire nemazano. Mai havakutsamwiri zvinoenda kure. Ndivo best friend yako inokuudza chokwadi chisina godo mukati. Zvimwe zvinhu zvakutoda kunamata chaiko. Ndirikukurudzira kunamata chaiko Ratidzo haisi nyore kungozvariswa. But kana hake asina kukuramba pamwe achazoroora hake awana mari. Zvimwe mari yake ishoma zvakudawo ubatsirwe ugone kubatsirana naye. It's understandable though kuti hazvaiita kuti umwe atambure kumusha ariiye akamumitisa. Iwe ingotsvakawo way yekuti mubatsirane nemunhu wako. Ndoona sekuti ndiwe unodiwa ini nekuti arikugara newe. Iwe chirega hako kumuwomesera." Mashoko avo aiva nehudzamu hawo but kuita sekureva kwavo kwairwadza. Ndainzwa kuda kumu ignore zvamuchose Farai. Asi yevana vanozara bhazi iyi ndiyo yaizoita kundipusisa. Kunamata kwavaireva ndaitokunzwira nungo chaidzo. Ndaiti ndakamutarisa so ndainzwa shungu. He didn't make an attempt to cuddle with me husiku ihwohwo. Ndikati wo semunhu aita mabororo it's understandable anenyadzi. Kuseni doro rapera I was expecting kunzi sorry. Farai aiva akundida zvandaionawo. But akatomuka achigeza geza ndokungonditi, " hesi." Nekutobuda kuenda zvake. Unlike mazuva ese pandaiitwa goodbye yekiss. Ndopuruzirwa dumbu ndichivimbiswa denga nenyeredzi dzaro. Ndakangosara ndapusa. I was expecting masorry but munhu wacho acted as if ndini ndamukanganisira. Ndakasara ndichubudawo kuenda kwambuya ndichida wo kunovaudza Shura randaive ndaitirwa naFarai. Ikoko ndaiziva kuti nemadiro avandiita aizotukwa Farai agoita zvinhu kwazvo. They were my only hope sekuru nambuya. Mai vaFarai ndaiva ndisisavavimbi. Ndaitofunga kuti vakutodira mwana wavo Selma. Ndakawana mbuya Vega vakanditi, "kwakanaka Dhunda kusvika pano Kuseni seni so? Asi yarwadza? Hadzitembiwe ka nhumbu dzemazuvano. Dzinongorwadza nguva isati yakwana." kaiva katopfumbira kanickname ikako kekuti Dhunda nekuda kwemuviri wangu. Zvaitombondibhowa mazuva ekutanga but ndaiva ndakutozvijaira. Misodzi yakatungamira ndisati ndavhura muromo. Vakandibata kwakunondigadza pasofa vachiti," Dhunda muzukuru wangu zvekuchema izvi hazvidiwe nezvauri izvi. Chii ko? Akurova Farai?" I couldn't open my mouth to utter a single word. Ndainzwa zibundu raiva rakavhara pahuro. Ndakatombochema vakandiyeva vakutonzwisa tsitsi. Pave paye ndadzikamira vakanditi," ndiudze muzukuru wangu chii ko? " " Mbuya mari yekunoroora hapachina. Farai arikuita basa rekuchengeta musikana wake kumusha." I was expecting kuti vashamisike nazvo. Kwakunzwa vachiti, " kungoti mari yake ishoma mhani Farai. Ndaitotaura nasekuru vake Sam pafon musi uno. Ndichiti dai amuwanirawo kabasa karinani ikoko kuJubheki. Arikuzama hake muzukuru wangu asi mari dzemuno muZimbabwe ingani ko? Uyo uko dumbu rakewo handiti ratokurawo zvizhinji zvinodiwa? Yeah panyaya yekunoroora apa pachati remeyi kuti ayiwunganidze. Akatigadza pasi nasekuru mwedzi wapera uyo akatsanangurawo mafambiro emari dzake. Tikatoonawo kuti akawomerwa." Ndakapera power kwakungoramba ndakavatarisa mbuya maiSam. I could not believe kuti ndivo vaitaura kudaro. Ivo vaiva number 1 kukurudzira Farai kuti awunganidze mari anondiroora. Vakawedzera vachiti," ndandamuti shoma iyoyo beta kungonoita tsvakirayi kuno chete zvakawanda wanda zvinozoonekwa chakakosha hupenyu." iyo shoma yairehwa yaiva 50usd. Paizobuda transport yaizosara marii? Apa nemanyepo andaiva ndabika mai vangu ndichiti tirikuuya nemari kwayo. Probably vaiva vatovhayirawo kumashamwari avo murayini. Ndakanzwa kuchekwa chekwa pamoyo chaipo. Kwakungomedza mate acting as if all was well. Vakazoita dzimwe nyaya ini pfungwa dzaive dzisisipo ipapo. Ndakawoneka kwakudzokera kumba kwangu ndatopererwa nemazano. Joy haana kana kuuya sekuvimbisa kwake fon yake yaisatoita. Ndiye munhu wandaiva ndakatemba kuzombochemera hangu. Farai rakasvika pakudoka asina kumboita zvemazuva ese checking up on me. Handina wo kumutsvaka ndaiva ndakamutsamwira hangu. Ndakabika kusvika ndapedza asina kuuya. Kwakuzorovera moyo padombo ndokufonera mai vangu. Vakatodaira vakafara hanzi, " hiii mwanangu muviri kuneta nekudzura dzimba. Ipapa ndakadzura nevhu dzvuku ndikaisa bhandi rewhite dzimba dzese. Apa rewhite ivhu tirikurituta kwaMutsanyamate kwese uko nemusoro naBibi. Ndiye zve arikudrawer maruva pamidhuri hanzi ndinoda veHarare vaone kuti chero tirikuruzevha asi tinogona kugadzira dzimba dzedu dzedhaga. " she sounded jolly zvakaita moyo wangu utsemuke. Bibi airehwa aive munin'ina wangu. Ainzi Bibiana. Kuti nditaure nyaya yangu kwakamborema ndakutotya kurwadzisa Bibi sekutaura kwamhamha airatidzawo kuti she couldn't wait for my arrival. Plus nebapu raBibi rayini rese hapana aisatoziva hake kuti ndirikuzoroorwa. But kuramba ndichinyepa ndakaona kuti hazvichaita zvamuchose. Ndakakosora kwakuzoti, " mhamha mari hapana yekuti ndizoroorwa." vakambonyarara ndokuzoseka hanzi, "Iwe Ratidzo ziva zvekutamba nazvo iwe," ndikati, " mhamha ndirikurevesa. Munhu ndaiti arikuchengeta mari iye achitoitawo zvimwe nemari yake..." handina kupedza kutaura vakabva vati, " inzwa unzwe Ratidzo Munangi handisi kuzoitirwa zvisina basa newe wazvinzwa? Baba vako vaigara vachindiudza kuti usafarisire zvinhu zvaRatidzo hazvina manyanisi. Ndichiti vanongoda kutaurisa nyambisirwa vaitoziva zvavaitaura nhai? Ini kuvengana ne murume wangu nekuda kwako bodo Rati. Please huya hako uzotora kaduku kamwana kako aka kaChipo. Matwins ndakagara ndamagamuchira kare anosara hawo asi aka kaduku huya hako utore! "  vakabva vato cutter. Apa Farai aisaziva nezvemwana muduku musikana futi. Iye aitongoziva matwins e4 yrs sezvo aimbovatengera mbatya. Ndaizoti ndewani? Ndakatanga kuwomerwa zvekurevesa. Akazosvika Farai ndatorara haana kana kudya. Akanditi," hesi. " Ndakatoona kuti ndini ndaitofanirwa kunyengerera. Pamwe aizongonzwisisa ade nezvemwana wangu tongogara hedu pasina roora racho kusvika Jesu adzoka. Ipapo mhamha vakatanga kubeeper pafon pangu kasingaperi ndikasvika pakutodzima fon yacho. Ndakaedza kurara ndakamugumbatira Farai asi akatorara kuedge kwebed kunge achadonha. Zviye zvekuti handisi kuda. I  was left with no choice but kutomupa makumbo asina kumakumbira. Ndaiti sechinhu chaaifarira aigona kutonyevenuka. Asi hazvina kudaro, akangokwira kunge munhu arikukwira mumutsvubvu. Kwakuita zvaakaita nekutoburuka achifuratira. Zvakandipedza simba ndakutoshaya kuti ndonyengerera sei. Kuseni ndakamuti, "Farai I know things are tough for you my love. I don't blame you for what you did. I'll be patient with you. Ichakwana mari murume wangu ndazozvinzwisisa hangu. Mari iya yacho iripo ndipe ndiedze kuchengeta ichasvika hayo pakukwana." ipapo ndaive ndatoronga kuti yandaimbopihwa kutenga zvemumba ndaizongoedzawo kutapudza ndichichengeta. Payayizokwanirawo ndipapo. "Mari handiti wakairasira pasi zvekuramwa. I used it for other things shamwari," mhinduro yacho yakandigadza pasi. Ipapo fon yake yakarira akatoidaira amire padoor akutoda kubuda kuenda kubasa. Ndikanzwa achiti, " yes babe! Warara bho? Ini manje ndakusuwa kupfuura iwe. OK ndichaona pakati ipapa ndokutumira. But ini ndouya ka1 pa exmas babe." I knew he was talking to Selma. The nerve yekutodeedzana babe ndiripo? I sighed ndakutoda kuchema. Haana kutozondicheuka akabva atofamba kuenda still talking pafon. Ndakaswerera kuchema ukuwo mhamha vaingo beeper. Ndakazovafonera vakangodaira vachiti," ndirikumupa maiTamara mwana wako iwe Rati. Arikuuya navo kana usiri kuda kuzomutora. Chipo nenhumbu iyoyo handivadi pamba pangu. Sababa vako varikudya magaka havasi kuda kutoona iwe pachako." "OK mhamha ndirikuuya kuzomutora hangu." mai Tamara vairehwa nditete vandaimboshandira. Zvaisazobuda zvakanaka mwana wacho akuuya namai Tamara. Kwana Godknows baba vevana vangu kwaisaitoita nekuda kwekuti raiva barika. Plus mai vaGodknows vaiva vakasoshaya karesa. I sighed ndatopererwa, Joy akazofona musi iwoyo achitoti, " hii asikana imi ndirikuchipatara. Ndarwara kani but ndobuda hangu nhasi. Nyon'o chaiyo ndichasvika kwako ndikasimba simba kufamba." Handina kuzoda wo kumuremedza nenyaya dzangu. Farai yaive yava habit yake yekunonoka kusvika pamba. Nerough aiva ava nayo munhu wacho. Panerimwe zuva raakasvika kuma 10 ndikanonoka kukiyinura akapopota hanzi," unenge uchimbokiyireyi uchiziva kuti handisati ndauya? Haisi imba yako ino usade kundibhowa." kubva ipapo ndaingosunda door ndorara. Rimwe zuva ndatorara ndikanzwa kuvhurwa kwedoor kwakuramba ndakafuka musoro. Ndaitoti ndiye Farai. Chakazoita ndivhure musoro imhaka yekuti ndainzwa kunge munevanhu vakawanda. Kwakutosanganidzana nevarume vatatu vaiva vakapfeka mabalaclava kumeso. Ndakada kuridza mhere umwe wacho Kwakuita sign yekuti nyarara nebanga pamuromo. Ndakadedera vachiita kuzunza kese kaiva mumba. Vakaridza tsamwa vashaya zvisvinu zvavaida umwe kwakunditarisa ndokuti, " haa guys we can't just leave empty handed ka. Mbuva iyo ngatidyei fast tirove pasi." hana yakaita seichabuda muhembe ndichiona zvaaireva nekuti aitotaura undoing his belt. Akangouya pamusoro pangu kwakutondipinira pasi akabata huro zvekuti kufema kwaitorema. Ndakatadza kurwisa achiita kundibvarura zverough. Achibva kuchiuya umwe wacho. Lucky umwe kusina kure kwaaenda umwe aive amire ndokuti, "guys pane munhu arikuuya ngatitizeyi!" vakajamba vese ndokubuda vachimhanya. Ndakasara ndangoti rabadaa ndichitadza chero kuvhara ikoko. Farai akabva atopinda..... End of Chapter.

❤️ 😢 🙏 👍 😮 😂 84
Chihelele Stories
2/27/2025, 4:40:18 AM

https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 19. Selma. Ndaingofonerwa naFarai updating me kusvika asvika kuHarare. Zveshuwa mari yekukwira ikatoiswa mangwana acho. Ndakaperekedzwa naWadza kunokwira achirayira twunonaka. Twaidiwa kani, takati tichakamirira bhazi tete maiTaka kwakupfuura vachienda kumashops. Vakabva vamira vakabata chiuno hanzi, " Iwe mukadzi waFarai kana wakuenda kuchirungu hauwoneki hee? Kuitira kuuya netunonaka ugondinyima. Manje wadzva ndirikuda driringisi riya dzvuku dzvuku riye chero mukagubhu kaduku unenge wandigonera." Vakasekwa naWadza hanzi, " tete murikureva zvima Juice zviye zvinoshata kunge jolly juice? Itiyi vakuvigireyi Mazoe ndodrink chairo chairo. " " Haiwawo iwe Wadza unoziveyi ini ndoda iroro rekuti rurimi runosara rwatsvuka kuti piriviri. " " Ehe zve ariko Mazoe matsvuku anotsvukisa rurimi. " vaive vakupikisana tete vakagumisira vati," mamoyo usateerere Wadza uyu uuye nedringisi rangu randakuudza. Mamoyo usatomboite msindo nemahure emuHarare. Iwe usvike murunyararo utarise murume wako chete. Chero akada kukurwisa iwe zii, " zii yacho yaitaurwa munhu achiita sign yekuzipa muromo. Ndakaziva hure racho ravaireva kunyangwe vasina kuridoma. Ndiwo mashoko andaive ndaudza namaiFarai. Ivo vaiva vati ndiende kwambuya kana mukadzi waFarai akada zvekundirwisa. Ndaisava gwara kana ndaisautetesa muviri wangu. Ndaizoita sekureva kwavo asi kurikuti andiisa ruoko ndopandaizotangira. Chero kumba vaizviziva kuti munhu ndodhinda handina mafunnies. Chero arimukuru kwandiri akandidenha ndairova. "Ehoi tete," vakabva vapfuurira. Bhazi harina wo kunonoka kusvika. Ndakaisira Farai message ndichimuudza kuti ndakwira akatoti, "ndichakumbira kubasa ndizokugamuchira babie." Nzira yese ndakafamba ndichitaura namai vangu vachinditi, "kana ukabvumidzwa uuye wo ka kuzotiona usati wadzokera kumusha takusuwa." Vakazonditi," ndaida kumbonamata newe dai ukauya shuwa." " Ndichakumbira mhamha handifungi ndikarambirwa." Ndaifamba ndichi updater Farai patave. Ndakazoti ndichiburuka ndokuwana atondirindira. Ratidzo. MaiMakoni vakandipa pekurara nemwana wangu. Ndaiti zve semunhu aisafarira zvemakuhwa havana zvavaiziva kwakushamisika vachiti," ko vakwasha veku Harare varipi nhai mwanangu?" Ndakangobwayira bwayira kwakuti, " varikuuya mhai." "Ngavauye shuwa maMpofu shuwa nekugadzira kwaakaita pamba paye achiti varikuuya. Ayewa tirikuvada haasi akabayiwa nechibayo nevhu dzvuku raaituta kwese uko? Saka urikuendepi nemwana?" vaive vandibvunza ndikanyepa ndichiti, " ndirikuda kuenda naye kuskero saka ndaona kuti kuzorarira kuno kurinani. Ndogona kufamba kwakachena. " " Better shuwa urikugona kure kuMachecheni uko nemwana kumusana. Chihera haangazvigoni imi ka muchiri kuzvigona." Takadya ndokunorara vaiva vatozvibvuma zvandaive ndavaudza. Handina kana kubatwa nehope husiku hwacho ndichigaya. Imwe pfungwa yakamboti siya mwana pano umuke unokwira bhazi udzokere. But ndakaona kuti hapana zvandinenge ndaita vaizongomudzorera kumba. Mhamha vaibva vapa tete veku Harare ouyiwa naye kwaFarai. I woke pakati pehusiku kwakumucheuka mwana wangu. She was just over 24months old. Kamwe kaitokava mudumbu. I questioned my God kuti why aindiita zvakadaro. Imwe pfungwa ikamboti ndimuendese kwanaGodknows baba vacho. But still Godknows wacho aigara kuchirungu nemukadzi wake. Uye mai vake chaivo nyakutumbura vaisavepo pamba pacho. Mwana aizongodzorerwa kumba kwedu. Kuma4 ndakamuka kwakuti kunamaiMakoni, " maita basa mhamha ndakuenda ndifambe risati rabuda zuva. Ndinoda kunoita wekutanga kuchipatara." "Wadii wasumuka kuma5? Hakuzi kuchiri kwakasviba kunze?" ndakaramba ndichiti, " kana mhamha kwayedza ndoda kukurumidza kudzoka ndiende kuHarare nhasi." havana havo kuzoramba vachipikisa. Ndakaisa mwana wangu kumusana ndokutakura kabag kaive ne mbatya dzake. Ndakafamba ndakananga kumabhazi waisave mufambo stereki kubva pamaiMakoni. But paive nesango raive nemazitombo. Nzvimbo yekwedu yagara yaive nzvimbo izere mazitombo. Kuramba ndichienda kubustop kwaizoita ndisangane nevanhu vamwe vaimukirira kunohodha kuHarare. Ndakatsaukira musango ndokumbogara padombo mukati Kati mesango ndichifunga. Chinhu 1 chaive chasara chete pamazano angu ese. Ndakaburutsa mwana wangu kwakumuyeva. Akanditarisa wo  aive achiri confused kubva zuro wacho ndichimutora kumba. Aive asisandizive aive akangopusa. Ndaiti ndikamuti,, " Diana!" aingoti, " mmmhh," chese chandaitaura naye aingoti, " mmmh," akanditarisa kumeso zviya zvekuti umbori ani. Pandakamuburutsa ipapo ndakaona Kutya mumeso ake. Zviye zvekuti why ndaburutswa musango uye husiku nemunhu uyu? Questions were written all over her little innocent face. Ndakamudeedza futi ndichiti, " Diana!" akati, "mmmhh." I guess every living thing senses danger at some point. Akadaira achiita kunditarisisa nemeso azere Kutya. " Godknows kana ndichazotongerwa mhosva iyi kudenga newewo unofanirwa kuvapo wo. Nekuti what I'm about to do is all because of you. You left me all alone nevana vako. What were you expecting me to do ndega ndega? Urikurarama hwako upenyu hauna chirikukuvhiringa. Ini hwangu upenyu hunezvibingaidzo zvakakonzerwa newe." I sighed ndokutarisa Diana ndokuti," mwanangu I love you but neniwo ndagumirwa. Mbuya nasekuru vako vakuramba. Kwandinogara hauziikanwe so undiregererewo mwanangu handiti? " as if she understood what I was saying akabva agutsurira musoro staring me right in the face. " I'm even saving you all the troubles of this cruel world. Urimunhukadzi you might as well end up like me uchizvariswa nevarume vachikusiya. So I'm doing us both a favor mwanangu. You will thank me in your next life." with those words ndakabva ndamugadza pasi. Akafemereka zviye zvekutya chifuva chichioneka kukwira nekudzika murima. Hameno kuti she was sensing what I was about to do or kwaiva Kutya kuiswa pasi musango, murima futi. Ndakasumuka kwakumhitsura zidombo  kwakupwanya musoro waDiana mwana waGodknows. I aimed zvekuti zvitovharana zvekutotadza kuscreamer chaiko. Fast fast ndakatora mamwe mazitombo kwakuvhara mutumbi wese. Ndokuvharira zvese nebag rake ipapo pamutumbi. It wasn't my fault but mother earth with her harsh claws made me do it. Ndakaita kuvhunduka ndichiridza mhere pandaive ndigere ndichitorota exactly how I had killed my baby. Farai akamuka zvehasha hanzi, " Iwe ka iwe! Ndakuzokurova manje. Kwasvika pakuyedza uchinditadzisa kurara nenoise yako. Itorongedza kese Kako urikunogara kwambuya mukadzi wangu arikuuya." Ndakamboomesa musoro akanogeza kwakuwana ndigere pamagumbeze. Ndaisaziva kuti Farai anemoyo wevanofamba husiku kudaro. Ndakakandirwa mbatya panze Kuseni seni ikoko ndikazvuvirwa kunze. He locked his house kwakubuda kuenda. Nekusadawo kuva TV yerukeshin gwese ndakanhonga nhonga tunhu twangu fast ndokunanga kwambuya vake. Nzira yese ndakafamba ndichichema. Ipapo ndaisachema kudzingwa. I was now crying for my baby. The little innocent face came back flushing mupfungwa dzangu. End of Chapter.

😢 ❤️ 😮 🙏 👍 😂 106
Chihelele Stories
2/26/2025, 5:56:56 PM

https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 18. Selma. Ndakafonerwa namhamha rimwe zuva vachinditi, "Vamamoyo kuri sei kwenyu ikoko?" I laughed mhamha vaiwanzondideedza ne mutupo kana vakafarisa. Kwakuti, " ndizvo wo hazvo mhamha sei vamwe?" vakati, " vamwe vese vanofara zvavo? Unani ipapo padhuze?" I was alone mhamha mai Farai vaiva vaenda kumunda. Wadza aive aendawo kuchikoro. "Ndiri ndega zvangu," vakati, " ko vamwe varipi?" ndakavaudza kwakugadzirisa huro yavo hanzi, "mwanangu zvirikuchinja here zvinhu ikoko?" vaiva vakutaurira pasi pasi. Ndikamboringa ringawo making sure hakuna arikuuya kwakuti, "ehe mhamha akunditumira mari. Ndakutodiwawo December uno ati arikuuya. Haasweri asina kunditaudza." She whispered hanzi, " Good urambe uchishandisa. Mvura iyoyo inoda kubatsirwa wo netsika dzakanaka. Kusanyima, kutsiurikawo nebvi pasi mazuva ese. Uchanditenda iwe vachakuroora kechi2 mira uone. Haa bodo zvekujairirwa uchingozvariswa ne Zimbabwe yese hazvigoni. Munhu ngaatobatisisa ndipo pako ipapo. Vamwene ndimai vako usatombovasarure. Hama dzemurume udzide kunge dzako uchaona iwe." Ndakangoti," ehoi mhamha. " " Nhumbu haisi mumaoko munhu ngawanikwe abika, asvayira mvura achera. Kwete kuti vanhu vachibva kwavanobva vopinda busy Kunge vasiya pamba pasina munhu." Ndakaudziswa kani kamari kavo kakasvika pakupera. Ndakabva ndatoita wo simba kwakutochera ivhu ndokudzura mukitchen. Kubika zvese zvimwe ndaiita hangu. Ndakadzura nekutokuya. Mhamha vakazouya ndatobika sadza kare. Yaive first time yangu kudzura mumba. Ndaingoona Wadza achizviita namhamha. Vakaita kurovanidza maoko hanzi, " Yuwiii yuwii! Mukadzi waFarai haugari pasi hako mwanangu. Wakutogona ka kudzura mumba? Ende washanda mwanangu mumba mabva matonaka. Maita basa mamoyo wangu ende hautani kudzidza shuwa. Asi usazozvinyanye zvetuma basa twacho. Hatuperi kani tuma basa twekuruzevha kani. Handidi unyanye kushanda mwanangu nezvauri izvi." Ndakatendwa kani kunge ndichaberekwa. MaiFarai vaisava ne problem neni havo. Asiwo mazuva iwayo rudo rwavo rwaiva rwawedzera. Ndaive ndakugara ndakaurayirwa huku. Hanzi handidi unetseke usavi. Yaiurawa konzi ndeyangu ndega yaitoyanikwa kuti ndiseve kwenguva. Musi iwoyo yakaurawa yaitokandira mazai hanzi, " muroora wangu wakanditakurira muzukuru wangu handidi utambudzike ini mai vako ndakapfuwa." Manheru acho Farai akafona wo achiti, " babe ndakusuwa ini ndatadza kumirira Christmas. Ndirikuuya mangwana zve2 days chete." I was over the moon. Mhamha wo vakatouyawo vachiti," murume wako ati arikuuya akuudzawo? " " Ehe ataura mhamha, " it was her first time kunditi murume wako. Vaisada mazuva ekutanga kuti Farai anzi murume wangu. Ndakurara Wadza akauya achimhanya akazevezera hanzi,"Maiguru hanzi mukadzi wabhudhi Farai akabatwa anezvikomba kuHarare. Ndanzwa mhamha natete maiTaka vachitaura. Bhudhi Farai havachamudi imi hakuchina kwamuchaenda. Ndanzwa mhamha vachitoti havachadi kumuona pano imi ndimi wavavakuda. Ndafara kani maiguru kuti muite imi mukadzi wabhudhi Farai." ndakapererwa. Ndaive ndamboona tete maiTaka namhamha vachizevezerana rimwe zuva vagere pamumvuri weMusasa waiva pachivanze. Ndakafarira kuti kana chiri chokwadi chaitaurwa naWadza Farai aive akuzosara ariwangu ndega. Ndakapotsa ndafonera mai vangu husiku ihwohwo ndichivaudza good news. Kwakuzosiyana nazvo. Mangwana acho akasvika masikati Farai ndinaWadza. Akadzingwa Wadza hanzi, "Ooh dollar iri enda kutuckshop kwamaiChigubhu unotenga mazepe." Wadza wacho kwakuti, "mauya nawo wani bhudhi," pfungwa yaFarai ndatoiona. Akadzamara ati, " OK ooh tora imwe iyi unotengera tete maiTaka shuga nechingwa ugonovapa." ndokuzobuda kwakaita Wadza achienda. Paangobuda ndakabva ndatotanga kubatwa batwa hanzi, " babe ndakusuwa ini ndipewo I can't wait kuti undipewo." Neniwo ndaive ndamusuwa Farai wangu. Ndakamupa nemoyo wese takaita wo fast kurikutya kuwanikidzwa. Akati apedza akanditenda, " hanzi thanks mamoyo wangu. Ndiwe wandafunga kuroora. Uya munhu ari kuHarare  handichadi nezvake." " Ko mwana Farai? " I was genuinely worried nemwana. Akati, " mwana anoenda namai vake. Umwe neumwe nemwana wake. Ndichange ndichimutumira ari ikoko." Rudo rwaiva rwaita kunonzi kutambarara serunyemba. Mhamha vakazouya vakafarirana nemwana wavo. Farai ndakabva ndanzwa achiti," mhamha munhu uya ndakaronga kuti achidzoka kwavo ndimudzorere. Handingagari nemunhu akaita zvakadaro nevarume hobho kudaro. " Mhamha ndokuti, " ndakanzwa mbuya vako vachindiudza haa ngaende zvake. Chero mbuya vako vakatoti chero rudo naye havachina." ndaisada vaone kuti I was eavesdropping. Ndakazonzwa Farai achiti," January ndirikuda kuti tiendese mari inemutsindo kwana mamoyo. Kuitira kuti paanozoenda kumasungiro zvisatinetsa." Akazogara 2days dzake Farai ndichiita kudiwa. Akuenda mai vake ndokuti, " Mazuva afamba munhu uyu asina hembe dzemwana. Wadii waenda naye kunozvitengera mozongodzoka mese paChristmas." " Mari parizvino handina mhamha but ndosvika ndichiisa mangwana atevere." Ndozvakazotenderanwa izvozvo kuti nditevere. I expressed my concern yekutya mukadzi waFarai mhamha vakandishamisa hanzi, " uyo ndanzwa Farai achiti Achibva kubva kumba kwavo achanogara kwambuya akamirira kuti abare agozoenda." nyaya yacho ndaisatoinzwisisa. Farai wacho haana kujekesa kuti aiva amubata sei nezvikomba. Handina wo kuda kubvunzisisa. Farai. Selma ndiye aiva akudiwa nemoyo wangu. Ratidzo ndaive ndisisadi kumubata. Before kurepwa kakwe aive akungondidhinha so. So kurepwa kwakatondipa excuse. Ma comments a Selma kumusha aiwanda akaita nditonyanye kuda nezvake. Mbuya vandaityawo nesekuru ended up vakutondi supporter kuti nditore Selma.  Pandakadzokera kuHarare I was shocked kuwana Ratidzo atoveko. Ndakawana arikwambuya sezvo ndaive ndaenda nemakiyi angu. Ndaitizve semunhu arikuenda kuhurwere hwemwana aisadzoka zvekumhanya. "Ndadzoka daddy mwana ndakawana atova nani hake," she said tirimunzira kubva kwambuya. "Hoo irbho but dai wagarira hako kumba kwenyu coz mukadzi wangu arikuuya kuswera mangwana. Ndirikutumira mari mangwana. I can't be with you Ratidzo after what happened paye. Zvekufa nechirwre handidi." Munhu akatangirira kuchema zvikatondishamisawo. Ipapo aive akatosviba aive akapfeka rokwe raakabva akapfeka. Hanzi," Farai unoda ndiite sei shuwa veduwe! Handina chirwere ini inga ndakatariswa paye? Ndakanyanyokutadzira papi chaizvo! Farai kani Inga ndinokuitira kese kaunoda wani? " Akatotanga kuchema zvemhere chaizvo ndikapusa. Lucky kwaiva kwadoka futi kwaisave ne magetsi. Saka vanhu vaisanyatsoona kuti ndivanani. Ndakatozoita wekutyisidzira takupinda payard pedu kuti anyarare. Hapana akambofunga zvekudya musi iwoyo seni ndaitonzwa kusemeswa naye Ratidzo. Akawaridza pake pasi pemazuva ese. Handina kurara musi iwoyo munhu achivhunduka akarara. Achipepuka achiita kubongomora mhere. Ndakazama kuda kumutyisidzira asi hazvina kushanda. Ndakatombotyawo kuti chii chaaivhunduka kudaro. Kwakuzomuti, "chii ko nhaiwe? Ndakaneta shaa imbomira noise iyoyo!" She was panting chifuva chichioneka kukwira nekudzika murima hanzi, " Farai ndirikutya ini ndirikungorota ndichirumwa nembwa kani. Ndirikurumwa zvekuzara maziropa anotyisa!" I clicked my tongue ndokuti, " usiyane ne mbanje dzakachaziwa Ratidzo ukuzvinzwa ka!" kwakubva ndatodzokera mukurara. Achibva atoita kugara hanzi, "sorry hako but ndirikurota zvinotyisa nhasi zviri wesi. Better ndigare hangu zvekurara zvaramba." End of Chapter.

❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 205
Chihelele Stories
2/26/2025, 5:33:15 AM

https://chat.whatsapp.com/EzzKe2ipnH070P3oLV1cne *Jambwa* By Nita Chihelele 0780368492 0716847737 *FREE BOOK PLS SHARE* Chapter 15. Farai. Ndakaenda hana ichirova ndakutya kuti mhamha vaigona kuudza mbuya nasekuru pafon. Kuti ndarara na Selma ikanoita imwe kuHarare. Sekuru baSam nemukadzi wavo ndaivatya. They had made it clear kuti Selma zvandaiva ndatotora Ratidzo. Aizodzokera hake kumba kwavo kana vekumba kwacho hasha dzavo dzaserera. Selma handina kutombomutyira kuti anovhiringwa namhamha nekuti vaisanetsa mai vangu. Zvavaiva vatopopotera ini I knew kuti zvatopera. Ndakambozama kuisira Selma message ndirimu bhazi ndichiti, "babe mhamha Havana kusara vachikupinza busy here? I'm so sorry hako shaa undiregerewo. Ndichakuisira mari wanzwa?" Kwaiva kuzama kunyengerera nekuti ndini zve ndaive ndamufurira. Haina kupindurwa yakatoita maticks 2. Ndakazovarairwa zvangu ne profile Pic raive akaisa. Ndakatoshaya kuti shuwa shuwa ndoshungurudzireiko mwana akasvika svika kudaro? Recalling the way she responded pataiva tarara tese Kuseni ikoko ndakasekerera ndega. Her moans made it more enjoyable. I smiled ndichiita kurizoomer pic rake. Ndakazokanganiswa ne whatsapp call yaRatidzo. Ndakamboyi ignore ndakutozvinyarira. Kwakuzoita zvekunoisa message kuwhatsapp kwacho ndichiti, " babe wadii?" ndopandakatoona kuti she had sent a message kuma6 chaiko pandaitova busy zvangu na Selma. Pandakazopinda mubhazi pfungwa dzaive dzazara Selma so handina kumbofunga ne zvake. Akati, "iih ndati better ndifone munhu haasi kundipindura iye atori online zvake."  ndikati, " maya babie ipapa ndanga ndichitaura nakule Sam. Ndanga ndichitovaudza kuti ndichavatumira kamari vatitengere preparation kuSA. Haa ikoko hanzi zvakachipa shaa." moziva nhema hadzimbodi kugraduater? Kuti nditi ndaive ndamaruka zvenguvai manyepo iwayo handizivi. Ipapo ndaive ndatoronga kuti pamari yandaiva ndakwereta yemuface we kubasa. Ndaitozongonotapudza paneyekuroora. Ndonyepa kuti irikuenda kuSA kupreparation. Zvepreparation zvacho ndaizongoona zvekutaura kana nguva yacho yakwana. I closed my eyes not believing kunyura kwandaiita mukunyepa. Iye Ratidzo kwakufara hanzi, " hiii thanks hako babe mbatya dzekuSA dzagara dzakanaka hadzo. But tisatore yakawanda shaa December tofanirwa kuenda kwedu." she begged ndikati, " December chero dzikarema sei njuga dzacho shaa toenda chete." Honestly ndaive ndisisina simba rekuda kuenda sepekutanga. Hameno zvaive zvangoitikawo. Ndainge ndakutonzwa kuti December wacho togona kusaenda nemafambiro aive akuita mari. But I couldn't say that to her ndichitotya kuchemerwa. Nzira yese ndaive busy kumuvimbisa denga nenyeredzi dzayo. Ndakazosiya kutaura naye fon yangu moto wava mushoma. Ndaive ndisina kuyicharger. Ndatoburuka ndakuenda kumakombi message from Selma yakapinda. Yaive yakanzi, " havana avo vangonditi ndisabvume kutambiswa newe nekuti unemukadzi wako." "Babe ndogona kukutorai mese. You're also my wife hapana kukutambisa kwandaoita." fon yacho shanje yakabva yatodzima. Ndakawana ndakamirirwa na Ratidzo. Ndakapihwa mvura yekugeza ne chikafu kwakupanana rudo sevanhu vaiva vasuwana. Takutandara akati, "Saka chaive chii ko chaikonzeresa mapundu?" "Kwani ko babe kuyema chete chete. Ndasiya hangu ndamuudza kuti handisi kutozombotambisa mari yangu futi ndichifambira zvake zvekupenga." I lied akati, "hiii usadaro Farai muviri mwene wawo anozvinzwira kurwadza. Unofunga anganyepa here? Iwe hauna kumaona here mapundu acho?" "Ndamaona shaa but anga asiri serious," ndakabva ndatotanga imwe nyaya not feeling comfortable nekuramba ndichinyepa. Fon kuiisa pacharger zvemusi iwoyo ndakazeza. Ndakairega yakadzima kudaro kurikutya kuti Selma aigona kufarisa akafona. Manheru takatwasanudza makumbo kuenda kwasekuru. Vakandibvunza hurwere ndikataura izvozvo zvandaive ndaudza Ratidzo kuti Selma kuyema. Mbuya vakatoti, "akangwarisa satete vake uya. Uchenjere kuteyewa ukazomuda. Isu tinoda uyu ndudha wedu uyu." she said that laughing vachipuruzira Rati. Takazobvako kuma9 husiku takunorara. Hatina kurara tichifadzana neumwe wangu. But ndaingozvitongesa nezvandaive ndaita naSelma. Mangwana acho ndakamukira kubasa kwandakanocharger fon yangu. Ndikatowana jahwi rema message from Selma. Ndakapedzera shungu kutaura naye ndirikubasa. Akazondiisira imwe message achiti, " mari iya yawandisiira ndatengera tete Wadza satchel. Ravo ranga risisaite ne mabooks netuma socks. Ndanga ndichikumbirawo  yekugadzirwa musoro." ndakapotsa ndapopota. Amana ndaive ndamuudza inga wani kuti asaratidze munhu mari iyoyo. Obvious mhamha vakatoziva kuti ndini ndaiva ndamusiira mari. Ndakazongoti," iribho ndichaisa pabhazi paweekend ipapa." Ndaive ndazongoona kuti it's only fair kuti ndimupe agadzirwe musoro kwacho. Ratidzo ka aigadzirwa every monthend. Ndakasvika kumba ndokuti, "babe mari yepreparation ndofanirwa kuisa pamukuru kutown mangwana kule vatenge zvinhu zvemwana. Unyore list yezvinhu zvacho." fon ndaive ndatoisa password nekutoisa pasilent. Aisave hake munhu anobata bata fon yangu but ndakangoitira kuti zvisandinetse. Yakafarira shasha ndikaona yakunyora vana baby blanket, vana baby bum cream. Ndikanzwa tsitsi. Kuseni ndakamuka ndichitora amount yemuface we kubasa ndokuti, " ini shaa kuchengetera mari mumba kunombondityisa. Especially ndikafunga incident iya yakawira vanambuya soo ka." akati, " manje toiendesepi? Yeah shuwa mari inonhuwa ka kumbavha." "I was thinking kuti maybe tikaichengetesa boss vangu it's safer that way. Munhu anemari dzake chero akaidya anotipa anytime patinenge takuida. Chero monthend chaiyo togona kungomuudza atipe yekushandisa the rest okanda ipo paneimwe." Ndega ndakanzwa kuti ndataura nhema dzinemusoro. Nechemumoyo ndakangoti dai zve chirichokwadi. Akaifarira pfungwa iyoyo kwakutotakura mari yese ndichienda nayo. Chokwadi chaivepo ndaive ndatoronga kuiisa pamwe pandaizenge ndichivhomora pasina explanation to make. Zvekunoroora December taizongoona kana yasvika nguva yacho. Days passed ndichingotaura naSelma sending here some money nerweseri. Ndakazofonerwa namhamha rimwe zuva vachiti, "Farai December handidi kunzwa ngano. Mari dzaurikutumira Mandlovu ndirikudziona." Lucky ndaitova munzira kubva kumashops ndokuti, " mhamha I know what I'm doing musatye henyu." ndikanzi, " heyaa! Tatotanga ka December nhasi." ndakangwara ngwara ndichiti," yes muchembere ndirikuzviziva. " vakabva vacutter tisina kuonekana ndikasara ndichitura mafemo. Ndichisvika kumba Ratidzo akaita wo sekuti aiva ambotaura namhamha kwakuti," 1 December nhasi my love chitora ka mari kumurungu titange kurongedzerera." ndikati," iribho babe murungu arikuNyanga mazuvano but next week anenge adzoka." akati, " Ko preparation sekuru Sam varkutii? Handiti wakati ndobva ndasungirwa here patinonoroora? Ndanga ndichida kuenda ne zvinhu zvemwana. February wandichabatsirwa kunenge kuchinaya. Kunoita kachando kana kwanaya saka baby blanket ndanga ndichirida nekukasika. " " Kule kungoti munhu Anowandirwa but haisi nyaya hayo ndichavaisira message. " ukuwo mbuya nasekuru vaiva vakundipa pressure yekuti tigadzirire kuenda. Days passed ndichingoita chi dodgy dodgy. Until this day randakadhakwira kuzowana zvivindi zvekutaura chokwadi sezvachiri. Ndakawana atorara Ratidzo pandakapinda akati," shaa wanga uripi? You got me worried ufunge. Hausinonoka kuuya iwe." ndakazvikanda pabed I could hardly stand kwakuti, "shaa sorry mari yekunoroora handina. I had to support Selma kumusha sezvo iwewo ndichikusupporter muno. Ndinayo but it's not much kuti tinoroora. I'm sorry ndichaedza kutsvaka imwe." akati, " what?! Farai stop joking nezvinhu zviri serious shaa." "I'm not joking Ratidzo, tarisa mujacket rangu ririmu wardrobe. Ndakaricheka mucollar utarise mari iri imomo ndiyo yese. Hakuna kwandakamboichengetesa it was there all this time." she laughed kakuseka kekusabvuma zvaaiva anzwa. Ndokumboramba akabata chiuno with both hands akanditarisa. Kwakuzonanga pacho pandaive ndamurayira. Akaburitsa mari iya kwakuyiverenga ndikaona achiita kupera simba achitura mafemo. Akairasira pasi mari iya kwakunozvikanda pabed ndikaona misodzi ichiita senzizi. I pretended kukotsira ndatoona kuti paipa. End of Chapter.

❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 54
Chihelele Stories
2/25/2025, 7:45:47 AM

*HAKUNA IMBA MUCHECHETERE* Written by Mama Praise (Lorraine R Mare) *BOOK #23📕📘📗* *Garira kuchannel so that you don't miss mamwe machapters.* https://whatsapp.com/channel/0029VaL1OXX2phHFFKqBnx2l CHAPTER 1 Ndakavhunduka pandakanzi nababa mufundisi, "hamusi kutomboterera zvandiri kutaura pano henyu. Murikumbonakidzwa neiko paphone penyu ipapo ndaona mabvirira kare kunyemwerera." Ndakavhunduka ndikati, "mhaa matii ooh sorry handina kunzwa kuti manditaudza. Ndange ndichitaudzwa namama vangu vanga vachitocommenta status yangu kuti ndakachena fani ndikatovati dress randakapfeka papikicha ndakatengerwa nemukwasha wenyu vabva vati inga mukwasha ane choice." Vakabva vaseka baba mufundisi ndikati, "Manga muchiti kudii?" Vakati, "Ndanga ndichiti tirikufanira kuti timboronga big Sunday kuchurch." "Yes zvakanaka chaizvo ngatirongei, maida iitwe rini?" Ndakataura ndakatarisa pafoni pangu ndiri busy kupindura message yava Nyahuni yainga yapinda. Apo message yacho yainakidza zvekuti ndakaita kusekerera, kana zvakataurwa nababa mufundisi handina kunge ndazvinzwa zvakare. Pavakada kudongorera paphone yangu kuti ndiri kumbotaura nani ndakakurumidza kubva pachat ravaNyahuni ndikatanga kuscroller machats. Ndakazobvapo paWhatsapp ndikalocka phone yangu ndokuisa muhomwe yedress randainga ndakapfeka ndikati, "Mamuchitii ndabva paphone." "Zvakaoma hazvo saka zvechurch zvandiri kutaura pano hazvina kukosha here nhai mai mufundisi?" "Ndimama vanga vachinditaudza zvaisaita kuignowa, ndabva zvangu paphone ngatichitaurai." "Ndanga ndichiti toda kuita big Sunday kuchurch." "Ehe zvakanaka fani, munoda iite rini?" Vakavhura calendar yephone vakatanga kutarisa madate vakati, "2 March parisei?" "Yes panoita saka this Sunday totogara tazivisa vanhu ka." I said vakati, "Yes, asi mangwana ndichaenda ndimbonoita meeting nema elders tichironga. Haa ndirikunzwa kuti Mwari vachaita zvihombe Sunday iyoyo I can't wait to see God of miracles vachiita minana yavo pavanhu." "Shuwa haa kuchanakidza kani.". Ndakangodairawo zvekuti zvindibve hangu. Pfungwa dzangu dzaitova busy kufunga message yaiva yasendwa nava Nyahuni ndaida kutombofunga nezvayo ndiri pangu ndega. Ndaitobhowekana nenyaya yababa mufundisi yezve big Sunday yavo yavaironga. Ndakatozoita kutsvaga ka excuse kuti ndisimuke pavari ndikanyepa kuti ndaida kupinda mutoilet izvo kwani ndaida kuwana mabviro pavari. Ndakabva ndatosimuka ndikaenda mumba kwakupinda mutoilet ndikavhara door ndokungogara pachamber ndisiri kuita chinhu. Ndakavhura whatsapp yangu ndichiita kusekerera kwava kuenda pachat rava Nyahuni kwakuona vasenda zvakare imwe message yaiva yakanzi, "Watii shaa ndoda kukuona ka?" Vaitova online ndikati, "Rini?" "Anytime pauri free Mary inini I'm always free handina chekutya." "Okay rega tione mangwana, baba ava ndanzwa vachiti vachada kumbonoona vamwe vekuchurch varikuda kuronga zve big Sunday saka ndinokwanisa kuuya ndokuona. Tosangana kupi manje?" "I will pick you up mutown. Ndouya newe kuno kumba kwangu ini kwangu hakutyise ndiri bachelor saka pressure zero." "Okay ndinouya kuzokuona, unenge wakandigadzirira chii?" "Everything you want shaa ndenge ndiri ready pazvese." I laughed ndikati, "umm iwewe." Achibva ati, "Shuwa babe I love you." Ndikati, "I love you too." Achibva asenda chi emoji chelove. Ndakasekerera ndikamuti, "tizotaura shaa byee." Akati, "Okay babe wangu take care of your self handidi newe." Ndichibva ndadeleter chat ndikasimuka pachamber. Ndakaflasha mvura kungonyepedzera senge ndange ndichiita something. Ndakabva ndazobuda mutoilet. Handina kuzoda kudzokera kwaiva nababa mufundisi ndaive ndakutotanga kugadzirira zvekubika sezvo nguva dzange dzafamba dzatova past 4pm. Ndaitobika ndichifunga Nyahuni murume uyu anga afonyora pfungwa dzangu kutaura chokwadi. Pese pandiri ndava kungoona face yake. Ndaingobika ndichifunga mamessage ake kubva paanga atanga kundiudza kuti anondida. I was busy smiling ndichibika vakomana ka chero baba mufundisi havana kumbobvira vandipengesa zvakadai so. Ndaive ndakutononokerwa nekuti mangwana acho asvike. Ndiri kuda kunoonana nemunhu wangu ane mashoko anotapira uyu. I am confused kuti ndanga ndangoudzwa kuti Mary ndanakirwa newe ndichibva ndatobvuma. Handizive kuti chii chakanyatsoitika kuti ndibvume so fast. Pana baba mufundisi ndakaita 6 months munhu achindifambira ndichimuramba ndikazobvuma ndatoona kuti haasi kudzoka shure aindida zvekurevesa. Mazuva acho ndaitogara zvangu kumusha kwaSeke kunonzi kuChirasavana. Taiva pachikoro chinonzi Chikonde Secondary school paiva pachiitwa zvechurch inonzi Great Army Salvation church inova iyo church yatinopinda ini nababa mufundisi. Yaiva Sunday taiva tangopfuurawo nepo ndine shamwari yangu Moreblessing wandaiva ndaperekedza kumashops kwaakanga atumwa namai vake. Saka mazuva acho baba mufundisi ipapo anga achiri mukomana wechidiki fani, chero nazvino haasati akura zvake. Kwainakidza kani ndipo pandakaona Pastor Mavunga vanova murume wangu. Taiva takagara kumashure ini na Morbie tichiimba nekutamba. Yanga isina kuzara vanhu ndofunga yaiva pakutsvaga vanhu vangajoine chinamato chavo. Ndakangotanga kushaura karwiyo kandaiziva kekurumbidza Mwari ndobva tatanga kuimba paya patakapedza pastor vakati ngatibva tanamata. Payakapera church ndakaona ndave kudeedzwa neumwe musikana ndikaenda akati, "pastor vati vanoda kukuona usati waenda." Hana yakatorova paya kuti kwakanaka here kwavava kuda kundiona pastor. Ndakati ndinovamirira, ndobva ndadzokera kuna Morbie ndikatomuudza akati ngatimire tigonzwa kuti vanodei. Takavamirira ndokuzoona vasvika pamuti wemu Jacaranda pataive takagara pazidombo naMorbie. "Iii vasikana munoimba zvenyu ndabvuma hangu." Vakadaro vachisekerera. Taive takungonyara nyara naMorbie vakati, "ndinoshuvira kuti tizova tese nechurch yedu iyi tichinamata pamwechete." "Ichokwadi." Ndakadaro vachibva vati, "ko ndazongotanga kutaura zvechurch ndisina kukuzivisai kuti ndinonzi ani sorry girls. Ndinoitwa Pastor Kuzivakwashe Mavunga." Pakabva pasvikawo vamwe mukoma vakasvikoti, "ini ndinonzi brother Darell." Takabva tataurawo edu mazita. "Tafara kukuzivai." Takadaro same time na Morbie. Vakati tirambe tichizouya kuchurch pachikoro ipapa paiva patovhurwa branch re Great Army Salvation church saka ivo pastor ivava ndivo vachambofano bata basa racho kuno kuChirasavana then vozochinjwa zvavo. Saka kubva ipapo ndiyo church yatanga topinda ini neshamwari yangu. Mukujairana napastor nevamwe vavo vaya brother Darell ndipo mukusvitsana shoko. Ndakaita 6 months ndichivaramba kwakuzobvuma ndatoona kuti havasi kana kuneta nekundiudza kuti vanondida tikatanga kudanana. Morblessing akabva adiwawo naDarell vakadanana wo kusvika pakuroorana saka vanotova family kutaura kuno vanogara kuWaren Park isu tinogara zvedu kuno kuSouthlea park. Ndiwo akava matangiro angu nababa mufundisi, mwana tine 1 musikana anonzi Ropafadzo ane 6 years zvake. Back to nyaya yangu nava Nyahuni. Ndakazopedza kubika Kuma past 6pm tichibva tagara tavekutanga kudya tiri muneimwe room yataishansisa as a dinning room. Taigara 4 rooms house uye iri imba yekuloja. Vana vesangano ndivo vanotobvisa mari yerent yedu uye kutenga chikafu chekuti tidye also kubhadhara school fees yaRopafadzo. Ropa ndiye anonamatira chikafu pese patinenge toda kudya. Takadya ndokupedza ndobva tazonamata zvekuti tirare hedu. Vakaenda baba mufundisi kubedroom kunorara. Ndakambosara naRopa tichitaura nyaya ndiri paphone yangu busy kutaura navaNyahuni. Zita ravo vanonzi Diamond. Ndakatoona kuti Ropa arikundikanganisa kutaura nemunhu wangu ndichibva ndamudzinga ndikati chienda unorara kuroom kwako achibva aenda ndikasara ndiiri ndega ndave busy chatting paApp naDy. Takataura ndichiudzwa kusuwiwa kwese, munhu uyu ndaiva ndakasangana naye 2 weeks ago mutown ndaitova ndega zvangu. Pandakapinda muPizza inn ndipo pandakamuona akagara ega achizvidyira. Ndakatengawo zvangu kwakutanga kudya achibva auya pandaive akatanga kunditaudza akakumbira phone number. By that time he was thinking kuti ndiri musikana sezvo body yangu iri flexible inoita kunge yemusikana. Vanhu vasingandizive ndikasatovaudza kuti ndine mwana vanozviramba. Handina kumbomunyimawo number dzephone ndipo patakatangira kutaura. Ndakamuudza kuti ndine murume saka ndaisada kuti agozondipinzisa busy nababa mufundisi. Saka kubva ipapo taingotaura paphone ndisati ndamuona, hameno kuti pandichasangana naye mangwana chii chichaitika ndirikunzwa kunonokerwa zvangu. Takazoonekana paphone nguva dzanga dzatofamba kusvika 11:50pm ndipo pandakati rega ndinorara baba ava vasati vamukira munamato wa12 midnight. Havana kutondinzwa pandakapinda vaiva vakafa nehope ndikarara paside pavo. Ndakanyepedzera kukotsira pakarira alarm vakabva vandirova rova kundimutsa zvikanzi, "mukai tinamate mai mufundisi." Ndakanyepedzera kunge ndiri kubva kuhope tichibva tapfugama tikatanga kunamata. Patakapedza kwakurara ndipo pandakazokotsira kusvika kuma 3 am tikanamata zve kwakudzokera kurara. Ndakazomuka kuma 6am tikanamata ndokuzobuda ndoenda kunogadzirira Ropafadzo kuti aende kuchikoro. Ndakazotanga basa repamba kusvika ndapedza, apa ndainonokerwa nekuti nguva dzataiva tataurirana naDiamond dzikwane. Ndakabika tea nechingwa tikanwa vachibva vazogadzirira kubuda baba mufundisi vava kunosangana nevanhu vavo vekuchurch. Vakaenda zvavo ndikasarawo ndichigeza ndikanyatsopfeka dress rangu raitevedza muviri haikona uku ndine weave yakakamwa bho bho ndakanyatsoita make up yangu ndikazvipfapfaidza perfume yainhuwira zviri smooth ndokupfeka mahigh heels angu ndikatora kahandbag nephone ndikabuda. Ndakaita zvekukwira kombi, ndaisada kuti Diamond auye kuno panozoita madziro commit ndikapinda busy. Sezvo ndiri amai mufundisi panongoita wekuchurch anondiona ndichipinda mumota saka ndaisada izvozvo. Ndakapinda mukombi ndokusvika mutown ndichibva ndaenda paPizza in paye patakambosangana ndichibva ndamufonera. Akati ave kutosvika ndikangomira kwe 5 minutes ndikamuona uyo asvika nezijagwa rake remota achibva adzikisa window akandipa sign yekuti huya. Ndakaita kunhonga step ndakananga kumota akavhura door arimukati ndikapinda. Ndakavhara door remota then we exchange hugs and kiss achibva amutsa mota takuenda kumba kwake aiti anogara kuMaranatha. Patakasvika ndakashamisika neimba yandakaona akati yaiva yake, ndakaratidzwa mota dzaiva mugarage ndakapa kutenda zvangu. Mumba macho kani ndati mumba macho imika wega unozorora. Apa isu vamwe ndipo patiri kugara imba yekulojerwa nevanhu vekuchurch apa haina kana paint yakangoplastwa chete inotoiswa cobra tsvuku. Ndakademba kuti dai Diamond hake ariye murume wangu zvake. Imba yaDiamond yakanaka kani imi ine ceiling matiles yakanyatsopentwa zvakanaka chose apa ngaikure. End of Chapter 1 Kana marifarira toenda mberi.

❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 60
Link copied to clipboard!