🇿🇼Chihelele Shona Stories

8.7K subscribers

About 🇿🇼Chihelele Shona Stories

You're at the right place! We teach,inspire,motivate and offer stress remedies through our story telling. Come let's gather and enjoy!!

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/20/2025, 8:37:56 AM

0780368492 N.Makohliso

🙏 1
🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/20/2025, 8:37:44 AM

Ndirikuda wo vanhu 4 vanema $1.50 or 65 zig or $2 airtime for 2 books. And please note that*Blood ties* is now complete. Huya ne $1.50/65/$2 buddie/ 35rands uzotora 2 books of your choice. Ndirikuda only 4 people

👍 😢 😮 3
🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/21/2025, 6:36:10 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K *Follow my channel for previous chapters and more books!* https://chat.whatsapp.com/DO7EVxFjXBs34M6D4yq9YG WINDFALL Written by Nita Chihelele 0️⃣7️⃣8️⃣6️⃣6️⃣1️⃣5️⃣9️⃣9️⃣7️⃣ Chapter 2 Taurai. Ndakayeverwa naye akarara. She must have sensed kuti ndakamutarisa. She stirred kwave kubva atovhura maziso. She smiled achiti,"Shumba bhoo here kunditarisa kudaro? Kuita kunge murikuda kundidya?"Akabvunza achitsokotsa meso ake zvemunhu abva kuhope at the same time yawning. "Ko ndinorambidzwa here kutarisa mukadzi wangu wandakaroora? Saka manga makarara chitsotsi ka amai imimi." She smiled ndokuti,"handirare dzedanda ini zvekutadza kusenser. I sensed eyes poking through me." I kissed her neck ndokuti,"Icho chimukadzi chaTau. Kuva newe so ndinonzwa ndiine zvivindi." Akabva andidzorerawo kiss yandainge ndamupa ndokuti,"neniwo Shumba ndinonzwa kuti upenyu hwangu hwakarongeka kuva nemi. Kuzoti process yedu yatirikufambira ikabudirira I would be over the moon." "Mwari haambotinyadzise mukadzi wangu. Anotipa zvatinochemera." Akabva atomuka hanzi,"iiih ndirikuda kuenda ndakachena nhasi. Ndirikupfeka Africa attire yekwako iya vanhu vaone kuti besides being a man of God you also have some other things that you're good at. Kungoti zvimwe zvacho handizovaudze hangu asi ndotoziva kuti Shumba ma1." "Ndizvo zvipi manje?" I asked ndichimudhonzera pamusoro pangu and she giggled zvikanzi,"Ndanga ndichitamba kani Nyamuziwa. Unondinonotsa kani Tau nhai." Ndakazomuregedza ndokuti,"Ndichakubata. Anyway ipfeke because Its part of advertising our art babe." Akabva amira akanditarisa semunhu aifunga ndokuzoti,"I've something in mind so ndoda kunzwawo mafungiro ako." "Okay," i said ndichimukawo kwave kutsika pasi nemakumbo zvikanzi,"Uchiri kurangarira paye pawakati vane zvavari kuda kutu tivabatsire kunamata about vauye uvanamatire?" "Handisati ndakanganwa," ndakamudaro zvikanzi,"Okay pane this woman akataura nezvekuti anoita zvekutengesa madomasi pamusika what what vachiti hazvisi kunyatsofamba amwe anotozosvika pakushata asina atenga?" "I remember taaura nyaya yako yese," ndakadaro and her face lit up ndokuridza zvigunwe achiti,"That woman Shumba! Vane vana two vasikana vati kurei muhombe wacho anotooneka kuti she's above 18. I was thinking kuti ko tikamutora oita face of TK fashions? Haaende kubasa ndoona sekuti anogona kutozobatsirawo mai vake. Vanooneka kuti kwave kutongovavarira mama vaye asi vakura. It's way better than kuswera achitenderera achitengesa madomasi. Hatisi tinenge tabatsira here? Munhu uya ane body yakanaka inofitwa nehembe." "Vana hangu handivazive babe asika zvinoda munhu anoziva zvaanoita nekuti she will be dealing with different people. We can't pick a random person because to be the face of a fashion designing company one should possess a combination of qualities and qualifications, like physical attractiveness and a fit physique. Zvinoda munhu ane confidence and poise. Someone with strong communication and interpersonal skills. Ability to pose and move comfortably in front of cameras like zvaiita Lily." Lily was the one who used to be the face of TK fashions but ainge azowanikwa akafunga kusiya basa atova nenhumbu. From that time tainge tisina kuzowana her replacement. Akaenderera mberi oti,"Knowledge of fashion trends and styles itori important futi ne experience in modeling or a related field. Social media presence and influence ne strong personality. Anotofanira kunge ainge ability to represent the our brand's values. Babe hatisi ana museyanwa we're big. Adaptability and flexibility and good grooming and attention to detail izvozvo zvese izvozvo wanga wazvifunga here? Hasvisitorizvo zvese." Akaita kubatanidza maoko ndokuti,"Shumba kani professional iroro rakatangawo riri random someone. Anodzidziswa kani daddy. Especially akava ne five O levels and aine English tingatadze kumupa chance here? We can groom her tega and kana achidzidzisika handioni problem ini. Hatishaye kwekuti adzidziswe." Waiti ukanzwa avakuti daddy haupabude zvekudaro ndakabva ndamuti,"Watotanga Samantha." Akabva akurumidza kuti,"Family yacho ifamily inongodika so and kuchurch havarege kuuya every Sunday. Let's take this girl to another level." I ended up shrugging ndokuti,"Itai amai ndimi munoziva kuti muchamugadzira sei to fit that standard yekuti tingamupfekedze akato attractor vanhu. Remember ka kuti hatisi kuitira team rekuHighfields designing iyi, but the world as a whole." Akabva asekerera achirova kadance hanzi,"Iyeye uchamuona kani. She has a very nice body so we won't go wrong. Let's just cross our fingers kuti ane fluent English." "Okay oky itai tione na Miss World venyu amai." Akabva andipa kiss ndokuti,"let me grab a bath tiende" Ndakamboenda kustudy room kwave kutaura naManuel about kuzondi representer for the show which was supposed to happen kuBulawayo. Kwaive kumuudza chete kuti ndizvo zvandaida aite. I trusted him so much panyaya dzebasa idzi. Handina kutora nguva zvandaiita. I decided joining her kubathroom. Paakandiona ndichipinda hanzi,"my guy kungogeza chete chete we are already behind time." Ndakaseka ndokuti,"ko ini ndamboti chii ko nhai my guy?" "I know you murume wangu uri Shumba isingagute nyama. Kungondiona ndisina kupfeka wakufunga pakati. Kana ndateerwa kubathroom ndinenge ndarongerwa hora. " "Haa maya zuva rekuenda kuimba yaMwari you know me kuti ndinenge ndiri disciplined sei." She laughed hanzi,"Zvakatanga rinhi? Tau chaiye nevara rekuti disciplined zvinopindirana? Last Sunday what did you do before leaving kuenda kuchurch?" "Aah paye ka waive wambopedza mazuva ka uriku ukuku. Saka paye Mwari wangu anonzwisisa kuti muranda wake aive panguva yakaoma." She pushed me teasingly hanzi,"Hauna kana kukwana." "Hii sha handina respect here ini?" "Unayo murume wangu asi kwete kunyaya idzodzo." I hugged her ndokuti,"Nekuti you're one in a million. Unondigonera mukadzi wangu." Zvakazoenda nepamwe ndikapedzesera ndapiwa zvandaitaimira. Izvozvo yaitove garoziva zvake kuti kugeza tese hazvipere mushe. After bathing we dressed up ndokubuda naRudo aiti aida kusara kumakombi ekuKambuzuma. Aienda kuoff yake. Taigara kuBorrowdale Brooke. Takanosiya Rudo kumakombi ndokunanga kuHighfields. Mama called tavakutosvika vachiti,"MaSiziva aripiko? Ndirikuedza kumufonera asi haisi kuita phone yake. Ndanga ndichida kuziva kuti arikupfuura achinditora here mwanangu?" "Mama itokumbirai ini nekuti mwana wenyu ndini ndakatomutakura uyu ndinaye. Hameno sei phone yake isiri kurira nekuti akatoibata izvezvi." Iye wacho akabva aswedera paphone ndokuti,"hiii sorry kani vaManjenjenje wangu. Yakatodzima zvayo kutozviona izvezvi."I ended up handing her the phone nekuti vaive vavakudzipisa nyaya. Vapedza akati,"Ko ndiisirewo ka pa Bluetooth nhai pastor?" "Kufarisa ikoko kunemuripo wako. Inini manje ndava pastor vako? Muchachema atete." "Saka inini ndini vatete manje? Iwe hausi pastor?" "Not tirivaviri kudai, kana tiri two ndinoda kunzi lollipop rangu.Randinosveta husiku hwese." "Ndirikuenda kuimba yaMwari please don't engage me in your ungodly talks." Takaseka zvedu akazoisa music yaMambo Dhuterere achifamba achiteedzera. Takawana paGod's Disciples Ministries pasisatarisike nekuzara. Akabva atotatamura mutsipa hanzi,"Iwewe chiita yauri kuita ndave kunotsvaga munzu wangu. Nekuzara uku hameno kuti ndinomunhonga here." "Ndokusiya ka uchi addresser vanhu ndimhanye two minutes ndinotora mama vako?" Akati,"noo let's offload zvatauya nazvo. Toenda or woenda or ini ndoenda. I want to address them uripo." Aive nemaboxes esipo aainge angotenga. Aida kuzopa each family one bar yesipo. Team parakaona mota yedu yakakombewa kunge kwasvika president. Vakomana havana kutora nguva offloading maboxes aye. We then left tichinotora mama. Hatina kunonoka kudzoka. Takaita order muvanhu kuitira kuti vese vawane. Yaive food parcel for each family. Yaive 10kgs yeupfu, mafuta ekubika 2liters dovi neshuga. Raitovepo team raiita basa rekurongedza zvinhu handing out to people. Yakazosvika yemapads mota yainge ya organizwa naSam akabva atongogovewa ipapo. Mama vakandikwenya ndokuti,"dai Mwari vangonyadzisa Satan shuwa akupai mwana. Muroora wangu nemoyo wake wakanaka kudai akaita mwana, mwana iyeye anenge aine lucky kuva namai vakadai." She spotted us timire namama ndokuuya pataive smiling hanzi,"It makes me happy to see everyone happy. Ko nhaimi Mama ndineka musikana wandiri kutsvaga. I think surname yavo inonzi Nkomo." "VanaNkomo vakawanda mwanangu. Vakaita sei family yacho?" Mama asked akati,"tinonamata navo pano. Vanotengesa madomasi ndizvo zvandinoziva. Vakangonyarara nyarara so mai vacho vane vanga apa pahuro apa vechikuru." Vakamboratidza kufunga ndokuzoti,"havasi mai Katherine here?" "I think ndivo zita iroro ndakamborinzwa mhani. Vane vana vasikana vaviri." Mama vakabva vati,"ehe ndivo mai Kathy." Akati,"iih regai ndisheedzere kana vasipo mozongondiperekedza kumba kwavo." Paakafuratira ndakabva ndasara ndichiti kunamama"Mwana wenyu arikuda mwana waamai ivavo." Ndakavatsanangurira mama ndokuti,"hameno aah fashion ndoizivirepi? Zvimwe aonawo kuti angazvigona. Ini hangu ndangofarira kuti awanewo chinomupa ka$1abatsire amai vake. Shirikadzi inotambura iya. Kushanda mudzimba umu handiti vakamuregesa amai vake paakapotsa abhinyiwa nemwana wepamba pacho. Nhamo haibve pane imwe." Akazodzoka achifara hanzi,"ndamuwana I told you babe kuti haarovhi." Akauya musikana uya ndikasaona chacho chainge chaonekwa nemukadzi wangu. Patakazobva kuchurch aive ati mama vake havana kuuya musi iwoyo vaive vashayikirwa nemwana wehanzvadzi yavo. Takatanga tapfuura tichisiya mama kumba kwavo. Ndokupfuurira kwaana Kathy. Takasvikirana namai vacho vachitoti varikubva kuDZ kurufu kwacho. Vakafara kani kusvikirwa nesu pamba pavo. Waitoona kuti munhu waMwari kushaya zvako but aida kutifadza. Sam akapinza nyaya yake kwave kuzoenderera mberi achiti,"anenge achihora mari yake irimani mwedzi wega wega muchiwanawo kubatsirikana that is kana achinge akwanisa kugona zvatiri kuda kuti adzidze. In future tinoda agozoita brand ambassador wedu." Vakaseka zvekufarira mai Katherine hanzi,"iro vara iroro rekurema rema iro rinongotaura rega kuti ayewa Kathy awana basa. Ndinotenda vatumwa vaMwari. Hameno ndikutendeyi sei?" "Mwari ndivo vatinotenda Mama. Isu tangotumwawo naMwari." Vakabva vapusa pusa ndokuti,"zvaane 21 years achazvigona?" "Dont worry mama ndamuvinga ndichizviziva zvese izvozvo." "Chero ma results haana kutora uyu akashaya mari yekunotora maresults acho. Akangotarisa pamhepo ipapa asi akapasa fani. Kutoita ma subject ake 8," She said Sam ndokuti,"mama ndamuda uyu zvakawanda wanda siirayi kwandiri. Saka tichadzoka tavakunyatsoronga. Kungoti ndirikuda kumbobuda kunze kwenyika pamazuva mashoma arikutevera." Vakatenda kasingaperi,tavakuenda Sam akavasiira $30 usd hanzi,"majambiwa ka imi nechirongwa chekuhora zvinhu. Sisi ndofunga vatadza kuendawo muline vapihwe." Vakatenda kani. Takazobva paye going back home. Munzira hanzi naSam, "finally I've found something to help that family with. Did you notice the beauty of the three ladies? Mai vacho ndivo vakapa vana kunaka kuye." Ini hangu zvese izvozvo hapana chandaiona pakunaka kwacho. Ndaingobvumira ndisingade kumurwadzisa. Nguva yekuzvicherechedza ndiyo yandainge ndisina kuwana. Stay tuned.

❤️ 🙏 👍 😮 15
🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/20/2025, 10:29:50 AM

Kwasara only 2 vanhu vandirikuda hurry!

❤️ 😮 😂 🙏 7
🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/17/2025, 6:29:58 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa Irreplaceable Nita Chihelele Tanatswa. Chapter 8 I felt like both my parents has abandoned me. Mama vaifara varikwa baba Anna wavo. Daddy vaina Helen wavo. Helen aindivenga zvisiri zvekuvanza. Daddy vakazombonditengera chi piggy bank changu. Vaindiisira mari imomo vachiti ndaizochivhura paChristmas. But ndaiona kuti Helen haasi kufara nazvo. Nekuti akatomboti," ma$1 iwayo amuri kuisa imomo anototenga usavi tikaseva." Daddy vakamuti," inga mari yeusavi ndakupa wani? Iyi ndeyakewo yaachavhura kupera kwegore." Dzimwe nguva daddy kana vaine mari vaindipa chero $5 chaiyo. But kana Helen aripo aizvidira jecha. Apa dumbu racho raiita kuyemeswa asi risati ratoonekwa. Gogo vangu mama vadaddy vaive vasingatomude Helen iyeye. Aive azokenererana namai Bee zvaitobhowa. Ndakatanga kuvavengawo mai Bee ivavo. Vaive vasisaite zvekumusika mazuva acho. Vaswera vachiita makuhwa naHelen wavo. Rimwe zuva ndichitobva hangu kuchikoro ndakanzwa Helen achiridza tsamwa hanzi," kanongooneka nestep kuti karikutera matsimba amai echihure." Mai Bee kwavakuti," haa aka kahure chaiko aka! Muchanzwa nekuchengeta tuzukuru." "Evoo kuti ndini zvangu ndadii? Handiti mai vacho vapenyu here? Anongoendeswa kuna mai vake." Ipapo ndaive ndisina chinonzi mukomana kana. Pesanayi wemuclass medu aindida ndaimutiza ini. Kurikutoshaya kuziva kuti ndobvuma sei kana ndichimudawo. Akaenderera mberi Helen achiti," handiti hanzi akasiya merechi here iye mai Tanatswa wacho." I was shocked kunzwa izvozvo nekuti it was new to me. Ndaive ndaguma mama vavakugara kuZengeza nemurume wavo. Zvakabva zvaita kuti ndirambe ndiri kwati kwati kuti ndinzwe more. " Manje uchenjere kuzonetswa avakuda kudzoka pamurume." Vakadaro mai Bee vakanzi," haa ndakatomuudza iye Kenny wacho kuti kana makuda zvekuita ma babe come back nemukadzi wako undiitire wo favor undiudze in time. Akati haafe akadzokererana namai Tanatswa. Hanzi chero kukanzi ndiye mukadzi wekupedzesera asara panyika. Hanzi ka vakamboedza kuda kudzoka hanzi vachiisa mamessages vachiti hwaive hwanana ndakura ngatidzokereraneyi hanzi ndikaramba." All that was news to me. Mai Bee kwakuti," vakamugona haiwawo unoendepi nechifeve chemukadzi?" Ndakawedzera kuvavenga mai Bee nekudeedza mai vangu nechifeve kunge vaivaziva. Ndakaswera ndisina mufaro kana. I wasn't my mother's number one fan. But kunzwa vachishoropodzwa kudaro naHelen nasahwira wake hakuna kundiitira kana. Ndakatovaisira message Ivo mama asking ndichiti," mama ishuwa here kuti hamusisiko kuZengeza? Ishuwa here kuti makarambwa nababa Anabel?" Ndakavaudza zvese zvandaive ndanzwa zvichitaurwa naHelen zvekuti Ivo ihure. Vakati," Tanatswa where did you get that? Tanatswa mwanangu ndinokumbirawo usazvinetse nezvinhu zvisina zera newe wanzwa? Focus on your studies usiyane nezvinhu zvisina basa. " Vakabva vatobva online ndikasara ndatarisana nephone. Manheru daddy vakauya vakaita kufuta, vakasvikira kunditi," stop telling your mother zvinhu zvekunyepa wanzwa?" "Zvinhu zvekunyepa zvipi?" Ndakavabvunza vakati," izvozvo zvawavaudza masikati." " Hazvisi zvekunyepa izvo." "Wazviwanepi iwe?" "Ndanzwa mama namai Bee vachitaura masikati. Vanga vachiti mama vangu ihure." I said misodzi yanjenga mumaziso. Ndaive ndavakuchemedzwa nekukwidzirwa izwi. Vakacheuka Helen uyo akabva akwiridzira mapendekete ndokuti," Kenneth mwana wako uyu ka! Mwana wako uyu! Mmmhh hameno imboitai ini zii." " Ayewa shamwari pindura is it true zvataurwa naTanatswa?" "Iwe true yekudii ko? Ndinombomuziva here mukadzi wako ini?" Vakadaro vakanzi," iwe ex wife haasisiri mukadzi wangu." Vakanzi," whatever Kenny! I've better things to do panezvaurikundibvunza izvo. Mwana wako anonyepesa uyu. Manje achaita ugare uri tsvimborume mwana iyeyu ukaramba uchimusekerera." Zvakandirwadza kuti munhu arambe zvinhu zvaiita kwakuti," ehe ndakunzwai muchiti ndichaita hure samai vangu. Mataura futi kuti vakarambwa!" Akabva arovanidza maoko Helen achiti," hezvo hezvo! Aya ndiwo anonzi mashura aya! Ndinoti vakarambwa ndinozvizivirepi ini nhai Mwari? Tinogona kuenda kunovabvunza mai Bee vacho kuti ndakambotaura nezvamai Tanatswa navo here? Ndinotaura munhu wandisina kutombowana pano kuti ndinopenga here?" Akaita kurambisisa ndikaona kuti daddy vatomubhilivha. Vakabva vandicheuka ndokuti," Tana wakazotanga rinhi iwewe zvekuumba nyaya? Heee?" "Handina kumboumba nyaya daddy ndirikutaura chokwadi!" I said Helen kwakuseka zvesvoto hanzi," Iko kuzoomesa shaya kudaro munhu achinyepa ndiko kunotokuudza kuti mwana ari dangerous iyeye." Daddy kwakubva vati," iwe Tanatswa ndichakubhurira kunyepa!" I tried to say something vachibva varova table nechibhakera vachiti," shut up mhani! Ndakuzokurova karomo ikako kaneguhwa." Zvakaita nditange kuyeredza misodzi Helen ndokuti," ayas mwana ane drama zvake iyeyu! Saka chachemedza hanzi chii manje ipapa?" Daddy vakabva vakurura bhandi ravo kwakundiruka kumusana uku. Apa ndaisatoziva when Iast I got a beating from him. Zvakaita kurwadziwe moyo chaiwo kupfuura pandaive ndarohwa pacho. Ndakangomedza bundu raive pahuro trying hard kuti ndisacheme vachibva vati," dhemeti Tanatswa usade kundiitisa zvinhu zvandisingade!" Vakafemera mudenga Helen kwakuti," iko kumubhabhadzira ikoku muchitadza kumurova chaizvo ndiko kunomuita ndururane Tanatswa uyu." Aitoda ndirikitiwe nadaddy luck daddy havana kuzoita sekuda kwake. Vakangoridza tsamwa kwakuti," achafira mumaoko angu uyu akaita hunhu husina basa kudai." Yakabva yatopera kwavari nyaya yacho. But kwandiri haina kana. Moyo wangu waiita kudzimba. Ndakabuda kwakunochemera panze. Ndikabva ipapo ndatoronga kutiza ndiende kuTafara kwagogo zvangu. Nekuti kugara naHelen ndaive ndava bho. Handina wandakaudza nezvekutiza kwangu. Sadza ravo ndakatoriramwa Helen akatotaura zvekusvotesa hanzi," aah tinganyengerere munhu kuti adye kuti arikudyira dumbu raani? Handiti arikudyira rake? Kuramba chikafu kuguta uku." Ende ndaive nayo nzara ndarara nayo wani. Ndavandega kwakuputsa chi piggy bank changu Kuseni ndakaisa tuhembe twangu musatchel. Pandakachayisa ndakabva ndatongobatana nevana vaigara kuTafara. Gogo vakavhunduka pavakandiona vakatoti," haasi Tanatswa here uyu?" Vaitobvunza mainini mai Junior mukadzi wabamnini Kainos. Mainini kwakuti," ehe ndiye uyu." Ndisati ndatogara gogo vakatoti," kwakanaka here nhai Manjenjenje?" She was right kuvhunduka nekundiona nekuti yaitove wo first time kusvika ndega kuTafara. She asked with a concerned face izvo zvakaita kuti nditobongomora iri mhere chaiyo. Ndakanozviwidzira mumaoko agogo kwakuchema chaizvo. Vaingondipuruzira kusvika ndazonyarara ndipo pavakazonditi," hanzii ko mwana womwanangu?" I sniffed ndokuti," gogo daddy varikundishusha vachindirova nemukadzi wavo." Munhu akatanga kudairira ndimainini mai Junior vakati," bamkuru kukushusha?" I nodded ndichidzoreredza madzihwa vakati," aah vachinja shuwa bamkuru. Nekuti bamkuru vandinoziva havadi naye Tanatswa wavo." Gogo kwakuti," vakadzi here mwanangu? Anotorwadziwa ka kuti sei munhu agere nemwana wake." "Anondinyima chikafu Helen, achindituka every day achiti ndiri mwana wehure. Pandakazviudza daddy akabva azviramba daddy kwakundirova vachiti ndinonyepa." Vakaratidza kusafara nazvo. Chero pakazosvika sekuru nevamwe vese vairatidza kusvora daddy naHelen wake. Bamnini Kuda ndivo vakazofonera daddy vachivaudza kuti ndiriku Tafara. Vakamboda kupopota paphone pabamnini vainzwikwa sezvo yaive paloud vachiti," anonyepa stereki Tanatswa iyeye. Ndakamurovera makuhwa ende ndirikuda kuzomurovera kunobata kuTafara kwese ikoko asina kutaura. "Gogo ndivo vakazoti," kana uchida kurova Tanatswa better urove ini Kenny." Ndiko kuzodzikama kwavakaita. Vakanzi nagogo vauye ivo weekend kuzonditora. Ndaive ndaramba kudzokera kumba kwacho. Gogo vakati," usatye muzukuru wangu ndinoda auye pano baba wako ndimutsiure haambokurovi." Zveshuwa vakauya weekend yacho daddy. Vakauya iri Saturday. Ikatanga kubvunzwa nyaya yangu ndikaitaura sezvazviri. Kwakuwedzera ndichiti," futi Helen akati mai vangu vakarambwa nemurume." Hameno why ndaive ndafunga kuzvitaura musi iwoyo yet musi wenyaya kumba ndaive ndisina kuzvitaura. Handina kutoziva kuti statement iroro ndiro raizondinunura. Sekuru vakabva vatoti," Hongu Masiziba akakutadzira Kenny asi handioni ini kuti angaudza mwanana akadai kuti akarambwa. Inyaya yakataurika iyi," ipapo ndakabva ndatoti," muvabvunze mama ndakatovafonerawo musi wandazvinzwa naHelen achiudza mai Bee ndichivabvunza kuti vakarambwa here?" Daddy kwakuramba vanyerere ndokuti," yeah mune point ipapo." Gogo ndokuti," ibenzi remunhu nhai. Anorwisa munhu waasina kubvira awana aripo shuwa?" Pandakaona kuti vanhu vakundi bhilivha ndakabva ndatowedzera maspices kuti Helen kana kunobhurwa anobhurwa chete. Kwakuti," zvakawandisa zvaanoudza mai Bee. Aiti family yedu inehurombwa hanzi vanatete havaroorwi vana daddy havaroori. Zvakawandisa kungoti daddy ndaizeza kuvaudza nekuti vavakundivenga." Ndakataurawo zvandaisinzwa zvichizevezerwa wo nevanhu about our family. I knew izvozvo zvaiita munhu wese atsamwe it was a very sensitive issue. Bamnini Kuda ndivo vakatanga kuridza tsamwa hanzi," mudhara mahure enyu amunokumbana nawo ka! Anoziveyi about this family? Itai zvekudanana murege kutaura nezve family yedu please." Daddy kwakuti," Sha munhu uyu ishamwari yaKudzi so pamwe vane zvavanotaura. Handisati ndakambotaura naye anything nezvapamba pedu ini " "Saka zvese zvekurambwa kwamai Tanatswa ndiko kwaakazviwana ka kuna Kudzai." Vanhu vakatanga kupopota gogo vakati," anoti panehurombwa hwaakatipa here? Ukaona munhu achitaura zvaasingazive asati avamumusha munhu iyeye marabishi emunhu." Vanhu vakatanga kutaura negative things about Helen uya. Daddy havana kutozoenda neni musi iwoyo vakati vaizodzoka kuzonditora mangwana acho. Vanhu vakasara vachitaura zvakadzama about Helen ende aive avengwa. Ndakafara mangwana acho daddy vachiuya kumazuva rodoka vachiti," ndamuudza kuti handingagare nemunhu anonyomba family yangu achindishungurudzira mwana. Kana azorongeka achadzoka." Ndakatanga kunamatira kuti kuve kutongoenda kwake zvamuchose Helen. Tete vakatondiisirawo message ndavakumba vachiti," aah Kenny anopedza manyawi. Ndakamuudza kuti ndiMazvimbakupa avo havaitirwe zvisina basa. Anga avakunyanya kuvhaira munhu wacho avakutokanganwa wo neni ndakamupinza machena." It felt good being home pasina Helen tiri 2 nadaddy vangu. Vakazobvunza chi piggy bank changu kwakutya kutaura kuti ndakachipwanya ndichida mari yekukwirisa kuenda kuTafara. Apa imwe mari yacho ndaiswera ndichiidya kuchikoro. Ndakangoti," handitozive kwachiri chaingogara paroom divider ipapo." Daddy kwakuridza tsamwa hanzi," madhora iwaya andakuisira akatomurwadza zvekusvika pakuba chipiggy bank chako nxaa " Stay tuned. Chihelele ❤️

❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 264
🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/21/2025, 6:36:00 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K https://chat.whatsapp.com/DO7EVxFjXBs34M6D4yq9YG https://chat.whatsapp.com/E24B4JqO77SCXiIlu3LYZd *WINDFALL* Written by Nita Chihelele 0️⃣7️⃣8️⃣6️⃣6️⃣1️⃣5️⃣9️⃣9️⃣7️⃣ Chapter 1 I was enjoying the sunset breeze ndigere pabalcony . The swimming pool was providing the breeze sweeping up to the balcony pandakanzwa Taurai yelling achiti,"Babe im home." I smiled kwakusimuka ndichipinda mumba ndichiti,"Welcome home Shumba. Madzoka?" sucking his lips slowly. He blessed me with his warm and welcoming hug which I wanted to last forever ndokuti," I had missed you so much babe waswera bho?" I giggled feeling loved ndokuti,"Shumba kungoswera muripabasa ipapa ndipo pamungati missing you here? What about zvandirikuenda kuSA for God knows how long." He whispered hanzi,"I've decided kuti tiende tese babe. I've arranged kuti kushow kuende zvako Manuel. He's a good representative that one I trust him 100%." Ndakanzwa kufara when he said that. Ndini ndakazenge ndavakumu kisser all over his face, nose, cheeks, eyes nemalips akadzamara aseka hanzi,"Kufarira here uku nhai Mai Shumba?" "Ehe arg. Its because im scared I need you by my side for strength and your support as well" He lifted my chin and made me look into his eyes ndokuti,"Sha usatye hapana chinotyisa. Inga doctor Bvudzijena vakatiudza kuti its a process used by many and they succeed. So we should be celebrating Sam kuti finally we are going to have a baby in here." Akadaro achindipuruzira dumbu rangu. He preferred calling my name in short. Tainge tava ne three good years taroorana but mbereko yainge yaramba. At first we didn't think much of it taingoti maybe tirikurasika pa timing apa. So we decided to try pamazuva e ovulation kwacho but to no avail. That's when I started getting worried kuti what may be the matter. Tau didn't take it seriously aitonditi,"Babe let's wait for God's time. 3 years hadzina kuwanda idzo besides we're still young 26 nguva yekuita mwana izere. Iniwo at 34 tinomuita." But ini semunhukadzi zvakatanga kundidya. Until I suggested kuti tinoona chiremba . The first doctor suggested that i should eat healthy, have a lot of rest and even suggested certain foods to boost my fertility rates but ndakazviita for close to a year pasina chimuko. We then approached a different general practitioner thats when we got the heartbreaking news dzekuti I wasn't able to conceive naturally. So the general practitioner had suggested ma options akaita se surrogacy,IVF ne IUI. Surrogacy Tau akabva atoirambira mudenga. He then recommended us to go for IVF. Nekuti aive ati most couples who had similar problems opt for it and kazhinji vaibudirira. My husband was the leader we God's Disciples Ministries and as his wife I was always by his side supporting him samai Mufundisi. Mr Karakadzai, Tau's father was the founder of that church. Tau was Mr Karakadzai's only heir and the last born. Aive nemasisters 2 mahombe kwaari and he had made the church even big and well known. Anga agara ari munhu aiziikanwa nekuti he was into fashion, he was a fashion designer. Aitova nevanhu vahombe vane mari dzavo vaaidressa neku designira hembe. People always admired him vachiti mafundisi mazhinji they rely on mari yemuchurch vasingazode kushanda. He also had celebrities vamwe vaitouya kwaari especially South Africa. He had a brand name which was growing even bigger in the industry of fashion. We had met 4 years ago at a show of his art. By then ainge asati ava that well known. Inini I was a student kuMSU by then but I had so much love for fashion. So I made it a must never to miss any fashion show. I had accidentally bumped into him ndirikuseri kwetent answering my mom's call. Saka ndakangocheukira kumeso kwake. He was so charming munhu wacho. Pandakabondera paari he had pretended kutorwadziwa. Nekuti akabva atobata dumbu rake hanzi,"Miss, you have hurt me badly." Ndakaziva kuti handina kutombomudhuma zvekudaro. So I knew he was joking kwakubva ndatoseka saying,"You've also just hurt me more by addressing me as Miss ini ndiri Mrs." That instant akabva atorega dumbu rake ndokuseka hanzi,"haaa amana mhosva inobhadhara imwe here?" Ndipo paakazondikumbira manumbers. I didnt hesitate to give him the numbers nekuti raive dude zve. Zvekuti ndiye muridzi wefashion show iyoyo ndakazozviziva tavakutotaura paphone rimwe zuva. Musi wacho watakapanana manumbers I remember ndichinoudza Hither my best friend about him. Akaseka achitonditi,"manyura amai mwana. Minamato yako yadairwa handiti you've been praying for a handsome man here? Gibson handiti wakamuramba uchiti anomakisa here?" Gibson iyeye it wasn't a matter of kumakisa chete. Aive broke zvaitopa hasha. Not that I was after money bodo, but mukomana anoshaya data zvaro. Apa kusachinja mbatya. Pachikoro ainge avakutoziikanwa negreen t-shirt yainge yatongochenurukawo. Plus kusadawo kutora relationship yedu ku the next step. Yooh ndakamusiya ini. And years later I bumped into him he was still the same old Gibson anongofamba akarereka musoro kunge munhu aida kunzwirwa tsitsi nenyika yese. He was happy for me kuti I was married. Akatonditi,"isu zvichirikuramba wena, life yacho inenharo sha." Ndakadzorwa kuvapenyu naTau kissing my forehead achiti,"Babe ini ndinoziva kuti Mwari vanotipa chete mwana nenguva yake. God's timing is the best you know that right?" "Ndozviziva Shumba asi its hard for me kushayawo mwana. Besides mwana anowedzera kuti tiitewo chiremerera. Kids are blessings ndosaka zvichinzi be fruitful and multiply." "Yes babe handisi kuzviramba but I believe God knows what he has in store for us. We try to be good to people and try to be faithful in the eyes of our Lord. Ndosaka vachitiremekedza as their leaders kunyangwe tisina mwana." He tried making it seem simple. He gave me a peck on my cheek ndokuti,"Let me book our flight sha. Handidi kuzoita zvinhu zvekumhanya mhanya. Remember futi tomorrow we have a big day tirikufanira kuenda kunoita ma donations ku Highfields." KuHighfields ndiko kwaive nechurch yedu. Ndiko kwaive nemba yekwana Tau ikoko. Kwaigara mama vake nemuzukuru wavo mwana wesister yaTau. We always made sure taendesa zvinhu kuchurch to the less privileged whenever we got the chance. Tau aifarira donating ikoko hanzi,"handikanganwe ghetto rangu." "Ndakatozorangarira nyaya yekupa vanasikana ma sanitary pads. I think vachabatsirika nekuti vamwe they end up vave kushandisa machira. Jira manje riri risky kuti rinogona kunzvenga. Vamwe vanozoshaya kusvika pakuzoshandisa zvimadhende chero zvisiri appropriate. Which is not hygienic." Iye akadaira achitonanga kustudyroom kwake achiti,"That's so thoughful of you amai Mai Shumba. May God our Lord bless you kasingaperi nemamunoitira vana venyu." "Amen murume wangu," ndakadaro kwave kusara ndichisekerera hangu and walked to my bedroom. Ndakasvikogara pabed and kwave kutanga nda confirmer delivery yema pads acho. After that I went to the kitchen, auntie Rudo was cooking mazondo. My husband loved those, he would not mind kumadya everyday. " Auntie make sure kuti hamuise chero domasi chero spicy zvayo only mvura nemunyu. Baba vepano vanomada akangokwatiswa chete. " I said that opening the pot kwakuona kuti avapedo kuibva. The soup was already becoming thick. "Sadza don't worry I will cook handiti ka? Mungodira one more jug full of water anenge avabho mondideedza ndizobika." Rudo was new, Sarah wandaive ndakawana tichangoroorana ainge aenda kumaternity leave. Rudo was Sarah's young sister. "Ehoi sisi,"she responded ndikati,"urikuti joiner here kuchurch mangwana?" Akaseka seka hanzi,"aah kana ndirikuenda hangu kumba sisi varikuenda kumusha kunobatsirirwa ikoko. Saka varikuenda nemwana wangu. Manje ndirikuda kunomuona asati aendwa naye." "Its oky dear,I have a few things to give you uigire mwana wako." I walked to the pantry kwavakutsvaka tsvaka tuma goodies tunofarirwa nevana. Ndakawana machocolates and sweets nebiltong. Ndokuzomupa flour,rice,sugar and soap. Ndikamuti,"izvi give it to Sarah awanewo zvekuigira vana kumusha handiti?" Akatenda kunge achagwadama pasi. She was exactly like her sister vanhu vacho they were very nice. Ndakamboita a few things on my computer. I was just a volunteer Ku Chinyaradzo orphanage yaive ku Highfields ikoko so ndiro randingati raiva basa rangu nekuti nguva yangu zhinji ndiko kwayaiperera. Tau ainge andirambidza kushanda, so I had begged him to at least spend some time at Chinyaradzo Orphanage helping there. Ndakazodeedzerwa kubika naRudo. But firstly I went to my husband ndikawana aripa call talking to his sister. Pandakasvika akabva atoti,"tobatana vatete ndavingwa namakoti wenyu ndanga ndanyanya kurovera mustudyroom." Ndakasekerera ndokumuti,"huyai mugeze ndaakubika sadza." He squeezed his hands achisumuka ndokuti,"ndirikuuya madam" akasiya andirova magaro kwave kutiza achienda ndikasara ndichiseka ndikasheedzera kuti,"Ndichakubata Taurai. Benzi remunhu." Another thing, he was my best friend. Kuchurch he was their leader asi kumba taitova nerimwe drama and I didn't regret marrying him. He had a naughty side of him that I loved. He wasn't the type yaiva holy when it comes to romance. I went to cook tikapedzerana iye apedzawo kugeza. I dished tikadya discussing rwendo rweku SA. We went to bed early nekuti we had a busy day ahead. Stay tuned.

❤️ 👍 🙏 😮 18
🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/21/2025, 9:41:43 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K *Follow my channel for previous chapters and more books!* https://chat.whatsapp.com/DO7EVxFjXBs34M6D4yq9YG WINDFALL Written by Nita Chihelele 0️⃣7️⃣8️⃣6️⃣6️⃣1️⃣5️⃣9️⃣9️⃣7️⃣ Chapter 4. Samantha. Tau aingondipuruzira kumusana all the way in the plane kuenda Ku South Africa. Ipapo ndaizevezerwa ndichinzi,"Babe please try not to stress. This process haitodi unestress." Kwandiri manje zvaitova hard not to stress. Ndaitotadza kugara zvakanaka ndichingo mover mover ingori nyaya yestress chete. Takasvika kuSA manherz. Taive tananga kuCapetown ndokwaive neFertility clinic yacho. Yaitonzi Cape Fertility clinic, it was of the best in SA, our doctor had recommended it. We had booked a hotel. Taurai aive ati tisvike two days before ndimbozorora before going for the process apa yaidhura zvisingaite. Chimwe chaindidya was losing that kind of money nekuti idea yacho ndini ndainge ndauya nayo in the first place yekuita IVF. My husband didn't mind kuti nhumbu haisi kubata. Not that aizondipopotera kana zvaizofamba nepamwe but zvaizongorwadza so. We ate dinner but in chikafu chakaramba kudzika. Tau akandinyengerera achiti,"you know kuti process iyi inoda uri healthy. Kutadza kudya ikoku might cause some problems." "Love I'm trying but if I keep shoving the food down my throat ndinogona kutorutsa." I was being honest akabva atoti,"fine babe, if you aren't ready yet we can always postpone. Tongozvitora sekuti tauya kuvacation." "No I'm ready sha, there's no way we're cancelling. Remember we have booked ka."He nodded achiti,"I know baeb but it doesn't matter kana wavakutya." Ndakagarisika trying to appear ready and excited akaseka hanzi,"you don't have to pretend kwandiri mai Karakadzi nhai." "I'm not pretending hubby, I'm strong and I believe God will help me parwendo urwu." I said that almost praying akati,"God will definitely help us in this. He's involved babe saka there's nothing to fear." He was really trying kundisimbisa. But kudya akanditadza kundimanikidza kusvika asiyana neni. I got a very beautiful message from vamwene vangu before I went to bed. Yooh that woman was God sent. Message iyoyo yakatomboita ndinzwe kakurerukirwa mbichana. My mom called kuseni vachibvunza kuti tafamba bho here. Mangwana acho we went to Camps bay kubeach. After that we went to have lunch at some restaurant yaitengesa sea food. My husband was really trying to spoil me. Takadzokera kuhotel kuma late. Going to the beach really helped nekuti I was a bit relaxed patakadzoka. We had a steamy romance before we went to bed zvakawedzera kakusununguka. Ndizvo zvatainge taudzwa nadoctor Bvudzijena to practice stress reducing activities before and during the treatment. Kwainge kwamgosara zuva one chete. Second day taida kuenda kuTable Mountain but my husband decided against it achiti zvinogona kundinetesa. Instead takazoenda kuboat cruising. Yooh it was fun zvekuti ndainzwa kufaranuka muviri wese which was good for me. Musi wacho we woke up early mama mai vaTau vakati tinamate tese ivo varikuZimbabwe. Not that my mother didn't care asi kungoti vaisave munhu ari too much into zvechurch izvo. Unlike vamwene vangu vaive mukadzi waFounder we God's Disciples Ministries. Appointment yedu yaive kuma 9 kuseni. We took an Uber kuenda ko. The doctor was so friendly. Akatiudza exactly what Bvudzijena had told us achiti," first of all we do initial consultation. And we do ovarian stimulation that last 8--14days. We then move to egg retrieval, fertilisation, embryo transfer and then pregnancy test. The embryo transfer and pregnancy test are typically performed 5days after fertilization." We already knew that. He went on to say," you will start medication before the first day of the cycle. The IVF will begin on the first day of your period." First day ndakapihwa medication yema injections. Ndaifanirwa kuzodzoka futi after 14days . We had to rest for a day before taking a flight back kumba. Tau aive asisade kuti ndibate chii zvacho mumba. Chero kuenda kuOrphanage aive asisade hanzi," we have to be extra careful sha kuti zviite." One day ndakamuti,"babe ndirikuda kutora musikana uya anonzani gara zviye? Uyu... Katherine nditange kuti azive zvinhu zvacho." Akabva atoti,"babe please zorora! Katherine wako uchamuona zvinhu zvava settled. It's a huge thing zvatiri kuita ka izvi." Ndaitoona kuti Katherine iyeye was going to make our business go far. She was curvy aneka waist kari slim. Aive ne figure yemamodels chaiyo. Manje murume wangu aisaona kunaka kwake ndaizviona hangu. Any outfit was going to look great on her beautiful figure. Mazuva akakwana ekuti tidzokere kuSA. Ikaitwa process yacho kusvika yabudirira tingoriko. Challenge yakambovapo was that of choosing a gender. We didn't know you can choose a gender as well. Taurai akati,"we just want a healthy baby chete. Zvinobuda musarudzo yaMwari ndizvozvo." But inini I definitely wanted a boy. A boy who was going to be his daddy's little boy, his dad's right hand man. The prince, probably he was going to be Tau's photocopy. That I was so sure about. So takaita zvemukomana. Takadzokera kuZimbabwe ndava nenhumbu yangu. That feeling yekuti there was a life growing inside me made me feel like a real woman. The feeling of carrying my beloved husband's first child arimukomana futi made me feel so special. Both our parents were so happy kani. Wangu murume aiita sekuti ndiri zai rinogona kuputsika anytime. Mumba medu makatanga kunakidza kani not that maisanakidza before just that it was tripled, we had to praise God every day. Everything was so right, life felt good. It was really worth living. I would go kuChinyaradzo Orphanage kamwe chete pavhiki. Taurai was so strict nenyaya dzekufamba famba idzi. Although we were ensured that there was nothing wrong in doing tuma light exercises zvatwo. Neniwo ndaimunzwisisa nekuti I was counting down mwedzi yekuzobatawo kamwana kangu. We had named him after baba vaTau Founder Elvis Karakadzai. Taive tavakutodeedzana mai nababa Elvis. I managed to convince baba Elvis kunotora Katherine and started kushanda naye. Though aingochema chema achinditi,"babe please try not to strain you. Zvimwe zvinhu waizozviita waanemwana." Yoo ndaanemwana kwese uko? I wanted him to see what I had seen in that girl. I wanted to prove to him that I can easily spot a model chero arimumadhumbu chaiwo. And I he was going to be proud of my decision pamberi apo....... Stay tuned.

❤️ 🙏 👍 😮 10
🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/21/2025, 6:36:13 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K *Follow my channel for previous chapters and more books!* https://chat.whatsapp.com/E24B4JqO77SCXiIlu3LYZd WINDFALL Written by Nita Chihelele 0️⃣7️⃣8️⃣6️⃣6️⃣1️⃣5️⃣9️⃣9️⃣7️⃣ & Tanyae 0️⃣7️⃣8️⃣3️⃣2️⃣9️⃣5️⃣9️⃣4️⃣6️⃣ Chapter 3 Katherine "Unomboziva kuti ndoyemucheno iyo iya? Ndiyo yandinopfeka kuenda kuchurch. Besides Kayla hausi munhu wekukweretwa hembe iwe. Especially chekufambisa futi chiri chewhite. Urichapa stereki," ndakadaro Mama ndokudairira vachiti,"haa Kayla zichapa chinhu chewhite chinochinja kani kuita khaki chaiyo kana cream. Iko handiti yake t-shirt yemasports akarasa?" Akapusa hanzi,"yakabiwa iyo kuchikoro." "Usanyepe Kayla, usatombonyepe zvako. Taura chokwadi kuti wakaona yanyanya kutindivara ukarasa. Ndihwo hunhu hwako, ende hautorina tsitsi neni hako mwana waSebastian. Shuwa shuwa kutadza kuwacha mbatya kusvika warasa? Hameno uchafamba matako Ari panze ndipo pauchapepuka. Unoziva iwe kuti kana madomasi acho haasi kutengwa zvawo. Yekudya chaiyo hapana kuzoti yekutenga hembe zvadzo? Vasiri maimufundisi vanemoyo wakanaka hameno kuti tadei tiripai. Ikezvino kutonamata kuti iro basa ravavimbisa Kathy ribudirire. " Ndaitorongedza ndiro manheru tapedza kudya vakabva vatopopota hanzi," purizi usauraye ndiro dzangu? Heee munhu anoita kunge arikurwa nemidziyo? Ndizvo zvichakushayisa basa kwamai Karakadzai izvozvo. Huyanga Kathy mwanangu. Shuwa munhu angafare midziyo yake ichiita kungwenderedzwa kudaro?" "Ko ndinenge ndichishanda mumba here? Inga vati ndinozoita ambassador wekuTK fashions wani?" Ndakavayeuchidza vakati,"iyo yekuzviita too much I know iyoyo ndiyo imwe ichakutadzisa kugara pabasa. Unofunga chero ikoko kuTK fashions kwacho hakubatwe ndiro? Ko mukapihwa chikafu ndiyani anokusukirai? Munhu ngaadzidze kutora manotes uchiudzwa. Kwete kuti ndikati one iwe woti seven. " Vakabva vanakidza Kay akaita kuseka. Ikamupandukirawo pasina nguva avakunzi,"kuseka rudzii sebenzi ikoko? Ndiko kunokuita urase mbatya uchitadza kuwacha uchiita senzenza." Ndakamutarisa akanditarisawo kwakuburitsa rurimi enjoying kuti atukwawo. Achibva atoti,"mama!" Akanditarisa ndikakurumidza kuziva zvazvinoreva kwakumutarisa zvinosiririsa kuti asataure zvaainge adeedzera mama. Mama kwakudaira vachiti,"chii?" Achibva azongonyarara, ndikaenderera mberi ndichiita zvandaiita. Ndikanzwa futi avakuti,"mama!" I quickly gave her a begging eye. Unenge unezvipande zvaunenge uchitotya kuti zvisasvike kunamama. Pandakamupa that begging eye akabva anakirwa zvake. She was enjoying blackmailing me. Zvichibva zvamupandukira akanzi,"chii ko chaurikungondideedzera usingataure nhai Kayla? Handidi zvekusemburwa ini. Kurumidza batsira Kathy kusuka tirare nekukasika. Ndakatoneta zvangu, plus ndirikuda kumukurira kuenda kumapurazi kunohodha madomasi angu. Kumarket avakudhura zvinopedza rudo. Unoshaya profit yacho.Kumavinga kumapurazi kurinani fani." Takabuda nendiro kunosuka panze. Kay kwakusvika achimira zvake ndikatanga kusuka ndega. Akanditi,"handiti unoziva kuti unechikwereti changu chekubatana batana naItayi wako? Ndisukire ndisavaudze mama." Nekutyawo kuti mama panyaya dzevakomana vaidhinda chaiko ndakatongosuka paye. Ndaimbokuverenga here kusuka tundiro twevanhu vatatu? It was a walk in the park. Taigara namama vedu muHighfields Harare. Daddy vaive vakashaya karesa. Ndaive ndakatopedza form yangu ndokuzotadza kuenderera mberi. Kay was 16, five years younger. She was doing form 3 aive adzokorora. Tairoja kuback room yaimbove garage. Muridzi wepo akangotinzwira tsitsi hake. Floor yacho yaive ingori concrete isina kuitwa zviye zvekuti itsetseke but we felt comfortable living there. Mama vaitengesa madomasi kuti tiwanewo kurarama. Iniwo ndaizombotenderera nedhishi remadomasi kumazuva rodoka daily ndichitengesa mamwe. Ndakabviswa mundangariro naKay akabva aseka achirovanidza maoko hanzi,"Itayi anomboziva here kuti waiita weti mumagumbeze iwe Kathy?" "Hiii Kay vasikana ndezvakare izvozvo ka!" Akati,"aah wakasvika muform four uchiitira weti mumagumbeze." "Pave nemakore mangani zvakapfuura izvozvo?" Achibva atoti,"ndipowo t-shirt yako ndirikuda kuipfeka kumasports mangwana." "Kayla vasikana hazviite ndeyangu yemucheno. Handidi itindivare, inga ndakuudza wani kudhara?" Akati,"ukandinyima ndomuudza Itayi kuti babe rako raidiridza mumachira." Ndakanzwa kupera simba rese and aizviita hake munin'ina wangu kwaisave kutamba. Ndakabva ndangoti,"horayiti utore kwacho." "Iripayi mucardbox munogara mbatya hamuna umo." She said ndikaziva kuti kukumbira kudaro shasha yaive yambopinda busy kuitsvaka t-shirt yangu iyoyo. Kayla ndaitomuhwandisira mbatya dzangu dzekufambisa. Nekuti raive zichapa zvaro. "Okay ndichakupa," I said ndatogaya kuti asaone pandinoviga mbatya dzangu dzandinofarira. Ndakasuka paye kwakuendesa maplates iye akanonhonga nhonga zvinhu pachoto pataive tabikira. Ndikasvikira kusumudza mattress yamama yakawora zvayo. Ndokuvhomora t-shirt yacho fast kuti asaone Kay, vakazouya vese namama. Mama ndokuti,"urikumupa uyu t-shirt iyoyo uneshuwa iwe? Hameno hako ndirikukuona zvangu hauchaidi." Aizoti akapfeka chinhu Kayla haabvise zvekumhanya. Mama vaizoita kupopota chaiko kuti achinje. Munhu wacho wairamba kani kuti muform three aidisa kutamba zvisingaite. Ndopavaigara vakakonana namama ipapo. Iniwo semunhu aiziva zvipande zvake zvaiziikanwa naKayla kwakungoti,"ndamunzwira tsitsi sezvo achiti masports mangwana." Vakati,"anonzwirwa tsitsi dzeyi munhu aimbove nayo akaita hurombe? Hameno ini handimo munyaya dzenyu kana mavakunetsana ." Takarongedza rongedza mama ndokuti,"itai mudzime light iroro honai ravakutobhwayira bhwayira handidi kuzomuka murima kuseni." Takaita sekudaro paye tese we would squeeze pabed pamama tiri 3. Ini ndakazoparara pabed ndisisaite weti. Kubvira nakubvira ndairara ndega pasi nenhau yekuweta iyoyo. Tairara early zvaisvota sezvo taisave ne entertainment kana zvayo. Ndaiwanza kutaimira vese varara. Ndoita on kaphone kangu kandakapihwa naItayi mukomana wangu. I had to make sure kuti sisi vehana nhete havaioni phone yangu. Ndaitanga kutaura naItayi pawhatsapp kana achinge anditengera data. Ndairara kumudhuri, Kay pakati. Saka ndaifuratira ndoti ndii nemudhuri ndoita busy zvangu nemunhu wangu. Musi iwoyo aisabatika paapp pacho. So I ended up ndavakumbeya mbeya kuma statuses evanhu. Ndakanodhumana neya maimufundisi. Vakazviposta wearing different African attires. Imwe yacho ndeyavainge vauya vakapfeka zuva iroro kuchurch. Mai vaive vakanaka ivavo veduwe. Ganda iri waiona wega kuti munhu anodya achiguta. Nechemumoyo ndakangoti Mwari itai kuti basa ravaida kundipa ribudirire. Vaive nemoyo wakanaka mai ivavo kani. Thinking of the job randaive ndavimbiswa ndakatanga kuzviona ndavakupfekawo zvandinoda. Kuchurch uku ndavakuita wo show off sevamwe vana. Ndarega zvekutenderera nedhishi remadomasi mumarayini. Hope hadzina kundinonokera sezvo munhu wangu aisabatika. Before I slept ndakaidzima phone yangu kwakuikanda pasi pebed. Paive pakanangana nepandairara ndaive ndauswededza kumberi mubhedha kuitira kutora phone yangu nyore ndavamumagumbezi. Ndakazopeputswa namama kuseni seni vavakugadzirira kuenda kumapurazi. Vakanditi," utarise Kay asatambise mafuta paanobika sumu yake yerice. Anozomadira kunge mvura munhu wacho." Pavakabuda ndakasara ndokudzifodora kwaive kuma to 5. Ndakazomuka Kay avakugadzirira kuenda kuchikoro. Moyo wangu wakaita kunyura apfeka t-shirt yangu yewhite. Kufunga kuti paanodzoka inenge yava color rudzii veduwe. Munhu wacho kwakubva atoidira nesumu ipapo achidya breakfast ndikatsemuka moyo. That was my best t-shirt iyoyo. Avakuenda I managed to say,"askana Kayla musazonyanyewo kusviba chinhu chewhite chinonetsa kuwacha veduwe." Akati,"bho." achiedza kupukuta pukuta the stain which I doubted kuti ndaizogona kuiwacha ikabva. Ndakazonyevuka kuma 9 ndavakutaura naItai Kayla atoenda. Ndaitaura ndakasununguka ndega zvangu. Mama vakazouya kuma10. Tikapinda busy kugrader madomasi. Ndokuvaitira chikafu kuti vaende kumusika. Vasati vaenda vakanditi," please Kay achingosvika utobuda nemadomasi. Nhasi akanaka unogona kunhongerwa wo." Kay wacho akazosvika to 5 manheru zvake. Apa akaita kuwora netsvina, kutarisa t-shirt yangu ndakanzwa kurwadziwa. Ndikatomuti," please itokurura isati yanyanya kusviba." Akanditi,"ndichakurura ndapedza kudya ndinenzara." Ndakatenderera nemadomasi ndikamusiya achidya. Sekureva kwamama aive akanaka madomasi acho musi iwoyo. Handina kutenderera for long aive apera. Ndakawana Kay avakutotamba chuti muroad achakangopfeka t-shirt yangu." Ndakasvikira kumuti,"Kayla! Kurumidza enda unokurura t-shirt yangu!" She stubbornly continued playing kusvika ndapamha akati," ukandiitira dzungu ndovaudza vanhu zviye zviye." Shamwari dzake dzakabva dzatoti bvuu kuseka. Aizoita manyemwe kana aripa shamwari dzake kani. Hameno vaisekeyi and it made me walk past them fast ndichimusiya achitamba. Stay tuned

❤️ 🙏 😂 😢 😮 15
🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/19/2025, 5:44:00 AM

Veduwe ndirikutsvaka wo *ZIG* ipromotion ye *ZIG* iyi of Inopera nhasi na 00.00 husiku. Usasarire mukana wauya uyu. Ndaita kuti zviite cheap buying ne *ZIG* $2 ecocash for 2 books *80 zig ecocash for 2 books 40 zig for 1 book* 50rands for 2 books $2 airtime buddie for 2 books Please note that we charge per season. O78O368492 N.Makohliso ndidzo zve number dzaunovinga after making your payment. 1) Regrets SSN 1, 2 & 3 2) Sisters SSN 1&2 3)Shattered hearts SSN 1 &2 4) God's Plan SSN 1 &2 5) Ponesai SSN 1 &2 6) Pfuma yemufi SSN 1 &2 7) Morning dew 8) Potholes 9) Paidamoyo 10) That's life 11) Miseries of life 12) Pressure 13) Blue lagoon 14)Chimurenga Cherudo 15) Rossana 16) Rejected love 17) Mavhu 18) Deadly affair 19) Fractured Soul 20) Mwari muriko here? 21) Windfall 22) Chawagona Hapana 23) Desperation (Pdf) 24) Breakthrough (Pdf) 25) Ndozviudza ani? (Pdf) 26) Amargedon 27)Deadly Mission 28) Stolen Identity Books aripazasi aripa apk book pal kana uine Iphone usatenge Aya aripa book pal apk haiite. 29) Sabina 30) Upenyu 31) Life challenges 32) 365 days 33) Tears after pride 34) Ignorant rich man of God

❤️ 👍 😢 😮 🙏 7
🇿🇼Chihelele Shona Stories
6/17/2025, 10:50:35 AM

Maswerasei zvenyu family yangu, chapter yakuuya zvayo . Asi yakamirira 100 more likes. Book rakuuya every day zviripo zvaive zvakabata. Tikapinda zvedu mu300 likes zvinobva zvaita

❤️ 👍 🙏 😮 😂 😢 66
Link copied to clipboard!