🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 01:58 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
Follow our channel for more books.
Our WhatsApp group
*Follow me on Facebook👇🏿
please and like.
https://www.facebook.com/profile.php?id=61553577806405&mibextid=ZbWKwL*
*Chimurenga Cherudo*
Story by Nita Chihelele
263 786615997
27 785221582
Chapter 2
Yeukai.
Zvinhu zvacho manyemwe so ka! Kwakutoona Simba tirimumota naJuliet naStan. Juliet akaita kujamba jamba hanzi,"uyo! Uyo Simblo muridzire hooter babe!" I quickly said,"no cuz! Musiyeyi kani!" Nhai aizoti ishura rudzii kupomerwa nhumhu asina zuva rimwe chete raakamborara neni. Julie akabva andicheuka ndokuti," Why nhai Yeu? Aah tirikutoda kumunzwa paamire chaipo ipo akatanga kuita seCD rinema scratches tobva tatomuudza kuti atamba nevanhu vasingatambwe navo." Julie aizoda kani kuzviita munhu anogona kurova.
Stan came to my rescue ndokuti,"babe please respect her request nhaika. She has her reasons." Ndaitoona sekuti Stan aitofungirawo kuti ndeyake mimba.
"Eish ndanga ndineshungu dzekuona his reaction."
Takabva tatomupfuura Simba uya. Kwakunotenga usavi hwatainge tafambira sezvo hwainge hwakacheaper pacomplex. Stan akazotitengera zvima nice nice zvekudya. Kwakudzokera , munzira Julie akaitanga yenhumbu hanzi,"cuz anoziva here chimiro chiripa ground Simblo wedu?"
"Mmh babe hausi urikutoshungurudza ambhuya vangu here? I feel like she's going through a tough time as it is." Stan said Julie akayanika maoko ake ndokuti,"Sha kubvunza ikoku ndareswa here?" Aiita sekuti arikutondiseka mwana watete vangu.
"Haasati avakuziva,"ndakamupindura nekutotarisa kunze. Akati,"yooh! Wait till my mom hears about it unopondwa cuz I tell you. You know your tete kuti ritorigandanga zvaro."
"Babe c'mon is it even necessary kuudza cousin vako izvozvo at a time like this amana?" He was getting irritated nekuita kwemusikana wake. Akandigonera Stan nekuti zvakandibhowawo at least dai aibvunza kudaro tirivaviri.
Pakuti tete raive gandanga she wasn't lying at all. But hugandanga hwavo kazhinji hwaibudira kwandiri. Vana vavo vaivadherera zvisina akamboona. Vaitoramba kutumwa namai vavo vanaJulie nevanin'ina vake. Wepakati mukomana ndiye aitembenge arinani hake. Vaigona kutozotuma ini kwagogo. But vaizoburana nagogo kuchinzi vanoregerera vana. Gogo dzimwe nguva vairamba vachiti ndinebasa.
Chandaive ndakaona tete vangu vaive vakandivenga chaizvo. Vaigara vachiti mai vangu vakandihura handisi mwana wehanzvadzi yavo. I remember rimwe gore kuMagwegwe secondary kwakambouya chirongwa cheBeam chekudzidzisa nherera mahara . By then vaive muschool committe. Vakatadza kuzoudza gogo. Sekuru vaive vachiri vapenyu gore racho. Vakatouya vachiti vanzwawo kubhawa kwavanga vari kuti kunechirongwa kuchikoro. By then I was doing form two. Pavakazoenda gogo kuchikoro kukanzi vakakwana vanhu vaidiwa. Pavakanobvunza muvhana wavo akangoti akarivara. Juliet aive ava kumaboarding kare by then. Vadiki veku primary hapana aidzidza kumarokeshini vaidzidza mutown.
Vakatukwa nagogo hanzi,"unehutsinye Rhavhunesi senyoka inoruma chaisingadye." Ravhunesi wacho ndokuti,"ndiri munhu wo ndinokanganwa mhai. Imi hamukanganwe here pamuri ipapo?"
"Kukangwana chinhu chakakosha kudaro? Uchitoziva kuti Eriot akasiya nherera yake pano isu vabereki vako hatishandi. Kuti adzidze mwana uyu kutodikitira zvaunoziva."Vakati,"aah zvimwe zvinhu zvatinohunzirwawo nanaElliot venyu ava! Pamwe yaisave yake nhumbu nekuda kwehurema hwake hwekugara akadhakwa akungobvumira mudenga nhumbu isiri yake." Vaigara vakazvitaura havo kana vada kuti handisi mwana wehanzvadzi yavo.Vaisandibatsira chero nepenzura zvayo kurikuti gogo vaishaya mari yekunditengera. Gogo vakayeredza misodzi musi iwoyo ndokuti,"Ravhunesi uchakurawo rinhi? Pfungwa yako iyoyo haubudi mauri urimunhu rudzii? Ukati hauroyi mwana iwe? Akakutadzira chii mwana uyu? Zvaakangofanana wani naiye Eriyoti urikuedza kuti hauoni kuti chero iwe chaiye akafanana newe?"
Ndozvavaive tete vangu ndaizoita mwana wehanzvadzi yavo kana vachida kundituma.
Kwakandiitira kure kusvika kumba. Julie nemukomana wake vakandiburutsa kuchi corner chekwedu. Julie aizonosarawo kwavo. Ndakawana gogo vagere vachitoona TV. Ndichipinda vakandigamha nekuti,"wamuudza here iye munhu wako kuti ndozviripo?"
I shook my head vakati,"iwe mwana waEriot wakanyanyisa kupata stereki hameno ndizvo zvamaidzidziswa kuchikoro ikoko. Manje Ravhunesi unomuziva dhuze kutobinhiwa ipapa. Itorongedza tunhu twako arikusvika manje manje ndamufonera akuendese. Handigari nemukadzi wemunhu pano. Ndinogara nemwana. Uyu avakuziva varume bodo! Wandinyadzisa iwe ndiwe munhu wandanga ndisingafungire kana. Marujata waRavhunesi ndiye wandaitofunga kuti achauya akesenga mimba kumishoni ko."
Ndaingodemba kuti dai iri yaSimba wangu veduwe. Iye Julie ndaizomutarisirwa nani wedenga? Panedzimwe nguva dzekutodemba kufa chaiko.
Ndakangorongedza tunhu tushoma shoma. I was so sure kuti ndainokudzoka chete. Ndaisatoda nezvaStan wacho , he wasn't my boyfriend. Handina zuva randakambomuchiva until that stupid night. Aitove class yanaJulie masalads not ini Yeukai mwana waEriot.
Gogo vakandipindira mubedroom ndikaita kujamba nekuvhunduka. Pfungwa dzaive kure kure vakati,"asi urikugaya kuzvisungirira? Uchishadagura makumbo waiti chii chichaitika?Imi ndimi makadzidza munofanirwa kuziva asi kana! Vacho vakadzidza ndimi makazungaira kusvika kumagumo!" Ndakabva ndatonzwa kutinhira kwemota ichipinda payard hana ikabva yatotanga kuridza chigubhu cheZion. It was to six manheru and I knew it was none other than my aunt.
Gogo wo kwakuwedzera kuti inyatsorova hana yangu vachiti,"ehe rasvika bhunu! Hameno nhasi!"
Bhunu raizokuwedzera kukurovesa nehana mapindiro aro mumba. Taishandisa two rooms chete kitchen nebedroom. Mamwe vaive vaisa maroja. Tairara tese nagogo. Bhunu rakangopinda harigugudzi ka ndiwo waive muitoro waro richiriku door ndokuti,"pane vanhu here pano?!"
Pasati pawana anodaira rakabva ratosvika kubedroom nekungovhura. Tete vaive nekahunhu kehugotwe kunyangwe vaive vava munhu mukuru zvavo.
"Tirimuno zvedu,"gogo responded tete ndokusvikogara pabed pataive vachikandira handbag yavo kwakadaro hanzi,"ndiye anemimba uyu?!"
Hapana akadaira vakati,"nhaiwe? Shuwa shuwa nekutambudzika kwakaita vabereki vangu vachikuchengeta iwe wakutoita hako zvevarume?Uneshuwa iwe? Haa kana kwaSibanda hakuna munhu anehunhu hwakadai hakuna." Ndakaziva kuti yatanga yavo yekuda kuti handisi mwana wehanzvadzi yavo.
"Hakutorina kana! Ini uchindiona kudai ndakaita zvekukumbirwa ini vabvunze gogo vako ava! Chero vanin'ina vangu varikumusha vekwabamnini handiyeuki kuchinzi aripo amitiswa ini. Tinodadisa isu vanamaSibanda. Iwe dai mai vako varivapenyu vaitiudza zvakanaka naka kwavakakunhonga nekuti kurudzi kwedu hazviko izvi." Mai vacho kwavakuti,"ayewa maiJuri mwana haanzwaro kani."
Vaidheererwa futi mai vacho. Tete ndivo vaive vatodzesa vana hunhu hwavo. "Mama musakurudzire zvisina basa apa! Ndosaka azonhumburiswa munoita kunge izai mwana iyeyu!"
"Zvekuti kurudzi kwenyu hakuna akambomitiswa kutaura here?"
"Kuti ndataura nhema here?"
"Ndiyani anoziva zvirikuitika kuMhondoro uko kwawakasogumawo urimwanana? Hakuna kusingamitisiwe vanhu."
"Saka murikutoti agona ka!?"
"Ravhunesi mwana we handina kuti agona asi kungotaurawo kuti zvimwe zvaunozotaura kumwana nikisi mhani." She complained vakanzi,"ini ndinobuda mazviri kana muchiona sekuti murikushushirwa zai renyu ka."
"Ayewa rega mwanawe muzukuru wangu uyu hapana chinonetsa ndinogona kuzviperekera." Vakadaro vatoramwa tete ndokunyarara ndofunga nyadzi dzaive dzabata. Takambonyararidzana vakandicheuka ndokuti,"ndewekupi mukomana wacho nhaiwe?"
"Kuma19 uko."
"Arikutii?" Vakabvunza kuti nditaure kuti handisati ndamuudza ndakatya kutovharwa nembama sezvo vaive vagere mudhuze mangu. Apa vaitove muhasha dzekuburana namai vavo vaigona kutopedzera shungu pandiri. Gogo ndivo vakandinunura ndokuti,"chituta chaEriot ichi! Haana kumuudza!"
"Kana ndavakutaura monditi ndinomuvenga. Shuwa panemunhu angatadze kuzivisa murudzi wemusengwa? A level chaiyo? Mari dzenyu muchadzidemba apa dzakaendera pasina. Ko akanotirambira?"
"Enda naye iwe maiJuri tinzwe kuti zvakamira sei. Ndinechivimbo chekuti urikumuziva chaiye chaiye waisangorara chero nani zvake mwana waEriot."
Tete vakabva vati,"rongedza tinonzwa!" Ndaive ndagara ndatorongedza ndakangobata bata kabag kangu nhando. Tikazobuda paye kuenda. Luckily nguva dzaive dzatofamba kwatosviba hakuna azotiona.
Takaenda netsoka nekuti paive padhuze. Ndakafamba ndichiudzwa kusave mwana wehanzvadzi yavo chikind chese. Tavakupinda pagedhi vakanditi,"chero akaramba urikuzopasara handidi munhu anoda kundiurayira mai vangu neBP munhu wepi asingachengeteki!"
Takatowana vabereki vake varipo Stan aisavepo. Tete vakapira nyaya yedu. Baba vacho kwavakuti,"mirai tifonere muridzi wenyaya auye." Chaive chirungu chega chega mumba macho. Mai vacho vaingorovanidza maoko avo zvekupererwa chaiko. Haana kunonoka Stan wacho. Akapotsa kudonha achisvika padoor achindiona. Handina kutombosimudza chiso kuti ndimutarise. Akabvunzwa nababa vake kuti anondiziva here akati,"ehe ndinomuziva ari musikana waSimbarashe Gumede."
"Ko iye arikuti anemimba yako wani?" His mother asked akati,"handiizive ini anogoita nhumbu yangu sei ini ndati musikana waSimba?" Baba vacho vakaramba vakandiyeva. Every time I lifted my eyes ndaiwana vakanditarisa ndokuti,"wakamborara naye?" Akatsenga tsenga handina wo kunzwa mhinduro yake. Baba vake kwavakumuti,"Stanford hatisi shamwari dzako wanzwa ka?! Pindura mubvunzo wangu!"
"Ehe but it was this once dad." He complained baba vacho ndokuti,"maita basa tete abvuma muridzi wemhosva." Vakabva vatowoneka kuenda tete. Mai vacho kwavakutura mafemo ndokuti...
Stay tuned.
Chihelele❤
❤️
😂
😢
🙏
👍
22