🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 01:58 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K Follow our channel for more books. Our WhatsApp group https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa *Follow me on Facebook👇🏿 please and like*https://www.facebook.com/profile.php?id=61553577806405&mibextid=ZbWKwL *Chimurenga Cherudo* Story by Nita Chihelele 263 786615997 27 785221582 Chapter 3. Yeukai. Pakabuda tete pakamboita runyararo. Munhu akatanga kutaura ndiStan achiti,"but this is so not fair! Hamundipe munhu asiri musikana wangu ka!" Vakamunongodzera nechigunwe chaibvunda baba vake ndokuti,"kana asiri musikana wako how come you slept with her?!" "Ihure ka Humba! "Mai vacho commented baba vacho kwakubvundisa chigunwe chiya chakanongedzwa mukadzi wavo hanzi,"mai Stan ka! MaiStan ndirikukutsiura! Haufambe naStanford kwaanafamba wanzwa!? Anofanirwa kuziva kuti misikanzwa inema consequences." "Ko kana asiri mwana waStan kurikuti airara navo vese?" Vakabvunza mai vacho vakanzi,"zvichaoneka zvese izvozvo with time handiti achabuda mwana here?" "Ehe asi ka kumuchengeta pano zvinobuda here akazobuda asiri waStan?" "Ko akabuda ari wake?" Vakabvunza baba vacho mai nemwana kwakuti tonho paye. Ndainyatsonzwa kuboorwa nemeso ndigere paye. Baba vacho vakazoti,"Iwe Stan endesa umwe kuroom kwako." Akarasa rasa maoko Stan wacho kwavakuti,"daddy for crying out loud haasi musikana wangu handidanani naye ini! I've my girlfriend." "Ehe Humba mavakutomanikdzira ka kuti mwana atore munhu waasingade apa. Kana kwakamirirwa kuti mwana azvarwe adii kuenda kuroom kwevasikana uko?"vakabva vati,"okay muendese kuroom kwana Lorca uko. Simuka zimhandara unoratidzwa kwekuzororera." Ndakasumuka ndavakatora kabag kangu Stan akanzi,"iwe Stan takura bag iro! Udzoke kuno ndirikuda kutaura newe!" Akaita kubvuta kabag kandainge ndatobata. Ndikabva ndatotanga kutya Stan was nice aindiremekedza. Kuita nhumbu kwainge kwandiparira shuwa. Kwaizoputsa ukama hwangu nevanhu vakawanda. Akabva afambisa ndikatowana avamo muroom muya. Maive nemunin'ina wake wandaiziva ainzi Lorcadia. Ndichipinda akabva ati,"why nhai Yeu?! Why would you do this to me?! Unoziva wani kuti musikana wangu ndiJuliet,and your cousin for heavens sake!" Akabva abata gotsi. Lorca kwakutoseka achifinyamisa face achinditarisa from head to toe. Iko ndaitoona kuti ndasvika kuvanhu vasiri velevel rangu. "Waida ndiendepi Sta..?" I asked nezwi riripasi pasi akandidimburira hanzi,"Yeukai mhani you should have done something ..terminate! Whatever amana! Anything Yeu! You are old enough waiziva kuti zvichadai!" Lorcadia laughed hard ndokuti,"iwe Stan! Wakadii kumuudzira izvozvo panguva yacho!?Usade kubatira apa iwe waisaziva here kuti zvichadai?"akabva awedzera kuseka Stan wacho ndokurasa rasa maoko hanzi,"ini hangu handidi zvinhu zvichandirambanisa nababie rangu." Lorca ndokuti,"apa wazotiitirawo zvimwe Stanford Manomano." Akabva aseka Lorca uya kwakuverenga matakkie andaive ndakapfeka aive akanzi Nike. Achibva aseka ndokuti,"Nike handichapfeke ndaabho. Haa kana rakadai maya, they should surely sue macompanies aya anotengesa ma imitations. Haa maya! Madam makaritengepi takkie renyu reNike iri?" She asked me zvekutsvinya. I knew she meant kuti Nike yangu yaive isiri original. Which was true. Kwedu we could not afford ma original. So ndaizongomachivawo kunaJuliet. Ndozochemera gogo vondipa yavanenge vawana ndonotenga mumaChina mutown.Ndaingodawo zita rekunzi ndakapfeka wo Nike. Handina kumupindura she was being rude to me. Ndokuti,"Stan munhu wako wavingei naye muno?No ini hangu handidi company muroom mangu budai!" Haana kudaira Stan wacho akabuda nebag rangu ndikaziva kuti ndaifanirwa kutevera wo. Akanonoka nekupinda muneimwe room. Takawana muna Debra neumwe wandaisaziva musikana. Debra aive muhombe kunaLorcadia. Aitevera Stan. Debra akabva atoti,"and then?" Vese vanenge vaitoziva nyaya yangu . Hameno maybe vainge vateerera ichirikutaurwa. "Sha ndanzi ndimuhunze muno nadaddy," he said Lorca ndokuti,"aah already tiri2 muno naKerryn. Wadii wamuendesa muroom maLòrca ariega kwake?" "Sha enda unobvunza daddy wanzwa?" He was cheeky Debra ndokutiwo,"Stan chekutanga munhu wako ka! We cannot be overcrowded nekuda kweproblem yako! Kana watadza kumuendesa kwaLorca enda naye kuroom kwako shamwari!" Akangotsveta kabag kangu pamusoro pechi chest of drawers chaive mo kwakubuda achiti,"shamwari hausi iwe muridzi wemba! Go ask him uko!" Akasiya aroverera door ndikanzwa mai vacho vachipaumbawo kusitting room kwavo kwavaive. Debra ndokurumanidza mazino maoko akakunga zvibhakera hanzi,"Stanford is full of matuzvi!" Ndakashaya kuti ndigare or ndidii ne attitude yevanhu vacho. Uyu Kerryn wacho was a bit quieter ndiye akanditi ,"gara hako apa." She said achirova rova paedge pebed yake. Maitove netwo beds. Uyu hameno chaive chii chavo. Kwana Stan ndaiziva vatatu chete Stan , Debra then last born aive Lorcadia. Debra quickly spotted my shoes ndokungotanga kuseka ega achirovanidza maoko. Kerryn akafinyama ndokuti,"chii nhaiwe ukagonakidzwa wega kudai?" "Your brother Stan achatiitira zvimwe shuwa! Hona ka munhu wake Nike yaakapfeka! Haa mami mutori serious kana kuti iskit ramuri kutiitira?!" hameno vaimaona sei kuti haasi maoriginal.Kerryn wacho kwakumacheuka ndokuti,"aah zvinebasa here asikana? Ini ndirikutoona aribho wani?" Ndakabva ndatongomuda Kerryn wacho iyeye. Vakazoita nyaya dzavo sendisipo. Debra ndokuzondicheuka hanzi,"saka unoona sekuti Stan angarambe Julie achida iwe? Wakavharwa wena Stan haangonyengi vanhu vakangodaro daro ka I know him his my brother akandisiira mukaka." "Debra asikana usádaro aah vachapedzerana naStan wacho zve." "Haa chirikundirwadza Kerry ufunge hako icousin yemusikana waStan ka! She is a backstabber. Ndaimufarira musikana uyu ndichimuona achibva kuchikoro akapfeka zimugomo rake reuniform akangonyarara so. Not knowing kuti akutorongera cousin yake zvakapusa kudaro." Zimugomo reuniform rairehwa ndigogo vainditengera mauniforms akareba everytime. I would complain asi vaisamborega kutenga yakareba. Ndakatanga form one ndichisekerwa kureba kwe uniform yangu kusvikawo vazondijaira vana vechikoro. Akatsiurwa zve naKerry akandisiya. Chikafu chakazouya namaid ndikangotambirira chirango. Ndaitonzwa kuguta nekuda kwesituation yaivepa ground. Ndikatozodemba chandaive ndatorera rice racho Debra paakandicheuka ndokuti,"madam kusagona kushandisa fork neknife here kwaita varambe vakangogumbatira plate?" She laughed ndikangonyarara. Maid came kuzotora maplates she was also nice. Akatonditi,"ko hamuna kudya wani askana?" "Maita basa, ndakagutā." Akati,"husiku hurefu muchainzwa henyu." Akatora maplates ake kwavakuenda. Stan handina kuzomuona. Lorca akazouya kuroom kwataive ndokundicheuka achindinongedzera nemaziso hanzi,"ko ava vanorara payi?" "Iwe unombobhowawo sehanzvadzi yako iwe Lorcadia! Warambireyi kuti urare naye kwako sezvo uri one ikoko? Unofunga isu tinorara sei muno tava 3?" "Aah iye Stan ngaamutore , I want my privacy ini I can't share my room." vakaita kudiscusser nezvangu kunge ndisipo ndichingonzi uyu. Kerry ndiye akazoti,"its fine guys ndinorara naye pabed pangu." "Yooh unomujaidza kuti anouziva here mubhedha? Anongowaridza pasi zve nhai." Akazobuda Lorca uya mai vacho ndokuuya. Vakasvikomirawo padoor ndokuti,"kana waronga kuzovhiringa life yemwana wangu handisi kuzozvibvuma. Stan achangotanga kushanda arikudawo kumbo enjoyer mari yake." Debra kwavakurudunura kuti ndiri cousin yemusikana waStan. Maiwee vakaita kurovanidza maoko hanzi,"ihure iri! Pane munhu angadanane nemukomana wemwana watete vake? Haasi mukwasha here nhai? Ini zvekuchembedzwa handisati ndada hangu. Shuwa kunzwa kunzi Mrs Manomano vaanemuroora? Yuwii Stan wangu at 24 konzi avenemukadzi? Kana zve!" Debra ndokuti,"and we are supposed to share a room with her. Anorara payi?Nani?" "Mupe kafleece kaye handiti anty Tarisai vakakawacha here? Kaye kaimboshandiswa naDanger asati afa." Ndakangoti ende zvakaoma kupihwa jira rembwa shuwa. Kerry ndiye akazoti,"its OK ndinorara naye ini." "Iwe usade kuita moyo chena nezvisiri zvako ka! Kese karipano ndekangu nevana vangu! Hauna chinhu chaunogova iwe! Unofunga kukutambira moyo wangu muchena here? Handisi mai vako ka ini vaiita basa rekushereketa nemurume wangu vachifunga kuti vachandibvisa nxaa!" vakabva vatofuratira vachifemereka ndikaona apusa Kerryn wacho. Ndipo pandakazivawo aive mwana wavaManomano wavaive vaita kunze. Ndosaka aive akasiyana nanaDebra kuita. Akabva Kerry angopusa Debra kwavakupinda mumagumbezi hanzi,"rega ndirare zvangu mwana waFidelis naAgatha!" Kerry ndokutura mafemo. Ndakatoona kuti ndeumwe wangu pakusadiwa pamba apa. Tarisai wacho kwakuzouya nefleece riye. Ndikazvipeta pasi ipapo. Ndikasiya Kerry akangosuwa agere pabed. Stay tuned. Chihelele❤
❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 26

Comments