🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 01:59 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
Follow our channel for more books.
Our WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa
*Follow me on Facebook👇🏿
please and like*https://www.facebook.com/profile.php?id=61553577806405&mibextid=ZbWKwL
*Chimurenga Cherudo*
Story by Nita Chihelele
263 786615997
27 785221582
Chapter 5
Yeukai.
Ndakamuka makumbo akabatwa nechando. Ndakapeta kafleece kangu kwavakugara pamusoro pekasatchel kangu. Kerry naDebra vainge vachakafa zvavo nehope. Ndakavhura phone yangu kwakuwana mamessages aibva kunaSimba imwe aive angonditaudza. Imwe yaive yakanzi,"weekend babe ndirikuda ka timboswera tese. Ndakuudza in time kuti aite plan."
Handina kupindura ndakatoshaya kuti nditi chii? Kwakuwana yaJulie yaive yakanzi,"cuz kurisei? Ndanzwa mama vachiti anga achida kujamuka but mudhara wake ndiye azopindira." NaJulie wacho ndakatoshaya kuti ndimutii? Imwe pfungwa yakamboti ndivablocker vese naSimba. I decided kutongoidzima phone yacho igare yakadaro.
Munhu akazopepuka ndiKerry akandidongorera from her bed ndokuti,"urisei makoti? Watomuka kuseni kuseni kudai?"
"Mushe, ehe hope dzapera." I said akati,"chero ini dzandiperera." Akabva atanga kubaya baya phone yake ndikangoramba ndigere paye. Dzaitove kuma past5. Mushandi wepo ainzwikwa kufamba famba papassage. Ndakaziva kuti ndiye chete. Debra akamutswa nephone yake akasvasvavira pachi stand chaive padivi pebed yake akatsinzinya. Ndakanzwa avakuti,"babe ungafona this hour here? Ndanga ndakatofa nehope ini." Hameno babe wacho akatii akanzi,"its okay but please tinonogara for two days chete. Mudhara wangu anondiponda sha akaziva kuti ndaendepi....ok cool....mcwaa love you!" She disconnected apedza kutaura nemunhu wake ndokuzvitwasanura kwavekumuka ndokugarisika. Akati,"ko madam mamukirira kugara makatiyeva? Hanzii? Mavakufunga kumba kahi?"
Handina kumudaira achibva ataura nesister yake hanzi,"sha Tommy arikuda tiende kuVic falls apa ndirikuda kutsvaka mabudiro wena. Moms havanetsi vanoziva madhiri problem ndimudhara."
"Eish ma1 saka uchati urikuendepi?" Kerry said Debra kwavakuti,"I'll lie ndoti ndadeedzerwa job interview kuVic falls hotel. I have a friend who can call agobhilivhisa mudhara."
"Saka bho kana zvakadaro sis,"Kerry said Debra ndokuti," you know what! He promised to buy me a Versace wrist watch gaya. Its worth over a thousand dollars. Vana Virggy vachandibigger mira uone ndabva kuFalls. Tommy anemari dzake asikana I don't even mind kuti he's married. Virggy nadoctor wake haakwane, mira ndiuye newatch yeVersace." Ndakamuyemura her life was stress free.
Pakazopinda Lorca apfeka uniform yechikoro akafinyama paakandicheuka. Akataudzana masisters. Ndakazonzwa Stan achitaurawo. Tikazonzwa mai vacho vavakukwamatata papassage vachiti kumukwe. Kerry akabva atomuka akatanga kugadzira bed yake. Debra akatodzokera mumagumbezi hanzi,"yooh I need my beauty sleep. Ndomukira kuendepi zvangu." Door rakabva ratovhurwa vakasvikira kuti,"open the windows girls mmmhh this room is not smelling nice. Mudzidzise munhu uyu kugeza ndarohwa nehapwa chaiyo. Ende kuseni kuno hapwa inorwadza manhuhwiro ayo!"
She shifted her attention to me and ignored kuvataudza kwangu ndokuti,"pano zveutsvina tsvina hatiite! Kana uripano wotoziva kugeza. Ndirikuda kuti imi vaviri munondibatsira kukamunda kangu uko itai tiende."
Ndakangonyarara ende kwaigove hako kunditsvinyira ndaisanhuwa hapwa kana. Vakabva vatoti,"handei handei ndirikuda kuti mangwana papere" Vaitoreva ini naKerry. Wavo aingotaura akanyura mumachira. Pandakapfeka mugumbo matakkie angu Debra akabva anditi,"matoshinga madam neNike renyu iroro?" Hameno kuti aida ndiri dii akati,"muchasangana nanamaiMugari mama muchati ndiyani wenyu uyu?"
Mai vacho ndokuti,"ndikanyatsoisunga face yangu wati ndinombobvunzwa zvisina basa here ini?"
"Mama im going to Vic falls paweekend naTommy. So ndichanyepa kuti ndadeedzerwa interview. Mundibatsire muface wenyu asandiise pacorner stereki."
"Uchidzoka rinhi?" Vakabvunza mai vacho akati,"its only for the weekend chete."
"Handiti wati weekend chete? Undibatsire udzoke pamazuva aunenge wataura iwayo. Unovaziva baba vako vanenge vavakundishungurudzira nyaya dzako."
"Maya mama handiti Tommy anofanirwa kunge aripabasa Monday here?" Vakati,"okay."
"Handei handei!" vakadaro vachirovanidza maoko akabuda Kerry ndichimuteverawo. Kerry ndokuti,"mapadza arikuno hande timatore."
Takapinda munechimwe chainge chistoreroom maigara ungwanda ngwanda. Takatora mapadza maviri tavakubuda tikasanganidzana naanty Tari vakati,"asi murikuenda kumunda?"
Kerry ndiye akadaira vakati,"pasi pacho panochereka here iyo mvura yacho isina kunyatsonaya kudai?" Kerry akangoti,"tichangoita zviripo anty.'
Ini ndaiita kudedera nenzara semunhu aive arara asina kudya . Ndaitotya zvangu kusangana nevekuziva takafamba kusvika tapinda chisango kuzviminda zvacho pasina hapo wandainge ndaona. Kérry aitokuziva aifambira mberi achingotura mafemo takanyararidzana. Takasvika kumunda kwacho maivaStan vasati vasvika. Waitove munda musvinu Kerry akati,"I hate this place yooh ndakatema makwenzi na anty Tari pese apa tiri two."
Ende paive pakatokura akabva atura mafemo and started digging hanzi,"handidi kuswera ndavakuchema sha let's start working." Ende paive pakazviomera pasi pacho. Vakazouya mai Stan kusina kure kwataenda ndokuti," muchere kusvika apo! Ndirikuda kuti zvingoita zvemazuva paviri chete pange papera. Kuitira kuti mvura kana youya imvu rinenge rashandurwa. Zvekudya chibage chekutenga bodo ndinemhuri ka ini. Munyatsochera chaizvo kwete kungopara para pamusoro zimhandara itawo semunhu mupenyu nhai!"she was referring to me.
Vaingodaro zvavo but painge pakatooma zvapo.
Vakambomira mira kwakuzoenda. Vachingonyangarika takabva tasumukirana tichizorodza misana. Hapana aitaura neumwe takatanga kuita serious kuti tipedze. Zuva rainge ravakutopisa. Ini ndainge ndichadonha nenzara chaiyo. Takazopedza kuma to 12 mai Stan havana kuzodzoka.
Takati tichisvika pagedhi tichisanganidzana naDebra akaita kuchena. Akapfeka mahigh heels akabata kaclutch bag muruoko aive apfeka brazillian refu inosvika kumagaro. Aiita kunge murungu chaiye. Plus vanhu vacho maskin avo aingoita kunge vanogeza nemukaka husoft. Plus kuumbwa ayewa vese naLorca vainge vakatora body structure yamai vacho. Painge pakatomira zibango pagedhi. Muine murume aive akapfeka maspecs ari dim ainemazindebvu achitoonekwa kuti ndovene vemari. Perfume yaDebra yaiita kukachidza tirikure naye. She waved at us achipinda mumota. Takapindawo mukati meyard tikatowana maiStan vagere pamachairs aive paveranda vachibaya baya phone yavo vachinwa drink raiyerera chando rakakorerera so kuratidzika kuti rinonaka. She sipped before saying,"mapedza?"
Kerryn ndiye akadaira achiti,"tasvitsa paye pamati tisvitse."
"Manje mukagorembedza maromo kunge matochera munda wese ndokudii?" Hapna akavadaira vakati,"endai munodya mubatsirane naTari mabasa kwete kuswera makarara. Mvura yakafunha funha last week yakasiya yasvibisa mawindows murivamwe maapindira muchipedza kudya. Tari haangazvigone zvese zvese ega."
Takakweva makumbo tichipinda mumba macho. Maiita kufefetera mhepo inotonhorera kuratidza kuti munocleanwa kwete mbichana. Maiita kunge paradise repasi kunaka. Ayewa vaive nezvhinhu zvavo kani. Ndainge ndavakumuona fresh manje mumba macho kwete zvandainge ndaona husiku kwatasvika. Takananga kusink kuseri Kerry kwaainge ati tinogeza makumbo huruva. Tari akatinzwira tsitsi hanzi,"hii nemapisiro akuri kuita dai manga maenda nechigumbu chemvura shuwa. Inwayi tea yenyu chingwa ndachiisa mubreadbin chakatoiswa margarine."
Tava tega Kerry akati,"ini hangu tea kuchipisa kudai handiidi ini . Ndichanwisa hangu chingwa changu nemvura."
Paakavhura mufridge yacho yaive yeglass iine madoors maviri. Ndakaona zvigubhu zvemadrinks mhando dzese ndikangomedza mate. Maive makazarisa kani mufridge macho. Kerry akanditi,"gara hako ndikuitire tea yacho." akavirisa mvura ndikundiitira fast. Akavhura breadbin racho kwavakuburitsa maplates two aive nama two slices echingwa. Akanditambidza yangu ndikutorawo yake. Ini ndakabva ndatoona kuti handiguti.
Tari akapinda tichangotanga kudya akadongorera kudoor ndokutora chimwe chingwa akatiisira umwe neumwe two more slices akazevezera kuti,"idyai fast madam vakawana munezvingwa zvakawanda munondipinzisa busy."
Takaitawo sekudaro tapedza kudya Kerry akati,"hande tinogeza tigotangana nemawindows acho."
Takananga kuroom kwedu tikawana muchiita kunge mapfuura Cyclone. Maive makaita kuti bvuuruu mbatya dzakabviswa mumacupboards dzizere pasi dzimwe pabed. Tawuro hombe rekumonera raive nyoro rakakandwawo pambatya. Hair dryer iripasi ipapo mafuta ekuzora ingori mvenge mvenge. Kerry sighed achitanga kunhonga zvinhu ndokuti,"ende zvakaoma hazvo."
Debra ndiye ainge asiya mess yese iyoyo nekuti room rese rainge rakabata kunhuwirira perfume yake. Kerry ndokuti,"bathroom iripa second door from here enda hako usane kugeza ndichimborongedza muno."
Ndakatsvaka tawuro rangu kwavakunanga kwacho kwaive nebathroom. Maive makanaka mubathroom macho neshower netub. So I opted for a tub kuti ndigeze ndakagara ndichizorora paitove nemvura inopisa. Ndakaita kuivhurira. Ndiripakati pekugeza door rakakaruka ranzi bengenu. Vaive maiStan ndikanzi,"usanakirwe nemvura inopisa uchikanganwa ka kuti inobhadharwa mvura iyoyo! Iko akupa mvumo yekugezera imomo ndiyani? Ayewa buda ! Buda tone!" Apa vaive vatopinda vakanditarisa ndakashama which made me feel uncomfortable.
" Unodziisa mvura woisa mubucket wonogezera kutoilet yekunze uko! Ibathroom yevana vangu handidi vana vangu vatapurirwe skin disease." Ndakabva ndasumuka mutub muye ndokudhonza rokwe rangu vakangonditarisa ndokuti,"iyo domestos neHandy andy siya wakwesha tub iyoyo. Tari achakuratidza bucket rekugezera. Ma luxuries ndeevana vepano!"
Vakabva vabuda ndikasara ndavakukwesha tub iya.
Stay tuned.
Chihelele❤
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
23