🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 01:59 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
Follow our channel for more books.
Our WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa
*Follow me on Facebook👇🏿
please and like*
*Chimurenga Cherudo*
Story by Nita Chihelele
263 786615997
27 785221582
Chapter 7
Stanford.
I drove past pamba ndichiita ndichicheuka Julie. Ndaitya kuti ndikapinda pamba aigona kupinda. Pandakasvika ndakatora Masiyephambili road. I was sure kuti ndatomutiza. Ndakano parker pazvimisika zvaive padivi peroad. Kwaive kwatosviba but vanhu vemisika vaivepo pakangozara zara people buying. I sighed ndichiringa ringa maglass aive azara mumota zvese padashboard.
Ndakacheuka kumashure raive rapwanyika rese. Ndakaburuka ndokuenda mberi kwemota ndikadzungudza mosoro. Ndakaenda kunotarisa kumashure it was really bad. Ndakabata gotsi nekuti that meant hondo chaiyo namudhara Manomano.
I had thought kuudza Julie chokwadi kurinani. I knew she was going to get mad. Ndakasuduruka kwakunomira at a distance for a better viewing. Ndakapukuta kumeso sighing.
Ndakazodzokera kumota phone yangu yavakurira. And it was Lorcadia. Ndakaidaira akati,"uripi Stan? Julie aripano arikuita jambanja iwe! Angopinda asina kugugudza akasanganidzana na anty Tari ndokutanga kuvatuka. Pabudikira mama abva atanga kuvatukirira hanzi mai vehure! Paanga avakuda kuvhura door remuroom mako achitsvaka Yeukai abva abatwa namama vakamusundira kunze kwegedhi vachibatsirwa naanty. Daddy vamuwana kugedhi izvezvi avakupotsera matombo ndokumudeedzera vanhu vakudhonzera kumba kwavo. Nhasi unourawa iwe!"
"Haa anopenga Juliet, " ndichipedza kutaura naLorca call yamudhara Manomano yakabva yapinda. Ndakamboda kuirega. But kwavakutoona kuti hapana chandinenge ndagona.
"Stanford urikupi?! Huya kuno now!" Handina kuitwa hello zvayo. Ende ndaiti ndikanzwa vavakundideedza full name ndaitoziva kuti ndatsika chimbambaira.
Vakacutter ndisina kutodaira kwacho. Ndakatarisa mota pavaizoiona nezvaive zvaitwa kumba hameno kana ndaizopabuda. Ndakapinda mumota and drove back home slowly trying kuti ndisakusvike. I swear I going on a 10km/hr nekuti it took me a while kukusvika. Ndakawanda pakanyararisa ndokupinza mota mukati. Ndichibuda mugarage mumba ndimo maitove nenoise. Voice ramama raitove padenga denga. Ndakambomira trying to hear what was going on inside.
"Haiwawo murikungoda kungwarira mwana apa! Imi munhu mukuru what example are you setting panana vana vemahure vachibudikira siku nesikati pano?! Haiwawo ibvai apa!" My mom shouted ndikaziva kuti ndini honzeri.
Pandakanobudikira ndakawana daddy vagere mama vamire vakabata chiuno. Daddy pavakanditi baa vakabva vati,"iwe urikumboita nezveyi iwe?! "
"Anozvizivirepi iye achangosvikawo?!" Mom rescued me daddy ndokuti,"mai Stan imbonyarara nditaure nemwana wanzwa!?"
"Handisi kuzonyararidzwa newe Fidelis kunge urimutsvene apa!" Vakaridza tsamwa daddy and shifted his eyes to me ndokuti,"Stanford taura neni! A girl came here causing havoc. Claiming kuti iwewe wakarara necousin yake. How true is that?"
Ndakabatanidza maoko ndokuti,"yes it was a mistake daddy..."
"Ndiye uyu aripano cousin wacho?" I nodded vakadzungudza musoro ndokuti,"im glad you ended up with this other girl nekuti uya haana kutokwana mumusoro make umu!" He said vachizvijunga junga musoro and went on to say,"she is trying to cling on to you nekuti real boys wont stand such a psycho. But iwewe how come unorara necousin yemusikana wako?"
"Imi tangai mandipindura wo kuti sei makanoita chihure kusvika mazvara mwana ini ndiripo ndichizvara!" Mama interrupted daddy ndokuti,"maiStan please imbomira nditaure nemwana uyu wanzwa!?"
"Handisi kumira nekuti ndichirikurwadziwa ka!"
"Didn't I apologize here nhai? And why are you even shouting nezvazvo pamberi pevana?!"
"Shamwari unofunga inyore ka! Zvirinyore kudemo nekuti ndiro rakatema asi muti wakatemwa zvinorema kuti ukanganwe. Apa marwadzo acho I have to see the reminder yechihure chako everyday panapa!"
Daddy sighed ndokuti,"shamwari I suggested to buy mwana wangu nzvimbo yake yekuti agare but iwe ukazviramba. Saka unoda ndiite sei?"
"Anotengerwa imba kuti akosheyi? Ndeupi mwana pano wamakatengera imba?" Vakafemereka mama mudhara ndokuti,"saka tell me ndidii? Mwana wangu ka uyo! Pano pacho haumude! Kumutsvakira kwake away from you urikuita godo! Saka tell me ndidii chaizvo?"
"Urimbwa Fidelis Manomano! Mbwa chaiyo inemuswe!"
Vakayanika maoko daddy vakasumudza mapendekete ndokuti,"saka unogarirei nembwa? Enda kumunhu uisiye imbwa nhai. And is it even necessary kundituka pamberi pevana?"
"Ndinokutuka nekuti hauna chimiro urihure! Basa kuda kungopopotera mapfekero evana vangu! Kupopotera Stan kunge iwe unezvisvinu zvaurikuita pano pacho."
"Vana vangu and handisi kuzonyarara kana uchitadza kutsiura vana vachiita zvisina basa. Unorega Debra achiuya nguva yaada pano mwana musikana! And you want me to just sit back and watch. Izvezvi aripi Debra past five kunge anoshanda! Vachachema newe vana ivava harusi rudo rwaurikuvapa asi urikuvapa hurema im telling you."
"Haiwawo kuda kutiza dzako nyaya apa uchitaura zvevana vangu! Vasiye ndakazvara ndega! Be concerned newehure rako uyo!" She shouted apa I was not yet dismissed ndaive ndangopusa pasofa vabereki vachijimana nemashoko.
"Iwe urikungohukura but I paid you zvawakareva for kukukanganisira kwandakaita. Hauna kuchemera kuripwa here iwe? Ndakakuripa but im forever suffering. Argh nxa sha ita zvawada wanzwa ka?! Ndaneta! Im tired kuitwa chidhori newe."
"Ndicharinyisa zana rehure richapfidza chete!"
"Sha ndinogona kuitira mwana wangu plan if she's not welcome here. Ndiwe wakati ngaagare nevamwe. Its oky ndinomuitira plan anopabva pamba pako." Mama ndokuti,"mubve mese newe baba vacho!"
"Wavakurotomoka manje, siyira vakomana mutoriro hauna zera nawo!"he clicked his tongue ndikapotsa ndaseka panyaya yemutoriro. Ndokuzondicheuka ndokuti,"its okay enda."
"Iwe ndiwe wemutoriro not ini!" Mama shouted vakanzi,"respect yourself Agatha wavamunhu mukuru Stan dai ari mwana wemusikana avanevana chero 4. Dai wavambuya pauri saka zvaurikuita hazvina zera newe."
Nyaya dzavo dzainakidza kuteerera. Ndakanodhumana naLorca akamira akaita kuti kwati kwati papassage eavesdropping. Paakandiona ndichibudikira akaisa chigunwe pamuromo zvekuti nyarara. Kwakumirawo ipapo tikanzwa mama vavakuti,"ndiwe wakangondibatira ndichirimwana mudiki uchindizvarisa Stan iwe ndiwe zidhara risinganyare rinoita basa rekudyer musoro kuvanza bvudzi jena.“
"Hausi kuona kuti ndiwe waidawo zvinhu kudanana nemunhu asiri wezera rako? Urikuimba chihure hausi kuona kuti ndiwe senior yacho yechihure. Dhuze ndiwe wakandifundisa chihure ini nekuti all along ndaitovewo muface bho." Lorca akavhara muromo avakuda kuputika nekuseka akazevezera hanzi,"baba vako vanozokugona kukwidza bp yamama."
"Nxaa ndakuenda and I'll strip you of everything urirombe Fidelis!" Mama said vakanzi,"ufambe bho unovafarisa mberi ikoko kwauchaenda." Mudhara vaitofinhura zvavo. Takapabva paye tichimhanya tatonzwa mama vavakufamba kuuya. Ndakananga kuroom kwangu ndokunzwa vapinda muroom maanaDebra hanzi,"iwe mwana wehure buda mumba mangu!" I knew she was referring to Kerryn. Mudhara ndakavanzwa vachisumuka kwavaive going kwaive namama hanzi,"Agatha wavakufarisa wazvinzwa!? Siya mwana wazvinzwa?"
"Ngaabude pamba pangu izvezvi!" Ndakanzwa vavakunetsana kuroom kwaana Debra ikoko. "Unopenga here iwe! Kerry gara pasi hakuna kwauri kuenda!" Ndakanzwa Kerry avakuridza mhere hameno zvaainge aitwa ikoko. It was not funny anymore ndakamhanyira ikoko ndikawana mama vakabata broom vachida kurova Kerry mudhara achiedza kuritora anenge aive atorohwa naro Kerry wacho.
"Mama please, shupanai mega musiyane naKerry." I said ndichidhonza Kerry kubva kunamudhara ndichida kubuda naye. Vakabva vakanda broom pasi ndokuivhurira mhere hanzi,"ndirikurwa hondo yako iwe Stan wavakutotora divi remhandu yangu!"
"Mama Kerry haisi mhandu yenyu. Mhandu yenyu murume wenyu leave Kerry out of it."
"Urimbwa Stan wakangofanana nababa vako. Ndikafa pano ndinoda hama dzangu dzizive kuti ndiwe nababa vako mandiuraya!" Ndakadhonza Kerry mudhara vachitevarawo kubuda. Kwakutosanganidzana naDebra papassage zvichibva zvatomuipira ipapo ipapo akapihwa zenya namudhara achinzi,"iwe ndiwe mumwe munhu wandagara ndichida kurova iwe! Unoita pamba pano sepa brothel! Inguvai dzaunosvika pano idzodzi!?" Akabata dama Debra akatadza kupindura. I didnt interfere Debra neniwo ndaimunzwira ginger yekumbomurova chaiko. She didn't have respect aingoita parading nevarume pamberi pangu. But mai vacho vaimira zvekuti aisaroveka munhu wacho.
Mama vakabva vawedzera kuridza mhere hanzi,"Fidelis urizidhonki chairo! Hazvina chiremera zvaurikuita kurova mwana musikana akura kudaro!"
"Ndinomurova kana achiita chihure pamba pangu. Kana akura zvekuda kusvika nguva dzaanoda mwana wako ngaabude pano."
"Akura Debra uyu asi urikuda kurara naye here iwe?! Hauna manyanisi zvimwe urikutochiva mwana wangu. Chaunorwadziwa nacho chii kana anemukomana?"vakaridza tsamwa vachinanga kubedroom daddy hanzi,"ndirikupamha kukutsiura kuti siyana nezvinodhaka ndezvevechidiki! Ndingade kurara nemwana wangu wandakazvara kuti ndashayeyi?" Mama shouted hanzi,"ehe urikumuchiva! Chinokurwadza chii kana anemukomana?!" Daddy havana kunzwikwa mhinduro yavo vaive vazvivharira mubedroom mavo. Ndikanzwa vavakunyengererana naDebra wavo. Kerry ndakamugadza pabed ndikati,"sorry sis madrama acho epamba penyu uchamajaira hako. Ndozvavari vabereki vako."
She sniffed hanzi,"ndirikuda hangu basa. Ndakaisa maCVs but hapana zvirikuita. Ndavakuda chero remudzimba hangu ndizvishandire." I hugged her ndokuti,"don't worry ndichakutsvakira mari yebusinness haungashandi mudzimba. Iwe think of something chekutengesa." She nodded achipukuta misodzi ndokuti," thanks bro,"
"You don't have to thank me you're my blood handifari kuona uchishungurudzika." Ndakamupa remote kuti aone TV. Panze painge panyararwa hameno mama naDebra wavo kuti vaivepi. Ndakatora phone yangu expecting a message or something from Julie asi kana. But what I knew was that hondo yaive isati yatanga zvayo. Juliet ndaimuziva, kuzofunga futi kuti ndinemhosva yemawindow emota yamudhara ndainzwa kuwonda. Nemood yavaive it was hard kunovaudza. Ndakazongoti vaizozvionera kuseni mugarage totangira ipapo.
Anty Tari brought me food yaive plate yangu chete. Ndikatovati,"ko yaKerry hamuna kuuya nayo yake wani anodyira kuno."
Vakakwiridzira mapendekete and whispered hanzi,"iiih mama varamba kuti ndimupakurire haana chake chikafu."
"What?! Haa asi chii namama amana?" Ndakadaro ndichitodungamidzana naTari uya going to the kitchen ndokutowana vagere kukitchen kwacho naDebra vachidya ndikati,"mama hamunyime Kerry chikafu."
"Uri ani iwe unondiudza izvozvo pamba pangu?Iwe urinyoka skukuviri inemisoro miviri iwe! Ndiwe uchapihwa mushonga wekundiuraya nemuvengi wangu iwe!"
"Mama hamusi kuona kuti mavakungoita drama riri unnecessary here? Muvengi wenyu achandipa mushonga ndiyani? Just admit kuti zvamuri kuita is wrong chete! Kerry mwana haana mhosva irwayi nemurume wenyu imi mugoona kuti ndiyani anobata or kupindira."
"Vana vangu ndiDebra naLorca iwe urimhandu. Uchandifunga Stan rimwe gore."
"Maendepi?" I ask ndichitogadzira chingwa nedrink. Vakati,"ndafa ndipo pauchaona kuti mai vakakosha. Ndipo pauchaziva kukosha kwangu ndaenda."
"Ndozvairi life mama kuti vadiwa vedu vanofa tosara tichivafunga. Rinenge rasvika wo zuva renyu sezvo pasina akanzi achararama for ever." I said ndichitobuda ndatakura chingwa nedrink. Ndikasvika ndichiti," kunaKerry idya ini ndichanwa drink."
"No bro imi idyai sadza ndinwe drink. Ndagara handisi fan yesadza ini." Ndizvo zvatakazoita paye. Pakurara ndakazonorara pasofa kusitting room ndokumusiira bed.
Stay tuned.
Chihelele❤
❤️
😢
👍
🙏
21