🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 01:59 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
Follow our channel for more books.
Our WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa
*Follow me on Facebook👇🏿
please and like*
*Chimurenga Cherudo*
Story by Nita Chihelele
263 786615997
27 785221582
Chapter 8
Julie.
Vakaita kunditakura vakomana vaive vakumbirwa nababa vaStanford kuti vandibvise pamberi peyard yavo. Ndakaedza kuda kuburuka mumaoko avo nekuti ndainzwa vamwe vachibata mazamu angu. Vamwe vachindirova magaro. Vamwe ndevainditsvoda. But I couldn't set myself free nehuwandu hwavo. Umwe ndeaive akabata gumbo umwewo akatakura rake. Vaitosvika ku6 vanhu vaive vakandisimudza. I tried kicking and shouting but hazvina zvazvakabatsira.
Apa vanhu vaive vakandiunganira ndichiita drama kwaana Stan vese kwakutevera vacho vainge vakanditakura vaye. Ndakaita kuzarirwa tuvana tuchiita noise vairidza miridzo vairidzawo miridzo. Ndaifunga ka kuti semunhu ndaidzidza kuboarding school hapana aindiziva. Kwakutoshamisika pavanhu vaive vakanditakura kunge bepa kudaro kuchinzi,"kababie aka kanozvinzwa haa nhasi kazarura huru wena! Hakataudzi kanozviita musalad. Nhasi ndazokabatawo."
Ndakaburutsirwa pagedhi pedu and vaitopaziva pamba pedu. Kwakutosanganidzana namama vachisvika pagedhi wo nemota yavo probably vaitobva kwagogo kwandainge ndavasiya.Vakashamisika wo kuona mhomho yevanhu ichisvika yakandiita kunditakura. Vakaburuka mumota muye ndokuti,"what's going on!?"
Someone from the group shouted hanzi,"tanzi tiuye naye musikana uyu namudhara Manomano. Anga achida kuputsa mawindow epamba pavo!"
"What!?" Mama shouted vachitarisa kwandiri votarisa group revanhu riye, mostly vaive vakomana.
Vakawanda vakaitirana kuti,"ehe anga achituka achiputsa zvinhu kwaManomano nekuti Stan amuramba!"
Ndomubudiro wakazoita nyaya yacho panguva iyoyo. Ndomabatanidziro avainge vatoiita nyaya kuti ndarambwa. Pissed off mama ndokuti,"ibvai panapa mese! Munouya makamutakura asi haachagoni kufamba ega?! Ibvai pamberi pemba yangu kurumidzai vana vemaroja nxaa! " vakatsakatika vanhu vamwe vachimhanya vavakutya. Mama ndokundicheuka hanzi,"iwe urizibenzi iwe! Chii chacho chawanga uchiita ikoko kwaurikunzi wanga uchiputsa mawindow? Hatina here kukutuma kuti unotsvaka Yeu?!"
I was in tears ndichitove wo muhasha nekuti shungu dzangu dzaive dzisina kupera ndisina kutsatisa Yeukai. Ndaive ndatadza kumuona Yeukai wacho. "Mama im in pain right!"
I shouted at her ndichizvibata chifuva with both hands ndavakuchema futi. "Pain yeyi?! Yezvikomana zvisina kana plan yeupenyu?! Zvivakomana zvinoswerera bronco?! Tinokutuma iwe wavakunochemera kurambwa nemukomana! Why usina kutanga kwatakutuma wazoenda hako kunochemera rombe rako!"
"Mama! Mama Yeukai wenyu akamitiswa nemukomana wangu! She was busy f*cking with my man ndirikuchikoro! Makamuendesa kumba kwemunhu wangu mama!"
Vakambopererwa ndokuti,"iwe usanditaurire zvinyadzi pano wanzwa? Pinda muyard umo!" She was a bit calm hameno kuda kunzwa kuti Yeu akamitiswa nemukomana wangu. I didnt want to go inside ndainzwa kuda kuita something chete. Ndaive muhasha.
" But I'm telling the truth she was sleeping with my man!"
"Iwe man yeyi yaunoziva pawakati mhaa ipapo. Ndavakuzokonana newe pinda mukati mhani! Urikuda kutoita bhayiskopo paroad pano?!" Vakaita kupopota ndikangopindira kutya. Vachibva vapindawo mumota mavo and drove inside the gate. Ndakanopinda mubedroom mangu ndokuzvikandira pabed ndokuchema stereki ndichiburitsira mariro chaiwo. Emily mushandi wekwedu naGiven munin'ina wangu vakapinda vasina kugugudza kwavakuedza kubvunza chaindichemedza asi handina wandakadaira. Mama vakazopinda vachibva panze vakapfuura vachidongorera muroom mangu hanzi,"iwe ndakuzokubhura ukaramba uchichema zvisina basa ipapo. Unomuchemara mukomama iyeye kuti anga akuroora here? Kuchemera rombe zvaro ratozvi prover kuti irombe last number rinorara nanaYeukai asingageze! Imbomira kutinyaudza ipapo tone. Iwe Emily zvaunenge uchapisa poto nekuda nyaya! Given mhanya unosheedza gogo vako uti hanzi namama huyai kuno izvezvi!"
Emily akabuda fast aivatya mama. Given wacho kwavakutoti,"aah aah kwaManjex kwese uko husiku huno!"
He said achitobuda muye mama ndokuti,"ndozvandinokuvengerai vana vaObert kusatumika mhani! Gift aripi?"
Gift wacho ndofunga akaziva kuti akudirwa kutumwa ndakanzwawo achibhon'a kutv room hameno aitii? Mama ndokuti,"iyo TV iyoyo yaurikurambira pairi ndini ndinofondoka kuishandira kuti muwokere. But kutumwa neni hamudi! Muchakaura as from mangwana onwards ndirikutakura decoder iroro ndoenda naro. Muchasara muchiwokerana nekuti munekamwe kakuita kanosvota so. "
"Haa hamudaro mama!Kutakura decoder nekuda kwekuti taramba kuenda kwaManjex? Haa amana what's the use of having phones saka? Just call her handiti vanephone here gogo?"
Ndofunga vaive vasina kuzvifunga mama. But she didn't give in easily vakati," ndirikukuudzai so kuti kusatumika kwenyu ikoko kuchakuparirai. No TV kubva mangwana decoder ndoisa mumota." she started dialing vamire paye kwavakuzonditi,"iwe Julie imbomira noise mhani ndirikuda kutaura paphone!......mhai mhanyai kuno izvezvi soo!" She said paphone nekuto cutter. Ndakanzwa vavakutaura kutv room ndikaramba ndakarara nedumbu ndichichema.
Ndaingonzwa vachiburana nevana vavo kutv room. Havana kunonoka kusvika gogo. Vanenge vakauya vachimhanya chaizvo.
Pandakanzwa vachiita hodhi yavo kumain door ndakabva ndatoti kwaku! "Gogo ndimi makatuma ka Yeu wenyu kuti adanane nemukomana wangu?!"
"Iwe Julie imbomira mhani ! " my mom shouted gogo vaive vapusa mama ndokuti,"mhai huyai kuno ndini ndakudeedzai ka!"
She proceeded kuenda kuTV room kuye. Kwakuteverawo ndichichema. " Juliet ndavakuzokurova wanzwa ka!? Buda muno kana uchirikuda kuchema unochemera kunze kwegedhi uko! Urikuda kutishurikidzira rufu uchichemera rombe kudaro!"
"Ko hindava?" Gogo asked vaita kugara nehalf yedako pasofa vachiratidza kunetseka.
" Handiti ndiye ka muzukuru wenyu wepamoyo akamitiswa nemukomana wemwana wangu?"
"Urikuti chii Rhavhunesi?" She asked shocked mama ndokuti,"hamuchanzwi Shona here? Ini chikore kore chenyu ka handichigone zve."
"Wati Yeu akamitiswa nemukomana waJuri?"
"Inga mazvinzwa wani? Saka manga muchida kundinzwa ka? Shuwa shuwa kuitawo here ikoko? Ndimi ka maiti anovengwa muchimuvharidzira. Zvaaita izvi murikuti chii nazvo? Agona ka!?" Vakagarisika gogo ndokuti," ndiudze nyaya yacho yese maiJuri."
Mama vakandicheuka ndokuti,"iwe tiudze zvaitika"
Ndaive ndambomira kuchema ndakapinda nemo nemo sekuziva kwangu. I was glad kuti mai vangu was on my side.Mama ndokuti,"murikunzwa nyaya dzemuzukuru wenyu mhai? Heee Yeu anovengwa heee Yeu inherera heee Yeu chino nechino. Chitauraika tinzwe hoyo holy Yeukai akatorera mwana wangu mukomana wake." Ndaisatoziva kuti mama yaive yavabata ka nyaya yangu.
"Manje ndidii ini? Ndingazive mafambiro aYeu? Vana vakangoita misikanzwa zvavo?"
"Gogo you're not serious! Misikanzwa yeyi iye aimuziva mukomana wangu?"
"Ehe misikanzwa yeyi pakadaro?" Vakandibatsira mama gogo ndokuti," handitozive wo kuti sei akaita kudaro Yeu wacho?"
Mama ndokuti,"haasi mukashwa here mukomana waJulie uyu kuna Yeukai?"
"Ndizvo mwanawe asi zvazvadai tidii? Asi hazvo anga asati avakuziikanwa ka zviripamutemo kuti mukomana waJuri. Hatingati mukwasha."
"Mama saka murikutomupembedza ka Yeu wenyu?" Mama asked vatarisa gogo kumeso gogo ndokuti,"ndamupembedza papi nhai Rhavhunesi?"
"Chii chirikungokuremerayi kuti Yeukai akakanganisa?"
"Kukanganisa akakanganisa handirambi asi zvichabatsireyi nekuti yakatodeuka kare."
"Harusi rudzi rwekwedu mwana uya kana! Hakuna muyera Shumba anechihure chakadai kana! Mwana uya akatora tsoka dzamai vake dzechipfambi. Dai arimupenyu mukadzi uya aida kukwapaidziwa aigona kutiudza baba vaYeu chaivo chaivo. Kwete kunyepera hanzvadzi yangu nxaa."
"Rhavhunesi haushuri? Yeukai zvaari mwanawo anongotadzawo sevana vese ivava. Ungabva wadaro mwana wehanzvadzi yako? Unoziva kuti ndiye munin'ina wako iye uya wawakasiirwa nehanzvadzi yako?"
Vakarasa rasa maoko mama ndokuti,"handinin'inani nemunhu asiri werudzi rwangu ini!" Ndaitosvotwawo nekuita kwagogo defending Yeukai kudaro.
"Manje pandichamuonera ndichamutushura dumbu rake! Ngaanamate tisaonane nekuti patinosangana hapameri sora!" I swore vakati,"wakanaka fani muzukuru wangu usazvidzikisire kurwira mukomana. Unomuwana mumwe Chihera wangu." Gogo said.
"Musade kuvhara vhara apa what Yeu did is wrong apa. Kuseni ndirikuda kupfuura nepo pamba pacho ndimbomunzwa kuti zvivindi zvake zviripai zvekutorera mwana wangu mukomana wake. Ikezvino mwana wangu auya nemhomho yevakomana vemurukeshini kuitwa sekuti haana kukwana nekuda kwake Yeukai wenyu iyeye. Ayewa ini achandiudza kuti chihure chakapusa kudaro akachidzidzirepi? Kana akachidzidza kumusha kwamai vake aendeko."
"Rhavhunesi iwe siya nyaya dzevana. Vanonotii ikoko kumba kwacho?" Gogo asked mama ndokuti,"i don't care kuti vakwasha vangu here? Chandinoda vazive ndechekuti vakachengeta hure, nyoka mhakure chaiyo pamba."
Shungu dzangu dzainge dzaserera ndichinzwa mama vangu vachiudzisa gogo. Gogo ka ndivo vaimudisisa Yeu iyeye vachimuita kunge zai. Vakabva vatosimuka hanzi,"moyenzera zvakanaka ndakuenda kumba kwangu," vakacheuka Given ndokuti,"murume ndiperekedze ka unondisiya kumba."
"Aaah vaManjex hazviite ndichirikuona firimu rangu. Padhuze apa munotyei gogas?"
"Ko babaEriot handei ka munondisiya kugedhi kwangu." Gift wacho kwavakuti," ndakaneta ini gogo haa maya." Ndokurambirwa kwavakaitwa nevanhu ini havana kutomboda kunditanga nekuti ndaive ndakavatsamwira. Emily ndiye akazoti,"handei gogo ndikuperekedzei."
"Iwe wapedza here kubika isu vamwe taswera nenzara kumabasa?" Mama said akati,"ehe ndapedza handiti makati ndipakure mapedza kugeza here mama?"
"Handina kuti undiyeuchidze zvese izvozvo. Ndohutofo ihwohwo ndangokubvunza kuti wapedza here kubika ehe kana kuti kwete ndozvawanga uchifanirwa kupindura."
"Ehe mama ndapedza," vakabva vasimuka ndokuenda kubedroom kwavo. Iniwo kwakudzokera kuroom kwangu gogo vachibudawo naEmily. Ndakanopinda mushower ndokuvhurira mvura ichindidira ndichinyatsochema. Everything was like a joke, kufunga kuti saka Stan anotorara naYeukai everyday ndainzwa kuda kudzokera kumba kwavo ndinoputsa mawindow.
Ndakazobuda mushower kwakutora phone yangu ndokuenda pachat raStan......
Stay tuned.
Chihelele❤
❤️
🙏
😂
👍
😢
17