🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 02:00 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K Follow our channel for more books. Our WhatsApp group https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa *Follow me on Facebook👇🏿 please and like* *Chimurenga Cherudo* Story by Nita Chihelele 263 786615997 27 785221582 Chapter 9 MaiStan. "Ndakuigirai pizza mama ndaisiya paveranda pandaona kuti murume wenyu atosvika." Debra said ndikati,"aita hake mukwasha wangu." "Anga achida kutenga nebucket remachicken pieces kuKFC manje ziqueue racho iiih tasiyana nazvo." "Ayewa achatenga hake next time," akabva asumuka kunotora pizza kwaainge aisiya. Baba vacho vainge vazvivharira mubedroom. Akanouya nayo ndikati kunaTari, "ini usandiisire sadza ndinodya pizza yangu nedrink. " Ndakabvisa maslices mamwe ndokuti,"iyi Lorca achadya kuseni achienda kuchikoro ooh Tari isa muoven umo." Debra haana kudya ainge akatoguta. Takambotandara vanhu vese varara achindiudza mafambiro avaive vaita naTommy wake. Lòrca akazobudikira ndikati,"ko uchakasvinura?" "Handirari ndisina kudya tunonaka twauya naDebra. I know zviripo zvaauya nazvo chete! Ndanga ndichitya kubuda kuti ndinogona kusanganidzana necrossfire ka." "Iwe hauna chako chandakuigira. Handiti urimusikana wo ko vako vakomana basa ravo ndereyi?" Debra said Lorca akapusa hanzi,"hii Debra asikana ka!" "Asikana chii? Hautumike futi iwe asi unoda zvinhu zvangu zvandinouya nazvo." ndakazoipindira ndatoona kuti Debra aida kuomesera mwana wangu ndichiti,"iwe tora pizza yako yawatengerwa nabamkuru vako irimu oven umo." Akajamba jamba hanzi,"yes! I knew it kuti Tommy anokutengera something chekuuya nacho chete. Umuudze kuti zitsotsi akanditi achanditengera data nanhasi," she said aita kuzadza muromo pizza avakutadza kutaura ndikamuti,"iwe idya zvakanaka mhani! Kuzadza muromo kudaro kunge chirikutiza chikafu chacho!" She ignored me ndokuti,"sisi Kerry nhasi varikurara kubedroom kwaStan?" "Musiye akadaro anebasa naye ndiyani?" I said ndichitonzwa kusvotwa nezita iroro. Aindimara mwana iyeye kungomutarisa. Ainditadzisa kupora ,aitondidzorera kumashure panguva mai vake vachinditorera murume wangu. Ndakasumuka ndichisiya Debra naLorca vagere ndokuti,",girls tobatana mangwana. Hure riya please make sure harifuki magumbezi angu. Achazvimoneredza nechifleece chaDanger ichochiya kusvika Jeso adzoka. Achapabva ega pano. Zvemiyedzo ndinombozvida here ini" Ndakanopinda mubedroom kwakuwana shasha ichibaya baya phone yayo. Ndokunanga kubath kwandakanorova kaquick bath kangu kemanheru. Ndakauya kuti ndingopinda mumagumbezi ndinyerere zvakandirambira. Ndainge ndisati ndagutsikana nekutukirira. Ndakakumba machira ese ndokupeta ndokukiyira mucupboard. Ndokusiya duvet one randakazvimoneredza naro pamubhedha. BabaStan havana kutombondicheuka. Hadzina kubata ndaida kuona kuti vachaita sei. Pave paye vakaisa phone kwakadaro kwave kubata bata duvet randaive ndakafuka hanzi,"ngatifugeyi tese." "Iduvet rangu randakatenga nemari yangu iri," vakabva vamira kubata duvet riye ndokuti,"ko mazuva ese tanga tichifongofuka tese wani?" "Waive usati wandibhowa," "Saka ikezvino ndakubhowa neyi?" "Wandifungisa chihure chawakaita naWendy wako kusvika mazvarisana,"vakati,"saka nyaya iyi haiperi here? Ndiite sei kuti ipere nhai Agatha? Nekuti honestly ndaneta ini." "Siya kuda iye Kerry iyeye kunge ndiye ega mwana! Ida vese vana zvakafanana Fidelis." Vakamuka ndokugara ndokuti,"maiStan urikumboda ndiite sei chaizvo? Ndamuda kupfuura vamwe papi ndiudze?" "Unongogara uri take take nevana vangu pano. Hauna kurova Debra achizvisvikira? Richiri zera rekurohwa here Debra iye uya?" "MaiStan saka wanga uchida ndimubhabhadzire achipinda pamba to 7 mwana musikana?" "Handina kuti umubhabhadzire asi ka hautozive kwaanga achibva.Iwe wangomhanyisa pfungwa kuti arikubva kuvarume usati wabvunza." Vakati," chindiudza iwe mai vacho kuti anga achibvepi?" "Zvichabatsirei iwe watomurova kare mwana?" Vakarasa rasa maoko ndokuti,"saka iwe wacho why bringing the subject uchiziva kuti zvatopfuura hazvichabatsiri?" "Kungokuudza kuti handidi kunetserwa vana. Ndakaenda ndega mulabour kunozvara vana ivava." "Uvaudze vaite mushe nekuti as long vachiita zveupenzi ndinorova handiregi." Ndakabva ndatodhonza duvet ravaive vabata vakaridza tsamwa ndokurirega. Vakabva vatoti,"Kerry ndirikumutsvakira nzvimbo yekugara. Ende handidi kunzwa musindo kubva kwauri futi." Iyo yekuti abviswe pamba ndaisaida. Ndaitya kuti aigona kutengerwa imba agoitirwa mafavors ndisingazvioni. Kungoti zvaindikurira ndokaruka ndapopota. Ndaidisa kuedza kunyepedzera kumuda. Vakabva vatobuda kwakudzoka neduvet rekuspare ndokuzvifukidza iroro. Vakatoita shuwa kuti vaswedera kure neni. Vakatozvimonera zvemunhu asingadi umwe munhu mukati. Ndaimudenha ndichitemba kumupa makumbo. Ipapa ndaifunga kuti achaita semazuva ese tanetsana kundirwisa kusvika tafuka pamwe chete. Ndakangorambawo ndiri zii muduvet rangu. Ndikatozonzwa munhu avakutoridza ngonono. Ini ipapo ndaisave nehope kana. Ndakamboboira boira ndirimurima. Ndakaona kuti kukayedza ndisina kugadzirisa zvinhu munhu aigona kutomuka achitakurana nemwana wake. Ndakabuda muduvet rangu ndokuvhura ravo raive rakatotsimbirirwa zvekusada anopinda. Vakabva vapepuka hanzi,"chii ko!?" "Zvinoita here kufuka umwe neumwe ega?" Ndakabvunza vakatsokotsa maziso zvemunhu anga afa nehope hanzi,"ko handiti ndiwe wazvida?" "Saka matadza kundinyengerera here? Kana musisandide munongotaura ndizive hangu." "Sha imbomira kwasviba ini ndakaneta ndirikuda kurara please." "Ehe iwe unehope nekuti hauna ka zvinokunetsa Fidelis." I said vakati,"iwe urikunetswa neyi?" Chacho chaibatika ndakachishaya. Aive andiripa nemombe nhatu chihure chaainge aita namaiKerry. Mombe dzacho dzakabva kumba kwevabereki vake kuMhondoro kunova kumusha kwedu tese. Dzaitove mombe dzavaive vapihwa vana vese pakashaya baba vacho. Ndakadziendesa kwedu mombe dzacho. Aive akumbira ruregerero ndikambonyengererwa kwenguva refu chaizvo. Chaingondinetsa kuona Kerry pamba pangu daily. "Ini kamuitiro kenyu baba Stan so dzimwe nguva kanoita ndifunge kuti muchiri kumuda Wendy." Vakandicheuka ndokuti,"sha unopenga here? Ndingade guva here nhai?" "Ehe zve uchirikumufunga ka," "Mmmhh hauna nyaya wangu ndirege ndirare." "Ehe Fidelis urikutadza kuzviramba ka nekuti uchiri kumuda ka!" I shouted vakati,"ndinoda munhu akafa here amana? Chero kumufunga kwacho kune difference yakunoita here?" "Saka urikutobvuma ka kuti uchirikumufunga?" Vakatura mafemo ndokuti,"shamwari yes ndinomufunga samai vemwana wangu zvaasara asina amai panyika. But kwete kumufunga nenzira yaurikufungira iyoyo." Mashoko ake haana kundiitira. Ndaitove negodo chero ainge akasofa maiKerry. Kune umwe munhu wekuti anokushayisa rugare chero avaguva. MaiKerry vaive vakanaka uye vaive mwanana stereki. Vakatozvara Kerry iyeye vari under age takazozvinzwa vafa. Ndifunga vaive vangochiva mari pana Fidelis. Akazongoita accident hanzi aibva kuparty neshamwari dzake kuHarare. Ndakazorora paakafa maiKerry nekuti Fidelis aiita kumuchengera maiKerry iyeye. Ndakazozviziva Kerry atove ne10 years. Akanyepa kuti vakasiyana. But aingoendako, maiKerry ainge asisamude ndofunga aive aonawo kuti zidhara stereki. Dzakazobuda nyaya dzacho kuti babaStan aitomborwa nevakomana vainge vavakudanana namaiKerry. Kubva zvaakatanga nyaya yamaiKerry neniwo ndakabva ndatopindwawo naSatan chaiye. Pane pamwe paunenge wangogarira ivo vana nezvishandwa chete but munhu wavakutomusema. Ndakapotesa ruoko pavari vachibva vangofuka ndokurara vakafuratira. Ndikati,"okay murume wangu ndinokumbira zvipere matsanangura ndazvinzwa. Ndokumbirawo tidzokere pakuwirirana kwedu." Vakangoti,"iribho." Ndakamboti zii ndokuti,"ini hope hadzimbobati musina kundipa zvinhu zvangu zvandakavinga pano." He sighed ndokuti,"rara zvakanaka tone." Aitoratidza kuti haatodi asi ndaitoda tiite kuitira kuvharisa kuti Kerry atsvakirwe kwake. Pasina nguva tainge tavakupanana rudo. Tapedza ndakatenda ndokuti,"murume wangu Kerry handina problem naye kana. Kungoti ndinenge ndangobatikana chete. Asi angoriwo mwana akafanana nevamwe vese pano." He sighed ndokuti,"ndirikuzvinzwa asi kuitira kupedza mutauro better kumutsvakira kwake. Nekuti richasvika zve rimwe zuva rekuti tinotadza kunzwisisana." "BabaStan ndirikuda vana ava vakure vaine bond. Hatizogari tiripo panyika so they need each other as siblings and they only have each other. So please usavhiringwe nekutaura kwangu siya mwana nevamwe vake." "Kungoti mamwe mashoko aunozotaura sha unondityisa. If anything happens to Kerry I wont forgive myself." Ndakazvibata chifuva ndokuti,"do you think im that evil baStan zvekukuvadza Kerry ini? Usandidaro hako shuwa, ndinotaurisa nekutyisidzira but handina moyo wakaipa hangu." Vakatura futi mafemo ndokûti,"problem unomutyisidzirawo naiye saka anosununguka sei?" "Sorry kutsamwa asi mwana wangu ndinotaura naye. Kana uchida kuona kuti vana vako vanodanana hauna kuona kuti Stan apinda achibhururuka sei kuzotora Kerry?" Ndiko kuvharisa kwandakaita nyaya yekutsvakira Kerry nzvimbo. Kuseni vakatomukira kuenda kubasa semazuva ese zvatopera zvekunetsana. Ndamuka vatoenda kubasa ndichida kunomutsa musikana waStan naKerry kuti vaende kumunda. Kwakumira papassage ndanzwa munhu kurutsa mubath. Ndakagugudza nekutovhura ndikawana ari Debra. "Chii?" Ndakabvunza akati,"I guess isavanna yandakanwa nezuro kwataive taenda." "Mmmhh kutanga here kuinwa or inhumbu iyo Debby?" Akasvipa ndokuti,"hiii mama please don't say that." "Asi maisashandisa protection?" Haana kudaira akabva atotanga zve kurutsa.... Stay tuned. Chihelele❤
❤️ 👍 😂 🙏 😢 19

Comments