🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 02:00 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
Follow our channel for more books.
Our WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa
*Follow me on Facebook👇🏿
please and like*
*Chimurenga Cherudo*
Story by Nita Chihelele
263 786615997
27 785221582
Chapter 10
Yeukai.
"Ende zvakakuomera kutodya kumedza iwe watorera cousin yako mukomana?" Lorca said manheru ainge auya Julie kuzoita noise. Ndakangoramba ndiri zii.
Kuseni vakazouya tete vangu. Pavakagugudza munhu akanovadongorera ndianty Tari. Mai Stan kwakubvunzawo varimumba hanzi,"ndiyani nhai Tari?!"
"Varikuda kuona makoti!" Hana yakarova ini ndakatombofunga kuti ndiJuliet chete. Ndakazonzwa ivo maiStan vavakuendawo kudoor kunodongorera. Ndikanzwa kutaudzana ndaive ndateya ndikatonza riri voice ratete vangu. Ndikanzwa vachiti,"kana muchifunga kuti munhu muchandiudza imi. Haasi mwana kwaye shuwa shuwa nekumuchengeta kwandaimuita iye akutodanana nemukomana wemwana wangu? Zvichingobvawo namai vangu mwana iyeyu haasi mwana wehanzvadzi yangu. Kumudzinga ndiko kutogona nekuti mangwana munochema imi. Ende kana akuitirai mabororo please musauye kuzoudza mai vangu. Ndini ndirikuvachengeta handitodi vafe nebp mai vangu." Vaitongonyepa zvavo tete vangu vaisabatsira mai vavo chero nemasamba zvawo.
Ndaive ndango freezer ndichinzwa vachindiroverera kunamai Stan kudaro. Ndakazonzwa ndavakusheedzwa. Ndakabuda ndichiita kudedera ndichirikufamba papassage vakabva vatoti," ukamuona akanyarara kudai unoti hoyo munhu kwaye kandi kwaani ko? Nzenza yekupedzesera payakati mhaa!"
"Makadii te..." Handina kupedza kutaudza vakabva vatoti,"handisi tete vako ini! Handina ukama newe wanzwa?! Dai ndiri tete vako usina kuita zvawakaita mwana wangu. Dai ndiri tete vako mukomana waJulie kwauri chii?"
Ndakangoringa Pasi vakati,"daira zve?! Mukomana waJulie kana ndiri tete vako sekureva kwako chii chako?" ndakatadza kudaira futi vakandinongedza vakatarisa kunamai Stan hanzi,"uyu haasi munhu uyu. Munogona kufunga henyu kuti ndakamuvenga asi haasi munhu kana. Kwedu hakuna munhu anehunhu hwakadai akauya nehunhu uhu kumusha kwamai vake kumadzviti uko!" Ndakatoshaya kuti madzviti acho chii.
"Zvakatondishamisawo kuti shuwa aripo munhu angadanane nemukomana wehama yake. Ipapo ndipo pakaita nditoona kuti anedambudziko hombe." Tete vakabva vati,"ndauya kuzomukumbira kuti andiperekedze kumota kwangu zviripo zvandirikuda kutaura naye."
"Aaah munomukumbira kuti aripo anehan'ya naye here pano pacho? Chero akada kubuda kuenda haapo anombomutsvaka. Mwana wangu haatombozvidi izvi." Tete ndokuti,"maita basa,ndisvitse kumota uko iwe." She said to me.
Takabuda vachifambira mberi vakangondicheuka ndavarairwa ndokundipa mbama.
"Hauchengeteke mharadzi yemunhu! Mwana wangu akuitwa seasina kukwana rukeshini rwese urwu nekuda kwako! Dai ukasvodza chimimba muteku ichocho! Unofunga nezvauri izvozvo ungadiwe pano? Kuitira mwana wangu godo uchichiva pamba pano. Uchanhonga mubin ndirikukuudza so. Unofunga kusenga mazitako ndiko kuti ugodiwa? Vhura maziso utarise class kuti inoenderana newe here?"
"Tete ndineuromb...." Vakacheuka futi ndokundinongedzera nechingunwe chaidedera mumaziso chaimo hanzi,"handisi tete vako ini! Handina ukama newe ini kumba kwedu hakuna munhu akaita sewe! Kurumidza dzokera urikundisemesa!" ndakangosara ndimire vachifambisa kubuda gedhi ndokubva vamira vakandicheuka hanzi,"uzive kuti chero ukatambura sei usatsike pamba pevabereki vangu. Ndinaro simba rekukudzinga ipo paye futi."
Ndakadzokera kwavakusanganidza namaiStan vakatiwo,"ini handifi ndakakuda ufunge. Munhu anovengwa nehama dzake isu tisu tadzii zvedu?"
Kerry anenge aive anzwa zvese nekuti pandakati ndichipinda akabva anditi,"sorry hako upenyu sha hwakangooma ufunge."
Handina kugona kumudaira ndaitonzwa zibundu pahuro. Ndakaidzoreredza misodzi yainge yavakuda kubuda. Vakabva vatopinda maiStan ndokuti,"kumunda ngakuendwe nhasi paye panofanirwa kupera mucherewo sevanhu vanemabhonzo nhai."
Takabuda takadungamidzana naKerry. Ivo tikavapfuura vavamukitchen vachiyemesa Debra aive amukira kurutsa. Takanochera pacho paive pasara but paitove pahombe kupfuura peprevious day. Ndakanzwa Kerry avakuti,"ndirikuda kutsvaka basa remudzimba. Better kushushiwa ndichihora paneizvi. "
"Urinani hako hauna nhunhu," it was our first time kuudzana nhunha dzedu or discussing situation yepamba. "Iwe ndiwe urinani makoti my brother is not a bad person. Eventually he will come around. I guess he is just shocked."
"Iiih sha waona tete vangu kuseni? Ndavengwa nefamily yese yekwedu. Stan ini hangu handimudi hatina kutombodanana. Just that handinawo kwekuenda nenhumbu yake. Handitodiwo andide nekuti marriage yacho will be doomed.Vabereki vake wont approve vekwedu wesi.".
" iwe usazvidye Mwari loves us chete. Even if every one is against us but we have God. Iwe if you are truly sorry Mwari knows. Uriwo munhu wenyama wakakanganisawo people shouldn't judge you." Akabva ati,"imbozorora ndipedzese apa ndinokunzwira tsitsi munhu anenhumbu. I don't know how it feels but ndinongonzwa as if urikuremerwa." Ndakaseka ndokuti,"kuremerwa nedumbu risati ratomboonekwa here?"
"Ehe handiti mune munhu chete," munhu wacho aishanda haana kupatorera time tichibva tatoenda kumba. Takati tichangopinda babaStan vachisvikawo nemota. MaiStan vakatouya mukitchen maitaigadzira tea hanzi,"endai munodyira muroom menyu."
Kerry ndiye akazosara achiti,"varikutya kuti daddy vanozoona kuti tirikudya chikafu chishoma. Better daddy vauya, nhasi tikapedza kugeza tinozorora."
Ndizvo zvatakaita paye. Ndichipedza ndakananga kunogeza dikita. Ndakati ndiripakati pekugeza kwakunzwa baba vacho vachiti,"ndiyani arikugezera umu?!"
Kuti ndidaire zvakandiremera ndaishaya kuti nditii? Ndaitotya kutaura zvaizondipinzisa busy. Vakapamha futi hanzi,"ko munhu arikugeza umu haana nzeve?"
"Ndini daddy," I said hana yavakurova vakati,"ndiwe makoti?!"
"Ehe daddy ndini,"
"No! why uchigezera umu?! Haichashandi toilet iyoyo. Ndeyakare kare tinoshandisa irimukati umo! Munema bath maviri yaStan neyevasikana unosarudza yaunoda. Tari?! Hindava musingaratidze mumwe kwekugezera muchimurega achigezera umu musina mvura inopisa?" Tari wacho anenge aive padhuze ipapo. Ndikanzwa yadairwa namai vacho vachiti,"baba Stan musade kungopa vanhu mhosva panapa. Munhu uyu ndini ndakamuratidza pekugezera zuro chaiye. But kuti arikuedza kuprover chii ipapa handizive. Kungoda kunzi ndinoshupiwa ipapa." Ndakangopererwa baba Stan ndokuti,"muyenzi kani maimwana munopota muchimuyeuchidza pamwe akanganwa." Handina kuzonzwa zvavakadaira zvacho...
Debra
Yakazodairwa call iya ndikati,"shaa kana wauya please umire kumashops ndinouya ikoko. Mudhara wangu nhasi akurumidza kuuya aripo." Akanditi,"iribho babe but wangondiomesera hako. Dai wangondiudza zvacho zvaurikuda kundiudza. Do you know kuti curiosity killed a cat?"
"Luckily you're not a cat my guy , so you are safe you won't die." He laughed ndokuti,"okay kwacho , chingondiudza kuti igood news here?"
"Depending kuti uchazvitora sei. Tommy ingouya mhani apa wavakutozama kuti ndikuudze zvandakudeedzera paphone ipapa." Akabva ati,"see you soon babe." ndokubva acutter. Ndainge ndadanana naTommy hoping kuti aizosiya mukadzi wake. But nyaya dzemuchato idzi. Dzaiita zvitore nguva kuti vasiyane. He was loaded my mom liked him vaindisimbisawo kuti aizosiya mukadzi wake for me. Being married to Tommy was the best deal ever. I wanted to make my mom proud kumashamwari avo kuti ndaroorwa nembinga. He worked for the presidential team. I wasn't sure aiita basa reyi specifically.
Paakazofona achiti avakubuda mutown. I refreshed and sneaked out. Munhu aziva kwandaive ndaenda was my mom. Takasvikirana pamashops ndikabva ndatopinda akamutsa mota hanzi,"where to? Our usual place?"
"No hubby mudhara wangu ariko hazvibudi. Uuye mangwana uzonditora masikati." Akaratidza kubhoikana ndokuti,"eish apa ndanga ndatozviudza kuti tirikunofara. Sha do you know ndiwe unondiponesa? I told you kudhara kuti with my wife tavane time sleeping in different rooms."
"Iwe ndiwe hako urikuzvi punisher. Divorce her nhai." I suggested akati,"sha we have ma assets nemunhu uya. Its not easy ndinofanirwa kuita zvinhu nenzira yakangwara otherwise ndinozviruza." Ndakasumudza maoko stopping him from telling me his every day chorus. Ndokuti,"ndazvinzwa Tommy you always say. Im pregnant."
Akandicheuka ndokuti,"heee?!"
"Ndaanenhumbu," i said akati,"babe but we agreed wani kuti mwana tinoita divorce yangu yaita through? Mwana may complicate things kuside kwangu."
"Handizive zvakaitikawo sei. But zvatoitika tinongoita mwana wedu secretly. You rent me a place ndogara nemwana wedu."
"Shamwari kukuita hure ka uko?! How do you think baba vako will think nezvangu? Sha ndinoda kuita zvinhu nenzira kwayo wanzwa? I want you to make your parents proud. Ndodawo kuve mukwasha anodiwa. Totorana zvinechiremerera ndisisina zvipande. Iwe be patient chete." He had a point. I really wanted to prove my father wrong nekugara vachindipopotera kwavo.
"Saka toita sei?" Akambofunga ndokuzoti,"how about we do a safe abortion babe. Ndinokuendesa to the best hapana macomplications. Mwana anoda kurongwa sha." Ndakaonawo kuti yaive pfungwa bho. I nodded akandipa ka peck padama ndikuti," but ndirikurwadziwa mwana wangu amana. Anyways tinofanirwa kutamba takangwara. That woman akazviziva anogona kutoita make sure to strip me of everything I worked for. But tinombomira zve abortion titange taenda kuFalls babe nekuti ndirikuda tinofara chaizvo. Handidi kuzonotadza kudya zvinhu zvangu paweekend nekuti im looking forward to it." We kissed mumota muye kwakuzobuda ndavakuenda kumba kutyira kusvika ndichipihwa gwati naFidelis Manomano.
Stay tuned.
Chihelele❤
❤️
🙏
👍
😢
😮
18