🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 02:00 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaQ4AXS545uqlcUifP2X https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K Follow our channel for more books. Our WhatsApp group https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa *Chimurenga Cherudo* Story by Nita Chihelele 263 786615997 27 785221582 Chapter 11 Stanford. Ndakatya kuti mota iwonekwe kwakumukirira mudhara achakarara kuenda. Ndakananga kunoiisisa mawindows. Kamari kangu kandainge ndaka saver half yese yakaenda. It was better panekutukwa. Ndakatoisiya vavakuigadzira ndokubva ndatofamba netsoka kuenda kubasa. Luckily ndakawana daddy vari busy kutadza kuona kuti ndasvika netsoka. Vakaita half day musi iwoyo. Pavakabuda takatodhumana vavakuenda kuparking lot ndikanzi,"ko nhasi wakaparkira kupi?" "Ndaisiya pacarwash apo ndinonoitora soon." I lied dzikasekerera hanzi,"at least wakura wavakuzivawo kuti mota inogezeswa." Ndakangosekerera nhema vakabva vatopinda muneyavo nekutoenda. Ndakasara ndikatoti chance given kwavakuenda kunogarira mota ichigadzirwa. Ndaingoverenga mamessages aJulie achindituka. Ndaingomuita masorry. Pane paakazoisa imwe hanzi,"ndirikunoudza Simba tichaona kuti achafara here kumutorera babe kwawakaita." I didn't take it seriously. Kwakubva paye mota yaita. Ndokunanga kubhawa ndokumbonobata maviri before I proceeded home. Ndichisvika pagedhi kuma 7 kwakuona Simba amire kumberi kwemota akapetera maoko pachifuva. Akabva atouya kuwindow ndokuti,"buruka titaure man to man shamwari." Ndaimuziva Simba but we were not friends hedu. Aingove ma ndeipi ndeipi chete sevanhu vai dater macousins. Ndakazeza nemasungirwo anga akaitwa face kuti pano ndinogona kumenyiwa heavy. Anenge aive akatotayimira kusvika kwemota yangu. I hesitated kuburuka mumota ndikanzi,"handiti unozviita murume ka iwe? Saka buruka uzozviratidza pandiri." Ndakaona kuti aigona kutongotanga mhere mhere pagedhi ipapo. Zvikazokonzeresa mudhara kuti vabude itozoipisisa nyaya yacho. Ndakavindisa ndokuti ,"okay." I delayed kubuda ndichitya. Finally ndokuburuka akabva abata chiuno akanditarisa kumeso. Iniwo kwakubhayizira ndichiti,"ndeipi?" "You tell me ka iwe? I should be the one asking you kuti ko ndeipi yauri kuita cheese boy yekutora babe rangu?" Ndakapererwa kwakukwenya musoro nhando akati,"shaa usanditambisire nguva I've been waiting for you for long panapa." Ndakangobatanidza maoko in a begging manner ndikuti,"im sorry man." Im sorry yangu yakasumudza hasha dzake ndikanzwa kunge ndarohwa nemheni kumeso. Pandakaedza kupepuka from the clap ndakablesswer nechematsenganzungu. Akabva andipa kick nechepambabvu ndikagomera ndiribara kupinda mugedhi. "Dzoka cheese boy ndisati ndapwanya chizen'e chako ichi!" Ende chizen'e ichocho ndochaisaita kuti chipwanywe. Repairing the car again was a death penalty on its own coz ndaive ndabuda mari inotenga. Ndakamira ndabata pambabvu pandainge ndakaviwa ndokuti,"man I can pay you please." "Hoo unoona sekuti ndinotambura zvekudaro ndosaka wakatora babe rangu uchitemba mari?" "No sha zvakangoitikawo," i said not attempting kudzokera kwaaiveri kwacho. Kuenderera mberi futi ndaitotya kuputsirwa mota yaFidelis. Luckily hondo yacho yakaitika silently pachirume pasina anokwidza izwi. Mumba hapana akaziva kuti ndirikubinhiwa pagedhi. "Usanditaurire nonsense wanzwa! Ndati dzoka pano iwe!" "Sha ndati sorry kani,"akabva ati,"chimurenga chawatanga ichi hachisi kuzopera zvekudaro. Chichaenderera mberi kusvika ndawanawo musikana wandinoda achindidawo. Kana ndisati ndinenge ndichikubika pese pandinokuona. Uye wacho wandichawana akangondipa maproblems ndiwe wandiri kuzopedzera shungu. Kusvika watama muno ziva kuti urinyama iwe." Akabva afuratira kuenda ndikasara ndichibata bata pandainge ndarohwa. Pandakazoita sure kuti aenda ndakadzokera ndokupinza mota mukati. Ndakambotora nguva ndirimumota muya. Kwakuzobuda ndichipinda mumba. Ndikatowana Fidelis nebabie rake vagere zvekutowirirana kana kutomboita sevanhu vakarwa last night ndikangoseka nechemumoyo. Ndakatotaudzwa zvakanaka naka hanzi,"wapedza truck rawanga uchigadzira?" "Handina ndazoona kuti macrankshafts acho akadhakwa. So ndazoenda kunotenga mamwe kuspares shop. Nguva dzanga dzafamba saka ndazoona kuti better kupedzesa mangwana kwakachena." I lied, of course macrankshafts acho ndainge ndakamatenga day before handina kutozombowana mukana wekumaisa. Ndikanzi,"wagona ukasamhanyira kuisa you should take your time kuita chinhu. Hazvidi kuti truck rawagadzira rife pasina nguva. Unofanirwa kuratidza hunyadzvi hwako." "Yeah,"ndakabvumirana navo vakati,"ini mangwana ndirikuenda kuHarare kumeeting. Please usangosiire maspannerboy basa Stan. Be hands on please." "Ndazvinzwa daddy,"i responded vakati,"Neil uya atoripa negodo anogona kuita anything chekuti unyure. Kana wakazvicherechedza anoda stereki kuti uporonge anzi iye ndiye anogona. So please avoid zvinhu zvekuti mota dzaunenge wagadzira dzibatwe mafaults. And matools ako make sure you lock them yourself wapedza basa usatume tuvakomana twako tuya. Unobirwa matools ako. And you know ukarasa you pay." "Yes daddy," ichibva yapera nyaya yacho. Mama kwavakupinza wo yavo hanzi,"Stan please hutsvina hurimu bedroom mako umo noo mhani. Magumbezi ako chaiwo arikunhuwa zvisingaite. Pamusoro pazvo hautogoni kusiya wavhurawo mawindows ako. Ayewa pano pangu handitodi. Apa hembe zvadziri muwardrobe mako ijunk chaiyo. Dzakasviba nedzakachena imvenge mvenge!" Ndakangokwenya musoro vakawedzera hanzi,"netsika yako yekuti ukadya maplates haundese kukitchen. Ndawana cup hameno yegore ripi hameno chawaidyira imomo yanga izere masvosve! Maspoon ndanhonga maviri pasi pemubhedha wako! Please handizvidi kana!" "Okay momz," i said ndikanzi,"usanditi oky momz panapa ndirikuda mangwana uchienda kubasa usiye mumba imomo makachena. Magumbezi umboburitsira panze arohwe nemhepo." "Ndichaita sekudaro mama,"vakabva varidza tsamwa ndikanopinda muroom mangu. First thing ndakavhura pandainge ndapihwa bhutsu painzwikwa kurwadza. For a second ndakamboti asi ndatyorwa mbabvu? Ndakatoona patoita green, ndikazvitarisa kumeso pandaive ndarohwa. Lucky ndaisava nechizvimbisa hangu. But aive andirova chaiko. Ndakanovhurira mvura inopisa ndikaita kakutova pambabvu. Kwakuzodzoka ndichizvambarara. Hapana akandiigira chikafu. Ndakasumuka going to the kitchen kwakuwana mudhara varipo drinking water. Auntie Tari vaitosuka ndikati,"ko changu chikafu chiripi?" "Icho muoven,"she replied ndikati,"asi hamuna kunzwa kuti ndasvika here musina kundiigira?" Daddy ndivo vakati,"ayewa zve,unoigirwa kuti aunt mukadzi wako here? Ini inga wani baba vepano handiigirwe naaunt? Mai vako ndivo vanondiigira, aunt chavo kubika chete." Handina kudaira ndakangotora chikafu chacho. Kwakuwana iri beef inemuriwo. Ende muriwo kana ndambonwa ndaisauda kana. "Eish why do you have to add muriwo amana!" I complained ndikanzi nadaddy,"Stan unoshanda tenga chikafu chaunoda. Futi ndakakuudza kuti wakuchifanirwa kutenga chikafu. Mwedzi uchipera upe mama mari vawedzere pagrocery." Ndakatoona kuti ndazvisimudzira mhepo. Havana kumirira mhinduro yangu vakabva vatobuda. Ndakanodya kwakudzorera ndiro kukitchen. Ndakatarisa mumba macho maisaita zveshuwa. Pekutangira ndaipashaya. Ndakabuda going kuroom kwaana Debra naKerry. Ndakawana Yeu atowáridza pasi akafuka kafleece kaimbove kembwa yakazofa. Aive akatozvimoneredza nekafleece ikako serving as kuwaridza pasi nekutofuka kari 1. I felt bad handidi kunyepa. But I quickly looked kunaKerry naDebra ndokuti,"ndeipi guys?" Debra answered akatsikitsira paphone pake. Kerry is the only one who lifted up her face ndokuti,"bro murisei?" "Low low wena, ndiitirewo ka favor my sis. Ungakwanise here kumbonditsvayirira here kuroom kwangu mangwana? I promise ndokutengera data." "I would love to but tirikumukira kumunda. Plus nemvura yambonaya masikati iyi tinogona kutoswera tichidyara. But ndikawana mukana ndichatsvayira." Ndakabva ndati,"you're a life saver." Lorca akabva apinda wearing pajamas hanzi,"life saver aitei?" "Cleaning my room," i said akati,"unomupei?" "Mari yedata," ndakamuudza achibva atoti,"hiii nditengerewo ka private WiFi Stan ndirikuda kuenda paInstagram." "Aah kukutengera usina zvawaita unopenga here?" "Ndinotsvayira ka muroom mako." "Tatowirirana naKerry so hazvichaiti,"akati,"hiii Stan ndini ndirikuda kumutsvayira kani. Futi Kerry haasi mwana wamai vako ini ndini munin'ina wako wemashuwa shuwa ka." Akadaro achizvirova rova chifuva. Ndakatarisa Kerry ndikaona apusa ndokukurumidza kuti,"Lorcadia why unepfungwa dzakaora kudaro? Kerry munin'ina wangu wanzwa?" Kerry wacho kwakuti,"its oky bro ngaatsvayire hake Lorca ini ndinogona kutozotadza nekuda kwebasa." "But Lorca ubvise pfungwa dzako idzodzo dzakaora wanzwa ka?" Akangopindurudza maziso ndikawedzera ndichiti,"utsvayire pese pasi pamubhedha urongedze zvakanaka mbatya mumacupboards wanzwa?" She nodded ndikafamba ndavakuenda akati,"chindipa ka mari yacho." "Wakamboonepi company inohoresa usati washanda? Ita mushe Lorca and kana ukangoita zvako zvekungoda mari musina kuchena muroom mangu forget kuwana mari kwandiri." Akafutisa matama akashatisa kumeso hanzi,"ndocleaner Stan kani yooh chii newe?!" I left kwakumbotarisa pandaive ndakaviwa nekuti paingorwadza. Ndokumbopa rubber rubber nevicks ndichiti zvimwe marwadzo aizoserera. Ndakazopinda mumagumbezi kwakutora phone yangu ndichitsvaka hope. Dhuma dhuma nemessage yaJulie yaive yakanzi,"Stanford uriwangu iwe. ZvaYeu zvekuda kunditorera mukomana wangu hazvishandi. Stan ini newe tirikuzodanana. Uchiri kundida here?" I reread the message kahobho hobho comparing neemasikati achindituka. Kwakutoshaya kuti aive achinjiswa neyi pfungwa. Juliet ndaimuda asi message yake iyoyo yakaita ndizare confusion. Stay tuned. Chihelele❤
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 16

Comments