🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 02:00 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaQ4AXS545uqlcUifP2X
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
Follow our channel for more books.
Our WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa
*Chimurenga Cherudo*
Story by Nita Chihelele
263 786615997
27 785221582
Chapter 12.
Juliet.
Akapfuura nekumba kwedu Simba. Akandifonera ava pagedhi ndikabuda ndikamuti,"wamuona?"
"Yeah nxaa the guy is a loser. Ndamurova but hazvina zvazvichabatsira maybe vanodanana kwacho." He said I had thought kunzwa kuti arova Stan I was going to feel better asi kana. Akazoita kukwizira munyu wemagodhi paronda avakutaura zvekuti pamwe vanodanana. Ndakatura mafemo ndokuti,"but you cant lose your girlfriend just like that Simba. Dai waita zvekutopinda mukati wazvuva munhu wako." Ndakaedza kumupa pressure akarasa rasa maoko hanzi,"aah vakafitana marombe evanhu. Ndavakutoita zvelife yangu izvi hapana chandinowana pazviri." Ndakaona kuti zvatodhakwa . Akabva atokanda nhando hanzi,"tobata rega nditi dhaa paden."
Ndakasara ndapusa paye. Kwakukweva makumbo going back inside. Ndakasanganidzana naGift ainditevera pakuzvarwa papassage akanditi,"asi wakazadza mhonzi dzema gwadhi here muromo kufuta kudaro nhai Julie?" aive nekamwe kakudenha so. Ndakaridza tsamwa ndichimupfuura akaseka hanzi,"or uchakatsamwira kurambwa? Mujolo hauna zera nawo sister gara pasi!"
Ndakamucheuka ndokuti,"iwe unezera nawo? " he was doing his form four. Akaseka achizvipukuta chifuva hanzi,"ini kuchikoro vanonditi Mr Loverman." Ndakasekera svoto ndichiti,"nemazipundu azere kumeso iwayo nevanodanana newe vatoriwo nenhamo yevakomana."
"Dai uri umwe munhu anobvuma kudzidzisika hanzvadzi yangu ndaikupa one or two tips. Manje kuzviita uneyese hona Yeu akakutorera wawaitarisira pasi." I quickly walked muroom mangu and locked myself in. Kubva nyaya yangu naStan ndaive ndavakugara ndakazvikiyira. As soon as I locked my door aunt Emily knocked hanzi,"Julie imbodya sadza nhasi. Zvauchafa nenzara nhaiwe?"
Kubva zuva rejambanja yandakaita kwaana Stan ndaingorarama neyoghurt nemabanana. I was already feeling weak nekusadya. Moyo wangu waive wakatosviba zvawo. I ignored her ndikanzwa Gift avakuti," auntie don't worry Juliet na Romeo vakazviuraya nekuda kwerudo. So apa Juliet is trying to kill herself and when Romeo finds out he will kill himself vofa vese. But in this case hameno Romeo wacho kuti anerudo rwemashuwa here to kill himself for Juliet." Akabva anzwikwa kuseka ndikaridza tsamwa. Kunyangwe ndaida kubudira chikafu chacho but nevanhu vakaita sana Gift unototadza kubuda avakukuwanzira.
Ndakazonzwa mota yamama ichipinda. Ndikanzwa vachindibvunza vapinda hameno zvavakadairwa naauntie Emily. Ndikanzwa vavakuti,"musamusiire chikafu uyo. Ndaona rakasara zuro sadza rake risina kudyiwa. Munhu anoda kutitambisira chikafu nekuda kwezvinhi zvisina basa ndinombomuda here ini."
Ndakazopinda busy kudzokorodza mamessages andainge ndatumira Stan ndichimutuka. Ndakaona kuti either that was going to terminate mimba yaStan yaive naYeu or kubvisa Yeu kwaana Stan. Ndakabva ndatofunga kuti the only way to get back at Stan naYeu was to go back murudo naStan. Ndiyo chete nzira yandaizokwanisa kutsika konzi ya my cousin from hell.
I wasn't sure kuti Stan wacho ndainge ndichiri kumuda here. Message yakatovhurwa but haina kudairwa. Pride yakamboti Julie wazvidzikisira deleter anozoona sekuti uri desperate. But shungu dzekuda kuona Yeukai achichema dzakaita ndisa dzime.
Ndakaona munhu aenda offline asina kundipindura. Kwakuisa imwe yakanzi,"saka waive wagara uchitoda Yeu hako zve ndosaka usisade nezvangu." Haina kutozovhurwa zvayo. Ndakanotarisa yaYeu ndikaona still yandaive ndakasomuisira ndichimutukirira kese kamai vake ingori one tick. Kwakuwedzera zve ndichimutukira chihure chaamai vake chandaingogarawo ndichinzwa mama vachimutuka. Ndokuzombozvambarara hope ndaisave nadzo kana. Pandakazonzwa vanhu vasisanzwike kutaura ndakabuda kwakunotsvaka chekudya. Hameno aive asiya sadza rake mufridge. Ndakaridziisa praying pasave neanobudikira.
Rakaita ndikatora nechigaba cheyoghurt ndokunanga kubedroom kwangu. Ndakaritsvayira rese sadza ndokuzonzwa kuti ndavamunhu.
Hope dzakazobata pfungwa dzirikuna Stan. Ipapo ndaingofunga kuti vaiitei naYeu husiku kudaro. Message yangu yechi 2 haina kumbovhurwa. Ndakazopepuka mota yamama yavakubuda pagedhi kuseni. Ndokumhanyira pachat raStan. Ndokuwana apindura hanzi,"sha you wont believe me kana ndichiti zvakaitika zvakangoitikawo." he had chose to respond kuneyechi 2. But yekutanga yandaive ndamuti iwe neni tirikuzodanana ainge asarudza kuisiya.
Ndakabva ndatomuka ndokunogeza. Ndaive ndafunga kusvika kubasa kwaStan. Ndaingoziva kuti ndimechanic kuDelta. Ndakapfeka bho bho kwakunotsvaka makombi. Hapana wandakatoudza kwandaienda. Munhu wandakasanganidzana naye ndigogo vakatotakura chingwa. Vakaedza kunditi,"AChihera hamuchadi kuzondiona?"
I was so angry with her. Ndaida kutovanyararira kwakuzongoti,"ndichizokuonereyi?"
Vakabva vamira hanzi,"handisi gogo vako here?"
"Muri gogo vaYeukai, dai maive vangu musina kutombotendera kuenda kwaana Stan."
"Haundishuri mwana waRavhunesi? Ndaiziva here kuti mukomana wacho ndiye wako?"
"Zivai kuti handisi kuda zvekutaura nemi chete." I said ndichitofamba vakarovanidza maoko hanzi,"Ravhunesi akatodzesa vana kusagona kutaura nevanhu."
Handina kutombovacheuka. Ndakanokwira kwakunanga kuDelta. Ndakasvika pagedhi pacho ndokuwana musecurity wechikuru wekwaFawcett ndokubva ndatomuti," ndirikuda kuona Stanford Manomano ndiMechanic."
Akasekerera ndokuti,"tiripo wakadiiwo mwanangu." Ndakatoshaya nechaizhinyisa ipapo. Ndakangoti,"bho, aripo here Stanford Manomano?" Akatoona kuti handisi mumood yekutamba achibvawo aita serious ndokuti," Stanford abuda anogadzira truck raita breakdown paHopefountain apo. "
"Saka anodzoka nguvai?" I asked akati,"ipapo handizivi hangu." ndaisada kumutsvaka paphone. Musecurity uya ndokuti,"but ivo Mr Manomano variko kuoffice kwavo ndinogona kuvaudza kuti panemunhu." I quickly said,"no ndirikuda Stan ini."
Akabva angokwiridzira mapendekete zviya zvekuti handichina zvekukubatsira nazvo. Ndakaringa ringa pekugara. Ndaitoda kumuona Stan musi iwoyo. Ndokuona dombo raitove pamuvhuri padivi neimwe momz yaitotengesa chibage chimwe chaigochwa chimwe chichibikwa, mazai akabikwa nema sweets. Ndakañogarawo padivi pavo vakanditi,"mhoro zimhandara."
"Makadii?"
"Wakamirira vanoshanda mukati here?" I didn't like her being nosy. Ndakabva ndatoisa ma earphones angu zvekusatoda nyaya navo.
Ndakagara dzinenge three hours. Hameno kuti yaive tea time here or chii but vashandi vakatanga kuzotenga panamomz iye. Ndainge ndakatotsikitsira busy kutamba game paphone pandakanzwa voice raStanford. Ndakasumudza chiso ndokuona atori iye neumwe musikana aive akapfeka jean neshirt yaive yakatonzi Delta meaning vaishanda vese. Musikana aive nedako renyika iyeye veduwe. Ndakashaya kuti musecurity uye ainge andinyepera or Stan aive azopinda nemota ndakavarairwa.
Aisatondiona he was buying chibage. Ndikanzwa avakuti,"babe unoda chakabikwa or chakagochwa?" Ainge akatopfeka worksuit izere magrease kutoratidza kuti ndimechanic.
Ndakasimuka pandaive ndokukosora akabva angokanda meso kwandaive ndokundiona.
"Hesi Stan," I said ndichiswedera and the girl looked at me.
"Ndeipi?" Ndainzwa hasha dzichindimbundira ndikati,"iwe ndini musikana waStan usanyeperwe."
Akaisa maoko muhomwe eJean rake musikana uya ndokuti,"good for you." She rudely responded. Ndikati,"Stan muudze kuti ndirimusikana wako!" I had my voice raised nekuti musikana wacho aive akanditarisa neziso rekudheerera. Akaseka musikana uya ndokuti,"hubby nditengere chakagochwa zvangu."
Stan ainge asticker ndichibva ndangokurirwa nehasha ndokupa musikana uya mbama. Akangobata dama rake ndokubva aseka hanzi,"what was that about?"
"Urihure!" I shouted shaking achibva aseka ndokupukuta dama rake hanzi,"tsiura munhu wako Stan handidi ropa mumaoko angu ini."
Ndakamupa imwe achirikuzviita aneyese. Handina kuziva kuti ndatobhayiza ipapo. Akangondidhonza necollar yeblouse. Kwakuita kunge arikurova mwana wake. Mai vechibage ndakanzwa vavakuti,"yeah mudzidzise mamanners musikana iyeye Melie." Stan ndiye akazobata achiti,"no Melie usadaro."
"Iwe ndisiye paandirova wanyarara wani?! Let me teach her a lesson ibenzi stereki!" Akarwisa Stan ndokumudhonzera mukati akadeedzera musecurity kuti azomutora Melie uya. Akapindwa naye mukati nemusecurity ini ndainge ndavakufemereka vanhu vatowokera.
Stan came back ndokundibata ruoko handina kutomboramba. Ndakabva ndatozviwisira mumaoko ake and cried.
"Sorry hako," akandinanaidza tikanomira kure nevanhu achingondiita masorry. Pave paye shungu dzangu dzaserera ndokumutarisa kumeso ndokuti,"why Stan? Why? You were cheating nevanhu vakawanda ka?"
"No babe uyo Melie means nothing ndezvepabasa chete zvekungovarayidza nguva. But pana Yeukai ndivimbe zvakangoitika ka1 ende hatina kudanana kwacho."
"Saka why usina kukwanisa kundipindura pandakakuisira message madeko yekuti tidanane?" I asked akambokosora ndikuzoti,"hona Julie ndinokuda kudzokererana newe ndicho chinhu chandairwarira. But look Yeukai is your cousin I guess hazvichaite sha. No matter how we may try to do it but akatakura mwana wangu ende izvozvo hazvichachinji." Ndakanzwa kunge ndabayiwa nepfumo pamoyo chaipo. I swallowed trying to act strong ndokuti,"iwe neni tirikuzodanana Stanford nhumbu yaYeu ndinayo solution. Tinoibvisa aende kunaSimba wake arikumuda uko." He was like,"sha?!" Aita kuvhura maziso."
"Stan asi unomuda here Yeukai ndizive?"
"No handimude but izvo zvekubvisa nhumbu thats evil sha!"
"Hoo so sleeping with my cousin is holiness?"
Akabva aita kakutsinzinya ndokutura mafemo ndokuzoti,"okay, okay babe mira tione kuti tiite sei......"
Stay tuned.
Chihelele❤
❤️
👍
😂
🙏
😮
😢
18