🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 02:01 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
Follow our channel for more books.
Our WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa
*Follow me on Facebook👇🏿
please and like*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61553577806405&mibextid=ZbWKwL
*Chimurenga Cherudo*
Story by Nita Chihelele
263 786615997
27 785221582
Chapter 15.
Stanford.
Ndakamuyeva achifuratira kuenda Yeukai. Ndikazvituka kuti shuwa why ndainge ndavakubvuma kumuitira hutsinye hwakadaro? Besides kwaivewo kuzviitira hutsinye nekuti mwana wangu ndaitomuda zvekudaro. Chero hake akaitika nenzira isiri. Ndakanopinda muroom mangu ndavakuburitsira ndichiti,"forgive me oh Lord nekubvumirana naJulie." Yeukai was already suffering kumba kwedu. Why worsening the situation nhai. I knew my mother hated her.
Ndakawana Melie atondiisirawo message ndikatomu ignore zvangu. Munhu wacho aitoda kundipinza court nezvaJulie. Iye Julie wacho ndaimuda amana. Her coming back in my life was a dream come true. Asi nyaya yaYeu ndoive ma1. I knew zvaisazoita considering kuti vanehukama. But my other part still wanted to make things work. I sighed ndichimunyorera message yegoodmorning iye Julie. Haina kuvhurwa meaning ainge achakarara. Ndakapedzesa zvandaiita kwakuenda kubasa. Ndava padoor daddy vakatonditi,"ukurumidze kudzoka nhasi tete vako varikuuya. Ndakavaudza kuti wakapara mhosva."
"Pakanaka daddy," I thought maybe he wasn't coming to work kakurayira kavo. But ndakazowana vasvika. Melie akabva atondivinga pandakango parker mota. I didnt want to play hide and seek naye. I wanted to come clean atsamwe kana achida. "Hesi Mr Manomano," that made me chuckle. It was new addressing me saizvozvo. Kwavakutiwo,"Miss Tiyo mangwanani."
She chose to ignore my greetings ndokuti,"Stanford ndirikuda undiudze patimire chaipo ipo ini newe." She said akaita kupetera maoko pachest akasunga face.
I cleared my throat ndokuti,"wagona wabvunza mubvunzo wakanakisa fani. But im confused kuti hauzive neyi patimire? Coz as far as I remember there is no *pati*. Me and you have never been an item. Sha handina kukuvanzira kuti i have my girl. Wawakatorova nezuro which made me cross zvisingaite. You had no right yekumurova nekuti akakuwanikidza paterritory yake,property yake im her property. You volunteered to enter a setup yawaitoziva mamiriro ayo." akaramba akanditarisa malips avakudedera zvehasha. Raive rino zibhiza aive physically strong. Zigadzi chairo.
"Saka waingoda hako kundikwira?"
"Handina kukumanikidza tese taizvida." akabva aridza tsamwa hanzi,"unehutsinye Stan. Mwari ave newe!" Akabva atofuratira kuenda. I was glad kuti abuda mulife mangu. Zvepabasa ndaitotyira mudhara kuti akazviziva zvaigona kundiipira. Before I started worked I checked mamessages ndokuwana yaJulie. She had replied my good morning. Neimwe yaive yakanzi,"Babe usarivare ka kutsvaka that pill. Ndirikuda kuti nhumbu yaYeukai ibve soon zvinhu zvidzokere panzvimbo yazvo."
"Sure sure babe handirivare. Nhasi chaiye ndichibva pabasa ndirukunoona muface wangu uya. Ndobva ndatoita madhiri acho." I wasn't sure kuti zvandaimuudza izvozvo ndaizozvigona kuzviita here. I sighed after sending the message.
Ndapedza basa ndakananga kuBarbourfields sports club kunobata maviri. Ndaiziva kuti tete vaizondipinzawo court vachikuzirirwa nemwana wamai vavo. Saka zvaitoda ndakabatwa nechiveve mbichana. Julie ndiye akazondishungurudza ndiriku Barbourfields kuye achiti,"uripi Stan? Dont forget that pill please. Ukaritenga upfuure uchindiratidza." Yaive message ndakamunyepera ndokuti,"sha ndakabatwa nebasa ndinogona kuchayisa late nhasi. Ndichazviita mangwana."
Akangovhura haana kuzodaira hameno kuda ainge atsamwa. I decided calling bamnini vangu. Last born yemumba maana mudhara. Aigara kuGweru taive takangosiyana ne7 years. Taitaura kese kutorivara kuti ndibaba. Akaidaira nefirst ring hanzi,"Humba!"
"Mdhara madii?" Dzikatanga dzaseka hanzi,"ko iwe hauchandiudzewo kuti kwaita muroora kumba? Ndatozozvinzwa namaiTwo vachitoti varikuenda kuBlues kunoona muroora. Ini muroora? Kukasinzi ehe....ini mukadzi waani? Kukanzi ko mukoma Fidelis vanevana vakomana vangani. Kwakuzoseka paye ini eeeh mfanha uyu akutondivanzira zvinhu nhai?"
"Maya mdhara itori jambanja wena. Haa shaa unomuziva munhu anonzi akagarira chimbambaira? Ndini pano!" I narrated relationship yangu naYeu zvese. Kwakuzopedzesera ndichiti,"sha zvinoita here kuenderera mberi ndichidanana necousin yake zvakadai?" Of course I skipped the part yekuudzirwa kubvisa nhumbu yaYeukai.
Dzakaridza muridzo wekundinzwira tsitsi ndokuti,"yeah wakabhayiza mafanas, big time I tell you. Iiiih ito siya hazvichatoiti. Hamungatemi mwana naamai zve Humba murikubhayiza papi? The moment yamakangokumbira kudziirwa pakati pemakumbo emusikana uyo makabva matosimbisa hubaba hwenyu kumwana wamaidanana naye. Matove baba vake itotambirai kure Humba. Itomuudzai kuti shamwari ndakamitisa mai vako wavamwana. Unless kana uchitoda hako chimurenga chisingaperi kuma cousins ita izvozvo."
"Already chitoripo chimurenga sha,"akaseka hanzi,"zvinodarika izvo but kana hako uchida chimurenga chinozokushayisa mufaro tema iyeye wacho uone. Uriumwe muudze chokwadi chizere atsamwe hake but unenge wava free." Ndakatura mafemo nekuti ndaitoziva kuti it wasn't going to be a walk in the park kuudza Julie izvozvo.
Ndakazochinja nyaya ndokupinza yake ndichiti," married life irikunakidza here?"
"Hiiii wangu izvi ka! Kunext life yangu handizviite. Sha mukadzi kana usati wavakugara naye ngirozi yepasi baba! Kungomuroora shamwari unenge wazviisa mujeri kani. Kamunhu kanenge kachizviita kanetsika but kukanda pakitchen one month,two month! Kava kutodeedzera kuti 7 dzikachaya usati wauya unorara panze. Ndavakusarudzira shamwari,hwahwa ndakunwira pamba. Haaa ndaneta ndisina kure kwandaenda ini. Chero kuzviringa pagirazi sha ndirikutoona kuti I've developed ma wrinkles within kashort period ikaka kandaisa munhu mulife mangu. Ndikararama dzimwe two years undibvidze."
Ndakaita kuseka kudemba demba kwacho. Ndivo vakazondinyararidza kuseka kuye hanzi,"but kungoti tinenge tangojaira kungovawo wild so. Kuzoitwa domesticated ndiwo ma1 but otherwise unogara uriku safe side kana waroora. Zvinongoda kujaira chete."
" Ini life yangu yavhiringika handizivi ndidii?" I said vakati,"handisi kuda hangu kukurasa iyeye atoripo Mwari vakatoona akakodzera kuva wako. Wataura wani kuti you had no feelings for her kana saka wakasundwa naMwari. Wako wacho chaiye akatoshandiswa naMwari kuti akusanganise nesoulmate yako. Look no further, mukadzi ndiyeye wena." I scratched my head not sure how to start loving Yeukai wacho.
He was naughty taiita misikanzwa but munhu wacho aiti kana avakuda kukuudza chokwadi aikuudzisa. Takazoonekana ndavakuenda kumba. I didnt want to appear ndakadhakwa kumba. Every time pandaisvika pagedhi ndaitorohwa nehana expecting kuwana Simba akandimirira. Haana kuzombouya but he had warned kuti its not yet over. So I just assumed kuti pamwe akawana munhu aimufadza. Sezvo ainge anditi aizondisiya awana happiness.
I packed my car ndokumbotsinzinya trying to gather strength yekupinda mukati. I knew tete vasvika. So vese ndaizowana vagere musitting room waiting for me.
When I felt kuti im ready ndakanopinda mumba. Ndikatoinzwa ndichirimu passage yakabaka nyaya yangu. Mama vachiti,"handirambi tete asi ka kumuti aende kuroom kwaStan hamutooni kuti matoomesera Stan wacho? Kana Stan achiti nhumbu haisi yake akura anoziva. Imi madireiko kuda kumanikidzira? " daddy ndokuti,"handina here kumubvunza Stan iwe uripo akabvuma ega nemuromo wake kuti akarara naye musikana uyo?"
"Handirambi akabvuma asi kurara naye ka hakurevi ndeyake mimba!" Daddy ndokuti,"mwana wamai murege mwana uyo arare kwaari kurara ikoko." Ndakabva ndatobudikira vachibva vanyarara. Ndakataudza tete ndokutaudzana nevamwe vese. Tete ndokuzoti,"makura Humba tamuona muroora." Ndakaona mama vachishatisa kumeso ndikangotsenga tsenga pachezvangu handina kuinzwa response yandakavapa.
Iyo yakakurumidza kusiiwa kukazopinda yabamnini ichipinzwa naivo tete sevanhu vaigara vese kuGweru ikoko hanzi,"akazodzikama manje iiih kamukadzi kake kanomugona. Zvake zviya zvekuteverera mabhawa zvakapera. Iyo mari anenge aiwanepi? Kanotora yese but kanemusoro hezvo vatotenga stand. Ega Cephas haaa ncaa raizoita rombe rekumagumo. Akazosvika musi uno kwangu hanzi mutsiureyi maiTwo anofanirwa kuziva kuti akawana ndichinwa hwahwa. Saka anofanirwa kundionawo pamari yekutenga hwahwa apa." Takaseka tese mataurirwo azvakaitwa natete.
Hazvina kuoma sekufungira kwangu. Tikatodya tese ipapo kwakutaurwawo zvimwe. I later learned kuti tete vainge vauya kuchipatara chihombe chemaziso muByo chinonzi Richard Morris.
Ndavakuenda kuroom kwangu ndakanzi namama,"Stan haunzwe ikezvino zvandichaita ndichangokumba mablankets, hembe dzako zvese ndonozviisa mûtub mako. Ndovhurira mvura ndosiya. Zvimwe ungaitewo order mumba mako."
"Mama but ndakataura naLorca kuti anditsvayirire." mama ndokuti," mwana wangu abatwe neTB nekuda kwetsvina irimo umo? Kana zviitire." Yakabva yatengwa natete hanzi,"unotadza neyi kuudza muroora atsvayire mumba menyu?"
Handina kupadaira ipapo. I went to my room yooh the room really needed kumbocleanwa chaizvo. Ndakatonzwawo kahwema kaibudamo. Kwakumboita on TV yaivemo. But I was so tired zvekuti ndakatozopepuka pakati pahwo TV iri on. Ndakädzima nekutodzokera mukurara.
I woke up early next morning, I looked around the place ndikadzungudza musoro. Ndokunogeza ndavakuenda i knocked muroom maana Kerry. I avoided kutarisa paive parere Yeukai pasi. Ndokuvataudza Kerry is the only one who responded. Kwakukandira makeys emuroom mangu pachitable chaivemo ndokuti,"munditsvayirirewo ka muroom mangu." Actually I was directing the statement to Yeukai but maziso aivekuna Kerry. Ndakabuda Debra avakuti,"aah ncaa ndiyani iyeye angaite izvozvo? Kuti ashayeyi?"
Pandakapinda mumota I texted Kerry ndokuti,"sha udza munhu uyo atsvayire mumba mangu ka." Haana kuñonoka kudaira akatotumira zvimidhori zvaiseka ndokungoti,"oky broe ndomuudza."
*Chimurenga Cherudo* is going to be on sale from chapter 21. It's a complete book
$2 ecocash inbox for mazig. $2 buddie scratch cards
40rands voucher
0780368492 N.Makohliso zita rinobuda. Inbox the same number kana wabhadhara.
*Usazoite zvekufungidzira kuti zvakazodii*!
Stay tuned.
Chihelele❤
❤️
😂
👍
😢
😮
🙏
18