🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 02:01 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
Follow our channel for more books.
Our WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa
*Follow me on Facebook👇🏿
please and like*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61553577806405&mibextid=ZbWKwL
*Chimurenga Cherudo*
Story by Nita Chihelele
263 786615997
27 785221582
Chapter 16.
Yeukai.
Kerry smiled akanditarisa, I frowned ndokuti,"and then?"
Akabva atowedzera kuseka. Taive tasununguka madam Debra vainge vadeedzwa natete vacho vainge varipo. Plus taitofarira kuvapo kwemuyenzi. Nekuti musi iwoyo takatomukawo late. Hapana kana basa ratakapihwa. Kumunda tainge takupedza hedu.
"Wanakidzwa neiko?" Kerry ndiye munhu wandainge ndatojaira nekuda kwekuswera tese.
"Hona,"akadaro achindiratidza message yaive muphone make hanzi,"murume wako anditi ndikuudze kuti utsvayire mumba menyu." Ndakaiona kwavakutoridza tsamwa ndichiti,"evooo! Andisiye zvangu."
"Sha munhu avakukuda saka chii chakashata ipapo? Ndakakuudza kuti my brother is not an evil person he will eventually come around.Ndomutangiro wazvo ipapa."
"Sha firstly hatidanani or kumbobvira takadanana naStan. I feel bad as it is being here coz he's my cousin's boyfriend."
"Saka wakabvumirei kudzingirwa pano kwacho?"
"Ndaiendepi nenhumbu yake?" Ndakamubvunza akati,"exactly ka! And kutouya pano zvaitoreva kutova mukadzi wake zve. Forget about cousin what what izvo hazvichachinjike." I sighed ndokumboti zii ndichitonzwa misodzi iya yavakutoda kubuda. Kungotaura nyaya iyoyo kwaindidya.
"All I wanted was for him to accept his participation pakubata kwenhumbu simple. But what did he do? Akatorambisisa achiti haisi yake."
Akabva aseka hanzi,"participating here?he impregnated you."
"Yes ndashandisa that word coz takazviita tese pasina kumbunyikidzana." Akangoti,"okay ndapabata but paye kuramba ramba kwaingovewo kungodzvenga kani. Aripo here akambotambira mhosva seplate yesadza" She said ndikati,"haa maya handisi hangu kuzomutsvayirira. Unless auya iye kuzoti Yeukai nditsvayirewo. Ko ini haanditaurike naye here zvekuti anotuma iwe?" akabva aseka hanzi ndichamuudza.
Hatina kutozotaura zvakawanda Debra apinda. Akasvikogara pabed pake ndokutanga kufona. Payakadairwa akabva ati,"hubby taura zvawanga uchida kutaura now ndavapari free..." hameno akatii hubby wacho ndikanzwa avakuti,"hii veduwe nemafarisiro andanga ndaita here Tommy......" Akamboteerera ndokuzoti,"okay I understand hangu....saka toenda when?" Akateerera ndokuzoti,"ooh good idea saka mari yekuita madhiri acho uchandiisira here?......haa iribho....good idea kunenge kwavakunakidza ndakagwinyawo zvinondishungurudza izvi zvabva! OK babe take." She sighed after talking to hubby ndokuzoridza tsamwa hanzi,"Your Tommy ati hatichaendi kuVicFalls. Arikuenda kumeeting kuGhana. Ndasvotwa hangu handidi kunyepa."
Aitoudza munin'ina wake uyo akatiwo,"handiti vanodzoka here moenda?"
"Yeah yeah but chikuru arikundiisira imwe mari." akataura achiita kakudada so.
Mai vacho vakazodeedzera varipa passage hanzi,"vasikana budai ka mubatsirane naTari uyu! Tete vasvike pakudonha nenzara here pamba pazere vakadzi vakuru kudai?" Ini ndaive ndisati ndakambobata chero mop yepo. Kwangu kwaive kumunda nekushanda mabasa mamwe ayeye. Akaita sekutakura jecha nekusuka mawindows. Ndakangobudawo ndichitevera Kerry. Madam havana kutombotirimuka vakatosara vakarara manhede. Takasanganidzana natete vacho vakatotanga ivo kutimhoresa.
Vairatidzika kuve munhu akasununguka fani. Kerry akatonzi,"ndirikuenda nemi maiTwo munobikira murume wenyu ini ndachembera. Imi ndimi musara pavana vangu imi!"
"Nekurembuka kwake ikoku?" MaiStan vakadaira tete ndokuti,"handiti tinogara muchirungu here paGweru pedu apa? Plus mukadzi mudiki ka uyu anenge achidiwa ka nedhara."
"Tete musatotambe muchimudaro ka iyeye munhu. Anepfungwa dzaamai vake dzekutorera vanhu varume vavo. Munotorerwa baba Two mukachema imi." Tete vaye vakati,"haa kana maiguru mwana uyu haana pfungwa idzodzo kani. Mungabva mamufananidza naamai vake here? Iko ndiyaniko anovaziva? Pamwe aivewo munhu akanaka."
"Munhu akanaka achinditorera murume?Hoo nekuti hazvinaka kuitirwa imi." Ndakaona pava nekusawirirana. Nekuti tete vaye vakazviona wo kwakubva vakurumidza kuisiya ndokutanga kutotaura neni hanzi,"muroora isu rudzi rwedu nderwemapatya. Pano ndipo paasipo chete. Asi kumwe kwese kunana tezvara vako vamwr mapatya ega ega. Uchenjerewo kuvapihwa vaviri, haa unoreba navo kani. Better hako unavamwene vako. Ini pandakaita vanaTwo vamwene vangu vaishanda kuChipinge uko. Ndaive ndega kudai! Apa iye baba Two wacho kuchengera kani aisada kuti ndiende kunamai vangu." Takaseka tese naKerry mataurirwo azvakaitwa acho. Vaive vagara pama kitchen chairs. Mai Stan ndokuti,"tete Matilda munozofamba henyu mavakuti ndakaipa. But kunditsika konzi munokugona henyu. Mwana wangu akati haisi yake nhumbu. Asi imi murikutoita kusadharara kuti inzi ndeyake. Handiti vana Two venyu varikukurawo? Muchazvinzwa kurwadza kwazvo.." Ndakaona tete vaye vashamisika.
MaiStan.
Matilda aive nechipo chekundisvota hake. Aingondivhara kuti aisaziva kudanana kwababa Stan namai Kerry. But ndaizviramba ini. Vaive very close vanhu vacho. So zvaindirambira kuti aisaudzwa. Matilda aisatoda ndimise musha nehanzvadzi yake.
Ndakamusiya mukitchen imomo ndatosvotwa ndokunozvivharira mubedroom mangu. Ndakaisira Debra message ndichiti,"urikuvanzwa here tete vako vekwaSatan? Kuda kundibvisa panaMwari kuseni kuno." Akangotumirawo zvimudhori zvaiseka ndikazonzwa door richivhurwa achipinda. Akasvika achiseka hanzi,"haa iko kuRichard Morris kwavakavinga varikukuenda rinhi ko? Vaite vádzokere mhani." Takambovanyeya nemwana wangu tirimubedroom mangu. Akazondiudza zvekusabudirira kwerwendo rwake rwekuFalls. Akazopedzesa achiti,"but ati arikundiisira mari yeabortion nhasi."
"Aah zvinomboda mari here izvo. Ndina sahwira wangu aibvisa mimba chero yakura zvakadii? Ingopihwa mari iwe ugondipawo ndimbohodha hangu bhero rekuswerotengesa ndigere pano. Zvimwe ivava vanongoda kuruta varere vanenge vachiswera vachipota mumarayini vachitengesa. Handiti vanoda kudya? Pano pa1312 hapasi pekudya urere zve."
"Hazvirwadzi?" akabvunza ndikatomuseka ndichiti,"ko izvo zvawanga uchinobvisira mari ndizvo zvisingarwadze? Kubva kwechinhu mumuviri kunototi kurwadze zve! Plus anotipa neweku cleaner chibereko." Actually kwaisatombove nasahwira. Ndini zvangu ndainge ndaurayirwawo mushonga iwoyo kubvisa nhumbu. Mazuva acho ndomazuva airura babaStan namaiKerry iwayo. Kwakabata nhumbu ndikati kana. Munhu achindibata nekuseri kweruoko kudai ini ndomuzvarira? Bodo zve! Ivo mai vangu nemuchemero wandavaitira mazuva acho vaizonditi ndinopenga handizvinzwiri wo tsitsi. Saka I had a childhood friend yangu. Zvekuroorwa zvainge zvamuramba. Ndiye akandiratidza kamuti kacho. Yakatoswera yabva Fidelis haana kutomboziva kuti pakamboita nhumbu. Ainge andiudza kuti kana ndadaro ndinonweyi kuitira kubvisa tsvina yese muchibereko. Wakandishandira zvakanaka chero patainge tavakuwirirana nemurume wangu. Ndakatobata nhumbu yaLorcadia zvakanakanaka pasina kana problem.
"Saka tozviita rinhi? Arikuda kuti achibva kuGhana tizoenda kuFalls kwacho. Ndirikuda kukuenda ndasimba simba. Anodzoka in two weeks."
"Paunenge wava ready chete tinoita. Haridoki zuva isina kubva." Akatura mafemo ndokuti,"manje tozviita sei naiyo hanzvadzi yemurume wenyu irikuita kumhemhayira kunge gunguwo raona mazai kudai?"
Ndaichiziva chikwenzi chacho pachaimera stereki. Ndaitogara ndichichiona every time. Akazobuda Debby avakufonerwa nemukomana wake. Kwakudzokera kukitchen kwainge kuchinzwikwa kusekwa zvisingaite. Ndokuwana musikana waStan naKerry vagerewo pamachairs. Vachitonwa tea nechingwa chinemazai nebecon yangu.
"Tari kufashura chikafu here uku asikana?! Shuwa becon kuita kuzadzira vanhu kunge mangwana hakuchadyiwe futi? Ayewa hatiite izvozvo zvekunge vanhu vakamakana nechikafu zve! Munomboziva kuti chikafu chavakudhura? Ipapa mwedzi wavakupera mari yako unenge uchiida zvisina kupoka. Unofunga inobvepi kana tavakushandira chikafu?" Ndaisatuka Tari ndaitotuka team iri tete, musikana waStan nezigora iri Kerry.
Matilda ndiye akadaira hanzi,"iih mungabva madaro here? Isu tinodzoka tofunga kuti pamwe murikutaurira ini ndavhakacha. Chingwa nebecon zvimbori marii ko? Ndinayo mubag mangu ndokupai motenga. Handiwanzi hangu kusununguka kana ndavhakacha vanhu votanga kutukirwa chikafu. Ndinenge ndavakufunga kuti ndini zvimwe ndavakudyisa stereki"
"Kana tete iih mungabva mafunga izvozvo here asikana? Kungoti henyu hamumuzive Tari wacho kana asangana hake nevaviri ava! Vaneshavi rekudya ivava two ava! Haa zvipo zvekuruta vanazvo havo!"
"Zvitori bho vachidya maiguru zvingazonakidze vanhu vasisabate chikafu?" Ndikati,"ava kungoti hamuvazive henyu." Ndakaedza kungoseka seka but ndichisvotwa. Kuswera naMatilda kwaibhowa.
Ndakazobuda pamba later ndichiti ndichambonotarisa kumunda. Akaita chiname Matilda hanzi,"nditwasanurewo makumbo, mangwana ndichibva kuchipatara ndirikuda kutokwira. Ndirikuno kudai hana haina kugadzikana kana. VanaTwo vanemisikanzwa ndinoita sendichawana vana vangu vasiiwa vega pamba. Vekubasa vanodzoka manheru chaiwo futi vanhu vedoro havatorina nguva yekutarisa zvinhu. " vanaTwo ndovaive mafirst born, ndakafarira kuti finally ngaaende.
Handina kumurambidza, paaive achimema mumunda ndakangoita semunhu aida kuita weti. Kakwenzi kacho ndiko kwakaive kazere kumunda ikoko. Ndakatanha ndokuisa muhomwe yechijacket chandaive ndakapfeka.
Chimurenga Cherudo* is going to be on sale from chapter 21. It's a complete book
$2 ecocash inbox for mazig. $2 buddie scratch cards
40rands voucher
0780368492 N.Makohliso zita rinobuda. Inbox the same number kana wabhadhara.
* *Usazoite zvekufungidzira kuti zvakazodii*!
Stay tuned.
Chihelele❤
❤️
👍
😮
🙏
😂
😢
17