🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 5, 2025 at 07:12 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
*Follow my channel for previous chapters and more books!*
https://chat.whatsapp.com/Df8rXUT6q5uFSJRspkT8rq
*Follow and like my Facebook page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61553577806405&mibextid=ZbWKwL
*Deadly Mission*
Story written by Nita Chihelele
https://wa.me/message/AUGUQLHUXZS2N1
Chapter 1
Kudzai
Ndakaita kuri zoomer picture racho kwakutura mafemo. Ndokuti," Abi! Abigail mhanya kuno!" Akauya achimhanya Abigail wacho achipukutira maoko ake paapron yaaive akapfeka. Maoko ake aitove manyoro semunhu aisuka.
"Imbotarisa picture iri undiudze kuti munhu uyu anenhumbu kana kuti?"
She took my phone kwakutarisisawo picture riye zooming it out ndokuzoti," anenge anenhumbu uyu akoma."
"Shuwa?" I asked ndichida kunyatsoita confirm. Akagutsurira musoro achiti," ehe." But handina kuzvitenda zvaive zvataurwa naAbi. At 18 aigona asinganyoziva chimiro chemunhu anenhumbu. Kwakubva ndatora phone yangu akati," ndiEva ka uyu?" I nodded pfungwa dzangu dzaive dzatosuduruka panzvimbo. Aitomuziva Eva iyeye kuti aive girlfriend yaZacharia my husband. I absently nodded akatoonawo kuti avakutaura ega kwakudzokera kusink kwaaisuka. She was my maid.
Ndaive ndadanana naZacharia three years back ndichangopedza o'level, I was 17 and he was 26. Kudanana kwacho kwakangoita kwemwedzi 4 chete. Then this one day he asked me kuti timbopfuurwa nemhepo. I made sure kuti kwatinoenda kunzvimbo izere vanhu. Besides ndaingomutyawo nekuda kwe age difference yedu. Ndaingotya being with a man panzvimbo isina vanhu tingori 2. Sisi vangu vandaigara navo vaigara vachikomekedza kuti ndisambobvume kuendwa neni patinenge tingori vaviri. Kudanana kwatakaita my sister was against it vachiti Zac muhombe stereki anogona kundingwarira.
Taive taenda kuMguza Yatch Club muBulawayo mataigara imomo.
Takaswera tichifara paitove nevanhu hobho. Then pandakazomuti nguva dzafamba hande. Munhu akabvuma tati fambe kwakuparker musango. Mguza yacho waisiya main road kuzonangako. So raitove sango to the main road. Hana yangu kwakutorova paye. Ndikatonzi," sha nhasi ndirikudawo kiss." Ndaigara ndichimurambira zvese izvozvo. Little did I know kuti munhu akatondirongera dhende zvandaisafungira futi. I refused kiss yacho munhu kwakutora kissing me zvenharo. Uku achipinza ruoko rwake mubhurugwa rangu. Ipapo aive aparker padivi peroad music iripa denga denga. Mota dzaifamba apo neapo muroad iyoyo.
I tried to fight him nekuti zvaaive avakuita was scary. But he didn't take no for an answer. In fact he turned deaf ears to my kicking and screaming. Munhu wacho raitove zigiant zvekuti hazvina kumunetsa kupedza neni.
I cried but munhu wacho akazenge avakutonzwisa tsitsi akungonditi," sorry babe I don't know kuti chii chandibata. Please forgive me Kudzai I love you." Ndakatoona kuti hazvichisina reverse chero akaita sorry inengeyi. Kwakubva ndatoti," handichaendi kumba kwedu ndinonorohwa nasisi vangu. Hande tese kumba kwako." Ndizvo wo zvandaive ndadzidziswa kuti mukomana kana atokudaro batirira pabhandi rake usabvume kusara.
Akamboda kuti," it's just sex yataita Kudzi, it's not like panechandatora."
"Of course chiripo chawatora ,my virginity Zac handichaendi kumba kwedu." Akamboda kutsika tsika ndikati neniwo handibvume. Apa skirt yangu yaive yaendera ropa. Akazongoenda neni kumba kwavo kwacho. That's when I discovered kuti I wasn't the only girl paari. Aitove nemusikana wake wemakore waaitovimbisana naye kuroora. I overheard achipopoterwa namai vacho. Musikana wacho aitove munhu aitoziikanwa nefamily yacho yese.
Akazoita zvaifanirwa kuitwa kumba kwedu. Kwakuzoita mwana wedu wekutanga Reign. Akatozondiendesa kuteachers' college ndikapedza.
Ndakatozvibata kuti vachiri vese naEva musikana wake. Mumba macho maitomborwadza dzimwe nguva nenyaya yaEva iyeye. Munyama wacho vamwene vaitomuda nemasisters aZac.
Through support from my family. Especially sisi vangu maiTadiwa nemurume wavo. Vanova vandaigara navo supported me. Vaindisimbisa kusvika ndazowana basa as a grade 3 teacher. Zachariah patakasangana aitove pa attachment. But aive azowana hake basa kuOld Mutual. He was a Relationship Banker. Aihorawo mari irinani zvakaita kuti tiwanewo yedu imba, akakwanisa kutora home loan.
I never enjoyed my marriage kana nekuda kwaEva iyeye. Akazombomitisana naEva wake iyeye ikazobva nhumbu yacho. Ipapo pandaitoona picture raEva ndaitoriona pastatus yatete maiMonica.
Vaiwirirana naEva zvekuti dhuu . Vamwe vese including vamwene would hide it kuti vachiri kuda Eva. But tete Monica never made it a secret she would make excuses dzekuti,"takadzidza tese naEva. So maissues ako naye handina pandinopinda inini. She will be forever my friend."
I zoomed picture riye ndikagutsikana kuti inhumbu chete. Ndakatora screen shot yestatus iyoyo kwakutumira tete maiBruno. Ikatora nguva isiri kuvhurwa ndikaziva kuti vari busy kubasa. Ini ndaive ndarovha kuchikoro ndichitonzwa musoro chaiwo.
Vakazopindura kuma 10 ndofunga vaive pabreak time vachiti," ndiyani uyu mainini?"
"Vamugerofurendi vabamnini venyu tete. Ndirikuda mundiudze kuti munhu iyeye inhumbu here iyo?" Vakatora nguva vasina kupindura vari online. Vakazopindura vachiti," yeah inhumbu mainini. Asi vavavese futi nababa Reign?" Kungonzwa vachiita confirm ndakanzwa kutsemuka moyo.
"Tete ini hangu handichatozivi kuti ndidii ini nababa Reign nemunhu wavo."
"Mmmhh sorry mwana wehanzvadzi yangu. Huya ka kuno Friday umbozo spender weekend urikuno uchipfuurwa nemhepo. Tingori tega bamkuru vako vakaenda kwaMutoko."
"Oky tete ndinouya, ndichibva kubasa ndonanga hangu ikoko." Vakati," iribho ini Friday ndoita hangu half day." Hatina hedu kuzonyanya kutaura kwakubva tawonekana. Tete vangu ivavo ndeumwe munhu aimira neni kana zvichinge zvakaoma. Vaigara kuNketa kwavo nedhara ravo raive ravazvarisa vatokura. Vaishanda vese paDelta Beverages. Ndakatoona iri pfungwa bho kuti ndimbonotapudza stress.
It was a Tuesday Zac akauya late probably aitove ikoko kwaEva wake.
Ndakatadza kuzvibata kwakuti," Eva anenhumbu here futi?"
He frowned akanditarisa kwakuti," ndiri Eva here inini waunobvunza izvozvo?"
"Yuwii baba Reign inga ndirikubvunza zvakanaka wani?" Ndakadaro ndaita kutetepesa izwi. He kept his frowned face akanditarisa without blinking ndokuti," tese neniwo ndirikubvunzawo zvakanaka?" Kwakubva ndangoti boi boi zvekushaya zvekutaura. Kwakumbotura mafemo ndokuti," ndirikuda kuenda kuNketa kwatete maiBruno Friday ndodzoka hangu Sunday."
"Iribho," he said achidzosera meso ake pachikafu. Zvakarwadza kuti saka haatombobhoekani nekuenda weekend yese. Kwakubva ndati," mafara ka kuti ndakusiirayi mukana wekunyatso kunofara naEva?"
Akabva andipa ziso kwakuridzorera paplate yake ndokuti," I will just pretend kunge hauna zvawataura."
"Don't pretend Zac ndataura chokwadi ka!" I said ndaita kakukwidza voice ndikanzi,"watumwa here kuenda kwatete vako kwacho? You might as well stick around undifudze. Futi it's not like ndinoita zvekudzvenga ka kana ndichienda kunaEva."
Kwakubva azoita kunyatsogarisika ndokuti," you know what Kudzai?" Akambobvisa chikosoro ndokuti," I'm sorry to say this but at least it's the honest truth. I never loved you sha, it was lust. Ruchiva chete rwandakaita. Hautofanirwe kurwadziwa naEva nekuti ndiye muridzi wenzvimbo. I cheated her newe." Ndakanzwa moyo wangu uchiita kuvhinza ropa misodzi yakatadza chero kubuda kana. Ndakakaruka ndabata chest with both hands hoping to ease the pain. But hazvina kushanda kwakubva ndati," Saka wakangondishandisa ka?" I spoke softly akati," I compensated you by covering your college expenses now you got a job."
"What about kundizvarisa kwawakaita Zac?" Ndakamubvunza pain iye ichiita seiri kutowedzera muchest mangu. Akati," handina kuroora here ini?" Ndakamboboira boira ndapererwa nebhanduro remashoko. Kwakuzoti," Saka zvawaichiva zvacho hapasisina?"
"Zviripo but ndakatozongoona kuti zvakangofanana nothing chinoshamisira." I sighed ndatopererwa. I was used kuhunhu hwake hwekusagona kutaura. But mashoko emusi iwoyo were so hutful.
Akazopedza kudya ini ndatoguta tanyararidzana.
Akati apedza kudya akatora mwana wake kwakuenda naye kubedroom. Ndikasara ndichi clear table pamwe pacho ndombomira ndorovanidza maoko zvekupererwa kwakuzonogezera kurara.
Ndakasanganidzana naye atakura mwana wake uyo aive atorara akunomuisa mubedroom make. Taigara kuMorningside, ndakanozora kwakuzvipfekera mumagumbezi.
Shasha yakadzoka kwakumboita zvephone and ndaitoziva kuti ndiEva aitaurwa naye. Akazopindawo mumagumbezi kwakubva atopotesa ruoko rwake nechepadumbu pangu. Kwakutanga kurufambisa fambisa nechemumoyo ndikati nhasi haulume wakajaidzwa stereki. Akada kuvhura makumbo angu ndikaomesa muviri.
Akazoti," dai so tone."
"BabaReign handisi kuda wandiudza kuti haundide," akabva ati," amana saka hanzi tingorara musame blanket pasina imwe iya iya? Haa handizvigone hangu better unorara hako kusparebedroom nekuti as long urimuno ka unenge uchitondiomesera?"
I sighed kwakuzoti," honestly ndinopera rudo sha nemashoko ako hurts so much Zac, put yourself in my shoes." Akabva atondirega ipapo ipapo ndokuti,"sha zvenhoroondo imbomira. Kana usingade I understand kwete kutangana netunyaya nyaya panapa." Akabva atondirega kwakuridza tsamwa achibuda mumagumbezi. Haana kuzodzoka aive anorara kusparebedroom.
Hope dzakanetsa kuuya ndavakunetseka ndega kuti ndagona here nezvandaita? Ndakazobiwa nehope ndichitambudzika mupfungwa. Mangwana ndakamutaudza zvakanaka naka burying kakusawirirana kazuro. Munhu akadairira mumhuno zvake. Takaenda kumabasa edu manheru acho haana kuuya kumba. Ndakatoziva kuti arikwaEva. Pane pazvakambotsviriridza pacho pavakaitisana nhumbu yekutanga yakazobva. Zvichibva zvamboita sezvapera ndakutodiwawo. But mazuva iwayo ndaitoona ndega kuti energy yashifter zviripo zviripo chete. Ndakatozomufonera dzatove past 9 husiku. Akati," sorry I forgot to tell you kuti ndichaenda kuFalls nebasa." Ndakaziva zvangu kuti he was lying arikwa Eva. Handina hangu kuda kunetsana naye.
Kuudza maiTadiwa my sister ndaitozeza kuti ndaizonzi," mama vakakuudza kuti kana zvarema siya Kudzai." Mama vaive vakatomumaka Zac nenyaya dzake idzodzi. Plus pane patakambonetsana chaizvo naZac . Ndomazuva enhumbu yaEva. Ndikatomboenda kumba it wasn't my first time ndichikuenda reporting the same problem. Ipapo mama vakabva vatoti gara handichadi udzokere. Zac aive nesweet tongue veduwe ndakavingwa nerweseri akundinyangira. Kwakubva ndatobvuma kudzoka kumba. Kubva ipapo ndaiti ndikangochema naZac mama or my sister vaitoti," kana zvanyatsorwadza you know what to do." Mama vaive vanditi," haakude munhu wako uyu. Arikukuita second option, munhu waanotoda ndiye iyeye musikana wake wekutanga."
Ende ndaive ndavakuzviona asi kuti ndifuratire merechi yangu zvairwadza Zac ndaimudisisa. Days passed asina kudzoka kumba. Friday ndakati ndichisvika kumba. Kwakuwana Abi atorongedza zvinhu zvedu zvekuenda kuNketa kwatete. Iye aitoendawo kuoff kwake. Takabuda tese kwakuzoparadzana mutown umwe neumwe akunokwira kombi yekwake. Nzira yese ndaizvibvunza kuti ndivaudze here tete the exact words andaive ndaudzwa nababa Reign kuti haandide?
Ndakatowana tete vakabereka Anesu wavo vachitofamba famba payard. She was so happy kundiona. Ndakamhanyira kutarisa kamunhu kaive kumusana kwavo. Vakabva vati," iih munhu wacho kunetsa kurara ipapa. Arara?" She asked vachitaurira pasi pasi ndikaseka ndichiti," akamavhura maziso hapana munhu arikurara apa!"
Vakabva vaseka ndikatomuburutsa kumusana kwavo ndichiti," hesi Mr Manomano? Mwana akafanana namukoma wake uya anonzani uyu mukuru?" Vakaseka ndokuti," Stan?" Ndikati," ehe."
"Munhu wese ndizvo zvaanotaura, manje vakunge matwins nemwana wemukoma wacho kufanana kwacho. Plus isame age futi." Takabva tatopinda mumba.
Stay tuned.
Chihelele ♥️
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
197