🇿🇼Chihelele Shona Stories
February 7, 2025 at 10:42 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K *Follow my channel for previous chapters and more books!* https://chat.whatsapp.com/Df8rXUT6q5uFSJRspkT8rq *Follow and like my Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61553577806405&mibextid=ZbWKwL *Deadly Mission* Story written by Nita Chihelele https://wa.me/message/AUGUQLHUXZS2N1 Chapter 3 Kudzai. Tete Ivy vaive mwana wekwabamkuru mukoma wababa vavo. Mumba mana baba vangu maive musina vanatete. One aive akashaya kwakusara vakomana vaviri. Baba vangu vaive vakasoshaya wo tichiri vadiki. Saka nyaya dzedu taifarira tete Ivy ivavo. Vaingove munhu anonzwisisa. "Murimega zvenyu?" I said ndichigara pasi ndabva kunoisa kaweekender kangu muspare . Ndaitoriziva room rangu randaishandisa kana ndavhakacha ipapa. "Tega zvedu naMakombe ava," she said vachipurizira mwana wavo. Ndikati," ayewa vakura bhudhi vabvisei pamukaka." Vakati," yuwii yuwii 1year 6months kukura here ikoko? Mwana wechembere uyu anofanirwa kuyamwa kusvika aramba ega." Takaseka tese kwakubva vatotanga nyaya yevamwe bamnini munin'ina wavo wavaiti akayamwa kusvika aramba ega. Ndipo pavakazochinja nyaya vavakuti," hanzii naRegi? hanzi ndakapasa here?" Regina yaive last born yemumba medu. Aitogara kwasisi vangu. Ndingangoti tese taive tadzidza tichigarako tiri 2 naRegina mama vaizvigarira kumusha. But ini hangu ndakazotanga secondary level. Pese ndaive ndadzidza kumusha. Pakashaya baba sisi maiTadiwa took over. Sekuronga kwedu ini ndini ndaifanirwawo kuzochengetawo Regina sezvo ndaive ndachengetwawo nasisi. Manje nekuda kwemarriage yangu iyoyo yaito shaker zvayo sisi vakati vaizomuchengeta Ivo. Ndaingobatsira hangu pamafees ipapo nezvimwe. Mama taive tavatsvakira musikana webasa wavaigara naye kuDomboshava kumusha kwedu. "Akadadisa kani musikana," I said vakati," yeah akagona kana vanhu vachikubhadharira unofanirwa kuvaita proud." "Ayewa akagona chaizvo, arikuenda kumusha nemusi weWednesday kunoyamwa." Vakaseka ndokuti," segotwe ndofunga anotobayirwa mbudzi chaiyo yekufarira. Ndakambonzwa achitaura nabamkuru vake kuti vamutsvakire wo basa. Chero pedu paDelta Beverages paye. Since apasa soo haa vachatomira mira chaiko." Kwakubva ndatotanga kubvunza bamkuru vakati," handiti tirikuvaka kwaMutoko? Saka vakaenda kunotarisa kuti basa ririkuitwa nemazvo here? Nekukura uku soon tinenge takutoda kunogara pasi."Takambokurukura kwakuzovaudza nyaya dzaZac dzaindiwonza idzodzo. Vakati," Saka varikutopamha kupana imwe mimba? Ende zvakaoma hazvo! But iye musikana wacho iyeye haana hake kutokwana kana. Of course ndiye akatanga kudanana nemukomana. But munhu kana aroora umwe iwe chiita move on zve. Kwete kungobvuma munhu achingodzoka kuzokushandisa chete." "Tete ndini hangu ndirikushandiswa. Handiti anditi he doesn't love me akaroora iyeye wacho here?" I said vakati," kwani ko achizoroorwa here zveshuwa kana kuti kungoda kukurwadzisa ? After three years dzese idzi votorana nhasi kuti kwauyeyi? Iwe urinani nekuti akakubvisira ko uyu akuita yepiri mimba? Hapachina kutorwa apa. Dai aitorwa akatorwa ipo paye paakabata yekutanga." Vaizombondisimbisa tete vangu, ndakaseka ndichiti," iyo inombonzi nasisi vaZac ndini ndakakonzeresa kubva kwenhumbu yacho nekumustresser Eva wacho?" "Haiwawo imbwa dzinongohukura dzisina meno idzo. Ndivo vanhu varikutoita kuti ashandiswe Ivo vanasisi vavo bamnini. Vanomusimbisa musikana iyeye zvisina basa achisakandiswa. Hakusi kumuda ba," takatombomunyeya Eva iyeye kwakutonzwa hunani ndavakutoonawo kuti kushandiswa kuitira munhu asina kukuroora nhumbu. Ndakazomuisira message iye babaReign ndichimuudza kuti tasvika kwatete. Kwaive kungoita hangu but ndaitoziva kuti haapindure. Aigona kuvhura osiya zvakadaro. Pakazosvika vana vabamkuru vemudzimai wavo muhombe wavakasiyana naye. Vakasvikira kutakura kamnin'ina kavo iko kacho kaitovaziva nekuti kakaita kuscreamer zvekufaririra. Vakatozotora naReign kwakubuda navo panze. Vana vacho vaifarira vana stereki. Ndakazosara ndavakuti," mavakuwirirana here namaiguru venyu?" "Hameno maybe she's pretending,haa Agatha haana manyanisi uya. But uyu musikana uyu umwe muhombe handiti mwana wavakaita neumwe mukadzi asiri maiStan? But akumubata zvakanaka zvinova zvinoita ndifunge kuti she's genuine now. Anotombofona pandiri especially kana anezvaanenge achida kunababa Stan. Mazuva apera aya vaiisa tombstone yemwana wavo uya wekushaya." "Aah vanga vasati variisa nguva yese iyi?" Vakati," babaStan aive achiri nebitterness chaiyo. Haisi nyore kufirwa nemwana muhombe kudaro." "Yeah marwadzo kani," "Anenge avanemunhu iye maiStan. Takamuona nabamkuru venyu mutown aina vamubhoyifurendi haana kutiona." Takaseka kwakuzokanganiswa namaiTadiwa vakabva vatofona vachiti," Regina ari ikoko?" "Ayewa haako uyu nditori kuNketa kwatete ini," vakati," aah Regina ava nehumwe hunhu hunosvota. Phone yake yamuka isiri kucharger saka abuda achiti achambopinda mutown. Abuda kuseni chaiko but till now haasati asvika." Ndakatoseka ndichiti," vakapasa vanaRegina vakufunga kuti vavanhu vakuru. Haana kuenda kwa Trynos?" Trynos aitove mukomana wake. " Ndizvo zvandambofunga kwakufonera Trynos wacho arikuti haana kumuona nhasi." "Pamwe arikushamwari," I said vakati," hameno but I'm getting worried now. Ndichamirira kusvika radoka zuva. Varisei maiManomano avo?" Vakadaro vachideedzera kuti tete vanzwe tete kwakuseka vachiti," haiwawo Wadza musi waucharambwa kwaMapako ikoko ndipo pauchaziva kuti una tete." Ndakabva ndavatambidza phone vakatanga kuwanzirana paye. Kwakuzocutter vachiti," Regina abva andifungisa chako chegore riye uchitevera babaReign kuti arara newe." Takaseka neniwo recalling the incident ndikati," neniwo ndambozvifunga ipapa kuti zvimwe avhakachira mukomana. Mukomana kwakumuka chimbwa mupengo akutya kudzokera kumba." "Regai tione achataura hake," takazoisiya iyo takutaurawo dzimwe. Vasikana ndivo vakatonzi vabike since taingove tega. Ndaive ndatorivara kuti kune nyaya yaRegina. Kwakutozoyeuka maiTadiwa vafona futi vachiti," veduwe Regina haasati adzoka uyu. Ndatoti babaTadi vandiperekedze kumba kwemukomana wacho tinomutsvaka nguva dzafamba idzi." Ende kwaive kwatova kuma to 9. Hana yakatanga wo kundirova ndisisina kugadzikana. Tete vakatoti," mmmhh zvakutyisa izvi. Ko kana ariko kumba kwemukomana wacho ngaataure zve panekutyisa vanhu kudai." Vakazongotidzikamisa maiTadi vachiti vaizotiudza vabva kumba kwacho. Ndakazofona ndichibvunza kuti vasvika here ndikatonzwa nekudaira kwacho kuti hapana chakanaka vachiti," haako uyu takutobva pamba pacho. Handichatozivi kuti ndimutsvake kupi manje. " Kwakubva ndati," mirai ndibvunze shamwari yake inogara kuEntumbane. " Ndizvo zvandakazoita paye kwakutomushaya. Ndikatozokumbira mamwe manumbers edzimwe shamwari dzake kushamwari iyoyo. We tried vese hapana akamboti aiziva nekwaaveri. Hatina kutozomborara zvakanaka kupolice kwacho kwaitonzi uno reporter missing persons papera 24hours. Mangwana acho ikafuma yatove hunt yakasimba takutsvaka Regina. Takatozoenda kwamaiTadi tavakubatsirana. I suggested kuti tiudze mama maiTadi vakati," hii neBP yavo iya vanogona kutodonha. Ngatimbomutsvakayi anogona kubudikira." Kutsvaka munhu kwakangooma kani. Taitoshaya pekutangira tavakutoita semapenzi chaiwo. Seni ndaive ndavakutofunga zvinotyisa. Takazonoisa report kumapurisa kwacho. Ukuwo wangu murume didn't communicate with me. The only thing chandakasanganidzana nacho kuma Whatsapp updates picture ravo vakaita kumonerana naEva. Pakatoiswa caption pazasi yekuti soon to be Mr and Mrs Hamandishe. Message yandaive ndamuisira musi we Friday yaive isati yapindurwa or kuvhurwa zvayo. Aitopinda nekubuda online zvake. Ndakatadza kugarisika nestatus iyoyo. Ndakatozoita wekufonera ndichiti," hamuti check wo here nhai babaReign?" He chuckled kwakuti," Sha ndinenge ndiri busy ka ini." I sighed ndichitoona kuti kuvhayirirwa. Kwakuti," Regina haasi kuonekwa." "Akaendepi?" He asked ndikati," hanzi akangobva achiti ari kuenda mutown nemusi we Friday kuseni. Till nhasi apa kwese kwatanga tichifungira haako." Akangoti," iiih hopefully munovawana." Ndipo pakabva patoperera conversation yedu kwakuto cutter ndiye. Makuseni emusi weSunday taive tichiri kwamaiTadi natete. Vakafonerwa neLuveve police vachinzi vasvike. Tese hana dzakatanga kurova umwe neumwe pfungwa dzake dzazara kwese kwese. Stay tuned. Chihelele ♥️
❤️ 😢 👍 🙏 😮 😂 172

Comments