Chihelele Stories
February 7, 2025 at 03:13 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K *Follow my channel for previous chapters and more books!* https://chat.whatsapp.com/Df8rXUT6q5uFSJRspkT8rq *Follow and like my Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61553577806405&mibextid=ZbWKwL *Deadly Mission* Story written by Nita Chihelele https://wa.me/message/AUGUQLHUXZS2N1 Chapter 4 Kudzai. Tese hapana akada kusara kuenda kupolice kwacho. Takapinda mumota mabamkuru kwakuenda pasina aitaura nemumwe. Takasvika paye vaive vanzi vazoona constable Pikitai. Vakarairwa muoffice macho maive naconstable Pikitai vacho. Takatowana aripa call. Paakapedza akatiti tipinde tiri 4 kudaro. Lucky maitove nebenji iro ratakabva tambandidzirana pariri kugara. Takamhoreswa naPikitai uye tikadaira tese in a chorus. Achibva ambodzokorodza kubvunza kuti ndivo here Mrs Mapako. Vakadaira nekugutsurira musoro but kwaingove wo kubvunza it seems like aive atongobatanidza. Akabva atura mafemo kwakuvhura drawer rake ndokuburitsa rimwe bepa so. Akamboverenga achirova rova desk rake nepen. Kwakuzotura mafemo futi achigadzika bepa riye pamberi pake. He cleared his throat ndokuzoti," mmmhh yeah!" Akadaro achitura mamwe mafemo. Tese taive tisisina kugadzikana. Akaenderera mberi ndokuti," we've found a girl who fitted your description...." He paused sisi kwakumhanyira kuti," kupi? Mupenyu?" Constable Pikitai's facial expression yakandiudza kuti hapana chakanaka. He ignored mubvunzo wasisi maiTadi. Kwakubva agadzirisa pahuro ndokuti," sezvandamboreva kuti the body we have found..." Paakangoti body apo munhu wese ndakaona achifemera mudenga pace yema heartbeats edu tese yaive yawedzera. "So hazvirevi kuti ndiye munhu wenyu. Parikusiyana uyu tamuwana zvedu akakandwa muMguza river. But luck racho aonekwa nevarauri achangokandwa asati akanganiswa nemvura." "Manje aripi wacho tinomuona?" I said vakati," we have taken the body kuMpilo Morgue." Kungonzwa kuti body zvaitongovhundutsa. Isu taida Regina not body. Mumajoints umu ndainzwa kupera simba, kunzwa kakudedera chaiko. Akabva atora makeys ake ndokuti," handei zvedu." Takabuda muye pasina aitaura nemumwe pfungwa dzeumwe neumwe dzichifunga zvadzaifunga. We tailored the police car tirimedu kusvika tisvike kuMpilo kwacho. Hapana akwanisa kutaura nemumwe munzira yese. Fear was written pazviso zvedu tese. Pakupinda muye kwakangodiwa vanhu vaviri chete. Kwakubva kwapinda maiTadi natete. Ini kwakusara nabamkuru avo vakazosara vavakuti,"dai vakangobudikira mainini Regina amana and relieve us from all this." "Taurai zvenyu bamkuru," that's all I could say. Nyaya dzichibva dzatopwa. Vakamboedza kutanga nyaya vachiti," arisei muface wenyu?" I sighed before saying," aribho zvake." If it was any normal day ndadei ndakavaudza nhamo dzangu. Bamkuru ndeumwe munhu ainditeerera nyaya dzangu dzekunetsana naZac without judging me. Manje maiTadiwa ndaimbonzi," kumwe kuda munhu hakusi normal Kudzi. Kuita semunhu asina kudongorera mukova weclass kudaro? Rudo rwako rwakamboita sei ko rusingaperi pakadai?" Apa people didn't understand kana. Kuda munhu, I mean real love is not easy kungomuka uchiti rwapera. It wasn't that ndaisaona kuti Zac was taking me for a fool achindibata rough. Ndaitoona chaizvo asi moyo waingoramba uchinditi give him a second chance yechi 100 achachinja. Moyo chawada hachipikiswe kana nani zvake. Ndaitadza kugarisika ndichingofamba famba ndichidongorera kuti varikuuya here. Vakazouya pave paye pandakangoona sisi maiTadi vakaita kubatiranwa natete neumwe murume ndakabva ndatoziva zvaive zvaitika. Misodzi yakatanga kunjenga mumaziso ndikati " bamkuru?" Kuti ndaivadeedzereyi handitozivi. Ivo vacho didn't respond vaive vatoona vanasisi vaiuya. Kwakubva vafambisa vachivachingamidza. Pavakasvika tete vakangokwanisa kuuya mumaoko mangu tikambundirana tichichema. MaiTadi aive atozviwisira mumaoko emurume wake. Ikatanga mhere mupurisa uya wekuuya nesu kwakuedza wo kuti," im so sorry." Takapinda mumota tavakuchema paye. Takananga kumba tete vaive vava busy calling mafamily members. Hapana akambobvunza kuti chii chakaitika. Takasvika kumba bamkuru ndivo vakatozokwanisa kubvunza tete. Tete vakangoti," Anenge akarohwa nesomething mumusoro asati akandwa nekuti taona zivanga. Postmortem ndiyo ichataura kuti akaurawa neyi?" Ini ndaive ndava chimumumu chaicho misodzi ichingoyerera chete. Ndofunga ndakatombofenda nekuti ndakazomuka ndarariswa muroom maana Tadiwa. Paina tete, nedzimwe hama dzaive dzasvika dzigere watching me. Kwaive kwatosviba pandakapepuka pacho. First thing ndakabvunza mwana wangu uyo wavakati," Reign arikutamba nevamwe." Ndinenge ndaive ndaita zvikuisirwa fan chaiko kuti ndipepuke. Tete ndivo vakazoti," mavakunzwa sei?" "Musoro ndiwo urikurwadza," vamwe tete but she was a distant relative vakati," mainini you're allowed kuchema kwete kuvharira pain muchifuva munofa nazvo." Kutaura kwavakaita kudaro kwakaita misodzi yangu itangirire kubuda. Surprisingly mhere chaiyo ndakaitadza. Second day tiriko kuCowdryapark vanhu vaive vatoungana. Mapurisa aingouya achibvunza bvunza they were busy investigating. Mapurisa nesu taitofungira Tymon mukomana waRegina. It was just like a dream kungofunga kuti takaungana pamariro aRegina. Mama ndiwo musi wavakasvika iwoyo. Vakachema gotwe ravo zvakachemedza munhu wese aivepo. Vakachema mama zvakapisa tsitsi tikati tavakudairirawo nasisi vangu. Taingove vatatu panamai vedu. Aripo mukomana one wavaive vaita aive pakati pangu namai Tadi. Akangozvarwa nehurema ndaingonzwa kuchinzi aisafamba kana kudii. Akashaya achine gore chairo. Zac ndaive ndamuudza zvaive zvaitika asi haana kuuya. Hama dzake dzaive dzauya. Including mai vacho, namaiguru maiRopa. MaiRopa was like a sister to me. Ndiye umwe munhu akamboita ndicheme pandakavaona. Takazowana mukana wekubuda panze namaiguru maiRopa ndikati," maiguru ndizvo wo here zvinoitwa kuti ndafirwa nemunin'ina wangu Zac otadza kuuya?" Vakaminyura miromo ndokuti," munin'ina wangu focus on grieving hama yako usiyane naye uya. Ivo mai vacho ndivo vanotadza havo kutsiura vana. Chero kuchinzi munhu haumude but panguva yakadai unoratidzawo support." Kurwadziwa nekufirwa nemwana wamai vangu ndairwadziwa. But hazvina kuita kuti ndikanganwewo murume wangu. Ndakabva ndatoti," ndakaona tete vakamuposta iye Eva pastatus anenge anemimba futi. Plus iye Zac posted varivese handiti vakugadzirira kutorana." Ndaidawo kuti vati haa kana haana nhumbu. But vakabva vatoti," siyana naye uyo munin'ina wangu. Kana achibvuma kuitiswa naZacharia pachake. Nekuti kutorana chaiko I doubt. Mukadzi uya anemari uya saka zvekuroorwa izvi handitooni iri type yacho." That confirmed kuti anayo zveshuwa. Zvakaita kumawedzera marwadzo angu. Ndikazoita sekuti ndavakutorwara chaiko. Zac akazosvika tavakutoenda kumusha kunoradzika Regina. Police yaive yaiita mainvestigations mukomana aive atovharirwa . Saka taienda kunoradzika tokasika tozodzokera macourt. Zac akasvika mota dzakutobuda ndikanzwa kudumbirwa ndakamuyeva so. Ndaiti zve achaita sevamwe vakwasha atevere azobatsira asi kana akatosara. Handina wo kutowana mukana wekutaura naye. Kumusha kuye vakazokuenda vega kumakuva ini ndava murwere chaiye chaiye. Mwana chaiye ndaive ndavakufunga kumusiisa mukaka. After kuradzika Regina takabva tatodzekera tese namama kunyaya dzaive dzakatimirira kucourt. Ndakananga kuchipatara first thing tichipinda muBulawayo. Kwakunopera simba ndichinzi ndine nhumbu. Ndakambonanga kumba kwangu. Mama vaive vananga kwamai Tadi kwavaizogara vachifambira macourt. Ndaitoda kunogarirawo kuCowdrypark kwamaiTadi tichinyaradzana namama. But tete maiBruno vakanditi," ayewa mainini hazviite kuti muchiramba murikuno kuCowdryapark. Munopota henyu muchiuya apo neapo tichisangana chero kucourt. Murume haazode kuti muite sekuti hamuna hanya naye. "But tete iye ndiye hake asina hanya neni. Ndafirwa nemunin'ina wangu but akangobudikira zve2 minutes kwakuendera tuu. Ndikakuudzai kuti since tiende kumusha haana kana full stop yaakanditumira Zac uya. Yekungobvunza mwana wake horayiti kana asingade kubvunza ini. But aitotaura nevekwavo, ndaizongonzwa mama tirikumusha kunhamo vachitoti vataura naye." Ndezvimwe zvaiwedzera kurwara kwangu zvandaiitirwa naZachariah. Pandakabva kuchipatara I went straight home ndapera simba. Dzimwe pfungwa dzakamboti maybe zvaigona kutoita Zac adzore moyo ndava nenhumbu. But firstly ndakaudza tete paphone pandakasvika kumba nezvenhumbu. Vakati," nhai Mwari! Imi muchiyamwisa?" " Kutomubvisa tete Reign wacho hapana yekutamba," vakati," matovaudza bamnini?" "Handisati tete ipapa ndanzwa Abigail achitoti kubva kuenda kwandakaita haana hake kudzoka pamba." Vakati," inga zvakaoma, vaudzei muvanzwe he might be happy about nhumbu." Ndikati," I pray so tete." Ndakazowoneka natete call yamai Tadi kwakupinda vachibvunza kuti ndafamba sei kuchipatara. Nekutya kutukwa kutaura zvenhumbu ndakangoti," hanzi inyon'o ndapihwa hangu mapiritsi." "Mama wo vasvikira kurara wo makumbo avo akazvimba apa musoro uya uchiri kuvatambudza. BabaTadi vambovapa mamwe mapiritsi ari strong hopefully pavanomuka vanenge vava nani." Mama vaitove wo neBp zvimwe zvaive zvavakuwedzerwa nekufirwa negotwe ravo zvinorwadza kudaro. Ndakabva ndafunga kufonera babaReign Kwaingove wo kufona nekuti dzimwe nguva he would not answer zvake. Musi iwoyo ndakatoshamisika ndichitonzi," ndeipi? Madzoka kumusha?" "Ehe tadzoka, murikuuya here kumba?" Akati," yeah ndirikumbopedzesa basa." Kwakubva ndangoti," toona masvika." Ndakatofara kuti better ari mugood mood. He was like that aigona kumboita munhu bho. Ndotombofunga kuti zvapera zvaEva ozotangirira futi. Stay tuned. Chihelele ♥️
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 223

Comments