Cathy Stories🌻
February 8, 2025 at 05:51 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaHptqd7Noa7d4X46k0F
Ratidzo💔
Story by Cathy
0778640244
Chapter 39.
Ini zvemuHarare ndaisamboziva hangu zvizhinji kunze kwekuOpharnage kuya kwandambogara nekuWarren park kuya kwandakamboshanda.Ndaitova hangu hutsi hawo wega wega pane zvizhinji zvemuHarare zvekuti ipapo pataiva mumota maTaku tichienda kumba kwake kwaingova kuona kuti mota yaipinda neroad ipi neipi but ndisingatombozive kuti road dzacho dzainzi chii?,kana kuti ndizive kuti taiva papi ndaisamboziva.Asi ndakatozongoona tasvika kune imwe location yandakangoona ndega kuti kuno kunogarwa nemhene,vanhu vaya varorama life kwete hupenyu wekushingirira waitairarama isu hedu ana Ratidzo.Dzimba dzacho dzeko even madurawalls ayinge akadzikomberedza and everything chandaingoona mumastreets mataifamba namo,zvaingoratidza classy ende handina munhu kana vanhu vandakoona vakangozara zara mumastreets sezvaitwa kuma ghetto kwandainge ndambogara,Ikoko kwaiva very quiet zvekuti mota chete ndidzo dzaitangopesana nadzo murooad apa mota dzacho dzese dziri mbishi futi.Takazofamba nzira yese ndichingoyeverwa hangu nekunaka kwanga kwakaita nzvimbo yacho kusvika shamwari yaTaku yakazomisa mota tasvika pane rimwe zimba rinenge raiva zidouble storey achibva aridza hooter amira pagedhi pacho kudaro but akativhurira gedhi racho handina kumuona asi ndakangoona gedhi richivhurika mota ichibva yapinzwa mukati ikanomira pamberi pezimba iroro,zvikabva zvanzi neshamwari yaTaku"yaa tasvika hedu"ayidaro achitobvisa seatbelt.
mai Bee ndakaona kuti vakashamisikawo nekunaka kwanga kwakaita pamba pacho nekuti vakabva vati"yoo ndipo pamunogara apa guys"shamwari yaTaku ndiyo yakabva yadaira zvikanzi"yaa ndipapa pamba pababa Kundi gulez but inini handigare hangu pano nditoriwo muenzi semi"ayitotaura zvake mukuseka akavatarisa mai Bee ivo vakabva vati"yaaa nhasi ndazonzwisisa kastatement kaya kanotaurwa nevanhu vachiti kurarama life behupenyu zvakasiyana chokwadi, haiwa imi kuno munorarama henyu life, kubva tatoita sekunge tave kuLondon kudaro"mai Bee paiva nebasa chairo ende vaisambonyara havo kutaura,vanhu tese takangoseka tichiburuka mumota.Taburuka kudaro Taku ndipo paakandidzosera mwana wangu tichibva tafamba tese kunopinda mukati mezimba racho asi Takasvika tichitambirwa nevamwe mai vechikuru. vairatidza kuva munhu akasununguka uye anofara but handina kunyatsovafarira zvakadaro nekuti vakangondirangaridza nezva Aunty Joy vaya vekunditengesa kunana Lisa.
vakamboda kubata mwana wangu after paitwa maIntroduction naTaku but ndakaramba naye. Taku ndiye akasika kubata nyaya yacho achibva avati"imbomupa time Aunty pane zvakamboitika kumashure ndozvirikuita arambe nemwana wake"ivo vakabva vatosekerera havo instead of kutsamwa vachibva vamuti"hazvina hazvo problem mwanangu,paanenge azongosununguka kuti ndimubate ndongomubatawo ipapo"akabva angogutsirira musoro wake Taku ivo vachibva vatofamba kubva pataive hamenowo muroom mavakanopinda,isu takazosara tichigara pamasofa ayive mulounge mataive tasvikira zvikanzi naTaku"apa moda kuzorora makagara muno kana ndoenda nemi kuma rooms amunenge muchizorara?"tisati tamupindura friend yake yakabva yataura zvikanzi"ko vanozorora vasina kudya here?"zvikanzi naye"aunty vakuto -prepare dinner vanozovasheedzwa kana vapedza"akabva angoti"hoo okay"zvikanziwo namai Bee"ini muno mutori bhoo hameno mai nhanha ava pamwe ndivo vanoda kumbozorora vakarara nemwana wavo"munhu wese akabva anditarisa zviya zvekuti ndizvitaurire ndega ndakabva ndati"ndogara hangu muno"zvekurara ndaisambizvida hangu ende hapana akambopikisana nazvo.Takabva tangogara tese mulounge imomo,mai Bee vakabva vakatanga havo kutaura nyaya nana Taku,vaisapererwa zvavo ende ipapo vaitotaura navo sekunge vanga vatova nenguva vachizivana ini hapana chandaira hangu pakutaurwa kwavo ikoko,pfungwa dzangu dzakatombodzekera kupurazi kuya,ndikatanga kufunga hupenyu wese wandaiva ndararama ndiriko nemachinjiro ayinge azongoita zvinhu nenguva diki diki ndikaona kubata kwaMwari chaiko but moyo wangu wakazorwadza pandakafunga nezvamai Chris vaya vekumirira neni from day one nevamwe vese vandainge ndasiyako.Ndakabva ndangozviudza kuti ndaizokumbira Taku kuti azobatsirawo vanhu vese ivavo kana ayizozvigona,zvadaro aunty vaya vakazodzoka vakati(server) dinner nemamwe maids andakatanga kuona padinner table pataiva tazogara tikadya.Tapedza Takudzwa neshamwari yake vakambobuda mumba asi akazodzoka ava ega,achiibva anditi"huya kuno mhama vangu vanoda kutaura newe paphone"ndakabva ndangoti'horait"ndichibva ndada kusimuka ndichisiira mai Bee mwana but Taku akabva andirambidza zvikanzi"huya naye ndiye wavari kutoda kuona"ndakabva ndangofamba naye ndakamubata mumaoko ndichitevera mumashure make,mai Bee takangovasiya vakangogara padinner table paya vega asi vainge vakubaya havo phone yavo.
Ndaifunga kuti mai vacho ndainotaura navo ndiri mulounge muya matainge tasvikira but ndakazoona munhu ave kukwidza upstairs ini kuzondidaro mhanje ndakaita sendichadonhedza mwana ndichingotanga kuisa gumbo rangu pafirst step,ko ndaive ndamboikwidzirepi zvangu mastairs akareba kudaro?.ndaitoziva kumaona hangu muTv.Ndakatofamba ndichizeza kutsika pasi asi ndakazofamba hangu zvakanaka kunosvika kumusoro kwacho.Takasvika tichipinda mune imwe room yaive yakangonangana nemastairs iwayo,muroom macho maiv makazvinakira hamo mune furniture yekumberi,iye Taku tapindamo kudaro akabva atanga kufonera mai vake akamira ini akandinongedzera kuti ndinogara pabed ndichibva ndanogara hangu.Pasina nguva ndakanzwa kutaurwa kwevoice remunhu kadzi paphone pacho achibva awuya kuzogara paside neni akataridzisa screen rephone kwatiri,yaiva vedio call.Ndakatambirwa nechiso chamai vake vandakambotaura navo paya ndiri kwaMutare nepaya ndiri kwaMutoko kwaGogo.Vakabva vandimhoresa zvikanzi"wakadii hako mwanangu" ndikati"ndiripo makadiiwo mhama"zvikanzi"ndinofara ini,ko nemakorokoto kaa ndiwe wakadai kundizvarira muzukuru wangu"ndakasekerera hangu ndikati"ndeedu tose mhama"zvikanzi"ayihwa wakagona chaizvo mwanangu nekutikudzira dzinza,saka arisei hake mwana?,haasi kukunetsa nekuchema here?"ndakabva ndaona hangu kuti vanga vaudzwa zvese naTaku ndikati"haasi uyu"vakabva vati
"yaa kachiri karusvava hapana zvati zvakuzivikanwa"ndakabva ndangoti"shuwa"vairatdza havo kuti vaifara vakabva vati"haa ndafara zvisingaite pandangoudzwa nezvako naTaku asi mazuva ese aya ndaingogara ndichinetsana naye nenyaya yako ufunge but munhu wacho hameno zvaanenge achingoita,anokasika kutungamidza chiramwa chisina basa pamberi ndokusaka wakaona paya asina kuzombodzoka kwaMutoko asi zvisinei hazvo ndinovimba kuti adzidzawo kubva ipapa kuti zvimwe zvinhu hazvingode kungoramwa nekuda kunzi handinzwarwo kana kuti handinyengerere munhu,hant urikundinzwa iwe Taku"vakapedzesa kutaura zvine hasha mukati iye akangoti
"ehee mhama ndiri kuzvinzwa" vachibva vaenderera mberi vakatanga kundikumbira ruregerero zvikanzi"ndine hurombo chaizvo nezvese zvawakaitwa naLisa nekuda kwechiramwa chake iyeyu dai paya akanyatsotsvagurudza chaiva chaita kuti ozongofuma wachinja zvataiva tarongana paya handifunge dai timbori nenyaya dzese idzi nhasi,anyways kwangova kutaura hangu kwekurwadziwa but zvakaita zvakatoita ende hapana zvatichambozviita kana kuchinja but Lisa nevanhu vake vese vari involved munyaya dzake varikuwana mutongo wezvese zvavakakuita very soon ende izvozvo ndinokupikira namai vangu vari pasi apa kana Taku wako iyeye akatadza kuvasungisa inini ndichakwira ndege kuuya kuZim ikoko ndodealer navo ndega"ndakabva ndangoti
"ehoi mhama"zvikanzi"yaaa iwewe usachanetsekana hako kana kugara uchitya kubva nhasi.rera zvako muzukuru wangu uyo wakasununguka hako,ana Lisa vatova mumaoko edu soo,havachatombofe vakakubata futi"ndakagutsirira musoro kubvumira zvikanzi"asi panyaya yekuti muende kumusha kwana sekuru vako mangwana kunovazivisa zvakaitika kwamuri ndanga ndambotaura nemurume wako kuti mumbomira mbichana nekuti mwana uyo achiri mudiki kuti mubva mafamba naye nzendo dzakareba kudaro atleast akambokwanisawo one week kana two mochizoenda henyu zvinenge zvave nani,hameno unopaonawo sei?"
ndakangobvumira nazvo ndanyara kuvapikisa zvikanzi naiye Taku"but tanga tichingoda kugara tangopedza nyaya dzekuside ikoko mhama kuitira ana sekuru vake vasarambe vachingonetsekana nekuvatsvaga"zvikanzi"izvozvo ndiri kuzviziva chaizvo Taku asi mwana wenyu achiri mudiki uyo haadi kungofambwa fambwa naye vanhu vashata kunze uku munogona kukanganisirwa mwana kana zvichinetsa unogona kungoenda iwewe neshamwari yako muri vaviri"akazviramba zvikanzi"haa izvozvo hazviite mhanje,zvinotoda panaiye Ratidzo wacho"vakabva vati"saka mongoita zvandareva hant Takudzwa"haana kuzoramba achipikisana navo,tese takabva tangowirirana kuti kwaMutoko kwacho taizoendako kwapera svondo ravanga vareva.Vachibva panyaya iyoyo yekwaMutoko vakabva vatotanga kuronga naye zvekuti vaizobata sei ana Lisa?,ini ndaive ndakungoteerera hangu pasina zvandaitaura,Taku akambotanga ataura zvekushandisa police but mai vake vakamurambidza vakati ashandise vakomona vake(hameno vaiva vakomana vapi ivavo)ndakazongonzwa iye Taku akuvafonera after video call yamai vake but zvaakataura navo handina kuzvinzwa nekuti pakadairwa call yacho akabva ambobuda mumba ndokuzodzoka patopera rinenge hour rese ini hope dzaive dzoda kundibata zvekuti paakapinda pacho ndakatoita kakuvhunduka zvekutopotsa ndadonhedza mwana,ndainge ndichiri ndakamubata hangu mumaoko,ndakabva ndanzi naiye Taku"kana wane hope ingorara hako ipapo"ndakabva ndamubvunza ndikati
"ndiri kurara muno?"ndakabva ndatanga kutarisa tarisa muroom macho futi,zvamaingove zvakangondirambira kuti inini Ratidzo ndaiva nekodzero dzekurara mumba makanaka kudaro iye Taku akabva anditi
"ehee"ndichibva ndati"ko mai Bee?"zvikanzi"vacharara kuguest room iri downstairs"ndakabva ndangoti"hoo"handina hangu kuzotaura zvakawanda.Ndakabva ndararisa mwana wangu zvakanaka pamubhedha iniwo ndichibva ndararawo paside pake ndikabva ndatanga kumayamwisa iye Taku hameno zvaanga akubata bata muwardrobe make,ndaingomuona hangu achibata batamo asi ndakazomuona awuya padhuze neni achibva adongorera mwana wandaiyamwisa achibva andikisa pahuma zvikanzi"thank you for making me a father"ndakangosekerera hangu ndichinyarira achibva amboramba akanditarisa ndikati"ko chii?"zvikanzi"ndanga ndasuwa kuona face yako"akadaro achibva awuyisa muromo wake pane wangu but ndakamboramba ndakauvhara,ndaitozeza hangu kiss yacho asi iye akabva ananzva malips angu zvakazondituma kuti ndimuvhure muromo wacho ndisingade ndichida,kiss ikatotanga kutsva ipapo but akazokasika kundisiya awona kuti taigona kuita zvisirizvo ini ndainge ndichiri muzvere hangu,akabva anditi"rarisa mwana kumberi kwako"ndakatanga ndabvisa mwana wacho pazamu ndikaita zvaanga areva zvacho iye achibva arara kumashure kwangu akandimbundira,hatina kuzombobuda mumba imomo takarara takadaro,mai Bee ndakangoziva kuti vaiva varara kuguest room kwanga kwarehwa ini ndakanyatsorara hope dzeumambo chaidzo musi iwoyo nekuda kwecomfort yemubhedha plus naiye Taku kumashure kwangu,ndaigorotei hangu chakaipa pakadaro?ndakanyatsodzifodora hope asi mwana ndiye akamboda kunetsa netsa pava pakati pehusiku asi Taku ndiye akatoshinga kumunyararidza ini ndaitomuka zvangu zveapo neapo kana anditi ndimbomupa mukaka.Zuva rakatevera racho kunze kuchitanga kungochena ndakamuka ndikaona Taku atochena chena zvekuratidza kuti ayitoda kubuda nguva idzodzo.Ndakamumukisa hangu achibva awuya padhuze pangu ndokubva andikisa pahuma achibva azondiudza kuti ayitobuda kuenda kwaMutare,sezvo ndaiziva hangu kuti ndiko kwainge kune Company yake handina kumbobvunza zvakawanda plus ndaiziva futi kuti ndaizosara hangu namai Bee pamba pake hanndina kumboita problem nazvo,ndakangomuti"horait"achibva andipa smart phone yaitova neline nezvimwe zvinhu zvese zvinowanikwa mumaphone zvikanzi"kana pane zvinenge zvazonetsa panapa or kana pane zvaunenge uchida unongondifonera nephone iyoyo"ndakabva ndangogutsirira musoro asi ndakabva ndamubvunza ndikatu"asi hausi kudzoka nhasi?"nekuti matauriro acho ahakaita ayita sekunge ayinopedza mazuva ariko but akabva ati"ndiri kudzoka nhasi but zvekumanheru chaiko"ndakabva ndangoti"horait"akabva asimuka akazvi-sprayer perfume zvikanzi"chindiperekedzawo kunosvika panze"ndakatsveta phone yaayiva andipa pamubhedha ndichibva ndasimuka ndikasiya ndafugidza mwana wangu zvakanaka,ayinge achirara hake ndokuzofamba naye ndichibuda,tikadzika downstairs tikawana mai Bee vatogara mulounge vachinwa tea,takangovamukisa chete tichibva tadarikida kuenda panze apo pandakazoonekana naye Taku achibva apinda mumota maiva amirirwa nefriend yake vakabva vaenda ini ndokuchizodzekera mumba ndikawana mai Bee vakangogara pasame position but cup yetea vaive vatsveta pasi,vakabva vanditi"madzokoyi"ndakasekerera hangu ndichigara paside pavo zvikanzi"vatoenda here baba Kundi?"ndakabva ndati"ehee ayende kwaMutare"zvikanzi"hoo asi anodzoka hake nhasi?"ndakadaira nemusoro zvikanzi"kuita kwemari shuwa,kwaMutare hapasi pano zvekuti ungatodirisa fuel everyday uchienda nekudzokako, haiwa ane mari dzake shuwa asi ko nyaya yekuenda kwaMutoko mazidii?"ndakabva ndangovataurira zvaiva zvarongwa namhama vake vachibva vangowirirana nazvowo tichibva tagara hedu mulounge imomo tichitandara,zvebasa remumba taingotarisa hedu maids epo achiita vachimonitwa naAunty vaya ndakatozoona hangu kuti ndivo vaiva mukuru wacho.Pakazotanga kuchema mwana wangu ndipo pandakasimuka naivo mai Bee tikaenda tese kubedroom kuya kwandainge and ini semunhu ayinge asati ava neruzivo nezvemwana mai Bee ndivo vakasvika vachindiitira zvese,kumuchinja,kumupukuta zvese nekumuzora spirit paguvhu tichibva tambozorara hedu tirimo tichitaura nyaya nekuseka,kwave kuma 9am ndipo pakazouya hwani wemaMaids aye achitisheedza kuti tinodya breakfast tikabva taenda kunodyira padinner table paya,yanga yangova life yechirungu yatainge takurarama hedu ipapo namai Bee,kumasikati kwacho takagadzirira futi lunch tikadya.Takazongoswera hedu takagara zuva rese,kwave kumazuva rodoko ndichitobva kunogeza ndipo paandakafonera naTaku achiti vanga vatova munzira kudzoka muHarare ende zveshuwa pakazokwana 7pm vanga vatosvika pamba tichibva tatodya navo supper nekuenda kunorara,Ndiwo wakazova muraramiro wangu ndiri pamba paTaku iye ayibuda everyday makuseni ega ega achienda kwaMutare neshamwari yake ini ndaiswera namai Bee nevashandi vepamba pake,zvana Lisa wo ayingoti vakomana vake vachiri kuvatsvaga hanzi kumba kwavo zvese nekwehama dzavo vanga vaenda asi vakavashaya hameno kuti vainge vatobuda muno munyika here kana vainge vaine nenzvimbo yavanga vawanda havo,week riya rakatozosvika pakupera tisina kana information yavo yatanzwa nezvayo asi takazongoronga hedu zvekuenda kwaMutoko musi wesunday resvondo iroro.Takasimuka kuri kumakuseni seni chaiko,shamwari yake zvese namai Bee takaenda navo nemamwewo masecurity guards four ayitevera kumashure kwemota yataiva.
Mutare road ndiyo road yatakashandisa ipapo asi takazonosiya tasvika muMarondera tikafamba neMurehwa road asi Murehwa iyoyo takazonoisa futi tasvika paCross ende kwaMutoko kwacho takazosvikako zvekumapast 2pm asi pamusha chaipo pagogo mai Grace takasvikapo zvekuma to 4pm.Paitoratidza kuti paiva nevanhu ende takabva tatambirwa nasekuru baba Grace nemwana wavo mukumona but vese vakatotadza kundiziva sezvaiva zvangoita gogo paya,takamhoresana navo vakatidaira zvakanaka naka ivo sekuru vachibva vazoti"ndimi anani nhai vanangu,ndatadza kuziva zviso zvenyu mese ini"vanhu vese vandaiva ndauya navo vakabva vangonyarara zvekureva kuti ndini ndaifana kupa maintroduction acho.ndakabva ndagadzirisa pahuro pangu ndikati"ndini Ratidzo sekuru mwana waRevai".....
End of chapter 39
🌻🌻
❤️
🙏
👍
😮
😂
😢
58