Cathy Stories🌻
5.5K subscribers
About Cathy Stories🌻
Welcome to Cathy stories Madelyn🌻 First Love♥️ Ratidzo💔
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
https://whatsapp.com/channel/0029VaJSt9H1NCrLzyNCv51g RIKITIIIIIII BVUUUUUUU!! 🔥😅 kwauya kamunyori kechidiki kari kupisa muma streets Muno maimbozvizivawo here kuti kune Munyori anonzi Natty arikupisa zvamaimhanje kuita kupisa imika zvakaoma 😊 Pindai mu Channel yemunyori anonzi 💋Natty💋 iyeye ,uyo anonyora zvine dzidziso nezvinopedza stress zvino nakidza,haikona kuswera kuita makuhwa muraini pinda uverenge Novel ririkupisa zvaizvezvi rinonzi *TANISHA* rekamusikana kakaka kanobva kumusha anotaura shonglish😁 , richangoburwa pinda uzvionere wega iwewe usaite zvekuudzwa hantika ,ifree book zvekare Walala wasara💃🏾
MADELYN $1.50ecosash pa0778640244 A.Mashonga 45 zig 0778640244 A.Mashonga Inbucks 1.50 0786502562 A.Mashonga Airtime $2,munosenda manumbers 078502562 kana kutumira photo Vari kuSouth Africa munotenga 20rand voucher B Ott voucher Blue voucher 1 voucher kazang Mapayment proof ese munoisa pa0786502562 NB:KUTONGOTENGA NEKUPIWA BOOK RESE KUSVIKA KUFINAL....
https://whatsapp.com/channel/0029VaHptqd7Noa7d4X46k0F.... https://chat.whatsapp.com/FCm4Anf9Hmz2iZmk1aY7DJ Vanoda from chapter one pindai mugrup umu.... RATIDZO 💔 STORY BY CATHY 0778640244 CHAPTER 40 Pandakavadaro sekuru Baba Grace ndakaona vachinditarisa zviya zvekushamisika vachibva vangoshama muromo wavo.Vachibva vazoti"aaah,ndiwe zvako muzukuru wangu"ndakabva ndavadaira ndichigutsirira musoro ndikati"ehe ndini hangu sekuru".asi hana yangu yakabva yatotanga kurova ende ndainge ndave kutya kuti vaizozvitambira sei pandaizovaudza zvainge zvaitika kuna Gogo.Ndakaona zvichindiremera hangu kuzozvitaura apa vanhu vacho vese vandainge ndinavo vainge vangonyarara zvekureva kuti ndini ndaifanirwa kuzvitaurira ndega.Ivo sekuru ndavadaira kudaro vakamboita havo kanguva vakanyarara ini ndainge ndangovatarisa and ivowo vainge vakanditarisawo vachinyatsoratidza kupererwa.Ndakabva ndatowedzera hangu kutya.Asi Taku ndiye akatozozviona kuti ndainge ndakutya nekuti akabva andibata rumwe ruoko rwainge rusina kubata mwana ndichibva ndamutarisa ndave kutonzwa kuda kuburitsa misodzi but akabva andisimbisa zvikanzi"be strong hant "ndakabva ndangogutsurira musoro futi ivo sekuru ndofunga vakatoshaiwa kuti chii chaitika nekuti pandakadzosa maziso angu pavari vainge vakangotitarisa tese naTaku nemaziso ayiva nemubvunzo hobho asi havana chavakabvunza panguva iyoyo asi vakatozotangidzisa kundimhoresa futi patsva zvikanzi"saka urisei hako nhai muzukuru wangu Ratidzo?"ndakabva ndambonzwa kurerukirwa mbichana.Ndokuvadaira hangu ndichiedza kudzikamisa hana yangu ndikati"ndiri bhoo hangu sekuru,muriseiwo imimi kunoku?"vakabva vandidaira havo mune zvakanaka-naka zvikanzi"kuno tirinani hedu muzukuru,kurisei kwamabva?"ndakabva ndangoti"kuri nani hako" zvikanzi"haiwa,kana zvakadaro zvinotendwa muzukuru"ndakabva ndangogutsirira musoro wangu futi ende mumba macho makabva mamboita karunyararo zvekuti vanhu taingotarisana chete but ndaingoona hangu vanhu vese vachingonditarisa zviya zvekuti ndini ndaifanirwa kutanga nyaya yacho yatainge tafambira zvino ini wacho nekutya ndainge ndopererwa zvese nekutya.Ivo sekuru ndivo vakatozopedza runyararo rwacho vachibva vatondibvunza havo zvisinei zvagogo zvandaifungidzira kuti vachatanga kundibvubza zvikanzi"ko ava wavauya navo ava ndivanani vako nhai muzukuru?,asi vakamona two avo vari kwekupedzesera ndiri kuita sekunge ndakambovaona somewhere,hameno kana ndiri kuresva hangu kuona?"ndakabva ndatarisa painge pagara ana Taku ende ndiye neshamwari yake vairehwa nekuti ndivo vainge vagara paside nepaside kwekupedzesera kwacho plus wo masecurity guards aye atainge tauya navo vainge vasara kumota saka hakuna vamwe vakomana vairehwa kunze kwavo asi ndisati ndavadaira mwana wavo mukomana ndiye akabva avadaira zvikanzi naye"Baba,ndivo vakomana kaa vaye vekumbouya pano mazuva aye ataivatsvaga vachiti vanoda kuona iye Ratidzo"ndakabva ndarangarira pavainge vaitaaura nyaya iyoyo ana Taku patakasangana navo asi handina chandakadaira hangu ipapo ende ivo ana Taku vacho vakabva vangozvidairira vega zvikanzi"yaaa zveshuwa ndisu sekuru takambosvika hedu pano"zvikanzi nasekuru"yaa ndazviona mhani,saka murisei henyu nhai vakomana?"vakabva vadairirana pamwe chete futi zvikanzi"tiri right hedu sekuru"ndipo pakazotangira nyaya yese yatainge tafambira ipapo nekuti sekuru vacho vakabva vavabvunza zvikanzi"ko nemuzukuru wangu uyu makazoona kupiko?,ndiri kuona kaa mauya muri mese nhasi,isu tange tichiri kungovatsvaga nanhasi zvekutoti ipapa tiri kushamisika chaizvo tichimuona"Taku ndiye akabva avadaira ega zvikanzi"yaa iyoyo ndiyo nyaya yatatofambira sekuru ende zvava kuda kuti iye Ratidzo achikutsanangurirei ega zvese zvakaitika pese pamanga musiri kuvaona"ndakabva ndawana matangiro enyaya yangu ndichibva ndaedza kudzikamisa hana yangu futi asi ndisati ndambotanga kusimudza muromo wangu kuti nditaure kwacho ndakazoshamisika ivo sekuru vakundimisa zvikanzi"kana zviri zvenyaya yakaitika kwamuri muzukuru yauri kuda kutitsanangurira muzukuru usazvinetse hako muzukuru nekuti hapana chatisiri kuziva asi apa tiri kungoda hedu kungonzwa kuti zvakafamba sei kuti uzosangane nevakomana ava?"ndakatoshamisika nemashoko avo sekuru kana pandakatarisa ana Taku ndakaona kuti kana naivo vainge vashamisikawo.Apa mwana wavo akabva atovatsigirawo zvikanzi"yaaa zvese zvakaitika kwauri namhama tiri kuzviziva hedu muzaya"ndakatowedzera kushamisika nazvo futi,ndokubva ndangozvibvunza nechemumoyo kuti vanga vazviziva sei nekuti paya patakabva pamba pavo naGogo vainge vasipo ende ivo Gogo hapana pavainge vambovafonera kana pandingati vakavaisira message vachivaudza nezverwendo rwedu plus vainge vatondiudza futi kuti vaizovazivisa takadzoka nekuti vaiti vaitya kurambidzwa naivo sekuru.Ende havana kana futi munhu wavakaoneka muvillage mavo imomo zvekuti ndaigona kufungira kuti zvimwe munhu wacho ndiye ayinge avaudza saka zvakatondishamisa kuti vainge vazviziva sei.Taku ndiye akazoita zvivindi akavabvunza zvikanzi"ko makazviziva sei nhai sekuru?"zvikanzi navo "horait,mese ndiri kuona hangu kuti mashamiswa nezvandataura but nyaya yakaitika ndekudaiso,paya pamakabva pano vakomana imimi takazoona kuti zvepolice yatibatsira kuvatsvaga zvaigona kuzoramba kana kutorova nekuti painge pasina kana information yavo yekuti vakabuda vakaendepi saka tine mumwe muporofita watakazoudzwawo nezvake nemumwewo munhu achiti ayigona kutibatsira panyaya yedu isu ndokubva taenda ikoko ende muporofita iyeye ndiye akazotiudza zvese zvakaitika kwavari muzukuru ende akabva atotiitira futi nemunamato wekuti Ratidzo muzukuru wangu uyu akwanise kubuda hanzi kupurazi here kwavanga vakamuisa here nekuti ayiti ndiye achaita kuti mhondi yakavaitira hutsinye iyi ikwanise kusungwa asi haana hake kuzotiudza hake kuti zvichanyatsofamba sei kuti mhondi yacho izosungwa asi akangotiudza hake kuti muchangoona zvachaitika kana zvekuti iye Ratidzo achangosvika pano ega kudai sezvamaita naye izvi akatotiudza futi muporofita iyeye,ndokusaka ndanga ndiri kungobvunza hangu kuti zvakafamba sei kuti muonane naye nekuti izvozvo chete zvatisina kutaurirwa?"ndakatowedzera kushamisika nekunzwa kuti kubudirira kwangu kutiza kupurazi kuya kwaitova nevanhu vaiva behind kuitika kwazvo.Iye Taku akabva angovadaira kuti"hoo nhai"but ayitoratidza kuti ayitadza kusazvi-beliver ,ivo sekuru vakabva vati"yaa ndiwo maziviro atakaita nyaya yacho yese yakaitika kwavari muzukuru saka pese apa tanga takatongogara takamirira kuti iye Ratidzo wacho asvike pano sekutaura kwake muporofita iyeye kana nehama dzamai Grace ndakadziudzawo tichibva tatongosiyana nezve kupolice asi vandisina kukwanisa kubata ihama dzake iye Ratidzo nekuti hapana wandine contact naye"nerimwe divi ndakanzwa kurerukirwa nekuti matauriro avo akangondiudza ega kuti vaisandipa mosva pakuuraiwa kwainge kwaitwa mukadzi nemukadzi waTaku asi ndakaona hangu kuti zvaiva nani nditange nekuvakumbira ruregerero kunyangwe hazvo vaiziva chokwadi kudaro saka ndakabva ndazvininipisa nemoyo wangu wese ndikati"sekuru ndine hurombo nezvakaitika kuna gogo,pandakauya pano ndaitodawo kubatsirwa handina kumboziva kuti kuda kubatsirwa kwangu ku...'"vakabva vandimisa futi ndisati ndatombopedza kutaura zvikanzi"ayehwa haikona kuzvipa hako mosva muzukuru wangu,zvakaitika zvakatoitika nekusada kwako uyewo waisatombozivawo kuti ndiko kwazvichakusvitsai saka hauna hako mosva yandinokupa ende kana iye muporofita wacho akatiudza akatoti iwewe hauna mosva"ndakabva ndanyatsonzwa moyo wangu kurerukirwa chaiko asi ndakangovatenda hangu zvakadaro ndikati"maita basa sekuru nekunzwisisa kwenyu"vakabva vangogutsirira musoro wavo vakadzokorora havo kutibvunza mubvunzo wavo uya futi zvikanzi"saka mese hamusi kuda here kundiudza kuti makasangana sei nhai vazukuru?"takamboseka hedu nekuda kwemutauriro acho avakazviita nekuti vakazvitaura sekutamba asi ndakazovarondedzera hangu masanganiro andainge ndaita navo ana Taku ende ndakatanga kuvarondedzera nyaya yacho kubva pamabviro andainge ndaita kupurazi kuya,kuzosangana kwandakaita namai Bee kana nezvekutitiza kwainge kwaita mukadzi waTaku iyo mhondi yedu patakasangana navo ndakavaudza futi ipapo.Iye Takudzwa akabva angovatiwo"ndine hurombo chokwadi nezvakaitika sekuru ende ndaisatombozivawo kuti ndaigara nemhondi mumba,ndakatozoshamisika musi wandakuudzwa nana Ratidzo nyaya dzake dzese idzodzo"sekuru vakabva vangoti"zvinowanikwa muzukuru asi imi zvamuri kureva izvi zvekuti hamusi kumuwana kwaari zviri kureva here kuti akatotiza kubuda muno munyika?"Taku akabva avadaira ndiye zvikanzi"zvekubuda munyika muno haasati hake nekuti madocuments ake ese nezvimwe zvino zvinodiwa pakuti abude muno zviriko kumba uku zvese,vangori nekanzvimbo chete kavakangotiwanda nevese vaayita madhiri navo vacho nekuti vese hapana ari kuwanikwa asi musatya henyu tinovabata chete"ndakabva ndafunga hangu nezva Aunty Joy vaya vecompany kwake vekuita madhiri nana Lisa vacho ndichibva ndamubvunza nezvavo zvikanzi"musi wacho wandasangana nemi ndipo pavari kunzi vakangobva pabasa vachiita sekunge vari kupinda mutown,ndofunga vakatotipirwa naiye Lisa kuti vatize"ndakabva ndangoti"hoo"zvikanzi"don't worry henyu vakomana vangu vari kuita basa,hongu zvingatora hazvo nguva kana kuita sezvakunonokerai but soon vese vanobatwa"sekuru vakabva vati"yaa ndipo pane shuwiro dzangu muzukuru,hongu zviri kundirwadza hazvo kuti mukadzi wangu akatotsakatika nenzira iyoyo asi hapana hapo zvatingazviite nekuti yadeuka yatodeuka asi chandingochema hangu chete kwamuri ndechekuti yedza nepese pamunogona kuti mhondi iyoyo ibatwe nekuti ini chandiri kungoda chete ndechekuti vatiratidzewo kwavakaisa mutumbi wemukadzi wangu towana hedu kumuzorodza pakanaka"ndakanzwa kubatikana chaiko nemashoko avo ende matauriro avakazviita ayitoratidza kuti vairwadza asi vaiyedza kungozvishingisa havo semunhurume,ndakabva ndatotanga ku-feeler guilty asi chekuita painge pasisina hapo sekutaura kwavainge vaita. Mai Bee avo vainge vakangonyarara kubva zvavainge vangomhoresana navo ndipo pavakazotanga kutaura ipapo vachivasimbisa sekuru zvikanzi"tese tese tiri kutorwadziwawo sezvamuri kuitawo sekuru asi don't worry henyu,very soon vanobatwa chete vanhu ivavo voripa mosva dzavo"ivo sekuru vakabva vangoti"dai zvikangodaro muzukuru ndipo pane shuviro dzangu chete ipapo nekuti zviri kundirwadza kuti mukadzi wangu otongorova idzo mhondi dzakamuuraya dzichitofamba hadzo madiro" Taku neshamwari yake vakazodairirawo vachivasimbisa ende zvakatotibatsira tese kuti tinzwe kurerukirwa zvekuti takabva tatozotanga kutaura hedu dzimwe nyaya tikatotanga kutotandara tichiita sekunge zvinhu zvese zvainge zvatova bhoo ende pakatozonosheedzwa imwe hama yaGogo yaigara mudhuze navo muvillage imomo nemwana wasekuru achibva awuya ndokubva atsanangurirwawo mamiro ayinge ayita nyaya ende haana kumboda kuomesa musoro akabva angonzwisisawo sezvanga zvaita ana sekuru achibva atoti ayizonozivisawo dzimwewo hama dzavo asi nyaya yese yainge yangova mumaoko edu nekuti vese vainge vangotarisira kuti isu tisu taizoita zvekuti mutumbi wehama yavo uwanikwe vobva vamuviga havo pakanaka,Zvadaro akazooneka hake achi bva adzokera kumba kwake tikasara hedu nana sekuru vangu ende ndainge ndonzwa kunyatsorerukirwa kungoziva kuti hapana ayimbondipa mosva pakufa kwaGogo asi zvakadaro ndaizongonzwa hangu kungorwadziwa dzimwe nguva kuti gogo vacho mai Grace vainge vasisambodzoka pamba vachifambira kana kuzombopiwawo kamwe kanguva kadiki diki kekuti vaoneke navo.Takazoswera hedu tiriko kwaMutoko tikatobikirwa tea nechimodho nasekuru vangu vadiki(mwana wavo) kumasikati asi takangoinwa tiri vaviri namai Bee,ana Takudzwa vakairamba vachiti vainge vakaguta asi ndakangoona hangu kuti pamwe vainge vasina kujaira kudya zvinana chimhodho izvi.Tapedza kudya mai Bee ndivo vakasimuka vakarongedza maplates zvese namapoto ayinge ashandiswa muzidish zihombe vachibva vabvunzwa kwaisukirwa maplates,vaitoda zvekumasuka maplates acho asi sekuru vakavarambidza vachibva vagara havo pasi tikatanga kutaura nyaya futi.Tiri mukutaura nyaya imomo sekuru vakazongoerekana vakutanga kundibvunza nezvaBaba vangu nehama dzangu zvikanzi"ko iwe Ratidzo ndotozokanganwa kaa kukubvunza imwe nyaya?"ndakabva ndati"nyaya yei futi sekuru?"zvikanzi"ko Baba vako nedzimwe hama dzako varikuizivawo here nyaya iyi yakaitika kwamuri nekuti kubva zvamaishaikwa hapana kana hama yako yakambouyawo pano ichibvunza nezvako kana akambofonawo kana nasisi vamhama vako vaya takatomboedza kuvabatawo asi phone yavo haisi kuita iyi mazuvaano,hameno kuti achiriko here kuMarondera uku kwaiti akugara kana iwewo pawataura apa hauna kumbotaurawo nezvavo futi"ndakatoshaiwa kuti muporofita wavo ayinge anyatsovatsanangurira achitii nekuti pavainge vati vakaudzwa zvese ndakatongofunga kuti ayinge angovatsanangurira zvenhorondo yehupenyu wangu wese kubva pekutanga sezvainge zvangoitwa namadzimai vaya vekutibatsira nagogo tisati taenda mucompany kwaTaku saka ndakabva ndavabvunzawo ndichitotadza kunzwisisa ndikati"asi muporofita wenyu haana kukuudzai nezvavo kani?"ndipo pavakazonyatsonditsanangurira zvacho zvavainge vaporofitwa nemuporofita wavo in detail ndikaziva kuti vainge vangoudzwa part yemukadzi waTaku chete,zvimwe zvese ayinge asina kumbotaura hake.Ndakabva ndatura mafemo zvekupererwa chaiko nepekutangira nyaya yacho ende iyowo nyaya yaBaba vangu yainge yotondibhowa kutaura kana kunzwa nezvayo nekuti zvinhu zvandainge ndatoiburitsa kare kare mupfungwa dzangu zvese nemumoyo ende ndainge ndatozvigamuchira kuti ndainge ndakangofanana nemunhu asingazive hama dzaBaba asi nekuda kwasekuru ndakazongotaura hangu nekuti painge pasina zvekuita ende kana kuti nditi ndinyepe zvaisaita saka ndakabva ndati"Baba vangu ndakaguma kuonana navo kare ini sekuru,ndakazonokurira kuOpharnage"vakatoshamisika nazvo zvikanzi"ko wakazonokurira kuOpharnage sei iwe wakabva pano uchiendeswa kumba kwaBaba vako"ndakabva ndavatsanangurira zvese zvainge zvatika kuti ndizoguma ndava ku-opharnage kuya ende ndakabva ndangovavatsanangurira futi nenyaya dzese dzekwamaiguru kusvika pandakatanga tanga kusangana naTaku chaipo asi ndaisatsanangura hangu zvimwe zvacho in detail,ndaita ndichijamba zvekuti kana nyaya dzaTaombera handina kumbodzitaura.Ivo sekuru vakatoratidza kushamiswa futi nezvekuti maiguru vainge vakasungwa,ndakangoona hangu kuti muporofita wavo iyeye ayinge asina kuvataurira zvizhinji ende pandakapedza kutaura kwacho vakazunguza musoro wavo zviya zvekundinzwira tsitsi zvikanzi"ummm inga wakapindana nezvakaoma nhai muzukuru wangu,ummm ende zvakaoma"ndakabva ndangoti"ndiyo life yacho sekuru zvakatopfuura"zvikanzi"iiih yako yakaoma wena muzukuru asi ndinovimba kuti Mwari vakuzokusunungurawo mhanje apa"ndakabva ndangoti"hameno"Takudzwa akabva anditi"hapana chichamboitika kwauri futi as long as l am by your side"handina hangu kumbomudaira asi sekuru ndivo vakamudaira zvikanzi"shuwa yedza nepese paunogona napo kumu-protector muzukuru wangu,hant wangozvinzwira wega makuriro ahakaita kana kuti akatokuudza hake kare?"akabva ati"haana kumbobvira andiudza hake asi zvese ndinozviziva hangu ende kana zvenyaya dzana Lisa zvikangopera chete achanyotsofara hake zvakanaka"vakabva vangoti"dai zvikangodaro"nyaya iyoyo yakazongopererawo ipapo tikakatanga kutaura hedu nezveyekwamaiguru yekujeri kwavainge vari ivo sekuru ndivo vakazotaura zvekuti vaida kunovaona ini ndainge ndichiri ndakavatsamwira hangu nekuti nerimwe divi ndaingoona hangu kuti ndivo vainge vakonzera zvese zvandainge ndazopindana nazvo,ndaingoti dai pasina ivo nedeal ravo nana Sophia zvimwe dai ndisina kumbobvira ndasangana naTaku saka zvekuonana navo ndainge ndisati ndava ready hangu ende hapana akambodawo kundimanikidza kuenda kunovaona kwacho. Kwave kumazuva rodoka Takudzwa ndipo paakazotanga kuoneka achitoti taidzokera tese kuHarare zuva iroro ini ndainge ndisina kumbotaurirana hangu naye hangu nezvazvo saka ndakangoramba hangu ndakanyarara paakadaro asi ivo sekuru vakabva vati"ko mobva matodzokera here nhasi nhai vazukuru,ko madiii mangorara zvanhasi mozoenda mangwana"but Takudzwa akazviramba ende akabva avapa reason yekuti ayida kufambira nyaya dzana Lisa ende ivo sekuru havana kuzoitawo nharo nazvo.Ndiko kuonekana kwatakazoita navo ana sekuru vangu tichibva tatora maphone numbers avo.Vakaudzwa naTakudzwa kuti taizopota tichivapa maUpdates ekuti zvainge zvamira sei ini ndakabva ndavatiwo"kana mukazosangana kana kuzovingwa nevanhu vamusinganzwisise munotifonera sekuru"ndakadaro nekuti ndainge ndakutotyirawo kuti hupenyu wavo waigona kuzoiswa panjodzi nekuti type yana Lisa inenge itori ne-information yese ende zvaitonetsa futu kuti uzive kuti kwavainge vari ikoko vainge vachifungei kana kurongei saka ndainge ndakutyirawo hangu kuti zvaizogona kuenda futi nepamwe vakauraiwa sezvanga zvaitwa Gogo ini ndainge ndava sure hangu kuti havachambondibata kana iyewo Takudzwa akatonditsigirawo point yangu iyoyo ende akatombovati tiende kunombogara tese kumba kwake but ivo sekuru ndivo vakaramba vachibva vangotivimbisa kuti vaizotifonera kana vaizosangana nezvinhu zvakadaro ende vakabva vandivimbisa futi pavaizouya kuHarare vachinoona maiguru kujeri kwavanga vari vaizondifonera.Ndakangovati"ehoi sekuru"ndokubva vapiwa $100 naTakudzwa zvikanzi"musare muchibatsirikana",vakamutenda tichibva tazobuda hedu vakutiperekedza asi ndakati tave kuda kunosvika padhuze nepatainge tasiya maziso angu akangoerekana atarisa kwaiva nemakuva ana mhama nechemumoyo ndikati handimbodzokera ndisinawo kupatsika.Ndakabva ndakumbira sekuru zvikanzi"horait,handei muzukuru watogona shuwa,zvaisaitawo kuti uyende usina kupatsikawo"munhu wese akabva ada kuendawo neni.Tichisvikapo ndakangowana zvandainge ndangosiya pari zviripo ende painge pakanyatsosakurirwa zvakanaka naka.matombstone acho asina kana dust kuratidza kuti pane munhu ayitoita hake basa rekumapukuta.Ndakabva ndamira hangu ndakatarisa hangu guva raMhama neraGogo.Ndakatanga hangu kufunga hangu mazuva andairarama navo hupenyu wangu uchinyatsoendeka.Ndakatanga kudemba hangu kuti dai zvimwe hwani ayivepo dai zvimwe ndainge ndisina kumbobvira ndapindana nezvese zvandaive ndaizopindana nazvo asi kwainge kwangova kudemba hako kusina zvakwaibatsira.Takazobvapo hedu tichibva taonekana nana sekuru kekupedzisera tichibva tanopinda hedu mumota dzatainge tauya nadzo asi mumota dzacho hatina kupinda semauyiro atainge taita nekuti Taku neshamwari yake vakaita husimbe havo weku-driver ndokubva vanopinda mumota yaiva mberi nema-security guards two iniwo namai Bee takapinda hedu yaiva kumashure nemamwe masecurity two.Vaiva vakagara vese kumberi one wacho achi-driver isu tainge tagara zvedu kumushure,ndokupinda hedu munzira todzokera kuHarare.Mota yaiva nana Taku ndiyo yainge yakatungamira pamberi isu yedu ichitevera zvayo kumashure. Munzira yese mai Bee ndivo vaingonditaudza havo nyaya ini pfungwa dzainge dzisati dzanyatsova panzvimbo saka zvekutaura zvaiva zvishoma asi ndakazosvika pandakabatwa nehope ndichibva ndarara hangu ndakabata mwana wangu mumaoko,iyewo ayinge arara hake kubva zvataive tapinda mumota macho.Ndakatozopepuka ndichinzwa mota yamiswa.Ndakatombofunga pekutanga kuti zvimwe tainge tasvika but ndakazoshamisika pandakatarisa kumberi ndichiona chi-building chaive chakanyorwa kunzi Chicken Inn nezvimwe zvakangowanda -wanda.Ndakabvunza mai Bee ndikati"ko tamirirei pano uye tave kupi?"zvikanzi"tiri muMarondera,murume wako ndiye ati anoda kumbotsvaga zvekudya mukati umu"ndakabva ndangoti"hoo"ndichibva ndatarisa hangu time paphone pangu ndikaona dzatova kuma past 7pm.Ndakatarisa hangu kumberi ndikaona kuti masecurity aye ayinge asisimo.Handina hangu kuda kubvunza kuti vainge vaendepi nekuti ndakangofungidzira kuti zvimwe vainge vangopindawo mukati nana Taku asi takazoti takagara tega kudaro namai Bee vakabva vanditi"ummm handisi kunyatsonzwa zvakanaka panapa"ndakabva ndavati"ko chii?"zvikanzi"ndiri kunzwa sekunge ndaenda kuperiod wena,haunawo here pad kana cottoon ndipfeke"sezvo ndainge ndakubuda ropa ndaive ndangotakura hangu one pad ende ndainge ndatorishandisa futu ndiri Mutoko saka ndakabva ndavati"handina"zvikanzi"eish,inga nahwani angu asi rega ndimboenda kunotsvaga mukashop kandiri kuona kakavhurwa apo"nekusada kusara mumota ndega ndakabva ndati"handei ndikuperekedzei"vakabva vati"tanga wafonera munhu wako umuzivise nekuti hazvizoita kuti tingobuda tese tisina kutaura"ndakabva ndatanga kumufonera paya Takudzwa but haana kubata phone yake.Ndakabva ndangofunga kuti zvimwe ayinge asiya mumota ndichibva ndaudza mai Bee izvozvo ndikati"ngatingoendei,hant padhuze hapo saka hatimbononoka kudzoka"kashop kacho ndaikaona hangu kuti kaingova pachicken ipapo saka mai Bee vakabva vabvuma tichibva tadzika hedu mumota muya asi takabva tasangana ne-masecurity aye agara kumberi kwemota vachitoputa havo fodya tichibva tanzi nehwani wacho"ko mava kuendepi?"mai Bee ndivo vakadaira zvikanzi"pane zvatiri kuda kunotsvaga mushop umo todzoka hedu manje manje"hwani wacho akamboda kutiperekedza asi akarambidzwa namai Bee sezvo paingova hapo padhuze,zvadaro takabva tatanga hedu kufamba hedu tiri vaviri ini mwanawangu ayingove mumaoko chete asi ndainge ndakamuputira hangu zvekuti asambopindwa nemhepo asi ndakazodemba kuti dai ndainge ndakangosara hangu mumota.Tichisvika pashop paye takaudzwa kuti maingoitwa zvekutengeswa mafuta chete ekuzora apo ndiyo yega shop yainge yangosara yakavhura ipapo sezvo wakange wava husiku.Mai Bee vakabva vatura mafemo zviya zvekupererwa zvikanzi nemusikana wacho ayitengesamo"ko madii maenda paPick n Pay apo vachiri vakavhura havo"mai Bee vakabvati"aaah kana kumbozvifunga nhai,waitabasa hako rega tiendeko"takabva tabuda mushop asi tava padoor vakabva vanditi"dzokera hako kumota ndingomhanya ndega sesvo paine kamufambo mbichana"ini nekusada kungosara chete kumota kuya ndega ndakazviramba futi ndichibva ndati"handei hazvina basa"ivo havana kundipikisa takabva tatanga kufamba futi.Paisambova hapo kure sterek nepatainge tabva ende takatosvika y Vakavhurawo zveshuwawo tichibva tapinda mai Bee vakanonga two zvimapackets zvavo zveviri zvema-pads acho tichibva tafamba kuenda ku-till kunobhadhara asi takazoti takamira kudaro hamenowo chakangondituma kutarisa paTill yaiva panext pedu ndichibva ndangoona mumwe mukadzi ayive akanditarisa.Pakutanga ndakambofunga kuti zvimwe kwaingova kutarisana kuya kwekuti unotarisa munhu wobva waona naiyewo akakutarisa but pandakazomutarisa kechi-two ndakamuona akanditarisisa ndakaoona kuti kwaisangova kunditarisa kuri kwega.Ndakabva ndakwenya mai Bee ndikavaudza nezvake zvino mai Bee vacho nekusava nehana vakabva vati rega ndienda kunomubvunza kuti arikukutarusira chii?.Vakabva vandisira zvinhu zvavo zvikanzi"sara uchichaisa paTill"vakabva vatofamba kuenda paive asi zvavakatanga kutaura ndaisazvinzwa ende ndakatosvika pakubhadhara zvinhu zvavo vachingotaura naye chete ndichibva ndangofambawo kuendapo ndakabata plaster bag rainge raisirwa zvinhu zvavo.Ndichingosvikapo mai Bee vakabva vanditi"hanzi nemukadzi uyu wakafanana neshamwari yake"ndakabva ndamuti"makadii henyu?"zvikanzi"tiripo wakadiiwo shamwari,nhai unoziva vanhu vekwa Maphosa"ndakatorohwa nehana nekuti Maphosa ndiyo yaiva surname yangu but ndakambofunga kumunyepera nenyaya yekusada kunzwa zvine chekuita naBaba asi nekuzoda kuziva kuti ayida kuti chii ndakabva ndamuti"ndiyo surname yangu"zvikanzi"yaaa ndazviona mhani,wakafanana zvisingaite neimwe shamwari yangu soo inogara kuKaroi,hauna here hama dzako dzinogara ikoko?"mupfungwa dzangu makabva mangouya mai Yolanda vaya vandakambogara navo kuHurungwe,hanzvadzi yaBaba vangu asi ndakanyepera hangu kunge ndaisavaziva nekuti naivowo ndainge ndisina basa navo nekuti mazuva aye andakagara navo vainge vakatondimaka zvavo saka ndakaona pasina need yekuda kuziva kuti vaivepi.Ndokubva ndangoti"hoo"zvikanzi"ehe mira ndikuratidze photo rake kana uchifunga kuti ndiri kunyepa"vakabva vabatidza phone yavo vakandiratidza photo racho ndikaona vari ivo zveshuwa mai Yolanda.Mai vakabva vati"yaa zveshuwa makafanana wena apa futi ne-surname zvese,pamwe ihanzvadzi yaBaba vako"ndakabva ndati"aah hameno hapana wandichamboziva ini"vakabva vati"pihwa kaa number dzavo tozovafonera"ndakanyara hangu kuvarambira ndokubva ndangotora number dzacho iye mukadzi uya akabva ati"ndipowo dzako pamwe munozokanganwa kumufonera"ndainge ndisati ndava kudziziva nemusoro sezvo phone yacho zvese neline zvaingova zvinyowani saka ndakabva ndaita zvekumu-beeper ndokubva ati"ndichazokufonerai and l'm sure kuti mune hukama chete"handina hangu kudaira mai Bee ndivo vakangoti"horait"tichibva tatamuoneka tikatanga kufamba tichibuda.Tava padoor Takudzwa akabva atanga kundifonera ndichibva ndamudaira zvikanzi"ko muri kupi?"ndakabva ndamuudza kuti tainge takutouya zvikanzi"okay,ndafonerwa neboiz rangu manje manje hanzi vabata ana Lisa neteam rake rese kwaMutare vachitoda ku-crosser boader kuenda kuMozambique saka apa takutoenda kwaMutare kwacho tese"ndakanzwa moyo wangu kufara chaiko nekuti kushaikwa kwavo kwainge kwave kutlndi-stresser chaiko ende handina kumbovanza mufaro wangu kwaari kana naiyewo anzwika kuti ayifara.Paakakata calll ndakabva ndangoudzawo mai Bee vakaratidzawo kufara zvikanzi"Mwari ngaakudzwe chokwadi wasungurwa munin'ina wangu,tanga takutoshaya peace"ndakabva ndasekerera hangu zvemufaro chaizvo nekuti ndainge ndakuona kunyatsosungurwa kwangu ndichiona ana Lisa vakupinda mujeri asi takazoti tichifamba kudaro tave kutoda ku-crosser road yaitisvitsa pachicken inn paya mai Bee vakangoerekana vandibata ruoko ndichibva ndavati"ko chii?"ndokubva vandinongedzera mota ye-red yaive kumhiri kweroad zvikanzi"vanhu vari mumota umu vanenge vari kutevera chete nekuti ndabvira kare kuyiona mota iyoyo mumashure medu tichangobva paCross paya,huya handei nekuside kunoku dakuona kuti vanotitevera here?"vachingopedza kudaro mota iya yakabva yangofambiswa yakanyatsonanga direction yedu ini ndakabva ndabatisisa mwana wangu ndichitera kwavaindiendesa kwacho mai Bee but takazongonzwa kurira kwepfuti and the the next thing chakazotevera pandiri yaingova imwe sharp pain yandakangonzwa pachest pangu ndikangoziva kuti pfuti iya yainge yananga inini ende shuwa ndakabva ndaona ropa richidonhera pachi-blanket chemwana wangu.Ndakamboedza kushingirira kuramba ndakabata kuti asadonhe but marwadzo akandikurira ende mai Bee pavakaedzawo kuda kumubata yainge yatova too late.Mwanawangu ndakanyatsomunzwa achidonha pasi ende ini wacho ndakabva ndakangoona rima mumaziso mangu ende handina kuzoziva zvakatevera mumashure mazvo..... End of Chapter 40💔💔
https://whatsapp.com/channel/0029VaHptqd7Noa7d4X46k0F Ratidzo💔 Story by Cathy 0778640244 Chapter 39. Ini zvemuHarare ndaisamboziva hangu zvizhinji kunze kwekuOpharnage kuya kwandambogara nekuWarren park kuya kwandakamboshanda.Ndaitova hangu hutsi hawo wega wega pane zvizhinji zvemuHarare zvekuti ipapo pataiva mumota maTaku tichienda kumba kwake kwaingova kuona kuti mota yaipinda neroad ipi neipi but ndisingatombozive kuti road dzacho dzainzi chii?,kana kuti ndizive kuti taiva papi ndaisamboziva.Asi ndakatozongoona tasvika kune imwe location yandakangoona ndega kuti kuno kunogarwa nemhene,vanhu vaya varorama life kwete hupenyu wekushingirira waitairarama isu hedu ana Ratidzo.Dzimba dzacho dzeko even madurawalls ayinge akadzikomberedza and everything chandaingoona mumastreets mataifamba namo,zvaingoratidza classy ende handina munhu kana vanhu vandakoona vakangozara zara mumastreets sezvaitwa kuma ghetto kwandainge ndambogara,Ikoko kwaiva very quiet zvekuti mota chete ndidzo dzaitangopesana nadzo murooad apa mota dzacho dzese dziri mbishi futi.Takazofamba nzira yese ndichingoyeverwa hangu nekunaka kwanga kwakaita nzvimbo yacho kusvika shamwari yaTaku yakazomisa mota tasvika pane rimwe zimba rinenge raiva zidouble storey achibva aridza hooter amira pagedhi pacho kudaro but akativhurira gedhi racho handina kumuona asi ndakangoona gedhi richivhurika mota ichibva yapinzwa mukati ikanomira pamberi pezimba iroro,zvikabva zvanzi neshamwari yaTaku"yaa tasvika hedu"ayidaro achitobvisa seatbelt. mai Bee ndakaona kuti vakashamisikawo nekunaka kwanga kwakaita pamba pacho nekuti vakabva vati"yoo ndipo pamunogara apa guys"shamwari yaTaku ndiyo yakabva yadaira zvikanzi"yaa ndipapa pamba pababa Kundi gulez but inini handigare hangu pano nditoriwo muenzi semi"ayitotaura zvake mukuseka akavatarisa mai Bee ivo vakabva vati"yaaa nhasi ndazonzwisisa kastatement kaya kanotaurwa nevanhu vachiti kurarama life behupenyu zvakasiyana chokwadi, haiwa imi kuno munorarama henyu life, kubva tatoita sekunge tave kuLondon kudaro"mai Bee paiva nebasa chairo ende vaisambonyara havo kutaura,vanhu tese takangoseka tichiburuka mumota.Taburuka kudaro Taku ndipo paakandidzosera mwana wangu tichibva tafamba tese kunopinda mukati mezimba racho asi Takasvika tichitambirwa nevamwe mai vechikuru. vairatidza kuva munhu akasununguka uye anofara but handina kunyatsovafarira zvakadaro nekuti vakangondirangaridza nezva Aunty Joy vaya vekunditengesa kunana Lisa. vakamboda kubata mwana wangu after paitwa maIntroduction naTaku but ndakaramba naye. Taku ndiye akasika kubata nyaya yacho achibva avati"imbomupa time Aunty pane zvakamboitika kumashure ndozvirikuita arambe nemwana wake"ivo vakabva vatosekerera havo instead of kutsamwa vachibva vamuti"hazvina hazvo problem mwanangu,paanenge azongosununguka kuti ndimubate ndongomubatawo ipapo"akabva angogutsirira musoro wake Taku ivo vachibva vatofamba kubva pataive hamenowo muroom mavakanopinda,isu takazosara tichigara pamasofa ayive mulounge mataive tasvikira zvikanzi naTaku"apa moda kuzorora makagara muno kana ndoenda nemi kuma rooms amunenge muchizorara?"tisati tamupindura friend yake yakabva yataura zvikanzi"ko vanozorora vasina kudya here?"zvikanzi naye"aunty vakuto -prepare dinner vanozovasheedzwa kana vapedza"akabva angoti"hoo okay"zvikanziwo namai Bee"ini muno mutori bhoo hameno mai nhanha ava pamwe ndivo vanoda kumbozorora vakarara nemwana wavo"munhu wese akabva anditarisa zviya zvekuti ndizvitaurire ndega ndakabva ndati"ndogara hangu muno"zvekurara ndaisambizvida hangu ende hapana akambopikisana nazvo.Takabva tangogara tese mulounge imomo,mai Bee vakabva vakatanga havo kutaura nyaya nana Taku,vaisapererwa zvavo ende ipapo vaitotaura navo sekunge vanga vatova nenguva vachizivana ini hapana chandaira hangu pakutaurwa kwavo ikoko,pfungwa dzangu dzakatombodzekera kupurazi kuya,ndikatanga kufunga hupenyu wese wandaiva ndararama ndiriko nemachinjiro ayinge azongoita zvinhu nenguva diki diki ndikaona kubata kwaMwari chaiko but moyo wangu wakazorwadza pandakafunga nezvamai Chris vaya vekumirira neni from day one nevamwe vese vandainge ndasiyako.Ndakabva ndangozviudza kuti ndaizokumbira Taku kuti azobatsirawo vanhu vese ivavo kana ayizozvigona,zvadaro aunty vaya vakazodzoka vakati(server) dinner nemamwe maids andakatanga kuona padinner table pataiva tazogara tikadya.Tapedza Takudzwa neshamwari yake vakambobuda mumba asi akazodzoka ava ega,achiibva anditi"huya kuno mhama vangu vanoda kutaura newe paphone"ndakabva ndangoti'horait"ndichibva ndada kusimuka ndichisiira mai Bee mwana but Taku akabva andirambidza zvikanzi"huya naye ndiye wavari kutoda kuona"ndakabva ndangofamba naye ndakamubata mumaoko ndichitevera mumashure make,mai Bee takangovasiya vakangogara padinner table paya vega asi vainge vakubaya havo phone yavo. Ndaifunga kuti mai vacho ndainotaura navo ndiri mulounge muya matainge tasvikira but ndakazoona munhu ave kukwidza upstairs ini kuzondidaro mhanje ndakaita sendichadonhedza mwana ndichingotanga kuisa gumbo rangu pafirst step,ko ndaive ndamboikwidzirepi zvangu mastairs akareba kudaro?.ndaitoziva kumaona hangu muTv.Ndakatofamba ndichizeza kutsika pasi asi ndakazofamba hangu zvakanaka kunosvika kumusoro kwacho.Takasvika tichipinda mune imwe room yaive yakangonangana nemastairs iwayo,muroom macho maiv makazvinakira hamo mune furniture yekumberi,iye Taku tapindamo kudaro akabva atanga kufonera mai vake akamira ini akandinongedzera kuti ndinogara pabed ndichibva ndanogara hangu.Pasina nguva ndakanzwa kutaurwa kwevoice remunhu kadzi paphone pacho achibva awuya kuzogara paside neni akataridzisa screen rephone kwatiri,yaiva vedio call.Ndakatambirwa nechiso chamai vake vandakambotaura navo paya ndiri kwaMutare nepaya ndiri kwaMutoko kwaGogo.Vakabva vandimhoresa zvikanzi"wakadii hako mwanangu" ndikati"ndiripo makadiiwo mhama"zvikanzi"ndinofara ini,ko nemakorokoto kaa ndiwe wakadai kundizvarira muzukuru wangu"ndakasekerera hangu ndikati"ndeedu tose mhama"zvikanzi"ayihwa wakagona chaizvo mwanangu nekutikudzira dzinza,saka arisei hake mwana?,haasi kukunetsa nekuchema here?"ndakabva ndaona hangu kuti vanga vaudzwa zvese naTaku ndikati"haasi uyu"vakabva vati "yaa kachiri karusvava hapana zvati zvakuzivikanwa"ndakabva ndangoti"shuwa"vairatdza havo kuti vaifara vakabva vati"haa ndafara zvisingaite pandangoudzwa nezvako naTaku asi mazuva ese aya ndaingogara ndichinetsana naye nenyaya yako ufunge but munhu wacho hameno zvaanenge achingoita,anokasika kutungamidza chiramwa chisina basa pamberi ndokusaka wakaona paya asina kuzombodzoka kwaMutoko asi zvisinei hazvo ndinovimba kuti adzidzawo kubva ipapa kuti zvimwe zvinhu hazvingode kungoramwa nekuda kunzi handinzwarwo kana kuti handinyengerere munhu,hant urikundinzwa iwe Taku"vakapedzesa kutaura zvine hasha mukati iye akangoti "ehee mhama ndiri kuzvinzwa" vachibva vaenderera mberi vakatanga kundikumbira ruregerero zvikanzi"ndine hurombo chaizvo nezvese zvawakaitwa naLisa nekuda kwechiramwa chake iyeyu dai paya akanyatsotsvagurudza chaiva chaita kuti ozongofuma wachinja zvataiva tarongana paya handifunge dai timbori nenyaya dzese idzi nhasi,anyways kwangova kutaura hangu kwekurwadziwa but zvakaita zvakatoita ende hapana zvatichambozviita kana kuchinja but Lisa nevanhu vake vese vari involved munyaya dzake varikuwana mutongo wezvese zvavakakuita very soon ende izvozvo ndinokupikira namai vangu vari pasi apa kana Taku wako iyeye akatadza kuvasungisa inini ndichakwira ndege kuuya kuZim ikoko ndodealer navo ndega"ndakabva ndangoti "ehoi mhama"zvikanzi"yaaa iwewe usachanetsekana hako kana kugara uchitya kubva nhasi.rera zvako muzukuru wangu uyo wakasununguka hako,ana Lisa vatova mumaoko edu soo,havachatombofe vakakubata futi"ndakagutsirira musoro kubvumira zvikanzi"asi panyaya yekuti muende kumusha kwana sekuru vako mangwana kunovazivisa zvakaitika kwamuri ndanga ndambotaura nemurume wako kuti mumbomira mbichana nekuti mwana uyo achiri mudiki kuti mubva mafamba naye nzendo dzakareba kudaro atleast akambokwanisawo one week kana two mochizoenda henyu zvinenge zvave nani,hameno unopaonawo sei?" ndakangobvumira nazvo ndanyara kuvapikisa zvikanzi naiye Taku"but tanga tichingoda kugara tangopedza nyaya dzekuside ikoko mhama kuitira ana sekuru vake vasarambe vachingonetsekana nekuvatsvaga"zvikanzi"izvozvo ndiri kuzviziva chaizvo Taku asi mwana wenyu achiri mudiki uyo haadi kungofambwa fambwa naye vanhu vashata kunze uku munogona kukanganisirwa mwana kana zvichinetsa unogona kungoenda iwewe neshamwari yako muri vaviri"akazviramba zvikanzi"haa izvozvo hazviite mhanje,zvinotoda panaiye Ratidzo wacho"vakabva vati"saka mongoita zvandareva hant Takudzwa"haana kuzoramba achipikisana navo,tese takabva tangowirirana kuti kwaMutoko kwacho taizoendako kwapera svondo ravanga vareva.Vachibva panyaya iyoyo yekwaMutoko vakabva vatotanga kuronga naye zvekuti vaizobata sei ana Lisa?,ini ndaive ndakungoteerera hangu pasina zvandaitaura,Taku akambotanga ataura zvekushandisa police but mai vake vakamurambidza vakati ashandise vakomona vake(hameno vaiva vakomana vapi ivavo)ndakazongonzwa iye Taku akuvafonera after video call yamai vake but zvaakataura navo handina kuzvinzwa nekuti pakadairwa call yacho akabva ambobuda mumba ndokuzodzoka patopera rinenge hour rese ini hope dzaive dzoda kundibata zvekuti paakapinda pacho ndakatoita kakuvhunduka zvekutopotsa ndadonhedza mwana,ndainge ndichiri ndakamubata hangu mumaoko,ndakabva ndanzi naiye Taku"kana wane hope ingorara hako ipapo"ndakabva ndamubvunza ndikati "ndiri kurara muno?"ndakabva ndatanga kutarisa tarisa muroom macho futi,zvamaingove zvakangondirambira kuti inini Ratidzo ndaiva nekodzero dzekurara mumba makanaka kudaro iye Taku akabva anditi "ehee"ndichibva ndati"ko mai Bee?"zvikanzi"vacharara kuguest room iri downstairs"ndakabva ndangoti"hoo"handina hangu kuzotaura zvakawanda.Ndakabva ndararisa mwana wangu zvakanaka pamubhedha iniwo ndichibva ndararawo paside pake ndikabva ndatanga kumayamwisa iye Taku hameno zvaanga akubata bata muwardrobe make,ndaingomuona hangu achibata batamo asi ndakazomuona awuya padhuze neni achibva adongorera mwana wandaiyamwisa achibva andikisa pahuma zvikanzi"thank you for making me a father"ndakangosekerera hangu ndichinyarira achibva amboramba akanditarisa ndikati"ko chii?"zvikanzi"ndanga ndasuwa kuona face yako"akadaro achibva awuyisa muromo wake pane wangu but ndakamboramba ndakauvhara,ndaitozeza hangu kiss yacho asi iye akabva ananzva malips angu zvakazondituma kuti ndimuvhure muromo wacho ndisingade ndichida,kiss ikatotanga kutsva ipapo but akazokasika kundisiya awona kuti taigona kuita zvisirizvo ini ndainge ndichiri muzvere hangu,akabva anditi"rarisa mwana kumberi kwako"ndakatanga ndabvisa mwana wacho pazamu ndikaita zvaanga areva zvacho iye achibva arara kumashure kwangu akandimbundira,hatina kuzombobuda mumba imomo takarara takadaro,mai Bee ndakangoziva kuti vaiva varara kuguest room kwanga kwarehwa ini ndakanyatsorara hope dzeumambo chaidzo musi iwoyo nekuda kwecomfort yemubhedha plus naiye Taku kumashure kwangu,ndaigorotei hangu chakaipa pakadaro?ndakanyatsodzifodora hope asi mwana ndiye akamboda kunetsa netsa pava pakati pehusiku asi Taku ndiye akatoshinga kumunyararidza ini ndaitomuka zvangu zveapo neapo kana anditi ndimbomupa mukaka.Zuva rakatevera racho kunze kuchitanga kungochena ndakamuka ndikaona Taku atochena chena zvekuratidza kuti ayitoda kubuda nguva idzodzo.Ndakamumukisa hangu achibva awuya padhuze pangu ndokubva andikisa pahuma achibva azondiudza kuti ayitobuda kuenda kwaMutare,sezvo ndaiziva hangu kuti ndiko kwainge kune Company yake handina kumbobvunza zvakawanda plus ndaiziva futi kuti ndaizosara hangu namai Bee pamba pake hanndina kumboita problem nazvo,ndakangomuti"horait"achibva andipa smart phone yaitova neline nezvimwe zvinhu zvese zvinowanikwa mumaphone zvikanzi"kana pane zvinenge zvazonetsa panapa or kana pane zvaunenge uchida unongondifonera nephone iyoyo"ndakabva ndangogutsirira musoro asi ndakabva ndamubvunza ndikatu"asi hausi kudzoka nhasi?"nekuti matauriro acho ahakaita ayita sekunge ayinopedza mazuva ariko but akabva ati"ndiri kudzoka nhasi but zvekumanheru chaiko"ndakabva ndangoti"horait"akabva asimuka akazvi-sprayer perfume zvikanzi"chindiperekedzawo kunosvika panze"ndakatsveta phone yaayiva andipa pamubhedha ndichibva ndasimuka ndikasiya ndafugidza mwana wangu zvakanaka,ayinge achirara hake ndokuzofamba naye ndichibuda,tikadzika downstairs tikawana mai Bee vatogara mulounge vachinwa tea,takangovamukisa chete tichibva tadarikida kuenda panze apo pandakazoonekana naye Taku achibva apinda mumota maiva amirirwa nefriend yake vakabva vaenda ini ndokuchizodzekera mumba ndikawana mai Bee vakangogara pasame position but cup yetea vaive vatsveta pasi,vakabva vanditi"madzokoyi"ndakasekerera hangu ndichigara paside pavo zvikanzi"vatoenda here baba Kundi?"ndakabva ndati"ehee ayende kwaMutare"zvikanzi"hoo asi anodzoka hake nhasi?"ndakadaira nemusoro zvikanzi"kuita kwemari shuwa,kwaMutare hapasi pano zvekuti ungatodirisa fuel everyday uchienda nekudzokako, haiwa ane mari dzake shuwa asi ko nyaya yekuenda kwaMutoko mazidii?"ndakabva ndangovataurira zvaiva zvarongwa namhama vake vachibva vangowirirana nazvowo tichibva tagara hedu mulounge imomo tichitandara,zvebasa remumba taingotarisa hedu maids epo achiita vachimonitwa naAunty vaya ndakatozoona hangu kuti ndivo vaiva mukuru wacho.Pakazotanga kuchema mwana wangu ndipo pandakasimuka naivo mai Bee tikaenda tese kubedroom kuya kwandainge and ini semunhu ayinge asati ava neruzivo nezvemwana mai Bee ndivo vakasvika vachindiitira zvese,kumuchinja,kumupukuta zvese nekumuzora spirit paguvhu tichibva tambozorara hedu tirimo tichitaura nyaya nekuseka,kwave kuma 9am ndipo pakazouya hwani wemaMaids aye achitisheedza kuti tinodya breakfast tikabva taenda kunodyira padinner table paya,yanga yangova life yechirungu yatainge takurarama hedu ipapo namai Bee,kumasikati kwacho takagadzirira futi lunch tikadya.Takazongoswera hedu takagara zuva rese,kwave kumazuva rodoko ndichitobva kunogeza ndipo paandakafonera naTaku achiti vanga vatova munzira kudzoka muHarare ende zveshuwa pakazokwana 7pm vanga vatosvika pamba tichibva tatodya navo supper nekuenda kunorara,Ndiwo wakazova muraramiro wangu ndiri pamba paTaku iye ayibuda everyday makuseni ega ega achienda kwaMutare neshamwari yake ini ndaiswera namai Bee nevashandi vepamba pake,zvana Lisa wo ayingoti vakomana vake vachiri kuvatsvaga hanzi kumba kwavo zvese nekwehama dzavo vanga vaenda asi vakavashaya hameno kuti vainge vatobuda muno munyika here kana vainge vaine nenzvimbo yavanga vawanda havo,week riya rakatozosvika pakupera tisina kana information yavo yatanzwa nezvayo asi takazongoronga hedu zvekuenda kwaMutoko musi wesunday resvondo iroro.Takasimuka kuri kumakuseni seni chaiko,shamwari yake zvese namai Bee takaenda navo nemamwewo masecurity guards four ayitevera kumashure kwemota yataiva. Mutare road ndiyo road yatakashandisa ipapo asi takazonosiya tasvika muMarondera tikafamba neMurehwa road asi Murehwa iyoyo takazonoisa futi tasvika paCross ende kwaMutoko kwacho takazosvikako zvekumapast 2pm asi pamusha chaipo pagogo mai Grace takasvikapo zvekuma to 4pm.Paitoratidza kuti paiva nevanhu ende takabva tatambirwa nasekuru baba Grace nemwana wavo mukumona but vese vakatotadza kundiziva sezvaiva zvangoita gogo paya,takamhoresana navo vakatidaira zvakanaka naka ivo sekuru vachibva vazoti"ndimi anani nhai vanangu,ndatadza kuziva zviso zvenyu mese ini"vanhu vese vandaiva ndauya navo vakabva vangonyarara zvekureva kuti ndini ndaifana kupa maintroduction acho.ndakabva ndagadzirisa pahuro pangu ndikati"ndini Ratidzo sekuru mwana waRevai"..... End of chapter 39 🌻🌻