Cathy Stories🌻
February 8, 2025 at 05:52 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaHptqd7Noa7d4X46k0F....
https://chat.whatsapp.com/FCm4Anf9Hmz2iZmk1aY7DJ
Vanoda from chapter one pindai mugrup umu....
RATIDZO 💔
STORY BY CATHY
0778640244
CHAPTER 40
Pandakavadaro sekuru Baba Grace ndakaona vachinditarisa zviya zvekushamisika vachibva vangoshama muromo wavo.Vachibva vazoti"aaah,ndiwe zvako muzukuru wangu"ndakabva ndavadaira ndichigutsirira musoro ndikati"ehe ndini hangu sekuru".asi hana yangu yakabva yatotanga kurova ende ndainge ndave kutya kuti vaizozvitambira sei pandaizovaudza zvainge zvaitika kuna Gogo.Ndakaona zvichindiremera hangu kuzozvitaura apa vanhu vacho vese vandainge ndinavo vainge vangonyarara zvekureva kuti ndini ndaifanirwa kuzvitaurira ndega.Ivo sekuru ndavadaira kudaro vakamboita havo kanguva vakanyarara ini ndainge ndangovatarisa and ivowo vainge vakanditarisawo vachinyatsoratidza kupererwa.Ndakabva ndatowedzera hangu kutya.Asi Taku ndiye akatozozviona kuti ndainge ndakutya nekuti akabva andibata rumwe ruoko rwainge rusina kubata mwana ndichibva ndamutarisa ndave kutonzwa kuda kuburitsa misodzi but akabva andisimbisa zvikanzi"be strong hant "ndakabva ndangogutsurira musoro futi ivo sekuru ndofunga vakatoshaiwa kuti chii chaitika nekuti pandakadzosa maziso angu pavari vainge vakangotitarisa tese naTaku nemaziso ayiva nemubvunzo hobho asi havana chavakabvunza panguva iyoyo asi vakatozotangidzisa kundimhoresa futi patsva zvikanzi"saka urisei hako nhai muzukuru wangu Ratidzo?"ndakabva ndambonzwa kurerukirwa mbichana.Ndokuvadaira hangu ndichiedza kudzikamisa hana yangu ndikati"ndiri bhoo hangu sekuru,muriseiwo imimi kunoku?"vakabva vandidaira havo mune zvakanaka-naka zvikanzi"kuno tirinani hedu muzukuru,kurisei kwamabva?"ndakabva ndangoti"kuri nani hako" zvikanzi"haiwa,kana zvakadaro zvinotendwa muzukuru"ndakabva ndangogutsirira musoro wangu futi ende mumba macho makabva mamboita karunyararo zvekuti vanhu taingotarisana chete but ndaingoona hangu vanhu vese vachingonditarisa zviya zvekuti ndini ndaifanirwa kutanga nyaya yacho yatainge tafambira zvino ini wacho nekutya ndainge ndopererwa zvese nekutya.Ivo sekuru ndivo vakatozopedza runyararo rwacho vachibva vatondibvunza havo zvisinei zvagogo zvandaifungidzira kuti vachatanga kundibvubza zvikanzi"ko ava wavauya navo ava ndivanani vako nhai muzukuru?,asi vakamona two avo vari kwekupedzesera ndiri kuita sekunge ndakambovaona somewhere,hameno kana ndiri kuresva hangu kuona?"ndakabva ndatarisa painge pagara ana Taku ende ndiye neshamwari yake vairehwa nekuti ndivo vainge vagara paside nepaside kwekupedzesera kwacho plus wo masecurity guards aye atainge tauya navo vainge vasara kumota saka hakuna vamwe vakomana vairehwa kunze kwavo asi ndisati ndavadaira mwana wavo mukomana ndiye akabva avadaira zvikanzi naye"Baba,ndivo vakomana kaa vaye vekumbouya pano mazuva aye ataivatsvaga vachiti vanoda kuona iye Ratidzo"ndakabva ndarangarira pavainge vaitaaura nyaya iyoyo ana Taku patakasangana navo asi handina chandakadaira hangu ipapo ende ivo ana Taku vacho vakabva vangozvidairira vega zvikanzi"yaaa zveshuwa ndisu sekuru takambosvika hedu pano"zvikanzi nasekuru"yaa ndazviona mhani,saka murisei henyu nhai vakomana?"vakabva vadairirana pamwe chete futi zvikanzi"tiri right hedu sekuru"ndipo pakazotangira nyaya yese yatainge tafambira ipapo nekuti sekuru vacho vakabva vavabvunza zvikanzi"ko nemuzukuru wangu uyu makazoona kupiko?,ndiri kuona kaa mauya muri mese nhasi,isu tange tichiri kungovatsvaga nanhasi zvekutoti ipapa tiri kushamisika chaizvo tichimuona"Taku ndiye akabva avadaira ega zvikanzi"yaa iyoyo ndiyo nyaya yatatofambira sekuru ende zvava kuda kuti iye Ratidzo achikutsanangurirei ega zvese zvakaitika pese pamanga musiri kuvaona"ndakabva ndawana matangiro enyaya yangu ndichibva ndaedza kudzikamisa hana yangu futi asi ndisati ndambotanga kusimudza muromo wangu kuti nditaure kwacho ndakazoshamisika ivo sekuru vakundimisa zvikanzi"kana zviri zvenyaya yakaitika kwamuri muzukuru yauri kuda kutitsanangurira muzukuru usazvinetse hako muzukuru nekuti hapana chatisiri kuziva asi apa tiri kungoda hedu kungonzwa kuti zvakafamba sei kuti uzosangane nevakomana ava?"ndakatoshamisika nemashoko avo sekuru kana pandakatarisa ana Taku ndakaona kuti kana naivo vainge vashamisikawo.Apa mwana wavo akabva atovatsigirawo zvikanzi"yaaa zvese zvakaitika kwauri namhama tiri kuzviziva hedu muzaya"ndakatowedzera kushamisika nazvo futi,ndokubva ndangozvibvunza nechemumoyo kuti vanga vazviziva sei nekuti paya patakabva pamba pavo naGogo vainge vasipo ende ivo Gogo hapana pavainge vambovafonera kana pandingati vakavaisira message vachivaudza nezverwendo rwedu plus vainge vatondiudza futi kuti vaizovazivisa takadzoka nekuti vaiti vaitya kurambidzwa naivo sekuru.Ende havana kana futi munhu wavakaoneka muvillage mavo imomo zvekuti ndaigona kufungira kuti zvimwe munhu wacho ndiye ayinge avaudza saka zvakatondishamisa kuti vainge vazviziva sei.Taku ndiye akazoita zvivindi akavabvunza zvikanzi"ko makazviziva sei nhai sekuru?"zvikanzi navo "horait,mese ndiri kuona hangu kuti mashamiswa nezvandataura but nyaya yakaitika ndekudaiso,paya pamakabva pano vakomana imimi takazoona kuti zvepolice yatibatsira kuvatsvaga zvaigona kuzoramba kana kutorova nekuti painge pasina kana information yavo yekuti vakabuda vakaendepi saka tine mumwe muporofita watakazoudzwawo nezvake nemumwewo munhu achiti ayigona kutibatsira panyaya yedu isu ndokubva taenda ikoko ende muporofita iyeye ndiye akazotiudza zvese zvakaitika kwavari muzukuru ende akabva atotiitira futi nemunamato wekuti Ratidzo muzukuru wangu uyu akwanise kubuda hanzi kupurazi here kwavanga vakamuisa here nekuti ayiti ndiye achaita kuti mhondi yakavaitira hutsinye iyi ikwanise kusungwa asi haana hake kuzotiudza hake kuti zvichanyatsofamba sei kuti mhondi yacho izosungwa asi akangotiudza hake kuti muchangoona zvachaitika kana zvekuti iye Ratidzo achangosvika pano ega kudai sezvamaita naye izvi akatotiudza futi muporofita iyeye,ndokusaka ndanga ndiri kungobvunza hangu kuti zvakafamba sei kuti muonane naye nekuti izvozvo chete zvatisina kutaurirwa?"ndakatowedzera kushamisika nekunzwa kuti kubudirira kwangu kutiza kupurazi kuya kwaitova nevanhu vaiva behind kuitika kwazvo.Iye Taku akabva angovadaira kuti"hoo nhai"but ayitoratidza kuti ayitadza kusazvi-beliver ,ivo sekuru vakabva vati"yaa ndiwo maziviro atakaita nyaya yacho yese yakaitika kwavari muzukuru saka pese apa tanga takatongogara takamirira kuti iye Ratidzo wacho asvike pano sekutaura kwake muporofita iyeye kana nehama dzamai Grace ndakadziudzawo tichibva tatongosiyana nezve kupolice asi vandisina kukwanisa kubata ihama dzake iye Ratidzo nekuti hapana wandine contact naye"nerimwe divi ndakanzwa kurerukirwa nekuti matauriro avo akangondiudza ega kuti vaisandipa mosva pakuuraiwa kwainge kwaitwa mukadzi nemukadzi waTaku asi ndakaona hangu kuti zvaiva nani nditange nekuvakumbira ruregerero kunyangwe hazvo vaiziva chokwadi kudaro saka ndakabva ndazvininipisa nemoyo wangu wese ndikati"sekuru ndine hurombo nezvakaitika kuna gogo,pandakauya pano ndaitodawo kubatsirwa handina kumboziva kuti kuda kubatsirwa kwangu ku...'"vakabva vandimisa futi ndisati ndatombopedza kutaura zvikanzi"ayehwa haikona kuzvipa hako mosva muzukuru wangu,zvakaitika zvakatoitika nekusada kwako uyewo waisatombozivawo kuti ndiko kwazvichakusvitsai saka hauna hako mosva yandinokupa ende kana iye muporofita wacho akatiudza akatoti iwewe hauna mosva"ndakabva ndanyatsonzwa moyo wangu kurerukirwa chaiko asi ndakangovatenda hangu zvakadaro ndikati"maita basa sekuru nekunzwisisa kwenyu"vakabva vangogutsirira musoro wavo vakadzokorora havo kutibvunza mubvunzo wavo uya futi zvikanzi"saka mese hamusi kuda here kundiudza kuti makasangana sei nhai vazukuru?"takamboseka hedu nekuda kwemutauriro acho avakazviita nekuti vakazvitaura sekutamba asi ndakazovarondedzera hangu masanganiro andainge ndaita navo ana Taku ende ndakatanga kuvarondedzera nyaya yacho kubva pamabviro andainge ndaita kupurazi kuya,kuzosangana kwandakaita namai Bee kana nezvekutitiza kwainge kwaita mukadzi waTaku iyo mhondi yedu patakasangana navo ndakavaudza futi ipapo.Iye Takudzwa akabva angovatiwo"ndine hurombo chokwadi nezvakaitika sekuru ende ndaisatombozivawo kuti ndaigara nemhondi mumba,ndakatozoshamisika musi wandakuudzwa nana Ratidzo nyaya dzake dzese idzodzo"sekuru vakabva vangoti"zvinowanikwa muzukuru asi imi zvamuri kureva izvi zvekuti hamusi kumuwana kwaari zviri kureva here kuti akatotiza kubuda muno munyika?"Taku akabva avadaira ndiye zvikanzi"zvekubuda munyika muno haasati hake nekuti madocuments ake ese nezvimwe zvino zvinodiwa pakuti abude muno zviriko kumba uku zvese,vangori nekanzvimbo chete kavakangotiwanda nevese vaayita madhiri navo vacho nekuti vese hapana ari kuwanikwa asi musatya henyu tinovabata chete"ndakabva ndafunga hangu nezva Aunty Joy vaya vecompany kwake vekuita madhiri nana Lisa vacho ndichibva ndamubvunza nezvavo zvikanzi"musi wacho wandasangana nemi ndipo pavari kunzi vakangobva pabasa vachiita sekunge vari kupinda mutown,ndofunga vakatotipirwa naiye Lisa kuti vatize"ndakabva ndangoti"hoo"zvikanzi"don't worry henyu vakomana vangu vari kuita basa,hongu zvingatora hazvo nguva kana kuita sezvakunonokerai but soon vese vanobatwa"sekuru vakabva vati"yaa ndipo pane shuwiro dzangu muzukuru,hongu zviri kundirwadza hazvo kuti mukadzi wangu akatotsakatika nenzira iyoyo asi hapana hapo zvatingazviite nekuti yadeuka yatodeuka asi chandingochema hangu chete kwamuri ndechekuti yedza nepese pamunogona kuti mhondi iyoyo ibatwe nekuti ini chandiri kungoda chete ndechekuti vatiratidzewo kwavakaisa mutumbi wemukadzi wangu towana hedu kumuzorodza pakanaka"ndakanzwa kubatikana chaiko nemashoko avo ende matauriro avakazviita ayitoratidza kuti vairwadza asi vaiyedza kungozvishingisa havo semunhurume,ndakabva ndatotanga ku-feeler guilty asi chekuita painge pasisina hapo sekutaura kwavainge vaita.
Mai Bee avo vainge vakangonyarara kubva zvavainge vangomhoresana navo ndipo pavakazotanga kutaura ipapo vachivasimbisa sekuru zvikanzi"tese tese tiri kutorwadziwawo sezvamuri kuitawo sekuru asi don't worry henyu,very soon vanobatwa chete vanhu ivavo voripa mosva dzavo"ivo sekuru vakabva vangoti"dai zvikangodaro muzukuru ndipo pane shuviro dzangu chete ipapo nekuti zviri kundirwadza kuti mukadzi wangu otongorova idzo mhondi dzakamuuraya dzichitofamba hadzo madiro" Taku neshamwari yake vakazodairirawo vachivasimbisa ende zvakatotibatsira tese kuti tinzwe kurerukirwa zvekuti takabva tatozotanga kutaura hedu dzimwe nyaya tikatotanga kutotandara tichiita sekunge zvinhu zvese zvainge zvatova bhoo ende pakatozonosheedzwa imwe hama yaGogo yaigara mudhuze navo muvillage imomo nemwana wasekuru achibva awuya ndokubva atsanangurirwawo mamiro ayinge ayita nyaya ende haana kumboda kuomesa musoro akabva angonzwisisawo sezvanga zvaita ana sekuru achibva atoti ayizonozivisawo dzimwewo hama dzavo asi nyaya yese yainge yangova mumaoko edu nekuti vese vainge vangotarisira kuti isu tisu taizoita zvekuti mutumbi wehama yavo uwanikwe vobva vamuviga havo pakanaka,Zvadaro akazooneka hake achi bva adzokera kumba kwake tikasara hedu nana sekuru vangu ende ndainge ndonzwa kunyatsorerukirwa kungoziva kuti hapana ayimbondipa mosva pakufa kwaGogo asi zvakadaro ndaizongonzwa hangu kungorwadziwa dzimwe nguva kuti gogo vacho mai Grace vainge vasisambodzoka pamba vachifambira kana kuzombopiwawo kamwe kanguva kadiki diki kekuti vaoneke navo.Takazoswera hedu tiriko kwaMutoko tikatobikirwa tea nechimodho nasekuru vangu vadiki(mwana wavo) kumasikati asi takangoinwa tiri vaviri namai Bee,ana Takudzwa vakairamba vachiti vainge vakaguta asi ndakangoona hangu kuti pamwe vainge vasina kujaira kudya zvinana chimhodho izvi.Tapedza kudya mai Bee ndivo vakasimuka vakarongedza maplates zvese namapoto ayinge ashandiswa muzidish zihombe vachibva vabvunzwa kwaisukirwa maplates,vaitoda zvekumasuka maplates acho asi sekuru vakavarambidza vachibva vagara havo pasi tikatanga kutaura nyaya futi.Tiri mukutaura nyaya imomo sekuru vakazongoerekana vakutanga kundibvunza nezvaBaba vangu nehama dzangu zvikanzi"ko iwe Ratidzo ndotozokanganwa kaa kukubvunza imwe nyaya?"ndakabva ndati"nyaya yei futi sekuru?"zvikanzi"ko Baba vako nedzimwe hama dzako varikuizivawo here nyaya iyi yakaitika kwamuri nekuti kubva zvamaishaikwa hapana kana hama yako yakambouyawo pano ichibvunza nezvako kana akambofonawo kana nasisi vamhama vako vaya takatomboedza kuvabatawo asi phone yavo haisi kuita iyi mazuvaano,hameno kuti achiriko here kuMarondera uku kwaiti akugara kana iwewo pawataura apa hauna kumbotaurawo nezvavo futi"ndakatoshaiwa kuti muporofita wavo ayinge anyatsovatsanangurira achitii nekuti pavainge vati vakaudzwa zvese ndakatongofunga kuti ayinge angovatsanangurira zvenhorondo yehupenyu wangu wese kubva pekutanga sezvainge zvangoitwa namadzimai vaya vekutibatsira nagogo tisati taenda mucompany kwaTaku saka ndakabva ndavabvunzawo ndichitotadza kunzwisisa ndikati"asi muporofita wenyu haana kukuudzai nezvavo kani?"ndipo pavakazonyatsonditsanangurira zvacho zvavainge vaporofitwa nemuporofita wavo in detail ndikaziva kuti vainge vangoudzwa part yemukadzi waTaku chete,zvimwe zvese ayinge asina kumbotaura hake.Ndakabva ndatura mafemo zvekupererwa chaiko nepekutangira nyaya yacho ende iyowo nyaya yaBaba vangu yainge yotondibhowa kutaura kana kunzwa nezvayo nekuti zvinhu zvandainge ndatoiburitsa kare kare mupfungwa dzangu zvese nemumoyo ende ndainge ndatozvigamuchira kuti ndainge ndakangofanana nemunhu asingazive hama dzaBaba asi nekuda kwasekuru ndakazongotaura hangu nekuti painge pasina zvekuita ende kana kuti nditi ndinyepe zvaisaita saka ndakabva ndati"Baba vangu ndakaguma kuonana navo kare ini sekuru,ndakazonokurira kuOpharnage"vakatoshamisika nazvo zvikanzi"ko wakazonokurira kuOpharnage sei iwe wakabva pano uchiendeswa kumba kwaBaba vako"ndakabva ndavatsanangurira zvese zvainge zvatika kuti ndizoguma ndava ku-opharnage kuya ende ndakabva ndangovavatsanangurira futi nenyaya dzese dzekwamaiguru kusvika pandakatanga tanga kusangana naTaku chaipo asi ndaisatsanangura hangu zvimwe zvacho in detail,ndaita ndichijamba zvekuti kana nyaya dzaTaombera handina kumbodzitaura.Ivo sekuru vakatoratidza kushamiswa futi nezvekuti maiguru vainge vakasungwa,ndakangoona hangu kuti muporofita wavo iyeye ayinge asina kuvataurira zvizhinji ende pandakapedza kutaura kwacho vakazunguza musoro wavo zviya zvekundinzwira tsitsi zvikanzi"ummm inga wakapindana nezvakaoma nhai muzukuru wangu,ummm ende zvakaoma"ndakabva ndangoti"ndiyo life yacho sekuru zvakatopfuura"zvikanzi"iiih yako yakaoma wena muzukuru asi ndinovimba kuti Mwari vakuzokusunungurawo mhanje apa"ndakabva ndangoti"hameno"Takudzwa akabva anditi"hapana chichamboitika kwauri futi as long as l am by your side"handina hangu kumbomudaira asi sekuru ndivo vakamudaira zvikanzi"shuwa yedza nepese paunogona napo kumu-protector muzukuru wangu,hant wangozvinzwira wega makuriro ahakaita kana kuti akatokuudza hake kare?"akabva ati"haana kumbobvira andiudza hake asi zvese ndinozviziva hangu ende kana zvenyaya dzana Lisa zvikangopera chete achanyotsofara hake zvakanaka"vakabva vangoti"dai zvikangodaro"nyaya iyoyo yakazongopererawo ipapo tikakatanga kutaura hedu nezveyekwamaiguru yekujeri kwavainge vari ivo sekuru ndivo vakazotaura zvekuti vaida kunovaona ini ndainge ndichiri ndakavatsamwira hangu nekuti nerimwe divi ndaingoona hangu kuti ndivo vainge vakonzera zvese zvandainge ndazopindana nazvo,ndaingoti dai pasina ivo nedeal ravo nana Sophia zvimwe dai ndisina kumbobvira ndasangana naTaku saka zvekuonana navo ndainge ndisati ndava ready hangu ende hapana akambodawo kundimanikidza kuenda kunovaona kwacho.
Kwave kumazuva rodoka Takudzwa ndipo paakazotanga kuoneka achitoti taidzokera tese kuHarare zuva iroro ini ndainge ndisina kumbotaurirana hangu naye hangu nezvazvo saka ndakangoramba hangu ndakanyarara paakadaro asi ivo sekuru vakabva vati"ko mobva matodzokera here nhasi nhai vazukuru,ko madiii mangorara zvanhasi mozoenda mangwana"but Takudzwa akazviramba ende akabva avapa reason yekuti ayida kufambira nyaya dzana Lisa ende ivo sekuru havana kuzoitawo nharo nazvo.Ndiko kuonekana kwatakazoita navo ana sekuru vangu tichibva tatora maphone numbers avo.Vakaudzwa naTakudzwa kuti taizopota tichivapa maUpdates ekuti zvainge zvamira sei ini ndakabva ndavatiwo"kana mukazosangana kana kuzovingwa nevanhu vamusinganzwisise munotifonera sekuru"ndakadaro nekuti ndainge ndakutotyirawo kuti hupenyu wavo waigona kuzoiswa panjodzi nekuti type yana Lisa inenge itori ne-information yese ende zvaitonetsa futu kuti uzive kuti kwavainge vari ikoko vainge vachifungei kana kurongei saka ndainge ndakutyirawo hangu kuti zvaizogona kuenda futi nepamwe vakauraiwa sezvanga zvaitwa Gogo ini ndainge ndava sure hangu kuti havachambondibata kana iyewo Takudzwa akatonditsigirawo point yangu iyoyo ende akatombovati tiende kunombogara tese kumba kwake but ivo sekuru ndivo vakaramba vachibva vangotivimbisa kuti vaizotifonera kana vaizosangana nezvinhu zvakadaro ende vakabva vandivimbisa futi pavaizouya kuHarare vachinoona maiguru kujeri kwavanga vari vaizondifonera.Ndakangovati"ehoi sekuru"ndokubva vapiwa $100 naTakudzwa zvikanzi"musare muchibatsirikana",vakamutenda tichibva tazobuda hedu vakutiperekedza asi ndakati tave kuda kunosvika padhuze nepatainge tasiya maziso angu akangoerekana atarisa kwaiva nemakuva ana mhama nechemumoyo ndikati handimbodzokera ndisinawo kupatsika.Ndakabva ndakumbira sekuru zvikanzi"horait,handei muzukuru watogona shuwa,zvaisaitawo kuti uyende usina kupatsikawo"munhu wese akabva ada kuendawo neni.Tichisvikapo ndakangowana zvandainge ndangosiya pari zviripo ende painge pakanyatsosakurirwa zvakanaka naka.matombstone acho asina kana dust kuratidza kuti pane munhu ayitoita hake basa rekumapukuta.Ndakabva ndamira hangu ndakatarisa hangu guva raMhama neraGogo.Ndakatanga hangu kufunga hangu mazuva andairarama navo hupenyu wangu uchinyatsoendeka.Ndakatanga kudemba hangu kuti dai zvimwe hwani ayivepo dai zvimwe ndainge ndisina kumbobvira ndapindana nezvese zvandaive ndaizopindana nazvo asi kwainge kwangova kudemba hako kusina zvakwaibatsira.Takazobvapo hedu tichibva taonekana nana sekuru kekupedzisera tichibva tanopinda hedu mumota dzatainge tauya nadzo asi mumota dzacho hatina kupinda semauyiro atainge taita nekuti Taku neshamwari yake vakaita husimbe havo weku-driver ndokubva vanopinda mumota yaiva mberi nema-security guards two iniwo namai Bee takapinda hedu yaiva kumashure nemamwe masecurity two.Vaiva vakagara vese kumberi one wacho achi-driver isu tainge tagara zvedu kumushure,ndokupinda hedu munzira todzokera kuHarare.Mota yaiva nana Taku ndiyo yainge yakatungamira pamberi isu yedu ichitevera zvayo kumashure.
Munzira yese mai Bee ndivo vaingonditaudza havo nyaya ini pfungwa dzainge dzisati dzanyatsova panzvimbo saka zvekutaura zvaiva zvishoma asi ndakazosvika pandakabatwa nehope ndichibva ndarara hangu ndakabata mwana wangu mumaoko,iyewo ayinge arara hake kubva zvataive tapinda mumota macho.Ndakatozopepuka ndichinzwa mota yamiswa.Ndakatombofunga pekutanga kuti zvimwe tainge tasvika but ndakazoshamisika pandakatarisa kumberi ndichiona chi-building chaive chakanyorwa kunzi Chicken Inn nezvimwe zvakangowanda -wanda.Ndakabvunza mai Bee ndikati"ko tamirirei pano uye tave kupi?"zvikanzi"tiri muMarondera,murume wako ndiye ati anoda kumbotsvaga zvekudya mukati umu"ndakabva ndangoti"hoo"ndichibva ndatarisa hangu time paphone pangu ndikaona dzatova kuma past 7pm.Ndakatarisa hangu kumberi ndikaona kuti masecurity aye ayinge asisimo.Handina hangu kuda kubvunza kuti vainge vaendepi nekuti ndakangofungidzira kuti zvimwe vainge vangopindawo mukati nana Taku asi takazoti takagara tega kudaro namai Bee vakabva vanditi"ummm handisi kunyatsonzwa zvakanaka panapa"ndakabva ndavati"ko chii?"zvikanzi"ndiri kunzwa sekunge ndaenda kuperiod wena,haunawo here pad kana cottoon ndipfeke"sezvo ndainge ndakubuda ropa ndaive ndangotakura hangu one pad ende ndainge ndatorishandisa futu ndiri Mutoko saka ndakabva ndavati"handina"zvikanzi"eish,inga nahwani angu asi rega ndimboenda kunotsvaga mukashop kandiri kuona kakavhurwa apo"nekusada kusara mumota ndega ndakabva ndati"handei ndikuperekedzei"vakabva vati"tanga wafonera munhu wako umuzivise nekuti hazvizoita kuti tingobuda tese tisina kutaura"ndakabva ndatanga kumufonera paya Takudzwa but haana kubata phone yake.Ndakabva ndangofunga kuti zvimwe ayinge asiya mumota ndichibva ndaudza mai Bee izvozvo ndikati"ngatingoendei,hant padhuze hapo saka hatimbononoka kudzoka"kashop kacho ndaikaona hangu kuti kaingova pachicken ipapo saka mai Bee vakabva vabvuma tichibva tadzika hedu mumota muya asi takabva tasangana ne-masecurity aye agara kumberi kwemota vachitoputa havo fodya tichibva tanzi nehwani wacho"ko mava kuendepi?"mai Bee ndivo vakadaira zvikanzi"pane zvatiri kuda kunotsvaga mushop umo todzoka hedu manje manje"hwani wacho akamboda kutiperekedza asi akarambidzwa namai Bee sezvo paingova hapo padhuze,zvadaro takabva tatanga hedu kufamba hedu tiri vaviri ini mwanawangu ayingove mumaoko chete asi ndainge ndakamuputira hangu zvekuti asambopindwa nemhepo asi ndakazodemba kuti dai ndainge ndakangosara hangu mumota.Tichisvika pashop paye takaudzwa kuti maingoitwa zvekutengeswa mafuta chete ekuzora apo ndiyo yega shop yainge yangosara yakavhura ipapo sezvo wakange wava husiku.Mai Bee vakabva vatura mafemo zviya zvekupererwa zvikanzi nemusikana wacho ayitengesamo"ko madii maenda paPick n Pay apo vachiri vakavhura havo"mai Bee vakabvati"aaah kana kumbozvifunga nhai,waitabasa hako rega tiendeko"takabva tabuda mushop asi tava padoor vakabva vanditi"dzokera hako kumota ndingomhanya ndega sesvo paine kamufambo mbichana"ini nekusada kungosara chete kumota kuya ndega ndakazviramba futi ndichibva ndati"handei hazvina basa"ivo havana kundipikisa takabva tatanga kufamba futi.Paisambova hapo kure sterek nepatainge tabva ende takatosvika y
Vakavhurawo zveshuwawo tichibva tapinda mai Bee vakanonga two zvimapackets zvavo zveviri zvema-pads acho tichibva tafamba kuenda ku-till kunobhadhara asi takazoti takamira kudaro hamenowo chakangondituma kutarisa paTill yaiva panext pedu ndichibva ndangoona mumwe mukadzi ayive akanditarisa.Pakutanga ndakambofunga kuti zvimwe kwaingova kutarisana kuya kwekuti unotarisa munhu wobva waona naiyewo akakutarisa but pandakazomutarisa kechi-two ndakamuona akanditarisisa ndakaoona kuti kwaisangova kunditarisa kuri kwega.Ndakabva ndakwenya mai Bee ndikavaudza nezvake zvino mai Bee vacho nekusava nehana vakabva vati rega ndienda kunomubvunza kuti arikukutarusira chii?.Vakabva vandisira zvinhu zvavo zvikanzi"sara uchichaisa paTill"vakabva vatofamba kuenda paive asi zvavakatanga kutaura ndaisazvinzwa ende ndakatosvika pakubhadhara zvinhu zvavo vachingotaura naye chete ndichibva ndangofambawo kuendapo ndakabata plaster bag rainge raisirwa zvinhu zvavo.Ndichingosvikapo mai Bee vakabva vanditi"hanzi nemukadzi uyu wakafanana neshamwari yake"ndakabva ndamuti"makadii henyu?"zvikanzi"tiripo wakadiiwo shamwari,nhai unoziva vanhu vekwa Maphosa"ndakatorohwa nehana nekuti Maphosa ndiyo yaiva surname yangu but ndakambofunga kumunyepera nenyaya yekusada kunzwa zvine chekuita naBaba asi nekuzoda kuziva kuti ayida kuti chii ndakabva ndamuti"ndiyo surname yangu"zvikanzi"yaaa ndazviona mhani,wakafanana zvisingaite neimwe shamwari yangu soo inogara kuKaroi,hauna here hama dzako dzinogara ikoko?"mupfungwa dzangu makabva mangouya mai Yolanda vaya vandakambogara navo kuHurungwe,hanzvadzi yaBaba vangu asi ndakanyepera hangu kunge ndaisavaziva nekuti naivowo ndainge ndisina basa navo nekuti mazuva aye andakagara navo vainge vakatondimaka zvavo saka ndakaona pasina need yekuda kuziva kuti vaivepi.Ndokubva ndangoti"hoo"zvikanzi"ehe mira ndikuratidze photo rake kana uchifunga kuti ndiri kunyepa"vakabva vabatidza phone yavo vakandiratidza photo racho ndikaona vari ivo zveshuwa mai Yolanda.Mai vakabva vati"yaa zveshuwa makafanana wena apa futi ne-surname zvese,pamwe ihanzvadzi yaBaba vako"ndakabva ndati"aah hameno hapana wandichamboziva ini"vakabva vati"pihwa kaa number dzavo tozovafonera"ndakanyara hangu kuvarambira ndokubva ndangotora number dzacho iye mukadzi uya akabva ati"ndipowo dzako pamwe munozokanganwa kumufonera"ndainge ndisati ndava kudziziva nemusoro sezvo phone yacho zvese neline zvaingova zvinyowani saka ndakabva ndaita zvekumu-beeper ndokubva ati"ndichazokufonerai and l'm sure kuti mune hukama chete"handina hangu kudaira mai Bee ndivo vakangoti"horait"tichibva tatamuoneka tikatanga kufamba tichibuda.Tava padoor Takudzwa akabva atanga kundifonera ndichibva ndamudaira zvikanzi"ko muri kupi?"ndakabva ndamuudza kuti tainge takutouya zvikanzi"okay,ndafonerwa neboiz rangu manje manje hanzi vabata ana Lisa neteam rake rese kwaMutare vachitoda ku-crosser boader kuenda kuMozambique saka apa takutoenda kwaMutare kwacho tese"ndakanzwa moyo wangu kufara chaiko nekuti kushaikwa kwavo kwainge kwave kutlndi-stresser chaiko ende handina kumbovanza mufaro wangu kwaari kana naiyewo anzwika kuti ayifara.Paakakata calll ndakabva ndangoudzawo mai Bee vakaratidzawo kufara zvikanzi"Mwari ngaakudzwe chokwadi wasungurwa munin'ina wangu,tanga takutoshaya peace"ndakabva ndasekerera hangu zvemufaro chaizvo nekuti ndainge ndakuona kunyatsosungurwa kwangu ndichiona ana Lisa vakupinda mujeri asi takazoti tichifamba kudaro tave kutoda ku-crosser road yaitisvitsa pachicken inn paya mai Bee vakangoerekana vandibata ruoko ndichibva ndavati"ko chii?"ndokubva vandinongedzera mota ye-red yaive kumhiri kweroad zvikanzi"vanhu vari mumota umu vanenge vari kutevera chete nekuti ndabvira kare kuyiona mota iyoyo mumashure medu tichangobva paCross paya,huya handei nekuside kunoku dakuona kuti vanotitevera here?"vachingopedza kudaro mota iya yakabva yangofambiswa yakanyatsonanga direction yedu ini ndakabva ndabatisisa mwana wangu ndichitera kwavaindiendesa kwacho mai Bee but takazongonzwa kurira kwepfuti and the the next thing chakazotevera pandiri yaingova imwe sharp pain yandakangonzwa pachest pangu ndikangoziva kuti pfuti iya yainge yananga inini ende shuwa ndakabva ndaona ropa richidonhera pachi-blanket chemwana wangu.Ndakamboedza kushingirira kuramba ndakabata kuti asadonhe but marwadzo akandikurira ende mai Bee pavakaedzawo kuda kumubata yainge yatova too late.Mwanawangu ndakanyatsomunzwa achidonha pasi ende ini wacho ndakabva ndakangoona rima mumaziso mangu ende handina kuzoziva zvakatevera mumashure mazvo.....
End of Chapter 40💔💔
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
691