PHIBIE ALL NOVELS
January 22, 2025 at 12:34 PM
Follow the Mama Kev Online Novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029Vb0gVqk2Jl8AkAbJql3K Pinda kuchannel uwane book redu nguva dzose 👆👆 👆 Mama Kev online Novels MELODY CHAPTER 37 Melody Ndakasvika kumba kwandaigara ndokuudza landlord kt ndiyo nyaya iripo ndakuda kubuda. Ndakarongedza hembe dzangu ndokupinda muroad kuenda kwana Pipi paifambika zvapo netsoka kwaive kuSunrise Ndakasvika akatogara zvake neumwe mukomana pavheranda. Akati achindiona ndokubva atosimuka kundichingura muroad. Ndokutora mabag angu kuisa mumba apo mumba macho maive musina kana wardrobe hembe dzavo dzaitogara mumabag avo, akangoti "Isa mabag ako paunoona panokuitira kt agare bcozmuno umwe neumwe hapana anobata bag reumwe so unototsvaka key yemabag ako Apedza kudaro akabva atobuda kudzokera paive nemukomana uya. Ndakasara ndokutanga kufunga kt hupenyu hwekuchengetera hembe mubag hunonyatsobuda hr. Apo taipfeka maskirts ari pleated ndakabva ndafunga kt ndomapeta sei mubaga imomo. Ndakabva ndatora phone yangu kwakufonera mai vangu kt ndivaudze kt hakuna wardrobe dai vatipawo yataishandisa tichigara naMirriam "Hello wasvika hr "Ehe ndasvika mama kricy " Kuno kwakanaka uku wavawana varicy "Vanga variboe mama ko kuno hakuna wardrobe uku "Saka hembe dzavo dziri kugara pai "Mumabag ndaitoda kukumbira wardrobe iya yataishandisa tichigara naMirriam kaaa bcoz togara sei "Aaaaaa iwe kaaa Meloe Ivo varikugara sei "Mama kurongedza hembe kunoda uchigara 1week washanya not zveupenyu hwese mama "Iwe wakarerwa mutray sechingwa nhai wardrobe iyoyo dakuitengesa yatowana buyer kare iyi "Aaa nhai why.... "Why chii inoda kuchengeterwa anikoo iwe kuno unayo ikko wakugara nevamwe ita zviri ikko munhu unofanirwa kudzidza kurarama nezviripo ko kana ukawana murume murombo kunge Timy waifunga kuti anoiwanepi mari yekutenga midziyo iye uya unoda hupenyu hwakapfava sehonye nhai ..... Havana kuzopedza kutaura ndaive ndato cutter phone yangu. Ndakabva ndatogara zvangu pamusoro pebag kutanga kugaya life yandaizorarama mairi. Yes kumba taive tisina kubudirira zvakanyanya asi iyi life yaive serious. Ndakabva ndatoti rega ndibude hangu ndibvunze kt vana Nyari varipi ndivo vandaitoita sendinonzwanana navo vaive vezera rangu Pipi taingozivana zvedu kwete kunyanya kusekedzana zvataiita nevanin'ina vake. Ndakabva ndabuda ndichisanganidzana nemashura aive panze, Pipi akabata mudzanga wefodya achiputa zvake Ndakanzwa dzungu chairo pfungwa dzakatanga kupishana kt zvinopera mushe hr nefodya idzi, apo ini ndaiti ndikafema mweya wefodya musoro waitanga kutema. Ndakazodzokera mumba ndokugara zvangu ndiri busy nephone ndichibva ndatobatwa nehope. Ndakazopeputswa zvangu nenoise yana Nyari vaive vauya ndokubva ndatomuka tichibva tatotanga kutaura Nyaya zvedu ndokubva ndatoti "Ndave nenzara pane chekudya hr Nyari achibva apindura zvake voice riripasi achiti "Zvekudya pano hapadyiwe zvisina kuudzwa Pipi unogona kubvunza iye Ndakabva ndapererwa ndokuti "Okay handei tinotenga zvekudya vasikana manje zvinobuda hr zvekutanga takumbira chikafu asi ndiye anotenga chikafu chacho hr Takabva tatobuda zvedu tichida kuenda kumashops. Tichisvika padoor ndokuona Pipi akamira akachidyanana muromo nemunhu waanga akagara naye pavheranda paye. Aizviita pachena chaipo pabani chaipo pasina kuvanzika zvapo ndakanzwa kunyara chaiko ndaida kupopota ndazorangarira kt ahasi Mirriam wandajaira. Ndakazonzwa Nyari oti "Takumboperekedza Meloe kumashops todzoka soon Akabva angogutsurira musoro ndokubuda zvedu Tichangoti fambei takanzwa muridzo, tichibva tacheuka aive mukomana uya aive ana Pipi pamba, Nyari achibva ati "Ngatimirei pamwe pane zvaarairwa naPipi Akabva asvika ndokuti "Handei girls Tichibva tatanga kufamba tichitaura zvedu nyaya dziri general. Takazoti takuda kusvika pamashops achibva ati "Meloe ndokumbiraw kutaura newe Ndakabva ndangokurumidza kudaira "Kutaura neni kuti chii nhai bamnini taurai kaaa handi tagara tiri kungotaura hr " Zvoda vaviri Meloe nzeve dzawandisa "Handina zvinhu zvinotaurwa pari private ndongoda zvepajekerere ini ndozvisina kupomerana mukati Vasikana vandaive navo vakabva vatanga kuseka, achibva ati "Meloe ita semunhu mukuru nhaiwe "Ummmm nooo not yet now ndichiri mwana mudiki chaiye ane mukaka pamhino that's why ndati handisati ndave nehana yakakura yekuchengetera masecrets Kudaro vanhu vakabva vatanga kuseka " Unotoda kushamisira neiko iwe munhu anodana nemufudzi wemombe nxaaa Akabva atanga kufamba achidzokera, ndichibva ndasvipira pasi ndokuti "Arinani anoziva pekupfekera bhurugwa kwete iwe unotadza kusimudza bhurugwa chairo ungazogona kusimudza imba hr fokoro Akabva atendeuka kuda kuuya kwandaive ndakabva ndatanga kumhanya. Lucky ahana kuzotevera zvake ndairohwa ndikazvirega bcoz hapana zvaizikanwa pakumhanya😂😂😂 Takazosvika ndokutenga grocery kumashops tichibva tadzokera kumba Takasvika Pipi akamira achiita kupopota Pertunia Ndakafuma kuseni kupinda muroad kuenda kumba kwangu ndichida kugadzirira zvekuenda kubasa, ndakawana door rakashama hana yangu yakarova kt asi pakapinda mbavha hr Ndakazoona vamwene vangu vachibuda I think vaive vanzwa sound yemotor, vakabva vabata muchiuno vakatarisa motor yangu, ndakasvika ndikamisa motor ndokubva ndavhura door vachibva vanditambira nemashoko ekuti ndakazvibvunza kt ndakavatadzireiko amai ava. "Heya ndizvo zvamunenge muchiitira kana muchiramba kugara kudhuze nemurume muchida kuwana freedom kuitira kt vana ex boyfriend venyu vakutorei munoita pungwe nhaikaaa Handina kana kudaira ndakabva ndatopinda mumba kwakunanga mubathroom ndokugeza ndakawana vanandimirira mudining room "Pano hapasisina nzvimbo yepfambi baba venyu vatofuma kunanga kumusha vandisiya pano kt ndisiye ndaona kt matotakura twenyu twese hr Billy akati arikuda kuuya nemukadzi wake weekend so anodawo kuwana pano pasina pfambi Ndakaramba ndakanyarara ndokupinda mumba ndichinopfeka uniform yangu kt ndiende kubasa. Ndakabva ndatora makeys emotor yangu ndichibuda kunopinda mumotor ndokunanga kubasa. Ndakazodzoka zuva rodoka ndokuwana mabag angu akaiswa panze door raka locker. Ndakarohwa nehana ko amwe maproperty atakatenga nemari yedu tose ndakabva ndapinda muroad kuenda kunotsvaka vanogadzira makeys, ndokutora munhu anogona kugwejemura door ndokupinda muroad kuenda kumba naye. Ndakasvika ndokugwejenura door ndikaisirwa makeys manyowani ndokutora mabag angu ndokupinda mumba End of chapter 37 Sorry mamistake ibook rekutanga kunyora React! react! react! I love you all😘😘😘
❤️ 😮 🙏 3

Comments