PHIBIE ALL NOVELS

10.8K subscribers

About PHIBIE ALL NOVELS

Ndokugashirai muno munhandare yemabook . Munyori wenyu anokutandadzai nenabook akasiyana siyana... PasiChigare nemamwe chimanje manje. Mugovera book hariuye izuva rekushumira. For more info: 0774512473 or 0714160957 And Advertising

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

PHIBIE ALL NOVELS
6/20/2025, 9:22:49 AM

*1000 reactions for our cover photo* *Ibvooo 💋💅🏽🔥* *Kubva kumunyori ane ruoko rwekunyora nyaya dzinopisa semoto— zverudo, zvechinyakare, manjuzu, hurombwa, huroyi nezvimwe zvinopisa kwauyazve chizimbe chinotyisa, chinobata mwoyo... Ibvo!* 💃🏽 > Mwanasikana anozvarwa pachipare > Hunhu hwechipare hunoita kuti akure achida kunzi ndinzi ndini > Anokura achitunhidzwa naamai zvekuti chero atadza amai vake vaimira naye > Pakuzoda zvakapfava sehonye ndipo paita tisvike panyaya yake iyi isvitswe mumaziso enyu, anokwezvwa zvishoma zvishoma munyika yehunzenza zvekuti akange asisina chinoyera pamberi pake. *ichi chizimbe choda magloves esimbi, ko wakamirirei?*👇🏼 👉🏽 *Baya pa* *View Channel* *uite follow – hauzorasikirwe nechitsauko chimwe chete kusvika tapedza!* 🔥🔥🔥 *Ibvoooo!* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H

Post image
❤️ 👍 🙏 5
Image
PHIBIE ALL NOVELS
6/20/2025, 3:42:06 PM

*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 15 *DZIKAMAI ANOPINDA MUNINGA** Rinomuka gomana ndokupakatira zvaro zvombo semurwi aiziva kuti mumasango hamungofambiwi uri juru. Rinonzwa kusawirirana pakati pevaviri avo vakange varuka rwedandemutande vari pamwe. Pakupendera nhaurwa yavo anoona muzvinatsvimbo yedziko rababa vake otsiga oga pfuko achibuda mumuzinda. Chirasadzimba chironda hwema, sezvo jenaguru raive rakakwidibirwa neukore hwechando akabva angotevera zvishoma zvishoma achinzwa kutsikwa kwemashizha akaoma. Nyakuronda aiona asi murondwatsimba hwaive utsi uso hwakangoringa mberi chete. Anosvika pamagumo erwendo koti hwee izvo zvakapa kuti murondi kuti achitambira chinhambwe sezvo aida kuti muzvinapfuko aite zvaaida akasununguka chemurondi kuringa nemeso chete. Anoona zvese zvaiitwa asi manzwi haana kubata kana rimwe zvaro asi kutaura aikunzwa. Nenhambo isipi achiona baba vemusha voita kusvanhika matombo nekunzvenga miti yachitiza kusiya pfuko yavo, izvi zvinomupa kuda kuchiswedera pedyo kuti aone chasimudza. Anosvika ndokuona pane nhuchi dzaitendererapo iye ndokunyatsoswedera pedyo. Achizoona chokwadi kuti zvairatidza kuti mukuru adenhana nezvivete akabva achifungavo kuda kuparura nerumwevo rutivi asi ane zvinouya musoro rake. 'Ndingangoti inyuchi izvo kwete. Mukoma wangu angaite zvivindi zvekuuya asi iyo ninga yakambomurambira here. Kana ndichirumwa ngadzirume ndasvika pedyo ndione'. Anodaro mupfungwa dzake Dzikamai ndokuswedera pedyo asi nenhambo isipi dzinotanga kuita shoma nyuchi dziya asi padzaipinda haana kupaona kusvika dzose dzapera. Anotarisa pfuko yasiiwa nemukoma wake ndokuona ichipupira nekuvira ichitibuka furo jena raigona kunzwisa muoni nyota yekutoda kusimudza amwe nepfuko yacho. Anoringa rutivi rwepaakambonzi adetembe ninga ivhure ndokubva afunga kuita misikanzwa. Akafunga kuti zvichida zvaive zvezuva irero zvichida nhasi inogona kuramba kuvhura. "Bu bu bu bu. Ndiri nyana renyu. Mhofu yemukonowee. Ziendanetyaka. Taive tangoti munyange pahuro. Sezvo nhambo iri refu kwazvo. Yareba tisina kuku.....?" Haapedzisi zvaaida kureva anonzwa maungira ekuomba kwemhuka yaasina kuziva. Anoteerera asi kwaibva nenzwi asati akunzwa anoona mukaha wakavhura sezvakamboitika. Anokaruka awira pfuko nemaoko maviri ndokuiti mhidzu, tekateka akananga mumukaha uya kunyange hana yairidza matindindi. Imwe pfungwa yainge yomuti unogona kupinda ukavharirwamo. Imwe ichiti pinda vadzimu vagara vanoda iwe. Anopinda ndokundosvikotsveta pfuko iya pamutumbi waaiziva wababa vake, nechepamberi paine imwe miviri. Pakarepo anonzwa mhururu dzairidzwa nemanzwi matetetete izvo zvakamupa kuda kuona kuti vanhu chaivo here sezvo aizvinzwira mberi kweziendanakuenda rebako. Anosiya pfuko iya ndokutanga kufamba muchaedza chaaiona achienda mberi asi nenhambo isipi anonzwa mhururu dziya dzoita kunge dzave kure kwaaisakwanisa kusvika. Anobva aziva kuti uku ndokwaive kuita kwevadzimu ndokubva aringa gotsi kudzokera kumashure. Achisvika paaive asiya pfuko anowana yaoma musisisina chirimo. Anoramba akatarisa mutumbi wababa vake uya achiyeverwa nekunaka kwepfumo ravo ndokumbofunga kurotora asi imwe pfungwa inoti unogona kuzotsamwisa vakuru vako. Anoona kuti anenge ave kugarisamo paainge otarisazve mamwe mativi kwaive nehari dzakaumbwa nenyanzvi dzizere nezviyo. Hari idzi dzaiyevedza sezvo dzaive dzakachekwa magande aiyevedza kuona ndokuiswa mukura waizodzitsvukisa. Rumwe rutivi kwaive nezvombo zvinove miseve nemapfumo, mapakatwa pamwe netsvimbo. Anonzwa kuti zvakwana achifunga kuti aigona kuzovharirwamo. Achicheuka kubuda anoona kusina nzira kwaaive abva nako. Anomira asi hana haina kurova zvayo. Anochonjomara ndokurova bonda achikumbira nzira. Anozofunga kuti anenge avharirwa nekuti pane zvaapotsa ndokucheuka ndipo paanoona pfuko iya. Achingoisimudza kuda kuenda nayo anoona mukaha wavhurika ndokubuda achibva arovazve gusvi achitenda vakuru vake ndokubva kwatinhira kunge hore yenhuruka ichibva yavhara. Gomana rinononga pfuko iya ndokuisa man'a mumatombo rodanhira richidzika kusvika rave pasi. Rinofamba mutunhu apa ainge achiona nhambwe dzemukoma wake ndipo anotanga kufunga zvaive zvaitika. 'Asi chokwadi chaicho apa chingave chii chinoita mukoma wangu anyimwe suwo nevakuru vake ini ndichiripiwa? Pakuvigwa kwababa ndozvakaitikazve nanhasi nemonemo zvinoramba zvakadaro. Kuti angave asiri mwana wababa here, kana kuti pane zvaakaita zvisina kufarirwa naivo vakuru vake? Asi chandinoziva ndechekuti rine manyanga hariputirwi nerimwe zuva zvichatumbuka tikaona musiyano weshawi nezvi.........?' rinodzingwa mumifungo iyoyi jinda iri raona kunge munhu akagara. Rinonyangira atombotsveta pfuko pasi pfumo rave muruoko. Anosvika pedyo ndopaanoona ari mukoma wake asi ngundu yaive isisimo mumusoro. Anoona musoro wazvimba ndokubva afunga nezvenyuchi dzekwaabva. Anoziva kuti chigadza pasi ndiyo shuku kana iri nhamo haigadzi pasi. Achindoti ringei kumeso ndokurohwa nehana achiona uso hwese hwakafushirwa. Anofunga utsinye hwaive nemukoma wake ndokubva..........? MAPARADZE ANOUYISWA MUDARE* "Maparadze ndine urombo newe zvako nezvawaita izvi. Namambo Vhungawaringa unotokandwa muchoto chete nhasi. Dai uri umwe watotema refuratiro sezvo pano patozoberekera mbada." Anodaro mumwe mufudzi ainzi Goka uku Muteveri achitsinhiravo. Maparadze anobva agegedzera chikwee chevakadzi vanonyeya vamwe. Anosvika pakudonha misodzi yobuda nekuseka zvake. Pave pashure anozogara zvake pasi akadzambira maoko ese pasi nechekumusana kwake ndokuti. "Machinda angu musatya zvenyu zvagara chine manenji hachifambisi mirai chichaonekwa mavara acho chaiwo. Ndinozviziva kuti ndapara mhaka asi imi makazvitarisawo zvingave zviri zvoga here zvandaita muchiona izvi? Achiri masvosva aya muchero wacho hausati waibva. Ndakamirira kupara ichambonzi nyangwe namai vangu vambopinda panyanga dzamushore. Ini musandityira zvenyu regai ndimbokuudzai zvakaitika ndichiri rusvava. Ndakazvarwa zvemusimba chaizvo. Zvino mai vangu vakambondivanza kusvika voona kuti zvichangozivikanwa. Vakabva vanzi nehama dzavo kanda kamwana aka muchoto zvipfapfate zvogopererana. Sekuru zvavaive muvhimi vakatora dehwe rechisere ndokundiputira ndokundisungiramo. Vanorikanda mubviravira remoto unopisa. Moto wakapfuta kusvika vanzwa kuputika kunoita chatsva kuya, ndopavanondiona ndichibuda mumoto ndichikambaira. Vakazoudzwa kuhope sekuru kuti maedza kuda kupfuudza nyana iri rudzi rukuru. Hakuna choto chaachapinda chaachaburwa nemunhu. Saka nanhasi rega zvipore akabva mukutsva. Asi izvi achiri masvosva mirai muone". Anodaro Maparadze asi vamwe vake vakati vomusekavo. "Hooo zvisimbise uchidaro zvako asi uchaona kuti Vhungawaringa imharadzi chaiyo. Ruka manyepo iwayo kana uchifunga kuti ndewekuita zvemusere naye achakubvisa madari wakateerera semombe". Vainge votaura vachiseka zvavo asi vachitoreva idi. Maparadze naMuteveri vanozofamba vachibva paive nevafudzi iro rave kunanaviravo kuzopinda munamai varo. Vasina kure kwavainda kunobva kwatosvika machinda maviri rimwe ndokusvikonamura Maparadze ndokumuisa pafudzi ndokutotarisa yekumuzinda yaainge abva nayo. Izvi zvose zvaive mumaziso aMuteveri uyo akangoti totenda yavira shambakodzi yedemhe. Asi kahana kachipota kachiparuka. Zvekugeza zvakabva zvava zviroto akabva aita sezita rake ndokubva atevera . "Zvino ndiko kuita sei ikoku machinda makuru kubva maita kunge nyamudzura zvisina kubvunza mhaka" anotaura Maparadze asi akamudavira hapana dzamara vasvika mumuzinda ndokunanga padare. Anosviko itwa kujatirwa pasi nechigara matoto ndokubva agomera kamwe chete ndiyo nhambo inosvikawo Muteveri uyo akabva ati verere ndokunomira nechekure. Mai Muchabereka vachiona mwana wavo achisvikwa naye akadzvarwa hana yavo inobika manhanga ndokubva vangoti kanha nazvo sezvo vasingazive chainge chatora nzvimbo. "Changamire ndiyo nhubu yakuvadza mukono wedanga iyi nyanga pamwe neziso tauya naye" rinotaura Gwandibva jinda ramambo Vhungawaringa. Mambo vanosimuka vakavhura ziso rainge chiropa chebveni. "Nhasi uchaona rudzi rwemoyo wangu iwewe ndiwe ungandinyadza kudai. Nhasi ndiri kukuuraya. Zvii zvawaita mombe yangu unoziva kuti ndiyo yakabata dziko rino here uri mwana wani" vanotaura. "Handizivi kuti ukaona nhiyo ichirumwa negondo unotadza kudzinga here, zvino kana gondo rikatadza kusiya hukwana handizivi kuti murimi mungaita sei, ini ndizvo zvandaita" anotaura Maparadze akaringa mambo Vhungawaringa. "Usanditaurira madzanhambwanana zvakafanana negondo here izvi?" Kubva chibarirwe wakamboona ichiitwa zvose zvose. Musungei dzakondo mushevedze mai vake nhasi uyu achava chiratidzo kuruzhinji. Isa pfumo rangu muchoto" vanotaura mambo vakasunga chiso. Rimwe jinda rinoisa pfumo muchoto rimwe richinoshevedza mai Muchabereka. *SORRY TEAM BOOK KUSAUYA NDAIVA KURUFU* KUPERA KWECHITSAUKO 15

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 162
PHIBIE ALL NOVELS
6/19/2025, 7:11:56 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w _Makadii makadii hama waverengi . Ndauya neimwe channel yemabook epasichigare uye kune vanofarira nyaya dzemabook echinyakare like wana Tambaoga mwanangu uye Kutonhodzwa kwa Chauruka . Zvino handei kuchannel yemumyori uyu kune book ranetsa tine totesano yepasichigare apo paive nemukadzi aiita gumbo mumba kumbo panze kutsvaga mwana sezvo mambo ainge akasungwa nevarinyikadzimu nokutyora mutemo kwaainge aita. Book iri haridi vanyarikani sezvo totesano dzepasichigare dzakadirwa imomo uye tsumo nyaudzosingwi madimikira zvizere kuti pfaaa .Apo Machinda amambo achiurayana pamwe nokuisirana michiteura nduru dzemakarwe kurwirana kuda mukadzi uyu zvino mukadzi uyu anozopihwa mwana neimwe nherera yaivemo iyo yaiwe nhapwa yomumuzinda umu izvi zvinozibuda pachena nherera iyi ndoyaive mambo vedunhu iri . Kana ini munyori wenyu ndasimudza maoko ingobaya view channel obaya pakanzi follow zvako zvaita_🔥🔥🔥🔥🔥. *ZIMBE RINOPISA AKARITSIKA BOOM IRI CHAHOTOTO MUTO VEBAKAYAWU*

Post image
❤️ 👍 😂 10
Image
PHIBIE ALL NOVELS
6/19/2025, 9:03:11 AM

🔥🔥🔥🔥🔥🔥 uptown girls woyeèe Ndauya nechizimbe zvekare you know I don't disappoint 🔥🔥🔥 Iri book rakanyorwa nehunyanzvi hwevanyori vaviri vane njere dzakarodza . Huya uzonzwa kuti BUSINESS DEAL Rakamira sei . Musikana uyo akaitwa gamble her feelings nemaparents ake nekuda kwe business deal , acharambwa publicly zvikanyadzisa akazoitawo rombo akaroorwa na secret admire vake but love was not her potion it was also a ...Business deal . HOW MANY LIKES PA NEW BOOK ❤️ Love , romance , drama and sorrowful moments arimo ari tiii Hatibike mbodza pinda muchannel uone zvirikutora nzvimbo ririkutanga nhasi chaiye chaiye usabvume kusara wega 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥

Post image
❤️ 🙏 4
Image
PHIBIE ALL NOVELS
6/5/2025, 2:58:41 PM

*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 7 *KUGADZWA KWAMUFANERONGA UMAMBO* Dzainge dzave honyerera nekaruma wako nzeve mumuzinda mamambo Harunawadya nekuda kwenhau yaMufaneronga. Rumwe rwainge rwoti anenge iye akapfuudza baba vake nekunonokerwa nekugara umambo ndivo vaive vazhinji vaidaro. Vamwe ndovaingoitangiravo padumbu vachiti 'Bva nhaka tinoyuwira nekutongwa nedemo, nekuti arikutozviratidza kuti haana hanya nechivanhu.' Vamwevo vaitsoropodza nhau yekusavhurika kweninga vachiti pamwe mai vake vakazotorwa namambo idzo dzazvimbira kare nyemba saka haasi wehumambo ndosaka yakaramba. Ukaona waita chinopesana nezvinofanira tsoropodzo dzacho dzimwe dzinozokusiisa chero newawaiti ndewako. Hakuna aive achaonera Mufaneronga pedyo kana mukukwazisana chaimo aive otozviona kuti ruzhinji rwaive rwamira naDzikamai samambo wavo. Izvi zvakabva zvamupa hasha kunyange ruvengo chairwo kumunin'ina wake. Nerimwe zuva hope dzakanetsa kuuya maari nekuda kwekuronga nekurongonora kusvika kuedze. Anozosunga rimwe mupfungwa dzake iro raakamuka akafunga kuchindoturira kudare. Anopinda mudare kuchakati zvarara ndokusvikoti kata pachigaro chababa vake asi maive musina kana jinda raivemo. Anomira kusvika dzotomunyanga hope arimo ndokuzoti vhazu kwatochena. Ndopaanozorangarira kuti hapana aive achauya kudare nenhau yekushaikwa anotungamirira. Zvikati nechando chaive choridza miridzo mumapani vanhu vainge voti maisvokwadzo nyemba dzatsva dzarungwa. Vainge vazororavo kundotema mazitanda ehuni dzemiuzhe nemitondo nekusenga dzichizouya kudare. Anoridza zitsamwa oga ndokusimuka oenda pakamushumha paigara hwamanda. Inonzwikwa nenzeve dzese dzemumuzinda chikave chikatyamadzo sezvo yaidana machinda oga. Rinoita bararamhanya kunanga kudare nenhambo diki harahwa nemachinda vaive vati zivhaa sengozha pahundi kuda kuteerera rasimudza utekwatekwa hwese ihwohwo. Vanobata miromo vakuru kuwana Mufaneronga akazvigarira muchigaro cheumambo sekunge akatochigadzwa asi hakuna akawana simba rekuti bufu. Dzikamai anopedzisira kusvika sezvo yakarira ari kure. Ainge amukira kumatanga achimbogadzira zvake paakaona pavhuniwa matanda nemukono wemusha uyo waiita kupwanya uchiyambukira matanga kune dzimwe dzaiteverwa. Nhambo yaainge otobuda mumuzinda kuti andosvuura rwodzi pamwe nekutema matanda ekupfigira aive ave mashoma ndopaanoinzwa ndokuchitosiya zvese omhanyira kudare. "Hoo wave kutozvikakanyadza kuita zvaunoda nekuda kwevanhu vanokunyengera handiti? Chinguva yarira waivepi iwe?" Anobvunza Mufaneronga izvo zvakanetsavo munin'ina wake kuti aive aresvei. "Mukoma! Ndange ndiri kumatanga uko ndichiona pakavhunwa mapango nemukono uya ndopandagadzira. Izvezvi ndange ndave kutobuda kundotsvaga rwodzi kuti ndisunge pamukova ne.......?" Haapedzisi kutaura agurirwa. "Chigara pasi kwete kutotaura wakaringa nhova yangu. Ndokudii ikoko?" Ainge afinyama uso sebota ratsikanywa nehuku asi Dzikamai anobva angozvipfavisa sezita rake. Anodzoka oringa kudare apo Dzikamai ainge andogara mune mamwe machinda apfumbira wake. "Ndakudanai ndini tinoda kuti nhau dzese dzichitopetwa nhasi tibve taziva mafambire. Imi vaMusendami zvekumbosendamisa ngatizvisiye asi kutoridzika bango racho tione. Zviitwe kachara kachara kuchiri kuseni nekuti kana paine mhaka dzinoda kutongwa dzionekwe kuti dzobatika sei. Saizvozvi pane imwe mhaka yamai Serudzai nababa vake Chin'ozho. Takaona angove nenhumbu kusvika izvarwe mwana ndokukura asi nhasi Maparadze kacho hatichakaoni muno hameno kuda akauraya sekahuku akazvidyira kumba kwake. Saka iwe Bumharutsva tambai nhau dzacho tione". Anodaro Mufaneronga achiita seakagarira mashikisha nekunyangadzwa. Bumharutsva neharahwa dzaivemo vanotarisana. Ko ndaimbozviziva here kuti maziso oga anotamba nhau miromo yakapfumbirwa. Vanopedzerana Bumharutsva naMusendami kuti vachitora zvese zveumambo vachitoita chiroverapo. Hwamanda inondotururwa naBumharutsa ndokuifuridza zvekuchikoka vese vasara. Anodzoka mudare ndokusvikochonjomara pana Mufaneronga achiombera. "Mambo wangu tange tati iri richiitirwa panze pamimvuri yedare sezvo muno mhomho yose haingakwani honai magara mazara nechekare". Mumashoko iwaya Mufaneronga anonzwa zenze nekuremeredzwa uko ainge aitwa. Panhambo idzi Musendami ainge atonzunzutira kunanga kuimba yematare kundotora zvese zveumambo. Machinda anobuda panze ose ndokusvikogara munzvimbo dzawo nevakadzi vachibva vazaravo. Mufaneronga ainge angoruramazve pachigaro chaive chakazendama mukamba chiri icho chaive chamambo Harunawadya. Tsvimbo, ngundu pamwe nezvuma zvaive mumaoko aMusendami achimirira kuparurwa kwezvimwe kuti vachipinda mukugadza mambo vatsva. Nhambo idzi Musendami anotsveta zvose izvi pamberi paMufaneronga uyo aiva pachigaro chababa vake meso achiringa ringa mativi ose serwaivi. "Changamire zvino paida paine zvidoro zvekuti tisume vekwenyu kuti tavakugadzika nyana renyu todii" anotaura Bumharutsva akachonjomara. "Udzai Dzikamai anotora maheu anoita, kana maheu pasina kurungai usvusvu sehwesadza modira mvura yakawanda vadzimu vanotambira tingaswerero vhiya nyama yemusoro wetsuro" anotaura Mufaneronga uku diti rakati dzidi kunge renzembe. "Chiregai titsvake vakabika maheu acho mambo tibve taita chimbichimbi kutsetsera kwegudo risati rapazha" anotaura Bumharutsva. Anosimuka ndokunanga kune imwe chembere vaMajajade uko kwavakanosviko piwa kachikari chose asi ainge asina kuvira. Anouyiwa nawo pakati pechivanze paiva naMufanyore. "Chipedzisa basa Musendami" anotaura Bumharutsva asi zvose izvi zvaiva mumboni dzaDzikamai. Aiva munhu akanyarara zvake asi mashoko aibuda paari aiva amambo chaivo. "Tava kugadza mambo werino dunhu sezvo muchiziva kuti bvute redunhu rino mambo Harunawadya vakainda nyikadzimu. Saka tava kuisa dangwe ravo Mufaneronga" anotaura vanhu vanotanga kuita mahon'era sezvo runyerekupe rwainge rwafamba rwekuti ninga yakaramba kuvhurika. Zvakavhiringa vakawanda kuti zvimwe haasi mwana wamambo asi nyamba kwete Mufaneronga aiva mwana wamambo chaizvo. Musendami anotora nguo dzeumambo dzaiva nezvimwe zvishongo ndokupfekedza Mufaneronga. Achipedza anomupfekedza zvuma zveumambo muhuro nemumaoko zvaipenya sendarama. Achipedza izvi anotora Ngundu ndokubva aigadzika mumusoro pedzezvo ndokuchimutambidza tsvimbo yeushe yaiva yababa vake yaiva yakasvibira muviri wese hapana aiziva kuti ndeyemuti rudzii. "Tagadza mambo mhururu nemuridzo uko" anotaura Bumharutsva uku Mufaneronga richiita kunyemwerera. Vanhu vanoridza mhururu nemiridzo asi mukati muine mahon'era. Dzikamai anoridza mheterwa achiuchira. 'Zvandanga ndichida zvaita ndiko kuti tsoro yangu yakabuda bhobho. Munhu anga asingadi kufa iye achembera kuda kuti isu titange tafa. Ndozvandakaramba manje izvozvo ndikosaka ndakavapfuudza nenduru yegarwe. Ndicho chakatadzisa ninga kuti ivhure zuva riya ndaizviziva kuti vadzimu vakatsamwa zvino ndavapo panyanga chero vakagumbuka tochiona kunowira tsvimbo nedohwe' Aitaura nechemumoyo make achifara Mufaneronga. Nguva iyi Bumharutsva anochonjomara pachikari chiya chemahewu ndokutanga kuuchira achidetemba ndokudira bute ikoko achipedza anobva atambidza Mufaneronga uyo akatambira ndokumedza huro shanu dzemaheu ndokuisa pasi. Anosimuka Mufaneronga pachigaro akabata tsvimbo ndokutenderera asina waaitaura naye. "Ndinotenda nebasa iri ndini ndava mambo wenyu . Saka iyezvino ndiri kuda kuti mubaye mombe shanu rivire vanhu vachifarira mambo. Mutemo werino dunhu ndichachinja mimwe asi kufamba kwemazuva. Ndatenda machinda angu". Anotaura Mufaneronga ndokubva agara pasi, Bumharutsva anosarudza machinda gumi nevaviri kunouraya mombe vakadzi ndokuinda nezvirongo zvemvura kuno suka matumbu. Zuva rakatozosvika pakunyura ava machikichori ekudya nyama. KUPERA KWECHITSAUKO 7

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 154
PHIBIE ALL NOVELS
6/4/2025, 3:09:06 PM

Ma likes arikuita mashoma kwazvo

❤️ 🙏 😂 😢 18
PHIBIE ALL NOVELS
6/4/2025, 3:08:54 PM

*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 6 *MUMUZINDA MAMAMBO VHUNGAWARINGA* Meso anoramba akaringa Nhoro iya nekukura kwayo zvinovaomesa mate mumukanwa. Nhambo iyi inonovhiiwa pajinga pedare nemachinda aya. Maparadze ainge akamira neshamwari yake iya Muteveri ainge avapowo. Mambo nemachinda avo vainge varipowo asi ziso ravo raiti gare gare roringa divi remabvazuva. Vaifunga kuti zvimwe machinda avo angangosvika avakatuma aya kwaUtahwemhare. "Machinda mukati vaParwanhuhwa vachadzoka here ivava? Angova mafunge mafunge senzuma kutsvaka chakadya nyanga yadzo?" Vanotaura mambo uku machinda aiva mushishi kuvhiya Nhoro. "Kutotuma mamwe machinda ndoona kuriko kupedza nhomba yemberi mambo wangu. Nhasi zvachiri chisi kudai varume varipo vazhinji kusara kwevati vari kuda kunovhima ava chete . Saka handizivi kuti ponzwii" anotaura Chisenga jinda guru. "Une muono wangu chaiwo saka tuma machinda maviri hameno koinda ani pano patiri asi tuma vaviri" vanotaura mambo. "Zvagara dudziro yechinhu unogona kusaiona nekuchimbidza wosara uine kushushikana. Mifungo yoti tione chaitwa murima hachizobudi pachena semhanza. Inga wani magadziko akavanzika paari asi unoona achizvidudza ega kuti ndiripano nekusumudza nhahwamaringa. Munonetsekanawo neiko mambo ndiko kutsvukira kwaro mota kutsvaka kududza pane muromo asi urwa hwacho hameno kuti huchawira ani" anotaura Maparadze magara moyo chaiwo ari muchiduma zvinova zvakaita kuti munhu wese ashame muromo amuringa. Zvakabva zvavhura pfungwa dzamambo nekuchimbidza nhambo iriyo. 'Mwana uyu anorotswa here kana kuti ane zvaainazvo? , Ndiko kutsvukira kwemota kuti ritushuke!! Asi arikureva ini? Asi zvine chirevo kusadzoka kwemachinda angu aya? Kutushuka kwemota asi Utahwemhare aziva kuti ndini ndakauraya mambo Mushayahama ndichida umambo uhwu? Saka chii?' mambo vaitaurira mumoyo mavo vakaringa Maparadze. "Unoreveiko iwe chana chine madzihwa pamhuno? Umbori mwana waniko iwewe unotaura zvisina zera newe? Anonzi ani mwana uyu?" vanobvunza mambo Vhungawaringa. "Chenjedzo nedudziro zvichavepo, ndingoriwo mutauri semachinda enyu awa. Asi harivhikwe itai ringanemeso zamo rehazvanzi kana ndichiri kutsika rinomuka bva muchandibata ruoko" anotaura Maparadze. Machinda anopedza kuvhiya ndokubva mambo Vhungawaringa vati. "Chiropa chese ndechangu nechityu . Chikomana ichi chipei matumbu nechidya chimwe nemapapu vanonokwana. Pano padare hatidi pwere. Seiko achigara namambokadzi ivo vakasiiwa naMushayahama vasina mwana. Uyu mwana uyu akabvepi ndoda kuziva" vakataura mambo. Maparadze anomira zvake asi haana kudavira anongovaringa ndokubva apiwa nyama yake anosimudza ndokuinda naMuteveri kubikiro ramai vake nayo. "Maparadze mwanangu" vanotaura Mai Muchabereka vakamutarisa. Nhambo idzi vanoyeuka mashoko aakavaudza nezuro madeko izvo zvakaita kuti vagutsurire pamwe nekuziva. "Magutsikana handitika amai, ndikareva chinhu ndofanirwa kuzadzisa kuitira kuti imi musandivanzira zvizere. Nyama iyi mobika tidye" anotaura achibva atobuda ndokunogara panze padombo raiva seri kweimba naMuteveri. Mambo nemachinda avo padare hapana akaziva kuti Maparadze akauya sei kugara namambokadzi vanova mai Muchabereka. "Kana musina ruzivo hazvina mhaka. Chasenga ita zvandareva tuma machinda iyezvi" vanotaura mambo Vhungawaringa. "Mutiro naZvapera torai mbongoro iyezvi morwukaka rwekwa Utahwemhare ndapedza" anotaura Chisenga zvisina akapikisa. Vanotora zvombo zvavo ndokubva vananga kumatanga mbongoro dzainge dzichirimo mumatanga sezvo rwaiva rwuchiri rungwanani. Zvose izvi zvaiva mumeso aMaparadze uyo aiva naMuteveri. "Muteveri unondida here kana kwete nekuti gore ramangwana haridi mbwende" anotaura Maparadze. "Ndokurambirei ini ndinewe iyezvi pano. Asi pane chakafukidza matenga?" anotaura. "Bodo asi dzagara ingwe dzinorwirana ndiko saka ndabvunza". Nhambo idzi Muteveri anobva ashevedzwa namai vake Maparadze ndokusara ari ega padombo iri achirodza zvimiseve zvake. Dzinopfumbura guruva kunanga mabvazuva dzichibuda nepasiwo guru. Aiva mberi ndiMutiro , Zvapera aiva pamashure. Machinda aya ainge achida kuti rirereke vachiwira mumuzinda waUtahwemhare. Asi dai vakaziva kuti mberi kune Chadhogodha chenyoka isina akamboona. Havangadai vachikwitimisa mbongoro dzavo kudero. Regai vakuru vakati chinoda kufa chinovingira seizvi. Hapana aitaura waingonzwa mbongoro dzichibudisa mhepo dzakasimudza miswe. Nhambo dzekuvhurwa kwemombe dzichikwana ndiyo nhambo yavanoti pakati nepakati pfacha panoganhurana mizinda iyi pane gomo Rutonhora. Nhambo idzi Zvapera ndiye aiva mberi ukagoti wainge wava mudzakiswa wekunopinda murwizi Mhupuro. Nhambo iyi mbongoro inosimudza makumbo emberi ichiwaruka uku ichichema. Zvapera anoringa mberi kwake ndiye "Yowe yowe yowe yoooo" ainge apfichurwa nembongoro achiwira kwakadero ndokubva Chadhogodha nhambo iriyo richibva ramushamira ziromo ndokumedzwa nezinyoka riya. Mutiro achiona izvo anoirova mbongoro ichiwaruka makwenzi yakanaka kuna Mhupuro umo maakasvikowira mumvura ndokuwaruka mbongoro yake ichibva yabatwa nezinyoka riya .Anoyambukira rwumwe rutivi ndokutanga kumanya asi aingonzwa sekuti Chadhogodha iri kuuya. Miti neminzwa haana kuzvinzwa panhambo dzose idzodzi dzamara agura matunhu chadzimira ndokubva chamukwidibira. *UTAHWEMHARE OTUMA TSORI* Vakasara vachikwenya musoro vachidzungudza kunge munhu arikupumha zvinyunyu zvirikuda kupinda munzeve. Pfungwa nendangariro ndizvo zvainge zvoita chamuramba mhuru mudehenya ramambo Utahwemhare. "Changamire wangu zvimwe ndingapotsa asi ndangoti regai ashate ari madirwa kwete doro. Itumburei tinzwe hwema hwayo, mune ripi ramakasunga namambo Vhungawaringa. Anobvunza Mhundudzeninga anova chipangamazano wake. Asi mambo Utahwemhare vanoramba vakanyarara vachitura mafemo. Zirwiraushe jinda ravo guru rainge rakanyarara. "Musavhunduka chati kwatara ichi machinda angu. Inhau doko asi munogona kuona sehombe. Akagara ataura Vhungawaringa kuti ini ndichamupa mwanasikana wangu aroorwe newake tichavamba muzinda uno sezvo ariye ayiva mukuru wedu. Zvino ndakabvuma asi ndirikuona kuti zvaakataura mwana wangu azviramba saka ndingadiiwo. Kana ada hondo totoita ini ndiri mambo iyewo ndimambo saka hapana anofanirwa kunanzva mumwe. Shanje yake yauya nekuti muzinda wangu wakura uyu uye handina chandirikupemha kwaari. Mhinduro yake ndeye mazuva matatu, akangopfuura badzi ndochituma tsori dzangu kumuzinda kwake ndinzwe dama rake" vanotaura mambo Utahwemhare. "Saka kana pasina iyi yakazvikanga yoga ndihwo hundyire hwacho hwatova kutanga. Anoda kuchenjerera uyu nekuti mukavata nezamu mumukanwa munopepuka dzamira nemhuru" vanotaura vatatu ava muimba yematare kwenguva refu. Rakazotiwo ratsvuka ndokubva vabuda zvavo. Zuva ramangwana rakasvika hapana nhume yakadzoka. Repiri hapana akauya zvekare kusvika pane retatu. Mambo Utahwemhare vakavata vachidzeya . 'Hongu dunhu akandipa asi nhasi ndaramba nemwana wangu. Apa ndakangira pakatsvira dzimwe , Vhungawaringa ndomuziva anouraya uye haana chinozezesa kwaari. Handimuchenesi kumachinda ose ekufa kusvika pana mambo Mushayahama. Saka apa ndinofanirwa kutuma tsori kuchiyedza kwaVhungawaringa ndinzwe donzvo rake pariri, ndikada kuramba ndakati zivha zvimwe Vhungawaringa ari kutoronga hondo".Vaitaura voga vakavata nemusana gotsi rakabaya pasi. Zuva richingoti vhuu vanomuka ndokunopira Zirwiraushe jinda ravo guru nhau iyi. Machinda akanga arimo mudare ndokubva Zirwiraushe ati, "Ndipei nzeve dzenyu mese machinda. Ndiri kuda machinda matatu anoinda kwamambo Vhungawaringa nhasi iyezvi rinofanirwa kuzogurwa remanheru madzoka pano" anotaura Zirwiraushe jinda guru. "Ndakashinga ini, Neniwo, neni" anotaura machinda matatu anoti Dzukurwa , Rupiza naDendera. "Yaa indai kuna mambo Vhungawaringa monoti kwanzi namambo ramakareva rakasvika zvino chinjai mutongo, ndokudai pano". Anotaura Zirwiraushe ndokubva machinda aya atotora zvombo zvawo ndokunanga kumatanga ndokunotora mumwe nemumwe yake mbongoro ndokudzirova vonanga mavirira kwamambo Vhungawaringa. Hapana aitaura nemumwe nhambo idzodzo kunze kwekunzwa makumbo adzo mbongoro kutsika pasi. Kufamba kwevanhu vasina chavari kuziva ndizvo zvavaiita. Nhambo dzekuvhurwa kwemombe padzakangoti pfacha vaiwirawo muna Mhupuro rwizi rwaiva pakati pemuganhu yavo. Vachingoyambuka rwizi ndiye mahwekwe naChadhogodha chitsemurana chakamira mberi kwavo. Machinda achiona zinyoka iri mumwe chete wavo Dzukurwa akamedzwa agere pambongoro yake. Rupiza anopfichurwa awaruka asi asati awira pasi ainge atovamo mumuromo maChadhogodha akutomedzwa. Dendera anorova mbongoro ichibva yawaruka mutataunga pamwe nedombo .Inochema ichimanya kwazvo uku Dendera akaita kunge chikwekwe kunamira kumusana kwayo mbongoro. Akapona nepasaka reshumba sezvo nyoka payakamedza Rupiza yakabva yaramba yakamira zvayo yakaringa Dendera uyo aimanyisa mbongoro yakananga kwamambo Vhungawaringa. Nenguva pfupi anosvika pamuzinda waVhungawaringa . Anosvikopinda haana kumira pasuwo. Machinda akafungidzira kuti ijinda remo mumuzinda izvo kwete. Achisvika padare anoimisa mbongoro achibva atofenda uku ziya rainge roteuka rakawanda. "Zvaita sei torai mvura mudirei. Ijinda raUtahwemhare kairi" vanotaura mambo Vhungawaringa. "Hongu ndiDendera" anotaura Chisenga jinda ravo guru ndokubva mvura yauya nekuchimbidza Dendera anodirwa magate matatu achibva amuka. "Chii Dendera kwakanaka here?". "Kunaka? Kugere uku hakuna hakuna" anotaura achicheuka cheuka achiita kunge anoda kutiza asi akabva aramba akabatwa. *KUPERA KWECHITSAUKO 6*

❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 201
PHIBIE ALL NOVELS
6/6/2025, 2:23:32 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *WELCOME NEW MAFANS MUMUZINDA WAMUNOPAKURIRWA KUDYA KWAKANAKA* *NEW BOOK* *Now rava PACHITSAUKO 7 Saka ndoda kuti vose vachangopinda mubaye malinks Ari pazasi apo kana usirikuona chitsauko 1 Kusvika parava unobva waiswa PACHITSAUKO chauri kuda ingobaya link rechitsauko chausirikuona* *CHITSAUKO 1* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I/1523 *CHITSAUKO 2* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I/1528 *CHITSAUKO 3* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I/1536 *CHITSAUKO 4* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I/1547 *CHITSAUKO 5* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I/1552 *CHITSAUKO 6* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I/1557 *CHITSAUKO 7* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I/1562 *CHITSAUKO 8* *🔥LOADING🔥*

❤️ 👍 🙏 😂 13
PHIBIE ALL NOVELS
6/3/2025, 3:21:45 PM

*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 5 *KUFA KWAMAMBO HARUNAWADYA* Hakuna muchero usina masvisvinwa uye chinokura chinokotama. Chisingaperi chinoshura. Vakavarairwa mumuzinda waHarunawadya, vakaerekana vomuka muzinda wasunama. Kwakamuka kwakaita gwindingwi remazikore matematema awo airatidza kuti kwaanobva nekwaanoenda hakuna aiona. Mambokadzi vanoonekwa rukunguvira vachifambisa kwazvo kunanga kudare. Vanosvikowana Bumharutsva jinda guru ratovemo kare mudare. Vanongosvikopinda ndokuuchira maoko vakanangisa Bumharutsva zvinove zvakaratidza kuti vaive nemwinimwini naye vari vaviri kunze. Anoti nyamwi naiyevo zvamukahadzisa kuti kwawei sezvo aiziva mambo vachisikasira kuve mudare ndokuona vanonoka. Anokanyika uruzvi zvakare pakuona mambokadzi vachipinda mudare zvavasina kumboita kubva. Anobva aziva kuti pane chikuru chiriko asi chaakafungira utenda pana mambo. "Kuhozi kunenge kwasunama uko". Ndiwo manzwi chete akabukurwa navahosi wotoona kuti yematambudziko yatojenga mumaziso chasara kuturuka. Vanoedza kuivanza asi zvakashaya basa inodzimara yambwera ichidzika nematama dzamara yave kurova fuko yechipfuva chavo. Vakange vatozarirwa zvekuti hapana rimwe rakazobudazve. Bumharutsva anoona kubvunza kuri kutambisa nhambo. Anomhanya ndokusvikokava sasa negumbo mumba ndiye virikiti, tsvee meso panamambo wanei chikara chatinhira zvacho kare. Anondoti abate hana wanei chando choga. "Aaaa nhayi mambokadzi mamboti tidiiko mumusha uno chokwadi?" Anodaro Bumharutsva naiye zvatomutyisavo. Kuzodaro mambokadzi mai Muchafaneronga vanobva vachitoziva kuti chavaive vaonavo chaive chokwadi. Vanoikwetsura mhere asi nenhambo diki vanonzwa manzwi aibva kuna Bumharutsva aiti "Zvomoita izvi hazviitirwi madzimambozve nhayi mukweguru. Gomererai mukati zvirege kunzwikwa kana kuchazivikanwa nepwere hazvidiwi mungatiparira mashura mudunhu rino". Vanozvinzwa ndokukasira kudzikama asi waiona kuti muchembere adzimbiwa kudyungwa moyo nemunondo wenhivi mbiri dzinocheka. Anozomira kwechinguva achivaraidza mambokadzi kuti vasimbe pahana vagobuda vasisahwihwidzi kana kusvimha. Ainge atofukidza mambo wake nedehwe remhofu raive mumba umu. Iri ndiro ravaive vakagara vareva kuti richazove fuko yavo sezvo uriwo waive mutupo wavo. Anobuda Bumharutsva oinda kundotora harahwa dzapwa mhepo kuti dzizoita basa radzo sezvo dziridzo chete dzaifanira kuzobata basa pasina ndumurwa dzine mukaka pamhino. Mambo vanoomeswa kwemazuva dziriko harahwa kuchikomo Makunakuna zvisina aiziva kusvika Bumharutsva pamwe naMuchafaneronga nevanji vazosvitswa rekuti basa rapera chasara kuti vachiendeswa kuninga yavo mugomo rainzi Guma. Manheru ezuva raitevera vanotemurira rwendo vakanangako nemutumbi wavo pabanda. Vachisvika Muchafaneronga ndiye aive dangwe nevanji wamambo Harunawadya. Anoendeswa pamberi kuti adetembe ninga igovhurika vawane kuzadzisa basa ravaive vafambira. Muchafaneronga aive atovewo nemhuri yatokuravo. Dangwe rake aive mukomana Kanyemwe tevere musikana Chinyemu wainge otopfuriravo chipfuva nevamwe vatatu kumashure. Anosvikodetemba sezvaaive akaudzwa neharahwa dzinoziva chivanhu asi chikatyamadzo ndechekuti ninga yakaramba kuvhura. Kunosvika pakuedza pasina chifambirwa kudzimara vakanda mapfumo pasi ndokuchifunga kumboedza zvimwe. Vanotumana kudzokera kumuzinda kundotora munin'ina wake ainzi Dzikamai. Nhume inoita chamupupuri kunanga kumuzinda pasina nhambo yaive yatodzoka yakaita kutungamidza Dzikamai mberi kunge yaimutinha. Achisvika kurairwa zvaaifanira kuita achangoponda maoko akachonjomara achirutsa aainge asvipirwa mumukanwa vanoona mukaha uchivepo wekufamba kwematombo achipatsanurana kusvika nechaedza chatovemo mukati. Vakuru vaiziva dudziro yazvo vakabva vatoziva kuti mberi kuchave nemakata chaiwo. Vakabva vatoona kuti kuchatevera unhidza pamwe nepfumo ramaparadze kuvaviri ava. Pakupinda muninga Mufaneronga ainge oda kutungamira semukuru asi nekuda kwechiratidzo chezvavainge vamboona vakuru vakabva vamurambidza vachiti dai achingorega munin'ina wake Dzikamai achingopedza basa. Hunhidza hwakada kumbomubata asi achida kukanda nhambwe imwe anonzwa kuzhinya kunenge kwenyuchi ndokubva atoona kuti zvimwe hazvichadi kuramba wopikisa. "Bva ngaachiita apedze Dzikamai wacho. Ndazorangarira kuti ndakauya kuno manheru ndichangobuda munhahwamaringa nekushamba ndisina ndoona ndosaka zvazodai". Anodaro Mufaneronga ndokubva harahwa pamwe nejinda guru Bumharutsva vagutsurira vangofungira kuti zvinogonavo kudaro. Dzikamai anoita sekurairwa kwaainge aitwa ndokubatsirwa neharahwa kuisa baba vake muninga ndokundosuma kune mimwe mitumbi miviri yaivemo madzibaba ababa vake ndokuzotsveta vake pachigaro chaitevera. Anotsveta papfudzi pfumo ravo sezvo kuriko kuraira kwavaigaroita vachatsika rinomuka. Ngundu inodzikwa mumusoro uku hana yaipangura chinamira kudedera achiita kugwagwadza seakaradzwa mudziva nguva yechando. Anoringa ndokuona muine zvimwe zviviri zvaive zvasara zvisina vanhu. Vanobuda ndokuchitarisa kumashure odetembazve kuti ninga ichivhara ndokubva yavharavo. Vanodzika gomo vonanga kumuzinda. Mazuva matatu anopera ndipo apo harahwa dzemumuzinda pamwe nejinda guru Bumharutsva vanozogara dare voronga zvekuti vangafambesei sezvo musha waita marereka ekuwa kwebvute rawo kudaro. Vanoungana harahwa nemachinda makuru pamwe nevanakomana vaviri vamambo vanove Mufaneronga naDzikamai aive achiri jaya. Bumharutsa ndiye anotanga kuparura. "Pamusoroi vanaMhukahuru, Samanyanga imi vana nevanji vamambo Harunawadya nemhangamazano harahwa dzose dzerino dziko. Chandinokumbira kutanga hatidi kukanga maputi anoputika sezvo richiri repasi pevhu. Tati tionesane nhau dzingati wandei asi yekutanga ndeyekuti mhomho yoziva rini chimiro chavepo kuti muti wavaivanda kwakaita mhepo ukawa. Dzimwe tichatumbura kana tambopedza iyoyi. Pindurai tinzwe." Anodaro Bumharutsva achigara pasi imwe harahwa ndokusimukavo yoti"Zvadii kuti timbopedza mwedzi umwe zvawo richingofamba rekuti mambo vakambofamba tozounganidza vanhu toridura." Vamwe vanobva vawirirana nedama remukweguru uyu asi Mufaneronga anobva asimukavo ndokuti. "Chekumirira apa handichioni munoti nyange makaita verere yekubudisa mambo mumuzinda moti vanhu havazivi here izvozvi? Mambo vanganzi vakafamba, kutanga rini mambo kubuda mumuzinda voga vasina wavanofamba naye? Mungaite vanhu mafuza kudaro moti.......?" Haapedzisi kutaura anogurirwa naDzikamai sezvo ainge asimudza inzwi. "Mukoma manzwa jindaguru richiti ngatisaita maputi sezvo richiri repasi pevhu. Uye uyu murao hazvina kunzi runyerekupe neruonera runenge rusirimo muvanhu. Vese vatorikwana izvezvi asi chivanhu chinongofambiswa nenzira yacho." Anodaro Dzikamai zvinove zvakagutsurirwa neruzhinji. Hakuna akazowana mukana wekupikisana naDzikamai naiye Mufaneronga akapeta muswe asi akazongoti amirire raitevera. "Shoko repiri kana rino rapera herino, panoda mukuru anombove akabata musha kusvika zvese zvaitwa pachizove neachagadzwa usamusha hwemusha uno". Anodarozve Bumharutsva ndokupfumbira wake muromo achibva agara pasi. Harahwa dzinotarisana ndokubva meso mazhinji aenda pana Musendami uyo aivewo wedzinza ramambo Harunawadya. Hero shoko mhukahuru munoti pangave nani angatakura nzou murimi magara musingaremerwi nenyanga dzenyu". Anodaro Bumharutsva izvo zvakabva zvatoshatirisa Mufaneronga. "Imi harahwa dzeuno muzinda. Musada kuita sekuti humambo uhwu ndehwedzinzaka zvomoti wese angonzi ndimuyera Nzou motomuti agare humambo. Magara musingadi kunzwa angu matama ndazviona zvangu. Izvezvi pane vakandoita ushereketwa kuninga kuti irege kuvhura mune vavariro yekuzozvipa dzvene ramusina. Hakuna zvakadaro nhasi vanhu ngavaziviswe uye nekutogadza mambo chaiye achabata dunhu rino. Zvenyu zvekuita chivanhu chenyu chekuda kuba pfuma yababa vangu pamwe nemuzinda wavo kwete. Ndave kutoridza hwamanda izvezvi yekusheedza munhu wese kuti timupandire zviri........?" Anodimurwa "Mukoma musaite semakagarwa neshavi renhahwamaringa manzwa here? Takunyarai nhambo yati rebei. Munomboda kuita nyana repiko risingazivi chivanhu? Ndivava vanotsigira kuti imi semwana mukuru mupiwe tsvimbo yababa asi zvichifambiswa negwara kwaro. Pachada kutombofambiwa tinzwe chakadya mutana uyu". Uku kungosanobata vachimirira kundonzwa kuti varidzi vedunhu vadonon'odze zvavachada kuti dunhu ravo riitwe sezvo wavaive vakaudza atevera kwavari uyu". "Iwe ndumurwa iwe usaite seunofunga nekumagadziko wazvinzwa here? Ungati munhu ainge azvikurira ndiye womoti handei kundotsvaga chakamudya here? Endai kana mazviwana ndezvenyu ikoko. Mungadaro kuti makawana ane mbonje yekubaiwa kana kupazwa netsvimbo here. Chisarai mutonge dare renyu ndazviona magara mune zvamaironga. Handichakupembedzeyi pamwe nen'anga ruzhinji ruchangotumhaira kuenda kwakafambiwa. Zvino neni kunozvarwa mwana asina vhudzi mukaita zvemahumbwe enyu iwayo". Anodaro Mufaneronga achigudura bipito remunin'ina wake Dzikamai achitobuda kuenda kubikiro remukadzi wake. Vose vanosara vakabata miromo chikuru chiri chekuti , 'Ko zvaari iye anofanira kugara umambo zvino angaite munhu wevanhu here sezvaiita baba vake iye achidai'. Sezvinei vanoona zvakakodzera kuti dare ripandakwe vozoriita rimwe zuva dzagadzikana. KUPERA KWECHITSAUKO 5

❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 130
PHIBIE ALL NOVELS
5/31/2025, 3:29:05 PM

*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 3 *CHIROMBO PAKATI PEMUGANHU* Makunun'unu maodza moyo , vakareva vakuru. Chisenga jinda guru ramambo Vhungawaringa anokwenya musoro akaringa mambo wake nhambo dzavakasimuka vachidya marasha. Zvinombomunetsawo kuti chingava chiiko chambonyanya kutsamwisa mambo wake pamusoro pamambo Utahwemhare. Asi sezvo aivawo kutsi kwehope akangoitawo kunzwa nekuita. Akasara ari mudare nemachinda vakagara kusanganisira nanaMubuso ,Mukono, Chikabo naMudzingwa naChamhara vanova vainge vabva kwaUtahwemhare asi vairatidza kuneta kwazvo. "Machinda angu ndovimba nzeve dzenyu hadziburirwi sadza dzanzwa matama amambo. Saka zvino apa rinofanirwa kuchema remurira rwepiri matova pamusana padzo mbongoro kunanga kwaUtahwemhare sezvo mambo vati ndirikumuda pano" anotaura Chisenga jinda guru. Nhambo idzi mudare munoita runyararo ndokubva Chamhara ati, "Idama chairo iroro rawareva Chisenga. Asi isuwo nevamwe vangu handioni kuti isu tichakwana apa, motosarudza mamwe machinda isu tombotsivama sezvo taneta" anotaura Chamhara. "Ijena iroro saka apa ndoda machinda matatu badzi, Urautete naMusvadwi naParwanhuhwa ndimi muchabuda kunanga kwaUtahwemhare. Ndapedza motonorongedza. Monomuti zvanzi waramba naMirirai saka iwewe chiuya kuno titaurirane. Iwawa chete motouya naye" anotaura Chisenga ndokubva machinda matatu aya atogutsurira makotsi avo kureva kubvumirana. Dare rakazopararira nhambo dzatekaira voinda kunotsivama. Remurira kepiri parakangoti kukurigori , Musvadwi naUrautete naParwanhuhwa vakabva vatoonekana nevakadzi vavo ndokunanga kumatanga. Vakasvikotora mbongoro mumwe nemumwe yake. Zvombo zvakanga zviri kumusana mapfumo akaita zvekuchinjikwa kumisana akauya nekuhudyu uku. Parwanhuhwa anotungamira chikwata .Urautete achitevera. Musvadwi kumashure. Jena guru rakanga rakavheneka nyika yose .Vanobuda siwo guru remabvazuva ndokubva vamedzwa nemasango asi hapana aitaura nemumwe. Kunze kwakazotanga kuti hwee shiri ndipo padzainge dzotobvunzana mutupo yadzo. Paiva nekamukwidza kaivepo saka dzinofambiswa zvishoma sezvo paiva nekarukangararwe kaivapo. "Saka machinda sekuona kwenyu munoti Utahwemhare ndipo paachatibvumira here kuuya naye. Kuita zvako mambo havaudzwe zvekuita apa paida kuti ivo mambo naChisenga nerimwe jinda voinda vomene vononzwanana sezvo varivo varikuziva zvavakaitirana voga" anotaura Parwanhuhwa. "Zvagara kugocha kunoda kwaamai sezvo kwemwana kuchidzima moto isu tinogona kunopotsa mataurire" anotaura Urautete. Zuva ndiye vhu-u vainge vachiringa Rutonhora rinova raiva pakaganhurana muzinda waVhungawaringa naUtahwemhare. "Ziso rangu rabvira kare richipfurira kuzasi haringoiti izvi pane chikuru chatichaona kana kusangana nacho" anotaura Parwanhuhwa. "Kuti harisi ropa ririkufamba here Parwanhuhwa, urikuda kuti ropa risafamba zvakanaka here, isa chiuswa paziso racho asi uchenjere patichamanyisa mbongoro uchatosvorwa" anotaura Musvadwi. Vanomboseka zvavo asi dai vari vamwe vakatora rumwe rutivi nekuti muviri ndiyo n'anga yekutanga. Vakanoti vavapakati serere dzinokuzwa mbongoro ndokubva dzasumudza miswe yadzo. Vachingonoti pana Rutonhora pfacha, ndiwo makarasionekwi mbongoro yaParwanhuhwa yakabva yamira ndokuchema kwete kukuma .Yaiva yakasimudza makumbo mudenga ichimatambisa . Muridzi wayo anoramba akabata gavi kuti asadonha. Dzimwe mbongoro dzinobva dzamira uku bvudzi ravo vose rainge rachiti nyangara kumira seuswa hwemubani hune tsine. Kumira kwavakaita vakapfichurwa nembongoro vose ndokuwira pasi . Nhambo iyi vasati vabatanidza zvaiitika vanoriona Zinyoka ziguru kupfuura Shato. Shato toiyera rushanu panyoka iyi zvimwe ndiyo Nyamafingu yacho. Yainge yakareba zvikuru kwazvo. Muviri wayo yaiva nemakwande makwande kunge hunde yemuti yakasviba kuti tsva-a. Pamusana payo painge pakaita banga kusvika kumuswe. "Zvombo pachikara machinda tapera isu" anoshevedzera Parwanhuhwa asi Musvadwi ainge ari pasi sezvo ainge arovera paainge awiswa nembongoro. Parwanhuhwa na Urahutete vanoregedzera miseve pazinyoka iri asi miseve yaisvika ichivhunika . Pfumo rakasviko fonyoka hwiriko ndokuvhunika zvakare. Rakasimudza muromo ndokumedza Musvadwi kamwe chete. Vanoduduka vana Parwanhuhwa asi vainge vatodenha mangwiro . Inovatevera pavakada kuti vatize vanorohwa nemuswe Parwanhuhwa ndokuwira pasi achibva abatwa ndokumedzwa. Urahutete anokandira miseve yake pasi ndokuda kuti atize rakabva ramuwarukira ndokubva rashama muromo waro ndokumumedza uku mbongoro dzainge dzatiza nerwumwevo rutivi rwusiri rwekumuzinda. *MAMBO VHUNGAWARINGA VANOVIRA NEUKASHA* Shungu dzakanga dzagara mumusoro. Hazvaimbotadza kumurwadza nekuda kwekwaakabva. Nhambo iyi mambo Vhungawaringa vaifamba vachidhodhonya pasi nepfumo asi vaitaura vega pasi pasi. "Utahwemhare anoda zvakanaka sei chaizvo. Ini ndakamupa dunhu iri iye naChirangano vari vaviri sevanhu vaiva shamwari dzangu. Ndakatanga kupfuudza Mufandarambwa naGodzongi vanova vaidiwa kunzi vagare mizinda iyoyi ini ndikabva ndavapfuudza nemuchetura wenduru yegarwe . Utahwemhare akandinyengerera ini kuti ndimupe rimwe dunhu naChirangano. Ndikabva ndazopfuudza mambo Mushayahama kuti ini ndichiwanawo dunhu rino randiri kutonga sezvo mambo Mushayahama vasina mwana kana hama. Nhasi uno ndipo oramba kuti Mirirai aroorwe naMadaushe mwanakomana wangu? Hazvigoni Utahwemhare kwandiri aita nyana. Handitadzi munhu mumwe chete ini ndakambopfuudza vatatu vose namambo Mushayahama vandaitozeza kozotiwo pongwe zvake uyu, achandiona handiti anotorwa here nemachinda angu achanditaurira kuti ari kuyedza kuti chii. Pfuma nevanhu ndakamupa nhasi adzika midzi akuramba. Haaa tichaona kuchawira tsvimba nedohwe." Vaitaura vega mambo Vhungawaringa pfungwa dzavo dzainge dzavora chaiko. Vakananga kuhozi kwavo ndokunotsivama . Musi uyu havana kumbobata mai Madaushe nekuda kwekutsamwa. Chifumi chamangwana zuva rotema nhongonya ndipo pavakatsikwa nenhume dzaChirangano idzo dzavakaudza kuti Chiendai mundopira Chirangano rekuti ngaachindipa makumi mana emombe, hwai gumi nematengu makumi maviri ezviyo, achirega nemwanasikana wake sezvo Madaushe ainge ada Mirirai. Nhume dziya dzichiinda mambo Vhungawaringa vakabva vati. "Chisenga garazviya wati watuma ani nani kwaUtahwemhare sezvo nhambo dzatekaira idzi" vakabvunza. "Mambo wangu, ndatuma Musvadwi, Urahutete naParwanhuhwa ndovimba kwavava vavakudzoka sezvo remurira kepiri rachema vatobuda . Asi dai vakabuda nhambo dzamakareva madeko dziya zvimwe dai vasvikiranawo pano nenhume dzaChirangano" anotaura Chisenga jinda guru. "Zvakanaka, jinda rangu ndozviziva kuti hauna zvizhinji zvauri kuziva asi uchazviziva hako. Unoona mizinda miviri iyi ndini ndakavapa asi vane zvirangano zvatakaita Mushayahama achipo zvavanofanirwa kundiitira zvino vose vakataura rimwe chete remwana , ini ndini mukuru wavo saka vanondigwadama. Vakasadero badzi rinodeuka ropa hezvino ndiripano ndopika naMadaushe jaya rangu rimwe chete". Chisenga aizviziva kuti mambo wake vane ukasha kubva pavaimbova jinda guru raMushayahama hapana aipikisa chaataura. KUDZOKERA KWENHUME DZACHIRANGANO Vakasara vasina mate mumukanwa Gwenhure naMuchaedzerwa. Muripo wainge wataurwa wacho wakavaudza kuti pane chikuru chiripasi pakati pevaviri ava. Sezvo chavo kwaingova kusengedzwa manzwi badzi hazvina kuzonyanya kuvaremera. Dzakarohwa dzakananga Maodzanyemba kunova kwavainge vabva. Zuva ndiro zvaro rainge rapepereka kumanyira kwarinogaronanga mazuva ose. Kwaisava zvako kure sezvo riri dunhu rakapatsanurwa kubva mudunhu iri. "Gwenhure unozviona sei izvi" vanotaura. "Inini ndine akawanda andaona apa. Zvimwe ndingaita sendafungira zvangu asi handiwanzi kupotsa. Ukatarisa muripo uyu kudzura upfumi hwese mumuzinda" anotaura Muchaedzerwa. "Haa chirega ndinonzwa mhindurowo yaiye Chirangano nyakutituma" anotaura Gwenhure ndokubva vagura matunhu. Zuva rakasvika pakunyura vasati vasvika. Nhambo dzeruvhunza vayeni ndidzo dzavakati pfacha mumuzinda mavo. Vanosvikowana mambo nemachinda ose vari mudare vachigota moto. Vanoridza maoko kuombera vachipinda musuwo wedare. "Pindai machinda amambo tsori dzinoteerera, pindai mugare nechepana mambo apo muture ramakasenga masvika mambo vamira nerimwe" anotaura Guruuswa jinda guru ramambo Chirangano. "Tadzoka zvedu changamire sekumwa kwatakaitwa" anotaura Muchaedzerwa achigara pasi . "Eee! Tipirei tinzwe manomuona here, zvino ati Rerusai wacho auye mangwana here kana kuti manzi indai munouya naye iyezvi neusiku?" Vanotaura mambo Chirangano. "Zviripiko mambo wangu, masamba asiyana sejira rerwaivhi. Zvanzi naVhungawaringa hazvichagoni nekuti Madaushe avakunotora Mirirai mwana waUtahwemhare. Saka imi manzi ndipei makumi mana emombe, hwai gumi nematengu makumi maviri ezviyo, mochirega henyu nemwanasikana wenyu", anotaura Muchaedzerwa achibva apfumbira wake. "Aaah ndiVhungawaringa here ataura izvi kana kuti ndiChisenga jinda rake guru?" Vanobvunza. "Ndimambo Vhungawaringa chaivo vadero". Anotaura Gwenhure. "Hazvisisvo zvatakawirirana izvi, zvaava kutaura zvose izvi kwava kuda kutondiparadza uku. Zvino anyanga yaona hazviite kana wake mwana aramba wangu zvatopera hapachina mumwe muripo. Angatotora oita chipare kwete izvi" anotaura Chirangano shungu dziri muhuro sematoto emhashu. KUPERA KWECHITSAUKO 3

❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 152
Link copied to clipboard!