PHIBIE ALL NOVELS

5.2K subscribers

About PHIBIE ALL NOVELS

Ndokugashirai muno munhandare yemabook . Munyori wenyu anokutandadzai nenabook akasiyana siyana... PasiChigare nemamwe chimanje manje. Mugovera book hariuye izuva rekushumira. For more info: 0774512473 or 0714160957 And Advertising

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

PHIBIE ALL NOVELS
2/18/2025, 2:01:08 PM

*KUCHERA NYOKA NEMUROMO* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book rino pamwe chete nemamwe ma book ake ndiko kwaanouya ku Channel nenguva yakafanira* *👑Group link* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 3 Makarekare pasi pasati parohwa nenyundo, hazvaigona kuti mambo vagare vasina chitsigiso chemuzinda. Zvakafanana nenyanga yechipembere, kana makona. Izvi zvaiitirwa kuti mambo vazezewe nemamwe madzimambo vatyikwe pamwe nekusapambiwa. Kana iri senyanga yechipembere yainge yakakosha kwazvo,nekuti nyanga iyi inorapa zvitenda zvemarudzi ose kunyangwe nazvino inorapa. Mukati mayo mune mafuta arimo ekuti ukadonhedzera mumvura ukapa anorwara akamwa anopora kurwara kwake. Nekudaro kwainge kune mumwe muzinda waiva kuChamhembe kwemuzinda wamambo Chikandamina. Asi muzinda uyu wainge uri chinhambo kwazvo uri kumacheto kwenyika zvokuti pakati pemizinda iyi painge paine mizinda ingangoita mitatu kana mina. Dunhu iri raitongwa nemumwe mambo ainzi Mujenya . Zvino mambo Mujenya vakaona kuti handingararami ndisina nyanga iyi vaida kutsigisa muzinda wavo kuti ugare wakasimba kupfuura zvawanga uri. Pachavo vaiva nemoyo wakaoma sedombo remurwizi. Vaiva nyoka inoruma chaisingadyi. Vainge vaine vakadzi vaviri nevana vatanhatu, vakomana vaviri kozoti vasikana vana badzi. Muzinda wavo waiva pachivavani chaipo asi uri mujinga megomo rimwe chete rainzi Ruti. Wakanga uine masuwo maviri guru raiva mabvazuva nedoko raiva mavirira. Nerimwe zuva mambo Mujenya vakafunga zano rekuti machinda avo anotsvaka chipembere kudivi rekumaodzanyemba kwaiwanikwa mikonde yakawanda sezvo zvipembere zvichinyanyofarira kumwa muto wemukonde. "Muradzikwa jinda rangu, nhau iri pano wainzwa chitorana nemachinda ako rungwanani rwuno. Pano munodzoka nenyanga yandareva. Kunowanikwa Zvipembere unokuziva ndakakuraira. Saka moita nekuchimbidza kudzoka kwenyu nekuti iri kuda kushanda indai muri makumi maviri nevashanu munoita mukomberanwa" vaitaura mambo vagere mudare nemachinda avo. Muradzikwa ndiye aiva Jinda guru ramambo Majenya. "Riri munzeve changamire, ndokuvimbisai mazuva mashanu tinenge tadzoka pano nayo nyanga iri muruoko rwangu uru. Zvikada ndichauya neimwe nyama yechipembere chacho iri munhava mangu umu" anotaura Muradzikwa rume dema dema kunge pasi pehari yabikirwa mbeva. Ainge akamira akabata pfumo kuruoko rwerudyi, tsvimbo yainge yakabairwa muhudyu pedyo nepaiva nebakatwa. Dati remiseve ririkumusana. Vamwe vakabva vaita mahon'era kuratidza kufarira ushingi hwaMuradzikwa. "Pamunodzoka ndokuvimbisai mombe shanu shanu pamunhu asi iwe Muradzikwa ndinokuvimbisa mombe sere. Saka tisingadi kupedzera museve kumakunguwo chisharudza vaungainda navo moita makumi maviri nevashanu" vanotaura mambo Mujenya vachinanzvira muromo wavo. Gandagobvu, Rwauya , Chaitezvi , Mhoba na Mudarikwa newe newe newe" anodoma varwi vakasimba kwazvo vaaiziva kuti imhare sezvo kwaisada kuinda mbwende nekuti Chipembere chinouraya, mbwende dzainosarako. Muradzikwa achipedza kusarudza machinda ake vakabva vatotora zvombo zvavo zvakakwana netsvimbo vachibva vatobuda nekusiwo guru ndokubva vatarira divi remaodzanyemba kwavainge varairwa namambo wavo. Hapana aitaura nemumwe panguva iyi kunze kwetsoka chete dzainzwikwa kutsika pasi pamwe nekuvhunika kwezvimiti. "Kuno kwauya varume kwete vakadzi. Vakadzi nepwere ndovasara kumuzinda uye kwatiri kuinda uko kumaziva ndadzoka . Zvagara kusina mai hakuindwi saka motosunga dzisimbe" anotaura Muradzikwa akamira mberi kwemachinda ake achirovera pfumo rake pasi nekumagadziko kwehwiriko. "Ririmunzeve changamire zviuya zvirimberi, asi ini musandityira kana kuri kutamba nepfumo ndiko kudya kwangu Chipembere ndinofa nacho kana chadonha pasi" anotaura Gandagobvu achisungira tsvimbo muhudyu. "Ndiye murume uyu anobvuma kufa asi abaya. Saka chinzwai tisati tamedzwa nemasango. Rinofanirwa kuti munamai varo ngori tavakure kwazvo kana zvichibvira makomo ose ari mberi kwedu ayo tapota seri kwawo tasvetuka matunhu maviri" anotaura Muradzikwa. "Ndovimba kufamba kweasina chaakabata kurinyore chero kumanya chaiko takazvipira" anodavirawo Chaitezvi. "Kumanya hakusiko kusvika saka ngatiindei nekuti muzuva reshanu tofanirwa kudonhera mumuzinda" anotaura Muradzikwa. Machinda akapatsika pasi zvokuti rakasvika pakupinda munamai varo pasina azorora. Vakaita rombo rakanaka kuti jena guru rainge rakacheka nyika. Havana kuzorora nguva iriyo pasi pachitsikwa chete. Kwakasvika pakuyedza vachingofamba badzi vaifamba vachidya zvimukuyu pamwe nemichero yemusango. Rakasvika pakuvira zvekare vachifamba ndokubva vazozorora pakati pahwo usiku. Vakavata mumiti vakazvisunga nemakavi kuti vasadonha. Vakavata sematahwa nekuda kwemaneto , asi zuva parakangoti vhu-u Muradzikwa akabva atomukawo. "Hatina kuuya kuvata kuno machinda, Gandagobvu mutsa Rwauya ari kuridza ngonono uyo ita kurova muromo wake uyoyo dai tirikumba tamukwidibira nehari mumusoro make toiputsiramo haafi akaita magwiriri zvekare" anotaura Muradzikwa akamira pasi pemuti akaringa mudenga. Gandagobvu anoiregedza mbama ichisviko mhara pamuromo wa Rwauya. Akabva avhunduka achida kuyedza kutsvetuka uku achikwamatata sendumure yatorerwa mombe yedhaka. Asi makavi ainge akamusunga zvekuti haana kwaakainda. Vamwe vese vakabva vati bvu-u kuseka. "Ungaridza ngonono wakashama muromo uku masiriri achibuda mbovha kusvika kunzeve ko ukadonherwa nengoko mumuromo, dzika tiinde hona ndiwe wega wasara mumuti, vamwe handei anotevera uyu" anotaura Muradzikwa achitokanda nhambwe kupfuurira mberi nerwendo. Rwauya anobudisa bakatwa mumuhara maro ndokucheka makavi aainge akazvisunga nawo, achipedza anodzika mumuti sedavi segudo achibva amanya kubata vamwe vake. Vanofamba kusvika zuva ravakurova nhongonya, Muradzikwa akabva amira. "Tasvika machinda angu , handiti munoona gura remikonde yoga ririmberi kwedu iro here?" Anotaura akatendeka nepfumo rake. "Zviri mumaziso changamire " vanodavira machinda ake. "Saka zvava pano tofanirwa kuzorora izvezvi tichiona kuti zvipembere zvacho zviri divi ripi. Mangwana runyanhiriri nguva yerudzoka mazizi tomuka takananga mumusha mazvo umo pari kunzikwa here machinda angu" anotaura Muradzikwa. "Ndikosaka tauya kuno zvapinda munzeve changamire" vanodavira kamwe chete. "Saka ndiyo nhambo yekurodza miseve yenyu nemapfumo vamwe zvimasanho morodzavo" anotaura achibva afamba kuinda panerimwe bvute reMuuzhe achibva agara zvake. Vakaswera vakazorora ndokuvata dzamara kwayedza . Ndipo pavakazomuka vopinda mugura remikonde. "Zviri pano tichaita vashanu vashanu , saka iwe Gandagobvu newe newe nemi vaviri pindai neapa. Iwe Mudarikwa na Mhoba nevatatu ava pindai neapa , iwe Rwauya nevako ava vashanu vasara ndini ndichainda navo,machiona moridza mheterwa touyako nekuchimbidza" anotaura Muradzikwa. Vanoparadzana vachipinda nemimikonde mumwe nomumwe akapakata zvombo zvake. Rakati rotema nhongonya , Chaitezvi nevamwe vake vakabva vaona gurusvusvu rezvipembere zvichimwa mukonde. Chaitezvi anodududza nevamwe vake ndokudzoka shure. "Tsvotsvitsvo , tsvotsvitsvo tsviyo tsviyo" vanoridza mheterwa vose vari vashanu kushevedza vamwe vavo. Nenguva isipi mumhu wese ainge asvika. "Machiona here uye chirikupi" anotaura Muradzikwa. "Hongu , asi hachisi chimwe badzi zvinogona kusvika kana makumi maviri kana kudarika, zviri panyasi apo" anotaura Chaitezvi. "Hoo dzawira mutsvanda isu tinongoda chimwe chete zvimwe izvo tosiya zvichifema, tungamirai tiinde" anotaura Muradzikwa . Chaitezvi anotungamira vamwe vose vachitevera dzamara vasvika pazvaiva. Muradzikwa anoupotsera museve uchibva wanorovera panyanga yechimwe chipembere. Havana kuziva kuti vachera nyoka nemuromo. Zvipembere zvakasimudza musoro ndokubva zvaona vanhu. Veduwe zvaida kuzvionera pamhino sefodya sezvo chitaurirwa hunyimwa. "Musatiza handei kwazviri atiza afa" anotaura Muradzikwa achiita kukwamatata. Asi kwaiva kusunda gomo nemaoko. Vanoiregedza miseve asi zvaiva kupedza nguva kuteya nzou neriva. Zvipembere zvakasviko tunga vashanu vachibva vasiya nyemba zvaiita kutsika tsvika. Chimwe chakabva chananga Muradzikwa uyo akangoti tendeu aona kuti pake papera ndiye fiki achishevedzera. "Tinopera kufa takasvunura sehove teverai". Vanotevera shure kwa Muradzikwa vose vachinanga nekunerumwe rutivi. Vakadzingirirwa kusvika vabuda mugura razvaiva. Vakasiiwa vapota makomo maviri aiva mberi kwavo. Nguva iyi zuva rainge rateuka. Vanosviko gara pajinga perumwe rwizi rwunonzi Mhokore pabvute vachizorora paneto avo. "Tapotsa tafa varume, ini iko handichadzoki tarisai tashota" anotaura Rwauya. "Chakatanga ndochakachenjedza izvi zvakona n'anga murapwa achida kana mambo vaine rimwe zano rekuwana nyanga vachaita ini ndakanda mapfumo pasi" anotaura Muradzikwa jinda guru. "Wareva dama ipapo nekuti---------" Gandagobvu haana kupedzisa kutaura mashoko ake mushure mekunzwa manzwi evanhu mhiri kwekarwizi. "Shi-ii, Chaitezvi ndiwe tsori yakangwara inda unoona kuti vanhu vangani nhasi vachaziva kuti matiri musango hapana anokodzero yekutanjuka , chimbidza uuye neshoko usaonekwa" anotaura Muradzikwa. Chaitezvi anonyahwaira seshato irikuda kubata mbudzi. Anoona vari vanhu vatatu anoona vakufukura mufuku murwizi Mhokore urwu. Anodududza achidzoka kunevamwe vake. "Vanhu vatatu asi zvipfeko zvemumwe wacho anoratidza kuva mambo kana kuti mwana wamambo kana kuti ndeweumambo varikufukura mufuku" anotaura Chaitezvi. "Zvakanaka saka ngativakombe tinzwe kuti varikudei musango rino nhasi pfumo rangu rinosukwa neropa neiyeye wawati anedzakasiyana nevamwe nguo" anotaura achiisa museve pauta. Vanosuka vose ndokubva vatokomba vanhu vaya. Nhambo yainge yakotama mumwe wevatatu ava achida kumwa mvura. Muradzikwa akangoita kukwakuka achipinda murwizi achidaidzira kuti ramba wakadero ukasumuka museve unopinda nekumashure. Vakabatwa vatatu ava vakarohwa zvakaipisisa, Gandagobvu akabva atora nhava yaiva pasi ndokubva adongorera, akanyemwerera akatarisa mukati achibva atambidza mukuru wake Muradzikwa. Muradzikwa achiona nyanga yaiva munhava iyi kuti ndeye chipembere akabva anyemwerera achibva ambundikirana na Gandagobvu kwekanguva ndokuzoregedzana. Muradzikwa sezvo akanga asisina miseve yakawanda mudati make pamwe nevamwe vake, akabva atorera vanhu ava miseve ndokusiya miviri miviri achibva avaudza kuti nyangarikai nekuchimbidza. Vanhu ava vaiva mambo Chikandamina na Harunashe pamwe na Musariri. Muradzikwa anonanzvira muromo wake achiratidza kufara kwazvo. "Machinda angu nyanga taiwana regai vakuru vakati kukava datya kuriyambutsa iyi" anotaura Muradzikwa achiibudisa munhava mayaiva. Machinda ose akabva afara zvikuru achisvetuka kwazvo nyemwerero ichisvika kugotsi. "Asi takoshiwa kunzwa kuti vanhu ava ndivanani uye vanobvepi nekuda kweshungu dzanga dzakandibata. Saka nguva ino ngatibude murwizi muno nenhandashure kuti vakada kuzouya havaoni kuti tananga nepi, zvakawanda tinotaurira mberi" anotaura Muradzikwa achibva atodududza nenhandashure achibuda murwizi umu. Vanofamba vakananga kumuzinda kwavo kuChamhembe asi vakainda nechekunyasi kwegura rezvipembere, vakaziva kuti tsuro haiponi murutsva kaviri. Vakafamba kwazvo ndokubva vamutsa Gwizo munerimwe gwenzi. Gandagobvu akangoregedza tsvimbo yake ichibva yanorova Gwizo iri richibva raomerapo. Muradzikwa anonyemwerera ndokubva abudisa bakatwa rake ndokucheka Gwizo riya muhuro anotora ropa riya ndokuzorera panyanga yechipembere iya yainge yatorerwa mambo Chikandamina. Nyanga yakabva yatsvuka kuti piriviri. "Angonoti bufu kuna mambo kuti nyanga iyi tapamba vanhu chete wainda nyika dzimu nemhuri yako yose tirikunzwanana. Ropa iri randaisa nderekubata mambo kumeso. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara tiri kunzwanana here" anotaura Muradzikwa achisumuka paanga akachonjomara achibva aisa nyanga munhava make. "Riri munzeve changamire vimbai nesu. Vangagoramba papizve ivo vamwe vedu vainda nyika dzimu. Zviri pachena seinda irimubaravara. Handifungi kuti pane angadzungaira kusvika pakutamba nerufu" anotaura Gandagobvu uyewo vamwe vachiita mahon'era kubvumirana nazvo. "Chatinoziva ndechekuti mombe dzatotimirira mberi uko. Handifunge kuti pane asingadi mombe apa . Ati bufu anosongana nazvo" anotaura Rwauya akagara padombo , vamwe vaitovhiya Gwizo kuti vagoche. Vanotsindidzana zuva richibva rati munamai varo ngori. Vanogocha nyama yavo vachiisa pamashizha kuti ipore asi imwe yaidyiwa iri pamoto. Vachipedza vakabva vavata mangwana acho vakafumo muka runyanhiriri chairwo kunanga kudunhu kwavo. Vakafamba zvekuti jongwe rekutanga remanheru rakachema vachitowiravo mumuzinda asi hapana ainge akasvunura panguva idzi. Paingonzwikwa ngonono uye pwere dzaivhumuka badzi. KUPERA KWECHITSAUKO 3

❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 150
PHIBIE ALL NOVELS
2/19/2025, 7:51:01 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Follow my wats app channel for all our books *New book #5* *SOULMATE* *Mama Maka* *0786923205(calls and sms'only)* *Chapter 1* 🔥🔥🔥 *Lindsay* Ndakapepuka kubva kuhope ndichizungunutswa na mama vachiti ndaive ndanonoka kumuka.Ndaisatoda kumuka Ini mama vakauya vachindibvisa gumbezi vachipopota"Ndidzo time dzekumuka here idzi iwe Lindy ,hauzivi kt tiri kureceiver mavisitors ako here nhas .Unoda kusvikirwa usati wamboita nekugeza here pano ,dad wako vakasvika madeko vatogeza "My father was a business man he had a company yaigadzira machemicals aizviitira ega zvinhu zvake ,so Apa akange aenda kunoreceiver order yake yakange yasvika the previous day racho online.Aive nemabusiness partners ake aaishandidzana navo .Dad vakauyawo padoor pangu vachishevedzera kt ndimuke .l think vakange vanzwa mama vachipopota .My parents had everything.Ndakakura ndiri one mumba medu zai regondo .Mama vakandizvara zvakanaka vakabva vaita mota muma ovaries ndiine 3 months.Zvinonzi she went for an operation vakabviswa one ovary . Doctor vakabva vatovaudza ipapo kt machances ekuzoita mumwe mwana aive very low chaiko .Saka vakabva vatosiyana nazvo havo .Ndipo Pakabva problem ipapo .Ndaibatwa sezai chairo . Kuchikoro ndakaendeswa Kuma expensive boardings ,secondary yangu ndakaitira paNorstix. Mama. na Dad were overprotective towards me nenhau yekuve ndega .Vaida the best from me Saka ndairamba ndakafudzwa .Ndaisave munhu ane misikanzwa zvake yevakomana asi ndaive naye weku university ainzi Collins .Mongoziva zveku uni Soo ndakange ndamuda nenhau yekuti aibvawo kumba kuri well up .Takange tasangana vanhu vane ma parents ane Mari .Iye dad vake waive manager kuMiekles hotel saka zvaive zvakarongeka . Collins ndiye akange akatora virginity yangu kuuniversity ikoko .Mu hostel medu ndini ndega ndakange ndasaraka ndiri virgin Saka vanhu vaigara vachindiseka ,lvo pavaitaura nyaya dzavo dzekuita sex nevakomana wavo ndaibva ndanzwa nyama dzangu kuvhita vhita kudawo kuzviitwa .Manje panguva iyoyo ndaisave nemukomana .Zvino Codza akauya nguva yakanaka .Akangondinyenga kwe1 day and handina kunonoka kumuda .Ko yaive norm ka yemagirls epachikoro pedu kt kana wanyengwa nemunhu waunoda usazofe wakamuramba waifanira kutomuda ipapo ipapo .Saka handina kuputsa chirangano ndakamuda ini though kamwe kamoyo kainditi "washinga here Lindsay kuputsa chirongo wasvika "Pressure guys yakandikurira ndikaita zvekumuisira msg paphone kt madhiri bhoo .Haana kunonoka kuresponder aive mufast zvake Codza ,akabva atoti aida kundiendesa kudinner the very day .Ndakahesitator ndikazoudzawo maroommate angu nhau yaivepo ndikaswera ndatsvagirwa dress nemaheels zvaimatcher nekaclutch bag kachona .Day racho l still remember kt ndakaswera ndichiita sekamwana keku high school chaiko .Ndaingovhundukira padoko padoko ndichitya kunoona Codza .Yaitove my first relationship ka since l was born.Ndaka escortwa naTamary kuenda ku car park .Ndiko kwandakange ndakamirirwaka .Aive akandibatiraka ka bag kangu achifamba neni kt ndiwane confidence.Tichisvika mupark muye ndakananga pa hammer yaCodza umo mairira soft music dzega dzega .Ndakapihwa hug naTamary akandizevezera munzeve kt "Wish you the best baby gal "Handizivi nanhas kt yaive the best yekunokwirw* naCollins here or what . Dzimwe lunguage dzataitaura kuUni waitoshaya kt dzorevei chaizvo . Ndakatyaka kumakisa semunhu akange apihwa mabest wishes.Ndakapinda mumota muye kumothers seat sezvandaionawoka vamwe vasikana vachiita pavaipikwer nevakomana wavo .Ndaive mu2nd year yangu ndave kuda kutobuda kuenda ku attachment .Ndaiita course yangu yeTourism and hospitality ipo paUZ pedu apa .Ndaiivenga sei course iyoyo . Besides kudhiswa kwayaiitwa nevamwe pachikoro ini yangondibhowera pakuti mama naDad ndivo vakange vandisarudzira chicourse ichocho Mushure mekunge ndapasa A level yangu ne13 points . Collins aitove mufinal year yake and aiita medicine mwana wevaridzi .Ndicho Chimwe Chandakange ndamudiraka ichocho chekuve Chiremba .Ma plans ekumberi ndaisave nawo zvangu kt tichazodii sevanhu waive vachangopinda murudo ma hours mashoma nene apfuura . Ndichingopinda the scent yeperfume yake chete ndiyo yakatokonzeresa pandiri .Yakasvika ikandirova kumoyo chaiko ndikanzwa hana yangu ichirovera mubhurugwa chaimo .Vanhu vaingotauraka kt heeee Hana inofanira kurova iyi kana uchinge waona your soulmate .Yangu yakandi proovira wani ndikanzwa kt Codza ndiye wangu . Akasekerera achibva ati "Bbe you are hot , thanks for loving me back "Ndakanyunguduka kuita sechana che JC chaicho ndikabva ndatarisa divi.Ndaisada zvekutariswa ini mumaziso . Hameno zvandakange ndotonzwa ne two minutes idzodzo .Akazosimudza mota Codza uya aona kt akange otaura ega ini ndozvibaya nekunyara .Ndakashamisika kt atolodger ku Mt pleasant kudhuze nechikoroka ini ,thot aigara nevabereki vakeka ini cz aingouya nemota dzakasiyana siyana kuchikoro.Takasvika paye patorine boys dzkange dzakawanda wanda.Ndakangoona vachibudikira one one ndikatofara cz paive nevanhu hobho vemuclass medu .Ndaizonyarirepi zvangu pama lectures ndonzi ndaive naCodza kumba kwangu .Boys dzinonetsaka idzi .Handikanganwi pane musikana akambo committer ka suicide Mushure mekunge afumurwa kt aive akakanganisa pekudhonza ,hanzi aive nezibeans rihombe .Hameno zvainzi nzeve nzeve kudiiwo .Ndaisazvibatikira hangu zvinhu zvacho asi ndakangobata pekuti musikana uye akange oshevedzwa ne nickname yekuti MAKAPE ( beans hombe inotanda kuita climber)Takanomuviga wani aibva iko kwana Murehwa uko .Pakudzoka vaimbonzwa here boys dzacho hwakange hwave husikuka Saka vaingoimba izvo zveMakape izvozvo .Nyaya dzepedu waisadzipedza kani .Ndakabviswa mukufunga naCodza akati "Pinda mumba bbe ndodzoka izvezvi"Ndakasimuka pachair yandaive ndikapinda mumba.Panze paisandiitira zvangu cz paive nevamwe mother vaiwacha washen dzavo panze ipapo .Ziso ravo rakange risina kundiitira mushe .Unodaro waziikanwa ukaswera wafonerwa kuna Mai Lindy naBaba Lindy kt huyai mwana Ari pano . Akabuda akasambotora maminutes iye Codza wangu .Hatina zvisvinu zvataimbotaura mufunge sezvandainzwa vamwe vasikana vachitaura kuhostel.Chandaida kunzwa kt zvinodii kuvata nemukomana .Ndaida kunzwa the depth of the sweetness yandaiita zvekuimaginer .Takadya bhoo bhoo ndichidyiswa pasina nyaya .Akazotanga kubvunza bvunza zvima hobbie Zvandaida .Ndakangoti watching movies ini maida nditiiwo zvangu ndaitoshaya nenyaya .Ndakange ndotoda kudzoka kucampus ini .Zvaitobhowa zvekuswera nemukomana . Ndakamuudza kt andidzosere kuschool akabva aseka achitosimuka kuisa movie palaptop yake achiti "Maybe ndiri kukubhowa zvangu rega tiite zvaunofarira iwewe tione movie iri "Nekunyarawo kuzonzi bharanzi ndakabva ndatoita cope up . Takatanga kuiona move iya yaive yerudo rudo mukati and vanhu vaikisana ivavo . I think he did it deliberately achida kuona my reaction,and for sure ndakange ndisisina kugadzikana .Iye akabva atouya pandaive akatanga kundibata bata .The feeling was good handina kumbozvishora .Rega rimwe team rizoti ndaive ndakarasikirwa at 20 years .Yes ndaive ne20 cz ndakanonkka kuendeswa kuECD ndichinzi ndichiri mudiki na mama .Hanzi ndaitoberekwazve panhu paisamboita kt ndiberekwe cz ndakaiitira muneighbourhood medu imomo ECD yachona . Ndakavhundukira ndanzwa ndoyamwiwa mukaka uyu .Ndaive nawo makapura chaiwo ndinenge ndaive ndakafana mama vangu cz waive nemazamho .Nekaface kaCodza aka ndaiita sendinoyamwisa mwana ndikatotanga ku imaginer zvangu ndichipa mwana mukaka .The feeling Haina kure kwayakaenda ndanzwa zi sharp pain kt zhuu pakati pangu apa .Ndakada kumurambidza bt it was too late .Ndakafunga team rekuhostel raindifurira kuita sex .Ko vaiziva zvavo kt zvairwadza kudai Ivo voti enda unoita wasarira here .Hapana Chandaida nguva dzacho ndaitoda phone yangu kt ndifonere Tamary ndimutuke .Iye Codza wacho kuita sebenzi kuramba Ari name name neni achiita seafa .Ndakamuzunguza ndikanzwa munhu akutoti "Thanks nekundiitawo murume ndaitozofa ndisina kumbosangana nemhandara ini ."Akataura masweet words ose amwe abdaisaziva ndikanyengetedzwa kt ndaizopora .Zvemaziropa zvaitaurwa naana Tamary handina kumaona ndakangoita tumastains chete .Chero pandakapamhiwa zvakange zvave nekakunakirira zvichirwadzirira futi .Yakazove our daily routine naCollins kusvika iye abva paxul .Aitouya achinditota manheru ega ega achindidzosa kuseni kusvika ndipedzewo paUZ ipapo .Ndakazoenda kumba ndapedxa chikoro.Ndaigara imo makare muharare kuWestgate uko .Zvekubva kumba ndakange ndazviramba ini though ndakange ndanzi ndaizopihwa driver aindiendesa zvose nekudzoka.Pamba pandimara nekuitwa mucheche ndosaka ndakadecider kugara kuchikoro. Chero pandakapedza chikoro Codza aingotevera chete .Taionana zvekubirira cz mama vaigara vakandisoma .Hatina kana one day ratakashandisa protection naCodza asi mimba Haina kumbobata .Ini Ndaisatoda zveprotection izvo ndichitoda kuita mimba ndibve pamba Manje ndakange ndainonokera simbi ikapora,vaenzi vandaimutsirwa ava waive mapartners ekubasa Kwa dad .One wacho ndiye wandainzi ndiroorwe naye .Aive nezvese yes hupfimi hwekuti chero dad vangu vaisasvikapo .Aive nemashares kumagroup of companies hobho .Iye wacho aitovewo neake macompanies muSADAC medu umu .Ndiye aive the best.Chainyanya kundibhowa he was five years older than my dad .Ivo voti enda kwaari unoite mukadzi wake . Handizivi kt vaidei dad cz Mari waive nayo yaivakwanira apa ndingori one chete mwana wavo . Ndakazvuvirwa blanket ndikamuka ndichishama nyai ndichinogeza mvura yaive yatovhurirwa mutub na mama .Ndakapedza ndatoisirwa hembe ye attire apa ndaisamada sei maAfrican attire .I went downstairs cz room yangu yaive upstairs chaiko .Ndakapinda mulounge medu ndikaona iyazve Attire yandaive nayo ndiyo yaive yakapfekwa futi naJoel ,dad vaimuti Joe .Ndakakura ndichitovati dad Joe .Zvemukadzi wavo handina kumbenge ndaita tsvagurudzo nazvo since waive mabusiness partners only Handina kuziva kt ndaizomuka one day ndichinzi aite murume wangu .Ndakabva ndatotanga kuzvuva makumbo angu ndatobhoekana nedressing yedu yakange yatomatcher mufunge . Handina kumhoresa vanhu muamoko ini ndakanozvikanda pacouch ndikapihwa Ziso namama rekuti mhoresa vanhu .Ndakasimukazve ndikavamhoresa waive 3 mumwe wacho ndakaona sekuti aive munin'ina or mukoma waJoe uya here .Wakange vanzi vauya Kuma introduction, ndaitotika kutamba manje apa ndakange ndatochatiswa ne African attire chaiyo .Ndakapedzisira nekumhoresa iye Joel uya akabva andinyerekeza mukati meruoko rwangu zviya zvataitwa neboys remishaba kuhigh school,zvakandipa kuseka ndisingade ndikaona zirume zikuru ronyinura mumandebvu iwayo aive akazadza chirebvu karomo kari kadiki diki .Ndakawedzera setswa ndichiona kamuromo kavo mama vakabva vati "Lindsay enda unotorera varume vako mvura kukitchen"Ndakaziva kt aive ma one angu kuseka vanhu vakuru .Ndakapinda mukitchen muye ndikaona shasha iri mumashure mangu nebroom mumaoko .Dza mama dzaisatanaka kutachana ,ndakaona kt ndaitorohwa ndikabva ndajambira panze ndichinogumburwa nemacrate emdrinks aive akaiswa padoor Veduweee .Hameno kt ndiyani akange amarongedza .Ndakavhara maziso angu ndichiteerera kudonha pasi asi ndakazongonzwa kt ndapinda mumaoko akaomarara aive manyowani kwandiri aya and aindipa zororo chairo ndiri maari. Ndakabva ndatoda kuona kt aive aniko uyu ndikasvinura meso ndikazvinyarira ndaona ari........... End of chapter 1 Mama Maka luvs you all Stay blessed

❤️ 😂 🙏 9
PHIBIE ALL NOVELS
2/20/2025, 3:53:27 AM

*KUCHERA NYOKA NEMUROMO* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book rino pamwe chete nemamwe ma book ake ndiko kwaanouya ku Channel nenguva yakafanira* *Group link* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 6 Makanaka ainge ozvifambira nedzake mbiri vakatarisa mavirira. Haana kuda kuratidza kuti ainge aiswa zhenje remoto pamoyo. Machinda aive osimudza tsoka kusvika vapinda munaTorodo, havo ndokundopinda munaMhokore dzamara vave muzisango ziendanakuenda pasina ati bufu kunze kwekungoyeva Makanaka kune vaifambira pedyo naye. Mudzvanyi anotanga nhaurwa naMakanaka "Nhayi musikana, kana wanyara unotaura ubatsirwe nokuti kunoindwa kunoda mazuva". "Kana zvogura tsoka ndichataura zvangu" anodavira ndokunyarara zvake."Tsvaru wati uri nherera ko vako vabereki vakafa nei" anobvunzazve Mudzvanyi. Makanaka anozoyeuka kuti ainge areva zita risi rake zvokuti kana dai aribvunzwazve aishaya pekutangira. "Baba vakafa nehondo mai vakarumwa nemhungu vaenda kuhuni" anodavira. "Hiii zvakaoma. Asi usatye zvako kwawave kuenda uko wave kundogarira muhwedza yemukaka chaimo". Anodaro Mudzvanyi. Nechemumoyo Makanaka anongoti 'ko dai zviriko maizouyirei kupamba vamwe handiti chinodariso kusaiguta pamwe neutsinye here'. Anongonyarara zvake achikanda nhambwe. Vanoti vatsika ruvhuze rave kundotonhorera varume vaive mberi vanoerekana varimutsa rino zinhoro risina makurire. Inove tsvomu tsvomu uku ranonera miseve kumakumbo ekumashure pamwe nekumusana asi nhoro yakati ndinofa ndaedza. Vakaramba vachiimhanyira kusvika vasisaoni gwara rayaive yaenda nayo ndokudzoka kune vamwe. Runosimudzirwa rwekudzokera kuchivako pachingotaurwa nhau yenhindi yapotsa mukanwa.Rinosvika pakudoka pasina chavamutsazve chingaita kuti vavate vapa mukarahwa wèdumbu pfuma yake. Ura hwaive hwongorira zvokuti nyange nepavazorora kuti vazomuka vorusimudzira hapana akadziti chwaa. Pave pakati pahwo bvunzi revazhinji rinoti mindu, vakabva vamutsana nekuudzana kuti zvombo zvive mumaoko sezvo vaive vasina kuziva kuti chingave chii chingangovashanyira. Sezvo jenaguru raiveko mumwe murwi ainzi Budzi anoona semhuka mbiri dzainyahwaira dzichiuya kwavari. Anobata uta hwake ndokuhwembura miseve miviri mudati, mumwe anoubatira pauta umwe ndokubva aurumisa hungisho. Anoutatamura zvekuperera ndokuuregedza vamwe vanozovhunduswa kubva mukutsumwaira nemutukope twaive twovanyanga vanzwa kudzvova kweshumba yaive yaupfekwa nechepahuro uchipfuura nemumapapu nechiropa uchinanga mumaura ndomawandozororera. Imwe shumba hadzi ichinzwa kuti zvaipa yakabva yati svetu ichinanga nekwaive nanaMakanaka nanaMudzvanyi aive ofoza zvake hope. Nhambo imwe cheteyo Makanaka zvese izvi zvaive mumaziso akabva angobvuta pfumo raMudzvanyi raaive avata akabata ndokurituma kwaibva nechikara, richibva rangondotivo chubvu nekuura utete shumbakadzi inozvibonderedza ichindofira pamakumbo aMudzvanyi uyo aive ongongwenda zvokuti dai pane akamutarisa angadai akaona mvura yaierera nemakumbo ake. Makanaka anonzwa zvivindi zvichiuya zvekuenda pane chikara ndokusvikovhomora pfumo ndokumira akachitarisa. Mudzvanyi achiona kuti tsaona inenge yapfuura, anomhanyisa njere ndokuti "Vambamirai mutsvage huni musike moto. Ndanyarara ndichida kuona kuti muri varume chaivo here, zvino ndazviona. Yaaa!" Anozobata pahudyu ndokuona asina pfumo anotanga kutsikatsika kutsvaga kuti rasarepi ndokurishaya. Panhambo yakazoitika zvese izvi Makanaka aive ambofunga kusvova ndokuona kuti aigona kuzvipinza mumukanwa memadzimambo esango. Paakazoona auraya chikara chavhundutsa mikono yaive yakamukomba akambofungazve kungoti verere nepfumo raaive akabata asi anonzwa zvivindi zvekuda kundoona zvemberi. Vamwe vari mushishi rekutsvagana nehuni nekukuhwidza moto Makanaka anobaya pahuro peshumba iya ropa ndokuti dzatu, anoisa muromo wake ndokudzuta katatu ndokubva aregera zvake moto wave kutanga kuisa chaedza pose. Mudzvanyi paanozoona pfumo rake rizere ropa riri muruoko rwaMakanaka anozvishaira donzvo ndokuramba akamutarisa achishaya remuromo.Makanaka anozvionavo ndokungoramba anyererevo. Moto wabvira varume vanozonyatsotarisa mhuka dzaive dzaurayiwa ndokuona dziri shumba dzose honho nehadzi yacho. Dzisati dzapera kuvhiyiwa vaive votocheka nyama vachigocha, yaibva ichitoendeswa kwakaperera imwe. Makanaka anozosimuka ndokuenda pashumbahadzi yaaive auraya apo vainge vovhura zvemukati ndokusvikovhura odimbura chiropa chose ndokundogara pedyo nemoto obvuraudza achidya chichibomha ropa. Mudzvanyi aive atopererwa zvokuti kana bufu akatadza. Panozosvika pakuedza richingove besanwa panyama ura hwotambura nekudzeya zvimbishi zvahwaive hwapiwa nevaridzi. Kwave kundoti hwee, Mudzvanyi ndopaanozoudza varwi vake kuti vaviri vaise matovo eshumba mudzinhava vachipinda munzira kunanga kumuzinda. Makanaka anongosimuka asina chaakabata ndokusiya pfumo raMudzvanyi paaive agere ndokutofamba nevamwe. Mudzvanyi anoringa Makanaka ndokuona ari maoko chete ndokudzokera paaive agere otora pfumo rake raingove ropa roga. Chinosiiwa munya isadza rimwe risina anozodya, zverwendo warutanga kuzorora wasvika. Yainge iri kachara kachara mumwe nemumwe aive oonera Mhandamabwe gomo guru raive nemuzinda wavo nechekuseri kwaro. Gomo iroro raive rakapiwa zita iroro nokuda kwemazitombo maviri makuru kwazvo aive pamusoro paro aiita kunge mhandi iro riri refurefu. Nzizi hapana rwakasara kumwiwa mvura kuita sedzichasiiwa dzapwa pane rwese rwavaipfuura nemo. Makanaka aive asisamanzwi makumbo kurwadza oitavo kunge rume chairo pakukanda nhambwe. "Nhayi Tsvaru asi unositombofamba nzendo refu kani". Anobvunza Mudzvanyi asi akamupindura hapana. Kuti adzokororezve kumwe kutaura anonzwa kutya ndokungoputira wakevo vachienda. Kungoti mudunhu mavo nyengu vaive mberi ndokutotanga kuisa zvemusere/minemo zvavo. "Iwe Budzi simudza tsoka mhani, unoita semukadzi oda kugara pangoma seiko" Anodaro Zindete rimwe jinda raive pashure paBudzi. "Ndiweka ungatogara pangoma unoti nemutiziro wawakaita paya manheru kuti hauna kutombwedza usvusvu hwakabuda kumagadziko?" Vose vainzwa vanoti bvuu kuseka naiye Zindete akasekavo. "Zvino ndiweka murume woga pano nokuti wakauraya honho naiyo Mhandara iyo inoita kunge inosvikirwa". Anotaurira pasi mumwe ainzi Nhidza achitya kunzikwa nanaMudzvanyi vaive kumashure. "Bva kana dai iri nyoka yemukadzi taiti yaroodza. Iwe wauraya shumbahonho uyu wekusvikirwa aurayavo shumbahadzi. Chitotora uite wepirizve" anodaro Zindete. "Iiiii uchiona yakarindwa kudaro ungaibvuta nhindi iri pamuromo weshumba iwe? Hauoni here kuti potse-potse mambo vanogona kundochifira chihurungudo ichi chikasara chave chemutakuri?" Anodaro Budzi vachibva vasekazve. "Asi bere nhasi razogurwa kunorira izvozvi kungofamba vose zvavo asi hana pamwe yatodonha izvezvi. Yaoma mate kuti mwanasikana kuuraya chamenomana? Ndazoiona yohuta yakamira ikatya nekutora pfumo ra.....?" Anodimburirwa Zindete "Heyi hamugoni kufamba makapeta miswe yenyu here? Mumwe achadumbirwa asvika kudai. Ndiudze Budzi muri kunakirwa nei kasira kundiudza?" Vose vanoti kwakaa hapana akadavira asi pave paya vaive vosekera pasipasi "kwave kugondera mukonikoni asi mago anoruma yatiza. Dai mune hasha tadzionera pashumbazve" anodaro Budzi achitaurira muhapwa. "Watangazve Budzi? Wakanganwa kuti zvanzi miswe petai ndinogura" NdiZindete uyu. "Haaaaha tadii zvedu adii kuuraya shumba?" Dzinotangazve nhau kusvika vapinda mumuzinda nesuwo guru nairo richibva rativo mumatadza aro nyengu. __________________________________________________________________________ Kunze kwakanga kwapfeka dehwe renyati, rumhepo rwakasangana nevhu rwakunge rwati tsvete. Makore akanga obonderana mudenga zvairatidza kuti mvura inoda kuturuka. Asi kana museve woda nyama unodauka. Hazvinei nekuti wakananga pai. Kunyangwe mumunzwa werukato unopinda zvopedzerana wavamo. Ndizvo zvainge zvava mumusoro mamambo Chikandamina. Vakazvipira kuti ngachishate chagochewa zvacho chiropa chebveni. Vanopinda pasuwo guru pasina aitaura nemumwe, Dambakuro ndiye aiva mberi jinda guru ramambo Zvirikuzhe. Vanosvika padare ndokuwana pasati paveswa moto. Asi waingonzwa vanhu kutaura vari mudzimba dzavo sezvo zuva iri chainge chiri chisi uye nemhepo yaivako nekutonhhora uku mudaunha mainge musingabudike. "Chikandamina nemachinda ako garai pazvituro apa ndava kunopira mambo wangu kuti mauya. Iwe Guruuswa batanidzai huni ndoda kusvika na mambo wava kubaka" anotaura Dambakuro achibva atonanga kuhozi kwamambo wake. "Go-go-go-go! Mangwanani changamire wangu ndini Dambakuro" anotaura akamira pachikumbaridzo achibaya baya pasi nekumagadziko kwehwiriko yepfumo. "Heya madzoka, vharirai zvipfuwo zvamabva nazvo ndozviona ndamuka" vanotaura mambo Zvirikuzhe. "Changamire wangu hatina kuuya nezvipfuwo zviya,tauya namambo Chikandamina vacho kutaura kuno vakakumirirai padare" anotaura Dambakuro. "Ndiko kundizvidza ikoko, ndiye avamombe here zvaanouya kuno. Mira ipapo ndibude. Iwe mai Tapera, hei nditambidze mhapa neshashiko izvo zvava nyasi uko ndipfeke" vanotaura mambo. Vachipedza kupfeka vakabva vatora pfumo ravo nezibakatwa jeka nekose vachibva vatobuda. Vanodungamidzana ne jinda ravo Dambakuro ndokunanga padare. "Haasi mashura iwawa aunondiitira here Chikandamina. Ndiwe mombe dzacho here zvaunouya iwewe kuno! hee? Kundizvidza uku, urikuda kundiyera seupfu hwezviyo handitika?" Vanotaura mambo Zvirikuzhe. "Nhai sahwira, wadii wagara pasi wanzwa irimudariro. Kuvimbika kwangu ndikosaka ndauya kwauri dai ndiri mumwe waisaona rutsoka rwangu. Ndoti ndauyawo kuti unditove maronda angu wavakumaisa munyu webare" vanotaura mambo Chikandamina. "Handidi kunzwa zvemugotsi matsuro ini. Taura chifambirwa chako iyezvi denga risati radzatuka mvura tarisa rakatsamwa" vanotaura vachibva vagara pasi. "Sahwira wangu ukama igasva. Ndinoziva kuti ndakakurwadzisa nekutorwa kwenyanga yako uye kutorwa kwemukunda wangu . Asi rawira ini rawirawo iwewe. Naizvozvo ndakaona kuti zvazvaita manyama amire nerongo kudai zvirinani ndikupewo mombe sezvo dziridzo dzandasara nadzo. Asi iwe wakabva watema muripo wedanga rose. Saka ndauya kuti tionesane ipapo ndidzisirewo mombe idzi makumi matanhatu anyanya sahwira wangu" vanotaura mambo Chikandamina. Gwandabvu na Musariri na Gwetsai vaigutsurira misoro yavo kuratidza kubvumirana namambo wavo. "Chikandamina kana huri hushamwari ngahupere. Haungandiudzi muripo wangu panyanga yanguzve. Unevhokwadi kuti ndizvo zvawabvira kwese uko kuuya kurutsa mashoko seizvi. Zvino mago anoruma mutokonyi" vanotaura mambo Zvirikuzhe. "Mambo wangu yadeuka yadeuka haichaworereki. Chikandamina uyu zvechokwadi akapambiwa uye mukadzi wake ngoma ndiyo ndiyo. Madii mamudzikisirawo sekuchema kwake manzwa kuti anoda kusvika papi. Uye uyu agara ane zviyo zvedoro saka muka bvisa dzimwe mombe motema nezviyo ipapo. Kuonawo kwangu ini sezvo tingaswerera tikanaiwa tiripano" anotaura Dambakuro jinda guru ra Zvirikuzhe. "Unoda kuti Tapera nevanji yangu avate nezviyo zvedoro here nhai Dambakuro. Asi mabva maronga rimwe chete naye Chikandamina uyu" anotaura akabudisa meso semukwasha awanikidzwa achichachura gapu na ambuya. "Bodo asi zano pangwa uine rako. Kwete kuputsa zviripo nekuda kwechinhu chinogadzirika. Kutokumbirawo inini sejinda renyu" anotaura Dambakuro achiuchira. Mambo vanomboramba vakanyarara kwekanguva ndokubva varinga Chikandamina. "Wochindipa mombe makumi matatu nematengu makumi maviri ezviyo . Apa handibvi ndiwo muripo wandava kuda asi iwe ndiwe uchauya nawo pano kwete ini kuuya kutora bodo" anotaura achidzisa muripo wake. Asi Chikandamina haana kuona musiyano wacho. Asi semunhu aitsva kudumbu nekumusana akangoona kuti zvirinani ndipedze chikamu ichi ndione zvinotevera nekuti basa guru ndiro raiva mberi. "Zvawataura sahwira ndazvinzwa. Asi dai uri mumwe wauya kutora hako zvipfuwo zvako nekuti handizivi kuti zvingazomira sei ndinogona kurozvewa zvekare. Zvino ukada kundisungirira hazvibudi nekuti kutofamba ndichiuya kuno kudai rudo urworwo . Dai ndisina rudo ndingadai ndatumira machinda angu" vanotaura mambo Chikandamina. Asi nguva iyi mvura yakatanga kudonha donha ine madonhwe makuru. "Chiinda Chikandamina vanotevera votora asi zviyo ndiwe uchasenga, panosvika mombe dzangu zviyo zvekare zvichisvikawo ndapedza newe ita uinde hako" vanotaura mambo Zvirikuzhe vachibva vatosimuka pachigaro chavo kutiza mvura iyo yainge yati tsvete tsvete kumakomo aiva kumabvazuva. "Ndosimuka yagasa nekuti inenge ineushungu mvura iyi" vanotaura mambo Chikandamina. "Hazvigoni itobudai iyezvi , handidi kuramba ndichiona huma yako , ngaiperere pamuviri ugezwe munyama. Vabudisei machinda angu movasiira kunze kwemuzinda uko" anotaura Zvirikuzhe. "Mambo wangu pfavirai ngoma usiku hurefu handei zvedu. Makunguo zvaakatya akafa manganiko?" Anotaura Gwandabvu nezevezeve achiudza mambo Chikandamina. "Idi, tingatyeiko kununa isu takasasikwa handei" vanotaura mambo Chikandamina vachibva vatosimuka."Jihwo newe Chipato itai vashanu mubudise Chikandamina nekuchimbidza" anotaura Dambakuro. Jihwo na Chipato vanoita kunzwa nekuita ndokubva vabudisa mambo Chikandamina nemachinda avo kunze kwemuzinda. Ndiyowo nhambo yakabva yanyatsa kudzatuka mvura seyatumwa. Mambo Chikandamina nemachinda avo vanodzaturwa nemvura yaiva nezvimvura mambwe mukati. Zvaisada kukurukurirwa izvi, nhembe dzavo dzainge dzati nyakata . "Changamire wangu handei pasi pezimuhacha iro tosimuka yagasa hatingaponi nezvimvura mabwe izvi" anotaura Gwandabvu. "Zvino tikada kumira tisati tayambuka Mhikore hatiwani rwakatsamwa here" vanopindura mambo."Mareva dama bva-a ngaiperere pamuviri, asi ndadzidza chidzidzo pana sahwira wenyu uyu" anotaura Gwetsai . Vakafamba mvura ichinaya , yakazotogasa vavakusvika parwizi Mhokore . Ndokusvikowana rwuchishinyira nemvura. Mambo Chikandamina vanongodzungudza musoro wavo vachibva vabata mabvi uku nhembe dziri kuchururu ka mvura. "Zvandanga ndichireva zviya izvi. Toyambuka sei , handiti kutombomira iserere ndiko kwakanaka here Gwandabvu" vanotaura . "Hongu changamire kumanya hakusiko kusvika" anotaura achitogara zvake padombo . Zuva parainge rotema shaya ndopavakazoyambuka ndokusvikawo kumuzinda ragara makomo. Vanosviko nanga padare paiva nemachinda avo Pfumojena na Harunashe pamwe nepamwe machinda. "Titambire changamire ndovimba manzwanana na Zvirikuzhe zvamadzoka mega kudai" anotaura Pfumojena . "Zviripiko makumbo enyoka. Machinda ake ari kuuya mangwana kana nhasi uno kuzotora mombe makumi matatu nezviyo matengu makumi maviri" vanotaura mambo asi Pfumojena akabva angoshama muromo wake kureva kuti zvakamushaiza donzvo. KUPERA KWECHITSAUKO 6

❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 101
PHIBIE ALL NOVELS
2/18/2025, 6:14:22 PM

Haaa ma comments enyu ummm anemutauro mukuru ndichaita 3 days risingauye

😢 ❤️ 👍 😂 😮 28
PHIBIE ALL NOVELS
2/18/2025, 4:19:12 AM

*KUCHERA NYOKA NEMUROMO* https://chat.whatsapp.com/BL7xJsWhKqWAX7pEmZzV0t *Murisei vaverengi vebook iri. Vakawanda murikubvunza comment group re book iri. Wese munhu ane pfungwa dzakewo nekuda kutaura nezvebook iri muchitandara nevamwe pinda umu. Umu ndoda vanhu vanotaura kwete zvimumumu vanhu vane foni dzisinganyori vaya musapinda henyu. Vanosenda zvisina basa zvisinei ne book musapinda umu nekuti unobaiwa nepfumo ukasiya nyemba* *By PHIBIE*

❤️ 🙏 😂 👍 😮 19
PHIBIE ALL NOVELS
2/19/2025, 7:51:52 PM

*Follow my sister guys .Ratove kuchapter 15 book irori .It's a real life situation .*

👍 2
PHIBIE ALL NOVELS
2/20/2025, 2:32:10 PM

*KUCHERA NYOKA NEMUROMO* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book hi nenguva yakafanira* *Group link* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 7 Dzasukwa na Tururu, havana kuda kuzorora bodo. Vakaziva kuti mambo Mujenya vakamirira shoko rabva kuna Gukurume n'anga yavo. Naizvozvo vakapatsika pasi. Zuva parakatangawo kugara makomo ndiyo nhambo yakawira Dzasukwa na Tururu mumuzinda. Vakasvikowana vanhu vari mushishi kusvina mapfura ,vaida kuzomwa mukumbi pachasvika Gukurume. Vanonanga padare paiva namambo Mujenya nemachinda avo . Vanosvikozviwisira pasi ndokubaira mabvi avo pasi mapfumo akabaya pasi utesvero huri nhunga makore. "Maswera sei changamire wangu maswera sei chivara chose. Mambo ramatituma tandokutura kuna Gukurume, zvino taita rombo rakanaka kwazvo kuwana aripo pamwe na Mazhambe makumbi wake. Zvino wati indai munoudza mambo Mujenya kuti ndiri kusvikako zuva richingowira munamai varo. Naizvozvo ati muripo wangu ndiwo unenge uri pamberi ndiwo mashoko atabva takasenga" anotaura Dzasukwa. "Zvirimunzeve, ndiko kugona ikoku, zvose zvaringana chasara ndiye badzi Gukurume , Chiindai munotsiga matumbu. Iwe Muradzikwa, chiita zvokuti machinda atakure matanda vauye nawo padare kuitira usiku pachabatwa basa tisapererwa nemoto" vanotaura mambo Mujenya. "Gandagobvu ridza hwamanda nekuchimbidza yekushevedza varume vose , tarisa nhambo dzatekaira . Kana kuti ito ridza yemunhu wese tigare tavapira urongwa uhu" anotaura Muradzikwa jinda guru. Gandagobvu akangoita kunzwa nekuita achibva aikumusa. Munhu wese akauya padare kusara kwendumure badzi. Hapana akatu bufu nzeve dzainge dzakanzi kwangwa kuteerera. "Pamusoroi mese uko musaita mahon'era mosvika mirivo yatsva, Ndovimba kuti vashoma vanyu varikuziva iri mugango. Asi vamwe vari kutsi kwehope. Zvino ndinoda kukuudzai kuti nhasi hakuvatwi , Gukurume ari kuuya ndikosaka manga muchisvina mukumbi uyu wema pfura. Saka nhau iri pano machinda gumi ndoda kuti asunge mombe munotakura huni dzeMuuzhe uya uri mujinga megomo Chikwira . Saka Gandagobvu na Chaitezvi toranai nemamwe machinda moita nekuchimbidza. Iwe Mhoba na Rwauya na Mudarikwa toda kuti mubaye mombe imwe nembudzi nhatu ne gwai gondohwe ramambo ravachagocherwa manheru pano hapavatiwi nemachikichori sezvo dunhu redu rinenge richigadzirwa. Chiitai nekuchimbudza vakadzi motuma mhandara dzinosvina matumbu mazvizvi acho mounganidza moisa nduru pamusoro pawo kuitira dzimwe mombe dzisazoita ruzha dzichibonga" anotaura Muradzikwa. Vanhu vanouchira vachisumuka kubva padare. Munhu wese aifara kwazvo nechiitiko ichi. Zuva richingoti ngori munamai varo, huni dzainge dzatoungana padare, mombe yainge yatourawa uye doro remapfura ratogadzikwa mujinga mechimwe chisasa. Nguva yeruvhunza vayeni zvinyamutanhatu pazvainge zvonyatso kuonekwa uye vhenekera tsvimbo rume ichangonyura ndiyo nhambo yakayerekana yasvika Gukurume na makumbi wake Mazhambe. Gukurume ainge akabereka nhava yedehwe regudo asi tambo yaiva yakakochekerwa pachibheke ichi yaiva yedehwe rechisese rakamoneredzwa ne mutsinda nhoko we wembudzana. "Mazhambe inda unoudza Mujenya kuti ndasvika wosana kuwaridza dehwe rangu pakati pechivanze pakadzikatira moto. Woti muripo wangu uripo here mombe makumi maviri neshanu, ndatomunyara nekuda kwesungano yedu" anotaura Gukurume. "Ririmunzeve mukuru wangu regai ndiite sekudero". "Manya ndakamira pano handipindi muchivanze asati apindura. Uye vanhu ngavagare pasi vashaure kwazvo pasawana anosumuka kana ndopinda" anotaura Gukurume. Mazhambe anokanyaira achipinda muchivanze , machinda paakangomuona vakabva vaziva kuti Chitopota chasvika. Anonanga pana Muradzikwa . "Muradzikwa jinda guru ndingawonawo mambo here ndivapire rabva kuna Gukurume nekuchimbidza nhambo dzadyanana, zvichigona hande tose" anotaura . "Nditevere kuno, vari kusasa kwavo" anotaura. Vanotungamidzana kusasa kwaiva namambo ndokusvikopinda mukati. Mambo Mujenya vachiona Mazhambe vakabva vaziva nhau yacho. Mazhambe anotaura zvaainge audzwa na Gukurume. "Ose machena hapana dema.inda unomuudza kuti muripo wako uripo ndiwe watononoka kupinda mumuzinda" vanotaura mambo. "Zvanzi munhu wese padare uye vaimbe kwazvo, ndiko kuti apinde mumuzinda wenyu. Asi hapana here chidoro ndimbomwa ndanzwa kunhuhwira kwaro ndimbotapudza nyota kana pane kanhindi kakagochewa musasiya zvagara zvinofambidzana" anotaura Mazhambe achicheuka cheuka. Rume rokara zvaro irori. "Aikaka, zvino tikakupa mukombe wedoro iye Gukurume akakumirira hauoni kuti tinenge takanganisa. Doro hamuripedzi iwe chiinda unoudza Gukurume apinde , inorohwa ichapisa Mazhambe, ini ndava kuunganidza vanhu padare vaimbe sekutaura kwazvaitwa" vanotaura mambo. "Maisazadza zvenyu mukombe wacho, chiregai ndiinde ndinovapira ramataura. Asi mukombe maisazadza ndozongoriona mukamwe" anotaura Mazhambe achibva atoinda kunopira Gukurume. Muradzikwa akasara achiunganidza vanhu padare. Vanhu pavakatanga kushaura nziyo dzepasi chigare dzemashavi,ndiyo nhambo yakadzoka Mhazhambe achibva awaridza dehwe rembada pakadzikatira moto paisvika chayedza chishoma. Mambo vainge vagere pachigaro chavo nenhava yaiva nenyanga iye yechipembere. Vanhu vakaimba vachiuchira zvainzwikwa kudavirira mumakomo akapoteredza. Gukurume akabva adzvova katatu achipinda mumuzinda. Pwere dzaiva dzakavata dzakabva dzasvinura pamwe nekuchema kuri kuvhunduka. "Svikai zvakanaka sekuru Gukurume, munotsemura hana dzevapwere hana dzichirinhete ndakumbirawo sekuru" anotaura Mazhambe anova makumbi wa Gukurume akagwadamirira achiuchira rimwe ibvi rakatunga pasi. Gukurume anokanyaira akabata muswe une mapfinha emhuka dzakasiyana ndokusviko gara padehwe raiva rawaridzwa na makumbi wake. "Iti Mujenya aise makwati mundiro yangu iyi nditange basa" anotaura Gukurume. "Mambo kwanzi makwati acho" anotaura Mazhambe. Mambo vanongotora badza raiva rakagadziwa nemhangura ndokuisa mundiro iya. Gukurume anogutsirira ndokubva ati. "Nditambidzei nyanga yechipembere yacho tione" anotaura Gukurume. Mambo vanotambidza Mazhambe nyanga, iye Mazhambe ndokubva atambidza Gukurume. Gukurume anotaura nemumwe mutauro usina ani nani ainzwa achitenderedza nyanga mudenga. Achipedza akabva airovera muvhu ichibva yanyudza utesvero pasi. "Wakaiwana kupi nyanga iyi Mujenya" anotauraGukurume. "Machinda angu ndiwo akabata chipembere ichi, ndokutora ipapo manga maona sei sekuru! Mukati haisiyo here?" Mambo Mujenya vanobvunza. Asi Gukurume anotora nguva asina raabudisa. "Kuva yechipembere ndiyo, asi kubvunza hakuna kuipa. Ndisati ndagadzira nyanga yako iyi kutanga nhasi tsitsi kuvabvi vekure vanotsvaka kuda kufungatirwa newe zvaguma iyeuno nhasi. Usayeverwa nechimiro nekuti ungazopinda parumana. Nyanga iyi ndichakugadzirira upfumi uchawedzera uye uchatyikwa nemunhu wese chawareva kureva dunhu rako. Tiripamwe here kana kuti ndirindega" anotaura Gukurume asi nokuda kwemufaro wainge wakapetwa kasere waiva mumusoro ma Mujenya akangodavirirawo, "Hongu sekuru tiripamwe batai basa ndikosaka ndakushevedzai ini Mujenya" vanotaura mambo. "Zvakanaka rega ndiite zviro zvangu" . Gukurume anofuridza nyanga iya ndokubva abaira munzwa wenungu wakabairwa dehenya remusoro wembeva. Anodira uromba hwakasangana nemadzamba emombe ichangobereka . Anosunga nedehwe kumusoro kwayo achideketera . "Ndapedza asi nyanga iyi ndiwe uchaziva pekuitsveta pasina ani nani anoziva . Chengeta mashoko angu nekuti haa-aa ndaona wainda nyika dzimu ukatadza zvose zvandareva pangu ndasakura ndika zunza" anotaura Gukurume achibva apfunhura dehwe rake. Mambo vanotambidzwa nyanga yavo ndokubva vaidzosa munhava. Asi vanhu vaingoshaura badzi ndekurimbinyuka nhembe dzichikwidzwa mudenga nemhepo. "Nyama ngaidyiwe uye doro ngarimwiwe. Asi tisati taita zvose izvi iwe Gukurume handizi kuti uri kuda muripo wako iyezvi here kana kuti zuva richangoteya matadza enyika" vanotaura mambo. "Zvinoda kwachena ini wati ndichaindepi ndoda kuvata ndichiona kuti zvamwirira here zvandaita tichidya iyoyi nyama nekumwa" anotaura Gukurume, Mazhambe akabva agutsurira musoro wake. "Ose machena, bva Muradzikwa itai zvinotevera" vanotaura mambo Doro rakavata richimwiwa dzamara kunze kuyedze nyama yakadyiwa nemabhonzo ayo. Kuchingoyedza Gukurume akabva apiwa mombe dzake makumi maviri neshanu. Akapiwa vatinhi vaimubatsira. "Gandagobvu ndokumbirawo kubvunza , hameno kana ndarebesa muswe hangu asi chandinoziva pangwa uine rakowo" anotaura Gandagobvu mushure mokunge mombe dzaGukurume dzavakutotinhwa nevaiinda nadzo. Nguva iyi vaviri ava vaiva vakamira pamatanga. "Watanga Chaitezvi, riputse rawakasenga ndione kuti ibenyu here" anodavira Gandagobvu. Chaitezvi anofamba kubva pamatanda paanga ari ndokuringa mativi ose achibva adzoka. "Inzwaka Gandagobvu , chii chakatanga kugadzirwa dunhu iri kana kutsvaka nyanga kwatakaita" anobvunza Chaitezvi. "Zviri pachena seinda iri mubaravara izvi Chaitezvi. Wakangamwa kuti inyanga here?" Anodavira Gandagobvu. "Ndizvo chaizvo zvandiri kuzivawo izvozvo!"anotaura Chaitezvi . "Zvino iwe nhau yako yakarerekera divi remabvazuva here kana mavirira? Iparureka tarisa nhambo dziri kutekaira tosvikirwa uye mashizha anonzwa aya". "Heya! Ini ndoreva kuti Gukurume ndiye akoshaka? Ndiye atanga kupiwa muripo wemombe dzake ko isu, ndiri kuona ingori mwimwii nhaka yemakonzo wedu unouya rini ndimi vakuruka" anotaura Chaitezvi achiita kakuzevezera asi achiratidza kubatikana. "Wabaya dede, ndafunga zvimwe ndini badzi ndiri kuona nhau iyi, newevo uri kuiona su?, Asi ini ndoona sekuti Muradzikwa ane rimwe namambo, zvimwe ndiye ari kuda kutinyudza mombe idzi iye opiwa oga. Zvimwe vakatomupa iye saka apa isu hatikwanisi kunanga kuna mambo asi kuna iye Muradzikwa"anotaura Gandagobvu. "Wataura dama kwaro apa, uko hakuna ukwiriko kuna mambo. Saka zviripo ndichabatana na Rwauya tomuona adzoka ndaona sekunge kune kwavainda namambo, nhasi tofanirwa kuverengerwa mombe dzedu" anotaura Chaitezvi akatarisa matsiru aiva mudanga aidonhedzesa rute. KUPERA KWECHITSAUKO 7

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 94
PHIBIE ALL NOVELS
2/20/2025, 2:29:47 PM

*Maswera sei vaya vaiti tozoda book iri kana rapera yaaa chiuyai manje nemuripo yenyu ravapo rose tapeta zvirauro*

Post image
🙏 2
Image
PHIBIE ALL NOVELS
2/19/2025, 2:08:36 PM

*KUCHERA NYOKA NEMUROMO* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book rino pamwe chete nemamwe ma book ake ndiko kwaanouya ku Channel nenguva yakafanira* *Group link* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 5 Muradzikwa anofamba achiinda padare akarembedza nhava yaiva nenyanga. Mamwe machinda ose akateverawo padare. Gandagobvu anotokonya tokonya moto nehwiriko yepfumo rake, anosumudza sumudza matanda achimarovanidza moto uchibva wati ngandu kubaka. "Pakusukuridza moto tozviziva kuti ndozvako chaizvo Gandagobvu, asi ruchando urwu harwudi moto! Rwunoda kupedzerana nedaunha badzi. Apa tinopedzisira mbare dzasvika muzvidya kana kutsva nerufuse nekuda kwehope" anotaura Mudarikwa. "Iti unoda kunoona mukadzi wako badzi. Ko pese apa pataiva musango taidziya here moto kana daunha racho taiva naro here kana kuti taingoita mutihwa" anotaura Rwauya achigara pasi chaipo akatavira moto neruoko rwake sezvo aiteiwa maziso nawo. "Hei hei nyararai uko tinzwanane" anotaura Muradzikwa jinda guru. Machinda ose akabva ati mwiro. "Nhau iri pano ndoziva kuti munoda kuzorora asizve hatingavati tisina kupa mambo nyanga iyi. Saka izvezvi sarai muri pano padare ini ndoinda kusasa kwamambo ndichauya neshoko, Gandagobvu hande" anotaura Muradzikwa. Gandagabvu anosumuka ndokubva afamba achitevera shure kwa Muradzikwa. Vanosvika pasasa pamambo . "Go-go-go-go, mambo wangu mambo wangu ndini jinda renyu Muradzikwa" anotaura akamira pachikumbaridzo akateya nzeve. "Heya ndiMuradzikwa madzoka nenyanga here rega ndibatidze tsvatsva" vanodavira mambo Mujenya vachibva vabatidza tsvatsva . "Hongu tadzimba changamire wangu" achipedza kutaura mambo vakabva vavhura sasa uku vachisunga mhapa neshashiko yavo. "Titambire kani Muradziwa, ndiko kunzwa nekuita uku. Idovhura nhava ndibate" vanotaura vachibva vatambidzwa nyanga iya na Muradzikwa. Mambo vanofara kwazvo vachiiona yakazara ropa. Vanoinan'anidza tsvatsva yakavhenekera. "Maita yekugobora chaiko handiti ndiri kuona haina nyama mativi ayo uye yakaoma" vanotaura mambo. "Hongu taita yekugobora, madii tainda padare pane vamwe apo tonopanda ose tiripo, nekuti pano paneutunga ndanzwa nekurumwa" anotaura Muradzikwa. "Idama iroro" vanotaura mambo vachipfiga gonhi ndokubva vananga kudare kwaiva nemamwe machinda. Machinda anokwazisa mambo wavo avo vaiva nemufaro wakapetwa rushanu. "Nyanga iyi mambo wangu hatina kuita nyore kuti tiiwane. Pakamwa mbada takaisunga makumbo nerovambira. Handina kunge ndaziva kuti chipembere chikamwa mukonde chinogumbuka kudaro. Vamwe vedu vashanu vainda nyika dzimu mushure mekunge tabata ichi. Zvino yangoita kuti svobo tichibva tati chitsoka ndibereke. Ropa iri nderemachinda edu achauraya mukaringa chaiko munoona kuti harisi rechipembere ropa iri. Zvino ndaona kuti zvimwe zvacho zvanga zvotitevera nekuda kwekuti zvanga zvichinzwa hwema hwenyanga iyi saka ndabva ndaipisa mukati mayo nechekuno kwatasvobora uku ndikosaka yakaoma kudai changamire wangu. Saka nhambo yandanga ndichiipisa vamwe vanga vachitorwisana nazvo ndopazofa vaviri , vatatu vafa pokutanga asi ndarwadziwa zvangu mambo a-aa!!" anotaura Muradzikwa achibva akwiridzira madzihwa kunge munhu anga achida kuchema. Mamwe machinda aingo gutsirira misoro sezvidhambakuro . "Ndanzwisisa hangu, ndineurombo nekurashikirwa nemachinda kwaitika, zvakanaka kufira pabasa. Saka zvatichaita mangwana kuchiyedza. Tichatuma nhume kuna Gukurume n'anga yangu iri mhiri uko youya yogadzirisa chikaranga muno mumuzinda nyanga yavopo. Ndinoziva kuti anouya maMazhambe anova makumbi wake. Zvinoda kuitwa nekuchimbidza sezvo chinono chinengwe" anotaura mambo Mujenya vachinan'anidza nyanga iya asi mumusoro mavo zvaivarambira kuti nyanga iyi ichangobviswa pachipembere. Asi nekuda kwekuti mamwe machinda ainzi afa akadzoka obvuma kuti zvimwe chingava chokwadi. "Idama iroro changamire isu chiregai tinorovera matama pasi inzwai jongwe rekutanga rachema. Uko kwaGukurume kuchainda Dzasukwa na Tururu sezvo vainge vari muno ava" anotaura Muradzikwa. "Vanofanirwa kumuka kweva ichingobuda kuitira kuti vanowana Gukurume achirimudendere make , saka uchibva pano Mudzikwa wonopira Dzasukwa nhau iyi na Tururu wacho , chiindai henyu" vanotaura mambo vachibva vaisa nyanga yavo munhava ndokufamba vachiinda kuhozi kwavo kwavainge vasiya mukadzi wavo achiridza ngonono. Muradzikwa akabva angoita kunzwa nekuita, achibva padare apa ndokunanga kusasa kwa Dzasukwa anosviko rova gonhi negumbo. "Dzasukwa Dzasukwa usavata sedahwa iwe mukanekuchimbidza ndini Muradzikwa". "Kwakanaka here asi kunze kwatoyedza kanhi, radavidzirwa kwaniko doro?" anotaura Dzasukwa. "Unongofunga doro kuroora haudi, kuchakasviba uku . Inzwa utunga huchingoti vhu-u , wotorana na Tururu monanga kwa Gukurume mouya naye kuno moti kwanzi namambo nyanga yavapo huya ugadzire dunhu. Ndapedza kugoyedza urimumuzinda unotaura chakatadzisa imbwa kuseka iyo kunyenama ichigona ndayenda" anotaura Muradzikwa achibva atobuda. Dzasukwa anosumuka ndokubuda panze achishevedzera Muradzikwa asi haana waakazoona. Anobva ananga kuna Tururu ndokunomupirawo nhau iyi. Hapana akapikisa , utunga huchingoti vhu-u Dzasukwa na Tururu vanobereka zvombo zvavo pamwe nezvimukuyu zvenyama zvekufamba vachidya. Vanobuda nesuwo diki remavirira ndokubva vamedzwa nesango vakananga mavirira akadziva maodzanyemba . Paifambiwa kwete zvekuseka. Tururu ndiye aivamberi akaisa museve pauta. Dzasukwa ainge akaisa mudzonga wenyama pamuromo akabatawo pfumo rake meso achiringa mativi ose nzeve dzakati kwangwa. Vakafamba dzamara zuva rati vhu-u vanopinda nepakati pemupata ndokunobudira seri murwizi vachibva vati vambu. "Tasvika Dzasukwa tafamba dumba rake iro pamusoro pechikomo icho" anotaura Tururu. "Ndakuudza kuti zuva richingobuda tinenge tadonhera padumba rake Gukurume. Anofanirwa kunge aripo tarisa chiutsi icho" anotaura Dzasukwa. "Zvimwe ndiMazhambe saka ngatinopedzera nyota pachitubu". Anotaura Tururu. Nenguva isipi vanosvika ndokutanga kurova maoko avo vachipinda muchivanze chen'anga. "Svikai mugare pasi apa mutaure nhau yenyu" anotaura Mazhambe anova makumbi wa Gukurume . "Tingaonawo sekuru Gukurume here tine dama ratabva naro kuna mambo wedu Mujenya" anotaura Dzasukwa . "Hoo matumwa zvakanaka indai munogara pamusiwo apo mouchira muripo motaura vanodavira zvavo" anotaura Makumbi. Vaviri vanosimuka ndokunogara pamusiwo wedumba vakafunya chisero . "Sekuru Gukurume tisu vazukuru tabva kwa Mujenya tatumwa neshoko" anotaura Dzasukwa vachiuchira kwazvo. "Zvakanaka vazukuru turai tinzwe mungaremerwa masvika" anodavira Gukurume. "Mambo vati tazadzisa kutaura kwenyu, nyanga yavapo , saka kwanzi chiuyai mugadzirise muzinda nhambo dzisati dzatekaira" anotaura Dzasukwa. "Rapinda munzeve indai munotaura kuti rinovira ndasvika. Ini mhiko dzangu kana zvikaranga ndinoita usiku saka dzokerai neiroro. Asi ndoda kusvika zvose zvakarongeka" anotaura Gukurume achibva adzvova kaviri. Dzasukwa na Tururu vanowira pasi nekutya ndiye kwarakwashu vanotora zvombo zvavo ndokudzika gomo vari ushamwari nemhepo vachidzokera kumuzinda kwavo. Hapana aitaura nemumwe panguva iyi. Yaiva mwiimwi nhaka yemakonzo, Harunashe anozvishaira donzvo kuita kwa Zvirikuzhe. "Rofanirwa kurova shaya tawira mumuzinda menyu ma Chikandamina sezvo isu hatisi kusiya hope ikoko saka nhambwe ngadzisumudzwe" anotaura Dambakuro. "Zvirimunzeve zvawataura Dambaruko, asizve usaita sekangoma kanoti pangu pangu. Ziva kuti ini na Harunashe tanguri tafamba saka hatingaenzani ,isu taneta kwazvo" anotaura Gwandabvu akaringa Dambakuro jinda ramambo Zvirikuzhe. "Ndotozviziva izvozvo asika hatingaiti setine nhonho mumakumbo nekuda kwenyu. Musati bufuka ayikazve ini ndiri jinda guru mototeerera zvandotaura" anotaura Dambakuro. "Uri jinda guru rangu here kana kuti uri jinda guru kuna Guruuswa uyu nevamwe vako ini jinda guru rangu iyezvi ndi Harunashe pano. Tichatoda kutozotsvaka chekuisa mumuromo nzara yatibaya, handiti mambo wenyu vatimusatipa chekudya here" anotaura Gwandabvu akaratidza kushinga chaiko. Zvekurwa ndokwaiva kudya kwake aitonzwa maoko ake kuvava. "Uchenjerere kukotamirira kunobva museve. Nyama tinokupai iyi yose toiisa kupi ngatifambe apa kwete kuda kumutsa dzivo pfumo rangu iri ringasukwa neropa rako izvezvi" anotaura Dambakuro. "Totenda yavira tsambakodzi yedemhe, ndipe nyama yacho nekuchimbidza" anotaura Gwandabvu achitora midzonga mishanu munhava yake iye Dambakuro achibva atambidzawo Harunashe uyo ainge akapfumbira muromo wake. Vanodya nyama iya vachifamba kwazvo. Zuva richitanga kurova shaya ndiyo nhambo yavakawira mumuzinda mamambo Chikandamina asi Harunashe na Gwandabvu ndivo vaiva mberi. Vakananga padare paiva namambo avo vaiva na Pfumojena na Musariri nemamwe machinda. Mambo Chikandamina vachiona machinda amambo Zvirikuzhe moyo wavo wakabva wati nyau nyau vakaziva kuti sahwira wavo abvuma kutora mombe sechikumbiro chavanga vaita kuna Zvirikuzhe. "Pamusoroi changamire wangu. Rwendo rwedu takafamba zvakanaka kusvika kwamakatituma. Asi kwazongoitawo kuvhunduka kwemvura iri muguvi yanga yakagarana. Tapira shoko renyu sezvariri kuna mambo Zvirikuzhe asi ivo vati tana kuramba. Ndazopona nepasaka reshumba dai risiri jinda ravo iri Dambakuro azovabata kutaura kuno ndainda nyika dzimu. Zvino vazoti tiuye nemachinda avo aya aone kuti ichokwadi here kuti mumuzinda uno wakapinda muvengi uye kuti mukadzi wenyu achiri panhovo here kana kuti muri kutaura zvemugotsi matsuro. Vati kana chiri chokwadi bva-a ini muripo wangu kana dziri mombe mondipa makumi matanhatu" anotaura Harunashe ari mberi kwamambo Chikandamina. "Hezvo hezvo! Makumi mangani? Matanhatu chaiwo here kana kuti maresva kunzwa dzinobvepi mombe dzakadero hazvigonika" vanotaura mambo Chikandamina. "Havana kuresva kunzwa ndikokutumwa kwataitwavo , vatoti idzodzi ndatokusvodai zvimwe dai maisa zana chaidzo" anotaura Dambakuro jinda raZvirikuzhe. "Chokutanga ndovimba kuti hamusi mapofu. Chimiro chemuzinda uno muri kuchiona uye mavanga ane machinda angu aya tarisai miseve yakaungana pasi iyo uye imwe yakabaya matenga edzimba iyo. Mabasa emuvengi iwawa. Iwe Dambakuro na Guruuswa indai kusasa iyo pane mhandara dzirikudzura madziro mopinda imomo. Chifambirwa chenyu munodzoka nemhinduro kwayo" vanotaura mambo Chikandamina vakatendeka kuimba yaiva namai Makanaka avo vaiva panhovo. Dambakuro anosumuka na Guruuswa ndokufamba vachiunda kusas kuya. Vanoti vari pachikumbaridzo nzeve dzavo dzakabva dzanzwa zviri mukati. Dambakuro anovhura gonhi ndokubva amira akabata muromo wake nezvaaiona anodzungudza achibuda panze pamwe naGuruuswa. Vanodzoka padare ndokugara pasi. "Tagutsa meso, zviro kwazvo muno makapinda muvengi uye mukadzi wenyu ari kutambudzika. Asi hatichadi kupedza nguva kuno hatisi kusiya hope kana zvichibvira sezvo taneta kudai mangwana nguva dzekukamwa kwemombe tofanirwa kunge tasvika chitiverengeraiwo dzatanzi mutipe mombe makumi matanhatu aya" anotaura Dambakuro achitarisa zuva rainge ragara makomo. "Kuti ndikupei mombe dzamataura hazvigoni nekuti ini sekuziva kwangu chero mwana sikana paanoroorwa paya , hazviiti kuti tibvise mombe dzakawanda kudai. Kana dzatowanda dzingatoita makumi maviri kana matatu badzi . Zvino randafunga ini ndava kutoinda nemi ndinogara naye pasi Zvirikuzhe nekuti uku kundicheka nerakagomara chairo" vanotaura mambo Chikandaminda. "Mabaya dede changamire hakuna pasingataurirwani" anotsinhirawo Pfumojena. "Saka kana muchiti murikuda kuti tibude tose gadzirirai nekuti takamira nerimwe" anotaura Dambakuro. "Musariri shevedza Gwetsai na Tondo tipinde munzira , hazvigoni kuti Gwandabvu na Harunashe vadzokere vaneta" vanotaura. "Hazvigoni changamire ini handisari ndodzoka nekuti zviri mberi ndozviziva. Mungatosiya henyu Tondo ini ndokwanapo" anotaura Gwandabvu. "Bva-a zvakanaka chiitai izvozvo nekuchimbidza". Vanotaura mambo ndokurongedza nhava yavo nezvombo vachibva vatobuda nemachinda avo uye nemachinda aZvirikuzhe kunanga kwaZvirikuzhe asi kunze kwainge kwasviba kwazvo. Vanofamba neusiku vachivhenekerwa nejena guru . Vaifamba zvishoma sezvo machinda aZvirikuzhe ainge aneta. Kunze kuchitangawo kuchena ndiyo nhambo yavanopindawo pasiwo guru ra Zvirikuzhe. KUPERA KWECHITSAUKO 5

❤️ 👍 🙏 😂 😢 97
PHIBIE ALL NOVELS
2/19/2025, 4:14:06 AM

*KUCHERA NYOKA NEMUROMO* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book rino pamwe chete nemamwe ma book ake ndiko kwaanouya ku Channel nenguva yakafanira* *Group link* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 4 "Mambo nhau yamakanda mugango tainzwa asi ini ndinoonavo chiri chokwadi kuti tindopamba mambo ari kure. Sezvo muchiziva kuti ndaimbove kumuzinda kwaZvirikuzhe, ndinoziva kune mumwe mambo akagadzwa mumakore mashoma iwaya mushure mekufa kwababa vake. Mambo uyu anonzi Chikandamina, ane mombe dzakakora uye dzemukaka dzine mazamo akarembera kunge achananzva ivhu. Asi kutokwinya chaiko nokuti rwendo ,uyezve kunenge kuchitoda mhare chaidzo nokuti naiye ane hwitakwi dzinoziva pfumo chaiko". Anodaro Gwangurai rimwe remachinda amambo Dzinavatonga. Mambo vachinzwa nezvemombe dzavaida chaidzo vanonzwa rute ruchiti pfaa mumuromo mavo senge vave kutodziona mombe dzacho. Vanorikanda muchaunga. "Hero machinda basa iro tipei zvirimunhava dzemasoro enyu tinzwe pane rakumiwa naGwangurai iro". Honyerera dzekubvuma dzinowanda asi chaive chasara kunzwa muripo wavaizopiwa asi hapana akada kuti aipakure pachena. Mudzvanyi jinda guru ndiye akazozevezera mambo kuti vapedzise nhau yemuripo mambo ndokubva vati "Munozviziva kuti pakushanda kwako ndopanobva muripo asi regai ndikuvimbisei kuti gumi pamunhu oga oga handidzitadzi". Mheterwa dzinonzwikwa ,mufaro waive wapamhidzwa. Varwi vakave nekutononokerwa nezuva rekuenda. Gwangurai anobva ati "Madii matoti mangwana chaiye tisimuke sezvo ndareva kuti parefu kwazvo pangatoda maviri akazara tichifamba kureva kuti tichaita mashanu chaiwo tisiri muno." Varwi vakabva varovazve miridzo uku Rwaibva jinda rehondo rakabva ratoti rwatoibva "Sezita rangu kutogadzirira tikabuda kuseni kuno pakanaka." Chibvumirano chakavepozve ndokunzi naye Rwaibva "Murwi wese mhanya undogadzirira nekuchimbidza tibude izvezvi" vose vakabva vamhanyidzana kudzimba dzavo mumwe nemumwe achiita chipatapata chekuti akasire kudzoka padare nhambo shomashoma padare paive pasvibazve. Panozosarudzwa zana chete vamwe ndokusiiwa, ivavo zana vachibva vatobuda nesuwo guru vatonanga chamhembe.Tsoka chete ndodzawainzwa kutsika tumiti nemauswa richingove dungwe rongondo pasina aiti bufu. Mudzvanyi ndiye aive mberi achiteverwa naiye Gwangurai. "Chitungamira mberi sezvo uriwe unoziva gwara" anodaro Mudzvanyi achidziurira Gwangurai kuti aende pamberi. "Nyange muriko mukuru ndinongokuratidzai nzira kana tave kuenda nekusiko fambai zvenyu" anodarovo Gwangurai. "Hiiihi sekusaida kuitwa mukurupo, tifambire mberi zvedu mazinzeve seamagen'a". Anodaro Mudzvanyi achimusundira mberi achiseka zvake nevaive pedyo vakabva vasekavo vakanzwa kutaura kwake. "Magona mukuru wangu, ndotochinja mutupo kubva nhasi ndave kuera tsuro sezvamandiudza". Vanosekazve zvikanzi naMudzvanyi "Nemadiro aunoita nyama yetsuro ungairega iwe? Dai dzaipfuyiwa taiti wakafirwa namai uchangozvarwa ukasara worerwa nemukaka wetsuro nenyama yacho". Vanoseka zvavo ndokuchiramba vachiita munemo kusvika vabuda dunhu ravo ndokunyarara. Zuva rinosvika pakudoka pasina kumbotura befu. Jenaguru rinovheneka nyika vachingotsika pasi chete. Zvave kuratidza kuti panenge pave pakati peusiku Mudzvanyi anobva amisa mhomho yose ndokuti "Tasvika tose here apo?" Ruzhinji runodavira "Eee tavepano". "Yaaa ngatimboti zororei zvishoma tichidya mbuva dzatinadzo tobva tasimudzira pahuku yemurirakamwe". Vose vanobvumirana nemukuru wavo ndokubva vati pasi zivhaa.Hapana anorota zvaanomuka achiziva nokudaro nhambo inongonzi "Zvakwana chimuka titsike matama enzira" vose vanobva vati vhazu kubva kuhope nekuda kweinzwi remukuru wavo raive ratonga. Vanofamba kusvika ziya roteuka dzave nhambo dzemasikati Mudzvanyi anozevezera Gwangurai "Kuchiri kure zvekuti pamahusiku hatingasviki here taida kumbotura befu zvishoma?" "Ndizvo mukuru tingangosvika nhambo dzekutanga kuvata kwevanhu asi dai tandozororera parukova rune mudzaswa urwo runonzi Mhokore tichimbomwa mvura nekutsvaga dziva rekumbozvitonhodza". Anodavira Gwangurai. "Zvakanaka hazvo kana pave pedyo". Vanosvika munaMhokore ndokuramba vachidzika narwo sezvo kumusoro kwavaive vapindira kwaisave nedziva. Vanozosvika padziva raive nemvura yakachena zvokuti kana hove dzaivemo dzimwe dzaionekwa. Vanoimwa yemudziva iyoyo ndokupedza vogezazve ndokumbozorora. Vanozosimudzira narwo pachifambiwa kusvika nhambo dzerunyanhiriri vave kuona gomo Raurwi. Vanotsikana nepasi kusvika vave munaTorodo ndokumbomwazve mvura vopedzisa tunyama twaive twasara munhava dzavo. "Tasvika zvino changamire tatove parusvingo izvezvi. Suwo guru riri kumabvazuva diki ndoriri mavirira". Anodaro Gwangurai achizeveza kunaMudzvanyi. "Waitabasa ndapabata". Anoenderera mberi ati kwidzei inzwi zvishoma. "Teererai mose uko. Tasvika zvino asi tichati mbwaa kuvata, kuchingondoti hwee tatopinda Gwangurai nesuwo diki nevarwi makumi mana, ini kusuwo guru tiri makumi matanhatu. Zvinonzikwaka?" Vose vanodavira "Eee". Vanovata ndokumuka kusati kwanyatsochena. Gwangurai anotora vake ndokuenda kusuwo diki, zvimwechetezvo naMudzvanyi sekurangana kwavaive vaita. Mushana pawakangoti dziyei vamwe nevamwe vaive vasvika panzvimbo dzavo. Ndokuchipinda nepamasuwo vachimhanya kwazvo. Vemumuzinda vashomanani vaive vakagadzirira zvombo vakambomiramiravo chose zvokuti pavarwi zana vaive vauya kuzopamba pakasara makumi mana nevana chete. Ivo vakafawo makumi maviri nevanomwe. Ruzhinji rwakazopepuka rakwira sezvo rwaiti tingamukirei nhasi hakuna dare nokuti mambo vakambofamba. Vaingozoona sasa rapfurwa nenhaura pfumo rakananga munhu vobva vangosimudza maoko chete kukumbira upenyu, nekudaro vaizondundurudzwa vachinangwa navo padare vamwe vachitove nedzekuzvarwa nadzo. Mudzvanyi paanopinda mune imwe imba achangobuda mune yairatidza kuve yamambo maakaona vamwe mai vaigomera kwazvo ndokubva angovakava nenhaura ndokuvasiya. Anoona imwe iyoyo muine mwanasikana akanaka kwazvo aive akazviunganidza seri kwesasa nekutya mheremhere yainge yazadza muzinda wese. Anomumhidzura ndokumuti kapa papfudzi naye padare ndokusvikomutsveta pane varume vose vaive vaunganidzwa. "Tiudzei chokwadi ko pfuma yenyu irikupi yatisingaoni mumatanga usiku huno?" Anobvunza Mudzvanyi achifambafamba sehoromba yebveni kuita kukanyaira. Pfumojena anobva aziva chifambirwa ndokukurumidza kumhanyisa pfungwa ndokukasira kudavira iye "Tine hurombo changamire tichangobva kupambiwa izvezvi rungwanani runo neimwe hondo yatisingazivi semi ndoyatora chose chemuzinda uno". "Usatiite pwere wanzwaka ko mambo varipi? Ndiwe mambo here?" Anobvunzazve Mudzvanyi. "Kwete handisini. Mambo vatourayiwa nemachinda avo maviri vaita kuzvuviwa pambongoro vakaendwa navo asi pasisina achafema". Anomboita chinhambo achifunga Mudzvanyi ndokuzoti "Saka unoreva kuti hapana kana hwai zvayo yasara here? Ko imi vanhu ndizvo here zvinorutswa nembwa iyi yodzidza kunyepa yakwegura?" Vanhu vose vanodavira kuti hongu. Mudzvanyi anobata rushaya achizeyesa meso ndopaanozosangana nechiso chaMakanaka waaive atora munhanga make. "Ko uyu ndiani uyu? Simuka iwe". Anodaro akatendeka Makanaka. "Ndinonzi Tsvaru ndiri nherera ndakafirwa nevabereki vose ndinongochengetwavo muno mumuzinda". "Ko zvaunenge une zvipfeko zveumambo wani?" "Ndozvasara paurayiwa mambo nemhuri yavo yose saka zvangu zvapiswa nokuti taivata mumba mumwe" "Hoo saka uri nhereraka? pakanaka. Varume hendei nenherera iyoyi mambo vandoona kuti pachokwadi tasvika kwaChikandamina wacho" anobva anzi mhidzu papfudzi katsva ndiye nesuwo guru tande. Makanaka anoramba anyerere asingadi kuridza mhere achiziva kuti aizofamba mutunhu wese akasungwa nekudaro akaratidza seaitodavo kuendwa naye. Anozokumbira kuzvifambira zvake achienda kwavaida ndokubva vamutendera akangoti chikuru ndatorerwa muzviso zvemuzinda wese vachasara voona zvekuita kana mambo Chikandamina vasvika. Varwi vanosara voda kubata zvombo kutevera mhandu asi vanozoronga rekumirira mambo. Pfumojena anosara achizvinetsa nenhema dzaaive areva kuti dzaive dzabvepi. Anozobuda mumuzinda vaenda achitevera zvishoma nezvishoma kuti aone kuti mhandu dzavo hadzingadaro dzikatora gwara rekwainda nemombe here. Achangobuda ndopaanobva aita mahwekwe namambo pamwe nemachinda maviri avakainda nawo vari ushamwari nemhepo. Kwakanga kwava kuseva sadza nenyuchi mhenyu. Akanga ava mafunge mafunge parerenzuma kutsvaka chakadya nyanga. Mambo Chikandamina vanokwenya musoro wavo vakananga kuimba yeumambo. Vanosvikozviwisira pachituro chavo icho chainge chakashongedzwa nematehwe embada kumusoro kwacho kwaiva neeshumba, mumupendero macho maiva nedehwe reshato. Pfumo ravo rainge riripamapfudzi avo. Vaingotura mafemo vakabata tsvimbo mumaoko . Machinda avo mana Pfumojena , Musariri, Gwandabvu na Harunashe vakabva vapinda musasa ndokugara pazvigaro zvaivemo sezvo vainge vavashevedza. Mambo Chikandamina vakabva vatora fodya yavo yaiva munhava yaiva pasi pechituro ndokugugudzira muruoko. Vanoita yekutsunya vachiisa mumhino dzavo meso achibva atsvuka ndokuhotsira rutatu. "Ndini ndakushevedzai machinda angu, ndovimba kuti zviri pachena seinda iri mubaravara hazvidi kuudzirwa. Nguva ino tatarisana nezvinhu zvakawanda kwazvo, Ndikokutswanya shomwi nyoro nehuma kwatava kuita kukwira gomo nemusana. Pfumojena unozviziva iwe kuti tanga tainda kwamambo Zvirikuzhe kunopiwa nyanga yechipembere kuti ndizorapa mukadzi wangu. Chokwadi gwai remurombo kuchema richitevera bere. Tati tava muchirwizi Mhokore ndiye makarasionekwi, dhumha dhuma nemuvengi . Rega zvakanzi kukurukura hunge wapotswa nyanga yabva yatorwa. Asi tarohwa zvakaipisisa , ndipo pandaona kuti ishura gudo kuwa mumuti. Handina kubvira ndaziva muvengi iyeye, ndopondosvika kuno wanei muzinda wava manyama amire nerongo. Mazai etariro atsikwa nenzou asati atsotsonywa. Saka ndati ndikushevedzei machinda angu murivana kudaro toonesana kuti todii sezvo kudzingirira tsuro mbiri imwe hauyibati" vanotaura mambo Chikandamina vachipukuta bute ranga riripamhino dzavo "Zvava pano zvava kuda kusunga dzisimbe . Izvi zvadzvara ruvengo pakati penyu mambo na Zvirikuzhe nekuti iye handifungi akagamushira izvi nekuti chaanoda ndi Makanaka kuti aroorwe nemwana wake. Saka izvi anogona kuti ndezvemugotsi matsuro, asi kwaifanirwa kuinda shoko nekuchimbidza asati atuma nhume dzake kuzotora Makanaka uyo asipo atorwa nemuvengi. Kuonawo kwangu ndisingazivi imi mambo pamwe nemi machinda kuti dama rangu iri ririsei" anotaura Harunashe. "Idama iroro , wataura shoko randanga ndakasenga. Nekuti chirungurira chirwere ukanyarara unofa nacho. Anodzoka oti shamwari unoda kundirapa meso nemhiripiri izvo nyamba kwete muvengi auyawo makarivara changamire wangu. Ndiko kutsva kumusana nekudumbu . Zvimwe iye Zvirikuzhe anogona kukubatsirai padambudziko irori ratiwira mukwidza ukava materu" anotaura Pfumojena jinda guru. "Zvamataura zvamwirira mumusoro. Saka totuma ani angadzoka kwaZvirikuzhe anovapira zvizere tonzwa kuti ivo vangati kudiiwo" vanotaura mambo. "Ngakuinde Gwandabvu na Harunashe, uyu Musariri osara changamire . Harunashe ndiye achanotsanangura kuti matosvorwa sei muziso" anotaura Pfumojena. "Wataura donzvo Pfumojena. Asizve ini musoro wangu uri kupishana kuti haadero ariye here Zvirikuzhe atuma vanhu ava kuti vatore nyanga iyi. Nekuti rimwe jinda rangobata nhava raziva sei kuti mune chirimo uye sei vati ndoyatiri kutsvaka ini parikundinetsa ipapo. Asi zvipfeko ndozvinozondinyaradza hazvo asi pfungwa yangu iri kuti vari munerimwe" vanotaura mambo. "Handioni sekudero nekuti kuinda kwamaita vanga vasingazivi kuti muchauya saka hapana pavaizotaura nemumwe mambo kuti aite izvi munguva pfupi iyoyi" anotaura Musariri. "Ndizvo hazvo asi imwe nhau ndeye mwanasika wangu, kungoshinga semurume asi zvirikurema. Pfumojena ndiwe uri kuziva kuti vanhu ava vananga nepi. Zvimwe tingaronda matsimba, asi ndoona kuti tikanotanga tabvunzira tingawana gwara rakanaka mozviona sei, asi ngatitange tadzingirira imwe chete tozoona kuti iyi todii nayo. Nekuti tikada kuita chinono chengwe Zvirikuzhe angatuma hondo yake" vanotaura mambo. "Idama iroro changamire. Kuita kuti zuva ravira iri.Zvaida kuti dai ranga risati vanhu vaifanirwa kupinda munzira" anotaura Harunashe. "Motomuka jongwe repiri richirira mosvikawo nguva dzemadziya mushana. Monoudza Zvirikuzhe kuti kana achida mombe ngaateme dzaanoda ndomupa kutsiva izvi. Chiindai henyu munozorora movata makagadzirira Gwandabvu newe Harunashe" vanotaura mambo . Machinda akabva atobuda mambo ndokusara vakatarisa panzvimbo imwe chete. Chifumi chamangwana jongwe repiri richingochema. Gwandabvu na Harunashe vakabva vatobuda mumuzinda vakavhenekerwa nejena guru. Vakafamba mutunhu murefu. Zuva rakazoti vhu-u vavapedyo . "Unoona gomo rine huma riri mberi kwedu here Gwandabvu" anotaura Harunashe achirasha mvura pagwenzi remuzeze. "Hongu" anodavira akatarisa gomo riya. "Ndiro rakazemberana nemuzinda wa Zvirikuzhe tarisa chiutsi chati togo icho" anotaura Harunashe. "Zvino hatinowiri mumukanwa mamupere here Harunashe. Unoti inovhiika nyore here nhau iyi?: anotaura Gwandabvu. "Mutumwa haana mhaka, redu ishoko badzi . Angabva aita chinya chegurwe kuzvidambura makumbo here. Bva-a hande tinozvionera pamhino sefodya" anotaura Harunashe achiratidza kushinga kwazvo. Vanofamba dzamara vavapasiwo guru remabvazuva. Varindi pavakangoona Harunashe vakabva vaziva kuti inhume dzamambo Chikandamina vakabva vavarega vachipinda. Havana zvakawanda zvavakataura navo. Harunashe anofamba ari mberi miseve yake yose ainge adzosera mudati. Vanouchira maoko vaviri ava vachipinda muchivanze chemuzinda. Vanoita rombo rakanaka kuwana mambo Zvirikuzhe vagere padare nemachinda avo. "Titambire machinda aChikandamina kwakanaka here kwamamukira kudzoka zvekare kudai. Iwe Guruuswa ipa machinda aya zvigaro" vanotaura mambo Zvirikuzhe. "Zvinokunda ngoma kurira mambo wangu, regai tigare pasi chaipo ndipo pakafanira nemaneto edu aya" anotaura Harunashe vachitogara zvavo pasi chaipo na Gwandabvu. "Kana uchiti zvinokunda ngoma kurira unoyedza kureva kuti chii chaizvo Harunashe sandiwe wakauya zuro namambo here iwe? Asi mai Makanaka vafuka ravo vega kani?" vanobvunza mambo . Ndiyowo nguva inosvika Dambakuro padare jinda guru raZvirikuzhe. "Ndikosaka tauya kuti tikurumei nzeve changamire . Musaona kufamba neusiku tichizunza dova kudai hazvina kumira zvakanaka. Chokwadi huku yemurombo kukandirira mumuti, zuro tavapakati nepakati kunanga kumuzinda kuchirwizi chiya Mhokore takasongana nemuvengi ndokubva tarohwa zvakaipisisa uye nyanga yamakatipa iya yakabva yatorwa ndoku--------------" Harunashe haana kupedza kutaura mashoko ake aya. Zvirikuzhe akangowaruka achibva pachigaro cheka zvakaitawo kuti Harunashe apidiguke achibva amira akachonjomara neibvi rimwe akatarisa mambo Zvirikuzhe asi ainge atobata pfumo rake raiva muchiuno. Dambakuro akabva abata mambo ruoko rwainge rwakabata pfumo ravo. "Zvadiizve changamire wangu. Madii kudzikamisa hana yenyu ature raarairwa . Musachimbidza kumedza kutsenga muchada. Regai apande ose avakafumbata changamire wangu tarisai idzi inhume" anotaura Dambakuro achiuchira akaringa mambo Zhirikuzhe. Mambo vakabva varinga Dambakuro ndokubva vagutsirira musoro vachibva vazvikandira pachigaro chavo. "Motenda jinda rangu iri , nyanga yangu kutorwa anoziva kuti ndakaiwana sei here nyanga iyi . Taurai ose tinzwe kurema kwawo. Garai pasi" vanotaura mambo vachifemedzeka pamusoro sendere. Nevanji wavo Tapera anoona bongozozo rainge roitika padare ari mugota make. Anongononga pfumo rake ndokubva amanya achiinda padare. Ndipo paanosvikowana baba vake mambo Zvirikuzhe vachigara pasi. Iyewo akabva agara pachigaro chake. "Zvino changamire mukada kutipfuudza tisati tatura ose mashoko zvingabuda here. Naizvozvo mushure mokutorwa kwenyanga uye tarohwa zvakaipisisa, takabva ta manyiswa kwazvo dzamara tasvika kumuzinda. Ko taizivei kuti tichasangana nerimwe shura. Ndozvazonyanya kurwadza mambo tasvika rovambira raita zvarinoda mumuzinda, mwanasikana wamambo wamaida kupiwa Makanaka akainda nemuvengi kutaura kuno vari kwatisingazivi. Vaida zvipfuwo zvino vakawana zvainda kumafuro, saka machinda akanyepa kuti takapambiwa zvipfuwo zvose ndikosaka vazotora mukunda wamambo Makanaka. Saka mambo vati sezvo mwanasikana atorwa kudai handichina chimwe chandingaita kuti ndikuripei kunze kwekuti moreva henyu kuti munoda mombe ngani. Ndiwo mashoko atasengedzwa kuti tikuturirei mambo wangu kutaura kudai misodzi badzi nekuti mamwe machinda edu akada kuyedza kurwisa akainda nyikadzimu" anotaura Harunashe achitsetsa haana raakasiya. Tapera achinzwa izvi anosumuka pachigaro chake achibva ati. "Musikana wangu wandanga ndichida kuroora ndiye ainda here kana kuti munoreva vamwe henyu pajekesei ndoita sendaresva kunzwa" anotaura Tapera. "Hameno Dambakuro kuti wanzwa sei, unogona kuudzawo mwana wamambo vako uchidaidzira chaiko" anotaura Harunashe .Mambo vakabva vasumuka ndokufamba nhambwe gumi vachiinda mabvazuva asi havana kuinda kure vakabva vadzoka ndokugara pasi vachitura befu. "Ini zvose zvamunoreva ndezvemugotsi matsuro izvi. Haisi mhosva yangu iyoyo. Ngaatevere mwana wake anomutora auye naye mwana wangu anoda kuti afire mugota here. Takaita vimbiso pano sasahwira wangu. Toziva sei kana muchireva manyepo zvimwe mukadzi wake apora. Ragara rinonyenga rinohwarara rosimudza musoro rawana zvino atamba namahisva ini handinzwerwo. Ndichatuma machinda angu gumi vauye vaone kuti ichokwadi here, nekuti anogona avigisa mwana wake kuri kusada naye. Kana chirichokwadi kuti hondo yakauya bva-a ondipa mombe makumi matanhatu pasina kukundikana. Mwanangu Tapera nyarara tione kuti ari kuda kuita sei Chikandamina wacho. Hapana kuzorora apa. Iwe Dambakuro tora mamwe machinda moita gumi unange kwaChikandamina izvezvi nemachinda ake aya. Musatombovapa chekuisa mumuromo kana mudzonga" vanotaura mambo. "Tanga tichinayo zvedu midzongo yatabva nayo musazvinetsa. Neropa randakaona kumuzinda rakadeuka nyama irikundishatira zvimwe Harunashe ndiye angatozoipedza" anotaura Gwandabvu asi mambo vanoramba vakanyarara. Damakuro anotora machinda akagwinya ndokubva vatobuda mumuzinda vakananga kwa Chikandamina kunopedzera nyota pachitubu. KUPERA KWECHITSAUKO 4

❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 105
Link copied to clipboard!