PHIBIE ALL NOVELS
January 31, 2025 at 08:12 AM
*FREE BOOK • read • comment • share*
*Kuti usasarira PACHIITSAUKO chega chega chichauya chebook iri, gara wapinda muchannel umo muchange muchisvika bhuku nguva nenguva*👇👇
https://whatsapp.com/channel/0029VaK4ulA65yDHHNmjzn1n
Pinda mugroup iro kuti ukwanise kuisa comment pabook👇👇
https://chat.whatsapp.com/K6PVXW6SNiC6nQCJT50MMg
by JUSTICE PSWARAI
Call or App
+263714969541
*NEVANJI WAMAMBO GUPURO*
🔥🏹🏹🏹📚📚🏹🏹🏹🔥
*CHITSAUKO 1*
"Nhai mwanangu Mashinge ukati haunzwiwo kutsva chinguri wabvira kuzvisasika pazuva semutana kudaro?" Vanodaro Mai Nyadzai vachibvunza mwana wavo mukomana uyo ainge ava nenguva akabata rushaya akagara muberere remba yavo yekubikira apo zuva raive rakamuteya pahuma zvokuti ukaona uri kure waigona kutoona semhanza izvo kwete.
" Kutovarairwa chaiko amai pamwe ndanga ndava kutobatirwa nehope ndakagara ipapa"anopindura Mashinge achida kuvanza chokwadi chezvaaifunga kuna amai vake.
"Uchikotsira wakasvinura here iyewe, ndamira chaizvo pano asi handina kuona wakakotsira zvakare wadavira kamwechete pandakubvunza wani.Unoreva here kuti watopepuka nekutodaira mubvunzo wangu?"Vanotaura mai Nyadzai vatarisa mwana wavo mumboni yeziso chaimo .Mashinge aisada zvekuswerobvunzwa nyaya dzake kunyanya nevanhukadzi nokuti aiziva kuti vakadzi vazhinji havana hana yakasimba uye pane zvaaiva achifunga zvacho aiva asati ava neumbowo hwakakwana yaingova fungidziro uye kuronga nekurongonora zvaive mumusoro make zvekuti kunyangwe zvazvo aizofunga kuudza amai vake aizoonekwa seanotaura zvekutungana kwembudzi .
"Amai mapedza here kubika sadza ndave kunzwa nzara ini" anotaura Mashinge achiedza kupukunyuka munyaya iyi .
"Hongu rako ndasiya mundiro iri pamusoro petsambakodzi iri pachoto mubikiro umo uye ndabika nyama yemhara yawakabva nayo kunovhima iye saka wozviburirawo usavi wega"vanodaro amai vake.
"Ko madii mangopakura kamwe zvose amai?"Anobvunza Mashinge.
"Kwete handingaburiri vahombarume usavi hwawakanodzimba pauzima ingave rumbidzo here?"Vanopindura mai Nyadzai vachiseka havo.
"Hazvina mhosva amai kunyangwe dai mapakura zvose sadza nenyama, ini handina nhongwa sedzaNyabere ka ini "anotaura ndokubva vose vamboseka havo.
Nyabere aivamumwe murume wemuzinda uyu waMambo Gupuro uye aizivikanwa chaizvo pakuva mhare mukukanda miseve nepfumo zvekuti vaienda naye kunovhima vaitaura kuti murume uyu aibudirwa kana yasvika nguva yekurwisa mhuka yenyama kana chikara chavaizosangana nacho musango.Nyabere aivawo jinda ramambo Gupuro nokuti vaive vakachiva umhare hwake uye nguva zhinji aiunzira mambo wake mhuka zhinji dzavaida paaienda kunovhima.Nyabere airuta chaizvo zvaizivikanwa nedunhu rose.Vavakidzani vake vainge vambonomumhangarira kwaMambo nokuda kwemarovero aainge amboita mudzimai wake rimwe zuva.Vazhinji vainge vava kuziva kuti Nyabere akaenda kunovhima anouya nenyama yake yosasikwa pachoto nemudzimai uye kubikwa zvakare naMai Manyemba anova mudzimai wake.Nhamo yaizouya kana chikafu chaibva ,Nyabere aitoda kuzvipakurira ega uye pakubikwa kwenyama aipota achiravira hari iri pachoto zvakazomboita aripiswe rimwe gore ashanyira madzitezvara ake.
Musi waazorova mudzimai wake ainge anonoka kubva kwaRuvhunambwa uko kwaive nemabiko ekupemberera mwenga saka Nyabere aiva azoita wekupedzisira kubvako sezvo kwaive nedoro ndivo vakaita ana musiyadzasukwa kumhemberero iyi.Nyabere akazotouya jongwe rarira kekutanga ndokusvikovhura imba yokubikira umo maakasvikonanga muhadyana chaimo sezvo aiva asiya araira mudzimai wake kuti azobate kamwe kachongwe kainge kanetsa nekusabva kumamana avamwe azokaite usavi.Zvaakasvikovhura hadyana iye anoverenga nhindi dzaivamo ndokuona shanu chete uye chidya chaiva chimwe chaive chasiiwa.
Nyabere akasvikorova mudzimai wake achida kuziva kuti nhindi dzaive shoma sei uye nyama yechidya chechipiri yaive yadyiwa naani.Mukadzi akapindura kuti yaive yadyiwa naManyemba mukomana aiva dangwe rake izvo zvakamushatirisa ndokurova mudzimai wake achiti pano pana baba umwe chete.
Zvakaendeswa Nyabere kwaMambo hakuna kutaurwa zvakawanda bodo ,mambo vakangoti aripe mudzimai wake nedunzvi rembudzi uye vakamuudza kuti havaizoda kunzwa matakanana akadaro zvakare.
Nyabere akazongonyepa kuti hwaiva hwahwa asi vanhu vakati zvavo bvu-u kuseka sezvo vaimuziva kuti nekuruta kwake dai asina kuitwa muvhimi aiita seachabata vanhu vachifamba kuita nyama.Kune vose vaiita mabiko avo ,vaiti vakasadaidza Nyabere kuzodyawo nekunwa nevamwe aitoisa muromo mumhino nokuti aiona seadarikwa chaizvo Pamabiko vaimuziva kuti kana achinge anwa uye hwahwa hwave mumusoro airimbinyuka kudzana sebenzi sezvo nyadzi ainge atotanda kare.
Vanhu vaifarira Nyabere nokuti aiva munhu anofara nevamwe kazhinji maizopesana nenyaya dzenyama chete ndokunge wada kumutsvata.
Maitiro aNyabere aya ndiwo akaita kuti mai Nyadzai naMashinge vaseke pakataurwa zita remurume uyu.
"Kubva zvakanaka chipinda udye sadza rako risati rapora" vanodaro mai Nyadzai.
"Zvakanakai amai" anotaura Mashinge achitopinda muimba yokubikira.
Mashinge aive uno mujaya akayamwa akaguta.Aive akasimba muviri wake uye aine maoko ane simba guru zvekuti aigona kutosimudza chigotora chembudzi neruoko rumwe chete.Aiva aine makumbo akasimba sematanda chaiwo uye tsoka yake yaive yakareba zvekuti zvindumurwa zvevana zvingangoita makore mana zvitatu zvaigona kutobatanidza makumbo azvo ose kusvika patsoka yemujaya uyu .Yaizongoyevedza kutarisa nokuti Mashinge aifarira kutamba nemvura uye kukwesha man'a izvo zvaimusiyanisa nemamwe majaya emuzinda uyu.Mukomana uyu aiva mushava uye aine chiso chipamhi izvo zvaimudema kuita mujaya akatsvinda zvaivaraidza mhandara zhinji dzemuzinda uyu.Mashinge aiva munhu aifarira kugara achifara uye aiti akawana chinomunetsa zvaisavanzika semhanza yembudzi izvo zvakazoita amai vake vabvunze pavainge vamuwana akabata shaya muberere remba.
Mashinge ainge ava nemakore gumi nemapfumbamwe asi uchimuona waigona kutofunga kuti zvimwe apfuura makore aya nokuti aive akagwinya chaizvo.Mashinge ainge ariwo mhare pakurwa uye ari mwanakomana wechipiri uye wemukadzi wechipiri zvakare wamambo Gupuro sekuziva kwevazhinji.Mumba mavo vaive vari vatatu, vakomana vaviri nemusikana umwe chete anova dangwe rainzi Nyadzai.
Nyadzai yaive yava mhandara yasvika zvokuti kana munhu akanzwa kuti abuda munhanga hazvaikatyamadza sezvo aiva ava nemakore makumi maviri nerimwe chete.Ainge asati ava newaaifambidzana naye nokuti mutemo wemumuzinda wavo waibvumidza mhandara kuzoroorwa dzasvika makore makumi maviri. Zvakasvitsa Nyadzai makore ekuti achiwanikwa haana kukwanisa kuita sekudaro nokuti vanasikana vemadzimambo vairoodzwa kumhare dzineupfumi uye dziri machinda emadzimambo ivavo kuitira kusimbisa ukama kana kuroodzwa kuvanakomana vemadzimambo akapoteredza avanodyidzana navo.Zvino mutambo uyu wekusarura vadiwa vekumisa navo misha waiitwa kupera kwemakore maviri ega ega uye gore rainge rapfuura wainge waitwa zvaireva kuti waizoitwa zvakare kupera kwegore raizotevera.Mugore rapfuura Nyadzai aive atadza kuroorwa nekuda kwekuti ainge arwara nechirwere chakashungurudza vazhinji chaizvo nokuti ainge angorwara kwemazuva matatu chete akaitwa mutambo iwoyo uye n'anga yaMambo iyo yainzi Mambwide yaive nemukurumbira chaizvo mukurapa zvirwere zvakasiyana siyana yainge yazvitadza ikakanda mapfumo pasi pamberi pevazhinji.
Mubure aiva svikiro remudzimu waMambo aive ane nguva asiri kuonekwa pamuzinda kubva musi waakagadza iye Gupuro pachake umambo mushure mekufa kwababa vake Chinanzvi.
Kushaikwa kwesvikiro uku kwakaita kuti mambo Gupuro vatange kuvimba nen'anga iyi yainzi Mambwide uyo wavakaratidzwa nemudzimai wavo wekutanga ainzi mai Rukuvhute avo vainge vazivana nen'anga iyi kubva kare asi mambo havana chavaiziva vakatoona mazano ari marayiranwa sezvo shoko rainge rabva kuhosi yavo rekushandidzana naMambwide.
Kurwara kwakaita Nyadzai haana kuzokwanisa kuendawo kumutambo kwaisarudzwa vamwe izvo zvakapa vahosi mukana wekuendesa mhandara yavo yaiva mwana wechipiri yainzi Svotwai kumutambo kuti asarudzwe nanevanji waMambo Dzinotunga vaive kumavirira kwemuzinda wamambo Gupuro aive auya achitsvaga angamuburitsawo mugota.
Svotwai aive chipukandipemwenje chemusikana. Aive akasviba setsubvu chaidzo ayine musoro bandamba pakukura wakaita zvekureba sebudzi. Kurega ndumurwa dzichiti maziso tsve-e kwaari , dzaigona kutiza dzabatwa nebuka nekuti chiso chake chaive chakashata sendove yatsikwa nenyatera dzebhinya. Icho chimiro chake ainge asina kuurungana zvekuti aiita sekuti umwe mudzimai akabereka musoro, umwe dumbu uye umwe makumbo nemaoko ndokuzobatanidzwa kuumba munhu.
Mai Rukuvhute vainge vaine shanje kuna Nyadzai uyo aiva chipedzanyota chemajaya mazhinji zvokuti aiti akanyemwerera nemazino ake ainge akaita mukaka kuri kuchena, majaya mazhinji aiona chiedza chenyeredzi masikati machena.Shanje dzavahosi ava ndidzo dzakaita kuti varongere Nyadzai vachishandidzana na Mambwide kuti arege kuwanikwa na Zorodzai mwana waMambo Dzinotunga.Vaitoziva kuti vakasadaro yaitotorwa chete mhenya yemwana iyi.
Zvakaendeswa Svotwai kumutambo airimbinyuka kutamba zvokuti aita seachadambura nhembe ari pamberi pedzimwe mhandara kuti Zorodzai amuone asi mukomana uyu aitosemburwa nekuona Svotwai uye aiedza kutarisa kose kose kuti zvimwe angagona kuona Nyadzai sezvo aimuziva asi haana kuona chinhu.Akazokwenya umwe mwanakomana waMambo Gupuro anova nevanji, zita aidanwa kunzi Rukuvhute padivi ndokumubvunza nezvaNyadzai asi akanyeperwa kunzi Nyadzai ainge ari kurwara nepamuviri perimwe jinda saka aigona kungotora zvake Svotwai nekuti Nyadzai ainge ava gura remunda.Zorodzai haana kubvumirana nemashoko aya asi iye haana kuzviratidza kuna Rukuvhute.Akatenda ndokubva ati,
"Waita basa hako shamwari wandiudza ndinonotaura sekudaro sezvo anga achidiwa nejinda rekwangu zvino zvakona" akataura Zorodzai achinyepa hake .
"Ko iwe wavingei kana usingasarudziwo chipondamoyo chako pano.Kufamba mutunhu wakareba kubva kumuzinda kwenyu hakusi kuratidza kuti unodawo wako here?"Anobvunza Rukuvhute.
"Ini ndichiri mudiki kuti ndikwanise kuroora ndine zera rimwero nemunin'ina wako uye"anodaro Zorodzai achireva zera rimwechete naMashinge.Kwaitova kunyepa nokuti Zorodzai ainge akatoenzana naRukuvhute .Vose vaive vaine makore makumi maviri nematatu asi Zorodzai akaona zvakakodzera kushandisa nhema sechombo chekumudzivirira kumibvunzo iyi.
Nhaurirano yose yavaiita iyi yaive munzeve dzaKundai munin'ina waMashinge aive nemakore gumi nemashanu.
Mai Rukuvhute zvakavarwadza kuona Svotwai asina kusarudzwa na Zorodzai uye vakaudzwa naRukuvhute kubvunzwa kwainge kwaitwa Nyadzai pamutambo naiye Zorodzai vakasafara nazvo asi vakangoti tichaona kunowira tsvimbo nedohwe asi vainge vapika kuti mwanasikana wavo ndiye aifanira kubuda munhanga Nyadzai asati abudamo.Upfumi hwaiva namambo Dzinotunga vaihuziva izvo zvakaita vade kuti Svotwai anoita muroora wavo kwete Nyadzai.
*KUPERA KWECHITSAUKO 1*
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
40