PHIBIE ALL NOVELS
February 5, 2025 at 09:17 AM
_Mangwanani akanaka vaverengi. Ndakuigirai channel yemufanha wangu ndovimba munomuziva *JOHN MANDONGWE* ane book rinonzi *DZINDE RECHIRANGANO* raarikunyora izvezvi kuchannel kwake saka ngativerengei ZVITSAUKO 3 zviri pazasi apo kana wanakirwa FOLLOW CHANNEL Yeke iyo unonzwa zvizere_ ⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *DZINDE RECHIRANGANO* _*NEW BOOK 2025*_ 🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹 *CHINYAKARE NOVELS*    ∆∆ Read and share ∆∆ WRITTEN BY JOHN MANDONGWE 🪀 +278454121O5 🪀+263779698O11 🪀+277453O56O2 *CHITSAUKO 1* MUMUZINDA WAMAMBO CHOMUNORWA Ruvarashe ayinge agere zvake pasiwo remba yaamai vake yokubikira apo achinge akabata shaya pfungwa dzake dziri muchakasara chesango. "Mukoma hanzi naamai ndinoda mvura yekunwa ndiri kutadza kusvikira mukombe kuti ndivatekere" akadero Chiedza akabata bendekete ramukoma vake. Ruvarashe achinzwa izvi hana yake irorova kamwe chete achibva asimuka ndiye kumanya achipinda mumba umo maakabva asvikotekamvura iya kwakupa amai vake avo vaiva panhovo. "Chinwai amai, chiregai kuchema munopora" akadero Ruvarashe achiyedza kuisa mukombe pamuromo paamai vake avo vakabva vanwa huro imwe chete varere kudero. "Yakwana yandanwa mwanangu , svedera pano ndoda kukutuma kuna amai vangu kumuzinda kwamambo Macharinga. Inda unovaudza kuti ndarwara  ukasire kudzoka" vakadero amai. Ndikainda inini amai munosara nani  tarisai kuti vamwene venyu navatezvara havasati vambotsika gumbo revo pano kubva zvamarwara" akadero Ruvarashe. "Mwanangu ita zvandareva ndinosara  naiyeyu Chiedza", Vakadero amai vachiratidza kuti zvedi nyama dzavo dzavarwadza. "Ndazvinzwa amai regai ndiinde asi nzira handichanyatsoziva ini amai ndakagumisira kare kare kuinda kwambuya ndinofamba sei?" Akadero Ruvarashe apo amai vanomurondedzera ndokubva mwanasikana asimuka ndiye kubuda mumuzinda akananga kumuzinda wamambo Macharinga. Akafamba mwanasikana ariega uyo asina kana kupindwa nekutya bodo......... Ruvarashe ayinge akazvarwa  vari vasikana vaviri chete iye nemunin'ina wake uyo ainzi Chiedza. Ayinge ava mhandara Ruvarashe  apo vazhinji vezera rake vainge vapera kumisa dzavo dzimba.  Kana pachitaurwa nezvetsvarakadenga , vanasikana vanaku vakazvarwa nyadenga achida ayitanga kutaurwa nezvake ndiRuvarashe. Mwanasikana ayiti paapfuura machinda , majaya ayisara achinanzvira maromo kana ari meso anenge achimuti dzvoko iye nekufamba haachagone kuri kusvoda apo aibva ashaiwa kana nemufambiro. Vangava vakadzi chaivo kunyangwe vamwe vasikana vaigutsurira misoro yavo kana vamuona achipfuura apo vachisara vachirumbidza runako rwake. Machinda mazhinji kwazvo ayimuda Ruvarashe  asi nekuda kwerunako rwake vaitya kusvika padyo naye. Izvi zvakasvika pakunetsa Ruvarashe kuti nezera raainge ava naro painge pasina kana jinda rimwe chete zvaro rainge rakambosvitsa shoko kwaari. Mazuva akasvika pakupindana kusvika apo vezera rake vapera kuroorwa iye asina kana kumbosvitswa shoko zvaro. Amai vakewo vakambomubvunzawo nezvazvo avo vainge vanguriwo vanetseka kwakubva mwana avaudza zvaivapo kuti handina kana akambondisvitsawo shoko. Nekudero mazuva ayifamba apo Ruvarashe  zvichingoramba zvichimudya moyo asi amai vake vaimusimbisa kuti nguva ichakwana. Baba vake vainge vakainda nyikadzimu angosara naamai chete.  Kufa kwakaita baba vaiye Ruvarashe kwakarwadza ruzhinji nekuti havana kumborwara nguva refu. Baba vaRuvarashe vaiva vakangozvarwa vari zai regondo asi zvakaitika pavari zvinokatyamadza. Amai vakakumbira mwanakomana wavo kuti _ndokumbirawo kugara nemuzukuru_  kureva Ruvarashe. Mwanakomana wavo akabva anotaura nemukadzi wake kwakubva mukadzi abvuma asi mwanasikana akabva aramba kunogara nambuya achiti pavanosimborara ikoko anonzwa zvikiti zvichichema mumba. Ruvarashe akayedza kunyengetedzwa asi akarambisisa kusvikira baba vanoudza amai vavo kuti mwana arikuramba asi baba havana kutaura chikonzero chairambira mwana. Amai vachinzwa izvi vakabva varwadziwa vachiti mwanakomana wangu shuwa here kundinyima muzukuru wekugara naye. Nekudero amai vakabva vafunga kuuraya mwanakomana wavo apo vanodaidza rimwe jinda rainzi Chineunye iro raiva shamwari yababa Ruvarashe. Vakataura naChineunye kuti avabatsire kuuraya mwanakomana wavo apo Chineunye akambotanga achiramba ndokubva anzi ndokuripa nemombe mbiri kwakubva abvuma kuuraya shamwari yake. Chineunye akabva apihwa mushonga uyo waakanoisira shamwari yake mudoro kwakubva baba vaRuvarashe vanwa kwakubva varwara kwemazuva mashanu chete ndokubva vainda nyika dzimu. Ndiwo mufiro wakaita baba vaRuvarashe zvinova zvisina ani nani akaziva kunze kwevaviri chete asi chinorwadza ndechokuti amai zvavauraya mwanakomana wavo umwe chete moyo wekubereka wakatanga kurwadza apo vakabva vatanga kupumha muroora wavo kuti ndiwe wauraya mwanakomana wangu ndokutanga kuvenga muroora wavo.  Chineunye akabva azouya kumuripo wake asi nekuda kwekuti amai vainge vava kurwadziwa nekufa kwemwanakonana wavo vakabva vatanga kutsika tsika vava kusada kumupa muripo wake. Nekufambawo kwemazuva pamwe chete nemwaka muroora vanova Mai Ruvarashe vakabva vatangawo kurwara. Rakapinda shoko munzeve dzavamwene  navatezvara  rekurwara kwemuroora. "Ngaafe sezvakaita mwana wedu hatiguriko , tichagurako chete kana ava chando tava kunoviga" vakadero vamwene vachitaura nemurume wavo zvechokwadi vaitorevesa sezvo urwere hwamai Ruvarashe rwakazonge hwanyanya asi avana kubvira vatsika gumbo ravo pamba pemuroora kusvika apo amai Ruvarashe vanotuma mwanasikana wavo kumusha kwaamai vavo kunova kumuzinda kwamambo Macharinga.  _______________________________________________________________ Mumuzinda wamambo Macharinga makamuka muchipfira pfira tumvura apo rimwe jinda rainzi Parwazenga rinotorana neshamwari yake iyo yainzi Kurai. Vaviri ava vainge vafunga kunovhima zuva iri avo vanotora zvombo zvavo ndivo kubuda mumuzinda nekusiwo guru. Vakati vachangobuda mumuzinda kwakubva mvura yawedzera kuniya avo vanoti tendeu kudzoka kumuzinda sezvo mvura yainge yonyanyisa kunaya. Vakati vachisvika pasiwo ndokunzwikwa mutinhimira mukuru kwazvo pamwe chete nekupenya avo vanobva vamanyira pachisasa chevarindi ndokunohwanda mvura. "Manga mafungepiko Parwazenga mamusiri kuona kuti  denga rakasunama here kana iro dehwe mukwindi ranga riri pakati apa kana kumboriona shuwa?" Akadero umwe murindi. "Zvipiko zvanga zviri mumeso asi kana kumbozviisa mumusoro, pfungwa dzanga dzatova kunyama kare zvamunoziva wani kuti kana kuchipfira pfira kudai mhuka dzinobatika",  Akadero Parwazenga. "Tigarirei pasi apa kusvika kwagasa, inhomba here vakomana imi" akadero umwe murindi achitoseka zvake avo vakatanga kuita nyaya vagere pamoto uku mvura ngaiwedzere zvayo. Vakagara kudero panoita munhu anopinda nepasiwo uyo wavasina kuona kuti ndiyani. "Varume ndiyani apinda uyo umwe ngaainde anoona kuti ndiyani asati asvika kumuzinda" akadero umwe murindi. "Kuri kunaya ikoku ndiyani anoinda iwewe mhanya" akadero umwe murindi avo vanotanga kukakavadzana kuti ndiyani oyinda apo varindi vakabva vatotanga kukandidzana mashoko ndivo simu umwe neumwe atobata pfumo rake voda kutorwa. Parwazenga ndiye akazosimuka kwakumira pakati pavo. "Varume mukarwa muri varindi kudero ko muvengi akasvika muchirwa kudai moita sei. Ndiwo marindiro amunoita here aya. Zvino masiya munhu achipinda mumuzinda kokana ari muvengi mambo munonovaudza sei. Ngatiti munhu uyo anosvikouraya mambo munopedza sei nhau yacho kana pobvunza kuti apinda nepi?" Akadero Parwazenga uyo ainge atosunga chiso. Varindi vose vakabva vawisa zviso pasi. "Handina kuti wisai zviso henyu ndangotaurawo. Chiregai ndokutarisirai kuti ndiyani , ndapota kana makarinda seizvi musarwa sezvamanga muchiita. Kana ari muvengi ndiri kudzoka naye asi kana asiri muvengi moona nekusadzoka kwangu" akadero Parwazenga achibva atotanga kufamba achitevera munhu uya. "Anogona kunge ari muvengi handingasare umwe wangu unganokuvadzwa" akadero Kurai ndokubva asimukawo kwakutevera umwe wake achimanya. Vakafamba zvechokwadi kwakunobata munhu uyo uyo aiva Ruvarashe. Parwazenga achiri nechokure anoona kuti munhu arimberi kwangu musikana ndiye kufambisa. Ruvarashe arimukufambisa anonzwa kubatwa bendekete ndiye cheu atomira. Parwazenga anotadza kuziva musikana asi kana izvo zvipfeko haana kuzviziva kuti ndezvepi sezvo zvainge zvanyorova asi chaakangoziva ndechokuti haasi wemumuzinda wavo. Anoita nguva refu akamutarisa ukuwo Ruvarashe wacho aingewo akamutarisa kureva kuti vainge vachitarisana mumeso chaimo uyu Kurai aiva nechepadivi. "Unonzani mwanasikana, uye urikubvepi uchiindepi kuri kunaya kudai?" Akadero Parwazenga mushure mekanguva. "Ndinonzi Ruvarashe , ndabva kumuzinda wamambo Chomunorwa ndirikuinda kumuzinda wamambo Macharinga ndatumwa naamai vangu vari kurwara. Ndinokumbirawo kuratidzwa kumuzinda wamambo Macharinga" akadero Ruvarashe apo Parwazenga akambotora kachinguva asati apindura uyo ainge ayeverwa nerunako rwemwanasikana urwo rwainge rwatora moyo wake. "Amai vako vanorwara?, vari ukunzwei  uye ungakwanisa here kuti ndiinde newe ndino rapa amai vako?" Akadero Parwazenga achiratidza kurevesa. "Chiri kurwadza amai vangu handichizive asi vanongoti muviri wese. Kuti amai vangu varapwe ndinoda asi hazviite kuti ndidzokere nemi kumuzinda ndisati ndasvika kwandatumwa kumuzinda wamambo Macharinga", akadero Ruvarashe. "Muno ndino mumuzinda wamambo Macharinga , mvura yava kutoperera pamuviri pedu handei kumba tinotaura zvizhinji" akadero Parwazenga achibva anenekedza ruoko mberi kwaRuvarashe icho chaiva chiratidza chokuti famba.  Vakatanga kufamba avo vakanonanga mugota raParwazenga umo mavakasvikopinda apo Ruvarashe haana kana kupinda nekutya bodo asi akatofara kuti ndasvika kwandatumwa naamai vangu. Vakati vapinda kudero vari vatatu Ruvarashe akaratidzwa pokugara ndokubva agara apo mumba makamboita karunyararo kwakuzonzwikwa kutaura pava paya. "Ruvarashe ini ndoitwa Parwazenga uyu ishamwari yangu anonzi Kurai" akadero Parwazenga. "Ndafara nekukuzivai , munozivawo vanonzi mbuya vaRuvarashe here kana kuti mbuya vaChiyedza muno mumumuzinda" akadero Ruvarashe apo Kurai neumwe wake vanotarisana. "Kwete ini ndatadza kuvaziva , hapana rimwe zita here uye vaita sei?" Akadero Parwazenga. "Ndokwandatumwa naamai vangu ndakanzwa kuti vakachinja pavaigara. Pamwe moziva zita rasekuru vanonzi VaMacheza" akadero Ruvarashe. "Hongu VaMacheza ndovaziva , muvakidzani wedu chaiye dai kusiri kunaya ndatokuratidza. Tikavadana tiri pano vanozvinzwa , ndiyani wako" akadero Parwazenga. "Ndisekuru ndivo vandauya kuudza kuti amai varwara" akadero Ruvarashe. "Zvino vakadzoka here kwavakainda, ndakanzwa kuti vakainda kumuzinda kwamambo Zindoga" akadero Parwazenga. Vakataura dzakawanda apo Parwazenga anotanga kubvunza matangiro akaita urwere hwamai Ruvarashe uyo anorondedzera. Mukutaura kwavayiita Ruvarashe na Parwazenga vaipota vachidhumanisana zviso apo Kurai ayingosekerera hake uyo ainge atova nerizere kuti apa paita rudo zvechokwadi rwainge rwatobvira moto asi chaishamisa ndechokuti hongu moto wainge watobvira nenguva diki diki asi huni dzacho dzainge dzisati dzavapo. Zvisinei mvura yakazogasa ndokubva Ruvarashe aratidzwa pamba paambuya vake apo Parwazenga anonzwikwa kutaura. "Uri kudzokera rini?" Akadero. "Nhasi nekuti ndasiya amai vasina anotarira" akadero Ruvarashe. "Kana wodzokera undiudze uuye pano pamba ndikuperekedze ndoda kunorapa amai vako" akadero Parwazenga. "Ndinoita sekudero, ndingashaya kuti ndokutenda nei Parwazenga kana amai vangu ukavarapa vakararama" akadero Ruvarashe misodzi yoda kutoyerera uyo akabva akasika kucheuka ndiye kutanga kufamba akananga kumba kwaambuya vake. Ruvarashe akasvika pamba ndokugashirwa neumwe musikana akainzana naye , ndiri kuresva kuona here , ndiRuvarashe here uyu?" Akadero musikana uya uyo aiva rugotwe pamba apa. "Ehe ndini mainini" akadero Ruvarashe achipinda mumba ndokusvikogara pasi. "Ko nhai mwana wemukoma wangu  zvaurikuita sekunge uri kuchema kwakanaka here?" Vakadero mainini. "Ambuya varipo here nasekuru, mai varikurwara vati mbuya ngavauye" akadero Ruvarashe achibva atowedzera kuchema uyo ainge atangira kuchema pamberi pana Parwazenga avo vasina kuzviona. "Sekuru naambuya havapo asi vanogona kudzoka nhasi kana mangwana, ko vaitwa sei mukoma wangu varwara nei?" Vakadero amainini. "Vanongoti muviri wese .............." Akadero Ruvarashe uyo anorondedzera zvose izvo zvakarwadza amainini kunzwa kuti vana vamwene havasi kuuya kuona amai. "Zvino vana mbuya havapo kuti inini ndiinde newe tarisa pwere dzandiinadzo pano idzi hazviite asi vanambuya vachingosvika tobva tainda  hameno anosara nevazukuru ndiyani sekuru kana inini" vakadero amainini. "Hazvina kuipa amainini , uye inini handichatomiri shoko ndakusiirai chiregai ndimanye sezvo amai vangori naChiedza chete. Chiedza hapana chaanoziva mwana mudiki uye amai kufamba chaiko kana kumuka pavavete havachagoni panoda munhu mukuru aripo" akadero Ruvarashe uyo anonzi mira umbodya asi anoramba sezvo ainge oda kumanyira kuna amai vake. Kusara kwakaita Parwazenga naKurai vanosara vakatarisa mwanasikana uyo ayiita kuchukucha chivakashure zvekuti Parwazenga akasiya padiki diki kutevera anosvitsa shoko rerudo. "Kurai ndawana mukadzi wekuroora mwanasikana uyu ndazvipira kuinda naye kumuzinda kwavo ndinorapa amai vake nekuti vakandizvarira tsvarakadenga ndamuda mwanasikana uyu" akadero Parwazenga. "Ndazviona kare kuti rudo rwapfuta apa ndinokuperekedza hangu. Asi nemunakiro waakaita uyo haana mukomana here?" Akadero Kurai. "Ndonozvinzwira mberi umwe wangu, kana ayinaye mukomana ndotangira ipapo ndotsvaka umwe asi Ruvarashe ndamuda kutaura chokwadi. Kudai akasandirambawo hake" akadero Parwazenga asi Kurai asati apindura vanonzwikwa pasiwo kugugudzwa. Ruvarashe ainge anzwa zvainge zvataurwa naParwazenga asi anoita kunge pasina chaainge anzwa. "Ndava kuinda  , ambuya nasekuru ndavashaya" akadero akamira pasiwo apo Parwazenga akabva nzwikwa kutaura. "Hande Kurai" akadero Parwazenga achitora nhava yaiva seri kwesiwo iyo yaiva nemishonga yakasiyana siyana ndokuisa kumusana. Anotora zvombo zvake kwakubereka avo vakabva vabuda mumba umu ndokutorana naRuvarashe kwakutanga kufamba vakananga kumatanga. Mvura yakabva yatanga kuniya zvakare asi havana kuiteerera apo vakasvika ndokutora umwe neumwe mbongoro yake. "Kwira apa Ruvarashe tiyende" akadero Parwazenga achimuratidza mbongoro ndokubva akwira naiyewo kwakukwirawo kureva kuti vakatasva mbongoro imwe chete kunze kwaKurai chete uyo aiva pane yake. Vanonanga kusiwo guru uko kwavanosvikomisa mbongoro dzavo, haasi muvengi machinda rindai zvakanaka" akadero Parwazenga ndiye kusimudza mbongoro idzo dzinomanya dzakananga kumuzinda wamambo Chomunorwa.................................. ____________________________________________________________ MUMUZINDA WAMAMBO MACHARINGA _"Mwanangu , ijambwa here?. Munyama here, chimbori chiyi chaizvo?" Vanorinzwa inzwi shure kwavo mambo Macharinga apo varipakati pechakasara chesango ndivo kucheuka kwakuona vari baba vavo nyakutaura. "Aaa baba ndimi, ko mauya nguvai uye mabva nani kumuzinda. Hamutye here zvikara zvesango nhai baba ko mukadyiwa ndinosara nani?" Vakadero mambo Macharinga vachifamba kunogara painge panogara baba vavo pamusoro perimwe imbwe raiva pasi pemuhacha. "Rwangu rwendo ndakafamba ndikasvika , iwewe yako nzira haisati yavapo. Ndimbokubvunzawo mwanangu?" Vakadero baba. "Muri kurevei baba, Moda kundibvunza nezveyi? Bvunzai henyu" vakadero Mambo Macharinga. "Zvikanzi wapihwa rimwe ziso retatu unoda here kuwedzera pane maviri awuyinawo?, ndingatoti kuwedzerwa pane rimwe chete rauyinaro nekuti handiti rimwe harichaoni here" Vakadero baba. "Hongu rimwe ziso rangu ibofu harichaone asi nhai baba ndingaita munhu here ndikava nemaziso matatu, muri kuda kurevei nhai baba?" Vakadero Mambo. "Ndabvunza mwanangu nekuti ndaona kuti uri kuda rimwe pane ayuyinawo. Ko iwewe rimwe ziso retatu unoridii nhai mwanangu?. Unoda kuti vazukuru vangu vazosara nani tarisa dzichiri pwere. Kana kuri kuona kwemeso waregerei kuti zvive zvemeso muromo wonyarara zvawo". Vakadero baba. "Baba handina kana chimwe chete chandabatanidza pane zvamataura. Muri kuyedza kurevei taurai nemutauro wandinonzwa baba" vakadero Mambo Macharinga.  "Handichina akawanda mwanangu asi muchidimbu ndirikuyedza kuti ngazvive zvemeso muromo zvinyarare , Zvingava zvinoyevedza sei kana zvinorwadza sei chingoziva kuti mhodzi neruva rawakapihwa ndizvo zvako chirega kutsvaka zvimwe nekuti ringava pfumo ringazokutonhodza. Cheuka divi rerudyi" vakadero baba apo mambo vanocheuka avo vanoramba vakatarisana uko kwavairatidzwa kuti pane chiri kuvayevedza avo vaiona mwanasikana munaku kwazvo uyu wavasina kukwanisa kuziva kuti ndiyani uye havanawo kubvira vakambosangana naye kungava kupi zvako.  Baba vakabva vanzwikwa kutaura. "Munhu iyeye ndiye chete akabata upenyu hwako kana ukakwanisa kutevedzera zvandareva. Shoko rangu  mwanangu nderinoti hoyo moto muziso , ndatarira mberi neshure ndichitsaka avesa moto uyu apo ndikaona paita *DZINDE RECHIRANGANO*  Ndacherechedza chiso kuti ndiwone kuti ndiyani nani vavaki vedzinde iri asi ndazoshaya kuti ndoramba ndakaringa papi sezvo ndaona zvipoka zvipoka zvandaverenga zvikaita zvitatu kana kuti zvina zvanga zvichisungirana zvivimbiso apo pazobva DZINDE RECHIRANGANO nekuti pazoita musununguri kana kuti vasununguri izvo zvaita kuti ropa zhinji kwazvo rideuke uye mapfumo nemapakatwa ashande basa" vakadero baba. "Baba pazvose zvamuri..............................."_ Mambo Macharinga vanoti pepu mushure mokunge vazununguswa nemukadzi wavo. "Muri kuti baba baba varipi, kudaidzira kudero zvandanzwa ndiri kubakwa uko zvaita sei murume wangu?" Vakadero mambokadzi izvo zvakaita kuti Mambo vamuke ndivo kugara pasi vakabata shaya. "Changamire wangu, mabva matowisa chiso pasi kwakanaka here?" Akadero zvakare mukadzi uyo ainge otoratidza kushushikana. "Ndanga ndichirota ndiina baba vangu. Vataura mashoko akawanda kwazvo asi inini handina kana rimwe chete  randakwanisa kubatanidza ndikanzwisisa" vakadero Mambo vakabata chirebvu chavo apo vanobata mhanza yavo ndokutanga kukwenya uko kwaiva kuratidza kufunga kukuru kwazvo. "Zvino zvamatadza kunzwisisa mashoko emushakabvu ririro ziso rinoona zviri seri kwembwe. Ndakambonzwa muchiti jinda guru renyu rinoziva kududzira hope madii kunomurondedzera zvimwe pada angakwanisa kukupatsanurirai" vakadero Mambokadzi. "Kwete hope idzi hadzifanirwe kuzivikanwa  neruzhinji ndingatoudza iwewe sezvo panguva ino ndayedza kudzidzeya ndava kuziva chidimbu" vakadero Mambo. "Ndateerera marotei Samanyanga?" Akadero mukadzi apo Mambo vakabva vatanga kurondedzera hope dzavo kusvika vapedza apo Mambokadzi vanonzwikwa kutaura. "Handina chandanzwisisa murume wangu, ko  Dzinde rechirangano riri kurehwa rinobva pachivimbiso chei uye chivimbiso chaitwa nani nani pamusoro pei? Koiye mwanasikana wamaona wamanzi ndopane upenyu hwenyu hwese ndiyani uye upenyu hwenyu hunozoita paari sei?" Vakadero mambokadzi. "Mukadzi wangu hope idzi dzinenge dziri kureva kuti mazuva okufa kwangu anenge asvedera dai zvaibvira ndainda hangu nyikadzimu ndava nevana vashanu Saka chava chikumbiro kwauri kuti undiitirewo vana ava. Sekuona kwangu uyo musikana wandaratidzwa ndinofanirwa kumutsvaka sezvo anzi ndiye ane upenyu hwangu" vakadero Mambo. "Kana mamuwana moita sei?" Vakadero Mambokadzi. "Baba vanenge vanga vachindiratidza mukadzi Saka ndikamuwana ova mukadzi wangu wepiri nekuti chero pandamuona kuhope nyama dzangu dzamanya manya ndatanga kufambwa nemasvosve" vakadero Mambo izvo zvakaita kuti Mambokadzi vabate muromo wavo. "Pahope dzamarondedzera panhau yemusikana uyu handina kunzwa kuti ave mukadzi wenyu ini koini munenge mandishora chiyi nhai murume wangu?" Vakadero Mambokadzi vatowisa chiso. "Kwete ndinenge ndisina kukushora asi kuti mubatsirane kundiitira vana vasvike vashanu ndisati ndafa sezvo hope dzangu dzataura kuti ndava padyo nekufa" vakadero Mambo avo vairatidza kuti zvechokwadi havana kutombobvira vakwanisa kubatanidza hope dzavo. Kudai vaiziva kuti zvacho zvavarikuti ndozvirikurehwa pahope sandizvo uye vazvarikuda kuita zvacho kutopokana nemashoko ababa vavo. "Kana vari vana ndinoita zvangu inini vose vamunoda , uyo musikana siyanai naye, kutosiyana naye kwamunenge maita ndiko kuchengetedza upenyu hwenyu ndokunzwa kwandaita sendanzwa pahope dzenyu" vakadero Mambokadzi avo vainge vachinyatsojekesa hope apo mambo vanoramba vakatarisa panhu pamwe chete ndivo kutaura havo nechemumoyo mavo. _Kwete tsvarakadenga yemusikana yandaona apo ndofanirwa kuitsvaka, nerunako rwake anofanirwa kuva mukadzi wangu wepiri_ vakadero Mambo ndokusimudza musoro wavo kwakutarisana nemukadzi wavo. "Ndazvinzwa zvawareva mukadzi wangu regedza ndisiyane naye asi iwewe wochindiitirawo vana vashanu vandiri kuda" vakadero Mambo vachinyepa avo vaingoda kuti mukadzi wavo afunge sekuti vanzwa asi ivo vainge vatozvipira kutsvaka tsvarakadenga yemusikana iyi. Mukadzi achinzwa mashoko emurume wake akabva asimuka kwakunomumbundira avo vakabva vambundirana. Vachitori vakambundirana kudero mambo vakanga vava kutofunga kuti tsvarakadenga yemusikana yavainge vatorwa moyo nayo iyi kuhope vangaiwana kupi chaizvo. Musiwo wemba unonzikwa kuvhurwa zvine ukasha , Mambokadzi namambo vachitori vakambundirana avo vanocheuka kwakuona riri svikiro ravo iro rakaita zvarainge risati ramamboita kusvika richirova musiwo zvineukasha seizvi. _Handina akawanda kwauri Macharinga , baba vako ndovimba vapedza mashoko angu ose. Naizvozvo teerera mashoko iwayo zviri kwauri kufuka kana kuwarira dahunha nderako. Chandauyira pano ndinoti Mambokadzi ndine urombo kwazvo asi nhau yavapo ngazvive zvemeso muromo zvinyarare..........._ rakadero svikiro richibva ratotendeuka ndiro kubuda mumuzinda apo mambo nemukadzi wavo vakangosara vakatarisana pasina aitaura neumwe apo mambo vanotanga kurangarira hope dzavo apo vanorangarira pavaiona tsvarakadenga chete. Hongu Mambokadzi vayinge vakanaka  zvavo pachiso  asi kwete zvekuinzaniswa netsvarakadenga yainge yarotwa namambo iyo yavainge vava kuinzanisa nayo pamukadzi wavo. "Tatenderana here murume wangu kuti hamusi kuroora umwe mukadzi" vakadero Mambokadzi apo Mambo vakangosunga chiso pamwe chete nekuridza tsamwa zvinova zvakashamisa mukadzi wavo uyo anonzwikwa kutaura. "Zvaita sei mur........" Haapedzisi kutaura Mambokadzi mushure mokunge muromo wavharwa neganyamuto iro rakabva kumurume wavo. Vainge varohwa neseri kweruoko Mambokadzi zvavainge vasati vakamboitwa nemurume wavo kubva vachigara vose...................................... KUPERA KWECHITSAUKO 1 ______________________________________ CHITSAUKO 2 MUMUZINDA WAMAMBO CHOMUNORWA Kuchamhembe kwakadziva kumavirira kwemuzinda wamambo Macharinga ndiko kwaiva  nemuzinda uyo wamambo Chomunorwa. Muzinda wamambo Chomunorwa waiva wakavakirwa pedyo Negomo rimwe chete uri nechemujinga maro iro raiva nechokumabvazuva zvekuti mushanha chaiwo pamuzinda uyu vaisauziva sezvo zuva parainge richangobva munaamai varo raizosvika pamuzinda wavo roda kutonotungidza nhongonya dzeharahwa. Mugomo iri ndimo maiva neninga yemadzimambo iyo yaiva panonhongonya paro pamwe chete nebako iro raivigirwa ruzhinji iro raiva necheseri kwegomo pari nechepadumbu paro. Nechezasi kumavirira kwaiva nerwizi urwo rwunova rwainwira zvipfuyo mvura pamwe chete nevagari vemumuzinda uyu.  Mambo Chomunorwa vaiva nemhuri yavo mukomana umwe chete uye vasikana vaviri. Jinda guru ravo rainzi Makonese kouya mutevedzeri wake uyo ainzi Chineunye kozouya jengeta mambo iro rainzi Matyarike avo vaivawo nemhuri dzavo. Kana dziri nhau dzokurwa ayiwa pamachinda awo ndipo paiva pamusha muchidimbu ndingangoti zvinoda kuzvionera pamhino sefodya nekuti chitaurirwa hunyumwa. Amai vaRuvarashe kubuda kwakaita mwanasikana wavo mukuru vakasara nemwanasikana wavo mudiki , Chiedza uyo ayiva chindumure. Pamakore Chiyedza akanga ava nemakore masere. Hapana kana chimwe chete chaizivakanwa naChiedza panhau dzekubika. Zuva rakapinda munaamai varo ndokubva mwanasikana atora sadza rainge rasiwa rabikwa nemukoma wake kwava kuinda panaamai vake kuti vatange kudya. "Amai ngatidye sadza" akadero Chiedza. "Idya zvako mwanangu ini ndichazodya, nditekere mvura yokunwa" vakadero amai sezvo sadza rainge raoma vakanga vasingacharikwanise kurimedza. Mwanasikana anovatekera mvura iyo inova yavakararira zuva iri. Chiedza akadya sadza riya kwakubva asiira rimwe amai vake ndokubva atorara pedyo navo hope ndidzo kumubata. Amai vakarara usiku hwese vakasvinura vachirwadziwa nemuviri wavo. Aka Chiedza kaitova zvako kutsi kwehope pasina chirikuziikanwa. Kwakazoyidza zvako apo amai vanomutsa mwanasikana wavo vachida mvura yokunwa  nhambo iyo zuva rainge rabuda rotekaira kunotungidza nhongonya dzeharahwa. Mwanasikana anomuka ndokutevera amai vake mvura ndiye kutanga zvake kudya chikafu chaakasiya nezuro chiya sezvo chaingova ipo paakange akarara ipapo. Vakaswera zvavo vangori amai nemwana wavo kusvika apo zuva parakapinda zvakare munaamai varo ndiyo nhambo inosvika  Ruvarashe na Parwazenga pamwe chete naKurai.  "Amai , amai Mukoma Ruvarashe vauya" kwakadero Chiedza achimanyira paiva naamai vake apo Ruvarashe akabvawo apinda mumba muya ndokunanga painge pakarara amai ndokunogara padyo nemusoro wavo. "Ndadzoka amai , muri kunzwa sei muviri?" Akadero Ruvarashe apo Parwazenga ainge agara pachigaro chaivamo akatarisa amai vaiva panhovo avo vainge vasara musoro chete nekuonda. "Wa, wa,wadzoka mwanangu, varipi amai vangu?" Vakadero amai. "Ndakasvika vasiko kuina mainini chete hanzi vakainda kumuzinda wamambo Zindoga asi shoko ndasiyira mainini" akadero Ruvarashe apo amai vake vanotanga kuyeredza misodzi. "Chiregai kuchema amai munorwadzisa moyo wangu" akadero mwana. "Mwanangu ndanga ndichidawo kuona amai vangu ndisati ndainda Kuna baba vako" vakadero amai apo Ruvarashe akabvawo anjengawo misodzi pameso ake izvo zvakarwadza Parwazenga uyo akabva asimuka ndokunorovera ibvi rimwe chete pasi pamberi paRuvarashe ndiye kumubata  pabendekete.  "Kwete Ruvarashe chirega kuchema nguva ino ndeyekushinga kwete kuyeredza misodzi. Sekukuvimbisa kwandakaita rega ndiyedze kurapa amai vako zvimwe vadzimu vanotidavira. Simuka uvese moto ndigadzire mishonga yangu" akadero Parwazenga uyo anobva atambanudza ruoko rwake kwakupukuta misodzi yaRuvarashe yainge yoyerera izvo zvakaita kuti amai vamire kuchema kwavayiita vachiratidza kushamisika nezvaiva pamberi pavo apo vainge vava kupishana nepfungwa dzavo kuti munhu uyu ndiyani. Kwete kuti vaisaziva Parwazenga bodo , vaimuziva asi nekuda kwekurwara vakatadza kumuziva panhambo iyi. "Ruvarashe ndiyani uyu?" Vakadero amai. "Ndinoitwa Parwazenga kumuzinda wamambo Macharinga muvakidzani waamai venyu muzukuru waambuya Marwei" akadero Parwazenga apo amai vakabva vamuziva. Ruvarashe akanga ava kuvesa moto ava vaviri vava kuita nhaurwa Parwazenga achibvinza nezveurwere hwainge hwakavabata. Amai vakafara kwazvo kunzwa Parwazenga achiti auya kuvarapa , mwanasikana akapedza kuvesa moto ndokubva anzi naParwazenga bika bota iro raakabva atanga kubika. Ari mukuribika kudero Parwazenga anobudisa mishonga yendudzi nhatu uyo waakaisa mubota riya richiri pamoyo. Mushure mechinguva bota rakabva raibva apo Ruvarashe anobura ndokubva atanga kudakudyisa amai vake vakarara izvo zvakarambwa naParwazenga uyo anobatirana amai ava naKurai kwakuvagadzika pasi vakazendama madziro kwakubva azonzi achivadyisa uku Parwazenga achigadzira umwe mushonga uyo waiva wekuwedzera Simba pamwe chete nekupodza marwadzo uye kuwedzera ropa. Amai vakapedza bota rose sezvo vakanga vava nenzara kwete manyepo. Vakati vachipedza kudya ndokubva vapihwa mushonga uya wanga uchigadzirwa uyo wavakaitwa kunwiswa sezvo wainge wasanganiswa nemvura. Amai vakati vachipedza kunwa mvura iyi ndokubva varadzikwa pasi ndivo nehope sezvo bota ravainge vadyiswa raiva nemushonga wehope.   Kurara kwakaita amai , Ruvarashe akabva atanga kubika ndokupedza kwakutanga kudya zvavo. Nhambo iyi nguva dzainge dzanguvaira apo Ruvarashe akabva aratidza vana Parwazenga imba yekurara avo vaakanoradzika munhanga make sezvo pamba apa aingova nedzimba nhatu chete, imba yekubikira , imba huru yaamai vake inova yavairara nemurume wavo kouya nyanga yake chete. Zvisinei vakanorara zvavo vakomana kwakusiya Ruvarashe naamai vake avo vakararawo muimba yekubikira. 1 "Kurai dai vadzimu vakapindura amai vaRuvarashe vakapora , ndarwadziwa nekuchema kwavaita paya vose amai nemwana" akadero Parwazenga. "Handione chikumbiro chako chikadairwa sahwira wangu, panaamai ava mweya chete ndiwo wasara asi nyama hapachina, raramo hapachina umwe wangu vakanonokerwa amai" akadero Kurai. "Chirega kutaura uchidero Kurai , ngative nevimbo yekupira kwavo kwete yerufu rwavo. Zvisinei ngaichipera iyi chindibatsirawo kuti ndoita sei nemwanasikana uyu ndosvitsa shoko here kana kuti ndombomira amai vapore?" Akadero Parwazenga. "Chinono chinengwe umwe wangu bere rikagodya richifamba wani. Zuro wese tichibva kumuzinda paya ndaiti wakatisvitsa ini. Awakatokandira ndiwo masese iwaya zvino hove dzauya wosiya dzichipedza kudya woda kuzokanda masese apera here unozobata chiyi?" Akadero Kurai. "Ndikatika amai vachiri panhovo handingava ndendakasira kumedza here?" Akadero Parwazenga. "Musikana uyu akanaka umwe wangu, akanyanyisa kunaka zvekuti unouya kutorerwa chiri pamuromo zvimwe pada anewake nechekare hatizive" akadero Kurai. "Ndichaona mangwana" akadero Parwazenga uko kwakava kupera kwenhaurwa yavo ndokubva varara zvavo. Mangwana rungwanani Parwazenga anomuka ndokusiya Kurai achiri akarara ndiye kunanga kuimba yekubikira uko kwaanowana Ruvarashe amukawo achangopedza kuvesa moto uye amai vake vainge vatomukawo. "Mangwanani amai dzirisei nyama?" Akadero akavatarisa. "Ndamuka zvirinane mwanangu, manheru ndakatomborarawo ndanga ndisingachazive kurara. Handizive kuti ndokutenda nei mwanangu marwadzo ava kurwadzira kure kure changosara idzungu zvimwe zvose ndamuka paine shanduko" vakadero amai izvo zvakaita kuti Parwazenga anyemwerere kana iye Ruvarashe anoonekwa kunyemwerera  zvikati runako ndiwo bhaaaa pachiso chake Saka rekurudyi richibudikira kana turi tukomba pamatamba ayiwa hatichataure. Parwazenga akangotura mafemo uyo ainge achiyeverwa nemwanasikana ndivo dhuma maziso  kwakutarisana apo Ruvarashe anoonekwa kutarisa pasi zvishoma nezvishoma uyo anocheuka kwakuinda kuchikuva ndokutora chirongo chake. "Amai ndakuinda kumvura ndodzoka izvezvi" akadero Ruvarashe. "Zvakanaka mwanangu" vakadero amai. "Ndimirire ndikuperekedze , amai ndiri kudzoka ndokupai umwe mushonga" akadero Parwazenga achitosimuka ndiye kunotora chimwe chirongo ndivo kubuda mumba  vakananga kurwizi.  Vanoramba vaviri apo ruzhinji rwainge rwuchakarara chero hazvo kwainge kwachena. Vanofamba vachitaura havo nyaya dzakasiyana siyana apo Ruvarashe anotanga kutenda nekurapirwa amai vake. "Kwete Ruvarashe usanditenda hako handisini vadzimu , pachinhambo chokunditenda ngatibatsirane  kukumbira vadzimu kuti amai vapore nekukasira" akadero Parwazenga nhambo iyi vainge vachangosvika  parwizi. Ruvarashe haana raakazotaura uyo akabva apinda mumufuku kwakutanga kutekerera zvirongo.  Pakamboita kanguva pasina aitaura apo Parwazenga ayingova akangoyeva hake tsvarakadenga yaiva padyo naye uyo anozonzwikwa kutaura. "Ruvarashe ndokumbirawo kubvunza" akadero. "Bvunza hako" akadero . "Ko mukomana wako akandiona ndichifamba newe haandirovi here?" Akadero Parwazenga izvi zvakaita kuti Ruvarashe asiye kuteka mvura ndokusimudza musoro wake. "Kwete handisati ndava hangu nemukomana" akadero ndokubva adzisa uso hwake pasi  kwakutanga kutekerera zvirongo zvake. Parwazenga anoshamisika nemhinduro iyi asi haana kuchada kuramba otokonya tokonya nyoka iri mumwena mayo ndokubva ati mukana ndiwowu wekuivharira mumwena imomo. "Ruvarashe ndangobvunzawo zvangu zvemukomana asi sandiyi yanga iri nyaya. Ndanga ndichishaya kuti ndotangira papi sezvo ndiri kuita kuremerwa pachipfuva kubva zvandakakuona mvura ichiniya paya. Handizivi kuti uchazvitorawosei uye kuti uchandinzwisisawo here?" Akadero Parwazenga. "Kukunzwisisa pachiyi Parwazenga handina kunzwisisa?" Akadero mwanasikana. "Ndakakutarisa kudai Ruvarashe hana yangu irikurova, kana iro zuva randakatanga kukuona handizive zvakaitika pandiri kuti ndingazvitsanangura sei. Runako rwako rwaita kuti nditadze kubata muromo wangu. Ndinokumbirawo Ruvarashe kuti uve amai vevana vangu ini newe tigare tose nekusingaperi" akadero Parwazenga. Izvi zvainge zvisiri zvitsa kuna Ruvarashe sezvo ainge akambonzwa Parwazenga achitaura kuti anomuda achitaura  naKurai zvino Ruvarashe ayitononokerwa nekusvitwa shoko sezvo kubva chibarirwo chake ainge asati ambosvitswa shoko nemukomana upi zvake izvo zvinova zvaigaromudya moyo nekuti vezera rake vainge vapera kumisa dzimba. "Parwazenga handina kunzwisisa uri kurevei?" Akadero Ruvarashe achisimuka kubuda mumufuku ndiye kunogara paimbwe raiva padyo nepainge pakachonjomara Parwazenga. "Moyo wangu waremerwa Ruvarashe ndikati regai ndingobudisa zviri pakadzika pemoyo wangu. Ndibudisewo mugota Ruvarashe ndinokuda" akadero Parwazenga. _"Harisi shura here iri , kubvira ndizvarwe hapana mukomana ayisvedera padyo neni vose vairatidza kunditya. Amai vangu vavakurwara ndopondopfimbwa ndoita sei?, ndikamuti ndichambofunga anogona kusazondida ototsvaka umwe. Ndava kutongomubvuma ini nekuti ndogona kutozoshaiwa zvachose , icho chakamboita kuti vezera rangu vose vapere kumisa dzimba ini ndichisara chimbori chiyi?, vamwe vacho ndakatovakurira runako. Vakuru vanoti chawawana batisisa mudzimu haupe kaviri Saka nd.............."_ Ruvarashe akanga ava kure kwazvo nendangariro apo ayinge angoringa panhu pamwe chete uyo asina kuzopedzisi zvaayifunga mushure mokunge Parwazenga asimuka ndokunopfugama pamberi pake. "Ndapota Ruvarashe ndinokuda , ndidewo moyo wangu ufare" akadero Parwazenga. "Hauzondirwadzise here kana ndikakupa moyo wangu nekuti ini kubva ndichizvarwa handina kubvira ndapinda murudo?" Akadero Ruvarashe. "Kwete Ruvarashe naamai vangu nababa vangu vandisingazive handikurwadzise ndinokuda" Akadero Parwazenga. "Kana uchirevesa ayiwa ndakupa moyo......." Haapedzisi kutaura Ruvarashe mushure mokunge anhongwa kunge rumuti ndiye kusimudzwa mudenga. Ndiko kutanga kudanana kwakaita vaviri ava. Vakazobva zvavo kurwizi umwe neumwe akasenga chirongo chake vakananga kumuzinda. Parwazenga mufaro wainge wachiti tashu tashu zvino. Anosvika nekutanga kurapa amai , achipedza anoinda kuimba kwaiva naKurai uyo waakanoudza zvose kudiwa kwaayinge ayitwa izvo zvakafadzawo Kurai. Zuva iri Kurai haana kuzoswera pamuzinda uyu akabva awoneka ndokudzokera kumuzinda asi anosiya Parwazenga apo Parwazenga akati hakuna kwandinoinda kana amai vaRuvarashe vasati vapora. Nekudero akava mazuva matatu Parwazenga achirapa amai avo vainge votangawo kuita zvirinane. Vainge vava kutangawo kugona kugara voga vasina kuzendama madziro kana kumuka voga kugara vainge vava kutatarika vachimuka. Zuva rechina amai nababa vaamai Ruvarashe vakabva vasvika avo vanofara kuwana mwanasikana wavo ava kuratidza kunzwa zvirinane pane musvikiro wainge waita shoko munzeve dzavo. "Kudai anga asiri Parwazenga amai maisvika ndava chitunha. Mwana uyu akandibatsira nerudo rwake handizive kuti ndomutenda nei" vakadero amai Ruvarashe apo mushure mokunge amai vavo vachangosvika. Nhambo iyi Ruvarashe, Chiedza naParwazenga vainge vachangobuda kuinda kunotsvaka huni asi vakasina ambuya nasekuru vasvika. "Tinomutendawo mwana uyu nebasa raakaita pauri mwanangu. Havasi vose vanozvipira sezvaakaita" vakadero ambuya. "Rudo rwake rwukuru, akasarudza kusara achindirapa shamwari yake ichidzokera kumuzinda dai vadzimu vakamuropofadza hake nechose chaanoda" vakadero amai Ruvarashe avo vakabva vazotanga havo kutaura dzakasiyana siyana. Ruvarashe na Parwazenga pamwe chete na Chiedza kubuda kwavakaita mumuzinda vakananga kunotsvaka huni. Vakainda seri kwegomo iro rinova raiva pajinga pemuzinda wavo. Vakati vapedza kutsvaka huni ndokubva vainda pamutamba uyo wainge wakaibva kwakunonga avaida kudya ndokunogara pabvute kwakutanga kudya havo. "Mudiwa kuuya kwaita  vana ambuya vako ndafara nekuti pane Mushonga wandofanirwa kunotora kumuzinda ndipedzise kurapa amai vako saka mangwana rungwanani ndafunga kumbosvika kumuzinda. Chimwe chinhu zvakare ndimbonotsvakira sekuru nambuya vangu huni ndakasiya dzava shoma nene  ndatozvifunga ndichitsvaka huni pano. Ndainge mdakatozvikanganwa kuti huni dzakasara shoma nekuti ambuya vangu nasekuru  vakura kwazvo  havachakwanise kunotsvaka huni uye kana kunoteka  mvura chaiko havakwanise asi mvura ndakasiya yakawanda hangu zvimwewo yasara shoma. Mushure memazuva maviri kana matatu ndinodzoka sezvo amai havasati vanyatsopora pane umwe mushonga wandinoda kunotsvaka zvakare kuti vachinyatsopora asi unowanikwa zvawo pedyo nekumuzinda kwedu" akadero  Parwazenga. "Ndinokutenda Parwazenga nebasa rawakaita kuraramisa amai vangu kwawakaita ndandaifunga kuti vangadai vachirikurarama. Ndapota kana wainda udzokere mudiwa wangu ndava kungonzwa kuti dai ndaramba ndingori newe" akadero Ruvarashe apo vaviri vakabva vatarisana avo vakazongoyerekana vava kutsvodana pambari paChiedza uyo akabva atanga kuseka izvo zvakaita kuti vaviri vasatsvodana zvinoinda kure. Havana kuzogarisa apa vakabva vatakura matamba avo ndivo kusenga huni dzavo apo Parwazenga akabva atakuda danda rimwe chete pafudzi rake ndivo kudzokera kumuzinda. Vakasvika kumuzinda zuva rorereka kunopinda munaamai varo. Parwazenga akati kusvika pamba kwaakaita akabva ayinda kuimba yaairara uko kwaakasvikorara zvake nemusana uko kwaiva kungozororawo zvake. Ruvarashe naChiedza ndivo vakainda muimba yekubikira yaiva nana mbuya naamai vake. Akasvikogara hake kachinguva kwakubva azonzwikwa kutaura. "Parwazenga ati mangwana ava kumbodzokera kumuzinda hanzi pane mushonga wandoda kunotsvakira amai pamwe chete nekusiya atsvakira ambuya vake huni nekuteka mvura" akadero Ruvarashe. "Mashoko akanaka iwayo hapana chokupikisa" vakadero ambuya ndokubva vatanga zvavo kutaura dzakasiyana siyana apo amai Ruvarashe vakabva vatanga kunzwa hope apo vanokumbira kunorara muimba huru yavo. Vanosimudzwa naRuvarashe asi vanoti kwete regai ndisimuke ndoga zvechokwadi vakasimuka izvo zvakafadza wese aiva mumba umu ndokubva vatanga kufamba vachibuda mumba. Ruvarashe akada kuvabata kuti avabatsire kufamba asi amai vakati kwete ndasimba mwanangu zvechokwadi vakafamba voga amai ndokunorara muimba huru yavo. Ruvarashe akangovaperekedza ndokuvasiya varara kwakudzoka mumba yekubikira kwakutanga kubika.  Mushure mokunge apedza kubika akanodaidza Parwazenga uyo ayinge atozorarawo kwakubva auya naye muimba yekubikira kwakumupa chikafu chake. Adero akabva atora chikafu chaamai vake apo Chiedza akabva ati anoda kunodyira kuna amai vake uko kwaakabva ayinda. Ruvarashe akasvikomutsa amai vake. "Amai , amai, amai ndauya nechikafu" akadero Ruvarashe uyo  apo amai vake vaitorota zvavo vaine murume wavo muchakasara chesango ndokubva vamutswa vasati vapedza hope dzavo zvino vakamuka vachiratidza kuvhunduka. "Ndauya nechikafu amai mukai mudye" akadero Ruvarashe. Amai vanoyedza kumuka asi nyama dzakaramba apo vakabva vakwanisa kubudisa inzwi rimwe chete. "Daidza Parwazenga" vakadero amai ndokubva Ruvarashe anodaidza Parwazenga. Vakasvikopinda vose mumba kwakubva Parwazenga asvikopfugama pamberi paamai. "Ndauya amai pane parwadza here?" Akadero Parwazenga. "Kwete mwanangu ndibate ruoko rwangu urwu newe Ruvarashe pamwe chete naChiedza huyai pamwe chete" vakadero amai ndokubva vabata maoko evana vatatu ava mumaoko avo vakaita kuafungatira. "Parwazenga hongu uri mutorwa asi wakaita kunge hama yangu chaiyo kuzvipira kundirapa kwawakaita zvakakonekwa nehama dzangu dzose. Handina chimwe chandingakutenda nacho ndavakukupa mwanasikana wangu uyu kuti ave mukadzi wako. Ruvarashe uyu ndiye murume wako wandada inini amai vako ndazvitaurira pamberi pemuninina wako uyu kuti azokurangaridza zuva ramangwana une chekupikisa here ndisati ndarara?" Vakadero amai "kwete amai handina chokupikisa" akadero Ruvarashe. "Ko Parwazenga handizive kuti wagamushira here zvabvawo pamoyo wangu?" Vakadero amai. "Hongu amai ndinotenda chose Ruvarashe ndinomuda nemoyo wangu wese" akadero Parwazenga uyo asina kana kumbopindwa nekutya sezvo mupfungwa dzake akafunga kuti pada musikana wake ndiye audza amai vake kuti tava kufambidzana. "Ndafara nemhinduro dzenyu vanangu asi pane munzwa uyo wandiri kuona munzira yengu. Nekusada kubaiwa nawo mabva maupendera muchibuda munzira umwe ayinda nekuruboshwe umwe nekurudyi asi hamuna kuzosangana mberi. Ini saamai venyu ndavakusunga chivimbiso pakati pedu tose tiri muno asi Richava DZINDE RECHIRANGANO zvinenge zvoda kushinga nekuti ndiko kutanga kwekudeuka kweropa. Asi zvataronga pano zvikashaya anozopikisa pamuri muri vaviri dzamara mandiitirawo kazukuru kangu kureva izvo kuti masvukisa chiruvi  hapana ropa rinodeuka uye hapana DZINDE RECHIRANGANO rinozovapo kunze kwenyemwerero nemufaro mumba menyu zvose nemizinda yose yakatipoteredza sezvo mufaro wose wemizinda yose iri mumaoko enyu muri vaviri ndapota musazobatisa chitsiga chinopisa. Wakanaka mwanangu pachiso zvose nepamoyo uri tsvarakadenga yomene musazonyengedzwa nepfuma nekuti murombo munhu zvimwe pada kutopfuura ivo......." Havapedzisi kutaura amai mushure mokunge nyama dzava kudzimba avo vakangotsinzinya meso avo uko kwaiva kuda kuti vana vavo vasaona zvizhinji zvainge zvaitika pavari. asi pakarepo  vanosvinura ndokunzwikwa kutaura. "Ndikubatei zvakare maoko enyu mose" vakadero amai ndokubva vavabata vose vari vatatu kwenguva refu kwakuzovaregedza. "Ndapedza,  mwanangu Parwazenga ndadzwa kuti mangwana urikumbosvika kumuzinda ufambe zvakanaka mwanangu vadzimu vemusango vakuringe" vakadero amai. "Ndotenda amai uye ndiri kudzoka mazuva matatu asati adarika neumwe mushonga wandiri kuona urikuda pamuri" akadero Parwazenga. Zvakanaka mwanangu unofarisa vana mbuya" vakadero amai kwakubva Parwazenga azobuda mumba umu. Amai vakasara nevana sikana vavo kwakutanga kudya zvavo vachiita nyaya. Vakazorara zvavo apo vose vakauya kurara muimba huru kunze kwasekuru chete avo vakanorara naParwazenga. Rumama hovo Parwazenga anomuka ndiye kubereka zvombo zvake kwakuwoneka sekuru ndiye kunotora mbongoro yake uyo anoirova akananga kumuzinda kwake. Zuva rakazoswero buda agura mutunhu murefu kwazvo. Zuva richinorereka kuti richipinda munaamai varo akanga ava padyo nemuzinda. Haana kuda kupinda mumuzinda akabva atanga kutsvaka mushonga waainge adzokera rombo rakanaka akabva awuona zuva richangopinda munaamai varo. Akabva atanga kutsvaka huni ndokusungirira pambongoro yake kwakutanga kufamba nhereka nhereka akananga kumuzinda uko kwaakasvika sekuru naambuya vake vatorara sezvo vaikasira kurara zvavo sezvanhu vakuru asi nhambo iyi ruzhinji rwainge rakachasvinura. Mwanakomana akabva afara achiona mvura mumba irimo asi huni ndodzanga dzapera. Mvura yose yaiva mumba yainge yatekwa naKurai mushure mokunge sekuru vaParwazenga vamutuma. Zvisinei Parwazenga haana kuda kuvamutsa akabva ananga kumba kweshamwari yake uko Parwazenga anofara kwazvo achiona umwe wake. "Ufunge mangwana chaiye ndanga ndichitoda kuuya kwawanga uri , wasiya varisei amai?" Akadero Kurai vari mugota rake. "Amai varikuratidza kuti vari kupora hongu semunhu anga anonokerwa hauzopore nguva imwe chete asi pane mushonga wandavinga kuzotora iwowo nezvavava vavakukodzera kuunwa vanobva vapora , kare kose kaya waisaita kuti ndivape nekuti vainge vasati vasimba Saka waitozovauraya" akadero Parwazenga. "Zvino wauwana here?" Akadero Kurai. "Hongu ndauwana saka mangwana zuva rovira ndodzokera ndamboinawo sekuru nambuya" akadero Parwazenga. "Tinodzokera tose umwe wangu usandisiya" akadero Kurai ndokubva chikafu chauya apo vakabva vadya vose apo Parwazenga akabva azonorara hake.  Zuva ramangwana Parwazenga akasera nasekuru nambuya vake achivaudza kwaaiva pamwe chete neurwere hwaairapa. Zuva richirereka Parwazenga akabva awoneka sekuru naambuya vake kwakutorana naKurai avo vanotasva umwe neumwe mbongoro yake ndivo kunanga kumuzinda wamambo Chomunorwa uye Parwazenga haana kukanganwa mushonga wake................. AMBUYA VARUVARASHE KUREVA VAMWENE VAAMAI RUVARASHE Chembere iyi yakanga yakavesa moto mukuru kwazvo weruvango nemuroora wavo vachiti ndiye akauraya mwanakomana wavo. Zvino nekuzorwara kwakange koita amai Ruvarashe, vamwene vakatanga kufara kuti ava kufa sekufawo kwakaita mwanakomana wavo.  Vamwene vanoti vakagara zvavo pamumvuri voga murume wavo hameno kuti ayinge ayindepi vanoona Chineunye mutevedzeri wejinga guru ramambo achisvika uyo anosvikogara pachigaro chaivapo. "Ndauya kumuripo wangu, nhasi handisi kubva pano ndisina muripo wangu handichade ngano, Kana mukaramba motaura ngano ndava kuudza murume wenyu kuti ndimi makauraya kwanakomana wenyu vose naamai Ruvarashe ndonovaudza izvezvi kuti ndimi makauraya murume wake wamuri kumunyepera kuti ndiye akauraya. Uye mambo ndonovaudza zvakare kuti madeura ropa pamwe chete nekuvaudza kuti kurwara kose kuna Mai Ruvareshe ndimi" akadero Chineunye asati atombokwazisana navo. "Kwete Chineunye, ko zvatakawirirana wani kuti hazvifanirwe kubuda pachena. Hongu ndakati ndokupa mombe asi kwandaifungidzira kuti ndoiwana ndakatadza. Haude here kuti ndikupe hako mukadzi?" Vakadero vamwene. "Mukadzi, munomuwana kupi nekuti mungori nemwanakomana chete iyeyu wekufa?" Akadero Chineunye. "Ndokupa muzukuru wangu Ruvarashe. Hauna pfuma yaunobvisa tarisa amai vacho hongu pane kakomana kari kuvarapa asi hapana mazuva maviri Mai vacho vanenge vafa saka iwewe wobva watotora Ruvarashe ova mukadzi wako" vakadero vamwene izvo zvakafadza kwazvo Chineunye uyo anoonekwa nyemwerero pauso hwake. "Mava kutaura manje ambuya kana mandipa Ruvarashe kuti ave mukadzi wangu wetatu  ayiwa nhau yedu yapera" akadero Chineunye achibva atosimuka ndiye kudzokera kumba kwake azere nemufaro. "Nhasi chaiye Mai Ruvareshe vanofanirwa kufa ndiripe nyaya yangu kuna Chineunye atore mukadzi wake" vakadero vamwene mushure mokunge vasara voga avo vanosimuka ndivo kunanga muimba huru yavo umo mavakasviko nanga mukamuri yekumberi uko kwavakano pidigura dengu raivamo. Vanotora datya raiva pasi pedengu ndokubuda naro panze iro rainge rakasungwa sungwa nezvandisina kuziva. Vakati vabuda panze kwakurirovera pamusoro pembwe ndokutora rimwe dombo kwakuritswanya tswanya kusvikira rafa iro iro ravakabva vapisa. Nhambo iyo ndiyo yaipepukawo amai Ruvarashe kubva mukuvata kwavainge vakaita panova pavairota murume wavo apo pavakazodaidza Parwazenga naRuvarashe kwakusunga chivimbiso. Parwazenga naKurai vakadzirova mbongoro dzavo vakananga kumuzinda kwamambo Chomunorwa. Vakanga vasimuka zuva rapinda munaamai varo avo vanofamba usiku hwese ndokubva vasvika pamuzinda wamambo Chomunorwa rudzika mazizi. Havana kuda kupinda mumuzinda nekuti kwainge kuchiri nekamhindo. Vakatsvaka pokugara kusvika kunyatsochena kwakubva vazopinda mumuzinda apo Parwazenga anoshamisika nezvaiva mumeso ake. Anoona pamusha paamai Ruvarashe pakazara vanhu uye pachinzwikwa mhere apo inzwi raakanzwa riri pamusoro peose akariziva iro raiva raRuvarashe. Hana yaParwazenga yakatanga kurova uyo anoyerekana airova mbongoro ndiyo kutanga kumanya akananga pamba apo paanosvika achiita kumisa mbongoro yake pakati pechivanze pakati pechita chevanhu uku meso eruzhinji ainge achizara paari uyo anomanya muimba yainzwa mhere yaRuvarashe asi anobatwa asati asvika pamusiwo apo anonzwa shoko rakamubaya pamoyo wake.................................. KUPERA KWECHITSAUKO 2 _____________________________ CHITSAUKO 3 Kubuda kwakaita Parwazenga mumuzinda wamambo Chomunorwa achidzokera kumuzinda kwavo, zuva iri amai Ruvarashe vakaswera vachiratidza kuti nyama dzavo dzakadzokedzana pavo chaipo pakare izvo zvakawedzera kufadza amai vavo pamwe chete nevanasikana vavo vachiti amai vapora. Kana kurikufamba ayiwa kunozvibatsira zuva iri vakanga vakuinda voga vachifamba vasina kana kubatwa nemunhu. Zvisinei zuva rakabva razopinda munaamai varo, Ruvarashe ava kutanga kubika amai vake vakabva vati _regai ndimbonorara ndiri kunzwa hope_ hapana akaziva kuti ndiko kuonekana kwavo naamai Ruvarashe. Zvechokwadi amai vakabuda mumba ndokubva vasiya muriwo uchitangwa kubikwa kwakunorara zvavo. Ruvarashe akazoti apedza kubika ndokutuma muninina wake kuti anodaidza amai vaiye vadye. Chiedza akainda kumba kwaiva kwakarara aamai vake uyo akasvikotanga kuvamutsa asi amai havana kukwanisa kudavira mwanasikana wavo dzamara mwanasikana adzokera kumba uko kwaakanoudza mukoma wake kuti amai havasi kuda kudavira. "Inda womene Ruvarashe amai vako vauye kudya chikafu masikati havana kudya" vakadero sekuru apo Ruvarashe anosimuka ndokunoyedza kumutsa amai vake asi amai havana kukwanisa kudavira zvakare apo Ruvarashe ayinge asati akamboona munhu akafa uye pfungwa dzake hadzina kumbobvira dzafunga zvose izvozvo uyo akabuda mumba umu ndokudzokera kumba kwaiva nana mbuya. "Amai havasi kuda kumuka zvimwe vane hope asi ndayedza kuvazunungusa" ambuya nasekuru vachinzwa izvi hana dzavo dzakangorova kamwe chete apo vose vanosimuka pasina adavira kutaura kwemuzukuru ndokusvikopinda mumba maiva nemwanasikana wavo apo ambuya vakabva vaibongomora mhere mushure mokunge vaona mwanasikana wavo chava chando. Zvechokwadi amai Ruvarashe vainge vatevera murume wavo kumaziva ndadzoka kwamupfiga nembwe. Ruvarashe na Chiedza pavakanzwa ambuya vavo vava kuchema vanobuda muimba yekubikira vachimanya avo vanosvika ambuya vachizunungusa amai vavo uku vachichema. "Ruvarashe muzukuru amai hapachina, amai vatevera baba venyu" vaimadaidzira  mashoko aya ambuya apo Ruvarashe akabva aziva zvaitaura ambuya sezvo aiziva kuti baba vake vakafa. Akaibongomora mhere Ruvarashe ukuwo Chiedza nepadivi. Nguva diki diki pamusha apa painge patozara vanhu uye shoko rerufu rakabva ratenderera muzinda wese pamwe chete nekupinda munzeve dzaChineuye uyo anofara kuti ava kuchitora Ruvarashe kuti achiva mukadzi wake sekutaurirana kwavainge aita navamwene. Ndizvo ndizvo kuna vamwe sandi kufara ikoko kwavakaita mushure mokunge vanzwa nezverufu urwu chero hazvo variivo nyakurwukonzeresa. _"Zvava nyore kuti Chineunye achitora Ruvarashe ndipedze kuripa mhosvo yangu. Uyu Chiedza ndochimutora ndogara naye pano asi Ruvarashe anofanirwa kumborara pano mazuva anozadza zvanza asati ayenda kumurume wake Chineunye , ndinoda kuti sekuru vake vamubvise humhandara ndinovanwisa mushonga uchaita kuti vamubvise humhandara, izvi ndoda kuzviitira kuti vanogona kuzongoziva kuti ndini ndakauraisa mwanakomana wedu ini ndobva ndavasungirira neyokuti makaita muzukuru wangu mukadzi"_ vaizvifunga  zvose izvi vagere nhambo yavakanzwa shoko rerufu. Vakazosimuka mumba mavo ndivo kuinda kurufu. Usiku hwese Ruvarashe na Chiedza havana kukwanisa kurara vachingochema amai vavo. Kwakazoidza zvako iyo nhambo yainge yonzi chitunha chinoradzikwa ndiyo nhambo inosvika Parwazenga naKurai mumuzinda uyu. Parwazenga anobatwa kupinda mumba maiva nechitunha sezvo chainge choda kubudiswa mumba kunanga kubako. Parwazenga anorwadziwa kwazvo kunzwa kuti amai vemudiwa vake ndiko kutofa. Chakanyanya kumurwadza ndechokuti munhu waakarapa anga otopora pangosarirwa kuti amudyise mushonga waanga anotora osvika achinzi munhu atofa. Chitunha chakabudiswa zvaiva mumeso ake ake apo anoona Ruvarashe achitevera mumashure achichema apo machinda achibva amanya kunomubata izvo zvakaita kuti Parwazenga amanyire paibatwa batwa musikana wake ndokubva asvikomubata ruoko. "Ruvarashe , ndiri kurota here?" Akadero Parwazenga apo Ruvarashe achinzwa inzwi remukomama wake anosimudza musoro wake ndivo kudhumanisana maziso. "Amai vangu kani Parwazenga!!" anodaidzira Ruvarashe achinozviwisira mumaoko emukomana wake apo Parwazenga anotanga kuyeredza misodzi. "Chiyi chanyatsoitika mudiwa , amai vandakasiya vari vatano here?" Akadero Parwazenga neinzwi rizere misodzi. Vaviri vakachemedzana zvokuti vaiwona vainzwa tsitsi. Kunyanya sekuru naambuya vaRuvarashe vakawedzera kuchema apo pavaiona vazukuru vavo vachichemedzana kudaro. Kana vari savamwene havana kana kuonekwa kusuwa pauso hwavo.  Zvisinei amai vakanochengetedzwa kuninga yeruzhinji kwakubva vanhu vapararira havo kuinda kudzimba dzavo ndokubva pamba pasara vamwene namurume wavo uye ambuya muridzi wemwana nyakushaya nemurume wavo pamwe chete naRuvarashe naChiedza uye Parwazenga naKurai. Vanhu vose ava vaiva muimba yekubikira umo Ruvarashe ainge akazviunganidza mumaoko aParwazenga uyu Chiedza ari pamakumbo ambuya kureva amai vaamai. "Isu pano gatichagarisa zuva richipinda munaamai varo tava kuoneka kudzokera kumuzinda kwedu. Ruvarashe indai munorongedza tigowana kufamba" vakadero Sekuru apo Ruvarashe anosimuka ndokubuda mumba umu napo Parwazenga akabva atevera uyu Kurai ndokubudawo mumba umu kwakunogara hake panze mumba ndokusara vakuru chete. "Mafunga kuinda nevana here zvanga zvakadini vambosara kana kwetumazuva vozotevera havo" vakadero vamwene. "Vachisara nani kudai baba vavo vaivapo hongu vaisara" vakadero ambuya. "Nenika ambuya vavo ndichimbonyaradzana navo vozotevera havo" vakadero vamwene. "Nhasi ndipo pamava kuda vazukuru ko amai vavo vachirwara makambosvika pano here. Vazukuru vangu ndiri kuinda navo hapana ari kusara pano" vakadero ambuya vachiratidza kurevesa. "Mukati vazukuru vangu zvoita sekuti makavaita moga, apa hapana kunzi vari kugara kuno asi ndati vanozotevera havo mushure mamazuva anozadza chanza" vakadero vamwene. "Chiregai kuita kunge mava kupopotedzana asi nhau iripo ndeyekuti hongu vazukuru ndevedu tose asi kuti vasare hazviite nekuti hamungade vana imi maisada amai vacho izvi zvandareva hazvina anopikisa takatambura nemwana pano kusvikira afuke rake ega hamuna kana kutsika gumbo renyu pano" vakadero sekuru vanova baba vemushakabvu. "Hazvinzwarwo vamukurungai , hatitaure tichidero zvisinei handina akawanda okutaura asika yeukai kuti iri iropa rangu. Zvisinei mochisarudza zvamunoda imi kuti moinda navo vana vonogara mazuva mashanu kumuzinda kwenyu vobva vadzoka kuno vogara zvachose ikoko havachadzoke. Kana kuti vosara pano mazuva mashanu vozouya zvavo kumuzinda kwenyu kana vachizodawo kudzoka kuno vodzoka zvavo vachishanya sarudzai zvamoda" vakadero vatezvara vemufi. "Zvose zvamuri kutaura garai marasira kure. Hamungade vana vamakaramba amai vavo vachivapenyu bodo ndaramba" vakadero ambuya apo baba vemufi vakabva varamba vakatarisa panhu pamwe chete kwenguva refu kwakunzwikwa kutaura. "Mukadzi wangu hazvinei ngavasare vana Ruvarashe asi zuva reshanu vazukuru vangu ndovada kumuzinda" vakadero apo ambuya vanopikisana nemurume wake asi murume murume hama dzangu ambuya vakazonyengetedzwa ndokubva vazobvuma kuti vazukuru vasare asi vachizotevera.  Ruvarashe akazouya achiti apedza kurongedza kwakubva audzwa nhau yekumbosara uyo akabva arambisisa asi sekuru vake vakamunyengerera ndokubva azobvuma asi anovavimbisa kutevera mushure LRuvarashe akabva abuda mumba umu kwakunoudza Mukoma wake kuti ari kumbosara kwaambuya ozotevera mushure memazuva matatu. Parwazenga hazvina kunyanya kumurwadza zvake nekuti musikana wake ainge ati aizotevera. Zuva kupinda kwarakaita munaamai varo vana mbuya vakabva vawoneka pamwe chete nana Parwazenga. "Ndapota Ruvarashe retatu rawataura muuye kumba" vakadero ambuya vatotakura yavo mitundu. "Zviri munzeve ambuya ndoita sekudero" akadero Ruvarashe apo vamwene vakabva vangoseka zvavo nechomumoyo vachiti _Kupi kwauchatevera watova mukadzi waChineunye iwe_ vaifunga izvi vakamira pakati pechivanze nekuti vose vainge vamire. Ruvarashe anofamba kwakumbundikira mukomana wake avo vanombundirana. "Ufambe zvakanaka mudiwa wangu , ndichatevera pamazuva mashoma anotevera" akadero Ruvarashe izvo zvakanzwikwa nemunhu wese ayiva apa izvo zvinoshamisa vamwene kuti Ruvarashe anga atova nemukomana asi ambuya vake navasekuru hazvina kuvashamisa sezvo vakanga vakaudzwa nemwanasikana wavo nezvomufambidzana kwevaviri ava. Vamwene vanogutsurira musoro wavo apo vaitofunga rimwe zano mupfungwa dzavo. Zvisinei vana Parwazenga nana mbuya vakabva vatasva mbongoro dzavo ndivo kubuda mumuzinda vakananga kumuzinda kwavo. Kusara kwakaita vana Ruvarashe vanopinda muimba yaamai vavo yekubikira apo ambuya vanotevera. Kwakuti papera chinguva vanonzwikwa kutaura , "Vazukuru handei kumba tinobika ndiko kwamuchange muchirara kusvikira mazoinda henyu kwaambuya vharai misuwo tiinde" vakadero mbuya. "Tinotevera ndoda kusiya ndatsvaira mumba" akadero Ruvarashe apo mbuya vanofara kwazvo ndokubva vabuda ndivo kuinda kumba uko kwavanosvikotanga kuvesa moto murume wavo agere hake pachigaro chake. Mbuya vakaona uriwo mukana wekutaura nemurume wavo. "Shewe ndanga ndisati ndambokuudzai chandazviitira kuti vana Ruvarashe vambosara. Uyu Ruvarashe pane jinda rakati rinoda kumuroora pamachinda amambo" vakadero vamwene. "Ndiyani ada muzukuru wangu?" Vakadero vatezvara. "Uyu Chineunye" vakadero ambuya. "Ayiwa hapana chakaipa ngaarore zvake tinobva taindawo padyo namambo zvino nemusikana vakawirirana here?" akadero murume izvo zvakafadza mukadzi wavo. "Nemusikana havasati vataura vose asi kuda kana kuramba anotofanirwa kutongoroorwa naChineunye. Ndozvandavarambidzira kuinda uye ndaona sekuti kakomana kaya kanonzi Parwazenga kanenge karikuda muzukuru wedu saka Chineunye anofanirwa kukasira kuuya kutora mukadzi wake mazuva mashanu asati asvika ekuyenda kwevasikana ava" vakadero ambuya. "Ukati achaindepi, chero zvichibvira mangwana ngaauye atore mukadzi wake. Rega ndimboinda kudare ndodzoka mapedza kubika" vakadero sekuru vachibva vatosimuka ndokubuda mumba umu. Ambuya vakasara vachinyemwerera asi vakazodzima nyemwerero yavo mushure mokunge vafunga kuti murume wavo ndiye anofanirwa kutanga abvisa Ruvarashe humhandara izvo vane zvavaizviitira. Vakabata musoro wavo vava kufunga kuti voita sei nekuti mushonga wavaidakunwisa murume wavo kuti akwanise kurara nemuzukuru vaitofanirwa kuubika woita mazuva maviri ndiko kuti uzotanga kushanda zvavaida. Uye zvavaisanganisa pakubika vaitonozvitsvaka musango apo vanodzungudza musoro wavo mushure mokunge vaona kuti nhambo dzinenge dzichidyana Ruvarashe asati aroorwa akazosvika pakuchidakuinda kumuzinda wamambo Macharinga kunova kwaambuya sekuvimbisana kwavainge vaita. Vachiri mukufunga kuti voita sei vanoona pamusiwo pachipinda munhu uyo aiva Chineunye. "Chineunye zvaakaona murume wavamwene achipinda mudare iye akabva abuda ndiye verere akananga kumba kwakabva uko kwaakasvika mbuya vari pakufunga havo zvokuita.  Chineunye anosvikogara pachigaro chaivapo ndokunzwikwa kutaura. "Ndauya kumukadzi wangu" akadero asina kana kukwazisana navo. "Zvose zviri mungwara Chineunye chero murume wangu ndatomuudza kuti iwewe urikuda kuroora Ruvarashe akabvuma Saka chasara ndechokuti ndione kuti ndoita sei panhau yekuti iwewe usabvisa pfuma nekuti kuti muzukuru wavo angoinda pasina pfuma vanogona kuzviramba Saka ndichitaura navo manheru ndinzwe kuti vanobvuma here kuti umutore pasina pfuma tovanyepera kuti unozobvisa kumberi" vakadero ambuya. "Tauriranai mupedzerane mangwana ndiri kuuya ndichitora mukadzi wangu. Iye Ruvarashe wacho aripi wandisiri kuona?" Akadero Chineunye. "Aripo achiri kumba kwavo asi arikuuya kurara pano. Ndine rimwe zano randafunga hazviite here muuye kumuita musengabere manheru anhasi chaiye sezvo musenga bere uchitenderwa namambo. Kuzoonawo koidza munenge mapedza naye kana huri humhandara munenge mapedza kare" vakadero ambuya apo Chineunye rinonanzvirira maromo aro iro rainge rotononokerwa. "Iri zano rinobudirira Saka mondiratidza imba yaacharara ndizouya kumutora arere" akadero Chineunye ndokubva vawirirana nambuya avo vanobuda panze ndokumuratidza imba yaizorara vana Ruvarashe kwakubva adzokera hake kudare asi haana kuzosvikako akabva ananga kumba kwake uko kwaakasvikotanga kugadzira imwe imba iyo yaaizoda kurara naRuvarashe. Ambuya vakasara ndokupedzisa kuvesa moto ndokugadza chikafu panoto. Ruvarashe naChiedza vakazouya ambuya vava kutomona sadza. Ambuya  vachipedza kubika ruzhinji rwainge rwavata uye murume wavo anga achivamo mumba. Pakanga poda kupakura ambuya vane pfungwa yakapinda mupfungwa dzavo ndivo kubuda mumba umu avo vakanotora mushonga wainzwisa hope ndokuuya kwakupakura muriwo wavo ndokuisa mushonga uya muhari yemuriwo zvisina akaona kwakukurunga kurunga ndivo kupakurira munhu wese. Vapedza kupakura vanhu vakatanga kudya kusvikira vapedza zvavo. Vachingopedza kudya zvechokwadi vakatanga kunzwa hope. Akatanga kubuda mumba umu ndisekuru kwakubva vanorara. Zvadero Ruvarashe naChiedza vakanga vava kutoda kurara mumba umu apo ambuya vanobva vavaperekedza kuimba iya yavainge varatidza Chineunye kwakusiya vazukuru vavo vava kudzirova ngonono apo vanosiya musiwo usina kusungwa izvo vatiitira kuti kana Chineunye ouya awane kupinda zvakanaka. Vadero ambuya akabva vanorara zvavo hope dzakanonoka kubata vakamirira kunzwa kusvika kwaChineuye sezvo ivo chete ndivo vainge vasina kudya muriwo waiva nemushonga wehope uyu. Hope dzakazovatanga kuvashanyira nhambo dzanguvaira. Chineunye akati zvaakapedza kugadzira mumba make akabva agara zvake akamirira kuti nguva dzinguvaire azonotora mukadzi wake Ruvarashe. Zvechokwadi kunze kwainge kwachiti dii pasisina kana umwe chete ainge achiri akasvinura. Chineunye anobuda mumba make achitsenga mudzi uyo wekuti kana ozorima bindu rake anyatse kubata basa. Rakafamba jinda iro ndokusvika paimba yainge yanzi ndoinorara vana Ruvarashe ndokuvhura zvishoma nezvishoma apo rinoona Ruvarashe akatorara hake nemusana bindu rose  risina kuvharwa zvokuti dai pakangoita mombe dzakangopfuurawo napo zvedi Chineunye aisvika humhandara hwainda sezvo tsvatsva yainge yakabaka mumba mose muzere chaedza.  Kudai Chineunye akaziva kuti mumba umu maisatombova netsvatsva yaibaka bodo asi zvaingova zvemeso ake chete asi Ruvarashe waayiona ndiye Ruvarashe chaiye musikana waParwazenga. Haana kuda kutambisa nguva Chineunye uyo akangosvikomhidzura Ruvarashe ndiye kubuda mumba umu uyo anokandira Ruvarashe pafudzi ndokufambisa kwazvo akananga kumba kwake. Anosvika muimba iya yaainge agadzira ndokuradzika Ruvarashe pasi kwakumubvisa nguwo dzose apo anomusiya ava chibarirwo. Nhambo yose iyi Ruvarashe hapana kana chaizivikanwa uyo aiva kuutsi kwehope zvake sezvo mushonga wehope wavainge vadyiswa wainge wakawandisa kwazvo. Chineunye anobva atangawo kubvisa nguwo dzake dzose ndokusara ava chibarirwo apo anonyemwerera akatarisa tsvarakadenga yemwanasikana iyo yainge irere pamberi pake uku gejo rainge ramirira kufamba kwemombe chete kuti richitanga kurima. Chineunye anokotama zvishoma nezvishoma ndiye kutanga kupuruzvira mukadzi wake asi nekuda kwekuti anga aita zvekutsengera mudzi gejo rainge risingachade zvose izvozvo ndiye pamusoro pemwanasikana.......................................................... *Pano ndipo paperera CHITSAUKO 3 chedu. Kana iwewe uchidakupedzisa kunzwa zvakazoitika mberi follow channel baya apo pakanzi VIEW CHINNEL mofolowa munonowana machapters ekumberi avako kare kuchannel. Now tava kuchapter 14* *View channel and follow* ⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️
❤️ 🙏 😂 👍 😢 21

Comments