PHIBIE ALL NOVELS
February 6, 2025 at 10:49 AM
CHIRAMBADARE HURIPA NEPFUMO* *Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🥈Wese anoda book iri kubva pachapter 1 baya link re channel woita follow uchariona rese ikoko musauya ku box kwangu* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or app 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 5 Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magadziko. Kunze kwakati kwati mwiro pwere dzavakutanga kunyorovesa machira neweti , ngonono dzava kubvumirana. Jeka anobuda musasa make ndiye verere senyoka hoyo akananga kusasa kwa Dapi. Anosviko gugudza , Dapi haana kunonoka kudavira. "Shevedza vamwe vauye kuhozi kwangu tiite dare nekuchimbidza usiku huno inorohwa ichapisa" anotaura Jeka. "Ririmunzeve changamire wangu regai ndiite saizvazvo" anotaura Dapi ndokubva Jeka adzoka kusasa kwake achinyahwaira semuroyi musana wainge wakavhuniwa semukweguri. Dapi anonanga kusasa kwa Madzore ndokunomutora vanonanga kwa Urahwatasva ndokuzopedzisira nekwa Mhodzongwe. Vanotungamidzana vakananga kusasa kwa Jeka uko kwainge kuchipfuta mwenje . Vanosvikosunda gonhi iro rainge rakaita kutsedeurwa vose ndokupinda mukati, vanosvikogara pazvigaro zvaivemo Dapi ndiye akazoshaya pokugara. "Tora hari iyo utsindikire ugarire nguva dzirikudyanana" anotaura Jeka. "Changamire wangu handizotandi botso here ? Ihari yamai Shupikai kaiyi ndikagara inotsemuka" anotaura Dapi. "Hari iyoyo haina kumbokosha kupfuura nhaurwa iri pano tora totenda yatsemuka ikezvino dzichiri ngano" anotaura Jeka. Dapi anotora hari ndokubva ayigarira. Mumba munomboita karunyararo zvishoma , Jeka akabva ati, "Machinda angu muzinda uno washata mazvionera pamhuno sefodya , saka dare rino nderekupangana mazano ini ndini ndinofanirwa kuita mambo. Saka zviripano Chiundura ndiye ari kukura musoro anofanirwa kufa zvikadero mambo vava nyore kupfuudza saka achapfuudza Chiundura ndiyani pakati penyu muri vana , ini ndini ndakapfuudza Mucharipa na Munaki iyezvino iri basa ndopa imi sezvo inini pano vavakunyumwa nyumwa sehanga" anotaura Jeka. Munomboita runyararo. Zvose izvi zvaiva munzeve dza Chebamba uyo aiva mumadziro . Chebamba nhambo yaakanzwa Jeka achiti ndini ndakauraya Mucharipa baba vake iye Chebamba . Anonzwa hasha kuzara maari shungu anoridza tsamwa ndokubva simuka nekuchimbidza ainge oda kunopinda musasa umu. Nhambo yaainge ava pagonhi imwe pfungwa yake yamuti!, 'Wadireiko kusasika ura pachitsiga kuti hudyiwe nemakunguwo' . Nguva iyi akabva adududza asi achipukuta misodzi. "Ndanzwa kunge pane chirikufamba panze apa varume mukati hapana munhu here pamusiwo apa" anotaura Urahwatasva akaita kurereka musoro wake meso achinge nyimo. "Nzeve dzako dzakaita seiko iwe Urahwatasva unodiiko kunon'onewa mapfunze wanyatsonzwa zvakanaka ,iwewe wega wobva wanzwa mutsindo isu tatadza kuunzwa asi uri kutya kani" anotaura Madzore. "Hamumuzivi here Urahwatasva ndobasa rake zvimwe ari kurevesa tingasvora mbodza neinozvimbira Dapi sumuka udongorere" anotaura Jeka. Dapi anosumuka ndokubva atsedeura gonhi ndokubva akanda meso ake panze, anoridza tsamwa achivhara gonhi. "Haa!, Imbwa dziripamurundu zvadzo , ndaona imbwa hadzi iya chena yakatodanhiwa nerimwe zidemadema rembuya iya iri nyasi uko. Kundisumudzira kuona imbwa ini" anotaura Dapi achigara pasi. Nguva iyi Chebamba ainge okwenya mhino nekasiyanwa , akazotura mafemo mushure mekunzwa kudzoka kwa Dapi musasa. "Chinzwai varume , ini ndaona zvakanaka kuti iwe Urahwatasva na Dapi ndimi muchauraya Chiundura. Nduru yegarwe iyi momuisira mudoro kana mumaheu . Mangwana chaiye parikurimwa rukweza kunenge kuine doro saka handizivi kuti muchaita sei kuti mumupfuudze asi ini ndichange ndisipo ndinoda kuinda kwa Gonamavende ndichaita mazuva matatu ndisipo pano, kana kuti momupfuudza ndadzoka izvezvi sanai kuita ushamwari naye. Iwe Madzore na Mhodzongwe ndinoda kuti mupfuudze Chebamba mhandara yaafambidzana nayo asiri Shupikai ngaafe handizivi kuti muchauraya sei chero nemiseve nhambo yavanoinda kumvura kana kupindira munhanga usiku asi haikona kubatwa. Ini ndinoda kutamba namambo Ndomene . Pane anopikisa here zvatataura ataure dama rake" anotaura Jeka. Hapana akapindura vose vakabva vabvumirana nazvavainge vasunga. Jongwe rekutanga rakabva rachema. Jeka akabva ati . "Saka ngatichidzokerai hedu kumana kwedu inzwai jongwe ratochema hweva haina nguva isati yaoneka pamwe ne utunga" anotaura Jeka. Chebamba achinzwa zvose izvi akabva asumuka ndiye verere hoyo seri kweimba ya Urahwatasva ndokunoti kwadada mumadziro. Anoona vose vachiinda kudzimba dzavo ndokuonawo Urahwatasva achisvika pasasa pake anovhura ndokubva amira pachikumbaridzo anosendeka pfumo rake pamadziro ndokusiya gonhi rakashama anomanya kumucheto kwechivanze ndokubva atanga kurasha mvura akatarisa mudenga akaita kutsunzunyira. Chebamba anogwesha ndokubva apinda musasa ma Urahwatasva ndiye tumbi seri kwegonhi . Akaita rombo rakanaka kuti maiva murima. Anovhomora bakatwa muhudyu ndokuribata zvakasimba . Nenguva isipi Urahwatasva akabva apinda , ndokuvhara gonhi anotsegera neguyo , nhambo iyi akachatonona Chebamba akabva atsvetukira Urahwatasva ndiye muhuro dzvi-i . "Waigochera pautsi , ukati bufu wafa, matsotsi haagerani waita mwana kwandiri. Uri mukuru pamakore asi kwete papfungwa. Ndinonda kukupukutai mese kukutsvairai sezviyo paruware. Baba vangu vamakauraya vakwana kwete ini bodo. Ndiudze kuti daka raChiundura newe nderei watumwa kumuuraya. Akakudyira chii" anotaura Chebamba . Urahwatasva nhambo yaakanga achida kutaura akabva abaiwa nebakatwa mumuromo richibva rabudira kugotsi rakasangana neurozvi anorivhomora ndokumupfira mate kumeso asi ainge angova chando. Nguva iyi mukadzi waUrahwatasva aitoridza ngonono , haana kumuka zvimwe ainge ainda kunoroya. Chebamba haana kuda kuchamira akabva atobuda ndokubva asunga gonhi nekunzwe . Anonanga kumba kwa Chiundura anosvikorova gonhi kamwe. "Ndini Chebamba" anotaura. "Kwakanaka here nhai Chebamba kwawauya usiku huno" anobvunza Chiundura achibuda mudaunha. "Hongu, ndati ndikuudze kuti kutanga nhasi usamwa doro, ukabata manzwi aya uchararama ini ndava kubuda akawanda totaura ndadzoka jongwe repiri inzwa rachema" anotaura ndokubva atofuratira . "Chebamba warevei zvawati ndirege doro" anotaura Chiundura asi ainge ava kutaura nemhepo. "Chebamba , Chebamba asi wainda kani" anotaura achivhura gonhi asi haana waakaona. Akabva adzoka kuvata. Chebamba hapana chaanga asina nhava yake yainge yakanzi muhuro koche. Anomanya akananga nekuchipukunyuko anosviko bvisa hwendefa yaivepo ndiye seri kwemuzinda dhugu. Anodzosera hwendefa iya. "Apa hakuna kure kwandichainda zvavapano ndofanirwa kuona kuti Jeka achafamba sei. Uye kuona kuti zvii zvichaitika mudunhu nekufa kwa Urahwatasva. Ndaisaziva kuti Jeka anemweya kudero uye anevamwe vake vanonyepera kuva makwai izvo vari mapere. Zvino ndazvibatira ndoga hazvidi svikiro kana n'anga varoi ndabata chasara kuvarovera hoko mumisoro. Vakuru vakati Chirambadare huripa nepfumo! Varamba kuteerera zvakarongwa nedare ndiko kuriramba ikoko saka mubairo ipfumo" anotaura ega Chebamba ndokubva afamba akananga muchikomo chaivamberi kwake chainzi Gato. Anokwira dzamara ava pamhanza pacho ndiye zvambarara pamusoro pemazimufa ndichimuka (pfuri) , Sezvo hope dzisina mugoni dzakanga dzamubata sezvo ainge asina kumbovata. Zuva richiti vhu-u. Machinda ose akamuka kusunga mombe zvipani zvishanu kuti vanorima kuzunde ramambo. Dzichipedza kusungwa vaRusanzu mukadzi wamambo vainge vatomuka vasunungura tsapi yerukwezva. Jeka ainge agere padare naMadzore Chiundura ainge ari pasi pemukamba achirodza demo rake pachivere. "Yowe-yowe yowe! mune vanhu here mumuzinda muno?" Huyai mundionerewo shura yowe kani ndapareiko ini" rinonzwikwa izwi rechikadzi kusasa kwa Urahwatasva kuhozi. Munhu wese mumuzinda akabva amira ,meso ndokupotserwa ikoko. Vamwe vakadzi vainge vabata zviuno. Jeka anosumuka pachigaro paanga agere ndokumanya achiinda kusasa kwabva mhere. Anosvikorova gonhi nedemo rake sezvo rainge rakasungwa kunze zvakasimba. Rinobvanganyuka mapango aro ndokuita zvigwishu anotanga amira pamusiwo akakotamira meso akabuda senyimo achiona chaitora nzvimbo mumba umu. Akaona zvisingaite kusvikopinda . Mukadzi wa Urahwatasva akabva abuda asi maoko ake ainge akazara ropa badzi. Jeka anokwakukira shure ndokutanga kudududza akatendeka musasa nepfumo. "Zvaita sei, chiiko mai Urahwatasva" anotaura Jeka . "Mu mu murume wangu aurawa chava chando" anotaura mukadzi achiwira pasi.Chiundura anosvikopinda muhozi umu pasina waataura naye ndiyowo nhambo yakapinda Jeka. Wanei Urahwatasva akatonyenama. Chiundura anobata gumbo ra Urahwatasva ndokumuzvuva achibuda naye panze. "Chero chirichitunha ungabva waita chekukweva here nhai Chiundura sumudza nekuchimbidza watondigumbura. Zvinoratidza kuti ndiwe waita basa iri wauraya Urahwatazva" anotaura Jeka akasunga chiso. Chiundura haana raakataura anosiya chitunha pasi. Ndokubva atonona anotarisa gotsi ra Urahwatasva anoona urozvi huchibuda ndokubva adzungudza musoro kwakutarisa Jeka. "Haisi nhambo yekuti tikandidzane mashoko. Tarisai ipfumo rakabaya apa. Chavapano kutobatana totsvaka muvengi uyu. "Mundione ridza hwamanda shoko risvike kuna mambo iwe newe sumudzai chitunha muuye kudare . Iwe Jeka iri rava basa rako" anotaura Chiundura achibva atofamba achiinda kudare. "Ndichaitei handiti iwe ndiwe watoita zvose. Ndiri kuzviona hangu kuti ndiwe watova jinda guru mudunhu rino" anotaura Jeka ukuwo hwamanda yakabva yarira yekushevedza munhu wese padare. Shoko rekufa kwa Urahwatasva rainge ratozara dunhu rose nguva pfupi. Mambo vachinzwa izvi vanokatyamadzwa nerufu urwu. Ukuwo Chebamba akabva ati pepu nekuda kwehwamanda yakarira. Akabva agara zvake mugomo umu achiona zvaitora nzvimbo. "Vanhu vakaungana nguva pfupi chero vainge vasunga mombe vakamanya kuuya kudare. Vakadzi vehana nhete vainge vohwihwidza. Mambo vanoshaya nesimba rekutaura ndokuti Jeka sumuka utaure . "Pamusoroi, rwendo rwedu rwekurima rwabva rwagurwa negurwe . Mambo havana kufara nechiitiko ichi kufa kwe Jinda ravo. Asi ini ndinoti aita izvi haasisinawo mazuva ekurarama . Muno muri kufiwa zvisina tsarukano asi kuti tirikunakurirana nyoka mhenyu handina akawanda changamire ndarwadziwa nejinda rangu chero zvandaironga naro zvawira mudondo ndicharonga nani" anotaura asi Chiundura anozvibvunza oga kuti kurongei iro dupe tupe rerume Urahwatasva, mukadzi arinani aifungei. Akabva asumuka ndokubva ati. "Regai zvipore akabva mukutsva. Nhasi moyeuka bako nekuti mvura yanayaka. Zuva riya angu mashoko akainda nemhepo . Muno mune munzwa uri mundove ndakataura kuti zvinoda kufamba asi ndakaita kunge muroi ayedzerwa pano" anotaura Chiundura. "Usataura zvekufamba nguva yerufu saka ndiwe waita zivi uchida kuti mashoko awakambotaura awane simba . Zvino kana uriwe muroi werino dunhu nhasi takubata Urahwatasva haangaindi ega" anotaura achisumuka panga agere uku misodzi yake yainge chitubu cheMhokore kusina. KUPERA KWECHITSAUKO 5
❤️ 👍 🙏 😮 😂 😢 133

Comments