PHIBIE ALL NOVELS
February 6, 2025 at 08:53 PM
*CHIRAMBADARE HURIPA NEPFUMO* *Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🥈Wese anoda book iri kubva pachapter 1 baya link re channel woita follow uchariona rese ikoko musauya ku box kwangu* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or app 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 6 Kwakava kugeda geda kwemeno . Hana ya Chiundura yainge yokindidza sengoma yegororombe. Chiundura anodududza nenhendeshure. Meso ake ainge akaringa Jeka uyo aifamba achiuya kwaaiva. "Tsuro haiponi murutsva kaviri iwe nhasi ndiri kukupfuudza unovata wava nyika dzimu" anotaura Jeka achibva aregedza pfumo , asi ainge anyangira yaona. Chiundura anoti pasi hwatata , pfumo ndokupfuura nepamusoro pake rakabva ranobaya sasa raiva kumashure. Jeka anofinyamisa chiso kunge vanhu vari kugovana zvinonhuhwa ndokuvhomora bakatwa rake muhudyu, paanoti nhambwe imwe chete, mambo vakabva vati, "Kureva kuti mese mava kundizvidza , ini ndiri kurwadziwa nejinda rangu rafa asi imi mava kuda kuita dzivo pameso pangu. Shura here kana kuti chii nhai Jeka" vanotaura mambo neinzwi gobvu rine mashasharadzi eshungu. Jeka akabva amira akatsikitsira asi ruoko rwake rwaiva rwakabata bakatwa rwaihuta . Ndokubva asimudza musoro wake achiita zvishoma zvishoma ndokuringa mambo. "Changanire wangu kurwadziwa kwamaitwa zvimwe kushoma pane kwandaitwa ini nerufu rwaUrahwatasva. Kuita hamungazivi basa guru raaida kuzoita mangwana. Ndinoti kana ndatadza ndaposha ishungu dzakandizadza" anotaura Jeka neunyoro zvinova zvakashamisa Chiundura kana naivo mambo. Jeka anotarisa Dapi ndokubva vatsonyana asi Chiundura akazviona asi waakatsonyana naye haana kumuona akafunga kuti Jeka atsonyana neimwe mhandara yaiva kwaanga akatarisa. Jeka akabva adzoka ndokufamba achiinda panechitunha cha Urahwatasva, anotonona ndokubva abata maziso aUrahwatasva ndokumavhara, achipedza izvi akabva atora nhava ya Urahwatasva yaiva muhuro ndokubva apinza ruoko munhava iya anobudisa chitehwe chainge chakaputiridzwa chichiratidza kuti chine zvachakaputira. Akabva achipinza munhava yake . Ndimo maiva makaputirwa nduru iya yegarwe yaaida kuuraisa Chiundura sekuronga kwavakaita padare ravo riya. Akabva asumuka ndokunogara pachigaro chake. Nguva iyi mambo vainge vakamira vachione zvose izvi. Munhu wese ainge agara pasi kusara kwaiva na Chiundura uyo aiva akazembera sasa. "Machinda angu izvi zvamunoita munopinza makonzo mumba tikashaya buru raapinda nawo. Tisingadi kupedza nguva sezvo kurima hatingaregi. Jeka sharudza varume vashanu vanonopisa chitunha ichi vamwe vose voinda kunorima kuzunde" vanotaura mambo . Jeka rakabva rasumuka ndokuti, "Dapi , Mhodzongwe , Madzore newe chikomana sumudzai chitunha ichi moinda nacho kujinga kwemuzinda pasi pemuhacha ndiri kuuya ikoko. Iwe Chiundura ndiwe uchainda nemachinda kunorima tokuonai madzoka" anotaura Jeka ndokubva atarisa mambo. "Itai izvi nekuchimbidza tozorodze mweya wemushakabvu uyu chingashata chitunha ichi takatarisa" vanotaura mambo Chirambadare. "Zvimwe kana tapedza ini handisi kutevera kumunda, ndine kwandinoda kumboinda asi vana Dapi ndivo vachauyako" anotaura Jeka apa ainge angosarudza machinda ake badzi. Chitunha chinoiswa padanda, vanobatirana Dapi na Mhodzongwe ndovaiva vakabata mberi. Madzore nemumwe mukomana vainge vakabata kumashure. Jeka akabva atora chtsiga chemoto padare ndokukakanyara sehoromba yebveni achitevera kumashure. Vanhu vose ndokusara vachisumuka vakadzi vakabva vatakura rukweza varume ndokutinha mhonde vonanga kuzunde ramambo. Zvose izvi zvaiva mumaziso aChebamba uyo aiva muchikomo Gato. Anoona machinda mashanu akabata chitunha chiripadanda. 'Chero zvichinzi ndatadza kuona, asi apa handina. Uyo ari mberi ndi Dapi naMhodzongwe vabata kumashure ndi Madzore mumwe wacho ari kundirasa. Uyo asi shure ndi Jeka kureva kuti asarudza dzimwe nyaka dzake kuti dzipise imwe nyoka yavo. Kureva kuti vane zvavanoda kuronga ikoko, ndinavo kusvika kumagumo uye ndichaparadza mumwe no mumwe'' anotaura Chebamba achidzika gomo kuda kuinda kwaipiswa Urahwatasva. Chaaida kunzwa zvaitaurwako. Nenguva isipi ainge asvika kujinga kwemuzinda ukuwo vana Jeka vainge vavakutokanda huni pamusoro pechitunha. Vaiva nekarumbo kavaiimba ipapo. Kusvika vapedze kupisa. Chebamba akamboda kuseka asi akazozvibata sezvo yaisava nguva yekuita izvozvo. "Tapedza kupisa Jinda redu. Iwe mukomana chiinda hako pako wapedza iwe Dapi newe Mhodzongwe newe Madzore nditeverei iyezvi" anotaura Jeka ndokufamba achiinda kujinga kwemuzinda pakanangana nepaiva na Chebamba. Jeka akasviko gara pamusoro pedombo raivapo asi vamwe vake vakaramba vakamira. "Machinda angu, ini pfungwa dzangu dzadhanganyika, musoro wangu wadzungaira senzuma kutsvaka chakadya nyanga. Urahwatasva watakaparadzana naye manheru ari mutano ko chamudya chii? , Paoneiwo machinda angu hapana mutengesi here patiri pano" anotaura Jeka . "Changamire wangu kana ini pano zvandinetsa asi ini imwe pfungwa yangu ndeyekuti zvimwe anogona abaiwa nemukadzi wake achifunga kuti muvengi, kana kuti zvimwe azvibaya nebakatwa ndiwo mafungiro angu iwawa" anotaura Dapi. "Haa Dapai!, Unofunga here iwe? Sekuona kwako mukadzi uya angauraya Urahwatasva here? Ko sei gonhi racho ranga rakasungwa nekunze kana uchiti mukadzi wake aita izvi". Anotaura Madzore achipikisa pfungwa yaDapi. "Machinda tingaswero tsvaka chisvo mujecha , hamuoni kuti zviripachena here izvi semhanza yako Jeka . Ndi Chebamba aita izvi hakuna angaita ushingi hwakadai . Mambomuona here padare nhasi sewe" anotaura Mhodzongwe. Zvose izvi Chebamba aizvinzwa ari seri kwerusvingo. Panomboita karunyararo pasina apindura. Jeka akabva agutsirira pamwe na Dapi. "Izvi zviripachena , asi nerimwe divi igaroziva kuti mhanza yembudzi iri paibvi , Chebamba manhenda kumuwana padare kana mumuzinda kunguva dziya anenge amuka runyanhiriri chairwo kutaura kuno amedzwa nemasango kunenge kuchiindwa chaiko hapana anoziva munhu rudzii asina kana shamwari inga majaya akawanda ezera rake . Ukada kumuti ndiwe waita izvi . Anogona kuti mandizora mafuta enguruve yadzisina kudya saka toti ndiye here?" Anotaura Jeka akatarisa Dapi. Hamusi kureva manyepo ipapo, uye ini ndogona kuti hasi sezvo Chebamba izvi aita mutete pazviri ndinopikisana newe Mhodzongwe dai wati ndi Chiundura raigamuchirika dama rako. "Musafa makairambira imbwa inemazino kuti haisiyo yadya mazai. Hamuna kuzviona here kuti padare paya Jeka waiva wasiiswa nyemba here naye asi ini hana yangu iri kuti ndiye Chebamba" anotaura Mhodzongwe. "Machinda angu tingawanzwa mbambo pachitehwe cheshindi, pabva zino sare vende. Tarisai tanga tirivashanu izvezvi tava vana. Tingatsvaka mumwe here anotsiva apa kana kuti tofamba takadai" anobvunza Jeka. "Tikapinza mumwe tinobatirwa pazvimbo sembwa. Takadai zvakanaka asi chiripo ndechekuti Jeka sezvo uriwe mukuru wedu tironge kuti jinda rako guru nderiri sezvo iwe ndiwe mambo wedu" anotaura Madzore. "Dapi ndojinda guru, Madzore ndiwe mutevedzeri iwe Mhodzongwe ndiwe mukuru wehondo. Ndapedza saka chizivanai. Ndichipendera dare redu ini ndichibva pano ndavakunanga kwa Gonamavende". Anotaura Jeka achibva aringa mativi ose. Hapana akadavira akabva ati, "Saka chiindai henyu ini ndava kurinda Chiundura tomuona ndadzoka, abvunza moti Jeka hatina kubvira taona tsoka yake kana huma zvayo" anotaura Jeka achibva atobereka zvombo zvake kumusana pfumo ndoraiva mumaoko. Anonanga nesuwo diki remavirira, vana Dapi vakabva vambodzokera kumuzinda vozoinda kuzunde kwainda vamwe. Chebamba anotevedza rusvingo dzamara ava kusvika kusiwo diki ndokubva avanda seri kwedombo . Pasina nguva Jeka akabva abuda sembeva irikubuda mumwena. Anonokora ivhu pamusiwo wemuzinda ndokubva aisa munhava yake. Anotarisa divi remaodzanyemba kwakadziva mavirira. Nguva iyi zuva rainge rati kwirei kamushana kainge konakidza vakadzi vakazvitakura vane mwedzi mitatu uye ndiyo nguva yaipiwa vana bota. Jeka anopinda muchakasara mesango aiita kunzunzutira pamwe pacho aitoparwa nemiti achiita kutukutira sembutsi irikudya sosote . 'Mukono unorwa unoonekwa nemavanga , nyangwe zviome sei ndofa ndayedza tinosvika tose ikoko kwaGonamavende' anotaura Chebamba achitevera shure. Vanopinda nepakati pemakomo aityisa kwazvo. Zuva rakasvika pakupinda munamai varo , Jeka aiva nekamukuyu kaaifamba achidya. Ndizvowo na Chebamba asi nyota ndiyo yainge yotonga. Kuchangoti zvarara vhenekera tsvimbo rume yainge yati nenga yakarereka. Ndiyo yakava mubatsiri sezvo jena guru rainge risati rabuda. Nenguva isipi Jeka akabva asvika murwizi asi rwaiva nemvura yaisvika mumabvi. Anokotama ndokubva atanga kumwa mvura nemaoko. Chebamba anovhomora museve wake mudati ndokuisa tsvimbo pasi. Anoupfekera pauta ndokuutatamura akaita kuvhara ziso rimwe uku akaruma muromo. Ko Jeka aizivei zvake aiti ndiri munyika yangu ndega kusaziva kuti shure kwake kune chikara. KUPERA KWECHITSAUKO 6
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 158

Comments