PHIBIE ALL NOVELS
February 7, 2025 at 12:35 PM
*CHIRAMBADARE HURIPA NEPFUMO*
*Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*🥈Wese anoda book iri kubva pachapter 1 baya link re channel woita follow uchariona rese ikoko musauya ku box kwangu*
https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2
STORY BY
PHIBION MANDONGWE
Call or app
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 7
Nhambo yakainda vanhu kumunda.
Chiundura akafamba nhambwe gumi achibuda mumuzinda ndokubva amira.
"Mundione newe Gunanga sanai kunofambisa basa ndiri kuuya uyezvi.
Tangai kurima muchibva jinga rechikomo" anotaura. Chiundura asi meso ake ainge akaringa vana Jeka vaiinda kunopisa chitunha cha Urahwatasva.
"Zvakanakai Changamire" anodavira Mundione. Chiundura akabva adzoka mumuzinda , aiita kukamhinira gumbo rekuruboshwe.Ainge ofunga nhambo yaakapotswa nepfumo padare na Jeka.
Anosongana na mai va Chebamba vaina vaRusanzu vakadenhezera tswanda dzaiva nerukweza.
Achangodarika akanga ashevedzwa.
"Mangwanani vaChiundura miraipo" vanotaura mai vaChebamba ndokubva vadzoka shure.
"Kwakanaka here mai Chebamba?"
anobvunza Chiundura.
"Ndati ndibvunze imi varume, ko budzi rangu randirisi kuona muno mumuzinda ranyangarikira kupizve" vanotaura mai Chebamba vachibvunza mwana wavo sezvo vainge vasina kumuona kuye kuonekana. Sevakadzi vakashaya mwana wavo moyo wekubereka unobva wabaya.
"Aaa muchabvunza Chebamba nguva dzino zvimwe kutaura kuno atoputsa mhembwe mbiri kana masango asiri matema" anotaura Chebamba.
"Mangwananizve vaChiundura, kumira rudziiko ikoko nemukadzi wemunhu komukagoita kuvhunduka nhai mai Chebamba , honhai basa kurezvana zvino Jeka ndiri kuda kumuudza zvose" vanotaura mai Shupikai . Aiva zvawo manyepo kuda kuti mai Chebamba varambiwe na Jeka sezvo ndivo vaiva mukadzi wepiri mai shupikai varivo mukadzi mukuru.
"Nhai mai Shupikai mapindwa nei chokwadi, zverudo zvingaitwa pachena ipopano here kana kuti pakavanda muchaona here kana kuti murikufungidzira" anotaura Chiundura .
"Zvamava kutaura ndezvemugotsi matsuro zvakawanda mozopedzerana na Jeka kana auya ndayenda ini" vanotaura mai Shupikai chiso chavo chairatidza kushinga serume regonzo.
Mai Chebamba vakaramba vakanyarara asi vakaona kuti apa paveswa moto wematanda chaiwo usingadzimuriki.
"Regai ndimbonoona mambo Chebamba anodzoka nhasi chaiye zvimwe rogara makomo kana kurova nhongonya anowira muno" anotaura Chiundura asi ainge atoona chiso chamai Chebamba chatofuruka semabarwe ashaya moto .
Vanoparadzana ndokubva ananga kusasa kwamambo. Anosviko gugudza kaviri.
"Ndiyani" vanodavura mambo.
"Ndini Chiundura" anotaura amire pamusiwo.
"Pinda jinda rangu" vanotaura mambo, Chiundura akabva apinda ndokubva avhara sasa sezvaraiva rakaitwa ndokugara pachigaro chaiva mberi kwechamambo ndikutarisana.
"Changamire wangu pachipamwe, ndaona kuti hakuna kwandingainda ndisina kutaura nemi. Nekuti tsuro haiponi kurutsva kaviri rimwe zuva ndinogona kuindiswa nyika dzimu ndakati vava va saka ndauya kumazano enyu ndisati ndaitawo mazano anguvo nekuti mwana asingachemi anofira mumbereko" anotaura Chiundura.
"Mai vebenzi havana mufaro unozviziva wani. Angu meso anoona aya asi shiri haingapotseri nedombo isati yamhara.
Iwe wanga wauya wakasenga dama ripi" vanobvunza mambo.
"Changamire ini rangu uyu Jeka jinda renyu guru ndaona aparadza dunhu rino raita rake. Imi wacho mukaindiswa nyika dzimu. Ndateerera mashoko aataura ekuti Urahwatasva anebasa guru raanga achifanirwa kuita ramusingazive imi, azotizve pamwe imi mambo kurwadziwa kwenyu kungangova kushoma sekurwadziwa kwandaitwa. Kureva kuti vaiva nezvavaiita uye havasivo vega mune vamwe vatisiri kuziva . Sarini Jeka kuchema kubuda musodzi" anotaura Chiundura , izvi zvakaita kuti mambo vagutsurire musoro wavo ndokubva vati.
"Wataura zvandanga ndisina kuisa mumusoro. Asi ini chandinetsa Urahwatasva wacho afa nei , uye Jeka ati nhasi haapo pano pamuzinda anoda kuinda kupi? Dai Chebamba anga aripano. Chinzwa Chiundura iwe zvowoita chiinda kumunda kwainda vamwe ndovimba newe pazvose iyi nhau toidzeya wadzoka nekuti ukazotadza kuinda ungaigochera pautsi" vanotaura mambo . Chiundura akabva abuda musasa ramambo. Anoti ava pachikumbaridzo kubuda anoita mahwekwe na Dapi , Mhodzongwe na Madzore vachibva kunopisa chitunha.
Asi Jeka anga asipo zvairatidza kuti ainge ainda kwaanga ataura . Anodzika pachikumbaridzo ndokufamba achiinda kusasa kwake anonotora badza ndokubva ainda kwaiva nana Dapi avo vainge voindawo kumunda.
"Ko Jeka aindepi zvamadzoka mega" anobvubza Chiundura.
"Jeka taparadzana naye nhambo yatapararira padare hatina kumboona rutsoka rwake kana huma zvayo .
Manga musiri mese here musasa mamambo umo mataona uchibudamo" anodavira Dapi.
"Haa kana Jeka anga asimo, pamwe ainda kumunda" anodavira Chiundura.
"Murume uya Chiundura ukasangwara anokuuraya. Ndoona zvakanaka kuti iwe utore chinzvmbo chake iwe woita jinda guru , munozviona sei machinda ndoona senge Chiundura aneuchenjeri" anotaura Dapi achida kunzwa pfungwa dza Chiundura. Koiye Chiundura aimbozviziva here kuti akakombewa nemhandu dzake .
"Garwe haridyi chebamba charo chinouya neronga. Ruchiva rwunouraisa" anodavira Chiundura.
"Unoyedza kuti chii Chiundura" anobvubza Mhodzongwe.
"Usafa wakachiva zviro zvemumwe , zvakafanana nekuti ini ndochiva ushe hwamambo kufa kwangu kubaiwa nepfumo zvirinani iwe Dapi uite hako jinda guru" anotaura Chiundura.
"Asi ndoziva hangu kuti na mambo ndozvamanga muchitaura musasa umo" anotaura Dapi , asi Chiundura haana kudavira. Vanokanda nhambwe dzamara vasvika kumunda kuzunde ramambo. Chiundura anonyemwerera basa rainge rabatwa vavakutopedza.
Vakadzi vaipfudzira rukweza vachiimba nekuridza mhururu. Varume vaikuza mombe mheterwa dzichiridzwa. Zuva parakatanga kurova nhongonya vainge vapedza kurima vavakumwa zvavo maheu. Asi Chiundura nguva iyi aifamba zvake achiona mumunda. Mai Shupikai vakabva vasumuka pavaiva ndokuinda kuna Dapi. Vanotorana ndokuinda kusina vanhu ndokubva vati.
"Dapi chandakudaidzira pano , nhasi ndapererwa kusvika pakushaya remuromo. Chiundura anga achisumudza mai Chebamba achivatsvoda seri kwetsapi yangu iya .
Paandiona abva amanya achidzoka kuimba yamambo" vanotaura vachiratidza kurevesa.
"Iyawokani munondiudzei. Imi kani muri kuti Chiundura ari kufambidzana namai Chebamba here kana kuti iye Chiundura ari kuda kuti mwana sikana wake Svunurai aroorwe na Chebamba?".
"Dapi Dapi Dapi Chiundura kudanana chaiko ndazvionera neangu meso aya" vanotaura Mai Shupikai.
"Maiwe ! Zvamataura zvanaka iyi yazvikanga yoga nemafuta ayo isiirei kuno ini ndini ndouya ndoudza Jeka nhau iyi kuiti iite mutsindo . Sezvo mukataura murimi zvinonzi maita godo.
Hamupaoniwo here mai Shupikai" anotaura Dapi akatarisa mai Shupikai mumboni chaimo.
"Ukazonditarisa mumeso ndozonyara Dapi" vakabva vanyemwererawo Dapi ndokucheuka mativi ose. "Mati ndingadiiwo ini ndakaringa njuzu ichangobuda mumvura handifunge kuti mudunhu iri pane ane runako serwenyu uru ndabvuma kondaiva ndakambokutarisai here ndairinga hana ichirova seichabva, saka Jeka ini ndichamuudza achingosvika" anotaura Dapi.
"Ukataura izvi ndichakupa tswanda yenzungu" vanotaura mai Shupikai.
"Ndagova mukadzi here anopiwa nzungu . Handina tseu ini, hapana zvimwe here".
"Ndozvandowana semukadzi, wanga uchida chii Dapi".
"Makura imi mai Shupikai , zuva rimwe hariodzi nyama sanhasi zvaasipo Jeka kudai ini ndova baba chingaramba chii sezvinotaura". Anotaura Dapi achinanzvira miromo.
Nguva iyi mai Shupikai vakabva vangotendeuka ndokutarisa kwaiva nevanhu ndokubva vasumudza tsoka dzavo.......
____________________________________________________________________________ Dzainge dzawira mutswanda dzisingachanetsi kunongera .
Chebamba anoswederera padyo kuti anyatsouregedzera aida kuti aupinze nekumagadziko kana museve waizobudira neseri zvaivawo zvimwe.
Nhambo yaakati achiuregedzera,bere rakabva rachema riri mujinga mechikomo chaiva mberi kwaJeka zvimwe raida kumwa mvura. "Yowe dofa mandirasa vadzimu" Jeka anokwamatata achibva awira mumvura.
Chebamba akabva ati pasi hwatata haana kuzoregedza museve uya.
Anokambaira achiinda kurwizi kuya.
Anoona Jeka ava nyasi kwerwizi asi kuri mhiri. Bere riya rakazokuma kepiri rava kumusoro chaiko.
"Jeka anofanirwa kutenda bere iri anga achifanirwa kufa nhasi , asi ndoziva hangu kuti tsuro haiponi murutsva kaviri rimwe zuva gava richadambura musungo" anotaura achidzosera museve wake mudati ndokubva apinda mumvura ndokutanga kutevedza jinga regomo achimanya dzamara ava kuona Jeka. Anopota seri kwechikomo ichi , Chebamba akabva anzwa kunhuwa kwemoto, "Tofanirwa kunge tasvika , uyu moto uri kunhuhwa unenge uchangoveswa chete regai tione" anotaura ega achibva avhomora museve mudati pfumo ndokuriisa muchiuno.
"Bu-bu-bu-bu" kuuchira kwaiita Jeka achipota seri kwerimwe dombo kwainge kooneka chiutsi.
"Tisvikewo sekuru Gonamavede, Bu-bu-bu-bu tisvikewo sekuru" anotaura Jeka zvekare. Uyu Chebamba ainge achiswederawo" "Svika muzukuru svika svika" rinonzwikwa inzwi gobvu richibuda muchiimba chaiva chakarerekera divi rimwe kunge chinoda kudonha.
"Ndiro dumba racho ren'anga yake nhai ndinoda kunzwa kuti avingei chaizvo" anotaura achiswedera zvishoma zveshoma.
"Isa zvombo pasi usiye ikoko wouya uri iwewe badzi unonzwa here muzukuru" rinonzwikwa inzwi riya zvekare.
"Zvirimunzeve sekuru". Jeka anosiya zvombo pasi chaakatora inhava yake yaiva nezibadza raanga abira mambo.
Anofamba ndokubva asviko mira pamukova pedumba ra Gonamavende.
Anodongorera ndokuona muchipwititika chiutsi maiva na Gonamavende na Makumbi wake aimubatsira kurapa. "Ndi Jeka here uyu" rinotaura inzwi riya zvekare. "Hongu changamire ndauya kwamuri" anodavira Jeka. "Pinda ugare pasi" anotaura Makumbi. Gonamavende akabva ainda seri kwematehwe aiva akaganhura dumba iri nepakati.
Chaingonzwikwa ihakata chete kurovaniswa . Anopinda ndokubva agara pasi anoringa mumba umu mainhuhwa kunge mafira chidembo maiva nezvitende zvakawanda uye maiva nematehwe emhuka dzakasiyana siyana , koti zvimiti nemakwande zvaiva zvakanyikwa mumvura yaiva muchainga.
Zvimwe mvura iyi ndiyo yairapa varume vanenge vakasungwa kana kuti ndiwo mupfuhwira hazvina akaziva Gonamavende ndiye badzi aiziva.
Chebamba anogwesha dzamara asvika paiva pasiiwa zvombo na Jeka anozvitora ndokubva ati verere seri kwerimwe dumba ndokupota seri kwedumba raiva nana Jeka ndiye kwati kwati. "Jeka zvawauya zvanaka muzukuru ndiri kuona matama ako anemvura yekutambudzika. Kuti nditange nhau yako isa makwati mundiro iyo" anotaura Gonamavende achisundidzira ndiro nepasi pedehwe.
Jeka akabva anyemwerera ndokupinza ruoko rwake munhava ndokubva abudisa zibadza raakabira mambo ndiye mundiro tsve-e. Gonamavende akango tora badza riya anonyemwerera ndokubva ati .
"Taura nhau yako muzukuru ndakateerera" anotaura.
"Sekuru musaona ndauya kuno kudai hapana kumira zvakanaka kumuzinda uko. Zviri kunzi--------!!!!
KUPERA KWECHITSAUKO 7
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
262