PHIBIE ALL NOVELS
February 8, 2025 at 01:01 AM
*CHIRAMBADARE HURIPA NEPFUMO* *Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🥈Wese anoda book iri kubva pachapter 1 baya link re channel woita follow uchariona rese ikoko musauya ku box kwangu* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or app 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 8 Kana museve wada nyama unodauka vakataura vakuru. Asi vakazodzoka zvakare voti nhambe tambe inoregwa ichanaka nekuti unozodzamara ita segurwe rinofarisa kusvika pakubvisa makumbo. Jeka anovhura meso ake akatarisa dehwe rembada raiva rakaganhura pakati pedumba iri, akabva ati. "Sekuru Gonamavende kumuzinda kwandabva uko angova manyama amire nerongo. Chandisumudza ini inhau yeumambo . Sekuru munoziva kuti ini ndini jinda guru uye ndini ndakaroora mukadzi waiva wemwana wamambo. Saka zvava apa mwawa wa Mucharipa anova Chebamba wemukadzi wandakaroora ini ava kuda kuroora . Zvino mambo vakabva vati munhu ane mwana acharoorwa na Chebamba ndinomugurira dunhu kumacheto kwemuzinda wavo atonga ikoko. Kureva kuti ini hapana changu saka ndauya kuti imi sasekuru mondipa mazano ekuti nditore dunhu ndiwo mashoko angu" anotaura Jeka. "Muzukuru saka chiri kukunetsa ipapa chii, zvawauya pano zvanaka handiti mudzi wenyaya ndiChirambadare here ivo mambo! , saka ukagona kumupfuudza iwe watova mambo kana iyeyu anoda kuzogurwirwa dunhu kana uchimuziva hakuna chake ndiwe unenhe wava nemasimba" anotaura Gonamavende. Jeka anoramba akanyarara ndokubva azoti . "Sekuru ndinenge ndisina kuikangira pakatsvira dzimwe here apa. Chebamba uyu akangoti kure badzi anodzishandukira serwaivhi akandipfuudza" anotaura Jeka. "Iwewe unenge uchamusiireiko Chebamba wacho? wotongopfuudza vese nekuti kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma saka apa kuti dare iri ndiripedze panoda muripo mukuru kwazvo. Sezvo iwe unoda kutanga kuita mambo. Ndotema here muripo wangu kana usingakwanisi unoti kwete asi kana uchikwanisa kuripa woti hongu nekuti handikwanisi kutaura muripo wausingazogoni" anotaura Gonamavende achibva adzvova dumba rose richibva raita maungira uye kuzununguka. Zvakaita kuti Chebamba aiva mumadziro adonhere pasi nekutya . Jeka akazvinzwa hana yake yakabva yakindidza seichabva . "Sekuru aiwa musanyanya kuita ukasha vazukuru venyu vane hana nhete ndokumbirawo sekuru kuti muite neunyoro" anotaura makumbi akapfugama achirovanisa maoko musoro uri parutivi . "Zvanzwikwa muzukuru , Jeka pindura timwe usatya zvako zviripanze apo imbwa dzangu" anotaura Gonamavende. Zvose izvi zvaiva munzeve dza Chebamba , paakangonzwa zveimbwa akabva amuka nekuchimbidza ndokutarisa mativi ose asi haana chaakaona anodzoka mumadziro. Nguva iyoyo ndokumira, ndokudongorera nepa berevere aiona zvaiita Gonamavende. Ainge ari mutsvi asina kusimira , zvuma ndizvo badzi zvaiva zvakati muviri wese rezu rezu. Aiva nezino raiva rakabuda uye aine ziso rimwe chete. Chebamba anodzungudza musoro wake akafinyamisa chiso. Nguva iyi akayerekana anzi mba-a tsapfu yake haana kuda kuita ruzha. Akatendeuka achiita zvishoma zvishoma ndokuona rino zimbwa dema dema raiva nemeso akatsvuka aipenya neusiku . Anosvasvaira pfumo rake muchiuno ndiye vhomo. Zimbwa riya rakabva razunza tsapfu iya katatu ropa richibva rati dzatu senhongo yabaiwa. Anofinyamisa chiso ndokudzisa pfumo zvineukasha pfumo rakasvikoti muhuro pitipiti ndiro svata , "Waa-waa-waa" katatu ndiyo zii yakadero" anoibata gumbo ndokubva asvetukira nayo mumauswa aiva seri kwedumba iri. Ukuwo Jeka achinzwa ruzha urwu anosumuka ndokuwarukira seri kwaiva na Gonamavende achikwamatata anobudisa mweya pamwe nekuzvinyorovesa ukunachifemera pamusoro sendere. Anosvikowira pamusoro pehakata. "Iya muzukuru kuno hakuuyiwi imhosva iyoyi zvirinani kudyiwa nezvikara pane kundiona ndichiita basa rangu. Iwe makumbi pota seri uone kuti chii chatora nzvimbo zvimwe dzirikurwa imba idzi wanga wadzipa sadza here" anotaura Gonamavende. Makumbi akabva abuda ndokupota seri kwetsapi asi haana chaakaona nekuti hwaiva usiku uye akasiya tsvatsva yake mumba. Chebamba anoramba akati hwatata pasi akatsimbirira zimbwa riya asi chainge changova chando chete. Makumbi paakatendeuka Chebamba akada kuregedza museve asi akazoona kuti ndinenge ndachimbidza kumedza kutsenga ndichada. Akabva amurega. Makumbi anodzoka mudumba ndokuwana Jeka achidirwa mvura yaiva yakanyikirwa zvimidzi zviya. Mvura iyi yaiva yakatsvukuruka asi yairatidza kuti irikuvava. "Hakuna chiriko imbwa dzacho dzatiza endererai mberi nebasa sadza ndanga ndadzipa dzikasiya rakadero" anotaura achichonjomara. Jeka ainge ongohuta zvairatidza kuti mvura iyi yaitonhora. Chokwadi n'anga inokuita zvainoda mumwe nomumwe ndimambo pabasa rake. "Jeka taura kuti wakasununguka here kuripa muripo wangu, uye zvawaita izvi zvekuuya seri kuno vadzimu vatsamwa wapinda nemwenje mudziva" anotaura Gonamavende achiratidza kuti shungu dzakamugara. "Hongu sekuru ndikosaka ndauya pano taurai ndakateerera" anotaura Jeka nguva iyi Chebamba ainge adzoka pamadziro. Vakuru vakati kufa kwemurume kubuda ura. Akangoshinyira achirwadziwa ndokumira akateerera. "Chinzwa Jeka ini ndinoda mombe makumi maviri. Nematengu makumi mashanu ezviyo. Kupinda kwawaita seri kuno kwandiri ukandiona muripo wacho ndewenhandara mwana wako iwewe asati avata nemurume ndapedza ndokuti vadzimu vangu vafare, kana une chekutaura ndakateerera taura hako" anotaura Gonamavende achirongedza hakata dzake muzinhava raiva nemidzi pamwe nematehwe. "Sekuru mandiomesera pamwanasikana wangu apo. Ndingori nevaviri badzi Chenai na Shupikai uye Chenai richiri jeza chairo haridyike uyu Shupikai ndiye wandanga ndichida kuti atorwe na Chebamba saka ndozvifambisa sei" anotaura akagwadama achiuchira. "Kana zvisingaiti Jeka handikupikisi kana kumanikidza chinzwa. Sarudza zvaunoda pazvivitatu izvi, kuita bofu uye wotadza kufamba, kana kuinda nyikadzimu kana kundipa mwana wako" anotaura Gonamavende. "Sekuru hazvigoni here kuti ndikupei mumwe musikana asi asiri wangu mwana, mombe nezviyo izvo ndokupai" anotaora Jeka. "Kana uchiona hako kuti hazviiti izvi dzokera hako kumuzinda kwako asi kana zuva rikayedza uri kupenyu bvaumambo unotonga, unoda kundipa mwana wemumwe mumhu sei panoda ropa rako iwe wapinda muno. Ukandipa mumwe musikana asiri ropa rako hapana zvawaita zvakafanana nekuti ndini ndinenge ndasvitsvagira". "Bodo sekuru musagumbuka kusvika pakudaro ndazvinzwa zvamataura ndichaona kuti ndouyisa upi" anotaura Jeka. "Hauchaoni wava kutaura semurume zvino. Chinzwa Jeka iwe ndava kukuzora mafuta eshumba pahuma uchatyiwa chero namambo kana nhunzi chaidzo hadzikumhari. Uyezve ndinoda kukupa tsvimbo iyi ndiyo inemasimba ose watova mambo usawana anokutorera tsvimbo iyi . Mambo uchavauraya sehuku ndapedza newe muripo wangu ndiwo wasara" anotaura Gonamavende. "Muripo wenyu ndinouyisa kana ndatora dunhu mombe dza Chirambadare ndidzo dzandichauya nadzo" anotaura . "Asi mhandara gara wauya nayo kuitira kuti ndisane ndichisimbisawo mhiko idzi uite mambo. "Zvakanaka sekuru. Ini handichamiri" anotaura Jeka nguva idzi jongwe rekutanga rainge ratochema. Chebamba anowaruka achibva mumadziro ndokudududza hoyo anokamhina achidzira nyasi kwedumba divi ravakabva naro anonoti kwati kwati nedombo achiringa mafambiro aizoita Jeka. Jeka anobuda musasa ndokuridza kamuridzo achiinda kwaaiva asiya zvambo zvake kanhava kachitorwa nemhepo kari muhuro . Anosvika paya wanei yangova nzvimbo badzi zvambo zvikati wakandisiya pano here?. Anotenderera akatsikitsira sembongoro irikudya tsangadzi. "Ndazvisiya ipapa ini ko zvagoinda kupi? asi zvamedzwa nerima irori rajairwa nevaroi asi rinenge ririshura chairo. Kana kuti makumbi ndiye azvitora" anotaura Jeka akakotamira achitsvanzvadzira netsvimbo yake yaaiva apiwa na Gonamavende. Anoringa ringa asi haana chaakaona. Anodzoka kudumba ndokubva asongana namakumbi uyo aitobva kunorasa mvura kumacheto kwechivanze. "Ndipe zvombo zvangu ndava kuda kuinda makumbi" anotaura Jeka . "Zvombo? Zvani ?" anobvunza achimira pamusiwo. "Usanyepera kudzungaira sechembere mbiri dzaitirana mwenya murima. Ungaramba zviri pachena seinda iri mubaravara kuti ndiwe watora ndipe nekuchimbidza nhambo dzakandidya" anotaura Jeka. "Tora zvombo pawasiya ndopazviri, wamboona rutsoka rwangu rwuchigura kwese ikoku here, sei wananga ini?" anotaura Makumbi. "Chiiko panze apo zvadii Makumbi" anotaura Gonamavende. "Jeka ashaiwa zvombo zvake zvino arikundizora mafuta enguruve yandisina kudya oti ndini ndatora" anotaura. "Ndozvamunganetsanirana here tora zvoto zva Gata zviri mumba umo umupe atsike matama enzira ozozvidzosa u nhambo yaachauyisa muripo yangu kana kuti anowedzera mombe imwe chete usachadzisa zvombo" anotaura Gonamavende achiwedzera gumi pazana. Jeka anongoshama muromo ndokudzungudza akatarisa pasi koaigodii. Anopiwa zvombo zvaGata pamwe aiva mwana waGonamavende. Anotambira ndokubva atopinda munzira ndokunanga kumuzinda. Chebamba akaona kuti hazviiti kuti ndisvikirane na Jeka kumuzinda. Akamanya mberi kwaJeka achikamhina, ainge asunga gumbi rake negavi reMuswati kuti paarumwa pasanyanya kumurwadza uye ronda racho riindwe nemuto weMuswati. Aiva ari divi remunyasi. Zuva rakatozobuda ava kure. Richitangawo kurova nhongonya ainge odongorera kusvika kumuzinda . Chebamba akananga nekumisungo yake , zvineiwo akati asvika panewekutanga akawana pakabatwa mhara. Akabva anyemwerera haana kuda kutevedza misungo yose, anoisumudza ndokunanga kwaaiziva kuti ndokunouya na Jeka. Zuva richitangawo kurereka nguva iyi Chebamba aidya makwakwa akagara pasi peMutarara. "NdiChebamba here uyo, inga wadzimba mwanangu , hauna makwakwa awasiya here mwanangu ndipowo ndinyause mumukanwa, apa wotondigurirawo chidya ichi dai zvaibvira waindipa nechityu chine nyama yakapfava ichi uye akanuna wondipa ndoda kuti mai vako vanobika vomene nhasi havaisi dovi chidyu chine mafuta ichi" rinotaura Jeka richibva ragara pasi achinanzvira maromo. Airatidza kuti aneta kwazvo. Chebamba ziso rake rakangomanya kutsvimbo yaiva naJeka yaiva yakavezwa iine mufananidzo we nyoka iya inonzi Nyamapfingu yakamonera muviri wetsimbo iyi. Musoro wayo aiva weshiri iya inonzi hungwe. Uye mufananidzo wenyoka iyi waiva wakashamira shiri iya Hungwe kunge inoda kuimedza , hungwe ichiita seinoda kubhururuka ndomavezerwo ayaiva yakaitwa . Chebamba akabva avhunduka nazvo uye zvaiva nechirevo sezvo shiri iyi ndiwo waiva mutupo wa Jeka Chasura. "Mavezerwa naniko tsvimbo yakanaka kudai baba, nyama ndinokugurirai tasvika kumuzinda . Hazvigoni kuti ndiigure kuno ndingafamba ndichizara ropa inzwai ndichangoibata ichikudziya" anotaura achitambidza Jeka makwakwa matatu asi meso ake aiva kutsvimbo iyi. "Ndakaiveza ndenga tsvimbo iyi nezuro ndozvandakaswerera ndichichena hangu jinda rangu Urahwatasva" anotaura Jeka. "Hoo! Chero vakuru vakati tsvimbo hainzi ndakanhonga ungatorerwa asi ukaita yekuvezha inenge iri yako. Bva ngatichiindai hedu kumuzinda zvakawanda tokurukura tasvika" anotaura Chebamba ndokubva asimuka anodzvara mhara yake ndokubva vadungamidzana vonanga kumuzinda asi hapana aitaura nemumwe Jeka ndoaiva mberi achinan'anidza tsvimbo yake. Vasati vasvika kure vakabva vaita mahwekwe na Dapi uyo aibva nedivi rekuchikomo chaiva mavirira asi aingocheuka cheuka semombe yarumwa nemago. "Unobvepiko Dapi nguva ino uri wega kudai" anotaura Jeka. "Zvamauya zvanaka changamire ndine mashoko , iwe Chebamba inda zvako. Changamire ngatigare pabvute apo" anotaura achitendeka pamusekesa. Chebamba akabva atofamba zvake ava vaviri vakabva vasara. Chebamba anofamba haana kucheuka . Anopinda muchirwizi ndiye vambu otarisana nesuwo diki, akabva aitawo mahwekwe namai Shupikai vakakwinya nhahwamaringa yavo vachiita kufambisa kunanga kumuzinda. Chebamba zvakamunetsa ndokubva amira. KUPERA KWECHITSAUKO 8
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 148

Comments