PHIBIE ALL NOVELS
February 8, 2025 at 12:17 PM
*CHIRAMBADARE HURIPA NEPFUMO* *Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🥈Wese anoda book iri kubva pachapter 1 baya link re channel woita follow uchariona rese ikoko musauya ku box kwangu* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or app 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 9 Hana ya Dapi inoti tibvu tibvu kurova kaviri meso ake ainge anjenga misodzi yerudo. Kutendeuka kwakaita mai Shupikai, vakafamba nhambwe imwe chete ndokubva vanyemwerera vakatarisa divi remavirira ndokubva vamira ndivo tendeu kuna Dapi. "Nyaya yako ndainzwa Dapi asi ngazvive zvedu tega nekuti Jeka akazviti fe-e panozvarwa mwana asina bvudzi" vanotaura mai Shupikai. "Ndava munhu mukuru ini mai Shupikai, tichatambira tsoro yedu pasi pemvura zvekuti manhenda Jeka kuti bata. Handiti iye akakuroorerawo mai Chebamba saka iwe chingakutadzisa kuti ini newe tipengesane nerudo chii?, Chinzwaka mangwana nguva dzekuvhurwa kwemombe unobuda mumuzinda tonosangana kuchikomo chiri kumavirira Chitemavakadzi , ini ndichachimbidza kubuda unowana ndichiveza mupini wedemo rangu wavhunika tichipisa Chitunha cha Urahwatasva" anotaura Dapi. "Zvakanakai rega ndinomwa maheu tikwidze kumuzinda" vanotaura mai Shupikai . Dapi anosara akamira moyo wake waifara kwazvo . Anodzoka kuvarume ndokubva agara zvake pasi. 'Kana watoteya mariva murutsva hauchatyi kusviba magadziko, ndofa ndayedza mai ava ndakavada kare zvino vadzimu vandinzwa'' anotaura ega zvake ndokubva akutura mukombe wemaheu . Chiundura nguva iyi ainge adzoka apedza kumema zunde ramambo. Akabva amira mberi kwevanhu ndokuti. "Basa ramaita rakanaka kwazvo ndovimba tapedza mambo vachanofara kwazvo. Saka nguva ino ngatichiindai hedu kumuzinda " anotaura Chiundura. Vanhu vanoridza mhururu setsika yaivako kare kana vanhu vapedza kurima, varume vakabva varidzawo mheterwa. Vakadzi vakabva vatosimuka ndokutungamira ,varume ndivo vaivawo kumashure. Nenguva isipi munhu wese ainge ava pamuzinda ndokunanga kudzimba dzavo. Mambo Chirambadare vainge vagere pabvute nemajengeta mambo avo vachikurukura nhau dzakasiyana siyana. Chiundura ndiye akapedzisira kusvika mumuzinda akasvikonanga paiva namambo ndokuvaswedza. "Changamire wangu, basa tabata tikapedza chasara mvura kuti ichiuya zvayo imedze mbeu" anotaura Chiundura akaringa mambo. "Kana mapedza marwa mumire. Tarisai mvumi dzakasengwa nemakomo idzo . Kureva kuti hapachina mazuva inoturuka chero musi. Ko Jeka abudirira kuinda rwendo rwake here anga aripowo here pamanga muchirima" vanobvunza mambo. "Anenge ainda nekuti anga asiko, Dapi na Madzore na Mhodzongwe ndovanga varipo" anotaura Chiundura. "Zvakanaka Jinda rangu . Saka ndovimba kuti mangwana anenge awira muno ndinoda kuti mubaye mombe kurima kwamaita kwandifadza, uye tichimirirawo Chebamba zvimwe mangwana anosvika zvekare" vanotaura mambo. "Ririmunzeve changamire wangu chiregai ndinozorora" anotaura Chiundura achibva atosumuka paiva namambo ndokunanga kusasa kwake. "Nhai amai , kubva zuro Chebamba kana kumuona, haadero aine kwaakaona musikana here ini ndikasara ndakatii vavava" anotaura Shupikai . "Kuti haana kunovhima here , rega tione kuti nhasi hariviri auya here. Asi iwe unofanirwa kutendererawo nedunhu uchiona zvirikuitika nekuti vamwe vasikana vanogona kunyangirawo nerweseri. Uye ndiko kuti Chebamba wacho umuone. Asi kana akatadza kuuya ndichamuka ndichiinda kugomo reChitemavakadzi mangwana nguva dzinovhurwa mombe ndine mashizha emutsvanyangari andoda kukupa kuti uyise muhapwa mako wadero ndoziva kuti chekutya hapana" vanotaura mai Shupikai apa vainyepera mwana wavo, vaida kuti zviite nyore kunoonana na Dapi. "Zvakanakai amai saka ndichaita zvamataura. Regai ndiinde kumvura nedzimwe mhandara idzo dzakadengezera zvirongo idzo ndouya ndogara kamwe" anotaura Shupikai ndokusumuka ononga chirongo mberi kwechikuva ndokubva abuda. Anosvikobata vamwe vasikana ndokubva vananga zvavo kurwizi vachitaura nyaya dzakasikaya. Mumwe musikana aiva mutema zvekuti waitozoona nemazino kuti ndiko kumeso kana ava kutaura. Aiva akashata zvokuti kushata kwake kwaimuremera aiita kunge arikuinda asi achiuya kwamuri. Aiva akapiwa chipo chekutaura zita rake ainzi Manzwei akabva ati. "Vasikana ini chandakanzwa handinyarari, shoko rakabva kunamambo makarinzwa imi rekuti Chebamba ava kuda kuroora. Saka zvava kwamuri kufuka kana kuwarira mukana ndewenyu uyu kuti vana baba venyu vave madzimambo ini vangu vakainda nyika dzimu. Asi kana uri sewe Shupikai usashupika hako sezita rako uri Hanzvadzi ya Chebamba , Chiedza na Tutsirai mumwe vavo ndoangagona kutorwa na Chebamba ini ndiri chipuka ndipe mwenje zvangu. "Iwe iwe Manzwei ini ndini ndiri kuroorwa na Chebamba musingadi muchida. Ihazvadzi yangu kupi akazvarwa namai vangu here? Bata chishanu ichi wozondiudza" anotaura Shupikai akabata chiuno chirongo achiisa pasi. Chiuno chainge chasimudzwa mudenga senzembe yabatwa neurimbo. "Totenda yavira tsambakodzi yedemhe, ini chandizoziva ndechekuti baba vangu ndivo vachapiwa dunhu rino ini ndaroorwa na Chebamba, iwe Shupikai zviroto zveharahwa manyautsa mukanwa kurota ichiyamwa zvauri kutaura. Uri kufunga negotsi here kana nepfungwa" anotaura Tutsirai mwanasikana wandoto. Shupikai achinzwa izvi anovira nehasha achibva aregedzera Tutsirai mbama kumusana uyo ainge akarivara. Tutsirai anorwadziwa achitonona pasi rumwe ruoko rwakabata musana wake. Anosumuka neshungu ndokubva asvetukira Shupikai vachibva vawira pasi vese, chirongo chaShupikai chichibva ati bwaga kuita zvipenga zvitatu. Tutsirai anotora chimwe chipenga chehari ndokubva arova Shupikai nacho mumusoro muchibva maita madukuswa kunge mhoni , anochekwa dama nechimwe chipenga chakagurika. Anoikwetsura mhere achidzoka kumuzinda vamwe vasikana vakabva vatanga kuseka vachimusvorororedza. "Unovaziva baba vangu , vachingouya badzi wava muchoto . Ungaputsa chirongo chamai vangu wakamira sani" anoshevedzera ava kure akabata musoro wake wainge wazvimba. Tsutsirai anononga chirongo chake ndokubva atonanga kurwizi vamwe vasikan vanotevera vachiseka. "Shungu sedzababa asi chinozivikanwa hapana" anotaura ega Tutsirai. Nenguva isipi vainge vasvika pamifuku. Vakatanga vanogeza kubvisa guruva rekumunda ndokuzochera mvura asi zuva rainge ragara makomo. Vakatozosvika kumuzinda ravira. "Shupikai nhambo yaakasvika kumuzinda aiita kupepereka. Akasvikowana mai vake vachivira nehasha vakatarisa mai Chebamba avo vainge vakagara pachitehwe vakati mwiro parutivi pavo vaiva nekatswanda , vainge vauya kuzotora zviyo zvekuti vakuye upfu hwesadza . "Iwe ndozvawakauraira murume wako Mucharipa kuda kuzotorwa nemurume wangu nhasi uno wava kuhura na Chiundura , zvirinani hako kuti kana uchida izvi inda unogara na Chiundura. Zviyo zvekukuya upfu handikupi nhasi unovata nenzara kusvika Jeka adzoka. Budai muno nekuchimbidza mharadzi yemunhu. Ruchiva rwenyoka inoruma chaisingadyi ndiwe iwewe" vanotaura mai Shupikai vachipotsera mai Chebamba nechitehwe chembudzi. Mai Chebamba vakabva vabuda ndokunanga kusasa kwazvo. Shupikai akabva audza mai vake kurohwa kwaanga aitwa na Tutsirai uye kuputsika kwechirongo. Vakabva vati, "Wangu mwana haarohwi nemwana wemumwe munhu uyu anokurira muvhu sembambaira. Murege ndinoda kugura muswe wake uyoyo wakarebesa iwe ndiwe unoroorwa naChebamba zvikaramba toita zvimwe murege baba vako mangwana zuva ragara makomo vanosvika pano rega timuredze sehove tikamuchenjedza angangwara zvoreva kuti mai Tutsirai ndivo varikupaka Tutsirai mashoko kana kuti ndi Ndoro ndouya ndichiisvitsa kuna Jeka baba vako nyarara mwanangu" vanotaura maiShupikai. "Chibika tidye mvura irimo shandisa iyoyi" vanotaura. Vakabva vabika ndokudya ndokuvata asi Shupikai akavata achibidirika nemarwadzo. Usiku uhwu hwakaitira Dapi hurefu. Aiti akati vate vate ofukura daunha osimudza musoro kuti aone kuti kwakuyedza here. Moyo waiva wekunosongana na mai Shupikai kuchikomo Chitemavakadzi. Mukadzi wake akasvika pakubvubza kuti chii nhai murume wangu nhasi. Asi akapindura kuti nhasi ndadyisa makosvo nenhengeni zvandizvimbira mudumbu uri kumonya. Kuti ndibude panze ndotya kuitwa zvakaitwa Urahwatasva akangourawa nechatisina kuona. Mukadzi wa Dapi akabva agutsikanawo. Kwakazosvika pakuyedza hako asi Dapi ainge atambura. Nguva yainge yokamiwa mukaka, Dapi akatora mumwe mukaka ndokuinda nawo kumba kwamai Shupikai . Anoita rombo rakanaka kuwana varivoga. "Mai Shukipai mukaka uyu, inga zvautori wega. Chinzwaka chiponda moyo , ini ndava kubuda kunanga kuya kwatarongana ndikokuti madziro asaona" anotaura Dapi achinyemwerera. "Zvakanaka ndanga ndatoti zvimwe watoinda, chimbidza kubuda nekuti ndoda nhambo hombe kwazvo tichisasana usane kutsvaka mambwide ne zviishangura kana tsambatsi zvinondinakira izvozvo ndonzwa pareremoyo ndikazvidya" vanotaura mai Shupikai. Dapi anonanzvira maromo meso akati piriviri , "Ndava kubuda iyezvi itotevera kana wanga usati wabika murivo kanya sadza nemukaka mumbishi uyoyu rinosimbisa" anotaura Dapi achibva abuda. Anonanga kusasa kwemukadzi wake anosvikomira pamusiwo ndokubva ati. "Mai mwana, ndava kumbonoveza mupini wedemo rangu kumakura uko ndodzoka kwava kutonhorera kana kuti ragara makomo" anotaura Dapi. "Zvakanaka murume wangu, tochitongobva tabatana ndichinotsvakawo huni dzangu tarisai svinga randakauya naro pano apa rakapera kunge paigochewa nyama" anotaura mukadzi wacho. "Dzozopera nhasi nekuti ndati ndoda kunoveza mupini wangu, wadii kumirira vamwe vako vakadzi mabatana. Ini ndinoda kutoinda nekudoro uko ndabva ikoko ndatumwa namambo kunososa pakapinda nemombe kubindu kwavo , ndozosumudza mariva angu ndichiinda mugomo Gato ndoteya ndikosaka uchiona tsvungu idzi , dovi reruninga riripi ndidzinyike. Ndichipedza izvi ndozonotema mupini wangu mhiri kwerizi kumakomo anoita seakananzva denga ayo zvekuti ndikada kuita chinono ndogona kutozonoutema mangwana chaiwo" anoruka hake nhema dzake ndokubva atotora mbezo nedemo zvaiva zvakabairwa muberevere kwakufuratira ."Ndichataurei hangu toona madzoka . Kutanga rini kusada kufamba neni" anotaura mukadzi asi hapana akamudavira Dapi ainge atobuda dunhu. Akananga nemavirira , hoyo mumakura kwakunanga kuchikomo Chitemavakadzi. Anotsvaka mambwide, tsambatsi nema roro nezvishangura. Ndokugadzira hake pavaizotandarira akaisa mashizha. Anogara padombo achiridza hake kamuridzo asi ziso raiva munzira inobva kumuzinda. Pasina nguva mai Shupikai vakabva vauya. "Inorohwa ichapisa sezvo chinono chinengwe bere rakazodya richifamba mai Shupikai ndosakura here gura iri" anotaura Dapi. "Sakura hako zvihuta zvava kutambiramo vene varo havachacheuki nekuda kwemafambo nguva ndeyako tingawanza mbambo pachitehwe cheshindi" anotaura mai Shupikai . Regai gomo iri rakapiwa zita iri nevakuru vainge vaona. Zuva parainge rorereka vakanga vava kudyisana michero iro ziya kuna Dapi kuti teu teu seadirwa mvura , chiso kunge mombe yabva kusina furo. "Dapi chero ndoresva kuona uyo ndi Jeka asi anoita kunge ane munhu waanaye" vanotaura mai Shupikai vachisumuka pamakumbo aDapi. Dapi anowarukawo ndokubva akotamira. "Ndiye , usatya ndonzi Dapi ini rega ndinosongana naye iwe uchitomanya kumuzinda zvitete izvi bvisa marara kugotsi wogumha nhahwamaringa yako" anotaura Dapi achibva atodzika mugomo ari museve wabva pauta. Ndokunobata vana Jeka akazoona kuti ainge ana Chebamba. Ndipo paakafunga zvekutomuudza kuti Chiundura arikufambidzana na mai Shupikai. Izvo ariye hake, Chokwadi zino irema vakuru vainge vaona. KUPERA KWECHITSAUKO 9
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 170

Comments