L.T. MAHACHI NOVELS
January 21, 2025 at 07:33 AM
https://chat.whatsapp.com/G95gqVKg6Lu8XUDUhQnA5W
TITLE : ECHOES OF THE HEART
STORY BY L.T. MAHACHI
O775O72O31
O77799O714
INSERT 1
ASHLEY
I usually relax during weekends, Saturdays to be precise nekuti Sunday izuva rekuchurch but when I woke up this Saturday morning my mind was more troubled than relaxed. For the past two weeks things have been different with my boyfriend Wayne........too cold if I may say. Kana zvinhu zvese zviri normal taitotanga kurongera weekend kunana Wednesday chaiko but eeeish, zvaizvozvi handisi kutombonzwisisa kuti chii chiri kuitika, I don't know where exactly we are going. Ndakamuka kwave kumbogara ndakatarisa mudenga ndichiedza kufunga kuti chandakanga ndakakanganisa chingave chii chaizvo chiri kuita kuti munhu wandinoti wangu ave too busy for me zvakadaro. Ndakatonzwa misodzi yave kutanga kujenga mumaziso but I quickly wiped them off. I took my phone ndokubva ndavhura our WhatsApp chat. I went through the conversations we had had in the past five days and I realized that ndini ndaitomutanga and chaaiita kupindura zvandinenge ndabvunza and he would be so quick to end the conversations.
"I have to see him today anyatsondiudza in my face zviri kuitika chaizvo......." I thought to myself ndave kupinda mubathroom. After washing my face and brushing my teeth ndakasvikobata phone yangu again ndichitoda kumuphonera chaiko but I was distracted by my mum who called me vachitovhura door reroom yangu. We exchanged morning greetings ndokubva vanditi,
Mum : Une program here nhasi? Ndanga ndichidawo munhu wekuzoenda naye kushop masikati ndine zvinhu zvangu zvandakaorder zviri kusvika around 2.
Ndakadzungudza musoro wangu mbichana mbichana and said,
Me : Handisati ndave sure mhamha, but munogona kuenda naKudzie.....(our helper). Ndinenge ndave kuzoita prepare dinner inini because ndoziva kuti anenge anetawo.
She just nodded but face yavo ichionekwa kuti yakanga iine mibvunzo yakawanda. Kubuda kwangu pamba is no longer an issue to my parents, I believe vave kutodawo kuti ndichivaunzira mukuwasha, I am now twenty seven, a Masters Degree holder and gainfully employed. Vakanga vave kuda kutaura something when my phone rang and vakabva vatobuda giving me the privacy that I so much needed especially that it was Wayne calling. Ndakadaira call nekukasika ndichiti,
Me : Good morning hun.......
He was silent for some seconds ndokubva azoti,
Wayne : Ashley, how are you doing?
It sounded so wierd hearing him calling me with my name, ndajaira kunzi sweetheart, love kana kuti my queen zvichienda zvakadaro. Ndakatadza kudaira greeting yake yakanga isina kundifadza iyoyo ndokubva ndangoerekana ndave kumufaya nemibvunzo ndichiti,
Me : Tell me Wayne, is everything ok? What is happening....... honestly ndave bhoo nethis cold treatment, kana pane chandakakanganisa please ndiudzewo tigadzirisane. I miss my man.......I miss my charming king.
Ndakanga ndisina kutarisira response yaakandipa panguva iyoyo, guess what he said? Akatotaura zvake in a low voice achiti,
Wayne : I am sorry Ashley.....
Ndakabata maziso angu so ndichinzwa kamwe kakupera simba mumakumbo. I pulled my legs ndokubva ndanogara pabed, I only realized that ndakanga ndisina kumudaira when he said,
Wayne : Are you still there? Zvandataura wazvinzwa here?
Ndakatanga ndaita a heavy breath ndokubva ndazoti,
Me : Sorry about what?
Wayne : We cannot discuss that over the phone. Ummm, what time can I see you titaure.
Yaaaah, there was something serious going on and I could not just put a finger on it. Ndisina kufunga ndakamudaira ndichiti,
Me : Now.......you can come now Wayne! You are torturing me nezvauri kuita izvi!
Wayne : I am sorry, cool......I will be there maybe in an hour. I will call kana ndave kuuya. Take care handiti.....
He immediately dropped the call ndisati ndadaira anything, for a moment ndakanga ndakangotarisa mudenga ndisingabwaire ndichiedza kufunga kuti zvakanga ataura zvairevei. Phone yangu yakaringer again ndichakangodaro, ndakafunga kuti ndiye aiphoner zvakare but it was Thandi my friend, she called at the right time when I needed someone to talk to. Ndakamudaira ndiri so weak and akanditi,
Thandi : Are you ok dear, hindava kutaura kunge uri kurwara kudaro?
Ndakatadza kuramba ndiri calm ini, I said to her,
Me : I am not ok dear, Wayne just called and he kept saying he is sorry. Handisi kuziva kuti chii chiri kuitika.
Thandi : Calm down girl, he is sorry about what you have been complaining about recently, that guy.......he has always been a gentleman who knows how to apologize when he hurt your feelings.
Me : Hausi kundinzwisisa Thandi, he was not sounding like my Wayne. Handisi kutonzwa bhoo, handisi kutoziva kuti patiri kuonana ari kuda kundiudza kuti chii which he said we cannot discuss over the phone.
Akatoseka zvake mufunge and said,
Thandi : Pick yourself up sweetness, have a good bath, do some make up and wear something sexy, don't forget to smell good hey wobva wabuda hako wonoona murume wako.
Ndakaona kuti ndaitotaura ndega zvangu, uyu akati agara anoita kunge hanzvadzi yaWayne........even patinomboita some little couple fights anenge angori kuside kwaWayne. Aisatonzwisisa zvake kuti the Wayne I was talking about was no longer the same guy she knows. Haana kunonoka kuonekana neni and ndakabvawo ndapinda mumvura with the hope that a warm bath would help make me feel better.
WAYNE
Pandakapedza kutaura naye paphone ndakambogara pabed for a while ndakaisa musoro wangu pamakumbo. "I can't do this to Ashley......." I whispered to myself, ndakabva ndasimuka paya ndichiita kunge ndakanga ndadhonzwa nemumwe munhu. Chinhu chakatanga kubata maziso angu kabox kering yaAshley yandakatenga day randakazosvika pamba ndichisangana nemashura akanga anditenderedza musoro aya. I went and grabbed the box kwave kutanga kungotenderera neroom ndichiita whisper Ashley's name. Kuvhurwa kwedoor handina kumbokunzwa, ndakazongoona mukoma wangu namdhara vamira vakanditarisa, for over a minute takanga takangotarisana semabhuru aida kurwa. Dad is the one who broke the silence vachiti,
Him : Can we talk .......nezuro wakauya wakanyanya kudhakwa!
Me : Matii?
Vasati vataura his eyes where caught by the velvet ring box that I was holding zvekuti vakabva vafamba vachiuya closer to me vachiti,
Dad : I am glad that you have finally gotten back to your senses, was it meant to be a surprise when we are going to meet mhuri yekwaChibaya masikati or you had meant to tell us that you will be putting a ring in her finger?
Me : Whose finger?
My brother chuckled achiswederawo closer to him kwave kurasa muromo achiti,
Owen : Who else, Lorinda ka nhai!
The mention that name made me lose it, ndakatoita kunge ndichamukandira chibhakera chepamhuno chaipo apa iye akanga akanditarisa achizhinya. Akatoda kutora kabox kaya from my hand achiti,
Owen : She is going to be happy today.
Ndakakabata nesimba rangu rese ndokubva ndapindura ndichiti,
Me : This belong to my love, not Lorinda!
Dad : Uchadzidzira hako kumudaidza iye Lorinda wacho uchiti "my love....." it's not like we are forcing you kuti uroore munhu watinoda isusu. She is pregnant with your baby!
Kundiyeuchidza kwavakaita the situation that I was in kwakawedzera marwadzo pakati pemoyo. Vakatobva vaenderera mberi baba vangu vachiti,
Him : Wakarara naye wega pasina protection, you know who Mr Chibaya is to me. I will not allow your promiscuity to ruin our business relationship and partnership, worse our friendship! Handisi kuda kutaura newe zvakawanda, we are having lunch together pano nemhuri yekwaChibaya tichironga zvemuchato wako naLorinda and uri kufanirwa kuitika nhumbu yako yaanayo isati yave kuonekwa. Zvekunoroora tichazoronga manheru with your uncles.
I sighed heavily and Owen added a handful of salt to my already bleeding heart achiti,
Owen : You have to be there and wotombomira zvekudhakwa. Kana ukaona usina zvekutaura zvine musoro patinoita meeting you better keep your mouth shut because you have already angered vabereki vaLorinda nekuramba kwawaiita nhumbu yako.
Me : Why are you doing this to me? Mese munonyatsoziva kuti Lorinda handimude, my heart belongs to someone.
Owen : Ashley here? Hausati wamuudza kuti une mukadzi ane nhumbu? If you are not man enough to do that yourself ndinogona kunokusvitsira shoko racho, hatidi kukanganisirwa business iro riri papeak kudai newe. Waingofanirwa kunonhonga chero vemuroad woita quench nyota yemukadzi yawakanga unayo if you did not love Lorinda.
Vakabva vafamba vachibuda not even considering how I was feeling, ndakasara ndave kungozevezera zita raAshley.......it felt like I was going insane.
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
💔
🔥
🥺
296