L.T. MAHACHI NOVELS
6.1K subscribers
About L.T. MAHACHI NOVELS
L.T. NOVELS where true love 😍 conquer against all odds.....
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME STORY BY L.T. MAHACHI ➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ INSERT 6 A WEEK LATER SHINGAI I am not used to this mhani........a whole week chasing after a woman? Kumwe kuita play hard to get kwacho hakuzode kudaro kani. Sometimes ndinotomboita twuhasha chaitwo..........you know she is just wasting time, by now tingadai tatove pane imwe stage so. I was looking at her WhatsApp dispay photo ndikanzwa zvese zvangu zvichitoda kumuona live pandakavhiringwa necall ye this b*tch, Danielle. I ignored the call kusvika yacutta yega and in less than a minute akanga andipinzira WhatsApp message achiti, Danielle : I miss the real you my man. You can come over sweetheart, my parents are not around weekend yese. Auntie havanetse tinovapa a few dollars to keep her mouth shut. Ndakatoridza tsamwa ndichiita delete that message.........ngaambondisiya, ndine muchero mutsva wandiri kumhanyidzana nawo kuti ndimbounzwawo. Ndichamutsvaga zvangu kana nzara yacho yandikurira.........for now I am reserving myself for that angel, Angela. Munozviziva wani kuti kana munhu uine tarisiro yekudya your favourite dish haudi kumbozvikanganisa nekudya zvinhu zvaunodya mazuva ese. Who visits a five star eating place in a full stomach nhai? Danielle can be a nuisance munoziva, hamheno pamwe kunyanya kuvaviwa zvekuda kukwenywa nemurume.........pressure yacho so! Kana iye ari kutaura nemurume wake haadaro. Yakapinda again call yake and this time around I picked up netone yekusada kutaura zvakawanda chaiyo ndichiti, Me : Yes! Danielle : Sweetheart, why are you doing this to me? Unomboziva kurwadza kunoita blue ticks here munhu uchitaura nemudiwa wako. Sei usiri kundipindura? Me : Watondivhiringa kutyper necall yako unoziva........ Danielle : Hmmmm, sorry love.........so ngatichitaurai hedu. Watii? What time are you coming? Ndofanoita prepare you drink ripi? Ndakamboda kukadira rough but semunhu anogara ari always available for me pandinenge ndichida maservices ndakamuti, Me : Sorry sha..........nhasi ndiri busy, I have some things zvandiri kufanirwa kuita kubasa kwamomz so pakaipa. Ndinokubata mangwana ndokuudza kuti how far. Handiti wati weekend yese? Akapindura ave so down achiti, Danielle : Fine, mangwana acho then...... Me : Usazotsvage mumwe hey.........handiti unonyatsozviziva kuti I don't share my woman. With so much emotional pain in her voice she responded achiti, Danielle : I am not that kind of girl Shingie........inga unozviziva wani kuti my heart beats only for you. You are the only man in my life. I blew a kiss and said, Me : That's my lady hey......I will get in touch with you as soon as I am free. Danielle : Cool my love.......take care hey, I love you. Me : I love you more babes........ She hung up the call ndokubva ndasara ndatarisa photo raAngela zvakare. I even started fantasizing ndichiita rip off that dress which covered that perfectly sculptured body. Munhu haafanirwe kunaka zvese mhani kudai.........ndakangofunga that day randakaita kiss the back of her hand ndokubva ndatotanga kusekerera ndega. I sent her a message yandakanga ndakati, Me : Angel, why are you killing me? Please open your heart and let me fill your inner self. She responded some few minutes later with an emoji of a heart eyed smiling face. Ndakanzwa zvisingatsanangurike mukati mangu.........ndiko kudiwa kwacho here uku. Handina kuzombokwanisa kuita type kana word one zvaro.........ndakatongobva ndamupinzira call. ANGELA Is this what falling in love feels like? Hmmmm, I always feel some tight knots in my stomach each time I think of him and handigoni kutsanangura zvizire feeling yandinoita pandinotarisa his WhatsApp profile picture. Yes ndave nemazuva ndichivaraidzwa nechiso chake paphone, ndinotomboizoomer mufunge and there is something about his eyes that drives me crazy. I like the way he gives me all his attention.......can you imagine kuti such a busy young man anototi awane nguva yekuita text me and call me everyday. Hakusiriko here kunonzi kusimudzwa muhuruva kwave kuda kuitika muhupenyu hwangu? Handidzo here nyasha dzandainamatira makore ese dzave kuda kundiwana? Kutaura chokwadi ndakanyatsonzwa mukatikati mangu kuti mujaya uyu ndinomuda musi waakandipa kiss paruoko muoffice mamatron. Chakanga chichingondimisa chete kuita accept him kuzeza kuita semunhu anoda zvinhu sterek to him, ko vanhu vane mari dzavo vanomboda kumhanyirwa here? Ndaitomufungawo zvakapetwa time yaakandisendera message on a Friday afternoon......ndakabata hana yangu ndichangopedza kuiverenga ndokubva ndataura ndega nekazevezeva ndichiti, "Yasvika nguva yekunyatsoudza mwanakomana uyu what you feel for him, ukaramba uchitenderera unobhururutsa shiri.......remember, fortune knocks once at a man's door......." Mashoko chaiwo ekumunyorera ndiwo andakashaya so ndakabva ndangomuisirawo kaimage kaitaura kuti neniwo ndiri murudo. Call yake yakabva yatopinda ipapo ipapo and I picked up ndichitaurira pasi pasi nenyadzi ndichiti, Me : Shingie........ Hi. Ndakatonzwa kakumerereswa kumusana uku nevoice rake paakati, Shingie : Hey babes.........eeeish, nditsvagirewo zita riri nani shaa, momz vangu vonditi Shingie...... iwewe mukadzi wangu wonditi Shingie futi? Come on sweetheart! Ndakangoita kakuseka kenyadzi so ndapererwa nezvekutaura, akabva azoti........ Shingie : Message yako ndaiona and I am over the moon with happiness, at least that image has shown me kuti pane kwatiri kuenda. I love you my angel........... Ndakamboda kupindura love you uyo nekukasika but hana yangu yakandiudza kuti ndimuudze chokwadi so I said, Me : Ndinotya ini Shingie? Shingie : Unotyei babe? Ndakashata zvekudaro here amana zvekuti ungabve wanditya? Ndakatoseka zvangu ndichiita visualize his very handsome face in my eyes ndokubva ndati........... Me :Handina kuti face yako kani Shingie....... No! You are one person I wouldn't mind to spend the whole day looking at. What I mean is we are two different people, we are worlds apart Shingie........ Shingie : We are two different people kuita seiko nhai babe? Why are speaking as if you are an alien from another planet? I am in love with you Angela........ I am in love with the person you are. Those words melted my heart zvekuti ndakatombotsinzinyira maziso so ndichivhura moyo wangu kuti unyatsogashira rudo! I was silent for over a minute ndave kutoona zvimwe zvinhu mumaziso mangu ndichingosekerera ndega. Akatozotaura again achiti, Shingie : Are you still there beautiful? Me : Yeah ndiripo handsome....... Shingie : I love you Angela.............be mine sweetheart. The way he said those words was something else, matauriro aakaita akabvisa kutya, kuzeza nekunyara kwese kwakanga kuri mandiri ndokubva ndazotiwo, Me : I love you too Shingai. Shingie : How I wish you were next to me hun, ndingadai ndanyatsokuratidza kuti rudo rwacho rwandiri kutaura rwakawanda sei..........anonzi mazirudo babe....... Imi ka imi........unonzwa kupinda muheaven chaimo munhu waudzwa mashoko anotapira nekurovesa hana nemufaro. Mufunge nguva diki diki yandakataura naye iyoyo ndakanyatsonzwa kuti I now have someone muhupenyu wandinonongedzawo ndichiti wangu. Kunzwa loneliness yese ichipera so mandiri. Akanga aripiko chokwadi makore ese aya sure? Haaaa ndarangarirwa nedenga ini. Akataura zvakawanda kani zvakatutumisa moyo wangu nemufaro nekuugadzikanisa..........akazoti, Shingie : I want to see you tomorrow love, wotoita plan zvako yekuti ubude. Ndinouya ndichikutora. Handina kutombofunga kaviri, ko neniwo ka ndiri kutodawo kumuona........ndakamudaira ndichiti, Me : It's ok love, ndinotaura namatron ndozokuudza kuti unouya nguvai. Ko mazuva ano matron havandinetse ka, ndine chinhu chavanodisisa.........chero vakati ndivasiire earring ndinosiya hangu ndonoona mwanakomana adai kuba moyo wangu uyo.
*LAST FREE CHAPTER* https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 *DUAL MARRIAGE* WRITTEN BY : Josh T Vombo 0️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣6️⃣6️⃣6️⃣5️⃣4️⃣ AND L.T. MAHACHI 0️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ CHAPTER 20 RUTENDO Musi wacho ndakachema kunge ndichafa. I couldn't believe kuti plan yangu yekutiza naCollins yakanga yatoenda musango just like that. Ndakademba first time yandakanga ndisina kuenda naye paakanga achiri kuda. Izvozvo ndizvo zvaiita kuti ndinyanye kuchema. Kuchema ikoko kwakazondinetesa ndikarara kusvikira ndabatwa nehope. Ndakamuka the following day kwatova kuma8 chaiko. It was my first time kunonoka kumuka ever since zvandakanga ndasvika pamba apa. Lucky for me period yakanga ichiripo saka ndakanga ndisiri kutya kubatwa naTakudzwa zvemusi iwoyo. Ndakatomukira kubatwa nestress I was still angry at Takudzwa's family. I met mhamha vake vakandishamisa vachiti, Her : Hooo wamuka mwanangu? Takudzwa andiudza kuti watambura neperiod pain. Ko wamukirei?" Ndakavadaira ndichitaurira pasi pasi ndichiti, Me :Ndave nani mhamha. Sorry ndanonoka kumuka. Vakandibata pashoulder vachiti, Her : Haa usatya mwanangu kana kuzvisunga. Ndozvinzwisisa hangu. Gara ndikuisire tea. Ndakagara nekuti ndaisada zvebasa ini. Ndaive ndakatovatsamwira zvisingaite ndaitonzwa kusvotwa kana ndikavaona. She prepared tea for me ndikangodya zvimwe zvekudaro nekuti ndaive ndakatsamwa kwave kutanga kufunga Collins. Iye Taku akanga andigonera saka ndakaenda kunorara ndichipodza marwadzo ekuparadzaniswa naCollins plus kutorerwa phone kuti ndisataura naye. Ava masikati Takudzwa akabva auya akabata gift bag rakanga rakazara nema goodies anotapira. Maive nezvima chocolates, masweets, mabiscuits etc. Akasvikogadzika gift bag paside pangu achiti, Him :Hesi Mai Matanga. Ndakuvigirai zvinonaka kuti mudye muwane kupora fast. Ndakangogutsurira ndikamuratidza pekuisa kwave kurara. There was no way yandaizodya zvinhu zvake. Kudya zvinhu izvozvo kwaive kwakafanana nekucheater mukomana wangu. Akazodzoka kuma4 akabata maruva kwave kuti, Him : Ko hausati wadya zvinhu zvako wani nhai. Uri kuda kuti ndikudyise here? Ndakangodaira kuti zvindibve ndichinzwa kusvotwa naye zvakanyanya ndichiti, Me : Ndanga ndakarara ini. Akatoda kubata ruoko rwangu paya achiti, Him :Chimuka udye. Akabva andibatsira kusimuka kuti ndigare. Ndaisada but at the same time ndaisakwanisa kuramba. Pandakagara akabva aburitsa machocolate coated biscuits akandipa. Ndakataster one zvechirango zvekuti asiyane neni but mumuromo mangu makaita kunge mapinda gold. From nowhere ndakanzwa ndave kumada zvekuita kunge yaive first time yangu kumadya. Madyiro andakamaita akandishamisa zvekuti ndakazongoona apera. Takudzwa akaseka achibva ati, Him : Saka zvanga zvichingoda inini kuti ndiuye kuti uzodya ka. Wagona. Akabva abuda achifara ndikaziva kuti zvave kutoudzwa amai vake. Ndakazvituka ndave kufunga kuti ndakanga ndamadyirei mabiscuits iwayo. Ndakabuda mumagumbeze ndikageza and pandakapedza mai vake vakabva vataura zvekuti vapedza kubika. Ndakanogara nevamwe tikatanga kudya asi moyo wangu waive kure. Ndakazvimanikidza kudya kuti ndipedze nekuti ndaive nevatorwa ndakanga ndave kutya kuzotukirwa kusadya. I even volunteered kusuka kwave kuzoenda kunorara. Pandakapinda mubedroom Takudzwa akabva ati, Him: Don't worry Rutendo inini ndichakubata kutopfuura zvawaiitwa naCollins. I know it's hard for you but imboita patience uone kuti tichanakirwa. Ndakangomudaira kuti zvipfuure ndichiti, Me :It's okay. After that ndakapinda mumagumbeze kwave kurara asi Takudzwa aitaurisa tunyaya. Akanga ave kutonditi amai Matanga as if ndakanga ndamubvuma. Ndaingodavira zvekuti zvindibve hangu kusvikira ndabatwa nehope. I woke up mangwana makuseni ndanzwa kumutswa. Ndakatarisa Takudzwa achibva ati, Him: Period nhasi inofanira kunge yapera ka? Ndakafemera padenga ndokubva ndati, Me : Handizivi. Ndakarara ndine flow nezuro I am sure mangwana ndopazvinopera. Ndowanzoita 4 full days. Takudzwa akabva apindura akafara fara achiti, Him: Haa mangwana hakusi kure zvako. But zvanhasi handizoshayewo something. Ndipowo kiss ndisati ndabuda. Ipapo munhu akanga achitoswedera padhuze neni. Problem ndeyekuti ndakanga ndanonoka kutiza and just like that ndakabva ndatanga kukiswa. I didn't like it ndaitoda kutiza kubva paari. Apa mumuromo make mainhuwa. Munhu akanga asina kana kumbokwesha mazino asi akanga ari busy kundimanikidza kiss. Ndakanzwa moyo wangu kumira so zvekutonzwa kuda kurutsa nekuda kwekiss yake. Saka ndakakwanisa kumupusha ndikamhanya kuenda kutoilet ndikasvika ndikarutsa. Pandakapedza ndakageza mumuromo ndokubva ndadzokera kubedroom. I found Takudzwa ave kugadzirira kuenda kunogeza achibva ati, Him : I am sorry about that. Ndangofunga kuti zvinogona kutipa connection. Ndakaridza tsamwa kwave kudzokera mumagumbeze ndave kunzwa kamwe kakusvotwa so. Akanogeza akapedza kwave kuenda kubasa ndikasara ndave kumuka kuti ndiite basa. Ndakapedza kuita basa ndikabika tea asi ini handina kudya. Ndaitonzwa kuda zvinotapira. Too bad for me ndakanga ndisina mari asi moyo waindituma kuenda kugift bag raTakudzwa. Pandakaendako ndakanzwa mukanwa muchidairira kuti ndidye. Ndakazviponda nechocolate yaivemo kusvika yapera. That was enough for me zvemusi iwoyo. Ndakazorora and then pane pfungwa yakangouya mumusoro mangu ndikazvibvunza why ndakanga ndasvotwa makuseni ndikarutsa plus why ndakanga ndave kuda zvinonaka kudai. Ndakanga ndisati ndambozviita. Kuti ndakanga ndane nhumbu? Pfungwa iyoyo yakandirovesa nehana ndikatanga kufunga kuti ndodii. I needed to be sure but pakanga pasingabudike nekuti ndakanga ndisingachabvumidzwe kubuda after ndambozama kutiza. Ndakarova silent prayer kuti dai ndaita nhumbu yaCollins nekuti zvaizondibatsira kubva pamba apa zvachose. Ndakambofunga zano asi pakanga pasina yekutamba. Hana yairova manje nekuti musi uyu period yakanga yapera and I knew kuti Takudzwa akanga akandirongera dhende chairo. Kukumbira mai vake kubuda yaive non starter saka ndakapererwa kusvika manheru pakadzoka Takudzwa. Akauya akabata mamwe macoated biscuits iwo moyo wangu ukabva warembera. Takazosara todya supper ndarova half. Taku was treating me like his wife ndakanga ndave kutodeedzwa kuti "babe" kana kuti "wifey" apa ini zvaindisvota sitereki. Takarara pasina kana issue asi hondo yakatanga makuseni manje munhu paakandimutsa. He was trying to kiss me nekuita foul play neni against my will. Akandikurira simba akatanga kundipa kiss nekuita zvaanoda nemaoko ake and I didn't like it ndakanga ndave kungochema. Ndakazomuti, Me : Takudzwa I can't sleep with you. Him: Why not? Ndakadaira ndakatovhunduka tone yaakanga ashandisa ndichiti, Me : Ndichiri kuperiod. Him: Ah iwe period rudzii isingapere? Tione kuti wakapfeka pad here izvezvi. Apa ndakanga ndabatwa nekuti zveshuwa ndakanga ndisina kupfeka saka ndakaona kubuda musaga kuri nani ndichibva ndati, Me : I think ndine nhumbu yaCollins. Akaseka kunge ndataura zvinosekesa achibva ati, Him: Nhumbu yei yaunondiudza munhu anga ane period? Me : Ndiri kuita macravings ema chocolates Takudzwa. Nezuro ndakamukira kurutsa. Even now ndiri kunzwa moyo wangu kumira. Akaita kunge ari kufunga zvakawanda akanditarisa achibva asiyana neni kwave kuti, Him: Rega ndigeze tiende kuPharmacy tione. Akabva atobuda akaenda kunogeza. Paakapedza akabva ati tibude. Amai vake vakada kuramba asi iye akati anenge akandibata ruoko. And for sure takasvika kumashops tikabuda mumota ndikabatwa ruoko. Vaitiona vaifunga kuti tiri kudanana izvo kwaani ndakanga ndakasungirirwa. Takapinda muPharmacy akatenga two mapregancy test kits. Takadzokera kumba tese ndokubva ndagarirwa padoor retoilet ndikaita matests. Hana yangu yairovera mukati kuti dai ndangoita nhumbu yeumwe wangu. And for sure maresults akabuda ari positive ese ari two. Takudzwa akaita kunge achazvirovera pasi and he quickly left akanoudza vabereki vake. Ndakavharirwa mubedroom kuti ndisabuda and pasina nguva vana bamukuru vake vakanga vatosvika ndofunga vakanga vaudzwa nyaya. Ndakadeedzwa kuti nditaure kuti zvakafamba sei and I shifted the blame towards Takudzwa nekuti ndiye akanga aita idea yekuti tidanane nevanhu vedu. Akatukwa kunge achafa. Vamwe bamukuru vake vaitoda kumurova vakazobatwa. Baba vake ndivo vakazoti, Him: Nyaya yenyu tainzwa makaita hupenzi asi iwe Rutendo hauzofi wakaregera kuita mukadzi waGari pano. Naizvozvo ndinoti tiende kuchipatara nhasi chaiye ubviswe gora rawaunza mumusha medu iri. Kana wapora uri kuita mwana wepano naTakudzwa uyu! Please note that *Dual Marriage* is going to be on sale from chapter 21 kureva kuti chapter 20 ndiyo last free chapter. Follow payment details below: *Before Chapter 20* 1.50 usd Ecocash or Innbucks ~2usd Econet/Netone airtime ~90zig Ecocash/Transfer ~110zig Econet Airtime ~R30 Betting Vouchers *Ecocash/Innbucks/Transfer/Airtime* 0788666654 T.Vombo *Vouchers for those in SA* ~Ott voucher ~1 voucher ~Blu voucher ~Kazang voucher ~Easyload voucher ~Betway Voucher *From Chapter 21:* ~2usd Ecocash or Innbucks ~3usd airtime Econet/Netone ~110zig Ecocash/Transfer ~120zig Econet Airtime ~R40 Betting Vouchers *Ecocash/Innbucks/Transfer/Airtime* 0788666654 T.Vombo After payment inbox 0788666654 on WhatsApp with proof of payment.
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME STORY BY L.T. MAHACHI ➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ INSERT 9 ANGELA Kahana kakarova in disbelief and excitement mujaya aparker zvake paHoliday Inn. Aaaaah, kwakanga kwave kutopinda mufive star hotel sekutamba mufunge. How much is this guy worth nhai imi? Aya ndiwo makomborero chaiwo ave kudururwa pamusoro pangu nedenga manje. I felt so special and I felt so loved ndave kupinda muhotel umu ndakabatwa ruoko naShingai. Vese vataipesana navo vaitoti vaticheuke chete........pamwe pacho ndaitozofeeler zvisiri izvo, ko mukomana akanga akageza akachena ka by far kupfuura ini. We booked an executive room, I was mesmerized pandakaita set my feet in that room...........ko zvandatove kuratidzwa the other side of life yandakanga ndisingazive nhai. I got to understand zvinoreva vamwe vanhu paya pavanoti "Life is good.......", here I am........witnessing the goodness of life. I was still admiring the interior decoration of the room ndichifambafamba zvangu pandakazonzwa maoko ake ave kundikochekera muwaist achiti, Shingie : Come closer sweetheart...... Nguva iyoyo akabva aita kakukwidza top yangu kwave kutanga kufambisa maoko ake zvichiita kakunyerekedza so. At first I was not comfortable but zvaiita zvichinakidza so........ I cannot explain exactly how his hands felt on my skin but all I can say is that the feeling was good. Akazouya achimira kumberi kwangu ndokubva anditarisa mumaziso chaimo, nyadzi dzakandikurira ndokubva ndatarisa pasi but akabva andibata chirebvu achindisimudza musoro achiti, Shingie : I want my kiss sweetheart.........kunoku hakuna anotiona zvawanga uchimbotya earlier. I bit my bottom lip ndichivhara maziso........ndakabva ndataura ndichiita kakuzevezera ndichiti, Me : Handigone zvemakiss ini........ Akabva aswededza musoro wake kwandiri, I even felt his warm breath yainzwikwa kuti ambodya mamints kumeso kwangu chaiko.......ane kamwe kakufemereka kaipinza kachando mumuviri mangu kaaiita so. Akazotaura achiisa malips ake very close to mine achiti, Shingie : I will teach you my love...........ndinokudzidzisa zvese zvinoitwa murudo. I am a very good teacher. Hapana chimwe chatavinga pano ka nhai my angel kunze kwekuzodanana. Akaisa ruoko rwake mugotsi mangu rwumwe muchiuno achiita kakundiswededzera kwaari, ndaitya hangu asi nyama dzaitoda zvakanga zvave kuitika. Without warning he claimed my lips..........zvaaiita zvacho achindikwekweta malips zvakaita kuti ndipererwe.........ndakashaya kuti ndoitawo kunge ndiri kudya lollipop here kana kuti ndodii. Akazotaura with his mouth busy with my bottom lip achiti, Shingie : Don't be tense sweetheart..........hazvidi kufunga izvi, zvinozviita zvega. Just follow what daddy is doing. Haaaa, zvinozviita zvega zveshuwa, ndisina kuzvironga ndakaona ndave kutobatirirawo panadaddy ndichiteedzera zvaaiita. Zvese zvangu zvakatombobuda muhotel room umu ndikapinda munyika yangu ndega naShingai uyu..........I got to understand zvandaisimbonzwa zvichitaurwa nevasikana vandinodzidza navo kuti kiss inonaka, haaaa yaShingie huchi chaihwo. Ndakazotakurwa paya ndikaiswa pabed, I did not even mind kubvisa kwaakaita top yangu nebra..........I was just allowing him to give my body zvayakanga yave kurwarira. He sucked my small boobs ndikanzwa gotsi kuoma iri. Handizive hangu kuti vamwe vanhu vese ndizvo zvavanonzwa here kana vaine vadiwa vavo kana kuti zvangu naShingie zvine zodzo. Ndakafemereka mwanakomana ave kutambisa rurimi rwake padumbu pangu......brain dzinotombomira kushanda munoziva. Ndakatozoita zvekuvhunduka kunge munhu akanga ave kubatwa nemadzikirira nguva yaakanga ave kuda kuvhura zip yemajeans angu. Ndakatomuka chaiko ndichigara pasi ndokubva ndataura nevoice raive so weak nekuda kwezvandainzwa ndichiti, Me : Shingie, usadaro shaaa..........ikoko nooooo. Akabva andidaira nevoice raive nekunyengerera achiti, Shingie : Chiiko babe, swallow the chill pill hey, zvese ndezvangu izvi........ndiri kutomboda kuona kuti headquarters yangu yakamira sei. Ndakatoda kusimuka chaiko kumira ndokubva aseka achindipusher achindidzosera pasleeping position achiti, Shingie : Iyi yaanzara chete babe.........ngatiite order something timbodya tigozonyatsotamba takaguta. MAI MATURURE I had just finished bathing ndichigaya kuti munhu wangu ndonosangana naye nguvai uye kupi pakapinda a WhatsApp message from one of my friends pagroup redu rinonzi *Rich Aunties* achiti, Ethel : Vasikana muri kupiko nhai.......... I have enough to host you zuva rese ranhasi. Pane chibaba chakasiya chatenga doro rinodhura pano nenyama. Huyai tiite enjoy my girls. Semazuva ese akatanga kupindura ndiSilvia achiti, Her : I'm in mummy, life is too short.........ndiri kutoda pekubvisira stress dzababa vandanga ndichifanirwa kuswera navo nhasi vazongomuka vakandiisira message yekuti vafirwa nehanzvadzi yemukadzi wavanogara naye. Takatomboseka zvedu message yakanga yaiswa naSilver (as we call her)........ndakazoiita tag kwave kuita respond ndichiti, Me : The disadvantages dzekudanana nevanhu vanozviti vane dzimba dzavo. Itai sesu vana Privie tiri kumhanya nemaunder 30 vasiri committed to anyone. Chero nguva yawamuda anenge aripo. Vakamboseka zvavo vasikana but ndaitovaudza chokwadi.........varume vevanhu vanoitisa stress, ini Vincent wandiri kufadzana naye mazuva ano haana kana problem.........vanongoda kupihwa kamari chete vanakomana ava okuitira zvese zvaunoda. Takatozoronga nguva yekusangana kwaEthel for the braai pamwe nedress code. Tapedza I called Vincent kuti tiite reschedule our appointment. Ndakasvotwa achidaira call yangu achiti, Me : Hello ma'am....... Ndakatoridza tsamwa and said, Me : Haisi call yebasa mhani iyi Vincent........am I too old zvekudaro? Ndinonzwawo manyukunyuku so ukanditi Privie. Akaita kakuseka zvake ndokubva ati, Vincent : Panenge paine vavengi wangu........saka zvirisei? Me : Ndakusuwa ini Vinnie, I hope hauna kamusikana izvozvi. Handidi zvekuzoonana newe waguta kare wapedzera energy pazvinhu zvisina basa. Vincent : Aihwa kani sweetheart, nditori neboys rangu ini. So wati nhasi kupi and nguvai? Me : How about spending the night together in a hotel of your choice for a change so. He was so quick to say, Vincent : No problem hun........ Me : So I will be sending you the money now now wozondiudza kwaunenge uri handiti ka........ Akabvumirana nazvo ndokubva ndazomuti, Me : Usadhakwe please, chinhu chaungatonwe maenergy drinks....... Akangoseka zvake and patakangoitawo end the call ndakabva ndamutumira mari yekuti aite plan for our night. Iiiih, regai zvangu ndizvifarire ini kufa kwakauya. Money can buy anything hama dzangu bvunzai ini.......ukagona kuitsvaga inokutengera zvese zvaunoda. Nguva inenge ichichema mabiyangu masingle mothers ave almost fifty seni isu vana Privilege tinenge tichirara takaisa misoro pazvipfuva zvemahandsome dudes vana Vincent ava. Mwana anonzi Vincent uyu ndakamuchiva first day chairo randakamuona vauya for interviews kuAccounts department kubasa kwedu ndikabva ndanotora number dzake paCV. Semunhu ane an influential position ndakachovhera kuti awane basa and ndakatanga kutaura naye asati atombowana basa, ndaiitira kuti azive kuti I am the one who pulled the strings. Hazvina kumbondinetsa kumuisa pandaida chaipo muhupenyu hwangu.........we have known each other for over six months now and anondigonera zvangu mwana iyeye, the energy......yoooh........when I am with him ndinonyatsonzwa kuti ndiri mukadzi achiri kuzvinzwa asati apera. Chake chipo chaicho mhani mwana uya. I just cannot wait to spend the whole night with him........
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME STORY BY L.T. MAHACHI ➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ INSERT 7 ANGELA Ndakasekerera ndega after the long and exciting phone conversation with Shingie........hana yangu ine kamwe kamurovero kayakanga yave kuita so kandisingazive. Ndakanga ndave ne this new strange feeling mukati mangu and I loved everything that was happening to me. Ndakatomboenda kumabathrooms kwave kunozvitarisa pamirror ndichiedza kuda kuona chakaonekwa nemwana wembinga uyu pandiri. Ndakambozvibatabata face yangu ndichiti, "maybe it's this light flawless skin......" Ndakazodzika kuzasi ndichizvitarisa ndichiti again........"maybe ndiwo mahips aya anondishaisa mufaro kwese kwandinofamba ndichingocheukirwa nevarume......." Ndakazobuda mubathroom muya ndichifambisa zvekutoda kumhanya chaiko........I had to see the matron ndigare ndaziva pandimire nekuti ndiri kutonyatsonzwa kuda kunomuona ini Shingie.......munoziva ndaingoerekana ndasekerera ndega so pese pandaifunga mashoko anotapira aakanga anditaurira. She was busy with her phone the moment I entered her office. Vakagadzika phone yavo padesk and looked at me with a smile vachiti, Her : Eeeeh, Angela ...... it's you? Wati toita sei nhasi? Ndakavasweresa zvangu ndokubva ndati, Me : Ndokumbirawo a big favour from you ma'am. She gave me an encouraging nod.......I quickly rehearsed mashoko andaida kutaura navo mumusoro mangu ndokubva ndazoti, Me : Ma'am, ndinokumbirawo kubuda mangwana.......ndine friend yangu yekuchikoro ine birthday party muHatfield umu. Vakaita kakugadzirisa pahuro pavo vakanditarisa kumeso as if vaiona kuti ndainyeba.........she then said, Her : Ko waidiiko kutaura mazuva ese nhai Angela? Waziva nyaya yeparty iyi nhasi here? I let out a sigh and said, Me : Ndanga ndichifunga kuti iriko next week, hamheno kakurasika kandanga ndakangoita pamadates so. Her : Aaah hoo, ok......handiti unoziva kuti gate repano rinovharwa nguvai hako ka? Ndakadaira ndiri so loud in disbelief yekuti ndakanga ndatobvumidzwa pasina kutaurika zvakawanda ndichiti, Me : Yes.....yes ma'am and thank you so much. Her : Ok, hunhu hwedu hwepano hatirase nekuti taenda kuparty nhaika? Munhu haarambidzwe kufara asi kufarisa is a no! Me : Sure ma'am.......thank you again. Ndakabva ndatosimuka pachair paya kuti ndichinoronga kuti ndinopfekei mangwana pavakataura in a low voice vachiti, Her : Ummm, Angela.........dzoka ugare pasi tinzwe.... Ndakadzokera kunogara, ndakatongoziva kuti nyaya yavakanga vave kuda kutaura yaive nesomething to do with that earring. Vakazotaura in a whisper vachiti, Her : Wakazofunga here zvekuita.......Ummmm, I mean with your earring? Me : Aaah ma'am, ririko uko..........I haven't thought about anything. Vakavhura maziso avo and said, Her : Inga ndakakuudza kuti paya pane mari yakawanda wani. Usapusire mari iwe..........life yako inoswera yachinja. Just give me go ahead ndinokutsvagira anotenga ndigokurongera zvine musoro zvekuita nemari yako. Ndakazvibvunza kuti dziri tsitsi dzeiko tsvimborume kupukuta mwana wemvana madzihwa...........you know semunhu akanga achangobva kupihwa passport yekubuda handina kuda kutaura mashoko anovagumbura, I just facked a smile and said........ Me : I will think about it ma'am. Maita henyu...... Her : The sooner the better mwanangu, mangwana usaende kwauri kuenda uko naro........unogona kubirwa. Ndakangosekerera hangu ndichivatenda and left her office. Rakanove bishi chairo kuroom kwangu ndichitsvaga zvekupfeka to impress my man. Ko hembe tinonyatsodziwanepiko dzakawanda..........we survive with handouts so kazhinji kacho hembe yaunosangana nayo munhu mukupihwa inenge itori nekaerror. Dai kwakanga kusiri kunoona boyfriend for the first time ndaipfeka kana slack rangu reuniform ndongotsvaga hangu top yekuisa pamusoro..........kwedu kuHarare Polytechnic kuTourism and Hospitality department tinopfeka uniform zve chinova chinhu chinondifadza zvikuru........hmmm, with the kind of people I learn with ndaifeeler out of place chete nekushaya. Ndakazoswera hangu ndave kudzora skinny jean reblack so rakanga rakaita baggy kumakumbo uku ...........ndakafarira hangu mabudiro arakazoita after almost an hour of working on it. Zuva ronodoka ndakanga ndave a bit nervous and unsettled mukati mangu, it's going to be my first time going out nemukomana.........ndakazvibvunza kuti ari kuzonditora oenda neni kupi hana yangu ikatomborova, ndakazongozvisimbisa ndichiti ndave munhu mukuru and mukomana wacho wandiri kuenda naye out is classy, haasi boorangoma Shingai zvekuti angade kuita zviya zvezvimwe zvandakambodanana nazvo zvekuti mukangosvika pakahwanda chete munhu anenge aakutoda kukubvuta mazamu. That one is a gentleman! SHINGAI Yeah, I am going to experience something new today............munongoziva kuti chinhu chitsva chinoita sei, kugadzikana ndakanga ndisina kana nemufaro. I called her very early in the morning and akati ndizomutora kuma9. Uyu handisi kuzoenda naye kumapublic places kana kumwe kwandinosimbotambira, ndinganodhumhane nezvimwe zvipande zvangu zvikadhakwa ndisati ndamboita get to explore her. Ndakageza ndikanyatsonzwa kuti ndachena, I dressed in all white ndokubva ndaisa magold chains muhuro and a gold wristwatch kwave kuisa madark shades angu pat-shirt.....I sprayed my Jasper Conran deodorant yandakaita order straight from UK ndikanzwa kuti ndave bhoo. Kanonodyira yese yandinenge ndichida kutamba nako chete kababe kandiri kunoona. Aaaah, ko varume vakaita seni havawanikwe zvekumhanya ka. Ndakanopinda mudinning room momz naMitchell vatove pabreakfast table. Vakanditarisa amai vangu and smiled with satisfaction ndokubva vati, Mum : Mwana waaniko achenerwa nemwana wangu kudai? Ndakaseka ndichigara paside pavo ndave kutotangawo kuisa some beacon in my plate ndichiti, Me : Mwana wenyu azvichenera hake mhamha......... I'm going out with my boys. Vakabva vaseka vachibvisa kasomething pashoulder pangu vachiti, Mum : Boys? I doubt.........unoti handidiwo muroora here nhai? Me : Muroora achauya zvake momz. Mum : Yeah you need to take your time mwanangu uchitsvaga munhu chaiye chaiye........zvinongodadisawo so uchiroora mwana wemunhu ane zita rinombonyorwawo munewspaper veduwee, ini munongoziva kuti ndiri munhu weclass......I have worked hard for what I am today and imiwo vana vangu ndinoda kuti muite mantain this standard of life yandakakugadzirirai. Ndakaona sister yangu ave kugutsura musoro achiti, Mitchell : Sure mum........ Mum : Eheee, ndosaka ndichienda nemi kumasocial gatherings ane vanhu vekubasa kwangu and stuff, like musi uno taive kubirthday kwaMachimbira uko......iwoka macousins nemafamily friends anewo mazita anotaurika ndiwo atinenge tichida kuti muite mix and mingle with. Takakuvara nekuseka nesister yangu and vakabva vati again, Mum : Yes, I am a 21st century mother.........ndikasakuudzai ini hakuna anozombokuudzai. Sure kana ndiwewo Shingie ungadewo here kunzwa kuti hanzvadzi yako iyi yatorwa nemukomana wemakombi wekuHighfields uko iye munhu anombopihwa mukana wekuita rub shoulders with Harare's most eligible bachelors dzakaita sanaTendai Machimbira? Me : Todaka vakuwasha manyama mhamha........ Iyewo Mitchell akabva ati, Mitchell : Neniwo ndotodawo muroora ane class anoita afford kuendesa tete kuholiday out of the country. Mum : Yes, yes........handidi kuzorarama life isina basa vanangu kana ndave retired ini ndakakukudzai zvakanaka so! Ndakasvika pakubuda pamba ingori iyo nyaya chete........regai timbotandadzwa zvedu nanaAngela ava nekuside tichivhima vanodiwa chaivo chaivo nemubereki vekuzoisa mumba. Nelife yandinoraramiswa naamai vangu I cannot afford to disappoint her!
https://whatsapp.com/channel/0029VaeOnyn1XqucpeweIp12 *DUAL MARRIAGE* WRITTEN BY : Josh T Vombo 0️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣6️⃣6️⃣6️⃣5️⃣4️⃣ AND L.T. MAHACHI 0️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ CHAPTER 19 RUTENDO I felt so much relieved when Collins said he was coming kuzonditora. Handina kutombofunga kaviri, ndakanopinda muroom yandaiita share with Takudzwa and made sure that I had packed everything. Handina changu chandaida kuti chisare pamba pevanhu vanoita kunge vanobata mishonga ava. Aaah, chii chakadaro nhai imi chekungonzi heee Gari azoti zvakati, ngatiitei zvinoda Gari kunge akanga aripo ari mupenyu. Ivo amai vaTakudzwa vacho vakauya nguva yandakanga ndakati zii ndiri mubishi rekurongedza kwave kuknocker door nekutovhura vachiti, Her : Wanyanya kuti zii mwanangu wega imomo. Uri right here? Ndakatovaendera kudoor kuti vasaone zvandaiita ndokubva ndavati, Me : Ndiri right chaizvo mhamha, ndichamborongedza hangu mubedroom muno zvakanaka. Ndaona mune hembe dzakawanda dzaTaku dzaasisapfeke so ndiri kudziisa mumabag kuti dzangu dziwanewo space. Her : Zvakanaka mwanangu, ndanga ndichingonetseka hangu sezvo ndamboona usina kunyatsofara. Ndakaseka zvekuzvimanikidza chaizvo ndokubva ndazoti, Me : Kana mhamha, zvatopfuura izvo. Her : Kana neniwo ndinonzwa kugadzikana kana wakafara kudai mwanangu. Ufunge wakatikoshera zvakanyanya mumhuri muno. Ndakaseka zvangu nechemumoyo kuti kutaura neni kwavakanga vave kuita uku kwaive kwechionekedzo chaiko. Wakazonyatsofara moyo wangu pavakati, Her : Ipapa ndiri kuda kutobuda mwanangu kuenda kuTafara chaiko uko. Pane vamwe amai vataimbonamata navo vachagara muno muMabvuku vashaika. Ndinodzoka zvekuma7 chaizvo manheru. Ubike zvauri kunzwa kuda kudya iwewe kukitchen uko. Usamboite pressure nezvinhu zvinokuremera nhaika mai Junior! I could not hide my smile ipapo ndichiti, Me : Zvakanakai mhamha, aaah shame, mufambe zvakanaka. Dzakanga dzawira mutswanda zve.......kubuda nebag rangu was now going to be very easy. Semunhu akanga ave kuenda zvachose I prepared them muriwo wavo wemanheru nemoyo wese kuitira kuti vagowanawo chavanosara vachindirangarira nacho. Ndichangopedza kubika I took a quick shower and ndakatozoita zvekubuda mubathroom muya ndichimhanya ndanzwa phone yangu ichiringer. Mumusoro ndakanga ndatoita conclude kuti aive Collins but to my surprise ndakawana vari tete mai Blessed. Ndakavadaira with mixed feelings and ivo vakabva vataura nemufaro wakazara vachiti, Her : Mainini kubva mangoti zii zii kudaro sure kunge takatukana. Kwakadii kumba kwenyu asikana? Variseiko bamnini vedu? Ndakadaira zvekusada kurebesa nyaya ndichiti, Me : Kuno tiri right, kwakadii ikoko. Her : Iiiiih, wakatigonera mwana wehanzvadzi, tiri kunzwa mhepo ichifamba mukati memhuri mufunge. Kana Blessed zviya zvekusvikirwa zvaaiita zvakapera ufunge. Mwana ave normal. Uchengetedze imba yako Rue, uzive kuti kugara kwauri kuita ikoko wakatochengetedza dzinza rese. Ndakafemera padenga.......vaitotaura kunge vaindidadira mufunge. Honestly I felt used, kunzwa kunge ndisiri munhu asi chimwe chinhu chisina freedom of choice. Ndakadaira hangu ndichiti, Me : Ehoi tete, zvamuri kutaura ndiri kuzvinzwa. Her : Ndichauya timboonana mwana wabhudhi vangu zvisazoite kunge takakurasirira. Vaitoratidza kuti vakanga vaine zvakawanda zvisina basa zvekutaura asi ini ndakanga ndisina nguva yekuzviteerera. Vave kuda kutaura something ndakavati, Me : Tinozotaura tete, ndiri kudaidzwa kuno. Her : Usambofe wakagumburisa vanhu ivavo Rutendo, ndofunga hasha dzina Gari wacho wakanyatsodziona. Ndakacutter phone ndokubva ndataura ndega ndichiti, "To hell with Gari wenyu iyeye! Muchazonzwa henyu dzave nyaya kuti musikana akaenda newake wepamoyo tigoona kuti muchaita sei! Nekusvotwa necall yehanzvadzi yababa vangu iyi ndakabva ndatoisira Collins message ndichiti, Me : Sweetheart, I am alone kutaura kuno. Ndokumbirawo kana zvichiita umbotiza hako kubasa ndigare ndabva pano. Akapindura ipapo ipapo achiti, Collins : Now ndiri kupinda mumeeting babe but ndikangopedza chete in about one and half hours ndiri kutongobva ndananga ikoko. Me : See you soon my love.......I can't wait to leave this place. Akazongokanda emoji yeheart ndikaziva kuti akanga ave busy. Ndakazozunza pese pese just to make sure that I had packed everything and after about two hours dzatove kumapast three Collins akaisa message achiti ave kuuya. Ndakagara ndakangobata phone bag rangu ndakaisa pamakumbo zvekuti paakangoisa message achiti ave kupinda mumaraini ndakatobva ndabuda ndichifambisa feeling like a prisoner who has been pardoned. Ko kurarama pamba apa rakanga riri jeri pachezvaro zve! TAKUDZWA Zuva rese handina kunyatsoshanda ndichifunga kuti ndingafadze sei Rutendo kuti andionewo semurume. You know mashoko aakandiudza ekuti haandide ainyatsondibaya pamoyo. I was supposed to sleep with her, I did not want to rape her. Ndaida kuti zvinhu zvacho zviitike tese tichiita enjoy so ndakafunga kutomboita dinner out naye ndichimuratidzawo the other side of me. Ndakakasika kubva kubasa and pandakapinda mumaraini ndakaona mota yandakaziva iri parked not very far from our home. Ndakataura ndega ndichiti, "Collins! What is he doing here? Saka Rutendo ari kuda kutondiratidza kuti akaoma musoro?" Ndakawedzera speed ndokubva ndanoita block way yaCollins uya. Ndakabva ndadzika mumota kwave kuenda kuside kwake and he already had lowered his window. Ndakabva ndaona Rutendo akatogara papassenger seat and kuback kwakanga kuine bag rake randinoziva. Ndakaerekana ndatobata door rake ndichiti, Me : Iwe, handisi kuda kutaura newe zvakawanda! Dzikisa munhu waunaye uyo uende. Collins : Uyu haasi kudzika ndatouya kuzomutora. She is my woman. Ndakataimira ndikadzura makeys ake ndichiti, Me : Your woman? Rutendo is my wife, ndakamuvigirwa nehama dzake. Akabva avhura door agumbuka manje achida makeys ake. Akandisvota kakundidheerera kaakaita kekuda kundibata collar achiti, Collins : Loser, give me my keys! Mukadzi wako wekuita sei? Haugone kutsvaga vasikana here zera rako irori unoteerera nonsense dzekuti hanzi ngozi yazoti zvakati? I totally lost it ndokubva ndamumhara pamuromo chaipo nechibhakera and iyewo akandidzosera chakanga chakasimba chakasvikondibata mushaya. Pasina nguva takanga tave pasi tave kuumburudzana nekuchinjana zvibhakera. Ndakazomukandira kure tikasimuka tese pamwe chete. Rutendo akabva ajamba mumota achiuya kuzomira pakati pedu kuti amise fight yakanga yatomuka iyi. Iko vanhu mughetto vakati havatane kuungana. Takanga tatokombwa paya. Munhu akatozoita kuti tisaenderere mberi nekuratidzana masimba ndimudhara vakangobudikirawo from nowhere. Vakasvikondibata vachiti, Him : Chirudziiko chauri kuita muroad nhai Takudzwa? Me : Baba, mukomana wamuri kuona uyu ari kuda kutora mukadzi wangu, tarisai Rutendo anga atorongedza bag ave kuenda naye. Dai ndisina kukasika kubva kubasa taiwana asisipo munhu uyu. Vakazunza musoro ndokubva vanongedzera Collins vachiti, Him : Mukomana, umbori ani chaizvo iwe? Chii chiri kutora nzvimbo pano? Rutendo ndiani wako? Akadaira zvisina kana respect achiti, Collins : Rutendo musikana wangu and ndauya kuzomutora! Hoo ndiwe mudhara anoita zvisina basa zvekumanikidza musikana wangu kuroora munhu waasingade? Zvautori munhu musvinu nhai mudhara iwe. Hausvodi. Dad : Asi anga asati akuudza kuti ave mudzimai wemunhu? Ini handifariri zvehondo, chibva hako pano udzokere kwawabva zvisati zvakushatira. Collins uya akamboda kuita nharo kusvika abatwa collar zvine simba nababa vangu. Ndakamukandira makey ake ndokubva ndabata Rutendo ruoko kwave kutora bag rake ndokubva tananga kumba. Uyo Collins takangomusiyawo aripo paroad ipapo. Patakapinda mumba mdhara havana chavakataura. He called mhamha and nenguva isipi vakanga vasvika. Nyaya yakagarirwa pasi nevabereki and Rutendo uya akabva abuditsa deal redu ratakanga taita rekuti mumwe nemumwe arambe ane munhu wake. Vakaita kupopota neizwi rakavharira imba yese baba vangu vachiti, Him : Hindava muchiita hupwere husina basa imi? Iwe Rutendo hauzive kuti wakasiirwei pano nehama dzako. Muri kuda kuti tiuye timire mubedroom menyu here tichikukuzai kunge vanhu vari kutamba nhabvu kuti mugadzire mwana akataurwa naGarikai. Kave kekutanga nekupedzesera kuita mashura akadai pano Rutendo. Uri kundinzwa? Uri kuda kuti tidaidze hama dzako here pano tidziudze kuti wave kuita chipfambi? Mhamha vakabvawo vatsinhira vachiti, Her : Chamuri kufanirwa kuziva mese muri two ndechekuti marriage yenyu iri spiritual and hamungambobudirire kurwa nemweya. Munenge muchingozvirwadzisa chete. Mumwe wangu akanga ave kungopedzera shungu mukuchema. Ini ndakanga ndave kungoti dai period yake yapera ndamupa Gari nekahanzvadzi kake pamusoro. Ginger yacho yandave nayo musi wacho panogadzirwa matwins chete. Please note that *Dual Marriage* is going to be on sale from chapter 21 kureva kuti chapter 20 ndiyo last free chapter. Follow payment details below: *Before Chapter 20* 1.50 usd Ecocash or Innbucks ~2usd Econet/Netone airtime ~90zig Ecocash/Transfer ~110zig Econet Airtime ~R30 Betting Vouchers *Ecocash/Innbucks/Transfer/Airtime* 0788666654 T.Vombo *Vouchers for those in SA* ~Ott voucher ~1 voucher ~Blu voucher ~Kazang voucher ~Easyload voucher ~Betway Voucher *From Chapter 21:* ~2usd Ecocash or Innbucks ~3usd airtime Econet/Netone ~110zig Ecocash/Transfer ~120zig Econet Airtime ~R40 Betting Vouchers *Ecocash/Innbucks/Transfer/Airtime* 0788666654 T.Vombo After payment inbox 0788666654 on WhatsApp with proof of payment.
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME STORY BY L.T. MAHACHI ➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ INSERT 8 SHINGAI Ndakanyatsonzwa kuti ndinorema ndichidriver Range Rover playing some loud music ndichicheukirwa nevanhu so nguva yandakapinda mu the poor neighborhood of Epworth where Matthew Rusike Children's Home is located. I parked pasi pemuti muzasi medurawall yepamba pegreen paakanga andiudza and called her. Akadaira phone achisounder kuve so excited achiti, Angela : Ndave kutobuda gate sweetheart........give me a few minutes I will be there. Ndakamedza mate nguva yandakamuona ave kufamba achiuya. She was dressed in nothing fancy but she looked perfect, wega waitongoona kuti paita moto unopisa. Ndakadzika mumota ndokubva ndamuvhurira passenger door.......akandipa smile iya inoitisa weak mumabvi umu. Ndainyatsonzwa ropa richiwedzera pace yekumhanya mutsinga dzangu.........nhasi zvangu, ndinoswera ndiri mudenga rechinomwe! Akanga ave settled manje paseat pake pandakaswedera kwaari kuti ndimupe a befitting greeting yekiss but akanzvengesa musoro wake achibva ataura achinyaririra achiti, Angela : Aaah Shingie, munogona kungobuda someone mukati mandabva umu. Ndikaonekwa ndiri munomu hazvizobude zvakanaka. Ndakamubata ruoko ndichiti, Me : Mawindows edu ari tinted aya my love, hapana kana munhu anombotiona.......come on, swedera padhuze nadaddy utore kiss yako. Unganyare murume wako here sure? Akanditarisa achiita kakukwidza mapendekete but ndakaramba ndichimudhonzera kwandiri........she just allowed me to brush my lips on hers ndokubva atonzvenga zvakare. Handina kuzoramba ndichinetsana zvangu naye........kwatiri kuenda uko ndiko kwatiri kunopedzerana manje. We drove in silence for a while, ndakabva ndaisa zvangu ruoko rwangu pagumbo rake ndichimbochecker masettings, ane kamwe kakuvhunduka kaakaita kemunhu asati aita zvakawanda nemurume ndikanzwa ropa rangu kuboiler chaiko........handisi ndazvibatira virgin here ini! The thought of her being sealed yakatonditenderedza brain zvekuti ndakanga ndave kutonyatsobata gumbo zvechokwadi chaizvo. Akazondibata ruoko rwangu achiti, Angela : I am not comfortable Shingie........ Me : Chii futi sweetheart, ko handiti ndiwe munhu wangu here nhai. Majeans awakapfeka aya ari kutondivhiringidza zvandiri kuda kuita ini.......... I am going to buy you shorts for next time, ndiri kutonyatsoda kufeeler the real you. Kainyara shame kababe kafresh aka.........hakasi kuziva munhu wakari kuita deal with. Ndinonzi Shingai Maturure ini, ndakapandutsa vakawanda.........kakaramba kachidai ndinokatsvagira zvinobvisa nyadzi tofamba nepace imwechete. Takanga tave kuHillside paakandibvunza kuti taienda kupi chaiko........ndakadaira ndichimubata pashoulder ndichiti, Me : Where would you want us to go sweetheart? Mhinduro yake yakandisetsa munoziva, hanzi........ Angela : Togona kumbotenderera zvedu mutown tozotsvaga pekugara kana mupark. Me : Tave garden boy nahouse girl here nhai sweetheart vanoswera vachiita window shopping vozonozororera muHarare Gardens mumusha memastreet kids umo? Akangonditarisa neziso raindibvunza kuti saka warongei ndokubva ndazoti, Me : Hausi cheap zvekudaro mukadzi wangu........allow me to show you how much you are worth. We will find a private place kwatinoswera tichinyatsopanana rudo pasina noise kana anotidisturber...... Akangoita kasmile kemunhu akanga asina kugutsikana nezvandakanga ndataura. Ndakaona kuti mwana uyu akanga asiri exposed zvachose, ari kutoda kudzidziswa inonzi life chaiyo. Ndakada kumuratidza level remari yandinayo ndokubva ndananga naye kuHoliday Inn chaiko........yes, kunyatsoita welcome her to my world in style. TENDAI MACHIMBIRA I received a call from my long time friend who has been in the States ndiri muroad kubva kuairport kunokwidza mpfanha wangu who is going to Zanzibar kunoita join our parents for the holidays. It's going to be my first Christmas alone in years........ndakanga ndakaita maplans naFarai but hmmmmm, hugotwe hwemunin'ina wangu so.........the young man was missing mum so much. Haaaa iyi ndiyo type inoti ikazoroora inenge ichitoda kugara mumba mamomz imomo nemukadzi. Ndakafara sei bhururu wangu achiti ari kuuya kuzondiona in an hour, akashamisika ndichimuudza kuti anondiwana kuoffice kwangu, he was like, Denzel : On a Saturday kuoffice here wangu? Tendai : Shaaa, pane zvakawanda zvandiri kuona zvisina kunyatsomira mushe kumafigures uku zvekuti ndikaudza mdhara wangu anodonha. I am doing my investigations...........ndiri kunyatsoda kuona kuti zviri kufamba sei. Denzel : Really, saka kune basa........so ndikauya kuoffice handikukanganise basa here manje? Me : Not at all man..........unowana ndakatokumirira. Conversation yedu haina kure kwayakazoenda..........ndakasvika kubasa ndokubva ndambobata one two things. Hazvina kundiitira bhoo ndichiona some report yaitaura kuti nezuro pane two macompany cars akadirwa mafull tank achibuda on business. Ndakataura ndega ndichiti, Me : What business now? On Monday ndinenge ndichipisana naaccountant akaita sign for this.........ndiwo madyirwo ari kuitwa mari yebasa ka aya! Akazosvika Denzel ndichangovhura email yakanga yabva kuna mai Maturure's secretary........takamhoresana ndokubva ndadzokera palaptop pangu ndichida kuona zvavakanga vatumira. It was just a small pdf of maphotos avo nevana vavo avakatorwa kuMatthew Rusike kwavakange vaenda nedonation yecompany. Ndakaseka so ndakatarisa ndichifunga mari yakabuda ichinzi ndeyefuel and lunch for vanhu vakaendesa donation. Ndakataura naDenzel ndichimuratidza maphotos aya and he said, Denzel : Momz iyi iri kutoda kunyatsoongororwa, look at the way they are all dressed nevana vavo. Havasi vanhu vetwo cents ka ava. Kana vakaenda kufunction yebasa nemhuri yavo saka mari yefuel nelunch yevamwe vanhu vavakataura yakaenda kupi? Me : Obvious, ndiwo mabiro avari kuita and it's not her first time and it's not going to be her last time. She is taking advantage of kutrustwa kwavanoitwa pano namomz namdhara. Manje ava ndiri kuzovapedzera......... I don't need three months, kana mujeri chaimo vanopinda. Ndakanga ndatove mucheeky chaimo munoziva, iye Denzel ndiye akatozondidzosa kuita munhu kwaye tave kutaura zvedu nyaya dzedu dzechiboys. Ndakatozongoita save mamwe madocuments andaida kuzoita look at paflash drive..........ndozozviona later. Takabva tabuda zvedu tave kuenda kunekamwe kachilling place so kanovaraidza kuAvondale uko. We had a nice time with my friend tichiita lots of catching up, nguva yacho yakanga yareba kani........munongodziziva nyaya dzekutaurira paphone kuti hadzina kure kwadzinoenda. Rakanga rave kutodoka zuva kabar kachiita kachiwanda vanhu pandakaona Facebook notification yakanga iri a friend request from Mitchell Maturure. Ndakaseka ndega ndakatarisa phone yangu and Denzel akabva adongorerawo pascreen achiti, Denzel : Ngatiseke tese wangu........tione chii? Ndakabva ndamuudza kwakanga kwabva friend request and he was so curious to see her face.......ko pamaphotos atumirwa earlier aya changa chichinyanya kuoneka ihembe dzavo zve, I showed him her pic and he was like, Denzel : Those eyes and heavy make up is a big no for me..........mapodero ake ndeekutsvaga varume chaiwo. Iyi friend request iri kutotaura kuti ndionewo. Me : Ndichionei pamarara akadai........unofanirwa kumbomuona live uone kuti anotobhohwa kana kutarisa. Takamboseka zvedu ndokubva tazopinda mukutaura nyaya dzemarelationships. Ndaitofunga kuti kuside kwake bhururu wangu zvinhu zviri right only to realize that he is still nursing heartbreak yemakore apfuura yegirlfriend yake yakaita nhumbu yalecturer. Tingori mumupanda mumwechete...........no women in our lives!
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME STORY BY L.T. MAHACHI ➕ 2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ INSERT 11 SIX WEEKS LATER ANGELA I'm still worried about my missed period, mufunge January akasvika pakupera kuti hwaa ndisina kumboona kana drop zvaro. Nyaya iyi iri kutondishaisa hope zvekurevesa chaizvo.......... Ndakanga ndasopepuka maearly hours of the morning chaiwo ndichizvidya moyo nenyaya iyi.......ndodiiko? Ndomuudza here Shingie wacho kuti ndiwo mamiroro akaita zvinhu? Ndakanga ndiri mukati mekufunga kwakadzama pakavhurwa door rekaroom kangu ndokubva Vanessa apinda zvake akamonera drying towel. Akaratidza kushamisika nekundiona ndiri mumagumbezi, she moved closer to my bed ndokubva ataura achindifugura achiti, Vanessa : Kurara nguva ino on a Saturday? Uri kuzvifambisa sei nhai musikana? Uri kuti murume anoswera achitamba nani nhai? Me : I just feel like spending the day relaxed shamwari......ndiri kungonzwa kuita weak. Vanessa : Ko handiti munenge muchizongotorwa nemota here asikana muchizosiiwa. Tototadza kudya pizza nhasi sure nekuda kwemunhu anoteerera muviri? Ndakataura naye zvekudenha hangu ndichiti, Me : Nhasi pizza tombodyawo inotengwa naMike (her boyfriend) Akaseka chikwee chaive so loud ndokubva ati, Vanessa : Mike chaiye? Mike angoriwo a student seni newe. Yeairtime chaiyo inotonetsa kubatanidza. Asiyana nembinga vana Shingie. Akabva afamba achinovhura panogara hembe dzangu achiti, Vanessa : I am looking for something to wear munomu. I have to look good nekuti kwandiri kuenda uko ndinogona kunosangana nemunhu ari nani. Ndakatomboseka zvangu achiedza hembe dzangu dzese dzichiita hombe kwaari. Ko uyu muslender ka ane body structure yechikomana chaiyo kana tave kutaura chokwadi. Akazosvika pakuzvisekawo ega atarisana nemurwi wehembe dzaaikanda pabed achiti, Vanessa : Ummm, zvaramba izvi.......rega ndimboenda kwaRutendo ane body yakada kuita kunge yangu. Ndakagutsura zvangu musoro pfungwa dzangu dzadzokera zvakare kunyaya yeperiod iyo. Handina kutozomboteerera zvimwe zvaaitaura, ndakazongonzwa part yaakati....... Vanessa :..........kugarika chaiko, hembe dzese idzi, usazofe wakamurasisa Shingie uyu. Dai ndiri ini iwe ndaitomuitira nhumbu chaiyo ndione kunorarama life yepamusoro. Without giving much thought to it ndakabva ndamuti, Me : Ufunge ka Vee, ipapa ndine stress isingaite. My period is almost three weeks late unoziva. Handisi kutonzwisisa zviri kuitika kwandiri. Vanessa : Haaaa, kuti inhumbu here? Mamorning after anogona kuaffecta futi ka. Uri kungofanirwa kutsvaga kahome pregnancy test kuti ubate chokwadi ugare waenda zvako kunogara kumakomo ekuGlen Lorne uko. Mashoko ake akandirovesa nehana, anozvitambira sei iye Shingie kana ikave nhumbu zvechokwadi.........you know it's something that we haven't discussed about. Akazobuda zvake Vanessa akabata kaclutch bag, zvehembe zvakanga zvaramba. Ndakambovhara maziso angu ndichifunga kuti Shingie ndomuudza nyaya yandinetsa mukati mangu iyi. Ndakafemereka ndichitaura ndega ndichiti, "I need to see him titaure.........kana kuri kuita pregnancy test tibve taita tiri tese." I immediately took my phone ndokubva ndaenda paWhatsapp chat rake. It took me over two minutes to compose a message, you know takapedzesera kutaura tese nezuro in the afternoon........ndakamuisira goodnight message haana kudaira and good morning yandamunyorera ndichangomuka yakanga yangodeliver isina kuverengwa. Ndakarumaruma my bottom lip ndichifunga mashoko ekunyora........at least he was online, ndakazoti........ Me : Sweetheart, zvirisei.........tiri kuita sei neweekend nhasi? What time are you coming ndifanoita prepare? Ndakasekerera ndaona yaita blue ticks and seconds later akanga ave kutyper. His response read, Shingie : Eeeish Angela sha.........nhasi ndine dzimwe program neboys dzangu. Zvinodawo kuti timbosuwana hey, inga we were together musi uno wani. Hazvidi kuti tibve taita kunge mukadzi nemurume vanoonana everyday unoziva. Ndakapukuta misodzi yakanga yazara mumaziso mangu ndichifemera padenga ndokubva ndazomuti....... Me : No problem love.........kungoti there is something important I had wanted to discuss with you. Shingie : If it is that important taura tinzwe. Ndakambozvibvunza kuti ndiye here Shingai Maturure wandaitaura naye.......he was sounding so much unlike that guy who would drive in the rains kuti auye azondiona, so much unlike that man who would call pakati pehusiku achindiudza kuti andisuwa. Ndakada kumbomupindura ne voice message but ndakatadza kutaura ndave kuchema. All I managed to write was, Me : Shingie, I think I am pregnant......... Mhinduro yacho yakauya iri pfocho chaiyo yemunhu asina kana care..........he wrote in capital letters kuti, Shingie : NYAYA DZAKADAI DZINODA KUTAURA WAVE SURE ANGELA....... Unongozorora so munhu, ndakaedza kufunga kuti ndoita sei asi pfungwa dzakanga dzave kuita kunge dzambomira kushanda. Ndakademba mazuva ese andaivharirwa naShingai ndichiti ndapinda. Mufunge maziviro ese andamuita handina kumbofunga kuti angave rough kusvika pakadai ini. Ndakaita kunge ndave kupenga handidi kunyeba...........ndakataura ndega ndikambotenderera mukaroom kangu kadikidiki ikako, ndakazobuda muroom mangu ndanaga kumagrounds, maybe a jog will help me clear my mind! MAI MACHIMBIRA Family time is priceless kutaura chokwadi. Hongu ronda ndinaro randakasiirwa naRufaro but pamwe pacho ndinozviudza kuti Mwari vakaita kuda kwavo. I just have to enjoy life nevana vandinavo ivava. Ko varikoka vazhinji vasina kutombosanganawo nemakomborero ekudaidzwa kunzi "amai" muhupenyu huno. Takanga takagara zvedu papoolside with my husband enjoying some drinks vakomana vachiita braai vari not very far from us. Ndakaseka zvangu Denzel friend yaTendai paakauya neplate yakanga iine masausages achiti, Denzel : Itai muchitsengawo.........vamwe vave kugutira kubraai stand uko. Ndakadaira ndave kunhonga piece ndichiti, Me : Thank you mwanangu, mavegetables ekugadzira salad ndasiya mukitchen pasink........sadza ndabika hangu. Pamwe mukaita muchicheka matomatoes munoziva kuti mhamha vaakudawo varoora. Akakuvara zvake nekuseka mwana wevaridzi, ndakabva ndati again......... Me : Ehee, izvozvi wako naTendai vangadai varipo pano ini ndakadekara zvangu semunhu akabereka. Denzel : Zvichaita hazvo mhamha........we need your prayers nekuti iiiiih, kunze uko kune mhuka chaidzo. Akabva atofambisa zvake achienda zvekutotiza conversation yandakanga ndatanga chaizvo. Hamheno chokwadi kuti vana vedu vapindwa nei makore ano, kana ari saTendai handisati ndakamboona girlfriend yake munhu atove almost thirty, sometimes semubereki you get worried kuti asi vana mahomosexuals! A moment later takanga tagara zvedu pasi enjoying our late lunch.........ndakada kuisimudza zvakare yevasikana vavepo vese but baba vacho ndivo vakandivhara vachiti, Him : Musapinde pressure vanangu nekuti mai vave kuda varoora........as a man I understand kuti kana tichiona kwakati zii kudai munenge musati masangana nevenyu chaivo. Take your time, zvemarriage izvi hazvina due date, ini zvangu ndinongoda kuona muchifara muhupenyu and mufaro wemunhurume unobva mumukadzi waanenge aroora. Yakatozobva yapera nyaya yacho ndokubva tachitanga kutaura dzekubasa. Denzel ndimedical doctor zvake but ari so business minded..........the ideas he was coming up with were so brilliant. Baba vakazoita break the good news to our boys about our organization vachiti, Him : Tiri kuda kunovhura a new branch in Bulawayo next month, ndakawana investor wandakasangana naye kuZanzibar patakaenda kuholiday so kubva mangwana tinenge tave kutanga kuita the paperwork. Vese zvavo vakomana vakafadzwa nemashoko aya, vakazoenderera mberi vachiti, Him : I am thinking of transferring mai Maturure to Bulawayo as soon as everything is in place vonoita head that branch........she knows all the systems, we have been with her kubva patakaita establish this company. Tendai akati "Nooooo" nezwi raive padenga zvekuti tese takabva tamutarisa tamirira kuti atsanangure zvaaiedza kureva.
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME STORY BY L.T. MAHACHI ➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ INSERT 10 ANGELA Kana mazogara vakomana vanoda zvinhu ummmm, zvandakaitirwa naShingie the first day that we went out so ka, aitoda kupinda muheadquaters........(as he call my honeypot). Ndakatozoshinga kumasunga makumbo. He is a gentleman hake, haana kuzoramba achindiisa pressure, in fact akabva atongoti tichibuda muhotel macho. Handionane zvangu naye everyday but each time yandinotaura naye he makes me feel special. Kuve muhupenyu hwangu kwake kwandichinjira zvakawanda mufunge........I am no longer my old self. Stress dzese dzandaigara ndinadzo dziri kubviswa mbichana mbichana nemwana wekwaMaturure uyu. Hongu kanombondibata kapfungwa kekuti handina kana mubereki wangu wandinoziva asi ndikangofunga kuti kuna Shingie wangu out there ndinonzwa kudekara muhana. Takanga takagara zvedu mukaroom kangu with Vanessa one of the older girls anogarawo pano akakasika kudzoswa from holiday namufundisi vakanga vamutora. Ndaitove nemufaro nekuti ndakanga ndavewo nemunhu wezera rangu wekutaurawo naye nyaya. We had talked about so many things when she suddenly said, Vanessa : Mangwana yatove Christmas shamwari........ummmm, maplans andanga ndinawo so ka. Zvese mudondo......ndiri kurwadziwa so. Me : Wanga uine maplans eiko Vee? Akandiudza kuti ari kudanana nebrother yamufundisi vakanga vamutora so akavawanikidza nezuro vakarara ndizvo zvakazoita kuti adzoswe. Akaridza tsamwa achiti, Vanessa : Tanga tiine maplans ekunoswera kuMazoe dam nemudiwa wangu ndichimbodhakiswa nerudo ufunge. Pano panonetsa kubuda kani namatron venyu avo! Just as we were deep in conversation yakabva yaringer phone yangu and ndakabva ndangoziva kuti akanga ari Shingie wangu........ko mumwe anondiphonera ndiani? Ndakasekerera so ndave kudaira phone and Vanessa uya akabva ataura nekazevezeve achiti, Vanessa : Asi wakanyengwa kani nhai virgin wedu........iyi smile iyi murume chete. I held my laughter ndave kutaura nemunhu wangu. After exchanging greetings akanditi, Shingie : I am missing you sweetheart........I am very close to your place. Buda ndikuone babe....... Kahana kakarova nemufaro maoko ave kuita kamwe kakusweater so. Ndakafunga kuti ndinopabuda sei idzo dzatove after 4pm kudai. Ndakamuti, Me : Hun, zvepano waakuzviziva, pave netime apa handichakwanise kubuda. Akadaira zvake sounding so disappointed achiti, Shingie : Ndanga ndiri kubasa babe, ndine zvinhu zvako zvandauya kuzosiya. Ndoita sei? Ndopinda here ndosiya kuoffice. Ndakakasika kufunga kamwe kacorner so kwakatsemuka wall. Ndakamuudza kuti adzike neroad onoparker kune muavocado muhombe. Nguva yandaimudirecter mafambiro chaiwo ndakanga ndatovewo munzira kuenda ikoko. Takaonana tikatotaura nepakavhurika ipapo although it was just for a short time sezvo ndaitya kuonekwa nesecurity. He handed me a very beautiful shopping bag achiti, Shingie : Christmas present yako ndichakupa mangwana..........I can't wait to see you dressed in these tomorrow. Ndinouya ndichikutora ok. I thanked him, musoro wangu ndiwo wakatozotadza zvawo kukwana kubuda nepataitambidzana napo zvinhu apa.........ndaitoda kumupa kiss yakasimba chaiyo. Ndakazobva pa our secret meeting place iye atoita drive off kare. Ndakataura ndega ndave kufamba ndichidzokera kuroom kwangu ndichiti, "A whole bag of new clothes nepizza yedinner paside.......haaaa, wakosha Angela. Mwana wevanhu haachagone kugadzikana nekufunga iwe wekunhongwa musango.........hehede, munhu ave kutongobva kubasa akananga pano." Ndakasvika Vanessa achiri muroom mangu ndokubva atotambira maparcels andakanga ndakabata achiti, Vanessa : Wooooh, wakamuwana kupiko munhu uyu nhai Angela.......my gosh, ndivo vanonzi varume ka ava vanoziva kuti mukadzi anoda kudya nekupfeka. Akagadzika box repizza riya pabed ndokubva aita kukuturira pasi zvaakanga zviri mushopping bag. Makanga muine quality hembe munongonzwa nesome Victoria's Secret perfume and lotion. Ndakatobva ndatanga kuedza hembe dziya, ndega ndainzwa kuti ndave pane rimwe level and "woooh" yaiitwa naVanessa each time I changed yainyatsondiudza kuti zviri kuita. Ndakazosender message ndichimutenda murume wandakapihwa nedenga uyu and akabva andidaira achindiudza hembe dzaari kuda kuti ndipfeke mangwana. Ini gate pass yangu ndagara ndinayo........ko that earring is working so well ka muhupenyu hwangu, kuna matron kwave kumateru nekuda kwe that magical earring, kutaura kuno vari kutotsvaga buyer. SHINGAI Those pretty small gifts drives them crazy, ko ndagara navoka vasikana ava and zvavanoda chaizvo chaizvo ndinozviziva. Ndiri kuita wekuraura chaiko Angela. Akandisungira play the last time we were together ndikamusiya zvangu ndikazonopedzera shungu dzacho kuna Danielle, this time around handimupotse ndinonyatsoziva zvekumuita chaizvo chaizvo zvekuti anondikumbira ega. I woke up on Christmas day with dozens of messages muWhatsApp group rangu neboys vanhu vachiita plan for the day. I excused myself ndichiti, Me : Nhasi paprogram handipo boys.........I will be feasting on a virgin. Ndaiseka zvangu ndichipihwa sando nevakomana.......Ndizvo zvainoita mari yakawanda unomutora munhu womuisa paunoda so......... Mitchell akabuda very early that morning achiendawo kwaainofarira, mum had already left for Nyanga the previous day and vanozodzoka later tomorrow. Musha ndewangu ndega, in fact, zvanhasi ndewangu naAngela. I called her ndichiri mublanket and kamufaro kaakanga anako kaifadza........nhasi ndinopinda chete, dai vakanga vaine enough freedom kukajeri kake kwaanogara uko ndaitoda zvekuita spend the night with her. Ndakanomupicker at our usual place achinyatsoratidzika kuti she is Shingie's chunk of meat........mashorts aakanga akapfeka ainyatsomubuditsa zvandinoda chaizvo and deo yandakamutengera inenge yaDanielle yakatobva yandikwidza temperature zvekutoda munhu chaizvo chaizvo. Takanga tave around Chisipite when she asked me kuti, Angela : Where are you taking me nhasi? Ndakamutarisa ndokubva ndadaira ndichiita kakumutswinyira ziso ndichiti, Me : I am taking you home mai Maturure........kumba kwedu chaiko. Akasekerera zvekufara but akazotaura sounding a bit nervous achiti, Angela : You should have prepared me Shingie shaa aaaah........ I can't be meeting your mum for the first time dressed like this. Vanondiona semunhu akaita sei nhai? Iro dzungu iroro manje! Who said I was going to introduce her to my mum? Kadesperation kacho so! Munhu anongofanirwawo kukurira in a normal house mhani with a normal family kuti asazongovhundukire zvinhu. Akavhura muromo wake in amazement the moment we arrived at our crib.......she even said, Angela : Vamwe vanhu muri kutorarama American life ka muno muZimbabwe......you got a nice place here woooooh. I cannot even imagine how it feels like to be staying in such a place. Ndakamubata ruoko ndichiti, Me : Let's get inside ungatsoita feel the place sweetheart. Ndakatomboita tour chaiyo naye showing her around the house, mufaro wacho wakanga uri muchiso chake wainyatsoona kuti Christmas yemwanasikana yatanga. She asked me tave kukwidza mastairs kuti, Angela : So where is everyone........I mean your family? Me : Vese vabuda......... it's just you and me here. Akangonditarisa nekamwe kaziso kandisina kubata zvakanoreva . Ndakanomuratidza muroom mangu ndichiti, Me : Munomu ndimo mubedroom medu sweetheart....... Akangosekerera zvaive nekakunyara. Takadzokera hedu kukitchen and prepared a full English breakfast, handifarire kutamba nemunhu ane nzara ini. She enjoyed every bite, ndakazotora a bottle of Champagne and some glasses after our meal ndokubva takwidza hedu kuenda kubedroom.........yakanga yasvika nguva yekumushandira mwanasikana pakirawa yamadzibaba Shingie....
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME STORY BY L.T. MAHACHI ➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ INSERT 5 ANGELA Ndakazvitarisa pamirror ndikasekerera ndichiona afro yangu yanyatsobuda. Ndakazvitarisa dress rangu and I loved the way it was hugging my body. Ndakazozviseka ndega yasvika nguva yekupfeka bhutsu manje......... I had totally forgotten kuti the only pair of descent shoes dzandinadzo dzakadambuka. Ndakagara pasi ndatarisana nematraining shoes.........unoiseka nhamo yako munhu kunge rugare. Dai vamwe vasikana vakuru vepano vakanga varipo ndaikumbira zveevent iyi zvikadarika. Ndakanga ndangogara zvino ndichishaya kuti ndoita sei pakaringer phone yangu. Vakanga vari ivo matron vaiphoner, I picked up the call and greeted her ndokubva vataura zvemunhu akanga asina nguva yakawanda vachiti, Her : How far Angela........wapedza here, mavisitors edu ari kufanirwa kuwana tagara pasi. Ndakatanga ndaita sigh ndokubva ndazotaura ndakaita kuruma mazino chaiko ndichiti, Me : Bhutsu dzangu dzakadambuka ma'am, ndine masneekers chete. Ndakanzwawo vave kutura befu from the other end of the line ndokubva vazoti, Her : Size ani bhutsu? Me : Size four....... Her : Ok, pedza zvimwe zvese dziri kuuya manje manje. In less than five minutes dzakanga dzatouya sure bhutsu nasecretary. It was a beautiful pair of silver sandles with block heels and they matched well with my dress. Handina kana kumboziva kuti bhutsu idzodzo dzakanga dzabva kupi. Ndakazobuda muroom mangu ndichinyatsofamba neconfidence dzemunhu ainyatsozvinzwira ega kuti akachena ndave kuenda kuconference room iri kumaoffices kunova iko kwaizoitirwa the whole event. SHINGAI MATURURE Takauya kuzotorwa kumba kwedu ne a branded GD6 yainyatsoratidza kuti takanga tabva kuPlatinum Insurance Company. It always feels good to be associated with such great things munoziva.........pakadai munhu unonyatsozvinzwa kuti uri kurarama life chaiyo chaiyo. Takasvika paMatthew Rusike orphanage tatomirirwa zvechokwadi. Takatambirwa ne a pleasant looking lady kuparking lot chaiko ndokubva aita usher us to the administration block matakanopinzwa in a not so big conference room. Takaratidzwa pekugara pahigh table chaipo takatarisana nevamwe vanhu vakanga vatovemo kare..........handina zvimwe zvakawanda zvandakazoona muroom umu, attention yangu yese yakabva yabiwa ne this light skinned beautiful young lady who was seated directly opposite me on the front row. Her beauty was so disturbing zvekuti chakaita kuti ndirambe ndakagadzikana pandakanga ndakagara ipapo yaitongove nyaya yezvatakanga tafambira otherwise I would have walked kunogara paempty chair yakanga iri next to her. The whole ceremony lasted for about forty five minutes.........haaaa vakanga varema amai vangu, her short speech convinced everyone that she was the owner of Platinum Insurance Company. Vakazopedzesa nekuita introduce us (Mitchell and myself)........zvine zvimwe zvazvakanga zvingori so tichisimuka takatariswa nevanhu vese, kwakanga kuri kuremera mastreets chaiko. Babe akanga anditosvora maziso nebeauty yake uya is the one akazotambira deposit slip yemari yakanga yaiswa muaccount ye organization yavo on behalf of all those who stay paMatthew Rusike apa. Ndakamedzerera mate atipira gotsi ave kufamba achidzokera paakanga asimuka............akanga akatakura mazakwatira kuseri kwake. Ndakataura ndega in my mind ndichinanzvira miromo ndichiti, "apo ndipo pandiri kuzodya soon.........she is gonna be my daily bread!" ANGELA Everything was so different from what I am used to.........moyo wangu wakatutuma nemufaro ndichitambira bepa rairatidza the thousands of dollars that expensive looking lady had given our organization as a Christmas gift. Vamwe vanhu vakakomborerwa zvavo chokwadi. How I wish to be like her one of the days muhupenyu umu. Ndakayeverwa zvangu zvekutokanganwa zvatainge takagarira muroom umu ndakatarisa mwanasikana wamai vemoyo usina vakawanda ava wandakazoita learn kuti anonzi Mitchell. Yeah vamwe vanhu vanongosarudzwa vari mumatumbu chokwadi, isu vana Angela tichinhongwa mumasango vamwe vachipihwa vabereki vakarongeka zvekugona kutozorangarirawo vana murambiwa vakaita seni. Yeah, kusiyana kwelife zveshuwa! Ko ndaifunga ka kuti rangu basa rakanga rapera pandakatambira the deposit slip..........ndakatozoshamisika matron vave kuuya vachindizevezera vachiti, Her : We are going together for lunch nhaika usazofunge kuti ndezve mavisitors chete. You have done a great job for this organization nhasi. Ndakangovasekerera paya and whispered a quick "thank you......." nenguva isipi takanga tave kutofamba kuenda kustaff dining room kwainge kwagadzirwa lunch. Yakanga iri buffet set up zvekuti takatongopinda tichiita serve ourselves. Pakanga pakabikwa zvechokwadi kani, zvimwe zvacho kwakanga kutori kutanga kusangana nazvo isu vanaAngela. Ndakanga ndazvigarira zvangu ndave kutanga kuita enjoy early Christmas yakanga yandivinga iyi pandakanzwa some strong expensive perfume ichinhuhwirira pedyo neni. The scent forced me to lift my head and I almost froze ndichiona ari mwana wembinga mukomana achitoita pull a chair which was opposite mine uku akabata plate yakanga ichingori negreek salad and a piece of roasted chicken. Akabva andisekerera achiisa plate yake patable achiti, Him : Can I join you angel? I just nodded shyly and chandainyanya kunyara ipapo igomo rechikafu randakanga ndakatarisana naro mundiro yangu. Vakauya vamwe vanhu vachigarawo pakanga pasina vanhu but vese vaingotaura nyaya dzavo. I felt uncomfortable each and every time I Iifted my head nekuti mukomana uya ainge akangonditarisa..........handizive hangu kuti chii chaainyatsoona pandiri. Ndakatozotadza kunyatsozvidyira ndakasununguka mufunge! SHINGAI Ndakanga ndatodyira ini zvekutodaro panababe uya uya. Iyi iquality yekumberi chaiyo chaiyo......... I wonder how she ended up in such a place munoziva. Ndaifunga kuti ndichawana mukana wekutaura naye tagara mudining nguva yataiita lunch but pakanga pakazara vanhu manje.........kwakazongopedzesera kwave kugutsa meso nekumhanya kweropa chete ndakagara ndakatarisana naye. Takatosvika pakuoneka mufunge ndisina kana kuwana mukana wekutora her number. Takanga tatoti fambei tave kuperekedzwa namatron vaya kumota pandakaita excuse myself ndaona ave kupinda muAdmin block ndichiti, Me : Ma'am, can I get a restroom nearby, sorry....... Vakanongedzera kudoor rakanga rapinda mwana akanga ave kundishaisa rugare munyama dzangu uyu vachiti, Her : Mukapinda umo musikana watanga tinaye anokuratidzai. Ummm.......anenge ari muoffice makanzi MATRON...... I thanked her ndokubva ndafambisa ndakananga kwandakanga ndaudzwa. Ndakangonosvika nekuvhura door reoffice yaMatron and akaratidza kuvhunduka achindiona. I closed the door ndisisagone kubvisa ziso rangu pachest pake paiita kubudikira kaclivage so........akaramba akangonyarara akagara pachair, ndakatozotanga kumutaudza ndichiti, Me : Ndatadza kuenda ndisina kuita a proper goodbye to you angel....... Akaita kakuvhara maziso ake so ndokubva ataura in the sweetest of voices achiti, Her : I am not Angel........ndinonzi Angela. I smiled ndave kufamba ndichienda pedyo naye ....... ndakazotaura ndatarisa mumaziso ake ndichiti, Me : I am just referring to your angelic beauty sweetness.........indeed whoever named you had seen zvandiri kuona. Kanonyara shame........kakaita kushaya pekutarisa apa kachibuditsa the most beautiful smile........her dimples just drove me crazy. Ndakazvibata chaiko kuti ndisakisse mwana wevaridzi.......ndakatoita some few steps going backwards nekuti zvaitozogona kundikurira ndiri that close to her. Ndakazoita pull my phone from my pocket, I unlocked it and handed it to her ndichiti....... Me : Can I please have your number angel........ndine zvakawanda zvandinoda kuzotaura newe. Now ndamirirwa........ She did not say a single word, akangonyora number dzake and gave me back the phone, I couldn't resist kissing the back of her hand nguva yandakabata ruoko rwake ndichitora phone yangu.
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME STORY BY L.T. MAHACHI ➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ INSERT 4 A FEW DAYS LATER MAI MATURURE I looked at the dress and smiled with satisfaction, I had ordered it some two days ago from Turkey and rakasvika riri exactly how it had looked like on the picture. Pakangosvika parcel yangu ndakabva ndatovhara office and drove straight home.........I couldn't wait to try it munoziva. Ndakanowana vana vangu Shingai naMitchell vakagara zvavo kuswimming pool enjoying some cool drinks and snacks ndikanzwa kufara. Ava ndivo vanhu vandinoraramira nekushandira muhupenyu hwangu.......ndinopinda pakawanda ini kuti ndivape this sweet and soft kind of life. Ko ini ndine zvese zvavoka......ndini baba vavo naamai vavo zvese. Ndakazosara ndoparker mota yangu mushade iri closer to the house vatosvika kare........we hugged ndokubva vatakura maparcels andakanga ndauya nawo ndokubva tafamba tichipinda mumba. Takanogara mulounge tichimboita some catching up and Shingie akandibvunza kuti, Him : Mhamha how far kubasa kwenyu? Muri boss vanorema imi zvekuti hamungandishairewo computer yekungoswera ndichibayabaya ikoko. Company yenyu iri kukura ka iyi, ndakatoona maBillboards eadvertising mutown umu. Ndakamudaira ndave kubvisa bhutsu ndichiisa makumbo angu pacouch ndichiti, Me : Vanhu vekwaMachimbira vari so particular about the people they hire mwanangu.........nyaya yemaqualifications vanoikoshesa zvakapfurikidza. Ivo chaivo havana kana imwe hama yavo company yese kunze kwemwana wavo chete Tendai anoita head the accounts department. Me : Handiti ezvino havapo here mhamha, munongogadzirawo chimwe chiposition kana kuMarketing uko ndowanawo kwekuswera. Ndakamutarisa ndokubva ndamuti, Me : Chandisingazode kunyadziswa Shingie........zvawanda zvinhu zvandaedza kuti uite uchingogumira panzira mwanangu........izvozvo hazviitwe kubasa! Shingie : Ndakura momz, ndaakuziva life, try me muone kuti ndachinja....... Me : Ok, there is this lady ari kuenda kumaternity leave next week kuMarketing kwawamboita mention. I will let you fill her gap, zvinenge zvichida kuitwa zvacho ndinenge ndichikuudza. Akasimuka ndokubva auya kuzoita hug me achiti, Shingie : That's my super mum.........thank you so much mhamha, I love you. Akabva atarisa sister yake and said, Shingie : Ko iwewe Mitchie hausi kudawo kusorterwa something here.........tiri vana vaboss ka isu tinokwana pese. She responded lazily achiti, Mitchell : Are you forgetting kuti ndini gotwe repano nhai shaa........zvese zviri pano ndezvangu. Ndakazosimuka zvangu ndave kuseka vave kuita verbal fight vana vangu .........aaah, chiteedzani chacho so chavanoita, pamwe pacho munhu haungazive kuti pane six years age difference pavanhu ivava. Ndakanopinda mubedroom mangu and had a quick shower ndichibvisa make up ndokubva ndazodaidza Mitchell kuti azondibatsira kunyatsopfeka my new dress. Akacommenter mwanasikana wangu ndachena zvino achiti, Mitchell : Haaaaa munenge muchilooker mhamha, kuita CEO chaivo. Me : Yes my love..........ndiri kutofanirwa kuratidzika semuridzi wecompany chaiye pandiri kuendesa the donation. Handiti ndakasiirwa nyanga dzacho dzese here ...........vese vachandiona musi iwoyo vachasara vachindidaidza vachiti mai Platinum Insurance. Takazoita nguva tichitsvaga some matching shoes and matching accessories pazvinhu zvangu zvandisati ndambopfeka outfit yacho ndokubva yanyatsoita complete. We were now having dinner with my family pakapinda a message from Tendai Machimbira achiti, Him : Good evening Ms Maturure......my apologies, I will not be able to join you paMatthew Rusike visit, ndaita an emergency meeting with some investors. You can pick anyone anokuperekedzai. Ndakatomboisa fork yangu pasi and quickly responded saying, Me : Not a problem Sir........I will take care of everything. Akabvawo apindura nemaoko aiombera kuratidza kutenda.......ndakachizotaura nevana vangu with so much excitement ndichiti, Me : Guys, would you like to go with me kuMatthew Rusike orphanage the day after tomorrow, my young boss wandanga ndichifanirwa kuenda naye ati aita mamwe macommitments. Vakadairirana nguva imwechete vana vangu vachibvuma vachiratidza kufarira nyaya yandakanga ndataura. Takatozopedza dinner yedu vave kutoronga zvekunoita shopping yehembe dzekuti vasvikewo panzvimbo iyi vachiratidzika zvinoenderana nemari yandiri kunosiya ikoko. MATRON Mufunge earring raAngela randakaona musi uno riri kutonditadzisa kugadzikana, Haaaa vadzimu vangu vane nungo chokwadi! I still cannot believe that I have been keeping such a precious thing in my office for years buried in some old file. Ndakanga ndakagara muoffice mangu this afternoon trying to figure out a way yekuti ndiite convince her to sell dombo rinokosha iroro pakaringer my desk landline. I picked up the call and the lady from the other side of the line identified herself as Ms Maturure vekuPlatinum Insurance Company and she was confirming that they will be paying us a visit the following day. Ndichingopedza kutaura navo ndakabva ndatotanga kuita busy kumhanyamhanya kuronga mafambiro achaita zvinhu panouya vaenzi vedu vanoremekedzeka ava. Ndakaridza zvigunwe zvangu zvemumaoko ndichisekerera ndega ndichiti, "This can be an opportunity kwandiri yekuswededza Angela padhuze neni........yes! Yeeees!" Ko vana varipano vanombonetsa here kupinda mumusoro, ukangomuratidza kuti unomuda nemoyo wako wese kupfuura vamwe unoswera waita win all his/her trust and loyalty. Uya anonzi Angela anoda kutambwa naye zvakanaka........tinoidya tese mari yeearring regold riya. After about two hours ndakanga ndapedza kuita organize mafambisiro atichaita program nemavisitors edu zvese nemarefreshments atichazovapawo pano. With all the important things in order ndakabuda muoffice mangu kwave kuenda kunotsvaga Angela and ndakanomuwana ari muroom make. Akaratidza kuvhunduka chaiko achindiona because I don't usually visit kwavanogara, kune madzimai anoitawo taka care of them ikoko. Ndakangotaura naye kuti ndaida kumuona kuoffice kwangu without delay ndokubva atobuda neni paya. Ndaimutaudzawo nyaya dziri general as we were walking nekuti ndainyatsoona kuti mwana akanga asina kunyatsogadzikana. Ndakamusekerera zvangu tagara muoffice mangu takatarisana ndokubva ndamuti, Me : We have some special visitors pano mangwana who are bringing some donations so ndiri kuda kuti iwe uve paforefront of everything. She smiled akanditarisa but I could see so many questions in her eyes.........ndakachibva ndamujekesera zvandaireva ndichiti, Me : Madonations ari kuuya ndeenyu ........as in iwewe nevamwe vako vanogara pano. Ndiri kuda kuti timboita zvinhu zviri different from zvatinoita mazuva ese panouya mavisitors pano. Ndiri kuda kuti iwe ugotambira chipo chacho. Akasekerera mwana ndokubva asimuka kwave kuzomira closer to me achiti, Me : Sure here ma'am, Wooooh...........it will be the best day of my life. Thank you so much for choosing me. Me : You have all the qualities Angie dzekuita represent vamwe vako.......you are a very fluent and confident young woman. Munongozvizivawo kuti kana ukaita praise munhu anomera mapapiro, akabva andibvunza paya kuti, Angela : So is there anything that I am supposed to say? Me : Zvemangwana no........maybe next time. Chandiri kungoda are your smiles chete mwanangu, ubve wapfeka that long navy blue dress musoro uyu wotodudunura woita afro seyawaive nayo kuchurch on Sunday. Akasekerera zvake ndokubva azobuda achiti ave kunotanga kuita prepare for tomorrow........yeah, mbichana mbichana so anondiisa pamoyo pake akasvika chete pakundipa earring!