L.T. MAHACHI NOVELS
January 23, 2025 at 11:38 AM
https://chat.whatsapp.com/G95gqVKg6Lu8XUDUhQnA5W *FROM 1 FOLLOW CHANNEL* https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : ECHOES OF THE HEART STORY BY L.T. MAHACHI O77799O714 O775O72O31 INSERT 4 THANDI (Ashley's friend) Haana chaakanyatsokwanisa kutaura neni all the way from Chisipite to my place in Mandara. Aizvikuvadza nemuchema zvekuti yanguwo misodzi zvakanga zvave kutonetsa kuicontroller. Handina kuda kutaura naye zvakawanda patakasvika kumba, I just asked if she had eaten anything and akadaira by nodding her head. Ndakaenda pafirst aid box rangu and took the strongest pain killer kwave kumupa. Ndaiziva kuti nekuchema kwaakanga aita musoro wakanga wave kutema and chandainyanya kuda ndechekuti munhu arare ambozorora tozotaura zvakanaka. Haana kutombondibvunza kuti tablet nderei, she just took it kwave kugara akati zii akavhara maziso ake and suddenly said, Ashley : He has been talking about marriage recently. I have been so stupid not to understand that aitaura nezvemarriage yake kwete yedu. I hugged her tightly and said, Me : All will be well sweetness, this is not the end of the world. You have yourself and you have me. We will get over this together handiti. Akadzungudza musoro ari mumaoko mangu imomo achiti, Ashley : Ten years sure here munhu ozongondiitira mashura akadai. Wayne ka, he will know no peace and he will never be happy. Decade here sure Thandi munhu achinditambisira nguva yangu. I will never heal from this, kunzi munhu afa kuri nani kani dear kwete izvi zvekuti ave kutonofara zvake nemumwe mukadzi. Ndakamubhabhadzira musana ndichiti, Me : You will heal my dear, there is actually someone out there akamirira kuzopodza ronda raaisa mukati mako. Akafemereka so kwave kutaura marambirwo aakanga aitwa chaiwo chaiwo and wanguwo moyo wakatsemuka but I had to be strong for her. Ndakazotadza kuita control my tears when she said, Ashley : Wayne ndiye akandibvisa humhandara, how am I going to live with it ndichinyatsoziva kuti I will never be with the man who took my purity. Ndakaramba varume vasvinu vakawanda ini Thandi unonyatsozviziva kubvira tichiri kucollege chaiko ndichiti I have already found the king of my heart. I have ignored so many opportunities to go abroad ndichiti handidi kuenda kure naWayne. Akatanga kuchema but akatozoguma akotsira ndakangomubata pacouch patakanga takagara ipapo. I covered her with a small blanket ndokubva ndamboenda kubedroom kwangu kunoita something. I only remembered that I had a lunch appointment with my man pandakanzwa phone yangu ichiringer and aitove Jason sweetheart wangu. Takambotaura dzerudo ndokubva ndazomuti, Me : Hun, I'm sorry, can we cancel program yedu yanhasi. I am with Ashley right now, she is not ok. Jason : Not ok? Is she sick? Me : Yeah kutorwara chaiko.......Wayne broke up with her saka hey, zvakaoma. Can you imagine munhu kungomuka achimuudza kuti I am getting married, there is someone ane nhumbu yangu. Jason : Some men! Ummmm, Ashley wandinoziva ini doesn't deserve that. So rega ndiuye hangu ikoko tiite spend time with her together. Ndouya nechii? Me : Maybe drinks or something for dessert. Now amborara so paanomuka tinobika tese, that will help relax her mind a bit. Jason : You are just one in a million my love. You are not just a caring doctor to your patients. Ndaiidawo shamwari yakaita kunge iwewe ine such rare kind of love. Ndakaseka zvangu and said, Me : I grew up ndiri one mumba medu hun and when I met Ashley kucollege I found the sister I never had. We are going to go through this pain together until we find her happiness again. He jokingly said, Jason : Ndichatotsvaga masingles akasike awana wake nekuti hmmmm, ndini ndinogona kuzopinda pama1 mukadzi wangu asisabatike. Takazoonekana zvedu tichingoseka, ndakatonzwa moyo kurwadza after speaking with him........you know, kufara kwandinoita nekudanana kwandinoita naJason ndizvowo zvaingoita Ashie naWayne. Munoziva munhu unotomboita kamwe kakusagadzikana so uchingozvibvunza wega kuti yakowo relationship yakananga kupi. Akazosvika zvake Jay wangu a moment later and we spent the day together tichinyaradzana nemumwe wedu. Takazonomusiya kumba later zuva rodoka. Marwadzo akanga achakatakurana nawo musikana asi zvakanga zvave better. WAYNE I felt like a prisoner pandakafamba ndichipinda mumba makanga makagara vabereki vangu nevaLorinda. Ndakangovamhoresera kuti hapana zvekuita asi ndakanga ndisingade. Ndakanga ndambokumbira Regie kuti ange aneni but akaita get away from being a part of all this rubbish achiti, Regie : This must be a family meeting my guy. I can come and pick you up any time kana mapedza. Akatobva aenda nemota yangu since ndakanga ndamusiisa yake in the first place. Mumba muya ndakanogara pa single seater couch to avoid kuti Lorinda wandakanga ndasiya panze nesister yake vachitorana maphotos azogara paside pangu. Ndakanzwa kusvotwa kunge ndichasimuka ndikapa mumwe munhu mbama yekumudzikamisa time yavakapinda vana Lorinda........mukadzi waOwen akatobva asimuka achinoita hug her achiti, Mandy : My sister, welcome. I tried your phone nezuro ichiramba ndichida kuti tiende somewhere together, you know my friends are always showing off their sisters. Ndakatarisa vanhu vese vaive mumba umu and vakanga vakavatarisa vachisekerera. Mandy akabata dumbu raLorinda achiti, Her : So how is our baby? Akadaira achitaurisa zvekuti vanhu vese vanyatsomunzwa achiti, Lorinda : Oh, Wayne Junior.......he is giving me a hard time. My appetite is just something else, ipapa handisi kutomboziva kuti ndiri kuda kudyei. Akabva amubata ruoko vave kunogara directly opposite me achiti, Mandy : I will give you some tips hun. Kana kune mamwe marara emunhu andakambosangana nawo ndiwo iwaya anonzi Mandy, handitonzwisise kuti Owen akatorana naye pai. Akazoita tsika dzenhema Lorinda achiombera maoko greeting my parents pamwechete naOwen. Sezvo ndakanga ndisiri kuziva kuti zvinhu zvavo zvaifamba sei ndakazoita find out kuti iye Owen ndiye aitove chairperson of the meeting paakatanga kuita address vanhu achiti, Him : I think everyone is as happy as I am, kwatakabva ndiko kure. Baba namai vangu (achiombera akatarisa maparents aLorinda) tiri mhuri yenyu, sevana tinombovhunduka zvinenge zvaitika tisina kutarisira. Tinotenda chaizvo nekusatiramwa. Ipapo baba vangu vaingogutsurira zidzoro rine mhanza and momz vakanga vakangogara vakapeta maoko avo. I could not read how she was feeling from her facial expression which was just so plain. Vakaseka baba vaLorinda zvaisembura ndokubva vati, Him : Muri vana vangu, makakura ndichiona......dai makanga muri vamwe vanhu munoiti ndaiuya pano nhasi here zvandaita nemhuri yangu izvi? Makamboitika kakuseka, everyone seemed to be happy ini ndega ndini ndainzwa kunge ndiri kukangwa nemafuta angu. Pakatombotaurwa zvimwe zvandisina kuzvinetsa nekuteerera zvangu. Owen akazonditarisa ndokubva atarisa Lorinda and said, Him : Zvese zvekuti muchato wamunoda uitwe zviripo. Chatiri kuda from you two idate chete. Ndakaramba zvangu ndakanyarara nekuti ndakanga ndisiri kuzopapindura ipapo. Lorinda akataura achibatabata dumbu rake achiti, Her : It has to be soon, handidi kuchata vanhu vachiona kuti I am already carrying someone. Akatsigirwa naMandy who then said to me, Mandy : So daddy Wayne hamuna date in mind here? Me : Lorinda ndiye anonyatsoziva kuti dumbu rake raataura rinenge risati rakura riinhi. Owen akandikandira rimwe ziso so ndokubva ndaramba ndakangomutarisawo. Akazoronga nemukadzi wake naLorinda wacho kuti chimuchato chacho chichaitwa two weeks after marooro and I did not know when that was nekuti ndakanga ndisingatozivewo kuti vaironga zvekunomuroora kwacho riinhi. They decided on a lot of things, the venue of the weddings.....the number of people they were going to invite nezvimwe zvakawanda ndakangoteerera zvangu. Mandy asked me about the wedding colors nekuti ini ndaida kuzopfekei and ndakamuti, Me : I will be ok with anything that Lorinda wants me to wear, handiti zvingori zvemahours chete here. Vese vainditarisa vachiratidza kuti vane zvavaida kutaura neni but zvaigumira mumiromo yavo. After what they termed a successful first wedding meeting mhuri yekwaChibaya yakabva yaoneka, of course after a meal together. Ndakasimuka and went to my room, ndaitoda kubuda kuenda kwaRegie kunofema mhepo iri nani. Ndichangovhara door rangu rakabva ravhurwa, ndakatongoziva kuti aive Owen but I was surprised ndichiona ari Lorinda. Ndakaramba ndakamutarisa and she smiled achifamba achiuya kwandiri akabata dumbu rake achiti, Lorinda : Daddy vaJunior, ndati handingangoendeka usinawo kumbobata mwana wako, maybe you had wanted to kiss him........I understand kuti ma1 with the parents around especially after what we have been through in the past weeks. Ndakamudaira ndatobata phone yangu ndichida kutarisa message yakanga ichangopinda ndichiti, Me : Zvekuti mwana ari mudumbu mako ndewangu ndinozviziva, ndichazomubata nekumukissa kana abuda mudumbu mako imomo!
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 158

Comments