Miss Novels T.N Bvaru
January 23, 2025 at 02:02 PM
*THE BURNING SOUL*
๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ
https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF
*NEW BOOK ๐*
*BOOK NUMBER 18... 2025 PRODUCTION*
*Uchida maprevious books angu follow my WhatsApp channel below unomawana ikoko kusanganisira nerino ririko pinda muchannel usarasikirwe nezvinyora zvaMasibanda TN Bvaru*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
Authouress
*Miss ๐ T.N Bvaru*
*Lioness*
*Contact*
0๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ9๏ธโฃ5๏ธโฃ7๏ธโฃ4๏ธโฃ7๏ธโฃ6๏ธโฃ6๏ธโฃ
*Based on true life events*
*Read comment and share pliz*
*Chapter 2*๐
Kurutsa kwandakaita kwakadrawer attention yeclass yese apa taiva mulesson reEnglish, madam vaiti teacher English vakabva vati "Zvaita sei nhai Daisy asi uri kurwara here?", Ndakabva ndati "Ndangotanga kuzvinzwa makuseni ndichiuya kuno kuchikoro asi handisi kurwara ma'am", Madam ava vainzi Madam Tari vakabva vati kune umwe musikana ainzi Vivian aiva classmontress "Vivian enda kumba kwangu unotora bucket rekugezera riri kuseri kwedoor uise mvura mukati uuye naro", Musikana uya akabva abuda ini ndakasara ndakagara uniform yese yainge yaita messed zvekuti zvaisaita kuti ndirambe ndiri muclass ndakadaro, Vivian haana kutora time akabva adzoka nebucket riya ndakabva ndatanga kucleaner patable paya nehembe dzangu ndakazopedzisira nepasi, ndapedza ndakabva ndanorasa kutoilet ndokunoisa bucket kumba kwamadam Ndakadzoka ndokubva ndambogara panze pazuva ndichioma, zvekudzokera kumba ndaisada nekuti ndainge ndasarira kumashure zvakanyanya pazvidzidzo nekuti most of my time ndaigara ndiri kupunishment yekushaya mabook yandaipihwa naheadmaster. Ndakatora time ndiri panze kusvika lesson reEnglish rapera madam Tari vakabva vabuda ndookuuya pandaiva and she said "Kana usiri kunzwa mushe Daisy go home wozouya kuchikoro mangwana", ini ndakabva ndati "No ma'am I am fine handisi kuziva chaitika ipapa kuti ndirutse", ivo vachibva vati "It's okay dzokera zvako muclass mune vamwe", ndakabva ndasimuka ndokunopinda muclass asi ndaiva neimwe strange feeling yandaiva nayo. Ndakaswera day rese not feeling myself asi kuti nditi pane paindirwadza ndinganyepe, time dzekuenda kumba dzakakwana ndichibva ndabuda zvangu muclass ndokuti muroad ndoenda kumba, ndaifamba zvangu zvisishoma nezvishoma semunhu airwadziwa ndakazoti ndasvika panzvimbo Iya yandakabatwa chibharo hana yangu yakatanga kurova ndichifunga zvese zvainge zvaitika kwandiri , ndakambomira ipapo misodzi yangu ikatanga kuyerera ndichifunga kuti my virginity yainge yaenda ne the unknown, ndakati swederei nechemusango zvishoma ndichidongorera nzvimbo Iya yandakabatirwa ndakabva ndakaona masora akaita kupfukudzika nekurwisa kwandaiita ndakabva ndanzwa a sharp pain pamoyo zvekuti ndakatadza kuita hold back my voice ndichibva ndatanga kuchema voice richibuda zvekuti dai paiva neari padhuze aindinzwa asi ndaiva ndega, ndakabva ndafamba zvangu zvishoma nezvishoma ndichienda kumba , ndakazosvika pamba zuva rakuda kudoka ndakawana tete vangu vasati vadzoka kumusika.Zvinhu zvese zvakangoti bvuu pasina kana kusukwa kana kubikwa ndakabva ndatanga kuburitsa maplates panze ndokutanga kusuka, hazvina kundirwadza nekuti ndiwo waiva mugariro wangu kuti ndini ndaiita zvese pamba ndainge ndisisatoone kurwadza kwazvo, ndakaita basa rangu fast fast ko kuita Zvinhu nekukasira ndiko kwaiva kudya kwangu nguva diki diki ndainge ndatopedza zvangu ndakutoita zvekubika ndiyo time yakabva yadzoka tete kubva kumusika kwavo. Vachisvika handina kuda kuzviratidza kuti pane zvandainzwa ndakazvivanza kusvika vadya vaenda kunorara ini ndakasara ndokusuka zvatadyira ndichibva ndazoendawo kuroom kwangu, handina kusvika nekurara ndakasvika ndokutora mabooks angu ndokutanga kuverenga, truly speaking kuverenga kwakaramba coz ndaingoti time yandinoda kutanga kuverenga ndotanga kuita maflashback memories ezvakaitika musi wandakabatwa chibharo misodzi yotanga kuyerera, ndakabva ndaisa mabook kwakadaro ndokudhonza kagumbezi kangu kaiva kanzwa zvako ndokufuga ndichibva ndarara. Hope dzainge dzotambira kure neni kubva musi wandabatwa chibharo dzaiva dzakuita zvekundiba. Pava pakati peusiku ndakamuka ndichiita kuvhunduka nehope dzandakarota, ndainge ndarota like ndainzwa voice remunhu uya akati "Ita fast iwe tinozobatwa", munzeve dzangu ndakamuka ndokugara hana yangu ichirova ndofunga kwaiva kuchiri kufunga zvainge zvaitika kwakaita kuti ndirote hope dzakadaro,ndakakwenya matches ndokubatidza light rangu ndokugara mumba mangu muya, uku misodzi ichiyerera ndichipfikura kuchema hameno kuti tete vakazvinzwa sei kuti ndakamuka vakabva vauya kuroom kwangu ndokuti "Uri kupfikura chii pakati peusiku pano wafirwa nani? usatinyaudza vamwe tiri kuda kurara mangwana kubasa tiri kuda kuzorora", vakabva vatanga kufamba vachidzokera kuroom kwavo ndakasara ndobva ndadzima light riya ndokupinda mumagumbeze, ndapinda ndakatanga kufunga kuti ivo amai vangu vakaita sei kubva vaenda zvachose kukanganwa kuti vakasiya mwana, kana neface yavo handiizive vainge vasina kusiya kana photo ravo zvavo.
The following day ndakamuka ndichinzwa muviri wangu uri weak zvekuti kana kuchikoro ndakatadza kuenda, ndakanzwa tete vava kuti "Asi nhasi hausi kuenda kuchikoro", ndakabva ndati "Hongu handisi kuenda I'm not feeling well", ivo vachibva vati "Kana usiri kuenda kuchikoro washen yese iri mubedroom mangu umo ndiwane yawachwa hauna rimwe basa raunoswera uchiita pano pamba", zvekuti ndiri kurwara havana kana kuzviterera ndakatonzwa vakurovera door vakuenda, ndakasara ndakarara ndikazomuka zuva rakwira ndotanga kuita basa repamba asi kwaiva kumanikidzira zvako, ndapedza ndakabva ndapinda mubedroom mavo ndokutora hembe dzavo dziya ndokuisa mudish ndokuenda kurwizi rwuri pedyo nemumagunje medu imomo maiwachirwa nevazhinji,ndakasvika ndokuwachira kushinga asi simba chairo ndaiva ndisina, ndakabva ndayanika hembe ikoko kuti dzisandiremera pakutakura, ndakudzoka ndaifambira zvangu mutara zvishoma nezvishoma ndakabva ndasangana neumwe mukomana wataidzidza naye achibva ati "Daisy ko sei usina kuuya kuchikoro nhasi?", Ndakabva ndati "Handisi kunzwa zvakanaka", Mukomana uyu ainzi Gerald akabva ati "Maam veEnglish vanga vachitokubvunza", ndakabva ndati "Don't worry mangwana ndinouya", Gerald akabva ati "It's okay tosangana kuchikoro", Akabva afamba achienda ini ndichiendawo kumba. Ndakasvika kumba mwana watete vangu adzoka kuchikoro adya chikafu ndokusiya maplates paadyira uniform zvese bhutsu nebag zvainge zviri pasi zvakati bvuu zvichitangira kudoor, ndakabva ndanomudaidza kwaaitamba achibva auya ndichibva ndamuti "Hailey Unoreva kuti haugone kurongedza Zvinhu zvako zvaunenge wakumura, maplates chaiwo awadyira watadza kumabvisa unofunga kuti Mushandi wako ndiani?", haana kudaira akanditarisa achibva aridza zitsamwa ndokutotanga kufamba achibuda, ndakabva ndamubata ruoko ndichimudzosa mumba akabva andiruma, ndakaita hasha ndichibva ndamurova mbama kumeso amai vake vakabva vasvika achichema. Havana kubvunza kuti chii chaitika vakatanga kupopota vachiti "Ndizvo zvandisingade izvozvo zvekurohwerwa mwana wangu unomurova wakamira saani, ini handina kufanana namai vako vanongosiya vazvara vana vachienda, ini wangu mwana akandikoshera asiyana newe wakaramwiwa namai vako, the next time you try this nonsense again you are leaving this house ugonogara mustreet, uri kuzvinzwa? ", handina kudaira ndakangogutsurira musoro vakabva vaenderera mberi vachiti" nhasi hauna chikafu Changu chauri kudya, wazvinzwa here ", ndakabva ndati" Ndazvinzwa tete ", nezwi rakashoshomera nekurwadziwa nemashoko akataurwa natete, Mashoko akanyanya kundibaya mashoko ekuti" Handina kufanana namai vako vanongozvara vachienda ", ndakademba kuti dai ndaiziva kwavari ndaienda nekuti hupenyu hwandairarama pamba pandakasiiwa nambuya hwaiva hwakaoma. Ndakatanga kunhonga mauniform aHailey ndokurongedza ndapedza ndakabva ndabika ndokupakurira ivo naHailey ini handina kudya musi uyu ndaiziva kuti tete zvavataura vatotaura and havadzoke kumashure, ndakanorara nenzara yangu chandakakwanisa kuita kurongedza tuma books twangu nekuti ndaisada kurovha zvakare kuchikoro, ndapedza ndakapinda mumablankents ndokurara zvangu Ndichimirira kuti kuedze ndiende kuchikoro, kuchikoro ndiko kwandaida kuenda nekuti ndaidzidza neshungu kuti ndizosandurawo hupenyu hwandairarama hwairwadza kudaro ndisina we kuudza kana kwekutizira ndaitotenda mwari kuti kunyangwe zvavo zvainge zvakaoma ndaiva ndisingazoshaya chekudya though mamwe mazuva ndaimbonyimwa natete vangu zvese nemwana wavo Hailey.Zuva rakatevera ndakamuka ndokugeza ndokuenda kuchikoro nenzara yangu pasina chandadya ndaitoziva kuti kutaura yechikafu kuna tete kwaiva kutanga yainge yapera.
*2 weeks later*
"Hezvo nhaiwe Daisy ukati haundishure here nhaiwe mwana waSimbarashe! shuwa imba yese kuti dhuma nehutsi hwepoto iri kutsva iwe uri muno wakadzipfodora zvako hope kudaro!", ndakamuka ndichiita kuvhunduka ndakatadza kuziva kuti hope dzandibata nguvai ndakatarisa mumba kuwana makaita kuzara utsi, ndakasimuka ndokumhanya paiva negas stove ndakasviko ridzima, ndakavhura mupoto kuwana muriwo wese wandaibika watsva kuita black, ndakatanga kudedera nekutya ndakatarisa tete vakabva vati "Musi we Friday Ndakadzoka kubasa ndikawana wakarara pasofa ipapo , nezuro ndakadzoka futi ndikawana wakarara, hope dzako dzimbori hope rudziii dzauri kurara mazuvano Daisy?" Ndakaramba ndakanyarara ndakavatarisa nekuti kana ini wacho ndaitadza kuziva kuti hope dzacho dzaibvepi ndakazovhunduka tete vakuti" Nekutamba kwako nevarume Daisy une mimba chete hakuna chimwe ", pandakanzwa zvenhumbu hana yangu yakarova kuita seichatsemuka, vakabva vaenderera mberi vachiti", Ndiri kuenda kunotenga pregnant test ikangobuda ichiti une nhumbu chete pano pamba pangu handidi kuona kana tsoka yako unobva waenda kune akakupa mimba iyoyo", Vakataura vachinhonga kahandbag kavo ndokubuda voenda kugrowth point, hana yangu yakatanga kurova at highest pulse.
Stay tuned
Masibanda loves you.
*Macoments enyu ndiwo anondipa simba rekuenda mberi*
โค๏ธ
๐ข
๐
๐
๐ฎ
๐
213