Miss Novels T.N Bvaru
8.1K subscribers
About Miss Novels T.N Bvaru
Welcome to Authouress Miss 💞 T.N Bvaru home of entertainment, manovels anowanikwa muno chizvino zvino nechinyakare chacho munyori anonyora zvechipo gara uri muchannel usapotswa
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
Ummmm upenyu sooo,,bt kupusa kuna baba Zivai kaaaa mombe dzitori dzaAbed already dai mufi adziuraya dzese ende kana nyama yacho yaifanira kungoita honye isadyika zvachose tigoona kt mbiri yekurima vachazoiita zvekare hr
Haaaaaa vachazvidemba avo uyengozi yacho hairipike naAbed coz yainzi inodamukomana mukuru mumhuri Saka ndaona zvakaona uye Abed achatambura asi kumberi uko achagara bho achawana mubatsiri
*ABEDIE* 🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍 https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK 📙 2025 PRODUCTION* *BOOK NUMBER 24* *Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj BY *MISS 💞 T.N BVARU* *lioness* *Read comment and share* *contact* 0️⃣ 7️⃣ 7️⃣ 9️⃣ 5️⃣ 7️⃣ 4️⃣ 7️⃣ 6️⃣ 6️⃣ *CHAPTER 05* *Naration* Baba Zivai vakadzoka kubva kumba kwemukoma wavo vakawana Abed ari mumba make achichema arimo uku Zivai ainge abuda panze akudziya zvake mushana wezuva rainge rati kwirei vasvika vakabva vati "Ko imi muchiri pano hamusati maenda kugadern? Abed ari kupi?" "Anenge arimo mumba make imomo" Zivai akapindura baba vake vachibva vati "Shuwa muri kuita zvekutamba nebasa pano pamba zuva rakwira muri pano muchitadza kuenda kunoita basa vamwe nurse dzavo dzakutomera imi ndipo pomoita mafunnies iwaya.... Abed! Abed!" "Baba!" Abed akadaira achibuda mumba muya kuenda panze baba Zivai vakabva vati "Uchiri mumba kusvika nguva ino ndiri kuti maenda kubasa kare kare imi, mese naZivai wako muri kuita basa rekudziya mushana kunge madzvinyu" Abed haana kudaira akatanga kufamba achienda kwaigara mapadza akabva anhonga badza necane chinyararire achibva atotanga kufamba achienda, Zivai akateverawo asi zvekuenda kugadern aisada , vakafamba vakati umwe kumberi umwe kumashure kusvika vasvika kugadern, Abed akatanga kuita basa semazuva ese asi Zivai aingonyepedzera zvebasa aisazvifarira. Ava masikati Abed akabuda achibva adzokera kumba Zivai akaenda nekumashamwari ake aiiswera achitamba nawomuraini. Abed akasvika kumba amainini vake vabika achibva atodya ndokunorara zvake mumba make muya akanyatsoona kuti zvechikoro hapasisina. *2 days later* Lisa ainge ava ne 2 days asiri kuona Abed kuchikoro izvo zvakamunetsa kuti sei aiva asisauye kuchikoro iwo mazuva ekuregister ainge asara nezuva rimwe chete kuti apere wekubvunza akamushaya nekuti iye Abed ainge asina shamwari pachikoro uye paiva pasina anobva kudhuze nekumba kwavo waanoziva. Musi uyu akabva kuchikoro achibva ati regai ndiende nekumba kwavo ndinoona kuti sei asisiri kuuya kuchikoro vamwe vachiregister., akabuda time dzinopera chikoro achibva ananga kumaraini kwana Abed aiita kufambisa achiitira kuti asanonoka kusvika kumba kwavo. Kumba kwana Abed kwaisava kure zvakanyanya kubva pachikoro zvekuti haana kunonoka kusvika, achisvika akawana Abed achitovharira mombe mudanga paakamuona akabva ati "Abed Inga hausi kurwara wani ko kuchikoro hindava?" Abed akaita kakuvhunduka nekuti ainge asina kumuona akabva ati "Lisa wasvika nguvai, uri sei hako" "I'm not fine, vamwe vakutopedza kuregister iwe hausi kuuya kuchikoro hindava?" "It's a long story Lisa". "Ndiperekedze uchindiudza handisi kuda kunyanya kunonoka kusvika kumba you know my mother" Abed akapedzisa kuvhara danga achibva atanga kuperekedza Lisa vati fambei Lisa akabva ati "so tell me what's going on?" "Lisa bamunini vangu vakati havachakwanisa kundiendesa kuchikoro, havana Mari yekuti ndino register" "Is this a joke Abed?" "No, I'm serious ndosaka uri kuona ndisiri kuuya kuchikoro, kuchikoro handichatouya zvachose" Lisa akanzwa kupererwa achibva ati "Inga zvakaoma Abed saka ndokwatova kuguma kwako kuenda kuchikoro" " Zvakatopera Lisa ndiri kurwadziwa asi chekuita zvangu handina" "Dai ndaikwanisa kukubatsira ndaikubatsira ndaikubatsira asi handina and you know my mother Mari inotovanetsawo mari yechikoro vanotibhadharira zvekushingirira kubva zvakafa Dad zvinhu zvacho zviri kuvaremera vari one" "It's okay Lisa don't worry hanty ndogara zvangu pamba " "Ndarwadziwa Abed I wish I could help you but there is nothing I can do" "Okay Leee kwanga kurisei kuchikoro" "Kwanga kuchibhowa usiko" "Get used to it hanty ini kuchikoro handichauye Leee ndozvavapo" Lisa akanzwa misodzi yake kuda kubuda achibva ambundira Abed wake zvekuratidza kurwadziwa akazomuregera pava paya ndokuti "I love you Abed" "I love you too Leee" Lisa ndokuti "Chirega ndimhanye kumba ndingazopinda busy namhamha ndokuona riinhi since usisauye kuchikoro" "Ndokumirira wakubva kuchikoro mangwana" "Okay bye" Akabva atotanga kufamba achienda kumba kwavo Lisa, Abed achibva atanga kufambawo achidzoka kumba kwavo achisvika kumba akawana Zivai akagara pangoro achibva ati "Vana Abed muri kuramba muchiita zvakaita kuti muregereswe chikoro nababa pano" Abed akamutarisa ndokuti "Zivai problem yako ndeyei chaizvo" "Kungokuyeuchidza zvangu kuti baba vakazvinzwa izvi.... Ndanyarara zvangu" Abed haana kuzodaira akabva anopinda muroom make. *Naration* Mazuva akafamba Abed asisaende kuchikoro achiswera ari pamba one week yainge yakwana asiri kuenda kuchikoro. Nguva dzake zhinji dzainge dzakuperera kubasa rekugadern Zivai aiuya zveapo neapo kana atoda and baba vake vaisamboita basa nazvo. Kune imwe nzvimbo inonzi Batanai iri pedyo nekuchidamoyo ikoko kwaiva nemusha waainzi wekwaMugari, mumusha umu ndimo maiva makaberekwa Mai vaAbed asi mbuya vake naSekuru vainge vakafa kwasara sekuru hanzvadzi yamai vake one yainzi vaChidhumo, pamusha apa vaChidhumo ava ndivo vega vainge vasara. Rimwe zuva vaChidhumo vainge vakagara zvavo pamba pavo pakasvika sahwira wavo achibva kuchidamoyo kwaaiva ashanya kwaiva kwakaroorwa mwanasikana wake, achisvika pamba pavaChidhumo airatidza kuti ane nyaya yaanoda kutaura vaChidhumo vakamutambira vachiti "Titambire zve sahwira Inga wakurumbidza kudzoka ndaiti pamwe uchaita svondo mbiri uriko" "Haa iwe pamba pemukuwasha panonetsa uye ndine nyaya yakandibata kuchidamoyo uku ndikati handichagare" "Inyaya yei?" VaChidhumo vakabvunza sahwira wavo ndokuti "Mwana wehanzvadzi yako uya Abed haasi kuenda kuchikoro" "Haasi kuenda kuchikoro nemhaka yei?" "Ndakangonzwawo zvichinzi baba vacho vakati havasisina Mari" "Havasisina Mari idzo mombe dzababa vake dzavakasiya dzazara danga kudaro?" VaChidhumo vakapindura vachiratidza kugumbuka zvikuru sahwira wavo ndokuti "Ndizvo zvandakanzwa sahwira" "Abed haashairwe Mari yechikoro handiti bamunini ava vakaramba nemombe vakati ndini ndinochengeta nekuita zvese pamwana vasada kundinzwa ramangwana rinodoka ndavako kwaMatiza" Vakadaro vaChidhumo sahwira wavo ndokuti "Munenge magona Monona kuti chii chiri kunetsa pamwana" Vakazosara votaura dzimwe nyaya asi vaChidhumo vainge vaguta kare neshungu, Sahwira wavo akazooneka pava paya ndokuenda kumba kwake . Ava mangwana vaChidhumo vakafumo bata jongwe muromo vakananga kuchidamoyo vachibva kwavo kubatanai vaifamba netsoka sezvo Vainge vasina Mari yebhazi, paiva nemufambo wakati rebei kubva kwavo kusvika kuChodamoyo zvekuti vakatozosvika ava masikati. Vachisvika paMatiza pamba pababa Zivai vakawana baba Zivai varipo Abed wacho aivapo zvekare vese naZivai vakatambirwa zvakanaka ndokubvunzwa upenyu papera kanguva vakabva vati "Ko iwe Abed asi nhasi hauna kuenda kuchikoro" Abed akaramba akanyarara haana kudaira sekuru vake ndokuti "Ndiri kutaura newe Abed" Baba Zivai vakabva vati "Muzukuru wenyu haachaenda kuchikoro uyu Mari yacho ini handisisina Zvinhu zviri kundinetsa kumunda hatina kunyatsobuda gore rino, plus musikanzwa mukomana iyeyu" "Asi ka maigona kutengesa mombe one mudanga moisa kuchikoro kwake" "Handina mombe dzekuitisa izvozvo ini ngaagare pano pamba aite zvekurima" Kuzovadaro vaChidhumo vakabva vanzwa kunge vadirwa uriri muhembe vakati vapenga "Une mombe iri mudanga umu here baba Zivai, mombe dziri mudanga umu dzese dzakabva nekuna baba vemwana uyu dzamava kurasa muromo muchitaura zvisina basa" "Mombe dzababa vake dzipi, mutaure zvamunoziva uye muzive zvamavinga muno mumusha" "Ndiri kukupai mazuva maviri pandiri kudzoka ndiri kuda kuwana mwana iyeye akuenda kuchikoro mukasadaro muchaona kuti sei ndichinzi chidhumo, mwana wehanzvadzi yangu ngaaende kuchikoro!" Baba Monica vakanzwa kupopota kwava Chidhumo vari kumba kwavo vakabva vauya vachimhanya vakasvika vakaona haiwa kuri kutsva demo kuchisara mupini, VaChidhumo vachiona baba Monica vakabva vati " Handisi kuda mahumbwe amuri kuitira mwana vehanzvadzi yangu pano pamusha ndikadzoka ndikawana asiri kuenda kuchikoro pachafiwa pano". Vakabva vati kabag kavo nonge kumusana kwachikirei ndokubuda muyard vodzokera kwavo vasina kana kuoneka , vanhu vepamusha apa vakasara vakangoti tumbi nazvo kana iye Abed akatya kuperekedza sekuru vake akaziva kuti inosara ikaita nyaya nana bamunini vake. Baba Monica ndivo vakazoti "Asi mudhara uyu anopenga chete ndozvangabvira kubatanai kwese uko kunge ane rimwe zuva raakambobhadhara fees Ya Abed wacho." Baba Zivai vakabva vati "Abed saka waona kuti kutimhan'arira kuna sekuru vako ndokunoita manje unofunga kuti vanotiitei sekuru vako, anofarisa zvekuti Chidhumo isu hatisi vakuwasha vake mumhu anga akaroora kumba kwake akafa asade kutitanyanga" Baba Monica vakabva vaoneka vakudzokera kumba kwavo baba zivai vakabva vavaperekedza vari munzira kudaro baba Zivai vakabva vati "Mukoma murikuona sei kuuya kwaita mudhara Chidhumo pano pamba?", "Ummm hakuna kumira zvakanaka and paanodzoka handifunge kuti zvinopera zvakanaka mudhara uyu ndinomuziva" "Ichokwadi ichocho and tsoro yedu yese inobva yavhiringwa pakangoita Chidhumo pakati handidi kuti zvitadze kubuda sezvatakaronga" "Saka Manga mati toita sei?" Baba Monica vakabvunza baba Zivai vakabva vaswedera pedyo chaipo nababa Monica vachibva vazevezera munzeve dzavo baba Monica vaingooneka vachigutsururira musoro. *A day later in Batanai* "Rosemary! Iwe Rosemary!" "Chiiko Talic zvaunoita kudaidza kunge kwafiwa kudaro asikana hamugone kudanidzira pasi here voice rakadzikama?" Roseamary aiva mwana wavaChidhumo wechi3 aive form 3, shamwari yake Talic ndiyo yaididizira ichimhanya kuuya kumba kwavo paakasvika akasvika achifemereka Rose achibva ati " kwanaka here Talic " " Hakuna kunaka Rose baba vako... Baba vako ndavaona kumashops uko pandatumwa kunotenga salt namhamha vari kuita kunge munhu ari kurwara nepfungwa havasi kunzwisisika zvavari kuita kana kutaura ndatovamhoresa havana kudaira vari kungotaura vega vachingonhonga mapepa vachizvisunga nawo" VaChidhumo vanotanga kupenga! Stay tuned. Masibanda loves you.
Regerei zvenyu kuliker ndichaliker nevana vangu handiti hamudi
*ABEDIE* 🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍🎍 https://chat.whatsapp.com/K3mwymNFra5IxjUL5Qw5uy *NEW BOOK 📙 2025 PRODUCTION* *BOOK NUMBER 24* *Gara wapinda muchannel usadarikwa nebook uye ndokwarinotanga kusvikira and mamwe mabook angu akapera ariko ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF BY *MISS 💞 T.N BVARU* *lioness* *Read comment and share* *contact* 0️⃣ 7️⃣ 7️⃣ 9️⃣ 5️⃣ 7️⃣ 4️⃣ 7️⃣ 6️⃣ 6️⃣ *CHAPTER 04* *ABED* Baba Zivai pakavakaona Abed akuyeredza misodzi vakabva vati "Hapana chaunochema handiti kuita zvevasikana Kureva kuti wakuda kuita mubereki zvechikoro hauchade saka wochigara pano pamba ndapedza newe, chero ukada kuswera nekurara uchichema hazvichinje pfungwa dzangu" "Madaro nei nhai baba Inga ndanga ndakutopedza wani, chingondipai Mari yekuregister yefeees morega zvenyu ndinoverenga ndiri pano pamba ndozongononyora hangu" Abed akataura achitadza kunyatsodudza mashoko nemisodzi baba Zivai ndokuti "Ini handisisina mari yandinokupa Abed ndatopedza newe chigara pano wonyatsoita zvevasikana kana uchida kuroora woroora tokupa pekuvaka kadumba kako". Abed akatoona kuti baba vake hapasisina kudzoka kumashure pakutaura kwavo akabva atanga kuchema akamira mumadziro memba Mai Zivai vainzwa zvese vari mumba vachibva vabuda ndokuti "Asi baba Zivai musaita moyo wakaoma kudaro mwana anga akutopedza chikoro uyu moti ngaachigara pamba" "Handiti akuita zvevasikana Kureva kuti ava murume mukuru ngaagare pamba" Baba Zivai vakapindura Vachiratidza kuoma moyo Mai Zivai ndokuti "apa matadza kuparonga zvenyu muchaichema misodzi iri kuchemwa nemwana uyu nhasi" "Iwe wakuda kundiudza zvekuita pano pamusha here, asi wava baba here tikupei matrouse acho mupfeke, zvandataura ndataura hapana anopikisa" Mai Zivai vakabva vanyarara ivo baba Zivai vakabva vapinda mumba ndokupfeka majombo vachibva vabuda kwavaienda hakuna anoziva, Zivai akanzwa kufara kuti Abed aregedzeswa chikoro iye zvino voswera vese pamba akabva atobudawo zvake ndokuenda. Abed akasara akamira muzasi memba muya achingochema misodzi ichiyerera mainini vake vakauya paaiva vachibva vati "Chinyarara zvako mwanangu dai ndaiva nayo Mari yacho ndaikupa wono register zvino handinawo kana cent chienda unobvisa uniform yako mwanangu" Abed akatanga kufamba low low achipinda mumba kunochinja uniform apedza ndipo paakafunga kuenda kumba kwana baba Monica kuti ataure navo pamwe vangamupawo Mari yechikoro kana kutaura nababa Zivai vakadzora moyo wavo, akabuda mumba make muya ndokuti Tande onanga kwababa Monica akasvika varipo vese nemukadzi wavo achibva ati "Maswerasei baba maswerasei mhamha" "Taswera waswerawo sei Abed" "Ndaswera hangu". Akabva ambonyarara baba Monica ndokuti "Kuri sei kuchikoro mazuvano" "Kuri right hako asi ndine nyaya yangu yandauya nayo baba" "Taura ndakaterera" Abed akabva atanga kutaura nyaya yake yekusiiswa chikoro panzira nababa Zivai baba Monica ndokuti. "Nyaya yako ndainzwa asi iniwo handina kana nechandinacho ndongori zvanguwo Razaro ivo baba vako ndivo vaitombowana tumari asi ndichataura navo tinzwe kuti vanoti kudii" "Zvakanakai baba" Akabva aoneka zvake Abed achibva aienda kumakura kunotsvaga mombe dzavo. Musi uyu haana kana kudya abva kuchikoro moyo wake wairwadziwa zvakanyanya pese paaitsvaga mombe aidzitsvaga nemisodzi pamatama kusvika adziwana ndokudzokera nadzo kumba. Ava manheru akafunga kuti baba vake vachadzora moyo maybe kwaiva kutaura kwekugumbuka but he was wrong baba vake vainge vatotaura vapedza and havana kuzotaura nezve nyaya iyoyo zvekare. Chikafu chemanheru chakadyiwa Abed akangodya zvishoma haana kunyanya kudya akazoti pava paya ndokusimuka oenda kunorara . Vabereki vake ndivo vakapedzisira kunorara vana Mai Zivai nababa Zivai vacho. Abed haaana kurara dzinobata musi uyu majongwe akasvika pakurira akasvinura achingonwa misodzi. Vana Baba Zivai pavakaenda kunorara Mai Zivai vakabva vati "Asi nhai baba Zivai saka matoshinga kuti mwana uyu asiire chikoro panzira?" "Handisisina Mari yekumubhadharira simple musada kundinetsa kuda kunditadzisa kurara". "Chingomupai yekuregister overenga ari pano pamba zvake". "mandipa here Mari yacho kuti ndinomupa Mai Zivai handina Mari handina Mari full stop, ngaagare pano achifudza mombe" "Kana musina Mari tengesai mombe one mudanga umo mumupe Mari yacho" "Aaaah imi kutengesa chiii?, ini nditengesere mombe yangu munhu akuita zvevakadzi handina mombe iri kubuda mudanga umo" "Baba Zivai zvinowanikwa muvana vese izvi ndozvinoratidzawo kuti mwana haana kuremara anototeverawo tusikana sevamwe akasatodaro pane chinenge chakatokanganisika paari, uye musakanganwa kuti mombe dziri mudanga umu dzakasiiwa nabamukuru baba VaAbed saka morwadziwa nei kutengesa one mobhadharira mwana vavo feees" "Iwe baba Abed akasiya mombe ngani mudanga umu, akasiya mombe 4 iye zvino dzava 15 dzimwe 11 ndedzangu". "Ndedzenyu? Mune mombe yamakatenga mudanga umo imi mombe dzese dzazara danga idzo dzakaberekwa nemombe dzakasiiwa nababa Abed hapana kana imwe yamakabvisira Mari apo" Baba Zivai vainge vatsamwa zvino vakuita kuvira nehasha vachibva vati "Iwe usada kundigumbura husiku huno wazvinzwaka hazvisizvo zvawakavinga pano pamusha izvozvo kuda kuongorora zvisinei newe ukada kutodaro mangwana rinodoka wava kumusha kwenyu, zvimwe zvinhu siyana nazvo!". Mai Zivai vakabva vanyarara zvavo, vakatoona kuti nyaya yacho yakura asi vakarwadziwa nekuita kwemurume wavo nekuti Abed aigona uye aiva mwana anoterera asi chekuita vainge vasina, murume wavo ndiye ainge angonzwika kufemera pamusoro nehasha dzema shoko akataurwa nemukadzi wavo. *Naration* Abed akazobatwa nehope kunze kwakuyedza achibva arara, akazomuka achiita zvekuvhunduka zuva rabuda akamuka ndokukandira mablankents ake kwakadaro ndokubuda oenda mukitchen semazuva ese kunovesa moto kuti agadzirire kuenda kuchikoro, aiva nehope yekuti pamwe baba vake vadzora pfungwa, akaita zvese akapedza achibva anochinja hembe dzake ndokupfeka uniform akuda kunobuda ndipo pakamuka Zivai akamuona akapfeka uniform achibva ati "Saka zvakataura baba nezuro hauna kuzvinzwa?" Abed haana kumupindura akaramba akanyarara achibva atotanga kufamba achienda Zivai akabva amhanya paaiva ndokudhonza bag remabook raiva kumusana kwaAbed mabook achiti pasi bvuuu Abed akaita hasha akatadza kuzvidzora akabva arova Zivai mbama, Zivai akati ini handinzwaro ndinodzosera vakabva vatanga kurwa, vakomana vakarwa kusvika vatsvukisana ropa Zivai paakaona kuti akukurirwa akabva adaidzira baba vake avo vakabuda mumba vari bara vakananga pairwisana vana Abed paya vakasvika vakawana Zivai akagarwa matunduru naAbed vakabva vanhonga mupini webadza waiva pasi pehozi ndokusvika vachirova Abed kumusana achibva adonhera pasi baba Zivai vakati vatanga kuvava "Unoda kuuraya mwana wangu pano Abed, watadzirwei kusvika pakurova Zivai zvakadai, uchiri kuda kugara pano pamusha here Abed, Abed ndiri kutaura newe!" Vaiita kupupa nehasha baba Zivai vakamira vakatarisa mwana wavo ainge akuyerera rope ukuwo Abed ainge akarara pasi achirwadziwa kumusana kwaakarohwa nemupini kuya. Mai Zivai vakamukawo vanzwa mhere panze vakasvika murume wavo achiita kupupa nehasha kana nekwaiva kwatangira nyaya yacho havana kukuziva ndivo vakazoti "Zivai chiii chaitika kuti murwisane naAbed". "Ndamuti Abed uri kuenda kuchikoro ivo baba vakati usaenda ndobva atanga kundirwisa" Mai Zivai vasati vapindura baba Zivai vakabva vati "Abed saka warwisa Zivai nekuti akutsiura kuti usaende kuchikoro?, idzo nharo dzauri kuita nekuda kuenda kuchikoro une mari here yekubhadhara ini ndakakuudza kuti handisisina Mari iyoyo" Abed aisadaira ainge agara zvake achiterera marwadzo ekurohwa nemupini baba Zivai vakatenderera mberi vachiti "Hapana kuchikoro kwauchaenda Abed ndakatotaura ndikapedza nezuro ndini baba vepano pamba kana wakuda kuita mitemo yako wobva pano pamba pangu" Vakabva vatotanga kufamba vachinopinda mumba, Zivai akaenda mukitchen ndokunogara pedyo nemoto akudziya aripo Abed akazosimuka paya onanaira kuenda kumba yake yaairara, Mai Zivai vakashayawo kana neremuromo vakangonyarara ndokupinda mukitchen vachibva vatanga kuita basa ravo remumba. Baba Zivai vakazobuda pamba zuva rati kwirei vakuenda kumba kwemukoma wavo baba Monica vasvika ikoko vakawana baba Monica vachangodzoka kubva kumagadern kwavainge vamukira vakabva vakwazisana. Vapedza kubvunzana upenyu baba Monica vakabva vatanga ndivo kutaura nyaya yaAbed vachiti "Bamunini nezuro Abed akauya achitaura kuti makati aerege chikoro?". "Ehe ndakati ngaarege handiti ava kuita zvevasikana handina mari yekurasa pakadaro" Baba Monica vakabva vati "Zvaita zvakanaka pazvadai bamunini tava kupfura shiri mbiri nedombo rimwechete , iye Abed achafunga kuti aregeserwa chikoro musikanzwa asingazive nyaya hombe iripo apa" "Yaaa iye zvino mava kufunga semukoma matoona kare nhau iripo kana vanhu vemuraini hapana kana anombofungira chakaipa vanongoti aregeserwa musikanzwa yake" Vakadaro baba Zivai mukoma wavo ndokuti "Zvakanaka bamunini iye zvino zvakuda kuti tichienda kwaMashiri nguva ichiripo kudai Zvinhu zvingogara zvafamba tipedze nazvo" "Asi nhai mukoma tikasvika ikoko tinenge tava kudii uye tingasimuka zvariinhi?" "Weekend yesvondo rinouya ndipo patichaenda ikoko isu tichisvika tinongoti tagara pasi nemhuri tikawirirana tava ready kuripa nezvakataurwa nemufi, ivo ndivo vakachatiudza kuti panofambiswa sei kuti iye Abed achaendako here kana kuti, zvese tinenge tichinzwa ikoko " " Zvakanaka mukoma ndapanzwa ini ndava kudzokera kumba ndimbonoona kuti vakomana ivava vari kudii nebasa rekugadern" Vakadaro baba Zivai vachisimuka pavainge vakagara vakuenda zvavo kumba kwavo. Stay tuned Masibanda loves you.
https://chat.whatsapp.com/KVM0UAqN91oGwEhLwObYOs Ladies only let's go there tinotandara
Mai zivai Dai vaive nechekuitawo Abed haaimborega chikoro zvino ndatoona Kuti murume wavo ndiye first born Mumba masatani muroyi chaiye bakaromba zvavo baba ava
Malikes enyu muri kuda chapter 6 nhasi imi?
Mai Zivai vataura chokwadi kunababa Zivai kuti misodzi irikuchema Abed vachaichemawo nerimwe remazuva.Mai Zivai vanerudo naAbed asi chekuita hapana rume ravo rakaoma moyo zvese nemwana wavo Zivai.Baba Zivai nababa Monica vane moyo wakashata tsoro yavarikuronga iyi vachachema havo ramangwana .Zivai agonekwa arohwa zigwara razodanidzira baba kuti vapedzese Abed . Hupenyu hwehunherera hwakaoma
Morning family malikes ngaauye pachapter 3 chapter chapter 4 iri kuuya na11 am