Miss Novels T.N Bvaru
4.9K subscribers
About Miss Novels T.N Bvaru
Authoures Miss 💞 presenting online novels: Tracy Ndava Bvaru contact 0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
Malikes enyu anopa husimbe truly speaking
*A JOURNEY FOR LOVE* 🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸 https://chat.whatsapp.com/JZhWQZLwZEx1m0ZbZJXuTv *NEW BOOK 📕* *BOOK NUMBER 19📕* *Mhanya upinde muchannel aMiss 💞 T.N Bvaru kunobikwa huchi wasara wasara mabook avo akapera ariko ikoko kusanganisira nerino maprevious chapters aro ariko ikoko 👇👇👇👇👇* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj By *MISS💞T.N BVARU* *LIONESS* *CONTACT* 0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣ *Read comment and share please* *Chapter 7*🦚 *Naration* Nala akamira kudaro hana yake ichirova, varume vaya vainge vati anokumbira ruregerero kuna Mambo vakabva vapinda mumota ndokuvhara madoors mota ichibva yamutswa ndokuenda Nala achisara akamira paroad paya achishamisika nekufanana kwaiva kwakaita Mambo ava naDavison Mushayi . Akada kuedza kubatanidza kuti mambo vangave nehukama hupi naDavison asi akaona pasina, vabereki vaDavison aivaziva plus iye Davison aiva a very poor guy zvekuti mhuri yavo haingambonzi Ingava iri close to royalty. Pamba pana Davison paiva pakangodaro darowo iye Davison wacho aiva asina chaainacho asi aiva akangomuda zvakadaro. Chaaiziva kuti Davison mukomana ari soft hearted and kind and aiva munhu akanyarara. Akambotora kanguva akamira paiva padarika mota paya akazotanga kufamba pava paya achitevera road ati fambei akabva asangana netumwe tuvana tuma grade 1 twaibva kuchikoro, akafara kuti awana vanhu vekubvunza,akabvunza vana vaya vachibva vamupa madirections kuti anofamba sei. Zuva rainge rakupisa asi Nala haana kuzorora akaramba achifamba Kusvika asvika mumusha wekwamushayi,vafudzi vemombe vaiva vauya kuzovharira mombe mumatanga kuti vadye kudya kwemasikati vachiona Nala achisvika vakaita chitsoka ndibereke vakananga kudzimba vachifunga kuti vaona chipoko, pakati pavo paiva nemwana wamai Davison mukomana akasiirwa naHazvinei akamhanya wo achienda kumba kwavo akasvika kunowira pamakumbo amai vake vaiva vakagara pasi vakatambarara makumbo,akatadza kana kuburitsa mashoko kuti ataure zvaaiva aona Mai vake vakabva vabuda panze kuti vaone zvatizwa nevana vakabva asanganidzana naNala achangopinda muyard, mukadzi mukuru akaita kunge achadonha negotsi vavhunduka, vakatanga kudududza vachidzoka kumashure vakatadza kana kuburitsa voice, vaMushayi vaiva vasipo pamba vabuda kuenda kwasabhuku kwavaiva vadeedzerwa nyaya yekunyura kwaNala,Hazvinei aiva aenda kuchikoro Mai Davison vakasvika ndokumira nemadziro vachiita kudedera vakabva vati "Haaa..... Haaa handisirini..... Ndaaa... Nda....", Nala akabva ati "Musatya zvemyu mhamha ndiri mupenyu handina kufa ini ndakawana akandibatsira pandakanyura makazosara mosvika kudziva ndatobuditswa kare", Mai Mushayi Vachinzwa kutaura kwaNala hana yavo yakati dzikamei asi vaiva vapotsa vaudza Nala kuti handisirini ndaida kuti ufe ndimai mhuru. Vakabva vati "Uri kurevesa here kuti uri munhu hausi chipoko", pavaibvunza kudaro vanhu vainge vatozara kunze kweyard vachida kunyatsoona kuti zvazvaiva vanzwa ndizvo here vaiva vakamira nechekunze kwemusha vese vachiona pavakanzwa Nala achitaura vakabva vagutsikana kuti zvechokwadi mupenyu vakatanga kufamba vachipinda muyard one one vachibvunza kuti akabatsirwa nani asi iye aisataura chokwadi aingoti ndakabatsirwa nemunhu wandisingazive and haana kundiudza kwaanogara. Vanhu vemumusha Vakaedza kufunga kuti angava ani akabatsira Nala kubuda mudziva rinoera asi vakamushaya vaiziva dziva iri risingapindwe neanorarama. Shoko rekudzoka kwaNala rakasvika kuna vaMushayi vari kwasabhuku kwavakatumirwa mwana vakabva vasimuka ipapo ipapo ndokuti vese munzira naSabhuku akati handingasare, vakati vese munzira kuenda kumba kwava Mushayi, nguva diki diki vaiva vasvika vakawana pamba pavo pakazara vanhu vachibva vaona Nala akagara pasi pamumvuri paya murume mukuru akaita kunge achabhururuka nemufaro achinyatsoona kuti zvechokwadi ndiye Nala vakasvika ndokugara pedyo naye vachibva vati "Nala uri mupenyu zvechokwadi, mwari variko chokwadi ndaizoti kudii uye ndaizvireva kunaani mutorwa Kutsakatikira Mumusha mangu", murume akapedza kutaura misodzi Yakubuda, Nala achiona misodzi yavaMushayi akabva ati "Musachema baba ndadzoka ndiri mupenyu mwari akandichengeta kuti murege kunyadziswa nekuda kwerudo rwamakaita kundigamuchira semwana wenyu mumusha menyu", vamushayi vakabva vatanga kupuka misodzi Iya Nala aiva akavatarisa vachiita zvese izvi apa ndipo paakaona kuti vaMushayi vainge vasina kufanana naDavison, kubva paakasvika mumusha umu aiva asina kumbozviongorora asi apa akazviona Nekuda kwekuti ainge aona munhu akafanana naDiva. Haana chaakataura akaenderera mberi nekuvanyararidza kusvika vanyarara. Vanhu vemuraini nevemumusha vakabva vadzokera kudzimba dzavo vachingozunza misoro pakati pavo Mai mhuru vaivapowo zvese nemwana sikana wavo Shorai vainge vauya pavakanzwa kuti Nala aiva adzoka ari mupenyu. Shorai namai vake ndovakapedzisira kubva pamba pana Mai Mushayi, shorai aiti akatarisa Nala ozvitarisa aiona a big difference Nala yaiva iri mbama Yemwana aibva anzwa godo richigara pahuro pake kuti mbii. Aiita kutarisa Nala neziso reruvengo iye Nala aizviona asi aiita kunge asina chaari kuona. Mai mhuru vakazooneka voenda kumba kwavo vachibva Vaburitswa chivanze namai Mushayi, vari munzira imomo Shorai aiita kufemera pamusoro sendere nehasha uye godo rekuti akutorerwa Davison. Mai Mushayi havana kusvitsa Mai Mhuru kure vakabva vati "Ini ndakudzokera kumba ndichauya ndokuona kumba kwako gare gare", Mai Mhuru vakadavirira pasi pasi semunhu aiva arwadziwa nekurarama kwaNala. Mai Mushayi vakadzoka kumba just to disguise kuti vasafungirwa kuti ndivo vaida kuti Nala afire mudziva. Vakadzoka pamba vakabva vati kuna Nala "Wadii wanogeza mwanangu utonhorerwe", vakadaro vachiita sevane tsiye nyoro Nala akabva ati "Okay mhamha regai ndinogeza", akasimuka paaiva akagara paya ndokunanaira akuenda kunogeza achiita kuteta kutsika pasi nemaronda ekubaiwa aya. VaMushayi vakasara vakagara pasi pemuti nemukadzi wavo ndokuti kumukadzi wavo "midzimu yangu haina kuda kundiita chiseko chenyika haina kuti ndipihwe mhosva ndisina chandakatadzira munhu",, Mai Mushayi vakabva vati "mazvionaka museyamwa zvandaiti mwana uyu ngaadzokere kwaakabva imi mukati ngaagare amirira Diva kudzoka kwake, ko dai akafa maizoti kudiii", vaMushayi vakamboramba vakanyarara vachiita sevanodzamisa pfungwa ndokuzoti "Iye zvino ndakutya kuti arambe ari pano panogona kuzoitika zvimwe zvekare tikaita mhosva", Mai Mushayi vakafara ndokukwenya mhino nekasiyamwa ndozvavaida kuti Nala aende sezvo akatadza kufa, vaive vasingade kupesana neshamwari yavo Mai Mhuru nekuramba vakachengeta Nala pamba pavo vakabva vati "Iye zvino mava kuona semunhu mukuru dai zvaibvira mangwana chaiye atokwira bhazi edzokere kuharare kwavo ikoko", vaMushayi ndokuti "Mangwana anomboswera achizorora ozoenda zvake hazvizivikanwe pamwe Davison wacho anogona kusvika nhasi kana kuti mangwana", Mai Mushayi vakambohetsura ndokuzoti "Kana madaro zvenyu zvakanaka anoenda mangwana acho ambozorora". Vakabva vasimuka pavaiva vakagara ndokunopinda mumba vachisiya murume wavo panze vaiva vakufunga kuenda kumba kwasahwira wavo kuti vanomuudza urongwa hwaiva hwavapo hwekuti Nala aende kuharare. Nala akapedza kugeza ndokupinda mumba muya mavairara naHazvinei akaona kabag kake kakashama akatanga kutsvaga fone yake asi haana kuiwana, akazunza pese pese asi haana kuiwana kuti abvunze zvakamuremera zvaizoita kunge apumha vanhu umbavha iye arii muyenzi, akatarisa kasmall wallet kake kaaiva akaisa muhomwe yetrouse yejean rake akaona karimo nemari yacho yaiva irimo yakakwana akabva anyarara zvake chaakaita kuchinja hembe, apedza Hazvinei akabva asvika achibva kuchikoro akawana Nala arimo mumba hana yake yakaita seichatsemuka nekuvhunduka asi akazodzikama anzwa Nala achitaura. Hazvinei akabva audza Nala kuti fone yaiva yatsvagwa pachida kutsvagwa hama dzake asi yakashaika Nala akabva ati "Haina basa pamwe pane payakadonhera ndichatenga imwe", vakazobuda mumba umu vakuenda kukitchen, Mai Mushayi pavakaona kuti Hazvinei adzoka vakabva vabuda ndokuenda kumba kweshamwari yavo vachisiya vana Nala vari mukitchen. VaMushayi vakabva vadaidza Nala panze pavaiva ndokumuti "Mwanangu waona tsaona yanga yaitika iyi hazvichagone kuti urambe uri pano panogona kuzoitika zvimwe futi ndikapihwa mhosva", Nala akamboramba akanyarara ndokuzoti " Baba handisi kuda kuenda ndisina kuona Diva, munogona kundiudza kwaakaenda ndomutevera ikoko", vaMushayi ndokuti "Hazvigone kuti utevere kwaakaenda asi ukaramba Kuenda unenge wandiomesera mwanangu muno muvillage ndinozopedzisira ndatadza kuwirirana nevamwe, imboenda unozodzoka zvako", Nala akamboramba akanyarara ndokuzoti "Okay ndinodzokera zvangu ndinodzoka adzoka", vaMushayi ndokuti "Asia mangwana unombozorora wozoenda kuswera mangwana hauzoita kunge munhu ari kutandaniswa", Nala akabvumirana nezvakataurwa navamushayi akaona kuti zvavaitaura zvaiva nemusoro nekuda kwezvaiva zvaitika. Akazodzokera mukitchen maiva naHazvinei achibva vatanga kubika kudya kwemanheru sezvo nguva dzainge dzaenda. Mai Mushayi vakadzoka kwamai Mhuru kwavaiva vaenda chiso Chavo chichiratidza kuti vainge vakasuwa chaiva chavasuwisa hapana aichiziva,chikafu chemanheru chakapakurwa vakabva vadya vapedza vakabva vaenda kunorara nekuti nguva dzainge dzaenda. Hope dzakanonoka kubata kuna Nala achifunga Zvinhu zviviri chekutanga aifunga zvaakaudzwa nezwi kuti Davison ndiye Danai uye kufunga nezvamambo vaya vaakaona vakafanana naDavison,hope dzakazomuba akazomuka kunze kwayedza, akamuka pakamuka Hazvinei achibva atanga Kuita basa repamba even aisagona aingoita zvaanogona, apedza akatanga kurongedza kuti azomuka achidzokera kuharare the following day. Akaswera apedza zvake kurongedza agara zvake mumba maHazvinei muya sezvo aiva asara ega pamba Mai Mushayi vaenda kwamai Mhuru, vana Hazvinei vari kuchikoro vaMushayi hameno kwavainge vaendawo , akabva anzwa mafootsteps panze akamboignore achiti pamwe munhu aidarika zvake asi aakazonzwa munhu uya akufamba akuenda kukitchen asvika ikoko akabva anzwa achiti "Asi pamusha pano hapana vanhu kanhi kuti zii kudai? " Hana yaNala yakarova zvine kuvhunduka mukati nekuti voice rakataura apa akariziva. Stay tuned Masibanda loves you.
*A JOURNEY FOR LOVE* 🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸 https://chat.whatsapp.com/JZhWQZLwZEx1m0ZbZJXuTv *NEW BOOK 📕* *BOOK NUMBER 19📕* *Mhanya upinde muchannel aMiss 💞 T.N Bvaru kunobikwa huchi wasara wasara mabook avo akapera ariko ikoko kusanganisira nerino maprevious chapters aro ariko ikoko 👇👇👇👇👇* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj By *MISS💞T.N BVARU* *LIONESS* *CONTACT* 0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣ *Read comment and share please* *Chapter 8*🦚 *Naration* Mambo Madzore vakasvika pamba pavo kubva kwavainge vashanya vakawana pamba pavo paine vanhu vaiva vakavamirira vachida kuvaona, semunhu wamambo vakambosvika ndokupinda mumba kunodya mwana komana wavo akauya kuzovakwazisa akasvika ndokuti "makadii baba", Mambo vakamutarisa ndokuti "Ndiripo wakadiiwo", vakadaira nevoice riri pasi, Paradzai knew kuti baba vake will respond that way, he felt disappointed achibva abuda ndokuenda zvake panze akanopinda mumota ndokufonera shamwari yake achibva abuda nefriend yake vakuenda kuchipinge mutown, vari muroad Paradzai akabva ati "Sydney I don't understand my father honestly", Sydney ndokuti "How do you mean?" Paradzai ndokuti "I think he doesn't like me as his only son", Sydney akambonyarara ndokuzoti "I don't think so, maybe pane pausiri kunzwanana navo, or zvauri kuita zvavasingade remember the king use to love you so much when we were kids", "But not anymore and I don't know why, I feel like he doesn't like me that much", Sydney ndokuti "No the king loves you but I think he hates the way you behaves sometimes", akapindura Sydney Paradzai ndokuti "The way I behave like?", ", You don't have time with your father zvavanenge vachironga" , akadavira Sydney. Paradzai ndokuti "If that's the case ndichapagadzirisa ndova close to him I love my father so much and Im his prince", Sydney ndokuti "It's okay Im glad to hear that", vakazoramba vachitaura dzimwe nyaya kusvika vasvika muchipinge mutown vakambotenderera zvavo imomo ndokuzodzoka kumba zuva rakuda kudoka. Mukadzi wamambo Madzore akaona madaviriro akaita Mambo madzore kujaya rake haaana kufara nazvo asi haana kutaura patime yacho akamirira kusvika Mambo vataura nevanhu vaiva vakavamirira vaya kusvika vaenda. Vaenda Mambo vakabva vanogara zvavo mushade yaiva yakavakwa pamba apa sezvo kwaipisa Mai Madzore vakabva vati ndawana mukana wekunotaura navo sezvo vaiva vega, vakabuda mukitchen Ndokutora chair vachibva vanogara pedyo namambo ndokuti "Ndine zvandisiri kufarira these days Mambo", Mambo Madzore ndokuti "Madii kumbosiya ndizorore ndiri kubva kurwendo", Mai Madzore ndokuti "Ehe ndiri Kuzviziva kuti muri kubva kurwendo asi madaviriro amaita Paradzai paakumhoresai haana kundifadza kubva maita sekuti hamuna hanya naye kudaro", Mambo Madzore ndokuti "Asi ndatadza kudavira maida kuti ndidavire sei?", Mambokadzi vakabva vati "Kutaura chokwadi hamuna kumboratidza kufarira mwana wenyu and I don't know kuti why?",. Mambo Madzore vakabva vati "This is between father and son hazvina chekuita nemi, and musasaramba muchitaura nyaya iyoyo", Mai Madzore vaiziva kuti kana murume wavo adaro atoreva vakabva vanyarara zvavo asi mumoyo zvaivadya, vakasimuka pashade paya ndokuenda zvavo mumba. Mambo vakasara vakagara zvavo vachinzwa kutonhorera kwaiita mumvuri weshade. Paradzai neshamwari vakazodzoka kubva kuchipinge mutown zuva rakuda kudoka vakasvika ndokupaka mota yake akaona baba vake vakagara mushade achibva aenda kunovakwazisa this time vakadaira zvakanaka izvo zvakafadza Paradzai akatanga kutaura navo nyaya achitevedzera zvaiva zvataurwa naSydney shamwari yake. Paradzai aiva akurwadziwa nekadistance kaiva kakucreatwa between him and his father king Madzore, Mambo Madzore vaiva nemwanakomana one iyeye Paradzai nevasikana 2. *Jane* Jane was much stressed nekusadzoka kweshamwari yake kana kubatika pafone zvapo aiva asisabatike ainge akudemba kuti dai akaudza vabereki vaNala chokwadi from day one zvaaigona kubatsira, aiva akugara akabata fone mumaoko achingopedza kufona number dza Nala asi dzairamba, akademba kuti dai aiziva kwakaenda Nala chaiko akatevera kunoona kuti chii chaitora nzvimbo, kuti achiriko here kana kuti pane zvakaitika kwaari. Ari mukati mekufunga akaona incoming call yamai Nala hana yake yakarova aiziva kuti vari kuda kubvunza nezvemwana wavo. Akatora maseconds asina kudavira akazoidaira yakuda kuno kata Mai Nala vakabva vati "Jane Hausati wanzwawo anything from Nala", voice ravo rainzwika kuti vari kuchema akabva ati "No mhamha handisati ndiri kutoedzawo kumubata fone yake haisi kuita", Mai Nala vakabva vatanga kuchema zvainzwika pafone ipapo "Where is my daughter, God please bring my daughter back to me she is all that I have I.... I....", havana kuzopedzisa zvavaida kutaura vakuchema Jane ndiye akatozokata call yacho. Achibva kukata fone akabva akanda fone yake pamubhedha achibva agara ndokutanga kuchemawo, kuchema kwamai Nala broke her heart zvekuti she couldn't resist her tears yakatanga kuyerera yega. Dzimwe pfungwa akambofunga kuti otevera kuchipinge asi aisaziva kuti anonanga kupi akaona zvisingabatsire. Umwe moyo aida kuudza Mai Nala chokwadi asi aitya futi nesituation yanga yava paground kuti anozonzi akambonyararirei pese apa aiva a kunamata kuti dai Nala angodzoka ari mupenyu she knew kuti her parents will not survive it kana akanzi atadza kudzoka zvachose, wekuti audze zvaiva zvaitika akamushaya sezvo zviri Zvinhu zvavakaronga vari 2 pasina umwe anoziva and iye Jane ndiye ega aiziva nezve affair yaDavison naNala. *Nala* Nala akabuda panze akaona munhu uya anga achitaura atova mumba mukitchen, hana yake yairova akatanga kutevera mbichana mbichana achienda kukitchen Kuya akuda kunosvika padoor munhu aiva mumba akabva abuda Nala akavhunduka achinzwa akunzi "Nala!" Iye achibva ati "Davison!" Davison akabuda Mumba achisvikombundira Nala vakatora kanguva vakadaro Nala ainge akutoburitsa misodzi nekufara kuti ndiDavison waari kuona. Davison akabva ati "Nala, wakauya riinhi how did you find kumba kwedu? , I can't believe this.... Is this really you Nala? ", Nala akaramba akambundira Davi zvekuratidza kumusuwa achibva ati "Why Davi kuenda usina kundiudza even kundioneka zvako hauna why wakadaro Davison", Diva akambonyarara ndokuti "You won't understand Nala something hapenned chakaita kuti ndizobva ndisina kukuudza", Nala akabva aregedza Davison ndokumutarisa mumaziso chaimo ndokuti "Something like what Davison? Or you don't love me anymore", Davison akabata Nala mashoulders ake ndokumudhonzera padhuze naye achibva ati "Come off it Nala! you know I love you from the bottom of my heart". Nala ndokuti "So why didn't you tell me , you left silently and waenda hauna kana kundifonera uchindiudza kuti uripi, why Davison", "I am soryy Nala pane zvakaitika kuti ndizongobva asi ndanga ndichadzoka kuharare just for you", Nala ndokuti "You know I love you Davi waifunga kuti ndosara ndichirama sei usipo", Davi akabva abata chirebvu chaNala ndokusimudza face yake vachibva vatarisana mumaziso chaimo achibva ati "Nala, my love for hasn't changed I still love you, I will not love anyone else except you Nala", Nala achinzwa mawords aya achibva kuna Davi she couldn't hold her tears akabva atanga kuchema achimbundira Davie zvekare. Davi akatanga kumunyararidza achimupuruzira kumusana kwake low low achibva kuhuro achidzika kumusana. Papera kanguva Nala akazonyarara vachibva vapinda mukitchen vese naDavison vasati vambotaura zvakawanda Mai Mushayi vakabva vadzoka, vakarohwa nehana vachiona Davison adzoka vasati vambotaura anything iye Davison akabva ati "Makadii ko Mai Davison", Akataura achisimuka paaiva akagara achinova hugger, the look on his mother's face disturbed him akaona kuti vainge vasina mufaro zvachose vakabva vati "Ndiri right hangu kwanga kurisei kwawabva", "Kwanga kuri boo zvako, ndanga ndatokusuwai mese nababa, ivo varipi handina kumbovaona kubva zvandauya", Mai Mushayi ndokuti "Baba vako vanenge vaenda kumakura uku vanga vachambogona here nezvatanga taitirwa nemusikana uyu ari kuti muyenzi wako", Davi ndokuti "Chii chakaitika muchembere", Mai Davi vaida kutaura zvinoita kuti Davi ati Nala adzokere kuharare vakabva vati "Zvatanga taitirwa ngozi mumusha, vakaenda kumvura naHazvinei vakabva vanochera padziva riya rinoera iye Nala ndokuwiramo kuita mazuva maviri arimo takatoshama tichiona achidzoka kuti titi akapona sei handizive zvinotoda iye achitsangangura", Davison akavhunduka achinzwa mashoko aya kubva kuna mai vake akabva ati "Nala is this true, what happened who saved you?", Nala ndokuti "I don't know the person haana kundiudza even zita rake", Davison ndokuti "thank God you survived it ko dai wakafa ndaiita sei nhai Nala", Mai Mushayi vakatoona kuti mwana wavo is much in love with Nala, zvazvaiva vamuudza zvaiva zvisina kana effect kwaari iye anga atova worried nezvakaitika kuna Nala Mai Mushayi vaifunga kuti achatsamwa kana kutya oti Nala adzokere kuharare, vachiona zvaiitika kuna Davi naNala she sensed danger asi havana kuda kutaura zvakawanda vakazongoti "Saka ndiani wako musikana uyu Davison",, Iye Davison akamboseka ndokuti "Mom this is Nala a girl I want to Marry", Mashoko aya akabata Mai Mushayi asi havana kuda kutaura vakabva vanyarara. Mumoyo mavo vaiziva kuti Hazviperi mushe namai mhuru nenyaya iyi ivo vainge vakatsidzirana. Nala naDavison vakazobuda mumba muya Davison semunhu aifarira wo musikana wake akabva abuda naye ndokutanga kufamba vachitenderera achimuratidza zvakaita village yavo and village life and all the places, road yavakashandisa Nala haana kuziva kuti inonanga nepi sezvo aiva muyenzi aingotevera kumashure kwaDavison, all the way Davison aingotaura asi Nala aiva mubishi rekufunga zvaaiva akaudzwa kuti Davison ndiDanai huDanai hwacho ndohwaaitadza kuziva kuti huri kubudira papi ari mukufunga kudaro vakazongoerekana vasvika padziva Nala akavhunduka achiona dziva akabva arangarira mashoko aakaudzwa nezwi kuti usasvika padhuze nedziva zvachose asati ambodzoka kumashure akangonzwa mhepo yakauya nekuseri kwake yakamupusher zvine simba ichimuendesa kudziva paakaona kuti akunopinda mudziva akabva afunga zita raDavison raakaudzwa nevoice riya akabva adaidzira kuti "Danai!" Davison achinzwa kuti Danai akanzwa simba raasina kumbobvira akanzwa pahupenyu hwake. Stay tuned... Masibanda loves you
Malikes enyu Ngaasvike pa400 channel ine vanhu vakawanda kudai inoita tumalikes tushoma kudai pa5k moita less than 300 likes ko vamwe vari muno vari kuita nezvei
*Remove your eyes from someone's achievement....that achievement you see has a story behind you may not survive if it was your battle* *#Miss 💞 T. N Bvaru*
*GAVAMWEDZI* 🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹 https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF *BOOK NUMBER 19* *NEW BOOK 📙* *Uchida maprevious chapters ebook rino kusvika parava follow my WhatsApp channel below unowana nemaprevious books angu akapera ariko, uye ban yanetsa garira muchannel usazojambwa nebook* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj By *MISS💞T.N BVARU* *LIONESS* 0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣ *AND* *MR P. N BVARU* *Read comment and share* *Chapter 18👣* VaChidari vakashamisika neuwandu hwe ndarama hwainge hwauya naana Masunga. Chikuriro chavo vakange vasati vamboona ndarama yakaungana panhu pamwe kudaro. Kunyangwe pavaisanganisa yaibuda kumigodhi yavo, neyevamwe vava kuenda kunotengesa havana kumbosvika pachidimbu ichocho. Maonero avo hwaitova huremu hwenzombe huru nemhou chaiyo Zvino apa pfungwa dzavo dzakange dzadambuka nepakati chaipo, kune rumwe rutivi vaiva vavimbisa Mutapa kuti achamupa mashoko ekusora nyika ya Murenje yairatidza kuva nemadziva eupfumi. Vaiziva kuti Mutapa aiva akavatsamwira napamusana pechivimbiso chenhapwa chaaiva asina kuzadzisa kunyangwe akange hake adzosera muripo wacho. Aiziva zve kuti aiva ne chikwereti chezana rinoraudzira revarwi vakange vaurayiwa vachida kupamba muzinda saka aitya zvachose kugumburisa Mutapa Kune rimwewo divi, mwanakomana wavo mumwechete iyeye Jekanyika akanga abatwa se chibatiso kunyika yamambo Murenje. Vaiva vakabata mwana wake vaisada hondo naye asi kutengeserana bedzi, uye vaiva nendarama yemhando yepamusoro. Aiziva kuti akangokanganisira Murenje, Jekanyika aizouraiwa kana kuitwa nhapwa uye aisara asina mugari wenhaka yemadzibaba ake. Akange atove mazuva anodarika gumi kubva vana Masunga vasimuka vapedza kutsinhanisa ndarama nemunyu ne micheka. Akange atengesa zvose zvaaiva nazvo kungosiya munyu wokuzorungawo iye nemhuri chete saka akange oda kuenda kunyanza kwaisvikira vatengesi vabvakure. Aiziva kuti urwu rwaiva rwendo rekupedzisira mwaka uyu, sezvo Rwizi rukuru rwaiti rwukazara rwaitora mwedzi yakawanda kuzoserera, uye rwaserera ngwena dzemo dzairura. Aitya kusangana ne vatengesi vaMutapa ikoko kumahombekombe enyanza aine ndarama yakawanda kudaro, iye akamboudza Mutapa kuti migodhi yava kupwa. Kuti asiye imwezve aiziva kuti paizodzoka vekwa Murenje vaiwana asina chokutengesa sezvo vematunhu epedyo navo vaitovimbawo navo. Vakatuma vashandi vavo vakavimbika, kumberi neimwe ndarama, ndokuvaraira zvaida kutengwa. Akavakumikidza kuti anenge avabvunza kwavanobva vanodavira kuti tinobva seri kwemakomo. (Kwaimbova nevatengesi vaibva seri kwemakomo aionekwa uri ma Mutambirwa kare kare asi migodhi yavo yakanga yadzika zvokubuda mvura pasi, saka vakange varega zvokuchera vave kurarama nekurima bedzi. Asi imwe nguva mvura yaiserera vopindazve mumigodhi iya vachichera ndarama). Ivo vakazotevera havo mushure mezuva rimwe kuitira kuti vasasvikirana nevaranda vavo kugungwa. Vana Masunga vakange vane munyu wairema zvokuti chero mombe dzavo vaidzinzwira tsitsi nekuremerwa kwadzaiva dzakaita. Vaifamba vachizorora uye vachipa mombe mukana wokufura zvokuti rwendo urwu rwakapotsa kusvika mazuva makumi maviri anoraudzira Pavakasvika kumuzinda vakatambirwa ne mufaro mukuru kunyanya namambo Murenje avo vakanga vave kuziva kuti pfuma yava kuungana. Vakabva vatumira nhume kwa Mambo Shere na Mambo Chapwanya nechipimo chidiki chemunyu vachivazivisa kuti munyu wava kutengeswa kumuzinda kwavo. Masunga akatakura mashoko ekwaziso kubva kuna VaUtete baba vamaiguru vake Machivei. Akasvika mukoma wake Rwambiwa akagara kumba kwake achiratidza kushushikana zvikuru. "Makadiiko mukoma,, ndava nemazuva maviri ndasvika mumuzinda asi handisati ndakuonai, asi maiguru vava kuyema kanhi" akadaro Masunga achiuchira mukoma wake "Wakambonditsvaga ukandishaya here" akadaro Rwambiwa achiratidza kushaya hanya nekwaziso ya Masunga ndokubva atonyarara hake. Masunga akatoona kuti panenge pakatsamwiwa ndokubva anzvengesa nyaya achinotaura na Machivei "Asi maiguru, dai makandiudza kuti kumusha kwenyu kune mbama dzevasikana dzakadaro handiti ndingadai ndisina kutambisa nduma yangu kupa mbeva dzomuno idzi" akadaro achiseka hake "Baminini munofarisa imi, mungati mbeva mwana wamambo, husvungi yemuzinda" "Mungaienzanisa ne husvungi ya Mutambirwa here, ungati anogeza nemukaka, haiwa mwana akanaka hake iyeye. Kana mukazvara mwanasikana akanaka kudaro ndinomuroodza nezana remombe. Kunenge kotodiwa vana voushe hukuru kwete tuvushe urombo setwana Chapwanya twuya" "Chapwanya ndiye upi zviya?" akabvunza Machivei "Kuya kwandaiti kwakapotera imwe yemhondi dzaida kuponda iye muramu wako asingabviri muvakadzi uyu" Rwambiwa ndiye akadavira "Akapotera ma Chapwanya?!," akakanuka Masunga "kureva kuti ndiko kwavakabva here" "Handina hangu chokwadi chizere, asi ndinoziva kuti ndiko kwavakabva.Ndakaronda tsoka dzake uya wokutiza dzikanobudira mumuzinda chaimo ma Chapwanya" "Makambonovhunza here kumuzinda kwacho ikoko kana vaiziva nezvemunhu iyeye, pamwe raingovawo gororo" akabvunza Masunga "Chikuriro chako wakamboona vanhu vanodarika vashanu vachirongana kunoba?, makororo angangoita maviri, matatu kana mana, kwete gumi, vakapfeka zvakafanana. Vane akange akavatuma, asi ndiri kutadza kubudisa pachena kuti ndiani" "Saka hamuna kutombovhunza here kuvakuru vemuzinda wacho" "Ndakauya ndikaudza baba nezvenyaya yacho, ndichikumbira mvumo yekunobvunza Chapwanya, mangwana acho tikanzwa mashoko ekuti munhu uya awanikwa akazvisungirira. Chapwanya akatotuma nhume kuna baba ichivhunza kana vachiziva kuti chenura yemutorwa afira mumusha inoitwa sei" "Ah saka kana zvakadaro zvakaoma" akadaro Masunga "Kuoma kwei kwaunotaura, munhu apotswa nerufu kudaro kuvata zuva rimwe nokutomukira rwendo rurefu kudaro, Hausati waziva kuti ari kuda kukuuraya ndiyani uye achida kukuurayirei?. Ko kudai akakuteverai ikoko, handiti tingadai tatova kutaura zvimwe pano" "Zvaiva zvakakosha kuti tipinde parwendo mukoma, nekuti mumuzinda munyu wakange wopera. Hawaizowanikwazve kusvika nguva yekuzara kwenzizi yadarika" akadavira Masunga, "taiitira kubatsira muzinda mukoma, kwete kutsvaga kutandara" "Muzinda uno wava nemazana emakore vanhu vachirarama pasina munyu, wozoubetsera nhasi nokuisa upenyu pa njodzi nekuda kwemunyu bedzi?" Akakwidza izwi Rwambiwa "Munyu iwoyu makatenga nei imi makangobuda pano muchitinha mombe dzinenge gumi chete" Masunga akatanga acheuka kuti aone kuti hapana ari kuuya ndiko kuzoti "Tine pfimbi yedu yendarama, takangoti varanda vashoma vauye kumuzinda nematombo endarama, saka pazuva taiwana uremu hwe mbudzi, iko mu kufamba mazuvano muchambosangana nawo here" "Pfimbi yepfuma yemuzinda, isingazikamwi neni. Ngatitii hamukoshesi kuti ndiri Nevanji, nokuti handiwani nguva yekuswera kuudzwa zvirahwe neharahwa padare penyu paya, ko kukoshesawo kuti ndini ndinotungamira varwi nevarindi. Izvozvi muvengi akapinda mu pfimbi iyoyo zvaisina kuchengetwa munozochema naani " " Ipapo pakaposheka mukoma, taifanira kukuudzai" akadavira Masunga "Iwe nababa ndaizvitarisira kwamuri, magara hamundioni sechinhu mumuzinda muno, asi Takura na Tamuka ndivo vandishamisa. Zve chokwadi kundinzvenga?. Iyo ndarama iyi, ichatiparira zvimwe" akadaro Rwambiwa. *Tsungai* Tsungai akashaya kana nerekupindura kuna Revai kunze kwekurangarira mashoko a Chitewe kuti mwana wake aiva munhu mukuru asi akatarisana nehondo dzakakurisa akazopeputswa kundangariro dzake na Revai obvunza kuti "Mwana uyu i gavamwedzi zve chokwadi here nekuti haaratidziki undonda. Akura zvakadii?" "Haasati asvitsa maviri" akadavira Tsungai ndokumbonyarara kwakuzoti pava paya " " Ndi Nevanji wamambo vari kure zvikuru nekuno. Kana abva zera achaenda hake kunyika yababa vake" "Mwana wamambo wamunoraramisa muurombo hwakadai, asina kana mukombe zvawo wekucheresa mvura?" "Ndatenda vasikana, manga mandibetsera nechirongo chenyu kuti ndiumbewo hari dzangu, asi hamuna kodzero yekundiudza marererwo emwana wangu" akadaro Tsungai achitoisa Ranganai kumusana "Mova nezuva rakanaka" Akazopedzisa kutaura otofamba achienda. Revai akasara ozvitongesa nematauriro aakange aita. Akazoti ave Tsungai ava chinhambwe ndokudaidzira kuti "Ndine urombo Tsungai kana ndataura zvisina kukufadza" asi Tsungai wacho haana kudavira hake. Revai akateka mvura nechirongo chake ndokunanga kumuzinda akadengezera pamusoro wake. Mazuva ose aisipinda nekuseri kwedzimba asi musi uyu akapfuura ne pamberi pedare. , Baba vake nevamwe vaivapo vachimuona vakakahadzika nezvavakaona nekuti akange ava munaku, akaurungana asina kana padiki zvapo panoshoreka Baba vake vakasimuka padare ndokutevera muimba yaaigara, vachiteverwa namai vacho. Akavaona vati kanha kushama miromo vasina zvokutaura ndokubva atanga iye kuti "Musashamisika henyu baba namai, ndini Revai mwana wenyu" "K... K... Koo.." Mambo vakazama kubvunza asi mazwi haana kubuda. "Handiti munorangarira ndichigaroti hope dzangu dzinoti pane gavamwedzi richandibata ndigotwasuka mitezo, ndasangana naro kurukova uko" "Natsotitsanangurira zvizere mwanangu" Vakadaro mai va Revai, moyo wavo usingagoni ne mufaro we kufarira kupora kwemwana wavo. Revai akatsanangura zvose zvaiva zvaitika uye zvaange audzwa na Tsungai. Mambo vakanzwa tsitsi nenyaya yava Tinzwei na Tsungai avo vaiva vatorara panze usiku hwadarika ndokubva vati munhu wese aiva mumuzinda atore mapadza nematemo zvirongo zvemvura kunoita humwe yokuvakira vana Tsungai imba. Stay tuned Masibanda loves you.
*A JOURNEY FOR LOVE* 🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸 https://chat.whatsapp.com/JZhWQZLwZEx1m0ZbZJXuTv *NEW BOOK 📕* *BOOK NUMBER 19📕* *Mhanya upinde muchannel aMiss 💞 T.N Bvaru kunobikwa huchi wasara wasara mabook avo akapera ariko ikoko kusanganisira nerino maprevious chapters aro ariko ikoko 👇👇👇👇👇* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj By *MISS💞T.N BVARU* *LIONESS* *CONTACT* 0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣ *Read comment and share please* *Chapter 9*🦚 *Naration* Davison akanzwa power rakawanda paakadaidzwa kuti Danai, akabva acheuka ndokutarisa kwaiva naNala akamuona atowira mudziva, akajamba achibva paaiva akamira paya ndokupinda paiva padonhera Nala, akanobata ruoko rwaNala ndokutanga kumudhonza, mvura yaimudhonzera kwakadzika asi Davison akaramba akabata asingaregedze mvura yedziva iri yaiva nesimba rakawandisa zvekuti pakaitika kurwisa kwakakura kubva kuna Davison kuti akwanise kuburitsa Nala, Dziva rakasvika Pakukirirwa simba naDavison rikaregedza Nala achibva abudiswa mudziva muya. Davison akabva atakura Nala ndokuenda naye nechekure kwedziva iri ati fambei akabva amugadzika pasi. Nala aiva akuita kudedera nekutya uye kutonhorwa kwaaiva aitwa nemvura. Davison paakaisa Nala pasi akabva anzwa simba riya raainzwa richipera mbichana mbichana kusvika adzoka back to normal,akabva agara pasi trying to recall zvainge zvaitika zvaaiva asina kunzwisisa especially power raakaita pakadaidzira Nala kuti Danai was far beyond him, Nala aiva achiri akafizuka nekunwa kwaaiita mvura Kuya aiva akati ziii zvake achifunga kuti dai pasina Davison angadai atofa. Davison akazoti kuna Nala "Nala Im soory for bringing you kuno, what if something has happened," Nala ndokuti "It's okay its just that I didn't tell you kuti ndakanzi ndi......" haana kuzopedzisa kutaura akabva afunga zvaaakaudzwa nevoice kuti asawana waanoudza nyaya yezvakaitika kwaari Davison ndokuti "Go ahead I'm listening", Nala akabva ati "No never mind Davison can we go home", Akataura achisimuka paaiva akagara paya, Davison akasimukawo vachibva vapinda munzira kuenda kumba, vachisvika kumba vakawana vaMushayi vadzoka kwavaiva vaenda vakaita kunge vachasvetuka nemufaro vachiona Davison vakabva vati "Madzoka nguvai ko Museyamwa", Davison akanogara padhuze nababa vake achibva ati "Ndasvika masikati ndikawana musipo muchinzi maenda kumakura ", vaMushayi ndokuti "Ndafara kuti wadzoka mwanangu, tinaye musikana uyu ari kuti muyenzi wako, wanakatsa ukadzoka nhasi mangwana anga akutodzokera kuharare", Davison akambonyarara ndokuti "Uyu anonzi Nala baba musikana wangu taidanana kubva kuharare", vaMushayi ndokuti "Tanga tati amirire kudzoka kwako asi takazotya paakawira mudziva rinoera riya zvekuti kubuda kwaakaita hatizive kuti akapona sei, zvekuti dai usina kusvika nhasi waiwana aenda." Davison akabva ati " Ndanzwa mhamha vachidaro", baba nemwana vakatanga zvavo kutaura dzimwe nyaya asi Davison aioneka kuti aiva asina mufaro even iye Nala noticed it kuti Davison anga asisina mufaro kubva zvavakadzoka kubva kudziva Kuya, Davison haana waakaudza maererano nezvakaitika he just kept quite. Nala akanopinda mumba maHazvinei ndokuchinja hembe asi aiava ava worried asisiri kuziva kuti Davison chii chaiva chisisamufadze akatora kanguva arimo achibva azobuda paakabuda akabva asangana naDavison padoor achibva amuti "Nala i want to talk to you in private", Nala akabva ati "It's okay Im listening", Davi achibva ati " Nala I think you should go back to the city", Nala akarwadziwa nezvakataurwa naDavison apa achibva ati "Why wadaro kuita as if wakundidzinga", Davison ndokuti "Nala listen, I don't want kuti pazowana zvinoitika muno muvillage, sei iwewe uchingoti ukasvika padhuze nedziva woda kuwira mukati, is there anything about you you are not telling me, honestly I'm not comfortable with this", Nala akatoona kuti Davison ari serious ndokubva ati "So apa uri kuti kudii Davison , hauchandida here ungobuda pachena", Davison ndokuti "I need time to think about this Nala", The tone in Davison's voice broke Nala's heart achibva atanga kuyeredza misodzi Davison ndokuti "Crying won't solve anything Nala you must go back to your parents before something terrible happens to this village", akadaro Davison Nala ndokuti "It's oky I will go Davison I will not force myself to stay here iwe usiri kuda", akazopedza kutaura yava misodzi yega, akanopinda muroom muya maHazvinei ndokurongedza kabag kake apedza akabva abuda ndokuenda kukitchen kwaaiva kwakagara Mai nababa Mushayi akabva avaoneka kuti mangwana aiva akudzokera kuharare. Mai Mushayi ndokuti "Ko watopedza kuonana naDavison here iye asvika nhasi iyeyu", Nala akanzwa misodzi yake ichiuya asi akaidzora kuti isabuda akabva ati "Mazuva awanda ndisiri kumba my parents vanogona vakunditsvaga since ndisina fone." Mai Mushayi ndokuti "Okay haa ufambe zvakanaka mwanangu unotikwazisira vari kumberi", vaMushayi ndokuti "Saka uchadzoka riinhi?", Nala ndokuti "Pamberi apo", akangopindurawo kuti zvimubve asi iye ainyatsoziva kuti naDavison paiva pasina kunyatsowirirana pakati pavo. Nguva dzakati dzafamba Davison ainge aenda kunorara kare, Nala akabva apindawo muroom maairara muya ndokurara, hope dzakaramba kuuya zvachose mupfungwa make maiva mune zvinhu zvakawanda kana kunamata chaiko akatadza kunamata,moyo wake waiva wakurwadziwa nezvaiva zvakuitwa naDavi apo ari iye ega mukomana akakwanisa kusvitsa shoko rerudo kwaari, Nala aingoyeredza misodzi kusvika kuma past midnight, hope dzakazomubata aneta nekuchema akabva arota hope dzakamutyisa akarota akatsigiswa hari sezvaaisirota asi this time hari dziya dzakapwanyika paaiva akuda kudzigadzika pasi dzese dziri 2 kuita mapieces", akamuka hana yake ichirova zvakanyanya achibva agara pasi akanzwa tushiri twakurira zvekuratidza kuedza kwekunze, akabva abuda mumablankents ndokuenda kunogeza apedza aakachinja hembe dzake ndokunonocker mumba mairara Davison, Davison akatora time asati abuda akazobuda pave paye, he greeted Nala zvemunhu aitoratidza kushaiwa hanya naye, Nala patime iyoyo haana kutaura vakabva vafamba vachienda kuroad Iya yemabhazi kwaiva kwakambofamba naNala vari muroad Nala akabva ati kuna Davison"Davi what wrong have I done to you ", Davison ndokuti" Nala I need time to think about this okay, "Nala ndokuti" So you mean you don't love me anymore ", Davison ipapa haana kuda kupapindura and hapana aiziva zviri mupfungwa dzake akazongoti" Look Nala some things mustn't be ignored in a relationship I hope you understand ", Nala akatoona kuti maanswers aari kupihwa naDiva ari kuedza kunzvenga kumuudza chokwadi asi ainge atozviona kuti Davi haachade nezvake. Pain yakamukurira akatanga kuchema but Davi haana kuratidza kuita basa nazvo vakafamba kusvika vasvika paroad pasina aiva achataura neumwe. Vasvika ipapo vakabva vamirira kuuya kwemalifts ainosvitsa Nala paChibuwe township kwaiwanikwa transport yekuenda kuharare. Mai Mushayi Pakabuda vana Nala achiperekedzwa naDavison vakabva vamuka ndokuti munzira vonanga kumba kwamai Mhuru kunovaudza the good news. Vakasvika mai mhuri vasati vatombomuka vakatosvika vachivamutsa ndivo, Mai Mhuru vakamuka ndokubuda panze vachibva vati "Kwakanaka here vasikana kubva maita kumukira husiku hwakadai?", "Hongu kwakanaka I have good news sahwira nyaya Iya yaititemesa musoro pano nezuro yazozviita yega", Mai Mhuru vakatadza kunzwisisa kuti Mai Mushayi vaiti kudii vachibva vati "Chii chaitika", Mai Mushayi ndokubva vati "Zvinoda ndakagara pasi chaipo ngatipindei mumba", Mai Mhuru vakabva vatungamira kuenda kukitchen vachipukuta maziso avo aiva azere nemabori vakabva vanovhura door remukitchen ndokupinda vakanogara pabhenji vese Mai Mhuru ndokuti "Chitaura tinzwe sahwira", Mai Mushayi vakabva vati nevoice riri pasi pasi kuitira kuti vasanzwikwa "Davison uya azoudza ega Nala kuti aende", Mai Mhuru vakaita kakuvhunduka ndokuti "Aaaah chii chanyatsoitika kuti adaro, kungomuka a kumuudza kuti aende", Mai Mushayi vachibva vati "Ehe kana neniwo zvandishamisa kuti sei, asi face yaDavison yandiratidza kuti nezvemusikana uyu haachada, tochinyatsoroodza Shorai wedu zvakanaka," vakambonyarara ndokuzoenda mberi vachiti " Iye nhasi ndiri kuda kutomu yeuchidza kuti uri kufungei nekuroora mwana wamai Mhuru nyaya iyi haisi itsva kwaari ndakambomuudza asi haana kundipindura panguva yacho and I know kuti anobvuma haarambe zvataurwa neni Mai vake", Mai Mhuru vakasekerera ndokuti "At least mwana wangu akuzowanawo mufaro, zvazvazviita zvega kudai hapasisina chekumirira apa sahwira nyaya ngaichitoitwa pasati panyuka zvimwezve", Mai Mushayi ndokuti "Dont worry tatopedza so, iye muroora wangu nhasi anonoka kumuka seiko", Mai Mhuru ndokuti "Akanonoka kurara uyu achichema hameno akamuudza kuti akaona Davison naiye musikana wake uyu vachisasana muno muraini kana sadza haana kudya nezuro", Mai Mushayi ndokuti "Aaah ngaarege zvake kuchema soon anenge ava kumba achibikira murume wake uyu", Mai Mhuru vakabva vati "Ndichamuudza kana amuka sahwira wauya nemashoko anofadza", Mai Mushayi vakazooneka shamwari yavo ndokudzokera kumba kwavo zvavo vakunomirira kudzoka kwaDavison. *Nala* Nala naDavison vakasvika pabusstop paya paroad malifts akanonoka kuuya kusvika zuva rabuda varipo, hapana aitaura neumwe Davison aingova ari zii zvake Nala aiva akanyarara achingoyeredza misodzi, papera kanguva Davison akabva ati "Nala I have much to do at home kuti ndirambe ndiri pano hazvichaite so wosara wakamirira malifts anganonoka asi achauya ufambe boo", akadaro Davison aachitofamba achienda Nala akamutarisa achienda akatadza kana kuburitsa word moyo wake wakaita seuchatsemuka nepakati akaramba akatarisa kwaienda naDiva kusvika asisaoneke akatanga kuchema akamira paroad paya kusvika aita kugara pasi, akazosimuka akunzwa kutinhira kwemota akabva aona kune mota yaiuya akabva asimudza satchel rake ndokuisa kumusana achibva atanga Kumisa mota Iya, mota yakambomudarika asi yakazonomira kumberi ndokutanga kureverser ichidzoka kwaari, Yasvika paari munhu uya aiva mumota akabva adzikisa window ndokuti "Uri kuendepi?" Nala akabva ati "Chibuwe", mukomana uya ndokuti "Pinda kuback seat", Nala akavhura door ndokupinda apinda ndipo paakaona kuti mumota umu maiva nevanhu 2 kuback seat kwaiva neumwe aivamo asi haana kuda kutarisa face nestress yaDavison yaaiva nayo akangofunga kuti ipasanger saiye akazoti mota yakufamba mukomana uya aiva kuback seat achibva amuti "How are you, What's your name? ", paakamutarisa asati adavira akabva aona akafanana naDavison Mushayi hana yake yakarova. Stay tuned Masibanda loves you *Macoments enyu anondipa simba*
*A JOURNEY FOR LOVE* 🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸 https://chat.whatsapp.com/JZhWQZLwZEx1m0ZbZJXuTv *NEW BOOK 📕* *BOOK NUMBER 19📕* *Mhanya upinde muchannel aMiss 💞 T.N Bvaru kunobikwa huchi wasara wasara mabook avo akapera ariko ikoko kusanganisira nerino maprevious chapters aro ariko ikoko 👇👇👇👇👇* https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G *For comments click link below* https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj By *MISS💞T.N BVARU* *LIONESS* *CONTACT* 0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣ *Read comment and share please* *Chapter 6*🦚 *Nala* "Mati Davison ndiye Danai?" Nala asked "Hongu Davison ndiye Danai ndiro zita rake raakapihwa paakazvarwa, iwe ndiwe wega wakuziva nezve zita iri, iye Davison haatozive nezvaro" the voice replied "Sei muri kuti ini ndini ndega ndinoziva nezvaro ivo vabereki vake vakamupa zita racho variko vasingarizive". Akabvunza Nala "Kana iye Danai haarizive sezvandamboreva". Nala was more confused nezvakataurwa apa achibva ati "Haarizive?" "Hongu Danai haarizive handikwanise kukuudza kuti sei uye nei asingarizive ini changu ndakauya kuzokubatsira kuti usafa pawakasvipwa nedziva".voice riya rakambonyarara ndokuzoenderera mberi richiti "Uchibva pano uchananga nekumabvazuva ndiko kune misha kana wasvika pane dzimba wotanga kubvunza uri ikoko uchasvika kumba kwana Davison, asi usazokanganwa zvandichakuudza pano, chekutanga usafa wakaenda pedyo nedziva zvekare uye usaudza Kana ani zvake zvaitika muno musango, uye kuti wakabuda sei mudziva ". " Ndichaita sezvamareva, asi zvamataura zvese concerning Davison handina kuzvinzwisisa, iye Davison ari kupi?, " " Ini ndiri mweya zvekuna Danai handizive nekuti handisi panyama..... Ndataura kuti ini ndakauya kuzokuponesa rufu handidi kupinda pasiri pangu, zvakawanda uchazviziva kumberi, asi ngwarira kupandukirwa unogona kuurawa ini handikwanise kuita kuti usauraiwa izvozvo zvakuda uchenjeri hwako, pazvinhu zvese gara uchifunga kuti iwe ndiwe wakasarudzirwa Danai". Mashoko ekuti ini ndiri mweya akavhundutsa Nala, akatadza kuzvinzwisisa kuti zvairevei kuti "Ini ndiri mweya", akatanga kutya kwakanyanya paakaziva kuti all along she was talking to a spirit. Haaana chaakazodavira akatanga kufamba achienda kumabvazuva kwaiva nemisha. Mutsoka make ainge asisina bhutsu minzwa yakamubaya kusvika asisakwanise nekutsika kwese, ko zvekufamba musango aizvizivirepi iye aiva asina kumbobvira akasvika kumusha her whole life. Akafamba kusvika asvika kwaiva nedzimba kwaiva kusiri kure zvakanyanya nemusango muya maaiva abva,aifamba achinyahwaira semunhu aive netsoka dzaive dzakuvara nekubaiwa. *Naration* Mai Mushayi Vakazobva pamba pavo zuva rarereka vakuenda kumba kweshamwari yavo Mai Mhuru, vakasvika vakawana sahwira wavo chiso chichiratidza kuti hachina mufaro zvachose vachibva vati " maswerasei seiko Mai Mhuru, Kuzenge makatsamwa wani", "Ndingafara nepi kana mwana wangu asiri kufara andiudza kuti akasaroorwa naDiva achazviuraya", vakapindura Mai Mhuru Mai Mushayi ndokuti "Inga izvo takapedza nazvo kare uyu musikana anga ada kupinda mulife make akafira mudziva hapasisina chekutya", Mai Mhuru ndokuti "Ndiri kuzvinzwa ndangoti nditaurewo mugare maziva, Diva achingodzoka Chete nyaya dzacho dzobva dzangoitwa dzopera", Mai Mushayi ndokuti"Ndazvinzwa and achingodzoka Chete anogara atomutora", Mai Mhuru vakabva vati "Okay handide kuti mwana wangu afe Confidence", "Usazvinetsa izvo Diva anoterera zvandinoda ini ndini Mai vake". Vaitaura zvine kakuzvikudza mukati kekuziva uye kuvimba kuti mwana wavo anoita zvavanoda. Vakaramba vachikurukura zvavo kusvika Mai Mushayi vazodzoka kumba kwavo. *Mai Nala* Mai Nala vakapepuka pakati pehusiku vachiiita kuvhunduka vachidaidza zita raNala murume wavo achibva ati "Whats wrong my wife", Mai Nala vakabva vatanga kuchema ndokuti "Ndanga ndichirota ndichitsvaga Nala ndichimushaya ndikatanga kuchema ndichidaidza zita rake kuhope ikoko ndichibva ndapepuka", Baba Nala ndokuti "Inyaya yekuti uri kumufunga", "Asi mwana wangu akamboenda kupi chaizvo kuti mupenyu iyeyu", vakabvunza Mai Nala baba Nala ndokuti "Anodzoka let's have faith, imi samai vemwana are you sure kuti hamuna boyfriend yake yamakambonzwa maybe zvinogona kutibatsira kuwana pekutangira", Mai Nala ndokuti "No handina kumbobvira ndakanzwa kuti ane mukomana Nala kana zuva rimwechete zvaro izvo zvaitondinetsawo kuti sei, haana kana zuva rimwechete randakambonzwa kuti ane mukomana sevamwe even her friend Jane admitted it kuti Nala anga asina mukomana dai aivapo nekutsvaga kwatiri kumuita uku angadai akataura takawana pekutangira ", baba Nala ndokuti" Let's keep on praying kuti adzoke kumba Nala ari mupenyu", vaviri ava vakabva vatanga kunamata ndokudzokera kunorara pakare. *Naration* Shoko rekuwira mudziva kwaNala rakasvika munzeve dzamai nababa Trish, Mai Trish vakachema nekurwadziwa naNala vachitaura vachiti" Ndakamuudza Nala kuti ngatidzoke tese Nala akaita Nharo zvino nhasi ndezvipi, Nala wafira nhamo zvino nhasi ndezvipi zvawafa uchiurawa sehuku kudaro, hama dzako dzichaziva kuti uri kupi here kana kuziva kuti chii chakaitika kwauri, varoyi Vema Mushayi havambotsvage hama dzako Nala, zvakatopera soo ", baba Tee pavakanzwa mukadzi wavo omyanyisa kuchema achidaro vakabva vati" Mai Teee chirega kuramba uchidaro unopedzisira wakurwara, chirega mweya wake uzorore murugare since ari kunzi akafa ", Mai Teee vakabva vatonyanyisa kuchema vachiti" Haafanirwe kuzorora murugare, rugare rwupi rwaanoita rest in peace ngaamuke Nala arwise varoyi ava vamuurayisa Kwete kuzorora murugare ", vakazopedzisa kutaura mawords asisanyatso kubuda nekuda kweshungu. Murume wavo akaramba achivanyararidza vakazonyarara pava paya. VaMushayi vainge vasisina mufaro kubva zvashaika Nala awira mudziva, murume mukuru vainge vogara vakabata shaya vachifunga kuti vachaita sei nengozi yemutorwa asati awanirwa hama dzake uyu, kana kumaminda kwavaisienda vainge vasisaende vakuswera pamba vagere pasi pemuti. Aiva ari masikati pavadaidza mhuri yavo kusanganisira na Hazvinei nemukadzi wavo Mai Diva vakabva vati "Fone yemusikana uyu yakatsvagwa ikashaikwa mungaziva kuti yakafamba sei", Mai Mushayi "Ini handina zvandinoziva nezvayo", Hazvinei achitiwo"Ini handina kumboitora baba ", vaMushayi ndokuti" pamuri kana pane akaitora ngaataure tikasire kuwana hama dzemusikana uyu vazive zvakaitika kumwana wavo ", Mai Mushayi vese naHazvinei vakaramba vese hapana ainge akaitora zvakatanga kunetsa vaMushayi kuti yakatorwa nani and ivo vaiziva kuti fone iyoyo ndiyo yega yaikwanisa kuti hama dzaNala dziwanike pasina izvozvo vainge vamirira kudzoka kwaDiva azovaudza nezvekwaaibva since vaiva vakasangana kuharare. Mai Mushayi chaiva chava mupfungwa dzavo kuudza murume wavo kuti Diva acharoora Shorai asi aishaya pekutangira sezvo painge pachangobva chiiitiko chaNala, chavaida kuti Diva paanosvika vobva vatanga kufambira nyaya dzekuti atoroora Shorai. Vakazongoti vaivaudza nyaya yacho zuva raitevera. Vanhu vemuvillage umu umwe neumwe aitaura zvaanofunga vamwe ndivo vaiti sei vakati munhu wemuenzi aende kunochera mvura padziva rinoera vachitadza kunochera kunocherwa nevanhu mazuva ese. Vamwe wo ndevaibvunzana kuti musikana uyu aiva chii chepamba apa.Vamwe ndivo vaiziva mabasa amai Mushayi uye vaiziva kuti Mai Mushayi vaida kuti mwanakomana wavo vanoda kuti aroorwe Shorai mwana weshamwari yavo nekuda kwehushamwari hwavo hwavaiwirirana vari 2 vasina umwe munhu wavanowiriana naye muvillage umu. Kubva zvakawira Nala hapana akazoda kuenda padziva apa zvekare kunyangwe vanhu vakuru havana kuzoda kuendapo vainge vava kutya. *Nala* Nala akafamba kusvika paakatanga kuona dzimba aiva aneta uye nzara zvese nenyota, asi paakaona misha akabva ambogara pasi achizorora achinzwa vafudzi vemombe vachifudza mombe nemavoices evana vadiki vachitamba tumitambo twavo, akatora kanguva akagara ipapo sezvo zuva rainge rakupisa akazosimuka pava paya ndokutanga kufamba achitevedza kanzira kadiki akabva asvika pamwe pamba ndokuti "Tisvikewo", pekutanga hapana akadavira akadzokorodza zvekare kuti "Tisvikewo", akazonzwa kuti "Svikai zvenyu" raiva voice remunhu anoratidza kuti ava munhu mukuru, Nala akambonzwa hana yake yake kurova asi akazvishingisa semunhu aiva nenyota ndokufamba achipinda muyard asi mumba haana kupinda, akabva aona mumba muchibuda vamwe mbuya vakaita vechikuru pavakabuda vakabva vati " Svika zvako mwanangu usatya", Nala ndokuti "Makadii zvenyu gogo ndinokumbirawo mvura yekunwa", mbuya vaya paakapedza kudaro vakabva vamutarisa ndokuti "Pinda zvako mumba umwe ini ndakugara pano panze mumba muri kupisa, uye makumbo angu haachada", Nala akambotya asi akazofunga kuti akaramba kupinda mbuya ava vachatii, akabva anopinda mumba muya ndokuchera mvura ndokunwa achibva abuda, ari mumba akaona kuti mbuya ava vanenge vaigara vega zvikamunetsa kuti sei, akabuda panze ndokubva aenda pavaiva vagara paya ndokuti" maita basa gogo ndava kuenda ", vakaramba vakamutarisa neziso rine chirevo zvekuti naiye zvakamunetsa vakabva vati" Unonzani uye unobva kupi? "Nala akabva ati" Ndinonzi Nala ndinogara kuharare kuno ndakangoshanyawo ", mbuya vaya vakaramba vakamutarisa pachest pake pedyo nehuro paiva nechivanga chitema chekuzvarwa nacho (birth mark yeblack) mbuya vaya ndokuti" Vabereki vako vari kupi? ", Nala ndokuti" Vari ikoko kuharare ", mbuya vaya ndokuti" Saka uku uri kubvepi nhai muzukuru ", Nala remembered zvaaiva audzwa kusango Kuya ndokuti" Ndarasika ndichitsvaga huni ndazobudira kwandisingazive, ndiri kuda kuenda kunonzi kwaMushayi ", mbuya vaya ndokuti" hoo kwaMushayi hakusi kure manje manje unenge wasvika, unobuda nekanzira kekumabvazuva aka woti nako kusvika wasvika muroad inofambira mabhazi wobvunza wava muroad imomo ", Nala akabva ati" Maita basa gogo ", achitofamba kuenda mbuya vaya ndokuti" Vanga riri pahuro iro wakazvarwa wakadaro here muzukuru ", Nala akabva abata pahuro pake sezvo aiziva pariri ndokuti" Ehe gogo mhamha vaindiudza kuti ndakatsva netea ndiri mudumbu", akataura achiseka, mbuya vaya ndokuti "Zvakanaka muzukuru wangu ufambe nerugare", Nala akabva ati tande nekaroad Kaya aifamba zvake zvishoma nezvishoma tsoka dzairwadza nekusapfeka bhutsu uye kubaiwa, akazosvika kuroad yebhazi kwaiva kwataurwa nagogo vaye, akatanga kutevedza road asi aiva asati aona munhu wekubvunza muroad maiva musina kana munhu, ati fambei akabva aona mota yaibva nekumashure kwake akabva aimisa achida kubvunza road kuti asanyanye kurasika, mota iya yakasvikomira pamberi pake madoors achivhurwa muchibva mabuda varume vaviri vakasvika paari nehasha vachiti "Uri mwana wekwaani iwe usina hunhu unomisa mota yamambo kunge uri kumisa ngoro yekumba kwenyu", hana ya Nala yakarova akabva ati "Soory handina kuziva kuti ndeyambo ndokumbirawo ruregerero", varume vaya ndokuti " Pane asingazive mota yamambo muno muarea, enda unokumbira ruregerero kuna Mambo", Nala akatanga kubvunda nekutya all her life aiva asati amboona Mambo aingoita kunzwa kuti kune madzimambo kuma villages, akasvika pamota paya ndokuti nezwi rizere nekutya "Ndinokumbirawo ruregerero handina kuziva kuti ndimi, ndiri muenzi kuno", aitaura akatarisa pasi achitya kutarisa face yavo Mambo vaya vakabva vati "sezvo wati uri mutsva muno ndakuregerera enda zvako", Ipapo hana yake yakanyanyisa kurova achinzwa voice raMambo raiva rakafanana nera Davison akabva asimudza face kuvatarisa hana yake yakarova worse vaiva zvakafanana naDavison Mushayi ! Stay tuned Mukunda wekwachivi anokudai.