Miss Novels T.N Bvaru
January 24, 2025 at 07:05 AM
*THE BURNING SOUL*
๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ
https://chat.whatsapp.com/DGaka0X9kuxDSpZzy0GqAy
*NEW BOOK ๐*
*BOOK NUMBER 18... 2025 PRODUCTION*
*Uchida maprevious books angu follow my WhatsApp channel below unomawana ikoko kusanganisira nerino ririko pinda muchannel usarasikirwe nezvinyora zvaMasibanda TN Bvaru*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
Authouress
*Miss ๐ T.N Bvaru*
*Lioness*
*Contact*
0๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ9๏ธโฃ5๏ธโฃ7๏ธโฃ4๏ธโฃ7๏ธโฃ6๏ธโฃ6๏ธโฃ
*Based on true life events*
*Read comment and share pliz*
*Chapter 3*๐
Pakabuda tete ndakasara ndichidedera nyaya yenhumbu yavainge vataura yakandirovesa nehana ndakatanga kufunga kuti musi wandakabatwa chibharo uya ndaiva ndatovata nhumbu, misodzi yangu yakatanga kuyerera ndichifunga kuti tete vachandiita sei kana pregnant test yacho ikabuda iri positive ndakaona pangu pandiperera, kana poto yaiva yatsva handina kuzoisuka ndaiva ndangomira ndakazembera sofa, Hailey adzoka kubva kwaaitamba akawana ndakamira asi haana chaakataura neni akangosvika ndokurara pasofa, pasina time yakareba ndakaona tete vakudzoka vachiiita kufambisa, ndakavaona nepacurtain hana yangu yakabva yanyanyisa kurova, ndakazonzwa mafootsteps vachifamba vachipinda mumba, vapinda vakabva vati "Aripi mwana waSimbarashe", vakadaro mumba vakabva vandiona pandainge ndakamira vachibva vati "Nditevere kuno kutoilet", She said vachitobuda mumba ndakabva ndatevera kutoilet Kuya, vasvika vakabva vati ndiite weti mucacontainer vachibva vatora madrops eweti iya vachibva vaisa papregnant test iya ndokumbosiya zvakadaro kwekanguva, vachibva vazotarisa ndokuona ine 2 malines vakabva vati "Mwari waEzekiel! I nhumbu kaiyi Daisy?" ndakatanga kunzwa mabvi angu kupera simba kana kudaira ndakatadza tete vakabva vati " Ndati I nhumbu kaiyi, ndiudze ndeyani?", ndakabva ndati "Handizive ini tete ndofunga ndeye munhu akandibata chibharo", kutaura kwandakaita izvozvo kwakaita kunge ndavesera moto muimba yemashanga, Tete vakabva vati " Kana uchifunga kuti ndichabvuma nhema dzako idzodzi uri kuzvinyepera, ini ndaiti uri kuenda kuchikoro izvo waiita zvevarume, zvino chikoro chako chaperera pano uye pamba pangu pano hauchagare your days are numbered", ndakatoona kuti nyaya haisisina kumira zvakanaka ndichibva ndati "Tete Pliz handisi kuziva muridzi we nhumbu mukandidzinga pano ndoendepi", ndakataura ndichipfugama pasi ivo vakabva vati "Handisi kuda mashura pano wanzwa enda unorongedza tuhembe twako twese ubude ubve pano pamba pangu handichengete magora ini", she said vachibuda mutoilet muya ini ndichisara ndakapfugama pasi paya.Tete vachipinda mumba vakabva vadaidzira kuti"Iwe Daisy ukaona ndikadzoka kutoilet ikoko uchazvidemba", ndakabva ndasimuka ndokuteverawo kudining ndichipinda vakabva vati "rongedza bag rako ndiri kuda kunokusiya kumunhu akakupa nhumbu iyoyo", ndakabva ndati "Tete kutaura chokwadi nhumbu iyi yakabata ndabatwa chibharo musi uya handitozive muridzi wayo", ndichipedza kudaro ndakazongonzwa ndairegedzerwa mbama yekumeso yekuti ndakatombonzwa kadzungu ndokudzedzereka ndakanozembera sofa, vakabva vaenderera kumberi vachiti "Handisi kuseka Daisy uri kuzvinzwa ungandiudze kuti hauzive muridzi wenhumbu, wairarirei nevarume vakawanda? Kuti ugozondiudza kuti hauzive muridzi wenhumbu?"Ndakabva ndati" Tete ndiri kutaura chokwadi "", vakada kundirova imwe mbama zvekare asi ndakabva ndainzvenga vachinorova madziro hasha dzavakabva vaita ipapo vakatanga kupopota nevoice riri very high zvekuti our neighbour akanzwa kupopota kwavo ndokuuya pamba pedu, neighbour uyu ainzi Mai Rwizi ndiye akasvika achibva ati "Mai Hailey kwakanaka here kwandanzwa voice renyu kupopota ndiri kumba kwangu chaiko", Tete vakabva vati " kuchinakepi iyo nzenza yaSimba iyi ine mimba", Mai Murwira vakaita kakuvhunduka vachinzwa mashoko aya vachibva vandirarisa ndokutarisa tete ndokuti," muri kuti Daisy ane nhumbu?" ivo vachibva vati "Hongu anayo", Mai Rwizi vakabva vanditarisa ndokuti "Chokwadi here nhai Daisy?", ndakadavira nekugutsurira musoro wangu Mai Murwira vakabva vati "Ndeyani nhai Daisy?", ndisati ndadavira tete vakabva vati "Waanozivepi, ari kutondinyepera kuti akabatwa chibharo kuti ini ndigo believer nhema dzakadaro manje, zvino pano pamba haagare", mai Murwira vakabva vati "Madii kutaura naye zvakanaka pamwe mwana anogona akarepwa zvemachokwadi, Daisy ndaimuziva iri type isingaite zvevakomana", Tete vakabva vati "Handina chandinogara naye pasi zvenhema zvake izvo kuda kundibata kumeso achifunga kuti ndiko kuti ndimuti chigara pano", munguva yese yavaitaura misodzi yangu yaingoyerera ndichifunga kuti ndikadzingwa ndoenda kupi ini ndisina kana imwe hama yandinoziva,Mai Murwira vakaramba vachitaura natete vachibva vazoti kwandiri " zvakafamba sei nhai Daisy", I told her everything chakaitika day iroro vachibva vati " Mai Hailey mwana anenge ari kutaura chokwadi ko makadiii kuenda kupolice angadai asina kusvika pakubata nhumbu, chero ukamudzinga she has nowhere to go, I beg you usamudzinge pano mwana uyu else mangwana you will regret your actions", Tete vakabva vati "Matobvuma nhema dzake idzodzo Mai Murwira", ivo vakabva vati "Handione senge ari kunyepa mwana uyu Mai Hailey musamudzinga pamba", Tete vakabva vati "Saka ini ndochengeta iye nemimba yake Mari yacho inenge ichibvepi?" Mai Murwira vakabva vati " Iye wacho muri kumurera nei, musadaro itai semunhu anonamata", Tete vakabva vanyarara ndofunga vakatya nyaya yekunzi vanonamata iyi sezvo vaiva munhu uya anoda kubelievisa nyika kuti she is a praying woman. Mai Murwira vakabva vabuda panze vese natete hameno zvavakataura vachiburitsana yard,ini ndakasara ndakamira mumba muya kusvika tete vadzoka vapinda mumba vakabva vati "Unoda kundiitisa munhu akashata muno muraini, zvino chinzwa zvechikoro zvaperera pano hauna kuchikoro kwauchaenda, nhumbu yako iyi ndeyako hakuna kana chinobva kwandiri kusvika wazvara mwana wako uchachengeta wega kana waivhura makumbo uchifunga kuti Tabeth achakuchengetera wakazvinyepera ", handina kudaira vakabva vabuda panze ini ndakanopinda muroom mangu ndakatanga kuchema ndirimo chandainyanya kurwadziwa nacho kusiira chikoro paroad nekuda kwenhumbu yemunhu wandisingazive apo pachikoro ndipo paiva nehope yangu, ndakachema veduwee nekurwadziwa kuti ndichasvika kupi ndichirarama life yandiri kurarama pano worse ndane nhumbu kudai, ndakatanga kufunga ambuya vangu kuti dai vari vapenyu vandibatsira nemazano, musi uyu ndakarara nayo ndisina kudya tete vachingopopota chete vachiti vakapinda mumba vobuda vachi popota. Kana ivo handifunge kuti vakaridya sadza nekudumbirwa nehasha,that was the beginning of my predicaments.
The following day tete vakamuka makuseni vachibva vandidaidza mudining ndokubva ndagara pasofa ndokuti "Mamukasei tete", havana kudaira vakanditarisa vachibva vati "Zvawakaita izvi wakaratidza kuti wava mukadzi mukuru wakukwanisa kuzvimirira and uchitemba kuti ndikakudzinga pano vanhu vanozoti ndine moyo wakaoma uye ndiri kudaro nekuti hausi mwana wangu, kubva nhasi woona kuti watsvaga zvinoita kuti udye iwe nedumbu rako handingachengete mukadzi mukuru, chikafu uchazvionera ", ndakaramba ndakanyarara ndakatarisa pasi vachibva vaenderera kumberi vachiti" Ndiwane basa rese rakaitwa pano Zvinhu zvese zviri up to date Kwete kuswera wakarara ", ndakabva ndati" ndazvinzwa tete" vakabva vasimuka ndokuenda kunogeza kuti vaende kumusika kwavo, ndakadzokera kuroom kwangu Kuya ndichibva ndabvisa mablankents angu ndokutanga kutsvaira, pasina time ndakanzwa tete vava kubuda kuenda. Ndakasara ndokupinda mudining medu ndichibva ndagara, ndakabatwa neshungu kuti ndainge ndatovhiringidzirwa life yangu nemunhu andisingazive I cried out my lungs asi hazvina zvazvakabatsira, dai nhumbu iri yekubva yaidai yakabva nekuchema kwandakaita musi uyu kubva pandakatanga kuziva kuti ndaiva nenhumbu. Kuchikoro handina kuzoenda even kunotora mabook angu aivako handina kuenda.
*A month later*
Things weren't easy with me life yandaiva ndakurarama yairwadza, kuti ndiwane chekudya ndaitoona kuti ndazvitsvagira, nyaya yekuti ndaiva nenhumbu yaiva yasvika kuchikoro kwandaidzidza nevamwe vana vechikoro vanenge vabvunza tete kuti sei ndisiri kuuya kuchikoro, vanhu zvakavashamisa kuti inini kuita nhumbu how because vese hapana aiziva ndichiita musikanzwa yevakomana. One of these days semunhu aiva akuzvitsvagira chekudya ndaitofamba zvangu mustreet ndichitsvaga mapart time Jobs, ndakabva ndasangana nevamwe baba vaiva nehondafit yered paakasvika pandiri vakabva vamira ndokudzikisa window ravo ndokubva vati " Hie little girl", ndakabva ndati "Makadii zvenyu", ivo ndokuti "I'm fine, ndogara ndichikuona several times muroad unenge uchiiitei, asi hauende kuschool", ndaisada kuudza baba ava about my life ndakabva ndati "kutsvaga hangu mapart time jobs", baba vaye vakabva vati "Part time jobs like what exactly", ndakabva ndati "kuwacha, kusuka.... anything I can do", baba vaya vakambonyarara sevane zvavaifunga vakabva vazoti "I think I have work for you kumba kwangu ndine hembe dzangu dziri kuda kuwachwa, if you want get into my car ndinokuratidza basa racho", ini nekuda kwandaiita Mari handina kumbomira ndakabva ndapinda ndokuenda navo kumba kwavo, as we reached there pamba pacho paiva pasina aripo, it seems baba ava vaigara vega. Tasvika ini I was expecting kuti vachabuditsa washen yacho panze kuti ndiwache but I was wrong vakabva vati ndipinde mumba, ndichipinda mumba vakabva vanditi gara pasofa. Ndakagara pasofa paya vakatanga kutaura tunyaya tusina basa apo vachindipa ziso randakatadza kunzwisisa, vakazoti pava paya "Sleep with me, I will give you Mari yakawanda kudarika yaunowana in your so called part time jobs ", hana yangu yakarova hearing this ndakabva ndati "No I can't do that sir", vakabva vati "come on don't be musikana akapusa, I will give you $20", vakadaro vachiburitsa wallet yavo muhomwe vachibva vabuditsa $20 Iya vachinditambidza, I refused, vakabva vaisa Mari Iya patable ndokubva vafamba vachiuya pandaiva ndakagara ndakada kusimuka but was too late vainge vatosvika pandiri vachibva vatanga kundibata mabreasts angu......
Stay tuned
Masibanda loves you.
โค๏ธ
๐
๐ข
๐
๐ฎ
๐
207