L.T. MAHACHI NOVELS
January 27, 2025 at 04:31 PM
https://chat.whatsapp.com/G95gqVKg6Lu8XUDUhQnA5W FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : ECHOES OF THE HEART STORY BY L.T. MAHACHI O77799O714 O775O72O31 INSERT 6 LORINDA A WEEK LATER Kana munhu ukangwarira hupenyu zvechokwadi zvaunoda chaizvo will come your way. Ndakambokuudzai kuti since my early teenage years I have dreamed of becoming Mrs Mapfumo, mukadzi waWayne. I have played my cards well and here I am today, all dressed up......hama dzese dzaungana, tamirira kuti vakuwasha vababa vangu vachisvika zvavo neroora ravo. Kupinda mumarriage nemunhu waunoda hakumbonetse mhani, ndazozviona gore rino ini! Ndaisekerera zvangu ndave kutofunga zvemuchato wangu wakanga watoswederawo pakapinda vana tete vangu muroom mangu mandakanga ndakagara with my friends vanova vaive roora squad yangu. The eldest and most talkative aunt looked at me ndokubva vataura zvisina kunyatsondigutsa vachiti, Tete 1 : Makachena chaizvo mainini, tiri kufara chaizvo kuti denga rakusvitsa panodadisa kudai nhasi. Ndakangosekerera zvangu ndokubva ndati, Me : God is faithful tete...... Munin'ina wavo akachizobva ati, Tete 2 : Mainini, tingambotaurewo nemi tiri tega here pasina vamwe venyu ava. Zvakandisvota handidi kunyeba zvekuti ndakabvunza kuti, Me : Kwakanaka here? Hapana akandidaira, ndakatongoona vatarisana and vakuru vacho vakachibva vaita kuti vasikana vangu vabude, not in a very polite way futi. Ndakavatarisa kumeso ndakafinyama ndamirira kunzwa nyaya yavo and vakabva vati, Tete 1 : Tiri kufara chaizvo isu vana tete vako kuti wave kuzotangawo imba yako. Chiri kungotishamisa ndechekuti we were only told about this a few days ago. Patauya pano tanga tisiri kutoziva kuti pane chiri kuitika. Sanatete patsika yedu taifanirwa kunge takamboonana nabamnini vedu tiri isu tiri pakuronga nyaya dzacho. Me : Muri kuti chii chaizvo tete? You have just said muri kufara but matauriro amabva kuita haana kana mufaro mukati. Handione pakanga paine need yekuti muzivane nemurume wangu ini. Both my parents have known him all his life and they have approved him. Tete 2 : Aaah, heya! Yatove imba ka iyi yamave kutanga. Pakawana zvinonetsa zvinogona kungogadziriswa nesu vana tete chete muchaenda kuvabereki here? Ndakamboita kanguva ndakangovatarisa so ndokubva ndazoti, Me : Zvinombonzi hama dzinorwadziwa ndave kuzviona chokwadi. Sei mangomhanyira kutaura zvekusangana nezvakaipa mumarriage mangu? Tete 1 : Tiri kutaura zvinhu zvinowanikwa muhupenyu mwana wehanzvadzi. Wati tingarwadziwe nekuroorwa kwako kuti watora murume wedu here kana wemwana wedu. Zvinototifadza ufunge kuti wave kunotangawo yako imba. Ndisati ndavadaira mhamha vakabva vapinda with a bowl of my favorite cereal and gave me vachiti, Mum : Hausi wanga waakutofa nenzara here dear, I hope you will be able to swallow zvandauya nazvo izvi, kamwana kari mudumbu mako hakanzwisisike zvakanoda ka. Ndouya nemastrawberries here ukande mucereal rako? Ndakaona vanatete vave kutarisana and mum vakabva vati, Mum : Ndaakutoita madanha kekupedzesera vanatete, bamnini venyu vari kutoda munhu wavo, ipapa vanga vachitoda kuti nhasi munhu anorara ave kumba kwavo. Takatomira isu vabereki kuti munhu aende nemuchato. Ndakaona vave kutarisana vakadzi vegodo vaya. Ndakasekera zvangu mumoyo enjoying the food my mother had brought, haaaa vakarwadziwa neni havafe vakapora. Vanobatwa zvirwere zvinodhura kurapa vakafa ivo vanhu vagara vasina mari ava. Time yakanga yave kubuda mhamha tete vakuru vakavati, Tete 1 : Matauriro amaita maiguru nemaonero andiri kuita makatoronga zvese mukapedza ka imi. My mother laughed shaking her head ndokubva vazoti, Mum : Ehezve tete, hamusi kuona kuti zvese zvakatorongeka here pano? Taimirira ani? Mazuvano zvinhu zvevana hazvichangoudzwe vanhu ka zvisati zvarongeka. Mhepo dzinosimuka sezvadzakaita pana Tendai apo vanhu tikangove vekurera vazukuru vatisingazive kuti vanoyerei. Kana ndakamboona vanhu vanogona kuita communicate with their eyes hanzvadzi dzababa vangu dziri kumberi veduwee. Ndakatevera mhamha pavakabuda ndikavaudza zvandakanga ndambotaurirwa nehanzvadzi dzemurume wavo. Vakaridza tsamwa and said, Mum : Kurwadziwa uko, ngavazive zvekunhonga mari yatavadaidzira. Zvainetsa takatosolver tega. Avo havandinetse, vakangoda kutaura zvisinei navo ndiudze, I know how to put them back in their places. Me : That's why I love you mum. Semunhu akanga akamirira kuzobvisirwa ndakabva ndatoda kudzokera muroom mangu but she held my hand firmly and said, Mum : Ummm, with these people around wotoona kuti Wayne wako anoita kunge anopenga uyo woswera wakaita wekubata ruoko chaiko kuitira kuti vanhu vasaone zviri mumusoro make. Ivo vana tete vako ava ukaona vave padhuze nemi vakada kutaura naye find a way of getting away, Wayne haana mukanwa ndakamuona zvangu. Ndakagutsura musoro ndokubva ndadzokera zvangu muroom mangu. At some point ndakatombotaura ndega paphone ndakaisa panzeve ndichitaura mashoko erudo anotapira kungowachisa vakadzi vandakanga ndinavo avo nekuratidza vasikana vangu vesquad kuti ndakanga ndiri murudo. Hatina kuzombogara nguva refu, yakabva yasvika mhuri yekwaMapfumo. Yakabviswa mari ine mumvuri vavengi nevegodo varipo vakatarisa vachirwadziwa. I had thought that it was going to take time but zvakanga zvaitwa zvevanhu vane mari chaizvo chaizvo. Ivo tete vepamuromo pasingamharwi nemhunzi ndivo nyakutouya kuroom kwatainge takagara kwave kutidaidza vachiti, Tete 1 : Makorokoto mainini Lorinda, matidadisa chokwadi. Handei zvedu kusitting room kune vamwe for introductions, varume vedu vatopinda mumusha. My best friend who also is going to be my maid of honor pamuchato akabva andipa hug uku achiita blow kisses in the air achiti, Patience : Congratulations darling, nyasha idzi ndiri kudzidawo veduwee. I hope you will be able to hook me up with the best man, handiti atoripo nhasi. Tinongotangira pakutaura dzemuchato waiziva ndichiita ndichiswededza munhu wangu padhuze. Ndakangoseka zvangu zvekumuvhara but ndakanga ndave kutofeeler home work mumusoro mangu yekuti vakomana vekuzoita partner with my friends pamuchato ndichavawana kupi nekuti maziviro andinoita Wayne neattitude yake yaanayo iyo haana wake waari kuzoita kuti aite zvekuperekedza muchato. I felt better pandakafunga about bamkuru Owen, that one will surely assist. Aaah, unotoshaya kuti vanhu vakazvarwa nemunhu one vanobva vanyanya kusiyana kudaro nei! WAYNE Rakaitwa drama rese rekuroora Lorinda ndakagara mumota mangu ndichiona maphotos angu naAshley. Ndaingoerekana ndatura befu ndega so asking myself kuti saka zvese zvandaiita share with her zvakatopera here chokwadi. Misodzi yakanga isisabude zvayo asi ndainyatsochemera mukati. Regie ndakanga ndisina kumbomunetsa nekuti andiperekedze kuhahumbwe uku. Ndaive pakati pekuverenga the sweet messages the queen of my heart used to send me when Owen knocked my window, I opened the door ndokubva ataura sarcastically achiti, Owen : Congrats bamnini......mazviita, babe rave redu. Tatomirirwa mumba for introductions. Me : That was too quick, zvinongoonekwa zvechokwadi kuti zvinhu zvacho hazvina kana musoro. Owen : Zvinongoratidza kuti vakuwasha vakarongeka. You won't believe the thousands of dollars that we have just parted with. Me : I don't care about that, imimi ndimi muri kuziva mabusiness transactions enyu amanga muchiita. Akaseka loudly ndokubva ati, Owen : Whatever you call it.......watove murume waLorinda. Ndisati ndamuudza kuti handina yangu mari yakanga yabviswa sekuru brother yamomz vakabva vachingurana nesu kwave kutora ruoko rwangu and shook it vachiti, Him : Makorokoto muzukuru, haaaa ini sekuru vako handisi kugona nemufaro izvozvi. You have made us so proud....mari yawauya wakarongedza pano yatityisa. Kana isu madhara ave nemhanza kudai hatina kumboroora maroorero awaita aya. Pakadai tinobva tatoona pachena kuti mumwe wako unomuda zvakanyanya. I wish you happiness muzukuru murwendo rwawatanga urwu. Nguva yandakanga ndave kuda kuvadaira Owen akabva angosimudzawo kamwe kanyaya kasina basa and sekuru vaya vakabva vaenda kumabrothers avo aifambira nechepamberi pedu. Tave kupinda mumba akandibata pabendekete mukoma wangu achiti, Wayne : Motambanudzawoka face bamnini semunhu abva kubvisa mathousands akawanda. You just have to be a happy mukuwasha. Me : Wandiri kufanirwa kuitira izvozvo ndiani? Why do I have to lie to myself. Owen : The family naamai vemwana wako. Me : I already have done a lot nekutouya kwandaita pano. Ndakafambisa ndave kuda kutopinda mumba muya but akandibata ruoko rwangu achiti, Owen : Wayne please, pane vanhu vakawanda pano, you know how you are supposed to behave. Ndakavhizura ruoko rwaakanga akabata ndichiti, Me : Ngatipinde shamwari tiite zvacho zviri kuda kuitwa, I need to go somewhere soon!
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 170

Comments