L.T. MAHACHI NOVELS
January 28, 2025 at 12:54 PM
https://chat.whatsapp.com/G95gqVKg6Lu8XUDUhQnA5W
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE ECHOES OF THE HEART
STORY BY L.T. MAHACHI
O77799O714
O775O72O31
INSERT 7
WAYNE
Patakapinda mumba macho maipururudzwa vanhu vachiratidza kuti vaifara chaizvo. Vana sekuru ndivo vaifambira kumberi nanatete vangu. Ini naOwen ndisu takapedzesera kupinda kwave kunogarawo pasi chaipo parug pakanga pagara vamwe vedu. Vainzi tete vaLorinda vakaita introduce mhuri yekwaChibaya, after vanguwo tete was asked to introduce yedu mhuri and she did so. Patakanga tave kunzi tave kufanirwa kuombera vana tezvara sevakuwasha phone yangu yakabva yaringer ndikasekerera ndega so. Munoziva kana uri pakati pevanhu vanenge vakuonesa kuti havakunyare newewo munhu hauna kwaunowana nyadzi! Ndakatosimuka ini ndaibata phone yacho mumaoko kwave kunanga panze. I did not mind at all matarisiro avakanga vakandiita vese. Ndakanosvika panze yacutta ndokubva ndamuphonera inini bhururu wangu. I dialed his number ndichitofamba kuenda nechekugate chaiko kwandakanga ndasiya mota yangu. Akandidaira achiti,
Reginald : Wangu, hausi busy here? I had just wanted to check on you.
Me : Busy neiko kunge kwandiri kuri kuitwa zvine musoro. Thanks so much my guy.......you called at the right time. Pane pawandibuditsa so pandanga ndisiri kufarira. Can you imagine kuti ndanga ndave kuda kutoroveswa gusvu.
Akabva abvunza zvekunzwa tsitsi chaizvo zviya achiti,
Regie : Saka zvatopera here ikoko?
Me : Yeah vapedza, vanenge vane party here yavari kuda kuita. I am outside ndiri kuona tent iri mugarden area, I'm sure ndimo mavachaitira lunch yavo. Inini ndave kuda kutobva pano. Ndatowana excuse so nekuphoner kwawaita. Ndiri kusvika paden pako manje manje tozoona kuti toita sei.
Ndichiri kutaura naye kudaro I just felt that there was someone akanga akanditarisa. Ndakacheuka ndakaisa phone yangu panzeve kudaro, ndakamuona akamira not very far from me akanditarisa akaisa maoko muhomwe. Ndakaoneka Regie paphone paya ndokubva ndafamba ndichienda paakanga ari. Ndisati ndataura anything akanditi,
Owen : Idrama rerudziiko raunenge uchitiitira pamba pevanhu nhai Wayne? Haunyare uri munhu akaita sei?
Ndakadaira ndave kutoda kuita walk past him ndichiti,
Me : I think I need to leave now, rega ndipinde mukati umo ndivaoneke vasazosare vachinditsvaga.
Akatozondibata jacket achiita zvekundidhonza achiti,
Owen : Uri right right here iwewe? Ndekupi kumwe kwauri kuda kuenda kune basa on such an important day?
Me : Important ? Chisarai imimi makanyanya kukosherwa nezviri pano, I have played my part well.
Aitoda zvekukikiritsana neni dangwe raamai vangu uyu and zvaaiita zvacho zvaitoita kuti ndiite lose my cool by the second. Ndakanga ndave kutonzwa kuda kumusundira pasi chaipo pakabudikira vanatete vaLorinda. Vakatitarisa zvekutoda kunzwisisa what was taking place. Akada kutaura navo kunge pane zvimwe zvataironga but ini ndakabva ndatoti paya,
Me : Vana tete, ini ndave kumhanyira kubasa. Call yandabuda ndichidaira iya ndanzi kune emergency iri kutondida. I'm not sure kuti ndinopedza nguvai, I might not be able to come back here. Mozondionekerawo vari mumba.
Vakatarisana vana ambhuya vaya uku Owen akanga ave kuita kunge achandidya neziso. Panguva iyoyo hamheno kuti Lorinda akabudawo nekupi, ndakatanga kunzwa voice rake ndisati ndamuona achiti,
Her : Is everything ok here?
Tete 1 : Tichamboonekana hedu nabamnini vati vave kumhanyira kubasa kwaita emergency ava.
Ndakatobva ndaita kakuombera respecting the older ladies kwave kunanga where I had parked my car. Ndave kuda kuvhura door remota Lorinda akataurira munzeve mangu chaimo achiti,
Her : Saka utori serious here Wayne? Sure ndigoswera pano ndichiita kunge ndinopenga here sure ndichiti ndaroorwa iye murume wacho andiroora asipo.
Me : Let me be honest with you here, pamari yese yekukuroora yabviswa pano hapana kana cent rangu. Imari yamdhara Mapfumo naOwen.....ndivo vakuroora. Owen is already here and I am sure mdhara vanosvika any time soon.
She said my name achiita kunge ave kuda kuchema ndokubva ndamuti,
Me : Ndiwo maresults ekuita seduce a man Lorinda.
She desperately said,
Her : Ndave kukumbira hangu kuti tingotorwawo mapics at least.
Me : Mapictures ndichazotorwa nemwana wangu kana wazvara.
Ndakatobva ndapinda mumota and ndave kubuda ndakamuona nepaview mirror amira naOwen. Phone yangu ndakatobva ndadzima ipapo and drove straight to Reginald's place.
ASHLEY
I was so lonely and shattered, week rakanga rapera ndichiita kunge munhu anorwara chaiye. Even kubasa a lot of my colleagues were noticing that I was not myself. Haaa nyaya dzemoyo dzakaoma zvadzo, I have tried drowning my sorrows in novels asi pese pandaisanganirana ne a romantic scene ndaitongobva ndanzwa kudzimbirwa hangu. The same happened with movies, munhu unonzwa kunge wave kupenga so. Ndakaguma ndangove munhu wekutsvaga twumajokes and motivational speeches on social media platforms.
Saturday yakasvika and I just decided to spend the day at home. Ndakamboita zvekubasa until around 11 pandakazobuda ndave kuenda kuswimming pool. Munoziva zvese zvandinoita muhupenyu hwangu hapana chisingaite remind me of Wayne, ipapo ndakatombochema chaiko ndiri mumvura imomo ndafunga my twenty fifth birthday randakaita spend with him in some private resort tichidanana zvedu tiri mumvura. Munoziva munhu unosvika pakunzwa kuda kunwa doro chairo rausati wakambonwa uchingoedza kuti unzwe zvirinani chete. Ndakabuda mumvura muya ndokubva ndambobata phone yangu, I started going through mastatus updates emacontacts angu and ndakabva ndasangana naThandi nemuface wake vachiratidza kuti weekend yavo yaivafaira vachidanana zvavo. Ndakazoita log in on Facebook and ndakasanganidzana nemaphotos akanga akaitwa tag Wayne nemunhu anonzi Lorinda Chibaya. Ndakangozvibvunza ndega kuti sei ndisati ndaita block him but ziso rakanga ratomhanya kunoona kuti akanga ari mapics eyi. I recognized Lorinda wacho at once and rakanga ritori roora day rake, there were so many photos of herself and her roora squad. Ndakanga ndave so curious to see her groom pandakazoona mashura ebanner rakanga riine pic rake pamwechete naWayne rakanga rakanyorwa kuti, “Welcome to our roora day.” Maoko angu akadedera ndikaita kunge ndichadonhedzera phone yangu mupool mandakanga ndakanyika makumbo angu. Ndakabata kumeso so ndokubva ndataura ndega ndichiti,
“So I have been the fool all these years munhu achindiudza kuti Lorinda was more like a sister to him ini ndichitokati tete though kaindisembura maitiro ako!”
How could Wayne do this to me chokwadi kunge ndine zvandakambomukanganisira mumakore ese atakadanana? So mafamilies avo aitozivana kuti vana vavo vacharoorana ini ndichifunga kuti ndazviwanira wekupinda naye mumba? Life haisi fair hama dzangu, unonzwa musoro wave kutemera mugotsi so kunge munhu warohwa nesando. Hope yese yandakanga ndinayo yekuti pamwe zvinhu zvichazoenda nepamwe tikadzokerana yakabva yapera kuti hwaa, akanga atove murume wemunhu Wayne wandaidaidza ndichiti wangu for so many years.
Ndakabva kupool kuya and went back to my room, I was feeling like being somewhere so ndakageza uku misodzi ichiyerera. I dressed up and smiled weakly ndave kuita make up ndichigadzirisa maziso angu akanga atove nekakuzvimba. Mukati memoyo ndaizviudza kuti I have to look my best always semunhu akanga asingazive kuti anosangana nesoulmate kupi and nguvai. Wayne ndakanga ndakamupa nzvimbo isiri yake muhupenyu nemumoyo mangu.
Ndakabuda pamba ndisingazive kwandaienda chaiko, ndakazoita decide kumbonopinda mune this new restaurant yandakanzwa yakavhurwa paSam Levy. The place was fabulous and almost full and the way the waitresses were quick to attend to customers was something else, ndakatonzwa kuifarira nzvimbo yacho even before tasting their food. I ordered and within ten minutes chikafu changu chakanga chatouya. Ndakanakirwa zvekuti I ended up taking maphotos echikafu kuti ndigoratidza Thandi, ko uyo ndifood lover ka.
Ndakanga ndafamba nefood yangu ndave kudyira kunakirwa kwete nzara pakaringer phone yangu and yakanga iri unsaved number. Ndakadaira call and a male voice from the other end of the line said,
Him : Ashley, I know that you have been dating Wayne for a long time, ndangoti ndikuudze kuti aroora and ari kuchata in two weeks, ndini Owen his brother. Ndangoitira kuti usazonzwe nyaya idzi nemakuhwa. I believe anga asati akuudza Wayne kuti aroora.
Haana kumbondipa chance yekumudaira kutoita kunge munhu ainyatsoziva kuti akanga andipedza simba rakanga rave kutanga kudzoka mumuviri mangu. Of course zvaakataura was no longer news to me but zvakandibata nesimba. Appetite yese yakabva yapera, ndakangosimuka, settled my bill kwave kufambisa ndichibuda. Maziso ndakanga ndakavhura but ndakanga ndisingaone because ndichingobuda padoor I bumped into someone phone yangu yandakanga ndakabata mumaoko ndokubva yadonhera pasi, ndakatarisa payakanga yawira and ndakashaya chekunhonga, akanga atove mapiece mapiece zvawo.
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
103