L.T. MAHACHI NOVELS
January 29, 2025 at 09:46 AM
https://chat.whatsapp.com/G95gqVKg6Lu8XUDUhQnA5W
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : ECHOES OF THE HEART
STORY BY L.T. MAHACHI
O77799O714
O775O72O31
INSERT 8
MR MAPFUMO (Baba vaWayne)
Takanga tave kutosvika kwaChibaya when I received a call from Owen achiti Wayne akanga atobva iko kwaakanga achangobva kuroora ikoko. Amai vake vaizvinzwirawo since my phone was on speaker. Ndakaridza tsamwa just after Owen had dropped the call and ivo amai vake ndivo vakabva vatanga kutaura vachiti,
Her : Wayne zviri paiko chokwadi? Ndakataura naye nezuro achiita kunge munhu ainyatsonzwisisa mufunge. Ipapa tinosvika tichitarisa pai nhai veduwee. Sure kubviswa chimiro munhu nemwana wawakazvara!
Ndakatotadza kuvadaira nekuda kwehasha chaidzo, shungu ndaingopedzera mukuridza tsamwa. Ndakaona vave kubata phone yavo vachiti,
Her : Let me call him andiudze kuti chirudzii chaari kuzama kutiitira.
Pasina kana minute vakanga vave kuridza tsamwa yaive more loud vachiti,
Her : His phone is off, ummm uyu muri kufanirwa kunyatsogara naye pasi mutaure naye muchitoita kungongodza musoro chaiko nekuti no mhani! Takamboshaya pekupinda nhumbu yaairamba yabuda iri yake nhasi tochitiwo tonofara nanaamukurungai munhu otiitira mashura akadai sure?
Ndakabata steering wheel nesimba rangu rese zvekutenge ndakanga ndamubata iye Wayne wacho ndokubva ndataura ndichiti,
Me : Ndofunga ari kuona kunge tiri kunyanya kumunyengerera panyaya yacho yese. Aimborarireiko naye mwana wekwaChibaya wacho kana asingamude. He is going to teach himself to love her and chichavaparadzanisa rufu!
Vakazunza musoro amai vacho ndokubva vati,
Me : Zvino tinosvika tichitiwo chii ikoko? Ko tikangogara taregedzawo hedu kuenda. We will come up with an excuse yekuti ndarwara nekuti ummm, dzimwe hasha dzinomboitwa naMr Chibaya tinobvako tadumbirwa.
I clicked my tongue and said,
Me : Saka uri kutoti waronga ipapa semukadzi mukuru? Unenge une rimwe nemwana wako iwe! Aenda kupi Wayne?
Me : Hezvo! Nhai baba vaOwen.......zvaita sei? How am I supposed to know kwaari nhai?
Me : Ndinokuona zvangu ndakanyarara, rudo rwako kuna Lorinda nderwekumanikidzira. Mazuva enhumbu aya before DNA test waitoti nhumbu haingaite yaWayne kuita sekuti ndiwe une makey ezip dzematrousers ake. Wakataura iwe kuti Wayne ane musikana wake waunoziva. Ndiko kwaaenda here kunomumitisa futi?
Akafemera padenga kwave kudzungudza musoro achiti,
Her : Seiko muchitaura mashoko anorwadza kudaro? After DNA yati nhumbu ndeyaWayne makambonzwa ndichitaura chimwe chinhu here chokwadi?
Handina kumudaira chandakangoita kuwedzera speed and takanosvika pamba paChibaya takangonyarara. Pakanga patori nemota dzakawanda and zvaivepo zvainyatsoratidza kuti they had prepared well for the day. Wandakatanga kuona ndiye muroora Lorinda aitorwa maphotos aine vamwe vasikana, ndofunga ndizvo zvevaperekedzi veroora zvave kuitwa mazuva ano izvo. Paakaona mota yedu ndakaona ave kubva pane vamwe vake kwave kufamba akaita kakusimudza dress rake rakanga rakarebesa kuti asafambe achitsika. Ndakadzika mumota ave kutosvika padoor pangu, avo amai vandakanga ndinavo vakanga vakangogara vakati kwindi kunge muroyi aedzerwa vari mumota imomo. Akataura mwanasikana the very moment I opened my door achiti,
Lorinda : Daddy, good to see you here.
Sezvo rakanga riri zuva remafaro rekupemberera kuroorwa kwake nemwana wangu I did not see any harm in hugging her ndichimukorokotedza, ko akanga ave mwana wangu zve zviri official. I stretched my hands iye ndokubva auya achiita kuzvikanda mumaoko mangu achitaura kunge aida kuchema achiti,
Lorinda : Daddy, can you please call Wayne adzoke. Angobuda, everyone is beginning to whisper pano kuti murume andiroora anditiza. Pane hama dzine godo pano.........
Zvimwe zvaakataura handina kumbonyatsozvibata ini nekuda kwemareactions akanga ave kuitika mumuviri mangu nekumbundirana kwandakanga ndaita nemwanasikana uyu. Imika ndaifunga kuti ndachembera but ipapo ndakanyatsonzwa kuti ndiri jaya chairo. Zvandaifunga kuti zvakafa mumuviri mangu ndakanzwa zvese zvichimuka so kunzwa kamwe kakudikitira kaya kanoitika kana ropa raboiler mutsinga umu. Ndaingopuruzira musana achitaura zvichemo zvake pamusoro paWayne zvandakanga ndisinganzwe zvachose. Munoziva kuti pane dzimwe nguva dzinokurirwa pfungwa kushanda nemafeelings here imi? Ndizvo zvakaitika ipapo. Pfungwa dzakazodzoka mukushanda zvakanaka when mbuya vaMukundi vandakanga ndauya navo avo opened her door. Ndakamuregedza zvishoma zvishoma nekuti nyama yakanga isingadi. Iyewo ane nguva yaakazoita kakuvhunduka achiti,
Lorinda : Aaah, Mhamha .........sorry, stress dzaWayne ndidzo dzakandiwandira. Andisiya ndega mufunge, you are a lady seni munoziva kunyadzisa kwazvinoita.
Handina kunzwa hangu kuti vakamudaira vachiti kudii nekuti ndakabva ndafambisa ndichisuduruka ipapo. Ndakanga ndisisade kuramba ndiri closer to Lorinda, aaah........akanga andikwidza temperature zvandakanga ndisina kutarisira. Ndakazotambirwa naiye Chibaya mbune, masungiro aakanga akaita face yake aitongotaura pachena kuti mukono wakanga wakagumbuka. Semunhu ave mukuwasha ndakaombera maoko angu ndichiri nechekure naye ndichiti,
Me : Baba, tasvikawo mumusha menyu!
Dzakaswedera closer to me without changing his facial expression, takakwazisana hedu but dzaitobuditsa mushonga chaiwo wemashoko padzakanga dzakabata ruoko rwangu ipapo. He was saying,
Him : Mwana wako aenda kupi Willard? Why is he breaking my princess' heart zvakadaro? Heeee? Kunyadzisa mwana wangu kusvika pakadaro? Tell me, ari kuzorarama sei Lolo wangu nemwana wako wawakajaidza kusvika pakadaro? Kuda kungomushungurudza ka kuti nhumbu yake yaanayo ibve obva amurasa kunge used condom?
Murume anotaura zvaanoda iyeye kana mazogara. Ndakaita inonzi damage control sababa nekuti uyu Lolo waakanga ataura ndakanga ndave kutomuda kuti akasike apinda mumba mangu. Ndakabata dhara remhanza raiviruka iri pabendekete ndokubva ndati,
Me : Handina kuda kukuudzai paphone baba nyaya iripo. Kutaura kuno Wayne is on his way to Gweru. Boss wemasupermarkets aya ari kuGweru nekuKwekwe watinoitira zvecash in transit anga achipopota achitoda kuvharisa deal nesu, hamheno kamistake kakaitwa nevakomana vari ikoko so ndiyo nyaya yafambirwa naWayne kuti anogadzirisa.
Ndakaona face yake yati tambanukei but akabvunza again kuti,
Him : Ko kwadii kuenda Owen?
Me : Wayne is the best negotiator, vakomana ava ndinonyatsovaziva.
Akabva andibata ruoko achiti,
Him : Ndanga ndichifunga kuti atanga madrama ake mwana wako, if that's the case then come my old friend, let us celebrate the union of our children.
Takanopinda mutent makanga makatozara vamwe vanhu tave kutotaura tichiseka zvedu.
ASHLEY
Handina kuwana simba rekutarisana nemunhu wandakanga ndadhumha, ndakaita kakupfugama so kuti ndikwanise kunhonga mapiece ephone yangu. Chakanga chasara ipapo chaive nebasa raingove sim card chete. Ndakanga ndave kutofunga kuti imwe old phone yangu yaive pai ndiwane chekunofanoshandisa when I felt a pair of warm soft hands holding mine. Ndakasimudza musoro and my eyes met with emuridzi wemaoko akanga achakandibata aya. Ndakanyara kuramba ndakatarisana nemunhurume wandisingazive mumaziso so I quickly looked away. Akabva ataura ari very calm achiti,
Him : I'm so sorry beautiful, I am surely going to replace your phone.
Me : Thank you but no need, it was my mistake ndini ndafamba ndisina kutarisa kwandanga ndichienda.
Akaita kakuswededza musoro wake kwandiri zvekuti I felt his warm breath kumeso kwangu. Akatozonhonga mapiece ephone aya ari iye and pulled my hand helping me up. He then said,
Him : I'm sure we can get your phone around here.
Ndakadzungudza musoro ndichiti,
Me : No! It was just an accident and as I have said it was my mistake.
Him : I insist......how could I just ignore this? Uri kuda kuti ndinorarama ndakatakura guilty conscience hupenyu hwangu hwese here?
Takatomboita almost ten minutes tichingoitisana nharo chete ndikatozosvika pakuona kuti munhu wacho aive chandagwinyira chaiye so I ended up ndabvuma just to get away from him. Takananga muMobiTech ndokubva yangotengwa phone exactly yakanga ichangobva kupwanyika iyoyo. Vamwe vanhu havarwadziwe nemari munoziva. Everything had happened so fast and zvaisatonzwisisika kuti ndizvo zvakanga zvatoitika mukanguva kadikidiki ikako. I thanked him hamheno kuti kechingani tave kubuda mushop and tisati tawana zvakawanda zvatainge tataura his phone rang and madairiro aakaita munhu iyeye akanga akatomirirwa. He gave me his business card ndokubva atorawo number dzangu. Kunyangwe akanga akamirirwa akandiperekedza kusvika pamota yangu and takaonekana achindiudza mashoko ekuti “take care beautiful......I will get in touch with you soon.”
❤️
👍
🙏
😂
😮
152