L.T. MAHACHI NOVELS
January 29, 2025 at 07:15 PM
https://chat.whatsapp.com/G95gqVKg6Lu8XUDUhQnA5W FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : ECHOES OF THE HEART STORY BY L.T. MAHACHI O77799O714 O775O72O31 INSERT 9 WAYNE Ndakanyatsowana nguva yekufungisisa nezvehupenyu hwangu time yandakanga ndiri kumba kwaRegie, I told myself kuti ndichachata zvangu naye Lorinda wacho but I will not stay with her and munguva inenge chimuchato chisina basa ichocho chiri valid I will work towards kubuda mufamily business iro remubatanidzwa nababa vaLorinda iro. Reason yakaita kuti vagone kundisungirira ndeyekuti I am a shareholder and ndikange ndisina mashares ndinogona kuvaudza zvese zvandinoda in their faces. Zvemadhiri avo avanotya kuti vanoputitsirana naChibaya handinei nawo ini......pavakaita zvinhu zvavo izvozvo ndakanga ndisipo saka hazvife zvakandibata. Chainyanya kundidya moyo ndechekuti I invested in that business nemari yandakanga ndachengetera kuroora Ashie wangu paakazondiudza kuti anoda kuzopinda mumarriage after apedza masters yake. Ndakaronga zvakawanda mumusoro mangu ndakarara mubedroom mabhururu wangu who is playing part yaifanirwa kunge ichiitwa nemukoma wangu panguva inorwadza kudai muhupenyu hwangu. Iye Regie akanga ari busy with his work. Ndakapinda muspare bedroom maaishandira after about three hours of being alone in his bedroom. Akabvisa attention yake pacomputer ndokubva anditarisa achiti, Regie : My guy, zvirisei? Me : So so wangu, thank you so much for always being there for me. Regie : Pachedu chibaba, wazorora here? Toita sei, ndombokupa juice handiti? Ndakatoseka zvangu and said, Me : I was just doing a lot of thinking, zvejuice izvo usazvipe pressure. Kana ndave kuda something ndichanotsvaga ndega. Regie : Cool, so have you decided on something? Ndakadaira ndave kugara pacorner pedesk raaishandira ndichiti, Me : I have decided that I am not going to lead a miserable life ndichiitira kuti vamwe vanhu vafare. Lorinda handisi kuzogara naye, I will take care of mwana wangu. Ndichachata naye zvangu kuti vasakasike kuonera zvandiri kuronga. I will divorce her ndodzokera kuna Ashley wangu. My life will never be complete without that angelic soul. Regie : Sounds like you have a plan...... I'm glad. I think uri kufanirwa kumboonana naAshie zvamanjemanje umuudze zviri paground mufambe nesame pace. Ndakamudaira ndavhara maziso ndave kutoita visualize my queen's face. Ndakatombotura befu, only my heart can tell how much I miss her. Dzakatomboenda kure pfungwa ndave kufunga some of the best moments we have shared. Ndakatozobviswa mundangariro dzakadzama idzi nevoice raReginald when he said, Him : Are you ok man? Me : Yeah, kungoti pfungwa dzanga dzandiendesa kure. You were speaking about my woman! I don't want to break her heart again......tichazotanga kutaura kana zvinhu zvangu zvese zvave in order. Akandibvunza mubvunzo wakandibaya pakati pemoyo chaipo.......he said, Regie : Zvauri kuplanner izvi hazviitwe in one day and neither in a week nor a month. Anenge akangomirira izvozvo here Ashley asiri kuziva chokwadi chiri kuitika muhupenyu hwako? What about if she moves on? I sighed heavily again ndokubva ndaerekana ndataura confidently but without thinking ndichiti, Me : Ashley ndewangu Regie, kwatakabva kure. Everything within me is telling me that one day we will finally be happy together. He just shrugged and I said, Me : I will think about zvawataura though....... Regie : You have to think about it soon. Takazobuda muroom make maaiitira basa kwave kumbogara tichiona zvedu bhora. Nguva yese iyoyo my phone was off, ndakambofunga kunoita spend the night in a hotel but I ended up deciding to go kumba kwavo ikoko kunonzwa kuti vanoti kudii. Ndakasvika pamba just after 8pm and Owen's car was parked mushade kuratidza kuti akanga atoripowo. I used the kitchen entrance and mukitchen makanga muina helper chete, we greeted ndokubva anditi, Her : Vamwe vachangobva kupedza kudya. Ndokuvigirai here chikafu chenyu izvozvi. I told her not to worry about me, ndakanga ndatozvidyira zvangu kwaRegie ini. Pandakanopinda mulounge mavakanga vakagara vese vakabva vati zii vakaisa maziso avo kwandiri and as always Owen ndiye akatanga kutaura achitoita kunge aida kusimuka paakanga akagara achiti, Him : Finally you have decided to come back home after making the whole family stupids. Sure kuswera tichinyeba vanhu vakuru vakaita sesu because of your stubbornness! Me : Inga iwewe ndiwe munhu wandanyatsooneka wani. Zvekunyeba kwamanga mave kuita anga avewo madecisions enyu! Vakabva vakuma semombe chaiyo samusha vachitinyararidza tese vachiti, Dad : Sit down iwe Wayne! Ndine zvandiri kuda kutaura newe tibve tagara tajekeserana panyaya idzodzo. I went and sat next to my mother......the only person in the room akanga akanditarisa zvaive nekunzwa tsitsi mukati. Before I could whisper something to mum vakabva vataura zvakare sahwira vababa vaLorinda vachiti, Dad : Ummmm, watoroora hapasisina reverse. After the wedding wave kutozogara nemukadzi wako! Zvawaita nhasi handina kuzvifarira but I am not going to dwell on that. Chandiri kungoda kukuudza now zvinhu zvatawirirana natezvara vako. He paused for almost a minute as if vakanga vakamirira mhinduro yangu but pane zvese zvavakanga vabva kutaura hapana hangu chandakaona chaida kupindurwa. Vakazoenderera mberi vachiti, Dad : You will be staying with your wife here. You will not be moving out. Me : Why? Inga Owen nemukadzi wake havagare pano wani? Dad : Unonoshungurudza mwana wevaridzi. Maitiro ako tese tiri kumaona. Anofaka neBP nenhumbu iyoyo mwana wevaridzi nestress dzekupihwa newe tikashaya kuti tonozvireva kupi. Owen wekuganhira akabva atsinhirawo achiti, Him : You are very correct ipapo daddy, uyu anogona kutomuisira kana abortion pill chairo musadza. Vari kutofanirwa kugara pano vese ndiko kuti Lorinda ararame a peaceful life. Ndakamutarisa ndokubva ndamuti, Me : Owen, ndinokunyara zvakanyanya especially when your wife is around. Handisi mhondi ini yekuti ndingaite pfungwa dzekubvisa munhu nhumbu. Asi iwewe ndizvo zvaunoita magirlfriends ako aunoita behind mai Mukundi's back? Akasimuka achinge chamupupuri and charged towards me, nguva iyoyo ndakatobva ndatomirawo. Yaakanga ave kuda kutanga ndiyo yandaitoda ........stress dzangu dziri kuramba kuperera pakurova mapunching bag emugym, zvaakanga auya ega kudai ndaingoda kumupa two or three chete. Asati asvika pandiri momz vakabva vasimuka and stood pamberi pangu vachiti, Mum : Gara pasi Wayne, iwe Owen dzokera unotigarira pasi uko! Ita semunhu mukuru mhani. Haana kuzombonopagara pasi pacho Mandy akabva asimukawo akabata mwana kwave kutaura akaisa muromo mumhino achiti, Mandy : Handei kumba Owen. Ndakavatangira kubuda ndave kuenda kuroom kwangu, handizive kuti makasara muchitaurika kuti chii mumba imomo. ASHLEY I drove kwekanguva kadikidiki kuti ndingobva padhuze nepaakanga apinda chete. Ndakanoparker muparking lot yePick and Pay ndokubva ndabuditsa business card rake raakanga andipa muhandbag mandakanga ndarikanda. Chandakatanga kutarisa izita rake nekuti ndakanga ndisati ndariziva, rangu ndakanga ndamuudza when I gave him my number. "Munyaradzi Mariga.........." I whispered ndichiverenga ndokubva ndanotarisa face yake. I just found myself smiling. Face yake pacorner pekacard kadikidiki ikako yaive so charming just as he was in real life. Ndakazotarisa kuti kubasa kwake ndekupi ndikaona pakanzi "Mariga Transport and Logistics." and he was the director....... Ndakatoita almost thirty minutes ndakangogara muparking lot muya ndisina simba rekusimudza mota, ndaingosekerera ndega mufunge ndichiita replay zvakanga zvichangobva kuitika. I delayed kuisa sim card muphone nekutozeza kuti dai aindiphonera brain dzangu dziri zvadzakanga dziri panguva iyoyo ndaigona kutozongorotomoka chaiko. Kamwe kapfungwa kaiti watowana munyaradzi zvinhu hazvidi kunonokerwa kamwe kachiti dzikama mwanasikana. Ndakazoenda zvangu kumba and ndaitove in high spirits. Ndakanosvika nekunozvivharira muroom mangu. Ndakagadzirisa zvinhu zvese paphone yangu new one and nguva yandakanga ndave kuda kuphonera Thandi ndichimuudza about Munyaradzi akanga anditengera phone uyo yakabva yaringer phone yangu. Ndakanga ndisati ndaita save his number but ndakanyatsoiziva. Ndakaita "hello...." ndakanyatsodzikamira and I will be lying if I say I did not feel butterflies in my tummy when he said, Munyaradzi : Wafamba zvakanaka here beautiful? I was now getting worried, I have been trying your phone ichiramba. Me : I'm sure it's network, I'm good, thanks for checking on me. Iwewe uri seiwo? Munyaradzi : Zvandanzwa voice rako kudai ndave bhoo......I have been longing to hear something this sweet for a very long time. Ndakashaya chekudaira ini and akabva azoti, Him : Inzwaka Ashie, pandiri pane kabusy karipo so I will call later, ndanga ndichingoda kunzwa kuti wasvika bhoo here and I also have a big favor to ask. Me : Sure...... Munyaradzi : Ndokumbirawo kukuendesa out for dinner tomorrow.......
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 149

Comments